Chizvarwa cha 1914—Neiko Chichikosha?
“Varavi vedu vanoziva kuti kwamakore akati tave tichikarira iyi Nhambo kuguma nenguva inotyisa yenhamo, uye tinoikarira kutanga nokukurumidza nesimba isati iri nguva refu pashure paOctober, 1914.”—Kubva muThe Watch Tower and Herald of Christ’s Presence, May 15, 1911.
CHIFO cha 1879 magazini yaizivikanwa panguva iyeyo seThe Watch Tower and Herald of Christ’s Presence (zvino inozivikanwa seNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha) kazhinji kazhinji yainongedzera kuna 1914 segore rakaratidzirwa muuporofita hweBhaibheri. Sezvo gore racho raiswedera, varavi vakayeuchidzwa kuti “nguva inotyisa yenhamo” yaigona kukarirwa.
Aya mashoko akabudiswa zvakafara namaKristu, ayo aiavakira panzwisiso yawo ye“nguva nomwe” ne“nguva dzaVamarudzi” dzinodudzwa muBhaibheri.a Akanzwisisa iyi nhambo kuva makore 2 520—ichitanga nokukurirwa kwoumambo hwaDhavhidhi hwakare muJerusarema uye ichiguma muna October 1914.b—Dhanieri 4:16, 17; Ruka 21:24, King James Version.
Pana October 2, 1914, Charles Taze Russell, panguva iyeyo purezidhendi weWatch Tower Bible and Tract Society, akazivisa noushingi, kuti: “Nguva dzaVamarudzi dzaguma; madzimambo avo ava nezuva ravo.” Mashoko ake akabvumikisa kuva echokwadi sei! Chisingaoneki kumeso avanhu, muna October 1914 chinoitika choukoshi hunozunungusa nyika chakaitika mudenga. Jesu Kristu, Mugari weNhaka wechigarire we“chigaro choumambo chaDhavhidhi,” akatanga kutonga kwake saMambo parudzi rwose rwomunhu.—Ruka 1:32, 33, NW; Zvakazarurwa 11:15.
‘Asi,’ ungabvunza kudaro, ‘kana Kristu akavamba kutonga muna 1914, neiko migariro pasi pano yakava yakaipa zvikuru?’ Nemhaka yokuti muvengi asingaoneki worudzi rwomunhu Satani akanga achiripo. Kutozosvikira 1914, Satani akanga achigona kusvika kudenga. Mugariro iwoyo wakachinja nokugadzwa kwoUmambo hwaMwari muna 1914. “Hondo yakatanga mudenga.” (Zvakazarurwa 12:7, NW) Satani namadhemoni ake vakakurirwa ndokukandirwa kupasi, nemiuyo ine ngwavaira parudzi rwomunhu. Bhaibheri rakadeya kutaura, kuti: “Mune nhamo imi nyika negungwa, nokuti mweya wakaipa wakaburukira kwamuri akatsamwa kwazvo, nokuti unoziva kuti uchine nguva duku.”—Zvakazarurwa 12:12.
Muzana rokutanga ramakore N.V., Jesu akataura kuti kuvapo kwake kusingaoneki saMambo mutsva wapasi kwaizoratidzirwa nechiratidzo chinooneka. Iye akabvunzwa, kuti: “Chiratidzo chokuuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipiko?” Mhinduro yake? “Rudzi ruchamukira rudzi, noushe huchamukira ushe; nenzara dzichavapo, nehosha, nokudengenyeka kwenyika kunzvimbo zhinji. Asi zvinhu izvozvi zvichava kutanga kwenhamo.”—Mateo 24:3, 7, 8.
Naizvozvo, hondo yakatanga muna 1914 yakaperekedzwa nokuperevedza kwezvokudya kwakaipa, sezvo kugadzirwa kwenguva dzose kwezvokudya kwakadzongonyedzwa kweanopfuura makore mana. Zvakadiniko no“kudengenyeka kwenyika kunzvimbo zhinji”? Mumakore gumi pashure pa 1914, kudengenyeka kwapasi kunoparadza kusiri pasi pegumi kwakauraya vanhu vanopfuura 350 000. (Ona bhokisi.) Zvamazvirokwazvo, chizvarwa cha 1914 chakatambura “kutanga kwenhamo.” Uye chifo chenguva iyoyo, marwadzo enhamo akarova nguva dzose muchimiro chengwavaira dzomusikirwo, nzara, uye hondo dzakawanda zvikuru.
Kunyanguvezvo, mashoko okugadzwa kwoUmambo hwaMwari muna 1914 mashoko akanaka nemhaka yokuti Umambo ihwohwo huchadzivisa pasi rino mukuparadzwa. Seiko? Huchabvisa marudzidziso ose enhema, anonyengera, hurumende dzakaipa, uye pesvedzero yakaipa yaSatani. (Dhanieri 2:44; VaRoma 16:20; Zvakazarurwa 11:18; 18:4-8, 24) Uyezve, huchapinza nyika itsva umo “kururama kuchagara.”—2 Petro 3:13, NW.
Nokukurumidza pashure peHondo yeNyika I, Vadzidzi veBhaibheri vapachokwadi, sezvo Zvapupu zvaJehovha zvaizivikanwa panguva iyeyo, vakavamba kunzwisisa ropafadzo yavo pamusoro porumwe rutivi rwechiratidzo chokuvapo kwaJesu saMambo. Jesu Kristu akadeya kutaura, kuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.”—Mateo 24:14, NW.
Kubva mumavambo maduku muna 1919, Zvapupu zvaJehovha zvakapfuurira zvisingaregi kuparadzira “aya mashoko akanaka.” Somuuyo, mamirioni anobva munyika dzinopfuura 200 ari kuunganidzwa zvino savadzorwi voUmambo hwaMwari. Uye zvikomborero zvakadini zvakamirira vadzorwi ivava! Umambo hwacho huchaparadza hondo, nzara, utsotsi, uye udzvinyiriri. Huchatokurira chirwere norufu!—Pisarema 46:9; 72:7, 12-14, 16; Zvirevo 2:21, 22; Zvakazarurwa 21:3, 4.
Chizvarwa cha 1914 chisati chapfuura, basa rokuparidzira Umambo richave rapedza donzo raro. “Nenguva iyo,” Jesu akadeya kutaura kudaro, “kuchavapo kutambudzika kukuru, kusati kwambovapo kwakadaro, kubva pakutanga kwenyika kusvikira zvino, uye hakuchazovipo. Dai mazuva iwayo asaitapudzwa, hakune nyama yairarama, asi nokuda kwavakasanangurwa mazuva iwayo achatapudzwa.”—Mateo 24:21, 22.
Usaita chikanganiso icho chizvarwa chapamberi pa 1914 chakaita. Zvinhu hazvisati zvichizopfuurira nguva dzose sezvazviri zvino. Chinjo dzinokatyamadza dziri mberi. Asi nokuda kwaavo vanoita nokuchenjera, kune kariro dzinoshamisa.
Teerera, ipapoka, mashoko omuporofita wekare, anoti: “Tsvakai Jehovha, imi mose vanyoro venyika . . . tsvakai kururama, tsvakai unyoro; zvimwe mungavandika nezuva rokutsamwa kwaJehovha.” (Zefania 2:3) Tinogona sei kushandisa iri zano? Nyaya dzinotevera dzichabetsera kupindura mubvunzo iwoyo.
[Mashoko Omuzasi]
a Peji yomusoro yeScenario of the Photo-Drama of Creation, 1914.
b Nokuda kwohumwe udzame, ona ganhuro 16 yebhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Chati iri papeji 7]
Kudengenyeka Kwapasi Mumakore Gumi Pashure pa 1914
Musi: Nzvimbo: Nzufu:
January 13, 1915 Avezzano, Italy 32 600
January 21, 1917 Bali, Indonesia 15 000
February 13, 1918 Kwangtung Province, China 10 000
October 11, 1918 Puerto Rico (yokumadokero) 116
January 3, 1920 Veracruz, Mexico 648
September 7, 1920 Reggio di Calabria, Italy 1 400
December 16, 1920 Ningsia Province, China 200 000
March 24, 1923 Szechwan Province, China 5 000
May 26, 1923 Iran (kuchamhembe 2 200
kwakadziva kumabvazuva)
September 1, 1923 Tokyo-Yokohama, Japan 99 300
Kubva mundaza ye“Significant Earthquakes of the World” iri mubhuku rinonzi Terra Non Firma, rakanyorwa naJames M. Gere naHaresh C. Shah.