RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 10/15 pp. 30-31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Mashoko Akafanana
  • Tungamirirwa naMwari Mupenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Ropa—Rinokosha Nokuda Kwoupenyu
    Ropa Rinogona Sei Kuponesa Upenyu Hwako?
  • Ropa
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Kuponesa Upenyu Neropa—Seiko?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 10/15 pp. 30-31

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

MaKristu anofanira kuva anoitira hanya sei kuti mativi eropa, akadai seplasma yakaomeswa, angadai akawedzerwa kuzvinodyiwa?

Kana pane hwaro hwakasimba hwokudavira kuti ropa remhuka (kana kuti rutivi rwayo) rwuri kushandiswa chaizvoizvo munzvimbomo muzvinodyiwa, maKristu anofanira kushandisa ngwariro yakafanira. Zvisinei, kwaizova kusachenjera kushatiriswa nenyumwirowo zvayo kana kuti kugara nokunetseka kusina hwaro.

Pakuvamba munhau yomunhu, Musiki wedu akaraira kuti vanhu havafaniri kudya ropa. (Genesi 9:3, 4) Iye akataura kuti ropa rinomirira upenyu, icho chiri chipo chinobva kwaari. Ropa raibviswa muchisikwa raigona kushandiswa bedzi muchibairo, zvakadai sapaatari. Kukasadaro, ropa raibva muchisikwa raifanira kudururirwa pasi, mupfungwa yakati kuridzorera kuna Mwari. Vanhu vake vaifanira kudzivisa kuchengeta upenyu kupfurikidza nokudya ropa. Iye akaraira, kuti: “Regai kudya ropa razvo; ani naani unoridya unofanira kubviswa.” (Revhitiko 17:11-14) Rambidzo yaMwari pakudyiwa kweropa yakadzokororwa nokuda kwaKristu. (Mabasa 15:28, 29) Naizvozvo maKristu apakuvamba aifanira kudzivisa zvokudya zvaiva neropa, zvakadai senyama yemhuka dzakadzipwa kana kuti masoseji eropa.

Mumashoko anoshanda, kunyanguvezvo, maKristu iwayo aizoita sei parusimbiriro rwawo rwo‘kuzvidzivirira amene paropa’? (Mabasa 21:25) Aingofanira zvawo here kushandisa mashoko omuapostora Pauro, anoti: “Idyai zvose zvinotengwa panotengeswa nyama, musingabvunzi chinhu nokuda kwehana”?

Aiwa. Mashoko iwayo ari pana 1 VaKorinte 10:25 anonongedzera kunyama ingave yakabva pamhuka yakabairwa patembere yezvidhori. Shure panguva iyeyo, nyama yomuraudzo yaibva mumatembere yairaswa kupfurikidza nokutengesa kuvashambadzi, avo vangaibatanidza pakati pomugove wavo wenyama yokutengesa muzvitoro zvavo. Pfundo raPauro raiva rokuti nyama inobva patembere yakanga isina kushata zvikuru kana kuti kushatiswa. Sezviri pachena kwakanga kuri kwomuitiro kubvisa ndokushandisa paatari dzechihedheni ropa remhuka dzaibairwa ipapo. Naizvozvo kana yakati kuti yenyama yomuraidzo yaitengeswa mumusika, pasina batano inooneka netembere kana kuti mirangariro isakarurama yavahedheni, maKristu aigona kungoitenga zvayo senyama inotengeswa yakanga yakachena uye yakanga yabviswa ropa zvakakodzera.

Kwaizofanira kuva kwakasiana, zvisinei, kana maKristu iwayo aiziva kuti nyama yemhuka dzakadzipwa (kana kuti masoseji eropa) yaiva imwe yeyakanakisisa pazvitoro zvomunzvimbomo. Vaizofanira kushandisa ngwariro mukusarudza nyama yokutenga. Aikwanisa kuziva zvinhu zvenyama zvaiva neropa kana yakadaro yaiva noruvara runozivisa (kunyange sezvo masoseji eropa anhasi achigona kazhinji kazhinji kuzivikanwa munyika umo kunozivikanwa navose). Kana kuti maKristu angabvunza bhucha rine mukurumbira wakanaka kana kuti mutengesi wenyama. Kana akanga asina chikonzero chokudavira kuti nyama yakati yaiva neropa, aigona kungotenga zvawo ndokudya.

Pauro akanyorawo, kuti: “Kuva nomufungo kwenyu ngakuzivikanwe kuvanhu vose.” (VaFiripi 4:5, NW) Ikoko kwaigona kushanda kunhau yokutenga nyama. Mutemo waIsraeri kana kuti murairo womutumbi unodzora wechiKristu womuzana rokutanga ramakore hauna kuratidzira kuti vanhu vaMwari vaifanira kuita nhamburiko huru mukubvunza pamusoro penyama, kunyange kuva vanodya mirivo kana paiva nepanikiro dukusa pamusoro pokushandiswa kweropa munyama inowanika.

Muvhimi wechiIsraeri aiuraya mhuka aibvisa ropa rayo. (Enzanisa naDheuteronomio 12:15, 16.) Kana mhuri yake yaisagona kudya nyama yose, aitengesa imwe. Kunyange muchitunha chakabviswa ropa nenzira yakafanira, chitsama chiduku cheropa chairambira munyama, asi hapana chinhu chiri muBhaibheri chinokarakadza kuti muJudha aitenga nyama aifanira kunyanyisa mukuwana maidi akadaro sechiverengero chamaminiti apakati pokuuraya nokubvisa ropa, itsinga ipi kana kuti rutsinga rwakachekwa kuita kuti ropa riyerere, uye kuti mhuka yacho yakaturikwa sei uye kwenguva yakareba sei. Kupfuurirazve, mutumbi unodzora hauna kunyora kuti maKristu aifanira kuita ngwariro dzechienzi muna ikoku, sokunge aida mhinduro dzine udzame zvikuru asati adya nyama ipi neipi.

Munyika dzakawanda nhasi, mutemo, tsika, kana kuti muitiro worudzidziso wakadaro kuti zvinhu zvenyama (kunze kwezvinhu zvechienzi, zvakadai samasoseji eropa) zvinobva mumhuka dzinofanira kubudiswa ropa apo dzinourawa. Nokudaro, maKristu ari munharaunda idzodzo kazhinji kazhinji haafaniri kunyanyoitira hanya mitoo yokuuraya kana kuti yokugadzira. Mupfungwa yakatambanudzwa, iwo angango‘ramba achidya nyama inotengeswa, asingabvunzi,’ uye anogona kuva nehana yakachena yokuti ari kurega ropa.

Panhambo nenhambo pave pane mishumo younyanzvi, kunyanguvezvo, pamusoro pokutengeswa kweropa iyo yakakangaidza maKristu akati. Vamwe vari mubasa rokugadzira nyama vanorangarira kuti zvitsama zvikuru zveropa rinobva mumhuka dzinourawa zvinogona kuunganidzwa nokuda kwokushandisa kunoshanda nemhindu, zvakadai somufetiraiza kana kuti zvokudya zvemhuka. Vanzveri vakafunda kana ropa rakadaro (kana kuti mativi) zvingashandiswa munyama yakagadzirwa. Mafekitari okutengeserana akati akatoita zvitsama zvakaganhurirwa zveplasma (kana kuti zvinhu zvakabviswa ruvara zvamasero matsvuku) zvemvura, zvakaomeswa, kana kuti zvoupfu izvo zvingatsiviwa nomwero muduku muzana wenyama muzvinhu zvakafanana namasoseji kana kuti pâté. Dzimwe fundo dzakananga pakushandisa zvinobva muropa zvakakuyiwa sefiller kana kuti kusungira mvura namafuta munyama yakagaiwa, muzvinhu zvokubhekesa, kana kuti mune zvimwe zvokudya nezvokunwa kuwedzera protein kana kuti iron.

Kwakafanira kucherechedza, zvisinei, kuti nzvero yakadaro yave ichipfuurira kwamakumi amakore. Bva, kunoratidzika kuti shandiswo yezvinhu zvakadaro yave yakaganhurirwa zvikuru, kana kuti kunyange kusavapo, munyika zhinjisa. Mishumo chaiyo inobetsera kuratidza chikonzero nei:

“Ropa manyuko amaprotein ezvokudya nookushanda. Zvisinei, ropa renyama rakashandiswa bedzi mumwero yakaganhurirwa nokuda kwokudya kwavanhu kwakananga nemhaka yoruvara rukuru nokunaka.”—Journal of Food Science, Volume 55, Number 2, 1990.

“Maprotein eplasma eropa ane zvinobetsera zvakadai sokunyunguduka kukuru, kuvhenganisa nokunyunguruka . . . uye kushandiswa kwawo mukugadzira zvokudya kunogovera betsero huru. Zvisinei, hakuna muitiro unobudirira wokuita kuti plasma ive youtsanana, zvikurukuru pashure pokubvisa mvura, wakatangwa muJapan.”—Journal of Food Science, Volume 56, Number 1, 1991.

Mamwe maKristu panhambo nenhambo akanzvera zviratidzo zviri pazvokudya zvakaiswa mumapakiti, sezvo hurumende dzakawanda dzichida kuti mivhenganiswa irongwe. Uye angasarudza kuita saizvozvo nguva dzose nechinhu chipi nechipi chaane chikonzero chokudavira kuti chingava neropa. Kwaizova kwakarurama, chokwadika, kudzivisa zvinhu zvakaronga zvinhu zvakadai seropa, plasma yeropa, plasma, globin (kana kuti globulin) protein, kana kuti hemoglobin (kana kuti globin) iron. Mashoko okutengesa akabva kune imwe kambani yeEurope muna ikoku akabvuma, kuti: “Mashoko pamusoro pokushandiswa kweglobin somuvhenganiswa anofanira kunyorwa papakiti rezvokudya nenzira yakadaro zvokuti mudyi haasati achitsauswa pamusoro pezvakaumba kana kuti ukoshi hwezvokudya.”

Zvisinei, kunyange pamusoro pokunzvera zviratidzo kana kuti kubvunza vamabhucha, kuva nomufungo kunodikanwa. Hakuna kuita sokunge muKristu ari wose munyika yose anofanira kufunda zviratidzo nemivhengiswa pazvokudya zvose zviri mumapakiti kana kuti anofanira kubvunzurudza vashandi vapatumahotera kana kuti zvitoro zvezvokudya. MuKristu angatanga kuzvibvunza amene kuti, ‘Pane here ufakazi hwakasimba hupi nohupi hwokuti ropa nezvinobva mariri zvinoshandiswa muzvinodyiwa zvenguva dzose munharaunda ino kana kuti nyika?’ Munzvimbo zhinjisa mhinduro ndiaiwa. Nokudaro, maKristu akawanda akagumisa kuti iwo pachawo haasati achizopa nguva huru nengwariro kukunzvera bviro dziri kure. Mumwe munhu asingarangariri nenzira iyi anofanira kuita mutsinhirano nehana yake, asingatongi vamwe vangasarudza nhau yacho nenzira yakasiana asi vane hana yakanaka pamberi paMwari.—VaRoma 14:2-4, 12.

Kunyange kana zvinodyiwa zvine ropa zvichigona kuitwa, kungasanova kuti ikoku hakuitwi zvikuru nemhaka yendyiko, kunyoresa, kana kuti zvimwe zvinhu. Somuenzaniso, Food Processing (September 1991) yakati: “Nokuda kwavagadziri vaye vane zvinetso zvipi nezvipi neisingasviki 1% (mupayi yenyama yapedzwa kugadzira) yeplasma yagaiwa yenyama, mumuvhenganiswa unoutsiva nezveprotein uye ungagona kusimbiswa seKosher.”

Kunofanirwa nokusimbisa kuti mutemo, tsika, kana kuti muitiro munyika dzakawanda kwakadaro kuti ropa rinowanzobviswa mumhuka dzinourawa uye kuti ropa rakadaro harishandiswi muzvimwe zvinodyiwa. Kana pasina hwaro hwakasimba hwokufunga kuti mugariro wacho wakasiana munzvimbomo kana kuti kuti chinjo huru yakaitika misi ichangobva kupfuura, maKristu anofanira kudzivisa kuva anovhiringidzwa nokungobvira chete kana kuti runyerekupe. Apo, kunyanguvezvo, kunova nechokwadi kana kuti kungabvira zvikuru kuti ropa rinoshandiswa zvakafara—muzvokudya kana kuti zvimwe mukurapa—tinofanira kuva vakatsunga kuteerera murairo waMwari wokurega ropa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe