Gadziriro Yorudo Yemhuri yaJehovha
“Nemhaka yaikoku ndinopfugama kuna Baba, avo mhuri iri yose iri mudenga napasi pano inotumidzwa nezita ravo.”—VAEFESO 3:14, 15, NW.
1, 2. (a) Jehovha akasika boka remhuri nokuda kwedonzoi? (b) Mhuri inofanira kuva norutivii nhasi mugadziriro yaJehovha?
JEHOVHA akasika boka remhuri. Kupfurikidza naro, iye akaita zvinopfuura kugutsa chinodikanwa chohunhu choushamwari, tsigiro, kana kuti kuva pedyo. (Genesi 2:18) Mhuri yakanga iri mutoo uyo donzo rine mbiri raMwari rokuzadza pasi raifanira kuzadzikwa kupfurikidza nawo. Iye akaudza vanyakuroorana vokutanga, kuti: “Berekai, muwande, muzadze nyika, mubate ushe pairi.” (Genesi 1:28) Mhoteredzo yakanaka neinotsigira yemhuri yaizobvumikisa kuva inobetsera nokuda kwavana vazhinji avo vaizoberekwa naAdhama naEvha navazukuru vavo.
2 Vaviri vokutanga ivavo, zvisinei, vakasarudza nzira yokusateerera—nemiuyo inoparadza nokuda kwavo vamene navana vavo. (VaRoma 5:12) Upenyu hwemhuri nhasi nokudaro kuvhiringidzwa kweizvo Mwari aida kuti huve. Zvisinei, mhuri inopfuurira kuva nenzvimbo inokosha mugadziriro yaJehovha, ichibatira seboka guru renzanga yechiKristu. Ikoku hakusati kuchitaurwa nokushaikwa kupi nokupi kwokuonga basa rakaisvonaka riri kuitwa namaKristu akawanda asina kuroora kana kuti kuroorwa ari pakati pedu. Panzvimbo pezvo, tinoziva betsero huru iyo mhuri dzinoitawo kuutano hwomudzimu hwesangano rechiKristu rose zvaro. Mhuri dzakasimba dzinoparira ungano dzakasimba. Kunyanguvezvo, mhuri yako inogona sei kubudirira mukunangana nedzvinyiriro dzanhasi? Mukupindura, ngatinzverei izvo Bhaibheri rinotaura pamusoro pegadziriro yemhuri.
Mhuri Munguva dzeBhaibheri
3. Mabasai ayo murume nomudzimai vaiita mumhuri yamadzitateguru?
3 Adhama naEvha vose vari vaviri vakazvidza gadziriro yaMwari youmusoro. Asi varume vokutenda, vakadai saNoa, Abrahama, Isaka, Jakobho, uye Jobho, vakatora nzvimbo dzavo nenzira yakarurama, semisoro yemhuri. (VaHebheru 7:4) Mhuri yamadzitateguru yakanga yakafanana nehurumende duku, baba vachishanda somutungamiriri worudzidziso, murairidzi, uye mutongi. (Genesi 8:20; 18:19) Vadzimai vaivawo nebasa rinokosha, vachibatira kwete savaranda asi savatarisiri vemhuri vanobatsira.
4. Upenyu hwemhuri hwakachinja sei muMutemo waMosesi, asi ibasai iro vabereki vakapfuurira kuita?
4 Apo Israeri akava rudzi muna 1513 P.N.V., mutemo wemhuri wakava muduku kuMutemo worudzi wakapiwa kupfurikidza naMosesi. (Eksodho 24:3-8) Chiremera chokusarudza, kubatanidza pamusoro penhau dzoupenyu norufu, zvino chakapiwa kuvatongi vakagadzwa. (Eksodho 18:13-26) Uprista hwaRevhi hwakadzora mativi ezvibairo okunamata. (Revhitiko 1:2-5) Kunyanguvezvo, baba vakapfuurira kuita basa rinokosha. Mosesi akapangira madzibaba, kuti: “Mashoko awa andinokuraira nhasi, anofanira kuva mumwoyo mako; unofanira kushingaira kuadzidzisa vana vako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka.” (Dheuteronomio 6:6, 7) Vanamai vakanga vane pesvedzero yakati. Zvirevo 1:8 yakaraira pwere, kuti: “Mwanakomana wangu, inzwa kuraira kwababa vako; usarasha kudzidzisa kwamai vako.” Hungu, mukati megadziriro yechiremera chomurume wake, mudzimai wechiHebheru aigona kuita—uye kuita kuti uteererwe—mutemo wemhuri. Iye aifanira kukudzwa navana vake kunyange pashure pokunge achembera.—Zvirevo 23:22.
5. Mutemo waMosesi wakarondedzera sei nzvimbo yavana mugadziriro yemhuri?
5 Nzvimbo yavana yakarondedzerwawo zvakajeka noMutemo waMwari. Dheuteronomio 5:16 yakati: “Kudza baba vako namai vako, sezvawakarairwa naJehovha Mwari wako; kuti mazuva ako ave mazhinji, ufare panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.” Kuzvidza vabereki vomunhu yakanga iri mhaka yakakomba zvikurusa muMutemo waMosesi. (Eksodho 21:15, 17) “Nokuti mumwe nomumwe unotuka baba vake, kana mai vake,” wakataura kudaro Mutemo, “zvirokwazvo unofanira kuurawa.” (Revhitiko 20:9) Kupandukira vabereki vomunhu kwakanga kwakaenzana nokupandukira Mwari amene.
Basa Ravarume vechiKristu
6, 7. Neiko mashoko aPauro ari pana VaEfeso 5:23-29 akaratidzika kuva okupandukira kuvaravi vake vomuzana rokutanga ramakore?
6 ChiKristu chakajekesa gadziriro yemhuri, zvikurukuru basa romurume. Kunze kweungano yechiKristu, kwaizivikanwa navose kuti varume muzana rokutanga ramakore vabate vadzimai vavo nomutoo wehasha, wokudzvinyirira. Vakadzi vainyimwa maruramiro makuru nechiremera. The Expositor’s Bible inoti: “MuGiriki akarovedzwa aitora mudzimai nokuda kwokuberekwa kwavana. Maruramiro ake haana kuisa ganhuriro pazemo rake. Rudo rwakanga rusati rwuri mubvumirano yeroorano. . . . Murandakadzi akanga asina maruramiro. Muviri wake waishandiswa nomuridzi wake.”
7 Mumugariro wakadaro, Pauro akanyora mashoko aVaEfeso 5:23-29, anoti: “Murume musoro womukadzi, saKristuwo musoro wekereke; iye amene ndiye muponesi womuviri. . . . Varume, idai vakadzi venyu, Kristu sezvaakadawo kereke, akazvipa nokuda kwayo; . . . varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo. Unoda mukadzi wake, unozvida; nokuti hakuna munhu wakatongovenga nyama yake; asi unoipa zvokudya nokuichengeta.” Kuvaravi vomuzana rokutanga ramakore, aya mashoko akanga ari okupandukira. The Expositor’s Bible inoti: “Hapana chinhu muchiKristu chairatidzika kuva chechienzi zvikuru nechakakomba zvikuru, mukuenzanisa netsika dzokusazvibata dzenguva yacho, kupfuura murangariro wechiKristu weroorano. . . . [Iwo] wakazarurira rudzi rwomunhu nhambo itsva.”
8, 9. Zvimiroi zvendangariro zvisina kunaka kuvakadzi zvinozivikanwa navose pakati pavarume, uye neiko kuchikosha kuti varume vechiKristu varambe mirangariro yakadaro?
8 Zano reBhaibheri nokuda kwavarume harisi rokupandukira zvishomanene nhasi. Pasinei zvapo nokutaurwa kwose kworusununguko rwavakadzi, vakadzi vachiri kurangarirwa navarume vakawanda sezvinhuwo hazvo zvegutsikano yevatano. Vachidavira ngano yokuti vakadzi vanofarikanya zvomenemene kutongwa, kudzorwa, kana kuti kushushwa, varume vakawanda vanobata vakadzi vavo zvisina kufanira mumuviri nomumurangariro. Kwaizova kunonyadzisa sei kuti murume wechiKristu atsauswe nokufunga kwenyika uye kubata mudzimai wake nenzira inokuvadza! “Murume wangu akanga ari mubatiri anoshumira uye aipa hurukuro dzavose,” anodaro mumwe mukadzi wechiKristu. Bva, iye anozivisa kuti, “ndakanga ndiri nyajambwa wokurohwa kwomudzimai.” Nenzira yakajeka, zviito zvakadaro zvakanga zvisingatsinhirani negadziriro yaMwari. Murume iyeyo akanga ari wechienzi; iye aifanira kutsvaka betsero yokubata nehasha dzake kana aikarira kuva nenyasha dzaMwari.—VaGaratia 5:19-21.
9 Varume vanorairwa naMwari kuda vadzimai vavo semiviri yavo vamene. Kuramba kuita saizvozvo kupandukira gadziriro imene yaMwari uye kunogona kunetesa ukama hwomunhu naMwari. Mashoko omuapostora Petro akajeka, anoti: “Imi varume, garai navakadzi venyu nokuziva, muchikudza mukadzi muchiti ndiye mudziyo une simba duku kwamuri, . . . kuti minyengetero yenyu irege kudziviswa.” (1 Petro 3:7) Kubata mudzimai wako nehasha kungagonawo kuva nomuuyo unoparadza paumudzimu hwake noumudzimu hwavana vako.
10. Ndedzipi dziri dzimwe dzenzira umo varume vanogona kushandisa namo umusoro nomutoo wakafanana naKristu?
10 Varume, mhuri yenyu ichabudirira pasi poumusoro hwenyu kana muchihushandisa nenzira yakafanana naKristu. Kristu akanga asitongori ane hasha kana kuti anobata zvisina kufanira. Mukupesana, iye aigona, kuti: “Mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndine mwoyo unozvininipisa, kuti muwane zororo pamweya yenyu.” (Mateo 11:29) Mhuri yako inogona kutaura izvozvo nezvako here? Kristu aibata vadzidzi vake seshamwari ndokuisa chivimbo mavari. (Johane 15:15) Unopa mudzimai wako chiremera chimwe chetecho here? Bhaibheri rakati nezvo“mukadzi anoita zvakanaka”: “Mwoyo womurume wake unomutenda.” (Zvirevo 31:10, 11) Ikoko kunoreva kumubvumira mwero wakati wokusununguka norusununguko rwemirangariro, kwete kumuganhurira neganhuriro dzisina mufungo. Kupfuurirazve, Jesu akakurudzira vadzidzi vake kutaura kunzwa kwavo nemifungo. (Mateo 9:28; 16:13-15) Unoita nenzira yakafanana nomudzimai wako here? Kana kuti unorangarira kusabvumirana kwokutendeseka sedenho kuchiremera chako here? Kupfurikidza nokurangarira kunzwa kwomudzimai wako panzvimbo pokukufuratira, unovaka zvomenemene ruremekedzo rwake nokuda kwoumusoro hwako.
11. (a) Madzibaba anogona sei kutarisira zvinodikanwa zvomudzimu zvavana vavo? (b) Neiko vakuru navabatiri vanoshumira vachifanira kugadza muenzaniso wakanaka mukutarisira mhuri dzavo?
11 Kana uri baba, unodikanirwawo kutungamirira mukutarisira zvinodikanwa zvomudzimu, zvemirangariro, uye zvomuviri zvavana vako. Ikoko kunobatanidza kuva nomuitiro wakanaka womudzimu nokuda kwemhuri yako: kushanda navo mubasa romumunda, kuitisa fundo yeBhaibheri yapamusha, kukurukura rugwaro rwezuva. Nenzira inofadza, Bhaibheri rinoratidza kuti mukuru kana kuti mubatiri anoshumira anofanira kuva “unobata imba yake zvakanaka.” Varume vanobatira muidzi nzvimbo nokudaro vanofanira kuva misoro yemhuri yomuenzaniso. Nepo vangatakura mutwaro unorema wemitoro yeungano, vanofanira kupa mhuri dzavo vamene nzvimbo yokutanga. Pauro akaratidza chikonzero nei: “Kana munhu asingazivi kubata imba yake, ungachengeta seiko [ungano, NW] yaMwari?”—1 Timotio 3:4, 5, 12.
Vadzimai vechiKristu Vanotsigira
12. Mudzimai anoita rutivii mugadziriro yechiKristu?
12 Uri mudzimai wechiKristu here? Ipapo unofanira kuitawo rutivi runokosha mugadziriro yemhuri. Vadzimai vechiKristu vanopangirwa “kuti vade varume vavo, nokuda vana vavo, vave vakangwara, vakachena, vanochengeta imba, vanyoro, vanozviisa pasi pavarume vavo.” (Tito 2:4, 5) Nokudaro unofanira kuvavarira kuva mudzimai wapamba womuenzaniso, uchichengeta musha wakachena nounofadza nokuda kwemhuri yako. Basa rapamba padzimwe nguva ringava rinofinha, asi harisati riri rinoderedza kana kuti zvimwe risingakoshi. Somudzimai, uno“chengeta imba” uye ungafarikanya rusununguko rwakati rwemirangariro muna ikoku. (1 Timotio 5:14) “Mukadzi unoita zvakanaka,” somuenzaniso, aitenga migove yeimba, akatenga munda, uye aitoita mari kupfurikidza nokutarisira bhizimisi duku. Hakushamisi kuti iye akawana rumbidzo yomurume wake! (Zvirevo, ganhuro 31) Nenzira yomuzvarirwo, kutanga kuita zvinhu kwakadaro kwakaitwa mukati menhungamiro idzo murume wake aipa somusoro wake.
13. (a) Neiko kuzviisa pasi kungava kwakaomera vakadzi vakati? (b) Neiko kuchibetsera kuti vakadzi vechiKristu vazviise vamene pasi pavarume vavo?
13 Kuzviisa umene pasi pomurume wako kungasava nyore nguva dzose, zvisinei. Havasati vari varume vose vakafanirwa noruremekedzo. Uye ungasanova anoita zvakanaka kwazvo pakunouya kukutarisira mari, kuronga, kana kuti kurongedza. Ungava nebasa rokunyika ndokuita mupiro mukuru kumari inowanwa yemhuri. Kana kuti ungave wakatambura munzira yakati udzori hwomunhurume munguva yakapfuura uye ungakuwana kwakaoma kuzviisa pasi pomurume. Kunyanguvezvo, kuratidza “ruremekedzo rukuru,” kana kuti “rutyo,” nokuda kwomurume wako kunoratidzira kuremekedza kwako umusoro hwaMwari. (VaEfeso 5:33, Kingdom Interlinear; 1 VaKorinte 11:3) Kuzviisa pasi kunokoshawo kukubudirira kwemhuri yako; kunokubetsera kudzivisa kuisa roorano yenyu munhamo dzisiri madikanwa nedzvinyiriro.
14. Mukadzi angaitei apo anosabvumirana nechisarudzo chinoitwa nomurume wake?
14 Ikoku kunoreva here, kunyanguvezvo, kuti unofanira kunyarara apo unorangarira kuti murume wako ari kuita chisarudzo chinorwisana nefariro dzakanakisisa dzemhuri yenyu? Kwete hazvo. Mudzimai waAbrahama Sara haana kunyarara apo akacherekedza tyisidziro kugarikano yomwanakomana wake, Isaka. (Genesi 21:8-10) Nenzira yakafanana, unganzwa musengwa wokutaura kunzwa kwako padzimwe nguva. Kana ikoku kukaitwa nenzira yokuremekedza pa“nguva yakarurama,” murume wechiKristu woumwari achateerera. (Zvirevo 25:11, NW) Asi kana chikarakadzo chako chikasateverwa uye pasina kuputswa kwakakomba kwenheyo yeBhaibheri kunobatanidzwa, kurwisana nezvido zvomurume wako kwaisazova kuzvikunda umene here? Yeuka, “mukadzi mumwe nomumwe akachenjera unovaka imba yake; asi benzi rinoiputsa namaoko aro.” (Zvirevo 14:1) Imwe nzira yokuvaka nayo imba yako ndiko kuva anotsigira umusoro hwomurume wako, uchirumbidza zvaanoita apo unenge usingakangaidzwi nemhosho dzake.
15. Mudzimai anogona kugoverana mukurangwa nokurovedzwa kwavana vake munzirai?
15 Imwe nzira yokuvaka nayo imba yako ndiko kugoverana mukurangwa nokurovedzwa kwavana venyu. Somuenzaniso, unogona kuita rutivi rwako kuchengeta fundo yeBhaibheri yemhuri iri yenguva dzose neinovaka. “Usabvisa ruoko rwako” pakunouya kukugoverana zvokwadi yaMwari navana venyu pabanza riri rose—pakufamba kana kuti uchingotengawo hako navo. (Muparidzi 11:6) Vabetsere kugadzirira tsinhiro dzavo dzemisangano namativi muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari. Ngwarira songaniro dzavo. (1 VaKorinte 15:33) Pakunouya kunhau dzemipimo youmwari nechirango, ita kuti vana venyu vazive kuti iwe nomurume wako makabatana. Usavabvumira kukurwisanisa nomurume wako.
16. (a) Muenzanisoi weBhaibheri unobatira kukurudzira vabereki vari mumwe naavo vakaroorwa navasingatendi? (b) Vamwe vari muungano vangava sei vebetsero kuvanhu vakadaro?
16 Kana uri mubereki mumwe kana kuti une mukwanyina asingatendi, ungasanofanira zvikuru kutungamirira mumudzimu. Ikoku kungava kwakaoma uye padzimwe nguva kunotoodza mwoyo. Asi usarega. Amai vaTimotio, Juniki, vakabudirira mukumudzidzisa Magwaro matsvene “kubvira paucheche,” pasinei zvapo nokuva kwavo vakaroorwa neasingatendi. (2 Timotio 1:5; 3:15) Uye vakawanda vari pakati pedu vari kufarikanya budiriro yakafanana. Kana uchida rubatsiro rwakati muna ikoku, ungazivisa zvinodikanwa zvako kuvakuru. Ivo vangakwanisa kuronga kuti mumwe munhu akubetsere kusvika kumisangano nokupinda mubasa romumunda. Ivo vangakurudzira vamwe kubatanidza mhuri yako mukuvhakacha kwenhandaro kana kuti kuungana. Kana kuti vangaronga kuita kuti muparidzi ane ruzivo rwokuzviwanira akubetsere kutanga fundo yemhuri.
Vana Vanoonga
17. (a) Pwere dzinogona sei kubetsera garikano yemhuri? (b) Jesu akagadza muenzanisoi muna ikoku?
17 Pwere dzechiKristu dzinogona kubetsera garikano yemhuri kupfurikidza nokutevera zano raVaEfeso 6:1-3, rinoti: “Imi vana, teererai vabereki venyu munaShe; nokuti ndizvo zvakarurama. ‘Kudza baba vako namai’—ndiwo murairo wokutanga une chipikirwa—‘kuti uitirwe zvakanaka, ugare nguva refu panyika.’” Kupfurikidza nokubatira pamwe navabereki vako, unoratidzira ruremekedzo rwako nokuda kwaJehovha. Jesu Kristu akanga akakwana uye aigona kuva akarangarira nenzira iri nyore kuti kwakanga kusina kumufanira kuti azviise pasi pavabereki vasina kukwana. Bva, “akavateerera. . . . Jesu akaramba achienda mberi pakuchenjera, napakukura, napakufadza Mwari navanhu.”—Ruka 2:51, 52.
18, 19. (a) Chii chakunoreva kukudza vabereki vako? (b) Musha unogona sei kuva nzvimbo yezororo?
18 Haufaniri kukudza vabereki vako nenzira yakafanana here? “Kukudza” pano kunoreva kuziva chiremera chakagadzwa nenzira yakafanira. (Enzanisa na 1 Petro 2:17.) Mumigariro mizhinjsa rukudzo rwakadaro rwakafanira kunyange kana vabereki vomunhu vari vasingatendi kana kuti vari kukundikana kugadza muenzaniso wakanaka. Unofanira kukudza vabereki vako zvikuru kwazvo kana vari maKristu omuenzaniso. Yeukawo kuti chirango nenhungamiro zvinopiwa navabereki vako hazvina kurongerwa kukuganhurirai nenzira isina kufanira. Panzvimbo pezvo, ndezvokukudzivirirai kuti mugone “kupfuurira kurarama.”—Zvirevo 7:1, 2, NW.
19 Ipapoka, mhuri igadziriro yorudo yakadini! Apo varume, vadzimai, uye vana vanotevera vose mitemo yaMwari youpenyu hwemhuri, musha unova utiziro, nzvimbo yezororo. Kunyanguvezvo, zvinetso zvinobatanidza kurukurirano nokurovedza vana zvingamuka. Nyaya yedu inotevera inokurukura nzira iyo zvimwe zvezvinetso izvozvi zvinogona kupedzwa nayo.
Unoyeuka Here?
◻ Muenzanisoi wakagadzwa navarume, vadzimai, uye vana vanotya Mwari munguva dzeBhaibheri?
◻ ChiKristu chakajekesei pabasa romurume?
◻ Mudzimai anofanira kuita rutivii mumhuri yechiKristu?
◻ Pwere dzechiKristu dzinogona sei kubetsera garikano yemhuri?
[Mufananidzo uri papeji 9]
“Hapana chinhu muchiKristu chairatidzika kuva chechienzi zvikuru nechakakomba zvikuru, mukuenzanisa netsika dzokusazvibata dzenguva yacho, kupfuura murangariro wechiKristu weroorano. . . . [Iwo] wakazarurira rudzi rwomunhu nhambo itsva”
[Mufananidzo uri papeji 10]
Varume vechiKristu vanokurudzira vadzimai vavo kutaura kunzwa kwavo, vachirangarira kunzwa ikoko