Mibvunzo Inobva Kuvaravi
Tinofanira kunzwisisa muna Jobho 1:8 kuti mukati menhambo apo Jobho akararama, akanga ari munhu bedzi akanga akatendeka kuna Jehovha here?
Aiwa. Mhedziso iyoyo hairuramiswi naJobho 1:8, iyo inoti:
“Jehovha akati kuna Satani: ‘Wacherekedza muranda wangu Jobho here? Nokuti hakuna munhu wakafanana naye panyika, munhu wakakwana, wakarurama, unotya Mwari, achinzvenga zvakaipa?’” Mwari akagovera kuyera kwakafanana pana Jobho 2:3, achibvunza Satani, kuti: “Wacherekedza muranda wangu Jobho here? Nokuti hakuna munhu wakafanana naye panyika, munhu wakakwana, wakarurama, unotya Mwari, achinzvenga zvakaipa?”
Bhuku raJobho rimene rinoratidzira kuti Jobho akanga asiri munhu bedzi mupenyu uyo Mwari akagamuchira saakatendeka. Kuvambira muganhuro 32, tinorava pamusoro paErihu. Kunyange zvazvo akanga ari murume muduku zvikuru, Erihu akaruramisa chikanganiso chomurangariro waJobho ndokukudza Mwari wechokwadi.—Jobho 32:6–33:6, 31-33; 35:1–36:2.
Naizvozvo, tsinhiro yaMwari yokuti ‘kwakanga kusina munhu akafanana naJobho mupasi’ inofanira kureva kuti Jobho akanga akatanhamara zvikuru somunhu wokururama. Sezvingabvira Jobho akararama munguva yapakati porufu rwaJosefa muEgipita nokuvamba kwebasa raMosesi somuporofita waMwari. Mukati menhambo iyoyo chiverengero chikuru chavaIsraeri chaigara muEgipita. Hapana chikonzero chokufunga kuti vose vakanga vasina kutendeka uye vaisagamuchirika kuna Mwari; zvimwe paiva navazhinji vaivimba naJehovha. (Eksodho 2:1-10; VaHebheru 11:23) Bva, hakuna nomumwe wavo akaita basa rakatanhamara, sezvakanga zvaita Josefa, uyewo vanamati ivavo vakanga vasina kutanhamara pamusoro pokunamata kwechokwadi, sezvaizoita Mosesi mukutungamirira rudzi rwaIsraeri kubuda muEgipita.
Aigara kune imwe nzvimbowo, kunyanguvezvo, akanga ari mumwe murume weperero inokosha. “Kwakanga kune munhu panyika yeUzi, wainzi Jobho; munhu uyu wakanga akakwana, akarurama, waitya Mwari achinzvenga zvakaipa.”—Jobho 1:1.
Nokudaro Jehovha aigona kududza Jobho somuenzaniso wakajeka kana kuti unokosha wokutenda nokuzvipira. Nenzira yakafanana, vanyori veBhaibheri Ezekieri naJakobho vakasarudza Jobho vachidzokera shure saaigadza muenzaniso wokururama netsungiriro.—Ezekieri 14:14; Jakobho 5:11.