RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 10/1 pp. 9-14
  • “Tawana Mesia”!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Tawana Mesia”!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mutsara Wedzinza waJesu
  • Mauporofita aMesia
  • Kusvika Kwake Kwakaporofitwa
  • Akaziviswa Kubva Kumusoro
  • Neiko vaJudha Vasina Kugamuchira Jesu?
  • Chikonzero Nei Mesia Aifanira Kufa
  • “Tawana Mesiya”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Mesiya! Nzira yaMwari Yokuponesa Vanhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Jesu Kristu—Kiyi Yokuziva Mwari
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • Vakanga Vakamirira Kuuya kwaMesiya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 10/1 pp. 9-14

“Tawana Mesia”!

“Akatanga [Andreasi] kuwana Simoni, mukoma wake, akati kwaari: ‘Tawana [Mesia, NW]’ (ndokuti Kristu, kana zvichishandurwa).”—JOHANE 1:41.

1. Johane Mubhapatidzi akapupurirei pamusoro paJesu weNazareta, uye Andreasi akagumisei pamusoro pake?

ANDREASI akatarira kwenguva refu, ari pedyo kumurume wechiJudha ainzi Jesu weNazareta. Iye akanga asina chitarisiko chamambo, kana kuti murume akachenjera, kana kuti rabhi. Iye akanga asina zvishongo zvoumambo, uyewo imvi, uyewo maoko akapfava neganda rakanaka. Jesu akanga ari muduku—ane anenge makore 30 okukura—ane maoko akaomarara neganda dzvuku zvomushandi webasa rakaoma. Naizvozvo Andreasi angave asina kushamiswa nokuziva kuti iye akanga ari muvezi. Kunyanguvezvo, Johane Mubhapatidzi akati nezvouyu murume: “Tarirai, Gwaiana raMwari!” Zuva rapamberi peri, Johane akanga ataura chimwe chinhu chinotoshamisa zvikuru: “Uyu ndiye Mwanakomana waMwari.” Ikoku kwaigona kuva kwechokwadi here? Andreasi akapedza nguva yakati achiteerera Jesu zuva iroro. Hatizivi izvo Jesu akataura; tinoziva kuti mashoko ake akachinja upenyu hwaAndreasi. Iye akakurumidza kundowana mukoma vake, Simoni, uye akadanidzira kuti, “Tawana [Mesia, NW]”!—Johane 1:34-41.

2. Neiko kuchikosha kurangarira ufakazi pamusoro pokuti Jesu akanga ari Mesia akapikirwa here?

2 Andreasi naSimoni (uyo Jesu akapazve zita rokuti Petro) gare gare vakava vaapostora vaJesu. Pashure paanopfuura makore maviri somudzidzi wake, Petro akati kuna Jesu: “Imi muri Kristu [Mesia], Mwanakomana waMwari mupenyu.” (Mateo 16:16, NW) Vaapostora vakatendeka navadzidzi pakupedzisira vakabvumikisa kuva vanodisa kufira chitendero ichocho. Nhasi, mamirioni avanhu vapachokwadi akazvipira zvakaenzana. Asi paufakazii? Ufakazi, pashure pokurangarira zvose, hunoita musiano pakati pokutenda nenhendedzero dzaro. (Ona VaHebheru 11:1.) Naizvozvo ngatirangarire mitsara mikuru mitatu youfakazi hunobvumikisa kuti Jesu zvamazvirokwazvo akanga ari Mesia.

Mutsara Wedzinza waJesu

3. Evhangeri dzaMateo naRuka dzinopa udzame hwechii pamusoro pomutsara wedzinza waJesu?

3 Mutsara wedzinza waJesu ufakazi hwokutanga uhwo Magwaro echiKristu echiGiriki anopa mukutsigira uMesia hwake. Bhaibheri rakadeya kutaura kuti Mesia aizobva mumutsara wemhuri waMambo Dhavhidhi. (Pisarema 132:11, 12; Isaya 11:1, 10) Evhangeri yaMateo inovamba, ichiti: “Mazita amadziteteguru aJesu Kristu, mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waAbrahama.” Mateo anotsigira uku kutaura kwoushingi kupfurikidza nokuronda dzinza raJesu kupfurikidza nomutsara wababa vake vokurera, Josefa. (Mateo 1:1-16) Evhangeri yaRuka inoronda mutsara wedzinza waJesu kupfurikidza naamai vake vokunyama, Maria, kudzokera shure nokuna Dhavhidhi naAbrahama kusvikira kuna Adhama. (Ruka 3:23-38)a Nokudaro vanyori veEvhangeri vanotsigira zvakakwana kutaura kwavo kuti Jesu akanga ari mugari wenhaka waDhavhidhi, mose muri muviri mupfungwa yapamutemo neyomuzvarirwo.

4, 5. (a) Vakararama panguva imwe cheteyo naJesu vakadenha mutsara wake kubva kuna Dhavhidhi here, uye neiko ikoku kuchikosha? (b) Nongedzero dzisati dziri dzeBhaibheri dzinotsigira sei mutsara wedzinza waJesu?

4 Kunyange mushori anopanikira zvikurusa wouMesia hwaJesu haagoni kuramba kutaura kwaJesu kuva mwanakomana waDhavhidhi. Neiko? Kune zvikonzero zviviri. Chimwe, kutaura ikoko kwakadzokororwa zvikuru muJerusarema kwamakumi amakore guta racho risati raparadzwa muna 70 N.V. (Enzanisa naMateo 21:9; Mabasa 4:27; 5:27, 28.) Kudai kutaura kwacho kwakanga kuri kwenhema, upi noupi wavashori vaJesu—uye akanga ane vakawanda—aigona kuva akabvumikisa Jesu kuva munyengeri kupfurikidza bedzi nokunzvera mutsara wake wedzinza mumadzinza aiva mumipumburu yamanyoro yavose.b Asi nhau haina chinyorwa chomunhu upi noupi anodenha mutsara waJesu kubva kuna Mambo Dhavhidhi. Sezviri pachena, kutaura kwacho kwakanga kusingadenhwi. Pasina panikiro Mateo naRuka vakakopa mazita akatanhamara nokuda kwenhauro dzavo zvakananga kubva muzvinyorwa zvavose.

5 Chechipiri, manyuko ari kunze kweBhaibheri anosimbisa kugamuchirwa kukuru kwomutsara wedzinza waJesu. Somuenzaniso, Talmud inonyora rabhi wezana ramakore rechina saanoita kudenha kwokunyomba pana Maria, amai vaJesu, nokuda kwo‘kuhura navavezi’; asi chikamu chimwe chetecho chamashoko chinobvuma kuti “iye akanga ari muzukuru wamachinda navatongi.” Muenzaniso wapakuvamba zvikuru ndowezvenhau wezana rechipiri ramakore Hegesippus. Iye akarondedzera kuti apo Kesari weRoma Domitian akanga achida kuuraya vazukuru vapi navapi vaDhavhidhi, vavengi vakati vamaKristu apakuvamba vakamhura vazukuru vaJudhasi, munun’una kuna amai waJesu, “savari vemhuri yaDhavhidhi.” Kana Judhasi akanga ari muzukuru anozivikanwa waDhavhidhi, Jesu aisavawo here? Nenzira isingarambwi!—VaGaratia 1:19; Judhasi 1.

Mauporofita aMesia

6. Mauporofita aMesia akawanda sei muMagwaro echiHebheru?

6 Mumwe mutsara woufakazi hwokuti Jesu akanga ari Mesia huporofita hwakazadzikwa. Mauporofita anoshanda kuna Mesia akawanda muMagwaro echiHebheru. Mubhuku rake rinonzi The Life and Times of Jesus the Messiah, Alfred Edersheim akaverenga zvikamu zvamashoko 456 muMagwaro echiHebheru izvo varabhi vakare vairangarira sezvoumesia. Zvisinei, varabhi vakanga vane mifungo isina kururama yakawanda pamusoro paMesia; zvakawanda zvezvikamu zvamashoko zvavainongedzera kwazviri hazvisati zvitongori zvoumesia. Zvisinei, zvikurukuru kune makumi amauporofita ayo anozivisa Jesu saMesia.—Enzanisa naZvakazarurwa 19:10.

7. Ndeapi ari mamwe amauporofita ayo Jesu akazadzika mukati mokugara kwake kwechinguvana pasi pano?

7 Pakati pawo: taundi rokuberekwa kwake (Mika 5:2; Ruka 2:4-11); ngwavaira yokuuraiwa kukuru kwavacheche uko kwakaitika pashure pokuberekwa kwake (Jeremia 31:15; Mateo 2:16-18); iye aizodanwa kubuda muEgipita (Hosea 11:1; Mateo 2:15); vatongi vamarudzi vaizobatana kuti vamuparadze (Pisarema 2:1, 2; Mabasa 4:25-28); kutengeswa kwake nokuda kwezvidimbu 30 zvesirivha (Zekaria 11:12; Mateo 26:15); kunyange mutoo worufu rwake.—Pisarema 22:16, NW, mashoko omuzasi; Johane 19:18, 23; 20:25, 27.c

Kusvika Kwake Kwakaporofitwa

8. (a) Uporofitai hunoratidzira apo Mesia aizosvika? (b) Zvinhui zviviri zvinofanira kuzivikanwa kuti tinzwisise uhwu uporofita?

8 Ngatinangidzire ngwariro pauporofita humwe chete. Pana Dhanieri 9:25, vaJudha vakaudzwa apo Mesia aizouya. Inorava, kuti: “Chiziva unzwisise, kuti kubva pakutemwa kwomurairo wokuvandudza nokuvaka Jerusarema kusvikira kune wakazodzwa, iye muchinda, zvichaita vhiki nomwe; uye vhiki dzine makumi matanhatu nembiri.” Pakuringa kwokutanga uhwu uporofita hungaratidzika kuva husina kujeka. Asi mupfungwa yakafara, ihwo hunotikumbira kuwana mativi maviri bedzi amashoko: pokutangira nourefu hwenguva. Kuenzanisira, kudai waiva nemepu inonongedzera kupfuma yakavigwa “zviyero 50 kumabvazuva kwetsime mumunhanga wetaundi,” ungawana nhungamiro dzacho kuva dzinovhiringidza—zvikurukuru kana usingazivi kune tsime irori, kana kuti kuti ‘chiyero’ chakareba sei. Waisazotsvaka maidi maviri iwayo here kuti ugogona kuwana pfuma yacho? Eya, uporofita hwaDhanieri ndohumwe chetehwo zvikuru, kunze kwokuti tiri kuzivisa nguva yokutanga nokuyera nhambo inotevera.

9, 10. (a) Ndapapi pari pokutangira apo mavhiki 69 anoyerwa kubvira? (b) Mavhiki 69 akanga akareba sei, uye tinoziva sei ikoku?

9 Kutanga, tinoda pokutangira pedu, musi apo ‘shoko rakabuda rokudzorera nokuvakazve Jerusarema.’ Tevere, tinofanira kuziva daro racho kubva ipapo, kuti aya mavhiki 69 (7 kuwedzera 62) akanga akareba sei chaizvo. Mativi ose ari maviri amashoko haana kuoma kuwana. Nehemia anotiudza zvakajeka kwazvo kuti shoko rakabuda rokuvakazve rusvingo rwakakomba Jerusarema, kuchiriita pakupedzisira guta rakadzorerwa, “negore ramakumi maviri ramambo Artashasta.” (Nehemia 2:1, 5, 7, 8) Ikoko kunoisa pokutangira pedu pana 455 P.N.V.d

10 Zvino pamusoro paaya mavhiki 69, aigona kuva mavhiki chaiwoiwo here amazuva manomwe? Aiwa, nokuti Mesia haana kuoneka rinopfuura gore rimwe chete pashure pa 455 P.N.V. Nokudaro nyanzvi zhinjisa dzeBhaibheri neshanduro zhinji (kubatanidza Tanakh yechiJudha mumashoko omuzasi kuiyi ndima) zvinobvumirana kuti aya mavhiki “amakore.” Uyu mufungo we‘vhiki ramakore,’ kana kuti nhambo yamakore manomwe, wakanga wakarovedzeka kuvaJudha vakare. Sezvo vaichengeta zuva resabata zuva rechinomwe riri rose, ivo vaichengeta gore resabata gore rechinomwe riri rose. (Eksodho 20:8-11; 23:10, 11) Naizvozvo mavhiki 69 amakore aizosvika kumakore 69 anowanziridzwa na 7, kana kuti makore 483. Chatasarirwa nacho bedzi kuti tiite ndiko kuverenga. Kubvira pana 455 P.N.V., tichiverenga makore 483 kunotisvitsa kugore ra 29 N.V.—gore rimene apo Jesu akabhapatidzwa ndokuva ma·shiʹach, Mesia!—Ona “Seventy Weeks,” Insight on the Scriptures, Vhoriyamu 2, mapeji 899.

11. Tingapindura sei avo vanotaura kuti iyi inzira bedzi yazvino uno yokududzira nayo uporofita hwaDhanieri?

11 Vamwe vangaramba vachiti iyoyi inzirawo zvayo yazvino uno yokududzira nayo uporofita kuti hukodzere nhau. Kana zvakadaro, neiko vanhu muzuva raJesu vakanga vachikarira Mesia kuoneka panguva iyoyo? Wezvenhau wechiKristu Ruka, vezvenhau veRoma Tacitus naSuetonius, wezvenhau wechiJudha Josephus, uye muzivi wechiJudha Philo vose vakararama pedyo nenguva iyoyi uye vakapupurira uyu mugariro wokukarira. (Ruka 3:15) Dzimwe nyanzvi nhasi dzinotaura kuti yakanga iri dzvinyiriro yeRoma iyo yakaita kuti vaJudha vashuve uye vakarire Mesia mumazuva iwayo. Neiko, kunyanguvezvo, vaJudha vaikarira Mesia panguva iyoyo panzvimbo pomukati mechitambudzo choutsinye cheGirisi mazana amakore pamberi pezvi? Neiko Tacitus akataura kuti akanga ari “mauporofita akavanzika” ayo akatungamirira vaJudha kukarira vatongi vane simba kubva Judhea ndoku“wana umambo hwapose pose”? Abba Hillel Silver, mubhuku rake rinonzi A History of Messianic Speculation in Israel, anobvuma kuti “Mesia akanga achikarirwa munenge muchikamu chechipiri chezvina chezana rokutanga ramakore N.V.,” kwete nemhaka yechitambudzo cheRoma, asi nemhaka yo“kuverengwa kwenguva kwaizivikanwa navose kwezuva iroro,” kwakatorwa murutivi kubva mubhuku raDhanieri.

Akaziviswa Kubva Kumusoro

12. Jehovha akazivisa sei Jesu saMesia?

12 Rudzi rwechitatu rwoufakazi hwouMesia hwaJesu chipupuriro chaMwari amene. Mukuwirirana naRuka 3:21, 22, pashure pokunge Jesu abhapatidzwa, iye akazodzwa nesimba rinoyera zvikurusa nerine simba muchisiko chapose pose, mudzimu mutsvene waJehovha Mwari amene. Uye neinzwi rake amene, Jehovha akabvuma kuti iye akanga atendera Mwanakomana wake, Jesu. Padzimwe nhambo mbiri, Jehovha akataura zvakananga kuna Jesu ari mudenga, nomutoo iwoyo achiratidzira tendero Yake: kamwe, pamberi pavatatu vavaapostora vaJesu, uye imwe nguva, pamberi peboka ravaiona. (Mateo 17:1-5; Johane 12:28, 29) Kupfuurirazve, ngirozi dzakatumwa kubva kudenga kuti dzisimbise mugariro waJesu saKristu, kana kuti Mesia.—Ruka 2:10, 11.

13, 14. Jehovha akaratidzira sei kutendera kwake Jesu saMesia?

13 Jehovha akaratidza kutendera kwake wakazodzwa wake kupfurikidza nokumupa simba rokuita mabasa makuru. Somuenzaniso, Jesu akataura mauporofita ayo aipa udzame hwenhau pachine nguva mberi—mamwe achitambanuka kusvikira kuzuva redu timene.e Iye akaitawo manenji, zvakadai sokudyisa mapoka ane nzara nokuporesa vanorwara. Iye akatomutsa vakafa. Vateveri vake vakangovambawo zvavo nhau dzaaya mabasa makuru pashure peidi racho here? Eya, Jesu akaita akawanda amanenji ake pamberi pezvapupu zvaiona, pane dzimwe nguva zviuru zvavanhu panguva. Kunyange vavengi vaJesu vaisagona kuramba kuti iye akaita zvomenemene zvinhu izvozvi. (Marko 6:2; Johane 11:47) Kunze kwezvo, kudai vateveri vaJesu vakanga vakakombamira kuvamba nhauro dzakadaro, ipapoka neiko vaizova vakajeka kwazvo pakwaiuya kukukundikana kwavo vamene? Chaizvoizvo, vaizodai vakava vanodisa kufira kutenda kwakavakirwa panganowo zvadzo idzo vakanga vavamba pachavo here? Aiwa. Manenji aJesu maidi enhau.

14 Chipupuriro chaMwari pamusoro paJesu saMesia chakapfuura. Kupfurikidza nomudzimu mutsvene iye akava nechokwadi chokuti ufakazi hwouMesia hwaJesu hwakanyorwa ndokuva rutivi rwebhuku rinoshandurwa zvakafara nerinoparadzirwa zvikurusa munhau yose.

Neiko vaJudha Vasina Kugamuchira Jesu?

15. (a) Magwaro aJesu akawanda sei anomuzivisa saMesia? (b) Ikariroi dzavaJudha dzakatungamirira vakawanda vavo kuramba Jesu saMesia?

15 Muzvose, ipapoka, izvi zvikamu zvitatu zvoufakazi zvinobatanidza chaizvoizvo mazana amaidi ayo anozivisa Jesu saMesia. Ikoko hakuna kukwana here? Chimbofungidzira zvako uchikumbira rezenisi yomuchairi kana kuti kadhi rokutenga nezvikwereti uye uchiudzwa kuti zvinhu zvitatu zvezivikanwo hazvina kukwana—unofanira kuunza mazana. Hakuna mufungo sei! Zvirokwazvo, ipapoka, Jesu anoziviswa zvakakwana muBhaibheri. Neiko, kunyanguvezvo, vakawanda vavanhu vaJesu amene vakaramba ufakazi hwose ihwohwu hwokuti iye akanga ari Mesia? Nemhaka yokuti ufakazi, kunyange zvazvo huchikosha kukutenda kwapachokwadi, hausati huchivimbisa kutenda. Nenzira inosuruvarisa, vanhu vakawanda vanodavira zvavanoda kudavira, kunyange mukunangana noufakazi hukuru. Pamusoro paMesia, vaJudha vazhinjisa vakanga vane mifungo chaiyoiyo zvikuru pamusoro pezvavaida. Ivo vaida mesia wezvamatongerwe enyika, munhu uyo aizogumisa dzvinyiriro yeRoma ndokudzorera Israeri kumbiri yakafanana nenzira yokunyama neiyo yamazuva aSoromoni. Ipapoka, vaigona sei kugamuchira uyu mwanakomana anozvininipisa womuvezi, uyu muNazareta asina kuratidza fariro mune zvamatongerwe enyika kana kuti pfuma? Zvikurukuru, aigona sei kuva Mesia pashure pokunge atambura ndokufa nenzira inonyadzisa padanda rokutambudzira?

16. Neiko vateveri vaJesu vaifanira kugadziridza kariro dzavo vamene pamusoro paMesia?

16 Vadzidzi vaJesu amene vakavhiringidzwa norufu rwake. Pashure porumuko rwake rune mbiri, ivo sezviri pachena vaikarira kuti iye aizo‘dzorera umambo kuna Israeri’ pakarepo. (Mabasa 1:6) Asi havana kuramba Jesu saMesia nemhaka bedzi yokuti iyi tariro yavo pachavo haina kuzadzikwa. Vakashandisa kutenda maari kwakavakirwa paufakazi hwakakwana hwaiwanika, uye nzwisiso yavo yakakura zvishoma nezvishoma; zvakavanzika zvakajeka. Vakasvika pakuona kuti Mesia aisagona kuzadzika mauporofita ose pamusoro pake mukati menguva yake pfupi somunhu papasi rino. Chokwadi, humwe uporofita hwakataura nezvokusvika kwake nenzira yokuzvininipisa, akatasva mhuru yembongoro, nepo humwe hwakataura nezvokuuya kwake mumbiri ari pamakore! Zvose zviri zviviri zvaigona sei kuva zvechokwadi? Sezviri pachena iye aizofanira kuuya kechipiri.—Dhanieri 7:13; Zekaria 9:9.

Chikonzero Nei Mesia Aifanira Kufa

17. Uporofita hwaDhanieri hwakajekesa sei kuti Mesia aizofanira kufa, uye aizofa nokuda kwechikonzeroi?

17 Kupfuurirazve, mauporofita aMesia akajekesa kuti Mesia aifanira kufa. Somuenzaniso, uporofita humene hwakadeya kutaura apo Mesia aizosvika hwakadeya kutaura mundima inotevera, kuti: “Kana vhiki idzo dzine makumi matanhatu nembiri [idzo dzakatevera mavhiki manomwe] dzapera, [Mesia, NW] uchabviswa.” (Dhanieri 9:26) Shoko rechiHebheru ka·rathʹ rinoshandiswa pano nokuda kwoku“bviswa” ishoko rimwe chetero rinoshandiswa nokuda kwetongero yorufu muMutemo waMosesi. Pasina panikiro Mesia aifanira kufa. Neiko? Ndima 24 inotipa mhinduro yacho: “Kupedzisa kudarika nokugumisa zvivi, nokuyananisira zvakaipa, nokuuyisa kururama kusingaperi.” VaJudha vaisanoziva kuti chibairo bedzi, rufu, chaigona kuyananisira chikanganiso.—Revhitiko 17:11; enzanisa naVaHebheru 9:22.

18. (a) Isaya ganhuro 53 inoratidza sei kuti Mesia anofanira kutambura ndokufa? (b) Uhwu uporofita hunomutsa inoratidzika kuva mhesanoi?

18 Isaya ganhuro 53 inotaura nezvaMesia soMubatiri chaiye waJehovha uyo aizofanira kutambura ndokufa kuti afukidze zvivi zvavamwe. Isa 53 Ndima 5 inoti: “Wakakuvadzwa nokuda kwokudarika kwedu, wakarwadziwa nokuda kwezvakaipa zvedu.” Uporofita humwe chetehwo, pashure pokutiudza kuti uyu Mesia anofanira kufa se“chipiriso chezvivi,” hunozivisa kuti Munhu mumwe cheteyu “uchawedzera mazuva ake, zvinodikanwa naJehovha zvichafambiswa zvakanaka noruoko rwake.” (Isa 53 Ndima 10) Iyoyo haisati iri mhesano here? Mesia aigona sei kufa, uye ipapo ku“wedzera mazuva ake”? Aigona sei kupiwa sechibairo uye pashure pacho kuita kuti ‘zvinofarira Jehovha zvibudirire’? Zvamazvirokwazvo, aigona sei kufa ndokuramba akafa asingazadziki mauporofita anokosha zvikurusa pamusoro pake, ndiko kuti kuti aizotonga nokusingaperi saMambo ndokuunza rugare nomufarwa kunyika yose?—Isaya 9:6, 7.

19. Rumuko rwaJesu runonzwananisa sei mauporofita anoratidzika kuva anopokanidzana pamusoro paMesia?

19 Iyi inoratidzika kuva mhesano yakapedzwa nenenji rimwe, rinoshamisa. Jesu akamutswa. Mazana avaJudha vane mwoyo wakatendeseka akava zvapupu zvakaona ichi chinhu chaichoicho chine mbiri. (1 VaKorinte 15:6) Muapostora Pauro gare gare akanyora, kuti: “Iye [Jesu Kristu] wakati abaira chibayiro chimwe chete pamusoro pezvivi, akagara nokusingaperi kurudyi rwaMwari; kubva zvino achimirira kusvikira vavengi vake vaitwa chitsiko chetsoka dzake.” (VaHebheru 10:10, 12, 13) Hungu, pakanga pari pashure pokunge Jesu amutsirwa kuupenyu hwokudenga, uye pashure penhambo yoku“mirira,” apo pakupedzisira aizogadzwa pachigaro choumambo saMambo ndokurwisana navavengi vaBaba vake, Jehovha. Mubasa rake saMambo wokudenga, Jesu Mesia anotapura upenyu hwomunhu ari wose ari kurarama zvino. Munzirai? Nyaya yedu inotevera icharangarira ikoku.

[Mashoko Omuzasi]

a Apo Ruka 3:23 inoti: “Josefa, mwanakomana waHeri,” sezviri pachena inoreva “mwanakomana” mupfungwa yo“mukuwasha,” sezvo Heri akanga ari baba vokunyama vaMaria.—Insight on the Scriptures, Vhoriyamu 1, mapeji 913-17.

b Wezvenhau wechiJudha Josephus, mukupa mutsara wake amene wedzinza, anokujekesa kuti zvinyorwa zvakadaro zvaiwanika pamberi pa 70 N.V. Zvinyorwa izvozvi sezviri pachena zvakaparadzwa neguta reJerusarema, kuchiita kuti kutaura kwose kuuMesia kwapashure kuve kusingabvumikiswi.

c Ona Insight on the Scriptures, Vhoriyamu 2, peji 387.

d Kune ufakazi hwakasimba hunobva mumanyuko akare echiGiriki, echiBhabhironi, uye echiPersia anoratidzira kuti gore rokutonga rokutanga raArtashasta rakanga riri 474 P.N.V. Ona Insight on the Scriptures, Vhoriyamu 2, mapeji 614-16, 900.

e Muuporofita humwe hwakadaro, iye akadeya kutaura kuti vanamesia venhema vaizomuka kubvira muzuva rake zvichienda mberi. (Mateo 24:23-26) Ona nyaya yapfuura.

Waizopindura Sei?

◻ Kunzvererei ufakazi pamusoro pokuti Jesu ndiMesia akapikirwa here?

◻ Mutsara wedzinza waJesu unotsigira sei uMesia hwake?

◻ Mauporofita eBhaibheri anobetsera sei kubvumikisa kuti Jesu akanga ari Mesia?

◻ Jehovha akasimbisa iye pachake kuzivikanwa kwaJesu saMesia munzirai?

◻ Neiko vaJudha vakawanda kwazvo vakaramba Jesu saMesia, uye neiko zvikonzero izvozvi zvakanga zvisina kunaka?

[Mufananidzo uri papeji 12]

Rimwe nerimwe ramanenji akawanda aJesu rakagovera humwe ufakazi hwouMesia hwake

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe