RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 7/1 pp. 4-7
  • Tariro Inokunda Kuora Mwoyo!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tariro Inokunda Kuora Mwoyo!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Hwaro Hwetariro
  • Tariro—“Isingazununguswi, Yakasimba”
  • Tariro—“Chibatiso Chomweya”
  • “Batisisai”!
  • Ita Kuti Tariro Yako Irambe Yakasimba
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Tariro Yako Yeramangwana Ichazadzika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Ndokupi Kwaungawana Tariro Yechokwadi?
    Mukai!—2004
  • Tarisira Kuna Jehovha, uye Shinga
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 7/1 pp. 4-7

Tariro Inokunda Kuora Mwoyo!

MUWEBSTER’S Ninth New Collegiate Dictionary, kuora mwoyo kunorondedzerwa so“kurasikirwa chose chose netariro.” Nenzira yakajeka, ipapoka, kuti tikunde kuora mwoyo, tinoda tariro!

Munhu asina rombo rakanaka anomanikidzirwa kugara mumucheto momugwagwa haasati achizoora mwoyo chose chose kana ane tariro. Tariro inogona kunyange kupa avo vanotambura marwadzo okurapwa kupera mwoyo ushingi nesimba zvokutsungirira. Asi tariro yacho inofanira kuva yakavimbika! Ikoku kunorevei?

Hwaro Hwetariro

Rangarira zvakaitika kuna Sara, mudzimai watateguru Abrahama. Achisvika makore 90 ezera, iye akanga achiri asingabereki uye akanga anguve aora mwoyo nezvokuzotombova anobereka mwana. Bva, apo murume wake akanga ava namakore 99 okukura, Jehovha akadzokorora chipikirwa chaakanga aita makore akati pamberi pezvi—Abrahama zvamazvirokwazvo aizova ne“mbeu,” kana kuti mudyi wenhaka. Abrahama akaziva kuti ichochi chakanga chiri chipikirwa chakavimbika. Fungidzira kuti Sara anofanira kuva akafara sei apo, nenzira yenenji, chinoitika chinofadza chakaitika, uye akabereka Isaka! (Genesi 12:2, 3; 17:1-4, 19; 21:2) Kuvimba kwaAbrahama naMwari kwakanga kusina kuiswa pasina kufanira, kunyange sokutsanangura kwakaita muapostora Pauro, kuti: “Akatarira [Abrahama] chipikirwa chaMwari, haana kunyunyuta nokusatenda, asi wakasimbiswa pakutenda, akakudza Mwari.”—VaRoma 4:20.

Achinyorera vaJudha avo vakanga vava maKristu muzuva rake, Pauro akabvumikisa kuti vaigona kutsamira pachipikirwa chaMwari choruponeso kupfurikidza naJesu nokuda kwezvikonzero zviviri zvakanaka. Achidudza chipikirwa chaMwari kuna Abrahama nemhiko Yake youmwari inoperekedza, muapostora akati: “Nokuti vanhu vanopika nomukuru kwavari; nemhiko inosimbisa ndiyo inogumisa gakava rose pakati pavo. Saizvozvo Mwari wakati achida zvikuru kuratidza vadyi venhaka yechipikirwa, kuti chirevo chake hachishandurwi, wakapinda pakati nokupika; kuti nezvinhu zviviri zvisingashandurwi, (nokuti pazviri Mwari haagoni kureva nhema), tive nesimbiso yakabata, iyesu, takatizira kutariro yakaiswa pamberi pedu, kuti tiibate.” (VaHebheru 6:16-18) Hungu, zvipikirwa zvaMwari ndezvechokwadi uye zvakavimbika. Jehovha ndowamasimba ose uye anokwanisa nenzira yechienzi kuvimbisa kuzadzikwa kweshoko rake amene.

Tariro—“Isingazununguswi, Yakasimba”

Pauro akanyora kuti tariro yechiKristu hai“zununguswi, yakasimba.” (VaHebheru 6:19) Pauro aiziva uko tariro yake yakanga yakasimbiswa. Iye anotsanangura, kuti: “Inopinda [tariro] kune zviri mukati mechidzitiro.” Ikoku kunorevei? Pauro akanga achiita nongedzero iri pachena kutembere yakare yaiva muJerusarema. Muna iyoyi makanga mune nzvimbo Tsvene-tsvene, yakaparadzaniswa nechasara chose chechivako nechidzitiro. (Eksodho 26:31, 33; Mateo 27:51) Chokwadika, tembere chaiyoiyo yaiva muJerusarema yanguve yakaparadzwa. Naizvozvo, nhasi, iyi nzvimbo Tsvene-tsvene inowirirana nei?

Nedenga rimene, uko Mwari amene akagara pachigaro choumambo! Pauro akatsanangura ikoku apo akataura kuti Jesu pashure pokukwira kwake “haana kupinda panzvimbo tsvene yakaitwa namaoko [mutembere muJerusarema], inofananidza iyo iri chaiyo, asi wakapinda kudenga kumene, kuti zvino azviise pamberi paMwari nokuda kwedu.” (VaHebheru 9:24) Naizvozvo tariro yechiKristu, iyo inotibetsera kurwisana nokuora mwoyo, inotsamira kwete pane vezvamatongerwe enyika vohunhu asi pagadziriro yokudenga. Inotsamira pane Uyo Mwari akagadza, Jesu Kristu, uyo akapa upenyu hwake sorudzikinuro nokuda kwezvivi zvedu uye uyo zvino anooneka pamberi paMwari nokuda kwedu. (1 Johane 2:1, 2) Uyezve, sezvinoratidzwa kazhinji kazhinji muzvikamu zvemagazini ino, Jesu mumwe chete iyeyu ndiye akagadzwa nenzira youmwari kuti atonge saMambo woUmambo hwaMwari hwokudenga uye ave achiita saizvozvo chifo cha 1914. Uhwu Umambo hwokudenga huchakurumidza kubvisa zvinhu zvinosundira vakawanda kwazvo kukuora mwoyo.

Tariro—“Chibatiso Chomweya”

Kuti apwise varavi vake kuti tariro yavo yoruponeso kupfurikidza naJesu yakanga yakasanosimbiswa, Pauro akashandisa enzanisiro. “Tariro,” iye akatsanangura kudaro, “yatinayo sechibatiso chomweya.”—VaHebheru 6:19.

Zvibatiso zvaisanozivikanwa navafambi vakafanana naPauro. Zvibatiso zvakare zvakanga zvakafanana chaizvo nezvazvino uno, zvakaitwa kazhinji kazhinji nesimbi namativi maviri akafanana namazino kuti abate pasi pegungwa. Ari munzira kuenda Roma munenge mugore ra 58 N.V., chikepe chaPauro chakanga chiri mungozi yokunyura. Asi sezvo chikepe chakaenda kumvura yairamba ichiva isina kudzika, vakwasvi vechikepe “vakakanda [zvibatiso, NW] zvina neshure kwechikepe.” Nemhaka yezvibatiso izvozvo, chikepe chakapukunyuka dutu zvakakotsekana.—Mabasa 27:29, 39, 40, 44.

Chiiko, ipapoka, chaunofanira kuita kuti tariro yako isimbe sechibatiso kuti ugone kubuda munhamo yezvemari, kurwara mumuviri kana kuti mundangariro, kana kuti mamwe ma“dutu” api naapi angauya kwauri? Kutanga, zvivimbise umene kuti zvipikirwa zveBhaibheri zvakavimbika. “Ivai nechokwadi chezvinhu zvose.” (1 VaTesaronika 5:21, NW) Somuenzaniso, apo Zvapupu zvaJehovha zvinotevera kutaura kwauri, teerera zvazvinotaura. Kana zvisingashanyi kazhinji kazhinji kwaunogara, zvitsvake paHoro yoUmambo iri pedyosa. Hausati uchizomanikidzirwa kuzvikumbanira, asi uchakumbirwa kugamuchira kosi yapachena yefundo yeBhaibheri, inorongwa kuitiswa kupi nokupi uye papi napapi pakwakakodzera nokuda kwako.

Fundo yakadaro ichakuvimbisa kuti Mwari “anova mutusi wavanomutsvaka zvapachokwadi.” (VaHebheru 11:6, NW) Uchadzidza kuti nokukurumidza Umambo hwaMwari hunodzorwa naMambo, Kristu Jesu, huchabvisa ushati nokusaenzana zvinoparira vakawanda kwazvo kuora mwoyo nhasi. MuUmambo ihwohwo, pasi rino richadzorerwa kuparadhiso, uye Mwari achapa upenyu husingagumi kuavo vanomuda. (Pisarema 37:29; Zvakazarurwa 21:4) Itariro ine mbiri zvakadini!

Sanorava Bhaibheri kuti uone kuti iyi tariro ndeyechokwadi. Ipapo shandira kutanga ukama hwomunhu oga hwapedyo naMwari, uchiva shamwari yake kungofanana nezvakanga zvakaita Abrahama. (Jakobho 2:23) Sezvo Jehovha ari “Munzwi womunyengetero,” muudze zvinetso zvako. Apo kusvika kwako kunenge kuri kwapachokwadi, munyengetero wako uchakubetsera kutura mitoro yako ndokukunda kuora mwoyo kwako. Mudzimu waMwari ungatozarura nzira yokuchinja mugariro unokutambudza.—Pisarema 55:22; 65:2, NW; 1 Johane 5:14, 15.

“Batisisai”!

Pashure pokurumbidza kuti vadzidzi biyake “[vave] nechokwadi chezvinhu zvose,” Pauro akawedzera, kuti: “Batisisai chakaisvonaka.” (1 VaTesaronika 5:21, NW) Imwe nzira yokuita nayo ikoku ndeyokusonganira navanhu vanobatisisawo tariro yechiKristu. Mambo akachenjera Soromoni akanyevera, kuti: “Fambidzana navakachenjera, ugova wakachenjerawo; asi shamwari yamapenzi inoshatiswa.” (Zvirevo 13:20) Usarega kufungira mano akaipa kana kuti kunzwa kwokukwenudzwa zvichikudzivisa kutsvaka songaniro yakanaka. Somuenzaniso, pakati peZvapupu zvaJehovha pane vanhu avo munguva yakapfuura vakanga vasina tariro. Asi fundo yavo yeBhaibheri, yakabatanidzwa nesonganiro inofadza yavatendi biyavo, inosimbisa ukama hwavo naJehovha ndokuvagovera tariro yakavimbika, yakafanana nechibatiso. Iyoyi inokunda chaizvoizvo kuora mwoyo here? Zvamazvirokwazvo inodaro.

Rangarira chinoitika chaAnnmarie, uyo akasundirwa kukuora mwoyo nemhaka yokutambura kubatwa kwoutsinye nomurume wake. “Ndakasarudza kugumisa upenyu hwangu,” iye anotsanangura kudaro, “asi nokuda kwechikonzero chakati ndakasarudza kunyengetera kuna Mwari pakutanga. Ndinoyeuka ndichiti, ‘Neiko musingagoni kundibetsera? Kwenguva refu kwazvo ndakavimba nemi, asi pasina betsero.’ Ndakagumisa munyengetero wangu ndichifunga kuti pakanga pasina donzo kuupenyu, naizvozvo ndingasva hangu ndafa. Panguva iyoyo pasuo pakagogodzwa. Ndakasarudza kukufuratira, ndichikarira kuti upi kana upi akanga aripo aizoenda pakupedzisira.

“Kugogodza kwakapfuurira, uye ndakava akavhiringidzika. Ndakapukuta misodzi yangu ndokuenda kundoona akanga ari pasuo, ndichikarira kuzvisunungura ndimene nokukurumidza kuti ndigone kuita zvandakanga ndichida. Asi,” Annmarie anodaro, “ndinoonga Jehovha, hakuna kuitika nenzira iyoyo, nokuti apo ndakazarura suo, ndakawana vakadzi vaviri vakamira ipapo. Chokwadi, ndakavhiringidzika zvikuru, uye handina kunzwisisa chaizvoizvo zvavakanga vachitaura. Asi vakandipa bhuku iro raizotsanangura kuti upenyu hune donzo. Ndiro chairo randaida kuti ndinyandurezve kufarira kwangu upenyu.” Vashanyi vake vakaronga fundo yeBhaibheri yenguva dzose naye. Annmarie akadzidza kuva shamwari yaMwari. Ikokuwo, kwakamupa donzo muupenyu. Zvino anobetsera vamwe kutanga kuvimba naMwari.

Zvichida wakakarira mugumo wokuora mwoyo usingazivi zvose zvaibatanidzwa. Asi kana wakambonyengetera, kuti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitike, somudenga, pasi panowo,” ipapo wakanyengeterera kuuya kwoUmambo hwaMwari hunodzorwa naJesu Kristu, uhwo huchaparadza zvinhu zviya zvinosundira vanhu vane mwoyo wakarurama kukuora mwoyo. (Mateo 6:10, NW) Fundo yako yomunhu oga yeBhaibheri nesonganiro yenguva dzose navamwe vane chivimbo chimwe chetecho zvichasimbisa kubata kwako tariro yoUmambo hwaJehovha kuti huuye ndokuunza Paradhiso kupasi redu. (1 Timotio 6:12, 19) Iyoyi ndiyo tariro ine mbiri iyo iyi magazini inozivisa muchinyorwa chiri chose. Gamuchira tariro yacho nomwoyo wose kuti ukunde kuora mwoyo. Zvirokwazvo, tariro “haisati ichitungamirira kukuora mwoyo.”—VaRoma 5:5, NW.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Kufunda Bhaibheri kunotipa tariro iyo inoshanda se“chibatiso chomweya”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe