Ndivanaani Vachapukunyuka “Nguva Yenhamo”?
“Ani naani anodana zita raJehovha ucharwirwa.”—JOERE 2:32.
1. Mukuwirirana naDhanieri naMaraki, chii chinoratidzira avo vari mumutsara nokuda kworuponeso mukati me“nguva yenhamo” inouya?
ACHITARIRA mberi kuzuva redu, muporofita Dhanieri akanyora, kuti: “Nguva yenjodzi ichavapo, isina kumbovapo yakadaro kubva pakumuka kwamarudzi avanhu kusvikira nguva iyo; nenguva iyo vanhu vako vacharwirwa, ivo vose vakanyorwa mubhuku.” (Dhanieri 12:1) Mashoko anonyaradza zvamazvirokwazvo! Vanhu vanotenderwa vaJehovha vachayeukwa naye, kungofanana nokuzivisawo kunoita Maraki 3:16, kuti: “Ipapo vaitya Jehovha vakataurirana, Jehovha akateerera, akanzwa, bhuku yokurangaridza ikanyorwa pamberi pake, nokuda kwavanotya Jehovha, vachirangarira zita rake.”
2. Chii chinobva mukufunga pamusoro pezita raJehovha?
2 Kufunga pamusoro pezita raJehovha kunotungamirira kuzivo yakarurama pamusoro pake, Kristu wake, uye madonzo ake ose makuru oUmambo. Nokudaro, vanhu vake vanodzidza kumuremekedza, kupinda muukama kwapedyo hwokuzvitsaurira naye, uye kumuda ‘nomwoyo wavo wose uye nokunzwisisa kwavo kwose uye nesimba ravo rose.’ (Marko 12:33; Zvakazarurwa 4:11) Jehovha akaita gadziriro yenyasha, kupfurikidza nechibairo chaJesu Kristu, nokuda kwavanyoro vapasi kuti vawane upenyu husingaperi. Nokudaro, ivava vangadzokorora nechivimbo mashoko ehondo yokudenga iyo yakarumbidza Mwari panguva yokuberekwa kwaJesu, ichiti: “Mbiri kumusoro kuna Mwari, uye papasi rugare pakati pavanhu vanofarirwa.”—Ruka 2:14, NW.
3. Rugare rusati rwagona kuuya kupasi rino, chiitoi chaJehovha chinofanira kuitika?
3 Rugare irworwo rwava pedyo zvikuru kupfuura izvo vanhu vazhinjisa vanofunga. Asi kutanga panofanira kuuya kuitwa kworutongeso rwaJehovha panyika yakaipa. Muporofita wake Zefania anozivisa, kuti: “Zuva guru raJehovha rava pedyo, rava pedyo, rinokurumidza kwazvo.” Izuva rorudzii iroro? Uporofita hwacho hunopfuurira, kuti: “Iro inzwi rezuva raJehovha; mhare inochema zvikuru kwazvo. Zuva iro izuva rokutsamwa, zuva rokutambudzika nokumanikidzwa, zuva rokurashwa nokuparadzwa, zuva rerima norokusviba, zuva ramakore nerezarima guru, zuva rehwamanda neremhere, zvinoridzirwa maguta akakomberedzwa namasvingo neshongwe dzakakwirira ndichauyisira vanhu kumanikidzwa, kuti vafambe samapofu, nokuti vakatadzira Jehovha.”—Zefania 1:14-17; onawo Habhakuki 2:3; 3:1-6, 16-19.
4. Ndivanaani nhasi vari kugamuchira kokero yokuziva ndokubatira Mwari?
4 Nomufaro, mamirioni nhasi ari kupindura kokero yokuziva ndokubatira Mwari. NezvamaKristu akazodzwa, ayo anopinzwa musungano itsva, kwakaporofitwa, kuti: “‘Vose vachandiziva, kubva kuno mudukusa wavo kunyange kusvikira kuno mukurusa wavo,’ ndiko kutaura kwaJehovha.” (Jeremia 31:34, NW) Ivava vakatungamirira basa romuzuva razvino uno rokupupurira. Uye zvino sezvo vakawanda kwazvo vavakasarira vakazodzwa vanopedza nguva yavo yapasi, “boka guru” ra“mamwe makwai” rakauya kuti ri‘itire Mwari basa rinoyera masikati nousiku’ mugadziriro yake yakafanana netembere. (Zvakazarurwa 7:9, 15, NW; Johane 10:16) Uri mumwe ari kufarikanya iyi ropafadzo inokosha here?
Kupinda Kunoita “Zvinhu Zvinodikanwa”
5, 6. Marudzi ose asati azununguswa kusvikira paruparadziko, ibasai rokuponesa rinoitika?
5 Zvino ngatitendeukirei kuna Hagai 2:7 (NW), apo Jehovha anoporofita pamusoro peimba yake yomudzimu yokunamatira. Iye anoti: “Ndichazunungusa marudzi ose, uye zvinhu zvinodikanwa zvamarudzi ose zvinofanira kupinda; uye ndichazadza imba ino nembiri.” Mauporofita eBhaibheri anoratidza kuti ‘kuzununguswa kwamarudzi’ kunonongedzera kukuita kwaJehovha rutongeso pamarudzi. (Nahumi 1:5, 6; Zvakazarurwa 6:12-17) Nokudaro, chiito chaJehovha chakaporofitwa pana Hagai 2:7 chichaguma nokuzununguswa kwamarudzi kuti asavepo—kuparadzwa. Asi zvakadiniko nezve“zvinhu zvinodikanwa zvamarudzi ose”? Anofanira kumirira here kuzunungusa kunoparadza kwakadaro kuti kuvapinze? Nyangwe.
6 Joere 2:32 inotaura kuti “ani naani anodana zita raJehovha ucharwirwa; nokuti paGomo reZioni napaJerusarema ndipo pachava navakapukunyuka, sezvakataura Jehovha, napakati pavakasarira ndipo pachava vakadanwa naJehovha.” Jehovha anovabudisa, uye vanodana pazita rake nokutenda muchibairo chaJesu pamberi pokuzunungusa kwokupedzisira kwedambudziko guru. (Enzanisa naJohane 6:44; Mabasa 2:38, 39.) Nomufaro, boka guru rinokosha, zvino rinosvika muchiverengero chinopfuura mamirioni mana, ‘rinopinda mu’imba yaJehovha yokunamatira richikarira ‘kuzunungusa [kwake] marudzi ose’ paArmagedhoni.—Zvakazarurwa 7:9, 10, 14.
7. Chii chinobatanidzwa mu‘kudana pazita raJehovha’?
7 Ava vapukunyuki vanodana sei pazita raJehovha? Jakobho 4:8 inotipa chiratidzo, ichidudza, kuti: “Swederai kuna Mwari, iye agoswedera kwamuri. Shambai maoko enyu, imi vatadzi; natsai mwoyo yenyu, imi mune mwoyo miviri.” Savakasarira vakazodzwa avo vakatungamirira nzira, avo vanokarira kuva veboka guru ravapukunyuki veArmagedhoni vanofanira kuita nenzira yakasimba. Kana uchikarira kupukunyuka, unofanira kunwa zvikuru paShoko rinochenesa raJehovha ndokushandisa mipimo yake yakarurama muupenyu hwako. Unofanira kuva anosarudza mukutsaurira upenyu hwako kuna Jehovha, uchiratidzira ikoku kupfurikidza norubhapatidzo rwomumvura. Kudana kwako pana Jehovha mukutenda kunobatanidzawo kupupurira nokuda kwake. Nokudaro, pana VaRoma ganhuro 10, ndima 9 ne 10 (NW), Pauro anonyora, kuti: “Kana mukazivisa pachena ‘shoko [iroro] riri mumuromo wenyu mumene,’ kuti Jesu ndiye Ishe, uye kushandisa kutenda mumwoyo menyu kuti Mwari akamumutsa muvakafa, muchaponeswa. Nokuti nomwoyo munhu anoshandisa kutenda nokuda kwokururama, asi nomuromo munhu anoita ziviso yapachena yoruponeso.” Ipapo, muVaR 10 ndima 13, muapostora anonokora mashoko uporofita hwaJoere, achisimbisa kuti “ani naani unodana kuzita ra[Jehovha, NW] uchaponeswa.”
‘Tsvaka, Tsvaka, Tsvaka’
8. (a) Mukuwirirana nomuporofita Zefania, chii icho Jehovha anoda nokuda kworuponeso? (b) Inyeveroi iyo shoko rokuti “zvimwe” riri pana Zefania 2:3 rinopa kwatiri?
8 Tichitendeukira kubhuku reBhaibheri raZefania, ganhuro 2, ndima 2 ne 3, tinorava chinoda Jehovha nokuda kworuponeso: “Kutsamwa kukuru kwaJehovha kusati kwauya pamusoro penyu, zuva rokutsamwa kwaJehovha risati rauya pamusoro penyu, tsvakai Jehovha, imi mose vanyoro venyika, imi makachengeta mitemo yake; tsvakai kururama, tsvakai unyoro; zvimwe mungavandika pazuva rokutsamwa kwake.” Cherekedza shoko rokuti “zvimwe.” Haisati iri nhau yokuti ukaponeswa kamwe, waponeswa nguva dzose. Kuvanzwa kwedu muzuva iroro kunotsamira pakupfuurira kwedu kuita zvinhu zvitatu izvozvo. Tinofanira kutsvaka Jehovha, kutsvaka kururama, uye kutsvaka unyoro.
9. Avo vanotsvaka unyoro vanotuswa sei?
9 Inoshamisa, zvamazvirokwazvo, ituso yokutsvaka unyoro! PaPisarema 37, ndima 9 kusvikira ku 11, tinorava, kuti: “Vanorindira Jehovha vachagara nhaka yenyika. Kwasara chinguva chiduku, wakaipa haachazovipo . . . Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.” Uye zvakadiniko nokutsvaka kururama? Pis 37 Ndima 29 inoti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.” Kana kuri kutsvaka Jehovha, Pis 37 ndima 39 ne 40 dzinotiudza, kuti: “Kuponeswa kwavakarurama kunobva kuna Jehovha; ndiye nhare yavo panguva yokutambudzika; Jehovha unovabetsera, nokuvarwira; unovarwira kuna vakaipa, nokuvaponesa, nokuva vakandovanda maari.”
10. Ndivanaani vave vachicherechedzwa mukuramba kwavo kutsvaka Jehovha nokutsvaka unyoro?
10 Masekete echiKristudhomu akakundikana kutsvaka Jehovha. Vafundisi vawo vanotoramba zita rake rinokosha, vachiribvisa nokuzvitutumadza mushanduro dzavo dzeBhaibheri. Vanoda zvavo kunamata Ishe asina zita kana kuti Mwari uye kuremekedza Utatu hwechihedheni. Uyezve, chiKristudhomu hachitsvaki kururama. Vazhinji vavatsigiri vacho vanogamuchira kana kuti kutsigira miraramiro yamadiro. Panzvimbo pokutsvaka unyoro sezvakaita Jesu, vanoita ratidziro yokuzvitutumadza, somuenzaniso muterevhizheni, yokurarama kwoumbozha uye kazhinji kazhinji kwoutere. Vafundisi vanozvikodza vamene pandyiko yamapoka avo. Mumashoko aJakobho 5:5, vaka“gara zvakanaka panyika vachikarira zvinofadza.” Sezvo zuva raJehovha rinoswedera pedyo, vachawana zvirokwazvo kuti mashoko akafuridzirwa anoshanda kwavari, anoti: “Pfuma haibatsiri chinhu nezuva rokutsamwa.”—Zvirevo 11:4.
11. Ndiani ari munhu wokusateerera mutemo, uye iye akatutira sei mhaka huru yeropa?
11 Muzana ramakore rokutanga N.V., sokurondedzera kunoita muapostora Pauro mutsamba yake yechipiri kuvaTesaronika, mamwe maKristu akafadzwa, achifunga kuti zuva raJehovha ipapo rakanga ravasvikira. Asi Pauro akanyevera kuti kutanga kuwa pakutenda kukuru kwaifanira kuuya, uye “munhu wokusateerera mutemo” aifanira kuziviswa. (2 VaTesaronika 2:1-3, NW) Zvino, muzana rino ramakore rechi 20, tinogona kunzwisisa tambanuko huru yokuwa pakutenda ikoko uye kuti vafundisi vechiKristudhomu havateereri mutemo sei mukuona kwaMwari. Mukati maaya mazuva okupedzisira chifo cha 1914, vafundisi vakatutira mhaka yeropa huru kupfurikidza nokutsigira ku‘pfurwa kwemiromo yamapadza kuva minondo.’ (Joere 3:10) Vakapfuurirawo kudzidzisa dzidziso dzenhema, dzakadai sokusafa kwomuzvarirwo kwomweya womunhu, purigatori, kutambudzwa muhero yomwoto, rubhapatidzo rwavacheche, Utatu, uye zvakafanana. Vachamira papi apo Jehovha anoita chisarudzo chake chokutonga? Zvirevo 19:5 inoti: “Unoreva nhema haangapukunyuki.”
12. (a) Ndaapi ari “matenga” na“pasi” zvohunhu izvo zvichakurumidza kuparadzwa? (b) Chii chatinodzidza muruparadziko runouya rwenyika ino yakaipa?
12 Pana 2 Petro 3:10, tinorava, kuti: “Zuva ra[Jehovha, NW] richasvika sembavha; naro denga richapfuura nokutinhira kukuru, nezvedenga zvichaparadzwa zvichipiswa, nenyika namabasa ari mairi achapiswa.” Ubati ushe hwakaipa uhwo hwakafukidza kufanana namatenga pamusoro porudzi rwomunhu, pamwe chete nezvinhu zvose zvinoumba chaunga chakaipa chavanhu chanhasi, zvichabviswa mupasi raMwari. Vagadziri navatengesi vezvombo zvoruparadziko, vanyengedzeri mune zvebhizimisi, vezvorudzidziso vanonyengera navafundisi vavo, vasimudziri vouipi, masimba masimba, uye utsotsi—vose ivava vachanyangarika. Vachanyungurutswa nehasha dzaJehovha. Asi mundima 11 ne 12, Petro anowedzera iyi nyevero nokuda kwamaKristu: “Izvi zvose zvazvichaparadzwa saizvozvo, imi munofanira kuva vanhu vakadini pamufambire wenyu mutsvene noku[zvipira kwoumwari, NW], imi munotarira nokushuva kwazvo kuuya kwezuva ra[Jehovha, NW].”
Mikaeri Anoita Chiito!
13, 14. Ndiani ari Murevereri mukuru woubati ushe hwaJehovha, uye ave achishingaira sei chifo cha 1914?
13 Munhu upi noupi achapukunyuka sei mukati me“nguva [yaJehovha] yenhamo”? Mumiriri waMwari nokuda kwokugovera rupukunyuko ingirozi huru Mikaeri, ane zita rinoreva kuti “Ndiani Akafanana naMwari?” Nenzira yakakodzera, ipapoka, iye ndiye Uyo anoreverera ubati ushe hwaJehovha, achitsigira Jehovha saMwari wechokwadi bedzi naChangamire Ishe ane maruramiro wechisiko chose chapose pose.
14 Ndizvinoitika zvinoshamisa zvakadini izvo Zvakazarurwa ganhuro 12, ndima 7 kusvikira ku 17, inorondedzera pamusoro pe“zuva raShe” chifo cha 1914! (Zvakazarurwa 1:10) Ngirozi huru Mikaeri inokandira Satani akapanduka achibva kudenga kuenda kupasi. Gare gare, sezvinorondedzerwa pana Zvakazarurwa ganhuro 19, ndima 11 kusvikira ku 16, uyo anonzi “Wakatendeka Nowazvokwadi” ‘unotsika chisviniro chehasha dzaMwari Wamasimba ose.’ Uyu murwi wokudenga ane simba anonzi “Mambo wamadzimambo naShe wamadzishe.” Pakupedzisira, Zvakazarurwa ganhuro 20, ndima 1 ne 2, inotaura nezvengirozi huru iyo inokandira Satani mugomba rakadzika-dzika ndokumuvharira imomo kwamakore ane chiuru. Sezviri pachena, aya magwaro ose anonongedzera kuMurevereri mumwe wouchangamire hwaJehovha, Ishe Jesu Kristu, uyo Jehovha akaisa pachigaro chake choumambo chine mbiri chokudenga muna 1914.
15. Munzirai chaiyo umo Mikaeri achakurumidza “kumira”?
15 Mikaeri ave “akamira,” sezvinotaurwa pana Dhanieri 12:1, nokuda kwavanhu vaJehovha chifo chaapo akagadzwa saMambo muna 1914. Asi nokukurumidza Mikaeri acha“mira” mupfungwa chaiyo zvikuru—soMumiririri waJehovha mukubvisa uipi hwose mupasi uye soMununuri wechaunga chenyika yose chavanhu vaMwari. Kuti “nguva [iyoyo] yenhamo” ichava huru sei kunoratidzirwa namashoko aJesu ari pana Mateo 24:21, 22 (NW), anoti: “Ipapo pachava nokutambudzika kukuru kwakadai sokusakamboitika chifo chokuvamba kwenyika kusvikira zvino, aiwa, uye hakusati kuchizoitikazve. Kutaura idi, kutoti mazuva iwayo akapfupikiswa, hakuna nyama yaizoponeswa; asi nemhaka yavakasarudzwa mazuva iwayo achapfupikiswa.”
16. Inyamai ichaponeswa mukati medambudziko guru?
16 Tinogona kuva vanofara sei kuti imwe nyama ichaponeswa panguva iyoyo! Aiwa, kwete kufanana navaJudha vanopandukira vakabatwa muJerusarema muna 70 N.V., vamwe vavo vakaendeswa savaranda kuRoma. Panzvimbo pezvo, avo vanopukunyuka mu“nguva yomugumo” vachava vakafanana neungano yechiKristu iyo yakanga yatotiza Jerusarema apo komberedzo yokupedzisira yakavamba. Ivo vachava vanhu vaMwari amene, mamirioni eboka guru pamwe chete navakazodzwa vapi navapi vangave vachiri pasi pano. (Dhanieri 12:4, NW) Boka guru “rinobva mudambudziko guru.” Neiko? Nemhaka yokuti “vakasuka nguva dzavo ndokudzichenesa muropa reGwaiana.” Vanoshandisa kutenda musimba rinodzikinura reropa rakadeurwa raJesu ndokuratidzira kutenda ikoko kupfurikidza nokubatira Mwari nokuvimbika. Kunyange zvino, Jehovha, “Uyo ugere pachigaro choumambo,” anowadza tente yake yokudzivirira pamusoro pavo, apo Gwaiana, Kristu Jesu, rinovafudza nokuvatungamirira kumatsime emvura dzoupenyu.—Zvakazarurwa 7:14, 15, NW.
17. Boka guru zvikurukuru rinokurudzirwa sei kuita chiito kuti rigovanzwa mukati mezuva riri kuuya renhamo?
17 Mukutsvaka Jehovha, kururama, uye unyoro, mamirioni eboka guru anofanira kusatongorega rudo rwavo rwokutanga rwezvokwadi ruchitonhora! Kana uri mumwe waava vanhu vakafanana namakwai, chii chaunofanira kuita? Sezvinotaurwa pana VaKorose ganhuro 3, ndima 5 kusvikira ku 14 (NW), unofanira “kubvisa [chose chose] hunhu hwekare nemiitiro yahwo.” Uchitsvaka betsero youmwari, edza ku‘zvipfekedza umene hunhu hutsva, hwakavakirwa pazivo yakarurama.’ Muunyoro, vaka ndokuchengeta shingairo mukurumbidza Jehovha nomukuita kuti madonzo ake makuru azivikanwe kuvamwe. Nokudaro, ungavanzwa mu“nguva yenhamo,” zuva ro“kutsamwa kukuru kwaJehovha.”
18, 19. Munzirai umo tsungiriro yakava inokosha nokuda kworuponeso?
18 Zuva iroro rava pedyo! Riri kukurumidza rakananga kwatiri. Kuunganidzwa kwavanhu vamwe navamwe veboka guru kwave kuchipfuurira zvino kwamakore 57. Chiverengero chakati chaivava chakafa uye vanomirira rumuko rwavo. Asi tinopikirwa nouporofita hwaZvakazarurwa kuti seboka boka guru richabuda mudambudziko guru somusimboti wechaunga cha“pasi idzva.” (Zvakazarurwa 21:1, NW) Uchavamo here? Ikoko kunobvira, nokuti Jesu anoti pana Mateo 24:13: “Unotsungirira kusvikira pakuguma, uchaponeswa.”
19 Nhamo idzo vanhu vaJehovha vanowana mutsika ino yekare dzingapfuurira kuwanda. Uye apo dambudziko guru rinotambudza rinorovanya, ungatambura nhamo. Asi rambira pedyo naJehovha nesangano rake. Ramba wakamuka! “‘Ndimirirei,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘kusvikira zuva randichasimuka kuzopamba; nokuti ndatonga kuti ndichaunganidza ndudzi dzavanhu, kuti ndikokere [umambo hwose, NW], ndidirire pamusoro pavo hasha dzangu; iko kutsamwa kwangu kukuru, nokuti nyika yose ichapedzwa nomwoto wegodo rangu.’”—Zefania 3:8.
20. Sezvo “nguva [yomugumo] yenhamo” inoswedera pedyo nguva dzose, chii chatinofanira kuita?
20 Nokuda kwedziviriro yedu nekurudziro, Jehovha akagovera vanhu vake nenzira yenyasha “mutauro wakachena,” uyo unobatanidza shoko guru roUmambo hwake hunouya, “kuti vadane pazita raJehovha, kuti vamubatire pamwe chete.” (Zefania 3:9, NW) Sezvo “nguva [yomugumo] yenhamo” inoswedera pedyo nokukurumidza nguva dzose, ngatibatire neshingairo, tichibetsera vamwe vanyoro ku‘dana pazita raJehovha’ nokuda kworuponeso.
Unoyeuka Here?
◻ Chiitoi chaJehovha chichatangira kuunzwa kworugare kupasi?
◻ Mukuwirirana naJoere, chii icho mumwe anofanira kuita kuti aponeswe?
◻ Mukuwirirana naZefania, vanyoro vangawana sei dziviriro pakutsamwa kukuru kwaJehovha?
◻ Ndiani ari “munhu wokusateerera mutemo,” uye iye akatutira sei mhaka yeropa?
◻ Tsungiriro inokosha sei munhau yoruponeso?