RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 8/1 pp. 26-27
  • Ndakazvininipisa Ndimene Ndokuwana Mufarwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndakazvininipisa Ndimene Ndokuwana Mufarwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuvamba Kwechinjo
  • Ushumiri Hwenguva Yakazara
  • Kuswedera Pedyo naMwari Kwakandibetsera Kukurira
    Mukai!—1993
  • Kurera Vana Vasere Munzira dzaJehovha Kwaiva Basa Rakaoma Asi Richifadza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Pakupedzisira Mhuri Yedu Yakabatana!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 8/1 pp. 26-27

Ndakazvininipisa Ndimene Ndokuwana Mufarwa

MUNA 1970, ndaiva namakore 23 okukura uye ndine ungandiveni. Kunzvimbo yangu yebasa pakirabhu yemotokari muIvrea, Italy, ndakaitwa mabharani mukuru. Ndakanga ndakatsunga kuva munhu anokosha. Asi ndakaora mwoyo zvikuru uye handina kufara. Neiko?

Murume wangu aipedzera zhinjisa yenguva yake ari mumabhawa achitamba njuga neshamwari dzake, uye aindisiya kuti nditakure mizhinjisa yemitoro yemhuri. Ukama hwedu hwakavamba kushata. Taiitirana nharo pamusoro pezvinhu zviduku zvikurusa. Somuuyo, ndangariro yangu yakazadzwa nemifungo yakaipa.

‘Hakuna anokuitira hanya chaizvoizvo,’ ndaidaro. ‘Vanongoda bedzi kushandisa nzvimbo yako zvisina kufanira.’ Ndaizviudza ndimene, kuti: ‘Mwari haagoni kuvapo nemhaka yokuti kudai aivapo, aisazobvumidza kutambura kuzhinji kudaro nouipi. Upenyu hahusi chinhu kunze kwenhangemutange yakananga kurufu.’ Ndaisagona kunzwisisa chikonzero nei ikoku kwakanga kwakadaro.

Kuvamba Kwechinjo

Rimwe zuva muna 1977, vaviri veZvapupu zvaJehovha vakagogodza pasuo redu. Murume wangu, Giancarlo, akavakoka kupinda, uye vakapinda mukamuri rokutandarira kundotaura. Donzo rake raiva rokuvaita kuti vave vezvemhindumupindu kufanana naye, asi ndivo vakachinja kufunga kwake!

Nokukurumidza Giancarlo akavambawo kuita chinjo muupenyu hwake. Akava anoshivirira zvikuru, achipa nguva yakawanda nengwariro kwandiri nomwanasikana wedu. Aiedza kutaura kwandiri pamusoro pezvinhu zvaakanga achidzidza, asi ndaipfiga kurukurirano nguva dzose netsinhiro yehasha.

Ipapo rimwe zuva apo Zvapupu zvakashanya, ndakagara pasi ndokuteerera chaizvoizvo. Zvakataura pamusoro pomugumo wetsika ino yezvinhu uye pamusoro poUmambo hwaMwari, Paradhiso yapasi, uye rumuko rwavakafa. Ndakashamiswa! Handina kurara usiku hutatu hwakatevera! Ndaida kuziva zvakawanda, asi rudado rwakandidzivisa kubvunza murume wangu mibvunzo. Ipapo rimwe zuva akandiudza zvakasimba, kuti: “Nhasi uchateerera. Ndine mhinduro kumibvunzo yako yose.” Ipapo akangodururira zvokwadi dzeBhaibheri kwandiri.

Giancarlo akandiudza kuti Jehovha izita roMusiki, kuti vara Rake guru rudo, kuti Akatuma Mwanakomana wake sorudzikinuro kuti tigova noupenyu husingaperi, uye kuti pashure poruparadziko rwavakaipa paArmagedhoni, Jesu Kristu achamutsa vakafa mukati moKutonga Kwake kwaMakore Ane Chiuru. Iye akataura kuti vanomutswa vachakura kusvikira kukukwana kwendangariro nomuviri uye kuti vaizova nebanza rokurarama nokusingaperi pasi pano muParadhiso.

Zuva rakatevera, ndakaperekedza murume wangu kuHoro yoUmambo kwenguva yokutanga. Pashure pezvo ndakati kwaari: “Ava vanhu vanodanana. Ndinoda kupfuurira kuuya kuno nemhaka yokuti vanofara chaizvoizvo.” Ndakavamba kupinda misangano nguva dzose, uye ndakaitiswa fundo yeBhaibheri. Ndakafunga zvakawanda pamusoro pezvandakanga ndichidzidza uye ndakakurumidza kupwiswa kuti ndakanga ndawana vanhu vechokwadi vaMwari. Muna 1979 murume wangu neni takaratidzira tsauriro yedu kuna Jehovha kupfurikidza nokubhapatidzwa.

Ushumiri Hwenguva Yakazara

Pagungano redunhu gare gare gore iroro, hurukuro yakapiwa yaikurudzira mubato wokuparidzira wenguva yakazara. Ndakanzwa ndasundwa kutora basa iroro, uye ndakaenda kuna Jehovha mumunyengetero pamusoro penhau yacho. Asi ipapo ndakava napamuviri, uye gadziriro dzangu dzakavhiringidzwa. Mumakore mana akatevera, takava navana vatatu. Vaviri vavo, panhambo dzakasiana-siana, vakavamba zvirwere zvinotyisidzira upenyu zvomuviri. Nokuonga, muchinoitika chimwe nechimwe, vakanaya zvizere.

Zvino ndakanzwa kuti ndaisagona kusundirazve mberi gadziriro dzangu dzoushumiri hwenguva yakazara. Ndakarega basa rangu rokunyika kuti ndipe ngwariro zviri nani pamitoro yangu somudzimai namai. Murume wangu neni takaita gadziriro dzokurarama nemari inotambirwa nomumwe, uko kwaireva kurega zvose zvaisakosha. Bva, Jehovha akatikomborera nenzira yakapfuma, asingatongotisii kuurombo kana kuti kushaiwa.

Muna 1984 mwanasikana wangu, uyo ipapo akanga ava namakore 15 uye akanga achangobva kubhapatidzwa, akavamba ushumiri hwenguva yakazara sapiona. Panguva imwe cheteyo, murume wangu akagadzwa somukuru. Uye ini? Ndichinzwa kuti ndakanga ndisati ndichagona kupayona, ndakagadza nharidzano yamaawa 30 pamwedzi mubasa rokuparidzira. Ndakaisvika uye ndakati kwandiri ndimene: ‘Waita zvakanakisisa! Uri kuita zvakawanda.’

Zvakare, kunyanguvezvo, rudado rwakava chinetso changu. (Zvirevo 16:18) Ndakaramba ndichifunga kuti ndaiita zvakanakisisa sei uye kuti ndaisada kuita imwezve fambiro mberi yomudzimu. Umudzimu hwangu hwakavamba kuderera, uye ndakatovamba kurasikirwa namavara akanaka andakanga ndawana. Ipapo ndakagamuchira chirango chandaida.

Muna 1985 vatariri vanofambira vaviri navadzimai vavo vakanga vari vaenzi mumusha wedu sezvavaiita shanyo yavo yapanhambo nenhambo kuungano yedu. Kucherekedza aya maKristu anozvininipisa, anozvibaira kwakandiparira chaizvoizvo kufungisisa zvinhu. Ndakaita nzvero pamusoro wokuzvininipisa, ndichishandisa zvinyorwa zveWatch Tower Society. Ndakafunga pamusoro pokuzvininipisa kukuru uko Jehovha anoratidza mukubata kwake nesu vanhu vanotadza. (Pisarema 18:35) Ndakaziva kuti ndaifanira kuchinja kufunga kwangu.

Ndakakumbira Jehovha kundibetsera kusakurira kuzvininipisa kuti ndimubatire nenzira yaaida kuti ndiite nayo uye kunditungamirira mukushandisa zvipo zvandinazvo kumbiri yake. Ndakazadza kumbiriso nokuda kwebasa roupiona, uye ndakavamba kumubatira muushumiri hwenguva yakazara muna March 1989.

Ndinogona kutaura zvino kuti ndinofara zvirokwazvo uye kuti kuzvininipisa kwangu ndiko kwakagovera kumufarwa wangu. Ndakawana chikonzero chaichoicho chokurarama—chiya chokubetsera vanoshaiwa kusvika pakuziva kuti Jehovha, Mwari wechokwadi, haasi kure naavo vanomutsvaka.—Yakataurwa naVera Brandolini.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe