Muenzaniso Wakafuridzirwa Webasa Roufundisi rechiKristu
“Ivai vatevedzeri vangu, kunyange sezvo ndiri waKristu.”—1 VAKORINTE 11:1, NW.
1. Ndedzipi dziri dzimwe nzira umo Jesu akagadza muenzaniso wakatanhamara wokuti vateveri vake vatevedzere? (VaFiripi 2:5-9)
MUENZANISO wakatanhamara zvakadini uyo Jesu akagadzira vadzidzi vake! Akasiya nomufaro mbiri yake yokudenga kuti aburukire kupasi ndokugara pakati pavanhu vanotadza. Akanga achidisa kutambura kukuru nokuda kworuponeso rworudzi rwomunhu uye, chinokosha zvikuru, nokuda kwokutsveneswa kwezita raBaba vake vokudenga. (Johane 3:16; 17:4) Paaitongwa nokuda kwoupenyu hwake, Jesu nenzira youshingi akazivisa, kuti: “Ndakaberekerwa izvo, ndakauyira izvozvo panyika, kuti ndipupure zvokwadi.”—Johane 18:37.
2. Neiko Jesu akamutswa aigona kuraira vadzidzi vake kupfuudzira basa raakanga atanga?
2 Pamberi porufu rwake, Jesu akagovera rovedzo yakaisvonaka nokuda kwavadzidzi vake kuti vagogona kupfuudzira basa rokupupurira zvokwadi yoUmambo. (Mateo 10:5-23; Ruka 10:1-16) Nokudaro, pashure porumuko rwake, Jesu akakwanisa kupa murairo, wokuti: “Endai . . . uye muite vadzidzi vavanhu vamarudzi ose, muchivabhapatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurairai.”—Mateo 28:19, 20, NW.
3. Basa rokuita vadzidzi rakafutunuka sei, asi munzvimboi marakanga rakanangidzirwa zvikuru?
3 Kwamakore matatu nehafu akatevera, vadzidzi vaJesu vakateerera uyu murairo asi vakaganhurira kuita kwavo vadzidzi kuvaJudha, vaproserite vechiJudha, uye vaSamaria vakadzingiswa. Ipapo, muna 36 N.V., Mwari akaraira kuti mashoko akanaka aparidzirwe kune mumwe murume asina kudzingiswa, Kornerio, uye imba yake. Mukati mamakore gumi akatevera, vamwe Vamarudzi vakapinzwa muungano. Zvisinei, zhinjisa rebasa rinoratidzika kuva rakaganhurirwa kunzvimbo dzeMediterranean yokumabvazuva.—Mabasa 10:24, 44-48; 11:19-21.
4. Ndichinoitikai chinokosha chakaitika munenge muna 47-48 N.V.?
4 Chimwe chinhu chakanga chichidikanwa kunyandura kana kuti kugonesa maKristu kuita vadzidzi vavaJudha naVamarudzi munzvimbo dziri kure zvikuru. Naizvozvo, munenge muna 47-48 N.V., vakuru veungano yeAntiokia yeSiria vakagamuchira iri shoko roumwari: “Nditsaurirei Bharnabhasi naSauro kubata basa randakavadanira.” (Mabasa 13:2) Cherekedza kuti Pauro ipapo akanga achizivikanwa kupfurikidza nezita rake rapakuvamba, Sauro. Cherekedzawo kuti Mwari akatumidza Bharnabhasi zita pamberi paPauro, zvichida nemhaka yokuti panguva iyoyo Bharnabhasi airangarirwa somukuru wavaviri vacho.
5. Neiko chinyorwa chorwendo rwoufundisi rwaPauro naBharnabhasi chiri choukoshi hukuru kumaKristu nhasi?
5 Nhauro ine udzame yorwendo rwoufundisi rwaPauro naBharnabhasi ndeyekurudziro huru kuZvapupu zvaJehovha, zvikurukuru kuvafundisi namapiona avo vakatamira kure kubva kumataundi okumisha kwavo kundobatira Mwari munzanga yokumwe. Uyezve, kuhwirudzurwa kwaMabasa maganhuro 13 ne 14 zvirokwazvo kuchanyandurazve vakawanda kutevedzera Pauro naBharnabhasi ndokukudza goverano yavo mubasa rinokosha zvikuru rokuita vadzidzi.
Chitsuwa cheKupro
6. Muenzanisoi uyo vafundisi vakagadza muKupro?
6 Pasina kunonoka vafundisi vakafamba nechikepe kubva pachiteshi chengarava cheSiria cheSerukia vachienda kuchitsuwa cheKupro. Pashure pokusvika muSarami, havana kutsauswa asi “vakaparidza shoko raMwari mumasinagoge avaJudha.” Vachitevera muenzaniso waKristu, havana kugutswa nokugara havo muguta iroro ndokumirira kuti vagari vapachitsuwa vauye kwavari. Panzvimbo pezvo, vaka“gura chiwi chose.” Pasina panikiro ikoku kwakabatanidza kufamba kuzhinji nechinjo zhinji dzopokugara, sezvo Kupro chiri chitsuwa chikuru, uye rwendo rwavo rwakavaita kuti vapedze chikamu chikuru zvikuru chacho.—Mabasa 13:5, 6.
7. (a) Ndichinoitikai chakatanhamara chakaitika muPafosi? (b) Ichi chinyorwa chinotikurudzira kuva nechimiroi chendangariro?
7 Pamugumo wokugara kwavo, varume vaviri vacho vakatuswa nechinoitika chinoshamisa muguta rePafosi. Mutongi wechitsuwa chacho, Sergio Pauro, akateerera shoko ravo ndo“kutenda.” (Mabasa 13:7, 12) Pauro akanyora gare gare, kuti: “Tarirai kudanwa kwenyu, hama dzangu, kuti havazi vazhinji vakachenjera panyama vakadanwa; havasi vazhinji vane simba, havazi vazhinji vanokudzwa.” (1 VaKorinte 1:26) Kunyanguvezvo, pakati pavane simba vakagamuchira pakanga paina Sergio Pauro. Ichi chinoitika chinofanira kukurudzira vose, zvikurukuru vafundisi, kuva nechimiro chakanaka pamusoro pokupupurira kuvakuru vakuru vehurumende, kunyange sezvo tinokurudzirwa kuita pana 1 Timotio 2:1-4. Vanhu vane chiremera pane dzimwe nguva vakapa betsero huru kuvabatiri vaMwari.—Nehemia 2:4-8.
8. (a) Ukamai hwakachinja pakati paBharnabhasi naPauro hunooneka kuvambira panguva ino zvichienda mberi? (b) Bharnabhasi akanga ari muenzaniso wakaisvonaka munzirai?
8 Mupesvedzero yomudzimu waJehovha, Pauro akaita rutivi rukuru mukutendeuka kwaSergio Pauro. (Mabasa 13:8-12) Uyewo, kuvambira panguva ino zvichienda mberi, kunoratidzika kuti Pauro akatungamirira. (Enzanisa Mabasa 13:7 naMabasa 13:15, 16, 43.) Ikoku kwakanga kuri mutsinhirano nebasa roumwari iro Pauro akanga agamuchira panguva yokutendeuka kwake. (Mabasa 9:15) Zvichida chinoitika chakadaro chakaedza kuzvininipisa kwaBharnabhasi. Zvisinei, panzvimbo pokurangarira iyi chinjo sokuzvidzwa kwomunhu oga, Bharnabhasi sezvingabvira akararama mukutsinhirana nerevo yezita rake, “Mwanakomana Wenyaradzo,” uye akatsigira nenzira yokuvimbika Pauro murwendo rwose rwoufundisi uye pashure pezvo apo mamwe maKristu echiJudha akadenha ushumiri hwavo kuVamarudzi vasina kudzingiswa. (Mabasa 15:1, 2) Iwoyu muenzaniso wakaisvonaka zvakadini kwatiri tose, kubatanidza vagari vomumisha yavafundisi neyeBheteri! Nguva dzose tinofanira kuva vanodisa kugamuchira gadziridzo dzoubati ushe hwaMwari ndokupa tsigiro yedu yakazara kuna avo vanogadzwa kutungamirira pakati pedu.—VaHebheru 13:17.
Rwenze rweAsia Minor
9. Chii chatinodzidza mukudisa kwaPauro naBharnabhasi kufamba vachikwira kuAntiokia yePisidhia?
9 Vachibva Kupro, Pauro naBharnabhasi vakaenda nechikepe kuchamhembe kunyika yeAsia. Nokuda kwechikonzero chisina kuziviswa, vafundisi havana kugara munzvimbo yomumhenderekedzo yegungwa asi vakaita rwendo rurefu norune ngozi rwaanenge makiromita 180 kuenda kuAntiokia yePisidhia, iri parwenze rwapakati rweAsia Minor. Ikoku kwakabatanidza kukwira napamupata wegomo nokudzika kubani anenge mamita 1 100 pamusoro pomwero wegungwa. Nyanzvi yeBhaibheri J. S. Howson inoti: “Tsika dzisina mutemo nedzokupamba dzavagari vomumakomo iwayo ayo anoparadzanisa rwenze . . . kubva mumapani ari pamhenderekedzo yegungwa yokumaodzanyemba, dzakanga dzine mukurumbira wakashata mumativi ose enhau yekare.” Mukuwedzera, vafundisi vakatarisana nengozi yakabva kuzvinhu zvomusikirwo. “Hakuna ruwa muAsia Minor,” anowedzera kudaro Howson, “runoratidzirwa nenzira yechienzi zvikuru na‘mafashamo emvura’ arwo kupfuura nzvimbo yomumakomo ePisidhia, umo nzizi dzinopfachuka pasi pamawere makuru, kana kuti dzinoyerera nesimba dzichidzika napamimanimani.” Uhu hudzame hunotibetsera kuisa muchiono rudzi rwenzendo idzo vafundisi vaidisa kuita nokuda kwokuparadzira mashoko akanaka. (2 VaKorinte 11:26) Nenzira yakafanana nhasi, vazhinji vavabatiri vaJehovha vanotsungirira marudzi ose emhinganidzo kuti vasvike vanhu ndokugoverana mashoko akanaka navo.
10, 11. (a) Pauro akachengeta sei fariro dzavose navateereri vake? (b) Neiko vaJudha vazhinji sezvingabvira vakashamiswa nokunzwa nezvokutambura kwaMesia? (c) Rudzii rworuponeso urwo Pauro akaratidza pamberi pavanzwi vake?
10 Sezvo makanga mune sinagoge rechiJudha muAntiokia yePisidhia, vafundisi vakaenda ikoko pakutanga kuti vagopa avo vakanga vakarovedzana zvikurusa neShoko raMwari banza rokugamuchira mashoko akanaka. Pakukokwa kuzotaura, Pauro akasimuka ndokupa hurukuro yavose younyanzvi zvikuru. Mukati mose mehurukuro, iye akachengeta fariro dzavose navaJudha navaproserite vaiva muvateereri. (Mabasa 13:13-16, 26) Pashure pesumo yake, Pauro akahwirudzura nhau yakaisvonaka yavaJudha, achivayeuchidza kuti Jehovha akanga asarudza madzitateguru avo uye ipapo akavanunura muEgipita, pamwe chete nokubetsera kwaakanga avaita kuti vakunde vagari vomuNyika Yakapikirwa. Ipapo Pauro akasimbisa kubata kwaJehovha naDhavhidhi. Mashoko akadaro akanga ari eitiro hanya kuvaJudha muzana rokutanga ramakore nemhaka yokuti vakanga vachikarira Mwari kumutsa muzukuru waDhavhidhi somuponesi nomutongi asingaperi. Pairi pfundo, Pauro akazivisa noushingi, kuti: “Kubva muvana vomurume uyu [Dhavhidhi] mukuwirirana nechipikirwa chake Mwari akaunza kuna Israeri muponesi, Jesu.”—Mabasa 13:17-23, NW.
11 Zvisinei, rudzi rwomuponesi urwo vaJudha vazhinji vakanga vachimirira rakanga riri gamba rehondo iro raizovanunura muudzori hweRoma ndokukwidziridza rudzi rwechiJudha pamusoro pamamwe ose. Nokudaro, pasina panikiro vakashamiswa kunzwa Pauro achitaura kuti Mesia akanga apiwa nokuda kwokuurawa navatungamiriri vavo vamene vorudzidziso. “Asi Mwari akamumutsa kuvakafa,” Pauro akazivisa kudaro nenzira youshingi. Nechokumugumo kwehurukuro yake, akaratidza vateereri vake kuti vaigona kuwana rudzi runoshamisa rworuponeso. “Naizvozvo . . . muzive imi,” iye akadaro, “kuti kanganwiro yezvivi noyuyu inokuparidzirwai imi. Noyuyu, mumwe nomumwe unotenda, unoruramiswa pazvose, zvamakanga musingagoni kururamiswa pazviri nomurairo waMosesi.” Pauro akapedzisa hurukuro yake kupfurikidza nokukurudzira vateereri vake kusaiswa muboka pakati pavazhinji avo Mwari akadeya kutaura kuti vaizoregeredza iyi gadziriro inoshamisa yoruponeso.—Mabasa 13:30-41.
12. Chii chakabva muhurukuro yaPauro, uye ikoku kunofanira kutikurudzira sei?
12 Ihurukuro yakasanopiwa zvakadini yakavakirwa paMagwaro! Vateereri vakaita sei? “VaJudha vazhinji navaproserite vainamata Mwari, vakatevera Pauro naBharnabhasi.” (Mabasa 13:43) Kunokurudzira sei nokuda kwedu nhasi! Nenzira yakafanana ngatiitei unani hwedu kupa zvokwadi nenzira inobudirira, mungave muushumiri hwedu hwavose kana kuti mutsinhiro nehurukuro pamisangano yedu yeungano.—1 Timotio 4:13-16.
13. Neiko vafundisi vaifanira kubva muAntiokia yePisidhia, uye mibvunzoi inomuka pamusoro pavadzidzi vatsva?
13 Vachangobva kufarira muAntiokia yePisidhia vaisagona kuchengeta aya mashoko akanaka kwavari vamene. Somuuyo, “nesabata rakatevera guta rinenge rose rakaungana kuzonzwa shoko ra[Jehovha, NW].” Uye nokukurumidza shoko racho rakapararira kupfuura guta. Kutaura idi, “shoko ra[Jehovha, NW] rikaparidzirwa kunyika yose.” (Mabasa 13:44, 49) Panzvimbo pokugamuchira iri idi, vaJudha vane godo vakabudirira mukuita kuti vafundisi vadzingwe muguta. (Mabasa 13:45, 50) Ikoku kwakatapura sei vadzidzi vatsva? Vakaodzwa mwoyo ndokurega here?
14. Neiko vashori vaisagona kugumisa basa iro vafundisi vakanga vatanga, uye tinodzidzei muna ikoku?
14 Aiwa, nemhaka yokuti iri rakanga riri basa raMwari. Uyewo, vafundisi vakanga vavanzarika hwaro hwakasimba hwokutenda muna Ishe Jesu Kristu akamutswa. Sezvinooneka, ipapoka, vadzidzi vatsva vairangarira Kristu, uye kwete vafundisi, soMutungamiriri wavo. Nokudaro, tinorava kuti vaka“pfuurira kuzadzwa nomufaro nomudzimu mutsvene.” (Mabasa 13:52, NW) Ikoku kunokurudzira sei kuvafundisi navamwe vaiti vavadzidzi nhasi! Kana tikaita rutivi rwedu nenzira yokuzvininipisa neyokushingaira, Jehovha Mwari naJesu Kristu vachakomborera ushumiri hwedu.—1 VaKorinte 3:9.
Ikonio, Ristra, Uye Dherbhe
15. Mutooi uyo vafundisi vakatevera muIkonio, nemiuyoi?
15 Pauro naBharnabhasi zvino vakafamba anenge makiromita 140 kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva vachienda kuguta raitevera, Ikonio. Kutya chitambudzo hakuna kuvadzivisa kutevera mutoo mumwe chetewo somuAntiokia. Somuuyo, Bhaibheri rinoti: “Vazhinji-zhinji vavaJudha navaGiriki vakatenda.” (Mabasa 14:1) Zvakare, vaJudha avo vasina kugamuchira mashoko akanaka vakanyandura chishoro. Asi vafundisi vakatsungirira uye vakapedzera nguva yakati muIkonio vachibetsera vadzidzi vatsva. Ipapo, pashure pokuziva kuti vashori vavo vechiJudha vakanga vodokuvataka namabwe, Pauro naBharnabhasi nenzira yokuchenjera vakatizira kundima inotevera, “Ristra neDherbhe nokunyika yakapoteredza.”—Mabasa 14:2-6.
16, 17. (a) Chii chakaitika kuna Pauro muRistra? (b) Kubata kwaMwari nomuapostora kwakatapura sei mumwe murume muduku weRistra?
16 Noushingi “vakapfuurira kuzivisa mashoko akanaka” muiyi ndima itsva, isati yamboshandwa. (Mabasa 14:7, NW) Apo vaJudha vaiva muAntiokia yePisidhia nomuIkonio vakanzwa nezvaikoku, vakauya kuRistra uye vakanyengetedza mapoka kutaka Pauro namabwe. Asina nguva yokutiza, Pauro akatemwa namabwe, zvokuti vashori vake vakapwiswa kuti akanga afa. Vakamuzvuzvurudzira kunze kweguta.—Mabasa 14:19.
17 Unogona kufungidzira nhamo ikoku kwakaparira vadzidzi vatsva here? Asi nokushamisika kukuru, apo vakapoteredza Pauro, iye akasimuka! Bhaibheri haritauri kana murume muduku ainzi Timotio akanga ari mumwe waava vadzidzi vatsva. Zvirokwazvo kubata kwaMwari naPauro panguva yakati kwakazivikanwa kwaari uye kwakaorora zvikuru ndangariro yake duku. Pauro akanyora mutsamba yake yechipiri kuna Timotio, kuti: “Iwe wakatevera kudzidzisa kwangu, nomufambire, . . . izvo zvakandiwira paAntiokia, napaIkonio, napaRistra; madambudziko makuru sei andakanzwa; pazvinhu izvozvo zvose Ishe wakandisunungura.” (2 Timotio 3:10, 11) Rinenge gore rimwe kana kuti maviri pashure pokutakwa namabwe kwaPauro, iye akadzokera kuRistra ndokuwana kuti Timotio muduku akanga ari muKristu womuenzaniso, “aipupurirwa zvakanaka nehama dzapaRistra neIkonio.” (Mabasa 16:1, 2) Naizvozvo Pauro akamusarudza seshamwari yokufamba nayo. Ikoku kwakabetsera Timotio kukura muukuru mumudzimu, uye pashure penguva yakati akakwaniriswa kutumwa naPauro kushanyira ungano dzakasiana-siana. (VaFiripi 2:19, 20; 1 Timotio 1:3) Nenzira yakafanana, nhasi, vabatiri vanoshingaira vaMwari ipesvedzero inoshamisa pavanhu vaduku, vazhinji vavo vanokura kuva vabatiri vanokosha vaMwari, kufanana naTimotio.
18. (a) Chii chakaitika kuvafundisi muDherbhe? (b) Ibanzai zvino rakanga razaruka kwavari, asi inzirai yavakasarudza?
18 Mangwanani apashure pokutiza kwake rufu muRistra, Pauro akaenda naBharnabhasi kuDherbhe. Nguva ino, hapana vashori vakatevera, uye Bhaibheri rinoti ‘vakaita vadzidzi vakati.’ (Mabasa 14:20, 21) Vatanga ungano muDherbhe, Pauro naBharnabhasi vaifanira kuita chisarudzo. Mugwagwa wakagadzirwa navaRoma waifambwa zvikuru waipfuurira kubva paDherbhe kuenda kuTarso. Kubva ipapo rwakanga rwuri rwendo rupfupi kudzokera kuAntiokia yeSiria. Sezvinobvira iyoyo ndiyo yakanga iri nzira yakakodzera zvikurusa yokudzokera nayo, uye vafundisi ivavo vaigona kuve vakanzwa kuti zvino vaifanirwa nezororo. Mukutevedzera Tenzi wavo, kunyanguvezvo, Pauro naBharnabhasi vakanzwa kushaiwa kukuru zvikuru.—Marko 6:31-34.
Kuita Basa raMwari Zvizere
19, 20. (a) Jehovha akakomborera sei vafundisi nokuda kwokudzokera kuRistra, Ikonio, uye Antiokia? (b) Ikoku kunogovera vanhu vaJehovha chidzidzoi nhasi?
19 Panzvimbo pokutora nzira pfupi yokuenda kumusha, vafundisi noushingi vakadzokera ndokushanyirazve maguta amene umo upenyu hwavo hwakanga hwava mungozi. Jehovha akavakomborera nokuda kweiyi itiro hanya isina udyire nokuda kwamakwai matsva here? Hungu, zvamazvirokwazvo, nokuti nhauro yacho inoti vakabudirira mu“kusimbisa mweya yavadzidzi, vachivaraira kuti vatsungirire pakutenda.” Nenzira yakafanira, vakaudza vadzidzi vatsva ivavo, kuti: “Tinofanira kupinda muumambo hwaMwari kupfurikidza namadambudziko mazhinji.” (Mabasa 14:21, 22, NW) Pauro naBharnabhasi vakavayeuchidzawo nezvokudanwa kwavo savadyi venhaka pamwe chete muUmambo hunouya hwaMwari. Nhasi, tinofanira kupa kurudziro yakafanana kuvadzidzi vatsva. Tinogona kuvasimbisa kutsungirira miedzo kupfurikidza nokuisa pamberi pavo kariro youpenyu husingaperi pasi pano mukutonga kwoUmambo humwe chetehwo hwaMwari uhwo Pauro naBharnabhasi vakaparidzira.
20 Vasati vabva muguta rimwe nerimwe, Pauro naBharnabhasi vakabetsera ungano yomunzvimbomo kurongeka zviri nani. Sezvinooneka, vakarovedza varume vanokwaniriswa ndokuvagadza kutungamirira. (Mabasa 14:23) Pasina panikiro ikoku kwakabetsera imwe futunuko. Nenzira yakafanana nhasi, vafundisi navamwe, pashure pokubetsera vasina ruzivo rwokuzviwanira kufambira mberi kusvikira vogona kutakura mutoro, pane dzimwe nguva vanotama ndokupfuudzira basa ravo rakanaka mudzimwe nzvimbo mune kushaiwa kukuru.
21, 22. (a) Chii chakaitika pashure pokunge Pauro naBharnabhasi vapedza rwendo rwavo rwoufundisi? (b) Ikoku kunomutsa mibvunzoi?
21 Apo vafundisi pakupedzisira vakadzokera kuAntiokia yeSiria, vaigona kunzwa vagutswa zvikuru. Zvamazvirokwazvo, chinyorwa cheBhaibheri chinotaura kuti vakanga “vaita zvizere” basa iro Mwari akanga aronzesa kwavari. (Mabasa 14:26, NW) Nenzira inonzwisisika, kurondedzerwa kwezvinoitika zvavo kwakaparira “mufaro mukuru kuhama dzose.” (Mabasa 15:3, NW) Asi zvakadiniko nenguva yemberi? Zvino vaizoti dedede ndokuzorora pazvigaro zvavo, sezvinotaura chirevo here? Haisva. Pashure pokushanyira mutumbi unodzora muJerusarema kundowana chisarudzo panhau yokudzingiswa, vaviri vacho vakatangazve nzendo dzoufundisi. Nguva ino vakaenda nenzira dzakasiana. Bharnabhasi akatora Johane Marko ndokuenda kuKupro, nepo Pauro akawana shamwari itsva, Sirasi, uye vakaenda nomuSiria neKirikia. (Mabasa 15:39-41) Pakanga pari parwendo rwuno apo akasarudza muduku Timotio ndokuenda naye.
22 Bhaibheri harizivisi miuyo yorwendo rwechipiri rwaBharnabhasi. Kana ari Pauro, iye akapfuurira kuenda kundima itsva ndokutanga ungano muanenge maguta mashanu—Firipi, Bherea, Tesaronika, Korinte, uye Efeso. Chii chakanga chiri chikuru kubudiriro yakatanhamara yaPauro? Nheyo dzimwe chetedzo dzinoshanda nokuda kwavaiti vavadzidzi vechiKristu nhasi here?
Unoyeuka Here?
◻ Neiko Jesu ari muenzaniso wakatanhamara wokutevedzera?
◻ Bharnabhasi akanga ari muenzaniso munzirai?
◻ Tinodzidzei muhurukuro yaPauro muAntiokia yePisidhia?
◻ Pauro naBharnabhasi vakaita zvizere sei mugove wavo?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Kutsungirira kwomuapostora Pauro chitambudzo kwakaita kuorora kusingagumi pamurume muduku Timotio