RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 7/15 pp. 19-22
  • Unogona Kuwana Nyaradzo Munguva Dzenhamo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unogona Kuwana Nyaradzo Munguva Dzenhamo
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Muapostora Akatambudzika Anowana Nyaradzo
  • Nzira Yokurangarira Nayo Migove Inopiwa naMwari
  • Nyaradzo Apo Tinotambudzwa Nokuzvidemba
  • Usatongoregeredza Munyengetero
  • Unotambudzwa Nepanikiro Here?
  • Yeuka Kuti Jehovha Anopa Nyaradzo
  • Usarega!
  • Vimba naJehovha, “Mwari Wokunyaradza Kwose”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Jehovha, ‘Nhare Yedu Panguva Yokutambudzika’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • ‘Nyaradza Vose Vanochema’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Jehovha Anotinyaradza Pakutambudzika Kwedu Kwose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 7/15 pp. 19-22

Unogona Kuwana Nyaradzo Munguva Dzenhamo

TINOFANIRA kurangarira sei mirangariro yenhamo? Kana takazvitsaurira kuna Jehovha, tinofanira kuirangarira seyechienzi nemhaka yetariro yedu inoshamisa nepfuma yedu yomudzimu here? Mirangariro yakadaro inoreva kuti hatina kukodzera mumudzimu nokuda kwebasa raMwari here?

“Eria akanga ari munhu ane mirangariro yakafanana neyedu,” akanyora kudaro mudzidzi Jakobho. (Jakobho 5:17, NW) Kunyange zvazvo Mwari akashandisa Eria nenzira yechienzi, kunyange muporofita iyeyo akatendeka akanzwa nhamo. “Zvaringana hazvo!” akadaro Eria pane imwe nhambo. “Zvino Jehovha, chitorai henyu upenyu hwangu, nokuti handipfuuri madzibaba angu pakururama.” (1 Madzimambo 19:4) Murume anochengeta perero Jobho, mukadzi akatendeka Hana, uye vamwe vabatiri vakavimbika vaJehovha vakawana nhamo. Kunyange wezvamapisarema woumwari Dhavhidhi akanyengetera, kuti: “Madambudziko omwoyo wangu awanda kwazvo; haiwa, ndibudisei panjodzi dzangu.”—Pisarema 25:17.

Kushandisa kwaJehovha vanhu mubasa rake hakuvaiti vasina nhamo chose chose. Ivo vachine utera hwohunhu nemirangariro uye vangawana nhamo apo vanenge vari mumuedzo. (Mabasa 14:15) Kunyanguvezvo, vabatiri vaMwari vane betsero iri nani kupfuura zvinoita vamwe mukugonana nenhamo yemirangariro. Ngatirangarirei mienzaniso mishomanene yeBhaibheri kuti tione chakabetsera vanhu vamwe navamwe vakati kukurira kuora mwoyo kwavo nemirangariro yenhamo.

Muapostora Akatambudzika Anowana Nyaradzo

Muapostora Pauro aiziva chakanga chiri kuora mwoyo. “Nokuti,” iye akadaro, “takati tasvika Makedhonia, nyama yedu haina kuzorora . . . kunze kwaiva nokukakavara, mukati maiva nokutya. Asi Mwari, unonyaradza vakaora mwoyo, wakatinyaradza nokusvika kwaTito.” (2 VaKorinte 7:5, 6) Kuora mwoyo kwaPauro kwakaparirwa nemigariro inotambudza inoverengeka yaiitika panguva imwe cheteyo. “Kunze kwaiva nokukakavara”—chitambudzo chakakomba chaipinza mungozi upenyu humene. (Enzanisa na 2 VaKorinte 1:8.) Uyezve, “mukati maiva nokutya” muchimiro chokunetseka pamusoro peungano, zvakadai seyaiva muKorinte.

Mwedzi mishomanene pamberi pezvi, Pauro akanga anyora tsamba yake yokutanga kumaKristu eKorinte. Mairi iye akanga ashurikidza migariro yakashata zvikuru inoverengeka yaiva muungano uye sezviri pachena akaitira hanya pamusoro pokuti vaKorinte vaizoita sei kutsamba yake. Zvisinei, Pauro akanyaradzwa apo Tito akabva Korinte nomushumo wakanaka pamusoro pokugamuchira kwavo. Nenzira yakafanana, Jehovha angashandisa mumwe wavabatiri vake vomuzuva razvino kutiunzira mashoko akanaka ndokuderedza nhamo yedu.

Nzira Yokurangarira Nayo Migove Inopiwa naMwari

MaKristu akati ane mwero wakati wenhamo pamusoro poushumiri hwavo. Zvamazvirokwazvo, vamwe vavabatiri vaJehovha vakafunga kuti migove inopiwa naMwari yaizova inonyanyoraira zvokuti vanotadza kuiita. Somuenzaniso, Mosesi akanzwa asina kukodzera kuva mumiriri waMwari nokuda kwavaIsraeri muEgipita. Pakati pezvimwe zvinhu, iye akataura kuti akanga asiri mutauri akanaka. (Eksodho 3:11; 4:10) Asi nechivimbo muna Mwari uye achiva naAroni somutauriri wake, Mosesi akavamba kuita mugove wake.

Pashure penguva yakati Mosesi haana kutsamirazve pana Aroni. Nenzira yakafanana, vamwe pakuvamba vanowana ushumiri hwechiKristu hwakaoma, asi vanogamuchira rovedzo ndokuva vaevhangeri vane unyanzvi. Somuenzaniso, Zvapupu zviduku zvakawanda zvaJehovha zvakakura kuva vaparidzi venguva yakazara samapiona navafundisi. Kunonyaradza kuziva kuti Jehovha anogona nguva dzose kuvimbwa kuti akwanirise vashumiri vechiKristu ndokuvapa simba rokuita migove yavo inopiwa naMwari.—Zekaria 4:6; 2 VaKorinte 2:14-17; VaFiripi 4:13.

Nyaradzo Apo Tinotambudzwa Nokuzvidemba

Tingaodzwa mwoyo nemhaka yokuti tinozvidemba kuti hatina kuita zvakawanda mubasa raMwari. Imwe hama yakanga yave iri isingaiti basa kwamakore yakavamba kugoverana muushumiri hwomumunda zvakare. Nokukurumidza pashure paikoko, yakarwara zvakakomba uye yakaganhurirwa zvechigarire kumubhedha. Hama yakaora mwoyo yakati: “Pamberi pezvi, apo ndaigona kuve ndaiva anoshingaira, ndakanzvenga mutoro. Zvino, apo ndinoda kuva anoshingaira, handikwanisi.”

Hakusati kwaizova kuchenjera here kuita hunani hwedu zvino panzvimbo pokushandisa simba remirangariro pachakaitika munguva yakapfuura? Vanun’una kuna mai vokunyama vaJesu Jakobho naJudhasi havana kuva vatendi kutozosvikira pashure porufu rwake norumuko. Kana vakava nokuzvidemba pamusoro paikoku, hakuna kuvaregedzesa kuva vabatiri vaMwari uye kunyange vanyori veBhaibheri.

Usatongoregeredza Munyengetero

Apo vanoora mwoyo, vanhu vaMwari vanofanira kunyengetera nesimba. Kutaura idi, Magwaro ane minyengetero yakawanda yakataurwa munguva dzenhamo. (1 Samueri 1:4-20; Pisarema 42:8) Vamwe vangafunga, kuti: ‘Ndakaora mwoyo kwazvo zvokuti handigoni kunyengetera.’ Ipapo kuregerereiko kurangarira Jona? Ari mudumbu rehove, iye akati: “Mweya wangu wakati uchiziya mukati mangu, ndikarangarira Jehovha; munyengetero wangu ukapinda kwamuri mutembere yenyu tsvene. . . . Ndichakubairayi nenzwi rokuonga; ndicharipa zvandakapika. Ruponeso runobva kuna Jehovha.” (Jona 2:4-9) Hungu, Jona akanyengetera, uye Mwari akamunyaradza ndokumuponesa.

Kunyange zvazvo imwe hanzvadzi muSweden yakanga yave iri piona kwamakore akawanda, kamwe kamwe yakaora mwoyo ndokuneta pasinei zvapo noushumiri hunotusa. Iye akadudza kuora mwoyo kwake mumunyengetero kuna Jehovha. Mazuva mashomanene gare gare, yakagamuchira runhare rwakabva kuimwe hama yokuhofisi yebazu yeWatch Tower Society. Yakabvunza kana ingagona kubatsira ikoko rinenge zuva rimwe pavhiki pamusoro pokuwedzera Bheteri. Iyi hanzvadzi gare gare yakati: “Mugariro wapaBheteri nokuva nebanza rokuona basa rokuwedzera nokugoverana mariri kwakandipa simba romuraudzo randaida.”

Kana takaora mwoyo, kwakanaka kuyeuka kuti munyengetero inzira imwe yokurwisa nayo kuora mwoyo. (VaKorose 4:2) Mumhinduro kuminyengetero yedu, Jehovha angazarura suo rinotungamirira kumubato mukuru zvikuru mubasa rake, kana kuti iye angakomborera ushumiri hwedu nokubereka kwakawedzerwa. (1 VaKorinte 16:8, 9) Muchinoitika chipi nechipi, “chikomborero chaJehovha—ndicho chinopfumisa, uye haawedzeri marwadzo nacho.” (Zvirevo 10:22, NW) Ikoku kune chokwadi chokuvandudza mudzimu wedu.

Unotambudzwa Nepanikiro Here?

Panhambo nenhambo, mumwe wavabatiri vaJehovha angava nepanikiro. Kana ikoko kukafanira kuitika kwatiri, hatifaniri kukurumidza kugumisa kuti tarasikirwa nenyasha dzaMwari. Jesu haana kuramba muapostora Tomasi nokuda kwokupanikira mishumo yezvapupu zvakaona zvorumuko rwaTenzi wake. Panzvimbo pezvo, Jesu nenzira yorudo akabetsera Tomasi kukurira panikiro dzake. Uye Tomasi akafadzwa sei apo akaziva kuti Jesu akanga ari mupenyu!—Johane 20:24-29.

Kupfurikidza nedzidziso yavo yenhema, kunyunyuta, uye zvichingodaro, “vanhu vasina umwari” avo vakanga vapinda muungano yomuzana rokutanga ramakore vakanga vachiparira vamwe kuva nepanikiro dzinotambudza. Nokudaro, mudzidzi Judhasi akanyora, kuti: “Pfuurirai kuratidza ngoni kuvamwe vane panikiro; vaponesei kupfurikidza nokuvabudisa mumwoto.” (Judhasi 3, 4, 16, 22, 23, NW) Kuti vapfuurire kugamuchira rangariro ine ngoni yaMwari, vanamati biyake vaJudhasi—zvikurukuru vakuru veungano—vaida kuratidza ngoni kuvapanikiri vakakodzerwa nadzo. (Jakobho 2:13) Upenyu hwavo husingaperi hwakanga huri mungozi, nokuti ivo vaiva mungozi yo“mwoto” woruparadziko rusingagumi. (Enzanisa naMateo 18:8, 9; 25:31-33, 41-46.) Uye kune mufaro wakadini apo betsero inopiwa norudo kuvatendi biyedu vane panikiro uye ivo vanova vakasimba mumudzimu!

Kana miedzo inotambudza ichitiita kuti tipanikire kuti Mwari anesu, tinofanira kuva vakananga muminyengetero yedu. Mumigariro yakadaro, ngatipfuurirei mukukumbira Jehovha nokuda kwouchenjeri. Iye anopa norupo asingatizvidzi nokuda kwokushaiwa uchenjeri nokuhunyengeterera. Tinofanira “kukumbira nokutenda, [ti]singanyunyuti napaduku,” nokuti mupanikiri “wakaita sefungu regungwa rinosundwa nemhepo richimutswa-mutswa” murutivi rwuri rwose. Vanhu vakadaro havawani chinhu kuna Mwari nemhaka yokuti havana chisarudzo, va“noshanduka-shanduka” mumunyengetero nomunzira dzavo dzose. (Jakobho 1:5-8) Naizvozvo ngative nokutenda kwokuti Jehovha achatibetsera kurangarira miedzo yedu nenzira yakafanira ndokuitsungirira. Magwaro angaunzwa kungwariro yedu navatendi biyedu kana kuti mukati mefundo yeBhaibheri. Zvinoitika zvinosundwa kupfurikidza nenhungamiro yaMwari zvingatibetsera kuona chatinofanira kuita. Ngirozi dzingagoverana mukutitungamirira, kana kuti tingagamuchira nhungamiro kupfurikidza nomudzimu mutsvene. (VaHebheru 1:14) Chinhu chikuru kunyengeterera uchenjeri nechivimbo chakazara muna Mwari wedu ane rudo.—Zvirevo 3:5, 6.

Yeuka Kuti Jehovha Anopa Nyaradzo

Pauro akavimba naJehovha nenzira yokunyengetera uye aimuziva kuva Manyuko enyaradzo. Muapostora akanyora, kuti: “Mwari ngaaongwe, ivo Baba vaShe wedu Jesu Kristu, Baba vengoni, Mwari wokunyaradza kwose; iye unotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose, kuti isu tive nesimba rokunyaradza vari mukutambudzika kupi nokupi, nokunyaradza kwatinonyaradzwa nako naMwari.”—2 VaKorinte 1:3, 4.

Mwari wenyaradzo yose anoziva nhamo inotamburwa navabatiri vake uye anoda kuvapa sununguko. Muchinoitika cheitiro hanya yaPauro pamusoro pavaKorinte, nyaradzo yakauya kupfurikidza nomusonganiri wake wechiKristu Tito. Iyi inzira imwe iyo tinganyaradzwa nayo nhasi. Apo tinotambudzika, tinofanira naizvozvo kudzivisa kuzviparadzanisa timene. (Zvirevo 18:1) Songanirano namaKristu biyedu ndimumwe wemitoo Mwari anotinyaradza nawo. Tingafunga kuti: ‘Ndaora mwoyo kwazvo zvokuti handina kusimba zvakakwana kuva neshamwari dzangu dzechiKristu.’ Zvisinei, tinofanira kurwisa mirangariro yakadaro ndokusazvinyima timene nyaradzo iyo vatendi biyedu vanogona kupa.

Usarega!

Vamwe vedu vangave vasina kuwana muedzo une simba zvakadaro zvokuti takatambura kuora mwoyo kwakakomba. Asi chirwere chinonetesa, rufu rwomukwanyina weroorano, kana kuti mumwe mugariro unotambudza zvikuru zvingagona kuunza nhamo yendangariro. Kana ikoko kukafanira kuitika, tisagumisa kuti tinorwara zvedu mumudzimu. Munhu akaora mwoyo angave akasanokwaniriswa nokuda kwebasa raMwari, kunyange kuva anokwanisa kubetsera vamwe mumudzimu. Pauro akakurudzira hama ku“taura nenzira inonyaradza kumweya yakaora mwoyo,” kwete kufunga nokunyumwira kuti ivo vakanga vaita chimwe chinhu chakaipa uye vairwara mumudzimu. (1 VaTesaronika 5:14, NW) Kunyange zvazvo kuora mwoyo pane dzimwe nguva kuchibatanidzwa nechakaipa nokuva nemhaka, hakuna kudaro naavo vanobatira Mwari nomwoyo wakachena. Kunamata kwavo, zvichida kunopiwa nechitambudzo chikuru, kunogamuchirika kuna Jehovha. Iye anovada uye anovayamura nebetsero inodikanwa nenyaradzo.—Pisarema 121:1-3.

Avo vanoumba vakasarira vaIsraeri womudzimu vakatambudzwa chose chose nemiedzo mugore ra 1918. (Enzanisa naVaGaratia 6:16.) Sangano ravo rokuparidzira rakadokuparadzwa, vamwe vavo vakaiswa mutorongo nenzira isina kururama, uye vazhinji vavaichimbova vasonganiri vavo vakava vawi pakutenda vasina kuvimbika, vanoshora. Uyezve, vakazodzwa vakatendeka havana kunzwisisa chikonzero nei Mwari akanga abvumira kose ikoku kuitika. Kwenguva yakati ‘ivo vakadyara mbeu nemisodzi,’ asi havana kurega. Vakaramba vachibatira Jehovha uyewo vakazvinzvera vamene. Muuyo wacho? Ivo ‘vakapinda nedanidzo yokufara, vakatakura zvisote zvavo.’ (Pisarema 126:5, 6) Vakazodzwa zvino vanoziva kuti Mwari akabvumira miedzo yakadaro kuti avachenese nokuda kwebasa ravo rosvika ramarudzi ose rokucheka.

Kana tikafanira kutambudzika nemhaka yokuti tinonetswa nemiedzo yakasiana-siana, tinogona kubetserwa nechinoitika chavakasarira vakazodzwa. Panzvimbo pokurega, ngatirambe tichiita chiri chakarurama, kunyange kana tichifanira kuita saizvozvo tichichema. Pashure penguva yakati, kuchava nenzira yokubuda nayo mumiedzo yedu, uye ticha‘pinda nokudanidzira kwokufara.’ Hungu, mufaro—chibereko chomudzimu mutsvene waMwari—uchava wedu nokuda kwokuva tatsungirira miedzo yedu. Nokuda kwedu, Jehovha achabvumikisa zvirokwazvo kuva “Mwari wenyaradzo yose.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe