Kuungana Navadi Vorusununguko Rwakapiwa naMwari
ZVAPUPU ZVAJEHOVHA zvakasiana munzira dzakawanda zvikuru kwazvo. Izvo zvoga zvinotaura “mutauro wakachena.” (Zefania 3:9, NW) Izvo bedzi zvakabatana, zvazvine chiratidzo chinotsauranisa chorudo chakarondedzerwa naJesu Kristu. (Johane 13:35) Uye izvo zvoga zvinofarikanya rusununguko urwo Jesu Kristu akati zvokwadi yaizounza, sezvakanyorwa pana Johane 8:32 (NW), kuti: “Muchaziva zvokwadi, uye zvokwadi ichakusunungurai.”
Mashoko iwayo ayo Jesu Kristu, Mwanakomana waMwari, akanangidzira kuvadzidzi vake, akabvumikisa kuva echokwadi. Uye anonzwisiswa zvino kupfuura nakare kose neZvapupu zvose zviya zvaJehovha zvakapinda “Vadi Vorusununguko” Kokorodzano Dzoruwa. Purogiramu yekokorodzano yakajekesa kwavari mativi akasiana-siana orusununguko rwavo, nzira yavachafanira kurushandisa nayo, kuzvidavirira kuri pamwe chete norusununguko rwavo, uye kuropafadzwa kwavakaitwa kuva vanhu vakasununguka.
Idzi kokorodzano dzakakodzera nguva uye dzinoshanda dzakavamba muRutivi rwokuChamhembe pana June 7, 1991, muLos Angeles, California, U.S.A. Purogiramu yakazarurwa pa 10:20 a.m. nokupiwa kwenziyo, kuchiteverwa norwiyo nomunyengetero. Hurukuro yokuzarura yakanga iri hurukuro yakasimba yakavakirwa pana Jakobho 1:25. Mukuwirirana neThe Jerusalem Bible, iyi ndima inorava, kuti: “Munhu anotarira zvakatsiga pamutemo wakakwana worusununguko ndokuita ikoko muitiro wake—kusateerera uye ipapo kukanganwa, asi anoushandisa nokushingaira—achafara mune zvose zvaanoita.” Kungofanana nokutarira kwatinoita muchionioni kuona patinoda kuita vandudziko muchitarisiko chedu, naizvozvo tinoda kupfuurira kunzvera mutemo wakakwana waMwari uri worusununguko kuti tidzidze apo tinoda kuita chinjo muhunhu hwedu. Uye tinofanira kupfuurira kutarira muchionioni ichocho.
Tevere kwakauya hurukuro yasachigaro yaiti, “Munochingamidzwa, Imi Mose Vadi Vorusununguko.” Zvapupu zvaJehovha zvinoda rusununguko, uye zvinoda kuramba zvakasununguka. Mukurukuri akanokora mashoko zviremera zvapamutemo zvakaratidza kuti hapagoni kuva norusununguko pasina mutemo. Hungu, maKristu haana kusununguka kuita sezvaanoda asi akasununguka kuita kuda kwaJehovha. Anoda kushandisa zvakazara rusununguko rwawo asi kwete kurushatisa. Zvikurukuru chifo cha 1919 Zvapupu zvaJehovha zvave zvichifarikanya rusununguko rwakawedzerwa. Mukurukuri akadudza kusimbiswa kworusununguko mumisoro yekokorodzano nezvinyorwa zvechiKristu. Vakokorodzani vose vaizodzidza zvakawanda pamusoro porusununguko rwakapiwa naMwari nenzira yokurushandisa nayo.
Tsinhiro dzakakodzera nguva idzodzo dzakateverwa nebvunzurudzwo dzavadi vorusununguko vakafara kuvapo pakokorodzano. Kokorodzano dzakadaro inguva dzokufara, kunyange sezvo mitambo mitatu yegore negore yaIsraeri wakare yairatidzirwa nomufaro mukuru. Chiverengero chakati chebvunzurudzo chakabvumikisa kuti kokorodzano inguva dzokuvaka mumudzimu dzinofadza.
Ipapo kwakauya hurukuro chaiyo yaiti, “Donzo Nokushandiswa Kworusununguko Rwedu Rwakapiwa naMwari.” Kubva muiyi hurukuro vakokorodzani vakadzidza kuti Jehovha oga ane rusununguko rwakakwana nemhaka yokuti ndiye Chiremera Chikurusa uye ndowamasimba ose. Nokuda kwezita rake uye nokuda kwokubetserwa kwezvisikwa zvake, zvisinei, iye padzimwe nguva anoganhurira rusununguko rwake kupfurikidza nokuva anononoka kutsamwa uye kushandisa kuzvidzora. Zvose zvezvisikwa zvake zvakangwara zvine rusununguko rune mwero, nokuti zviri pasi paJehovha uye zvinoganhurirwa nemitemo yake yomuviri neyetsika. Jehovha akazvipa rusununguko nokuda kwokufarikanya kwazvo asi zvikurukuru kuti zvigomuunzira rukudzo nomufaro kupfurikidza nokumunamata. Nemhaka yokushandisa zvakanaka rusununguko rwazvo, Zvapupu zvaJehovha zvakawana mukurumbira wenyika yose nokuda kwomufambiro wakanaka nokushingaira muushumiri hwazvo.
Chishanu Masikati
“Vakabatikana—Mumabasa Akafa Kana Kuti Mubasa raJehovha Here?” wakanga uri musoro unonyandura kufunga wehurukuro yakazarura rusando rweChishanu masikati. Mabasa akafa anobatanidza kwete bedzi ayo enyama asiwo mamwe ayo akafa mumudzimu, asina maturo, uye asina zvibereko—akadai segadziriro dzokuita mari. Muna ikoku, kuzvinzvera umene kwokutendeseka kunokosha kusarudza kana tiri kuisa Umambo pakutanga muupenyu.
Yakanga ine donzo rimwe chetero zvikuru yakanga iri hurukuro yaitevera, “Kuita Basa Redu Savashumiri vaMwari.” Mukurukuri akaratidza kuti maKristu haafaniri kuzvigutsa amene nebasawo zvaro rinopiwa kana kuti nokungosvitsa bedzi chiverengero chakati chamaawa. Anofanira kuda kuva anobudirira mumativi ose ohushumiri hwawo hwechiKristu. Aya mapfundo akasimbiswa kupfurikidza nomuenzaniso nebvunzurudzo. Vose vakapangirwa kuita hushumiri hwavo kusvikira kutambanuko yakazara zvikurusa inobvira.
Muhurukuro yaiti “Rudzi Rwakasununguka Bva Runozvidavirira,” Mukurukuri akasimbisa kuti kunyange zvazvo vanhu vaJehovha vachikoshesa rusununguko rwavakaunzirwa nezvokwadi, vanofanira kuyeuka kuti kuzvidavirira kuri pamwe chete narwo. Vanofanira kushandisa rusununguko rwavo, kwete sepembedzo yomufambiro wakashata, asi kukurumbidzwa kwaJehovha. SamaKristu, vanozvidavirira ku“zviremera zvikuru” uye vanofanirawo kubatira pamwe navakuru veungano. (VaRoma 13:1, NW) Kupfuurirazve vanozvidavirira nokuda kwomupfekero wavo, kutsvinda, uye mufambiro. Havatongofaniri kukanganwa kuti “mumwe nomumwe wedu achazvidavirira amene kuna Mwari.”—VaRoma 14:12, NW; 1 Petro 2:16.
Ipapo kwakatevera kurukurirano yokudikanwa kwokuti maKristu ose ave no“Kusava Norutyo Sezvo Mugumo Wenyika Ino Unoswedera Pedyo.” Apo rudzi rwomunhu ruri kutya pamusoro peizvo nguva yemberi ingaunza, maKristu anodikanirwa kusava norutyo rwokuita hushumiri hwawo. Kusatya muuyo wokuvimba naJehovha, nokuti kana muKristu achitya zvikuru kutsamwisa Mwari, achatya zvisikwa zvishoma. Kuziva nomusoro magwaro anonyaradza kunogona kusimbisa munhu kuva asingatyi. Kuti vave vakasimba mumudzimu navasingatyi, vabatiri vaMwari vanodawo kushandisa zvakanaka mabanza ose okusonganirana navatendi biyavo. Mumwe nomumwe anodawo kuyeuka basa rinoita munyengetero mukusava norutyo. Kupfurikidza nokuramba asingatyi, maKristu achachengeta ukama hwakaisvonaka naJehovha Mwari.
Purogiramu yezuva rokutanga yakaguma nechinoitika chinorairidza zvikuru Vakasunungurwa kuti Vasimudzire Kunamata Kwechokwadi. Chakaratidza nzira iyo mhuri yomuzuva razvino uno yakadzidza nayo chidzidzo kuna Ezra neboka rake ravane 7 000, vakarega chimwe chinhu kuti vadzokere kuJerusarema. Chakagonesa mukokorodzani mumwe nomumwe kunzvera zvinhu zvake zvokutanga ndokuona nzira yaangagona kuwedzera nayo ropafadzo dzake dzebasa. Ichi chinoitika chakanga chine chimwe chinhu nokuda kwavakuru navaduku zvakafanana.
Chitanhatu Mangwanani
Pashure pepurogiramu yenziyo, rwiyo, munyengetero, uye kurukurirano yorugwaro rweBhaibheri rwezuva nezuva, purogiramu yeChitanhatu mangwanani yakasimbisa hurukuro yokusiirana yaiva nomusoro unoti “Rusununguko Rune Mutoro Muboka Remhuri.” Murutivi rwokutanga, “Nzira Iyo Madzibaba Anogona Kutevedzera Nayo Jehovha,” madzibaba akapiwa zano panzira dzakasiana-siana idzo anogona kutevedzera nadzo Baba vedu vokudenga. Timotio Wokutanga 5:8 inoda kuti vagovere kwete mune zvokunyama bedzi asiwo mune zvomudzimu. Vanotevedzera Jehovha kupfurikidza nokuva vadzidzisi vakaisvonaka vemhuri dzavo uye kupfurikidza nokugovera chirango chorudo sechinodikanwa. Aya mapfundo akaenzanisirwa nebvunzurudzo dzinoverengeka.
“Rutivi Rwokutsigira Rwomudzimai” rwakanga ruri rutivi rwakatevera rweiyi hurukuro yokusiirana. Yakavamba nokusimbisa kuti mudzimai ane nzvimbo inokudzwa mumhuri yechiKristu, iya yokuva anotsigira. Ikoku kunodei kwaari? Kuti ave anozviisa pasi nenzira yakafanira, asingatongodzvinyiriri murume wake kuita chimwe chinhu chaanoda iye bedzi. Anofanira kutarisira zvakanaka misengwa yake kumurume wake navana, uye anogona kuwana gutsikano chaiyoiyo kubva mukuchengeta musha wake wakachena uye wakatsvinda. Uye somushumiri wechiKristu, iye angava namabanza akawanda okupinda mubasa romumunda. Bvunzurudzo nemhuri yakasimbisa uchenjeri hwezano rapaMagwaro rakadaro.
Vanhu vaduku vakagamuchira ngwariro murutivi rwaiti “Vana Vanoteerera Uye Vanodzidza.” Kupfurikidza nokurovedza vana vavo kuteerera uye kudzidza, vabereki vanounza rukudzo kuna Jehovha uye vanoratidza rudo nokuda kwehama dzavo dzomudzimu uye nokuda kwavana vavo vamene. Chisungo chakasimba chichavapo pakati pavabereki navana kana vakapedzera nguva yakanaka pamwe chete. Vabereki vanofanira kuva vakashongedzerwa kupindura mibvunzo yavana vavo ndokunyandura kuda kwavo zivo. Zvakare, bvunzurudzo dzakaratidza kuti ikoku kunogona kuitwa sei.
Tevere kwakauya zano rakaisvonaka rokuti “Zvichengete Umene Wakasununguka kuti Ubatire Jehovha.” Ikoku kunoitwa sei? Kupfurikidza nokuramba wakasununguka pakuronda mabasa enyika, mitambo inopedza nguva, uye nharidzano dzokudisa zvenyika. Jesu nomuapostora Pauro vakatigadzira mienzaniso yakaisvonaka kupfurikidza nokuva vanozvibaira vamene. Vanhu vaJehovha vanofanira kuchengeta ziso rakapfava, rakanangidzirwa pafariro dzoUmambo. Pakunouya kukuwana zvinhu zvokunyama, kuchenjera zvikuru kuchengeta zvino ndokutenga gare gare kupfuura kutenga zvino ndokubhadhara gare gare. Pwere dzinofanira kudzivisa kuzvinyengera pamusoro pemifarwa yevatano namabasa okunyika. Bvunzurudzo yapiona asina kuroora yakaratidza zvikomborero zvinouya apo mumwe anoramba akasununguka kuti abatire Jehovha.
Purogiramu yeChitanhatu mangwanani yakaguma nehurukuro inoti “Pinda Murusununguko kupfurikidza Netsauriro Norubhapatidzo.” Vanoda kubhapatidzwa vakayeuchidzwa kuti nepo chisiko chakanga chapinzwa muuranda kupfurikidza nokupandukira kwaAdhama, Musununguri ane simba, Jesu Kristu, akazarura nzira yokurusununguko kupfurikidza nechibairo chake. Mukurukuri akaratidza chakabatanidzwa mukusununguka kuti tiite kuda kwaMwari ndokusimbisa misengwa nezvikomborero zvingava zvaavo vaibhapatidzwa.
Chitanhatu Masikati
Purogiramu yeChitanhatu masikati yakavamba nomubvunzo unonzvera mwoyo unoti “Ibetsero Yaaniko Yauri Kutsvaka?” Nyika inoratidzira mudzimu woudyire waDhiabhorosi. Zvisinei, maKristu anofanira kutevedzera mudzimu wokuzvibaira waJesu Kristu. Muenzaniso wakadini waakagadza! Iye akasiya mbiri yokudenga uye ipapo akabaira upenyu hwake hwohunhu nokuda kwokubetserwa kwedu. Denho pamusoro pokuti ibetsero yaani yatiri kutsvaka dzinooneka apo kunova nokusanzwisisana pakati pamaKristu munhau dzebhizimisi kana kuti dzemari, apo kunova nebonderano dzohunhu, uye zvichingodaro. Zvinhu zvakadaro zvinoedza rudo rwechiKristu. Asi kupfurikidza nokutsvaka betsero yavamwe, munhu ane chokwadi chokuwana chikomborero chikuru zvikuru chokupa, uye achawana tendero yaJehovha.
Ipapo kwakatevera musoro unowirirana zvikuru waiti “Kuziva uye Kukurira Utera Hwomudzimu.” Iyi hurukuro yakasimbisa kudikanwa kwokuziva zviratidzo zvoutera hwomudzimu uye ipapo kuita nenzira yakasimba mukurwisa kukurira Satani nemisungo yake. Vabatiri vaJehovha vanofanira kusakurira rudo rukuru nokuda kwake nokuvengwa kwechakaipa. Ikoku kunoda kuti vasvike pakuziva Jehovha kupfurikidza nefundo yeBhaibheri yenguva dzose, ine donzo yomunhu oga uye yemhuri. Vanofanira kudzivisa zvimiro zvose zvevaraidzo izvo zvinorumbidza masimba masimba noutere hwevatano. (VaEfeso 5:3-5) Munyengetero wenguva dzose uye kupinda misangano zvinokoshawo zvikuru kubudiriro yokukurira utera hwomudzimu.
Zvichida yakaparira kurukurirano zvikuru kupfuura imwe hurukuro ipi neipi yakapiwa yakanga iri imwe yaiva nomusoro unoti “Roorano Chikiinuriso Chomufaro Here?” Vanhu vaduku vakawanda kwazvo vanofunga kudaro! Asi mukurukuri akakujekesa kuti kune zvisikwa zvisingaverengeki zvomudzimu zvakatendeka zvinofara kunyange zvazvo zvisina kuroora, kunyange sezvo maKristu akawanda akazvitsaurira achifara kunyange zvazvo asina kusungwa muroorano. Kupfuurirazve, varoorani vakawanda havafari, sezvinoratidzirwa nomwero mukuru wechatanuro. Mumwe anongoda chete kurangarira zvikomborero zvakawanda izvo maKristu ose akazvitsaurira anofarikanya kuti azive kuti roorano, kunyange zvazvo ichigona kuva chikomborero, haisati iri chikiinuriso chomufaro.
Iyoyi yakateverwa nehurukuro yokusiirana yaiva nomusoro unoti “Rusununguko rwechiKristu Muzuva Redu.” Mukurukuri wokutanga akakurukura inoti “Kukoshesa Mativi Orusununguko Rwedu rwechiKristu.” Iwaya anobatanidza rusununguko mudzidziso dzorudzidziso rwenhema dzakadai soUtatu, kusafa kwomweya womunhu, uye kutambudzwa kusingaperi. Ipapo kune rusununguko muusungwa hwouranda kuchivi. Kunyange zvazvo maKristu asina kukwana, akasununguka mumiitiro yakaipa yakadai sokusvuta, kubhejera, udhakwa, uye kusasarura muvatano. Kunewo rusununguko mukusava netariro, nokuti vane tariro yakajeka yeParadhiso inovasunda kuudza vamwe pamusoro payo.
Mukurukuri akatevera akabvunza mubvunzo unoti “Iwe Pachako Unokoshesa Rusununguko Rwakadaro Here?” Kukoshesa kunoreva kuda, kutarisira nengwariro. Kuti aite kudaro, mubatiri waMwari anofanira kudzivisa kuedzwa kupfuura miganhu yorusununguko rwechiKristu. Rusununguko rwenyika inhema inonyengera, nokuti runoguma nokuva muuranda kuchivi nokuora.
Mukurukuri wokupedzisira mune iyi hurukuro yokusiirana akataura pamusoro unoti “Vadi Vorusununguko Vanomira Vakasimba.” Kuti aite kudaro, maKristu anofanira kunamatira zvikuru kuvabereki vawo vokudenga, Jehovha nesangano rake rakafanana nomudzimai. Vanhu vaJehovha havagoni kuzvibvumira vamene kutsauswa nenhema dzokuwa pakutenda; vanofanira kuramba avo vanouya nezvikarakadzo zvoutere. Kuti amire akasimba murusununguko rwoumwari, maKristu anofanira kuva a“chirarama nomudzimu.”—VaGaratia 5:25, NW.
Hurukuro yokupedzisira yezuva racho yakanga iri manyuko chaiwo omufaro. Yaiva nomusoro unoti “Munhu Mukurusa Ati Amborarama.” Jesu Kristu akanga ari munhu mukurusa, nokuti akatapura upenyu hworudzi rwomunhu nesimba zvikuru kupfuura hondo dzose, ngarava dzehondo, maparamende, uye madzimambo zvikaiswa pamwe chete. Iye akanga ari Mwanakomana waMwari, uyo akanga aripo mudenga pamberi pokuuya kupasi. Jesu akasanotevedzera kwazvo Baba vake vokudenga mune zvaakataura uye kudzidzisa uye nzira yaakararama nayo zvokuti aigona kutaura, kuti: “Wandiona ini, waona Baba.” (Johane 14:9) Jesu akasanoratidzira sei kuti “Mwari rudo”! (1 Johane 4:8) Pashure pokukurukura kwenguva refu mavara aJesu, mukurukuri akadudza kuti nhevedzano yenyaya dzine musoro unoti “Upenyu hwaJesu Noushumiri” dzakanga dzabudiswa muNharireyomurindi chibviro chaApril 1985. Mukupindura zvikumbiro zvakawanda, Sosaiti zvino yakanga ichibudisa bhuku idzva rinonzi Munhu Mukurusa Ati Amborarama. Rine maganhuro 133 uye rakatsikirirwa muruvara rwakazara. Mashoko ari munhevedzano akapepetwa, uye ose zvawo akabatanidzwa mumapeji 448 ebhuku racho. Zvirokwazvo, iri zuva rekokorodzano rakaguma nomufaro mukuru zvikuru!
Svondo Mangwanani
Pakuvamba murusando rweSvondo mangwanani kwakauya hurukuro yokusiirana, yaiti “Kubatira Savaredzi Vavanhu.” Hurukuro inoti “Kubata Hove—Chaidzoidzo Nedzokufananidzira” yakavanzarika hwaro hwehurukuro dzakatevera. Mukurukuri akaratidza kuti pashure pokunge Jesu aparira kubatwa kwenenji kwehove, akakoka varedzi vakabatanidzwa kuva varedzi vavanhu. Kwenguva yakati, Jesu akarovedza vadzidzi vake kuva varedzi vavanhu, uye kuvamba nePentekosta 33 N.V., vakabudirira mukubetsera varume navakadzi vazhinji kuva vadzidzi.
Mukurukuri akatevera akabata nomufananidzo worutava wakanyorwa pana Mateo 13:47-50. Iye akaonesa kuti rutava rwokufananidzira rwaibatanidza vose vari vaviri maKristu akazodzwa nechiKristudhomu, vapashure nemhaka yebasa rinoitwa mukushandura, kubudisa, uye kuparadzira maBhaibheri, kunyange zvazvo nhamburiko idzodzi dzakaunganidza zviverengero zvikuru zvehove dzisina kukodzera. Zvikurukuru chibviro cha 1919 kwave kune basa rokuparadzanisa, hove dzisina kukodzera dzichiraswa, apo dzakakodzera dziri kuunganidzwa muungano dzakafanana nemidziyo dzakabatsira kudzivirira nokuchengetedza maKristu echokwadi nokuda kwebasa roumwari.
Hurukuro yechitatu, “Kuredza Vanhu Mumvura Dzenyika Yose,” yakasimbisa musengwa wamaKristu ose akazvitsaurira wokugoverana mukuredza kwenyika yose. Zvino vanopfuura 4 000 000 vari kugoverana muiri basa munyika 200, uye mumakore achangobva kupfuura vanosapfuura 230 000 vakabhapatidzwa gore negore. Vose vavanhu vaJehovha vakakurudzirwa kuvandudza unyanzvi hwavo hwokuredza, uye “varedzi” vanoverengeka vanobudirira zvikuru vakabvunzurudzwa.
Muhurukuro yakatevera, yaiva nomusoro unoti “Kuramba Takamuka Mu‘nguva Yomugumo,’” mukurukuri akadudza yamuro nomwe dzokubetsera vanhu vaMwari kuramba vakamuka: kurwisa zvinotsausa, kunyengetera, kuzivisa nyevero pamusoro pomugumo wetsika ino yezvinhu, kunamatira kusangano raJehovha, kuzvinzvera, kufungisisa zviporofita zvakazadzika, uye kurangarira kuti ruponeso rwavo rwava pedyo zvikuru kupfuura pavakava vatendi.
Purogiramu yamangwanani yakaguma nekurukurirano yokuti “Ndianiko Achapukunyuka ‘Nguva Yenhamo’?” Mukurukuri akaratidza nzira iyo uporofita hwaJoere hwakava nomwero wakati wezadziko munguva dzavaapostora, hwakanga huchiva neimwe zadziko zvino, uye huchava nezadziko yakakwana munguva yemberi iri pedyo.
Svondo Masikati
Purogiramu yamasikati yakavamba nehurukuro yavose, “Kuchingamidza Nyika Itsva yaMwari Yorusununguko!” iyi hurukuro yakapfuuridzira musoro wekokorodzano worusununguko. Kwakaoneswa kuti Shoko raMwari rinodeya kutaura nyika itsva umo muchava norusununguko mudzvinyiriro dzinoitwa namasangano orudzidziso rwenhema, ezvamatongerwe enyika, ezvemari, uye ourudzi. Muchavawo norusununguko pachivi norufu. Utano hwakakwana huchadzorerwa kuti vanhu vazokwanisa kurarama nokusingaperi mumufarwa muparadhiso yapasi. Nokudaro, vadi vokururama vane chikonzero chiri chose chokurumbidza Muiti wenyika itsva kupfurikidza nokudanidzira kuti: “Tinokuongai, Jehovha, nokuda kworusununguko pakupedzisira!”
Hurukuro yavose yakateverwa nechimwe chinhu chitsva nokuda kwekokorodzano dzoruwa—kurukurirano yechidzidzo chevhiki racho muNharireyomurindi. Ipapo kokorodzano yakasvika kumugumo nehurukuro inonyandura nezano “Vadi Vorusununguko, Rambai Muchienderera Mberi.” Mukurukuri akabata nokupfupikisa namapfundo makuru omusoro wekokorodzano worusununguko. Akasimbisa kuti vanhu vaJehovha vanofara sei nemhaka yorusununguko rwavo, akadudza nzira umo maKristu akanga aita fambiro mberi, uye akavakurudzira kuramba vachienderera mberi vakabatana kuti vagokohwa zvimwe zvikomborero. Iye akagumisa namashoko, okuti: “Sezvatinoita ikoku, Jehovha ngaapfuurire kukomborera mumwe nomumwe kuti tigoramba tichienderera mberi savadi vorusununguko.”
“Zvisikwa zvakaiswa pasi pezvisingagari, zvisingadi hazvo, asi nokuda kwaiye wakazviisa pasi pazvo, zvichitarira kuti zvisikwa zvimene zvisunungurwewo pauranda hwokuora, zviiswe pakusunungurwa kwokubwinya kwavana vaMwari.”—VaRoma 8:20, 21.
[Mifananidzo iri papeji 25]
Nhume duku kukokorodzano muPrague, Czechoslovakia
[Mifananidzo iri papeji 26]
1. Vanoda kubhapatidzwa vachienda kunzvimbo yorubhapatidzo muPrague, Czechoslovakia
2. Kubhapatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha muTallinn, Estonia
3. Zvinyorwa zvitsva zvakaunza mufaro kuvakokorodzani muUsolye-Sibirskoye, Siberia
4. Kubudisa “New World Translation of the Holy Scriptures” muCzech neSlovak pakokorodzano muPrague