Mibvunzo Inobva Kuvaravi
Ko Farao akaroora zvomenemene Sara, mudzimai waAbrahama, sezvakunooneka mukushandurwa kwaGenesi 12:19 mudzimwe shanduro dzeBhaibheri here?
Aiwa, Farao akadziviswa kutora Sara (Sarai) somudzimai wake. Nokudaro, rukudzo rwaSara nechiremera hazvina kuzvidzwa.
Tinobetserwa kuona ikoku kupfurikidza nokunzvera mugariro wacho mumashoko awo akapoteredza. Nzara yakamanikidzira Abrahama (Abrama) kutsvaka utiziro muEgipita kwenguva yakati. Iye akatya kuti upenyu hwake hungava mungozi imomo nemhaka yomudzimai wake akaisvonaka, Sara. Abrahama akanga achigere kubereka mwanakomana kupfurikidza naSara, naizvozvo kudai iye akasangana norufu muEgipita, mutsara weMbeu waizogurwa, Mbeu kupfurikidza nayo mhuri dzose dzapasi dzaizokomborerwa. (Genesi 12:1-3) Naizvozvo Abrahama akaraira kuti Sara azvizivise amene sehanzvadzi yake, nokuti iye chaizvoizvo akanga ari hanzvadzi yake kuna baba.—Genesi 12:10-13; 20:12.
Rutyo rwake rwakanga rwuri rusina hwaro. Nyanzvi August Knobel yakatsanangura, kuti: “Abrama akakumbira Sarai kuzviratidza amene sehanzvadzi yake muEgipita kuti agorega kupondwa. Kudai akarangarirwa somukadzi akaroorwa, muEgipita aingogona bedzi kumuwana kupfurikidza nokuuraya murume wake nomwene; kudai akarangarirwa sehanzvadzi, kwaiva nokubvira kwokumuwana kuhanzvadzi yake kupfurikidza nomutoo woushamwari.”
Machinda eEgipita, zvisinei, haana kupinda mukurukurirano naAbrahama pamusoro pokuroora Sara kwaFarao. Ivo vakangopinza zvavo Sara akaisvonaka muimba yaFarao, uye mutongi weEgipita akapa iyo yainzi hanzvadzi yake, Abrahama, zvipo. Asi pashure paikoku, Jehovha akabata imba yaFarao namadambudziko. Apo mugariro wechokwadi wakaziviswa kuna Farao nenzira isingataurwi, iye akati kuna Abrahama: “Warevereiko uchiti: ‘Ihanzvadzi yangu?’ Naizvozvo ndakamutora kuti ave mukadzi wangu; naizvozvo zvino hoyu mukadzi wako, mutore, uende hako.”—Genesi 12:14-19.
The New English Bible nedzimwe shanduro dzeBhaibheri dzinoshandura chikamu chiri pamusoro apa chakatsveyamiswa mashoko chendima kuti “zvokuti ndakamutora somudzimai” kana kuti mashoko akafanana. Nepo kusiri hako kushandurwa kwakaipa, mashoko akadaro angagona kupa murangariro wokuti Farao akanga zvomenemene aroora Sara, kuti roorano yakanga iri idi rakaitwa. Kungacherechedzwa kuti pana Genesi 12:19 chiito chechiHebheru chakashandurwa kuti “kutora” chiri mumugariro usina kukwana, uko kunoratidzira chiito chichigere kupedzwa. New World Translation inoshandura ichi chiito chechiHebheru mutsinhirano namashoko akapoteredza uye nenzira inoratidzira zvakajeka mugariro wechiito—“zvokuti ndakanga ndodokumutora somudzimai wangu.”a Kunyange zvazvo Farao akanga “odokutora” Sara somudzimai wake, akanga achigere kupedza muitiro upi kana upi kana kuti chinoitika chakabatanidzwa.
Abrahama akawanzotsoropodzwa nokuda kwokusvika kwake kunhau yacho, asi iye akaita mufariro dzeMbeu yakapikirwa uye nokudaro dzorudzi rwose rwomunhu.—Genesi 3:15; 22:17, 18; VaGaratia 3:16.
Panhambo yakaenzana iyo yakanga ine ngozi inobvira, Isaka akaita kuti mudzimai wake, Rebheka, adzivise kuwadzanyura mugariro wake wokuroorwa. Panguva iyoyo mwanakomana wavo Jakobho, kupfurikidza naye mutsara weMbeu waizouya, akanga atoberekwa uye sezviri pachena akanga ari murume muduku. (Genesi 25:20-27; 26:1-11) Kunyanguvezvo, donzo raiva seri kweiri zano rakarurama raigona kusanova raiva rimwe chetero neraAbrahama. Mukati menzara Isaka nemhuri yake vakanga vachigara munyika yamambo weFiristia ainzi Abhimereki. Kudai iye akaziva kuti Rebheka akanga akaroorwa naIsaka, Abhimereki angadai akaronda nzira yokuponda mukurwisana navasara vose vemhuri yaIsaka, uko kwaigona kuva kwakareva rufu nokuda kwaJakobho. Muchinoitika chinowo, Jehovha akapindira kuti adzivirire vabatiri vake nomutsara weMbeu.
[Mashoko Omuzasi]
a Shanduro yakaitwa naJ. B. Rotherham inorava, kuti: “Neiko wakati, iye ihanzvadzi Yangu; uye naizvozvo ndakanga ndodokumutora kwandiri kuti ave mudzimai?”