Dzidza Teerero Kupfurikidza Nokugamuchira Chirango
FUNGIDZIRA wakamira pamusoro pamawere marefu egomo une kunzwa kwokuva chaizvoizvo pamusoro penyika. Ipfungwa inofadza zvakadini yorusununguko!
Bva rusununguko rwako rwakaganhurirwa zvikuru chaizvoizvo. Mutemo wesimba rapasi rinokweva unoganhurira zvakakomba kufamba kwako kuri kwose; kukanganisa nhano kumwe kungagona kuguma nengwavaira. Pano rumwe rutivi, kunogutsa sei kuziva kuti mutemo mumwe chetewo wesimba rapasi rinokweva unokudzivirira kukukunguruka nenzira isina betsero ndokupinda kunze kwechadenga. Naizvozvo mutemo wacho sezvinooneka uri nokuda kwezvakanaka zvako umene. Kugamuchira ganhuriro dzaunoisa pakufamba kwako uchikwira ipapo paurengarenga ihwohwo kunobetsera, kunyange kuponesa upenyu.
Hungu, padzimwe nguva mitemo neteerero kwairi zvingaganhurira rusununguko rwedu, asi ikoku kunoita kuti teerero ive isingadikanwi here?
Kurangarira Kunoita Mwari Teerero
So“Musiki Mukuru,” Jehovha ndiye “manyuko oupenyu.” Nokuda kweichi chikonzero zvisikwa zvake zvose nenzira yakarurama zvinofanira kumuteerera. Achiratidzira chimiro chendangariro chakafanira, wezvamapisarema akanyora, kuti: “Uyai, tinamate tikotamire pasi; ngatifugame pamberi paJehovha Muiti wedu. Nokuti ndiye Mwari wedu, isu tiri vanhu vanofudzwa naye, namakwai oruoko rwake.”—Muparidzi 12:1; Pisarema 36:9, NW; Pis 95:6, 7.
Kubvira pamavambo Jehovha akada teerero kuzvisikwa zvake. Kuvapo kunopfuuridzirwa kwaAdhama naEvha muParadhiso kwaitsamira pateerero. (Genesi 2:16, 17) Teerero nenzira yakafanana yaikarirwa kungirozi, kunyange zvazvo idzo dziri chimiro chakakwirira zvikuru choupenyu kupfuura vanhu. Nemhaka yokuti zvimwe zveizvi zvisikwa zvomudzimu zvakanga “zvisingateereri apo shiviriro yaMwari yakanga yakamirira mazuva aNoa,” zvakarangwa kupfurikidza nokupinzwa mu“makomba erima guru kuti zvichengeterwe rutongeso.”—1 Petro 3:19, 20; 2 Petro 2:4, NW.
Kukataurwa nenzira yakajeka, Mwari anorangarira teerero sechinodikanwa nokuda kwokuwana tendero yake. Tinorava, kuti: “Ko Jehovha ungafarira zvipiriso zvinopiswa nezvibairo, sezvaanofarira kuteerera inzwi raJehovha here? Tarira, kuteerera kunokunda zvibairo, nokunzwa kunokunda mafuta amakondohwe.”—1 Samueri 15:22.
Inofanira Kudzidzwa—Nei Uye Sei
Teerero inotungamirira kuchimiro chakarurama naMwari, naizvozvo kunokosha sei kuti tiidzidze! Kufanana nokudzidza mutauro wokumwe, tsika yeteerero inogona kudzidzwa apo tinenge tiri vaduku. Ndokusaka Bhaibheri richisimbisa kurovedzwa kwavana kubvira paucheche hwavo.—Joshua 8:35.
Vamwe vazvino uno vanopokanidza murangariro weBhaibheri, vachitaura kuti kuda teerero yavana kwakaenzana nokubata chibharo ndangariro. Ivo vanotaura kuti vana vanofanira kubvumirwa kutanga pfungwa nemipimo zvavo vamene zvomunhu oga zvokurarama nazvo pasina dzongonyedzo yokunze yomukuru.
Asi muma 1960 apo vabereki vazhinji vaiva nouyu murangariro, Wilhelm Hansen, mudzidzisi, mupepeti wenhau, uye purofesa wokushanda kwendangariro, akaramba. Iye akanyora, kuti: “Nokuda kwomwana ari mumwero wake wokutanga, panguva apo ukama hwake navabereki vake hunenge huchiri hunokosha, ‘chakashata’ ndicho vabereki vanorambidza uye ‘chakanaka’ ndicho ivo vanotunhidza kana kuti kurumbidza. Teerero yoga, naizvozvo, inotungamirira mwana munzira yetsika dzakanaka neyezvinokosha zvikuru pakuvapo kwazvo panotsamira ukama hwake kunhevedzo yetsika.”—Enzanisa naZvirevo 22:15.
Shoko raMwari rinosimbisa kudikanwa kwokudzidza teerero. Tinorava, kuti: “Ndinoziva, HAIWA ISHE, kuti nzira dzomunhu hadzisati dziri dzechisarudzo chake amene; uyewo hakusati kuri kumunhu kusarudza nzira yake muupenyu.” (Jeremia 10:23, The New English Bible) Nhau yakazara nezvinoitika umo vanhu vakaronga nzira yavo vamene youpenyu mukuwirirana nemipimo yomunhu oga uye vakapinda muzvitambudzo zvakakomba nokuda kwokuva vakaita saizvozvo. Neiko ikoku kuchiitika kazhinji kazhinji kwazvo? Imhaka yokuti vanhu vanoshaiwa zivo, uchenjeri, uye nzwisiso zvokuronga nzira yavo youpenyu vasingayamurwi. Zvakaipa zvikuru kupfuura ikoko, ivo vane kombamiro yakagarwa nhaka yokuita zvisarudzo zvakaipa. Nokukurumidza pashure paMafashamo, Jehovha akataura nezvomunhu, kuti: “Kombamiro yomwoyo womunhu yakaipa kuvambira paupwere hwake zvichienda mberi.”—Genesi 8:21, NW.
Nokudaro, hakuna munhu anogara nhaka kombamiro yokuteerera Jehovha. Tinofanira kuiroverera muvana vedu ndokupfuurira kuidzidza muupenyu hwedu hwose. Mumwe nomumwe wedu anofanira kusakurira mugariro womwoyo waMambo Dhavhidhi, uyo akanyora, kuti: “Ndiratidzei nzira dzenyu, Jehovha; ndidzidzisei nzira dzenyu. Ndiperekedzei muzvokwadi yenyu, mundidzidzise; nokuti ndimi Mwari nomuponesi wangu; ndinokutarirai zuva rose.”—Pisarema 25:4, 5.
Dzidzisa Teerero Kupfurikidza Nokuva Anoteerera
Mai vaJesu nababa vokurera vaisanoziva migariro yakapoteredza kuberekwa kwaJesu. Ivo naizvozvo vakaziva kuti aifanira kuita rutivi runokosha mukuzadzikwa kwamadonzo aJehovha. (Enzanisa naRuka 1:35, 46, 47.) Muchinoitika chavo mashoko okuti, “Tarirai, vana inhaka inobva kuna Jehovha” aiva nerevo yakasiana. (Pisarema 127:3) Ivo vakaziva zvizere mutoro wavo mukuru uye nokudaro vakakurumidza kuteerera nhungamiro dzoumwari, zvakadai saapo vakaudzwa kutizira kuEgipita kana kuti gare gare kuenda kuGarirea.—Mateo 2:1-23.
Vabereki vaJesu vakazivawo mutoro wavo pamusoro pechirango. Chokwadi, mukati mokuvapo kwake asati ava munhu, Jesu nguva dzose akanga ave achiteerera. Asi ari pasi pano, iye akadzidza kuteerera mumigariro mitsva chose chose. Kutanga, iye aifanira kuteerera vabereki vasina kukwana nemhaka yokuti kunyange mwana akakwana anoda chirango muchimiro chomuraidzo nedzidzo. Vabereki vake vakagovera ichochi. Chirango muchimiro chepanichi, pane rumwe rutivi, chakanga chisiri madikanwa. Jesu aiteerera nguva dzose; iye aisatongofanira kuudzwa kaviri. Tinorava, kuti: “Ipapo akaenda kumusha navo [vabereki vake] kuNazareta uye aivateerera.”—Ruka 2:51, Phillips.
Josefa naMaria vaizivawo nzira yokudzidzisa nayo Jesu kupfurikidza nomuenzaniso. Tinorava, somuenzaniso, kuti: “Zvino vabereki vake vaisienda Jerusarema makore ose kumutambo wepaseka.” (Ruka 2:41) Kupfurikidza nokuronga kuenda nemhuri yake, Josefa akaratidza kuti aifarira garikano yavo yomudzimu uye kuti airangarira zvakakomba kunamatwa kwaJehovha. Munzira dzakafanana, vabereki kupfurikidza neteerero yavo vamene muzvinhu zvokunamata vanogona kudzidzisa teerero kuvana vavo nhasi.
Nemhaka yokuranga kwakaisvonaka mukururama kwaMaria naJosefa, “Jesu akaramba achienda mberi pakuchenjera, napakukura, napakufadza Mwari navanhu.” Muenzaniso wakaisvonaka zvakadini wokuti vabereki vechiKristu vatevere nhasi!—Ruka 2:52.
“Teererai . . . Muchinhu Chiri Chose”
“Imi vana, teererai vabereki venyu muchinhu chiri chose, nokuti ikoku kunosanofadza munaShe.” (VaKorose 3:20, NW) Jesu aigona kuva aiteerera vabereki vake muchinhu chiri chose nemhaka yokuti teerero yavo kuna Jehovha yakadzivisa kuraira kwavo Jesu—kana kuti vanun’una vake kuna mai nehanzvadzi—chinhu chipi nechipi chinopesana nokuda kwaJehovha.
Vabereki vazhinji nhasi vari kudzidzisawo nenzira inobudirira vana vavo kuva vanoteerera muchinhu chiri chose. Teerera vanababa vatatu, avo, namazuva okurera kwavo vana zvino avashure kwavo, panguva ino vanobatira mubazu reWatch Tower Society.
Theo anotaura pamusoro penzira iyo iye nomudzimai wake vakarera nayo vanakomana vashanu. Iye anoti: “Kunokosha kuita kuti vana vazive kuvambira pakutanga pamene kuti isu vakuru tinoitawo zvikanganiso. Nenzira inosuruvarisa, isu tinotozvidzokorora uye nguva dzose tinofanira kukumbira baba vedu vokudenga nokuda kwekanganwiro nebetsero. Taibvumira namaune vana vedu kuona kuti sezvo ivo vakanga vachiparapatika nefunganyo dzoupwere, isu takanga tichiparapatika nefunganyo dzavakuru.”
Kana mwana achizodzidza teerero, ukama hune rudo pakati pake navabereki vake hunokosha. Hermann anoti nezvomudzimai wake: “Iye akanga asati achingova bedzi mai wavakomana asiwo shamwari yavo. Vakaonga ikoku, naizvozvo kwakanga kusina kuvaomera kuteerera.” Ipapo achiwedzera zano rinoshanda pamusoro penzira yokuita nayo kuti ukama hwomubereki nomwana huve huri nani anoti: “Isu nenzira yamaune takagara tisina muchina wokugeza ndiro kwamakore anoverengeka, zvokuti ndiro dzaifanira kugezwa ndokuomeswa noruoko. Vanakomana vedu vaigoverwa kuomesa, vachiita madzoro. Kwakanga kusina nguva iri nani kupfuura iyoyi yekurukurirano isina kukomba.”
Ukama hune rudo hwomubereki nomwana hunobatira somuenzaniso woukama muKristu anofanira kuva nahwo naJehovha. Rudolf anotsanangura nzira iyo iye nomudzimai wake vakatanga nayo kubetsera vakomana vavo vaviri kutanga ukama hwakadaro: “Hwaro hwedu hwakanga huri fundo yemhuri yenguva dzose. Taigovera vana chiverengero chakati chenyaya dzakafanira dzenzvero. Taiitawo kurava kwedu Bhaibheri pamwe chete uye ipapo taikurukura mashoko acho. Vanakomana vedu vaigona kuona kuti Jehovha anokarira teerero kuvabereki, kwete chete kuvana.”
Vabereki vechiKristu vanoziva kuti rugwaro rwakafuridzirwa runoti “Kuraira kwokurairirwa inzira youpenyu” runoshanda kwavarivo sokuvana vavo. Naizvozvo nepo vana vane musengwa wokuteerera vabereki vavo muchinhu chiri chose, vabereki vanofanirawo kuva vanoteerera muchinhu chiri chose icho Jehovha anoda kwavari. Kunze kwokusimbisa ukama hwomubereki nomwana, vabereki navana vachadawo kusimbisa ukama hwavo naMwari.—Zvirevo 6:23.
Rangarira Teerero Zvakananga
Tinogona kuva vanoonga sei kuti Shoko raMwari rinogovera zano rinoshanda rakadaro pamusoro pokurera vana! (Ona Bhokisi.) Vana vanodzidza teerero kuvabereki vavo avo vanovaranga mukururama manyuko chaiwoiwo omufaro nokuda kwouhama hwose hwechiKristu.
Sezvo teerero kuna Mwari ichireva upenyu, tinofanira kudzivisa kutamba nepfungwa yokubvisa ganhuriro iyo mirairo yaMwari inoisa parusununguko rwedu rwomunhu oga—kunyange kwechinguvana. Fungidzira, somuenzaniso, kuti tingagona kubvisa kwechinguvana mutemo wesimba rapasi rinokweva. Tingafara sei kumufaro wokukwira tichibva paurengarenga ndokupinda mudenga pasina chinhu chokudzivisa rusununguko rwedu! Asi chii chingaitika apo bedzi zvinhu zvinodzokera kumugariro wenguva dzose? Funga nezvokuwa kungatimirira!
Kudzidza teerero kupfurikidza nokugamuchira chirango kunogovera kukukura kwohunhu kwakadzikama uye kunotibetsera kuziva miganhu yedu. Kunotibetsera kudzivisa kuva vanoraira nokusangwarira maruramiro nezvinodikanwa zvavamwe. Kunotibetsera kudzivisa nhambo dzokusava nechokwadi. Mukupfupikisa, kunoguma nomufarwa.
Naizvozvo kana uri mukuru kana kuti mwana, dzidza teerero kupfurikidza nokugamuchira chirango kuti “uitirwe zvakanaka” uye kuti “ugare nguva refu panyika.” (VaEfeso 6:1-3) Ndiani anoda kupinza mungozi tariro yake yokurarama nokusingaperi kupfurikidza nokukundikana kudzidza teerero kupfurikidza nokusagamuchira chirango?—Johane 11:26.
[Bhokisi riri papeji 29]
VABEREKI, DZIDZISAI TEERERO KUPFURIKIDZA NOKURANGA MUKURURAMA
1. Ranga pahwaro hwemitemo nenheyo zvapaMagwaro.
2. Ranga kwete chete kupfurikidza nokuraira teerero asi kupfurikidza nokutsanangura chikonzero nei teerero iri nzira youchenjeri.—Mateo 11:19b.
3. Ranga usina kushatirwa kana kuti zvimwe nokuzhamba.—VaEfeso 4:31, 32.
4. Ranga uri mukati moushamwari hwoukama hworudo nohwokuitira hanya.—VaKorose 3:21; 1 VaTesaronika 2:7, 8; VaHebheru 12:5-8.
5. Ranga vana kuvambira paucheche.—2 Timotio 3:14, 15.
6. Ranga warangazve uye nokuva wenguva dzose.—Dheuteronomio 6:6-9; 1 VaTesaronika 2:11, 12.
7. Zvirange umene pakutanga uye nokudaro dzidzisa nomuenzaniso.—Johane 13:15; enzanisa naMateo 23:2, 3.
8. Ranga norutsamiro rwakazara pana Jehovha, uchikumbira betsero yake mumunyengetero.—Vatongi 13:8-10.
[Mufananidzo uri papeji 28]
“Tsiuro dzechirango ndidzo nzira youpenyu”