RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 12/15 pp. 14-19
  • Kufamba Nomwoyo Wakabatanidzwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kufamba Nomwoyo Wakabatanidzwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Rutyo Rwakafanira
  • Ngoni dzaJehovha
  • “Chiratidzo Chinoreva Runako”
  • Jehovha, Muiti Wezvinhu Zvinoshamisa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Jehovha—Muenzaniso Mukuru Worunako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Rambai Muchiita Zvakanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • “Batanidzai Mwoyo Wangu Kuti Utye Zita Renyu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 12/15 pp. 14-19

Kufamba Nomwoyo Wakabatanidzwa

“Ndiraidzei, Haiwa Jehovha . . . Batanidzai mwoyo wangu kuti nditye zita renyu.”—PISAREMA 86:11, NW.

1. Jehovha anotusa sei vakavimbika vake?

‘HAIWA Jehovha, muri Mwari, imi moga.’ (Pisarema 86:8, 10) Dhavhidhi akarumbidza Mwari kubva mumwoyo wakazara nokuonga. Kunyange Dhavhidhi asati ava mambo pana Israeri wose, Jehovha akanga amununura kuna Sauro uye kuvaFiristia. Nokudaro aigona kuimba, kuti: “Jehovha idombo rangu, nenhare yangu, nomurwiri wangu, iye ndowangu. Une ngoni, munomuitirawo ngoni.” (2 Samueri 22:2, 26) Jehovha akanga achengeta mubatiri wake akavimbika mumiedzo yakawanda. Dhavhidhi aigona kuisa chivimbo chake noruvimbo muna Mwari wake akavimbika, asi aida nhungamiro inopfuuridzirwa. Dhavhidhi zvino akakumbira Mwari: “Ndiraidzei, Haiwa Jehovha, pamusoro penzira yenyu.”—Pisarema 86:11, NW.

2. Jehovha akaita sei gadziriro yokudzidziswa kwedu naye?

2 Dhavhidhi aisada kuva nechinhu chokuita nemifungo yenyika kana kuti uzivi. Aida ku“dzidziswa naJehovha,” seizvo muporofita waMwari akakutaura gare gare. (Isaya 54:13) Sezvingabvira Dhavhidhi aigona kufungisisa pamabhuku mapfumbamwe bedzi eBhaibheri aiwanika muzuva rake. Bva, muraidzo iwoyo wakabva kuna Jehovha waikosha kwaari! Mukudzidziswa, isu nhasi tinogona kufarikanya mabhuku ose 66 eBhaibheri, pamwe chete namabhuku akawanda oUmambo anogoverwa kupfurikidza no“muranda akatendeka naakachenjera.” (Mateo 24:45, NW) Kufanana naDhavhidhi, ngatidanei pana Jehovha, kuti mudzimu wake ugotibetsera kunzvera “zvinhu izvo Mwari akagadzirira vanomuda, . . . kunyange zvinhu zvakadzama zvaMwari.”—1 VaKorinte 2:9, 10, NW.

3. Munzirai umo muraidzo weBhaibheri unogona kutibetsera?

3 Bhaibheri rine mhinduro kumubvunzo uri wose uye chinetso zvingamuka muupenyu hwedu. “Nokuti zvose zvakanyorwa kare, zvakanyorwa kuti isu tidzidze kuti tive netariro inobva pakutsungirira napakunyaradza kwaMagwaro.” (VaRoma 15:4) Kupinza muraidzo unobva kuna Jehovha kuchatisimbisa kutsungirira nhamo, kutinyaradza munguva dzokupera mwoyo, uye kuchengeta tariro yoUmambo iri mhenyu zvikuru mumwoyo yedu. Ngatiwanei mufaro mukurava Shoko raMwari uye mukufungisisa pariri “masikati nousiku,” nokuti uchenjeri hwakavakirwa paBhaibheri hunova “muti woupenyu kuna avo vanoubata, uye avo vanoramba vakaubatisisa vachanzi vanofara.”—Pisarema 1:1-3, NW; Zvirevo 3:13-18; onawo Johane 17:3.

4. Nezvokuita kwedu, muenzanisoi uyo Jesu akatigadzira?

4 Mwanakomana waMwari, Jesu, anodanwawo kuti “Mwanakomana waDhavhidhi,” aitarira kuna Jehovha nguva dzose nokuda kwomuraidzo. (Mateo 9:27)a Iye akati: “Mwanakomana haagoni kuita chinhu oga, kana asingaoni Baba vachiita; nokuti zvose zvavanoita ivo, Mwanakomana unozviita saizvozvowo.” “Ini handiiti chinhu ndimene, asi ndinoreva izvozvo zvandakadzidziswa naBaba.” (Johane 5:19; 8:28) Jesu akasiya muenzaniso wokuti “tisanotevera makwara ake.” (1 Petro 2:21, NW) Chimbofungidzira zvako! Kana tikafunda seizvo Jesu anofanira kuva akaita, mumugariro upi noupi tichakwanisa kuita seizvo Jehovha aizoita kuti tiite. Nzira yaJehovha nguva dzose ndiyo nzira yakarurama.

5. Chii chiri “zvokwadi”?

5 Dhavhidhi anotevera kuzivisa, kuti: “Ndichafamba muzvokwadi yenyu.” (Pisarema 86:11) Makore ane chiuru gare gare, Pirato, achitaura kuMwanakomana waDhavhidhi, Jesu, akabvunza, kuti: “Zvokwadi chinyiko?” Asi Jesu akanga achangobva kupindura mubvunzo iwoyo, achiudza Pirato, kuti: “Ushe hwangu hahuzi hwenyika ino,” achiwedzera, kuti: “Unoreva iwe kuti ndiri mambo. Ndakaberekerwa izvo, ndakauyira izvozvo panyika, kuti ndipupure zvokwadi.” (Johane 18:33-38) Jesu nokudaro akazivisa kuti zvokwadi inonangidzira ngwariro paUmambo hwouMesia. Zvamazvirokwazvo, musoro wose weBhaibheri kutsveneswa kwezita raJehovha kupfurikidza noUmambo ihwohwo.—Ezekieri 38:23; Mateo 6:9, 10; Zvakazarurwa 11:15.

6. Mukufamba muzvokwadi, chii chatinofanira kungwarira?

6 Kufamba muzvokwadi kunorevei? Kunoreva kuita tariro yoUmambo itiro hanya huru youpenyu hwedu. Tinofanira kurarama mukuwirirana nezvokwadi yoUmambo. Tinofanira kuva vasina kukamuraniswa mukuisa fariro dzoUmambo pakutanga, tichishingaira mukuwirirana namabanza edu mukupupurira zvokwadi yoUmambo, tichitevera muenzaniso waJesu. (Mateo 6:33; Johane 18:37) Hatigoni kufamba rutivi rwenguva muzvokwadi, tichipa bedzi basa razvachero asi ipapo tichizvifadza timene kupfurikidza nokumbeya kuti tipinde munhandaro dzakanyanyisa kana kuti kupinda mubasa rinopedza nguva kana kuti “kubatira . . . Pfuma.” (Mateo 6:24, NW) Tingagona kurasika mune imwe yenzira idzodzo duku, zvokusatongowanazve nzira inodzokera mu‘nzira yakamanikana inotungamirira kuupenyu.’ Ngatisarasika tichibva munzira iyoyo! (Mateo 7:13, 14) Muraidzi wedu Mukuru, Jehovha, kupfurikidza neShoko rake uye sangano, anovhenekera nzira, achiti: “‘Heyi nzira, fambai nayo!’ kana muchida kutsaukira kurudyi, kana zvimwe muchida kutsaukira kuruboshwe.”—Isaya 30:21.

Rutyo Rwakafanira

7. Tinga“batanidza” sei mwoyo yedu?

7 Munyengetero waDhavhidhi unopfuurira Pis 86 mundima 11, (NW): “Batanidzai mwoyo wangu kuti nditye zita renyu.” Kufanana naDhavhidhi, tinofanira kuda kuti mwoyo yedu ive isina kukamuraniswa, yakakwana, mukuita kuda kwaMwari. Ikoku kuri mutsinhirano nezano raMosesi, rokuti: “Zvino, Israeri, Jehovha Mwari wako unotsvakeiko kwauri, asi kuti utye Jehovha Mwari wako, ufambe munzira dzake dzose, nokumuda, nokushumira Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose, uye nomweya wako wose nokuchengeta mirairo yaJehovha, nezvaakatema, zvandinokuraira nhasi kuti ufare zvakanaka.” (Dheuteronomio 10:12, 13) Kuri, zvamazvirokwazvo, nokuda kwenakirwo yedu kuti tidurure mwoyo nomweya mukubatira Jehovha. Nokudaro tinoratidza rutyo rwakafanira rwezita rake rakakurumbira. Zita raJehovha chaizvoizvo rinoreva “Anoparira Kuva,” zvikurukuru nenongedzero kukusvitsa madonzo ake makuru kumhedziso. Rinomirirawo chiremera chake chikurusa pamusoro pechisiko chose. Tichibatira tichitya ukuru hwaMwari, hatisati tichizotsauswa nokutya munhu anofa. Mwoyo yedu haisati ichizokamuraniswa. Panzvimbo pezvo, tichatya kuita chinhu chipi nechipi chingasafadza Jehovha, Mutongi Mukurusa uye Changamire Ishe, anobata upenyu hwedu humene muruoko rwake.—Isaya 12:2; 33:22.

8, 9. (a) Kunorevei kuva “vasati vari rutivi rwenyika”? (b) Inhanoi dzatinofanira kuita nemhaka yokuti tiri “chinoshamisa chenyika”?

8 Kunyange mukunangana noruzvidzo nechitambudzo, tichatevera muenzaniso wokusatya waJesu mukusava rutivi rwenyika yakaipa yakatipoteredza. (Johane 15:17-21) Ikoku hakusati kuchireva kuti vadzidzi vaJesu vanofanira kugara savanazindoga kana kuti kuvanzwa muimba inogara mamongi. Jesu akati mumunyengetero kuna Baba vake: “Handinyengeteri kuti muvabvise panyika, asi kuti muvachengete pano wakaipa. Havazi venyika, seni ndisi wenyika. Muvaite vatsvene muzvokwadi; shoko renyu izvokwadi. Sezvamakandituma panyika imi, saizvozvo neni ndakavatuma panyika.” (Johane 17:15-18) Kufanana naJesu, tinotumwa kuzivisa zvokwadi yoUmambo. Jesu aisvikika. Vanhu vaizorodzwa nenzira yake yokudzidzisa. (Enzanisa naMateo 7:28, 29; 11:28, 29; Johane 7:46.) Kunofanira kuva kumwe cheteko nesu.

9 Ushamwari hwedu hwakasununguka, kutsvinda kwakanaka nechitarisiko, kurukurirano yomutsa neyakachena, zvinofanira kuita kuti isu neshoko redu tigamuchirike kuvanhu vane mwoyo yakarurama. Tinofanira kudzivisa uchapa, kupfeka kusina mwero, songaniro dzinogona kutungamirira kubatano dzenyika, uye mararamire okusazvibata, asina tsika zvatinoona munyika yakatipoteredza. Tichiva “takaitwa chinhu chinoshamisa nyika, navatumwa, navanhu,” tiri pabasa maawa 24 zuva rimwe nerimwe kuti tibatire nokurarama samaKristu omuenzaniso. (1 VaKorinte 4:9; VaEfeso 5:1-4; VaFiripi 4:8, 9; VaKorose 4:5, 6) Mwoyo wedu unofanira kuva wakabatanidzwa neiri donzo.

10. Jehovha anoyeuka sei avo vanobatanidza mwoyo yavo mubasa dzvene?

10 Isu tinobatanidza mwoyo yedu mukutya zita raJehovha, tinofungisisa madonzo ake makuru uye tinozadza upenyu hwedu nebasa rinoyera, tichayeukwa naJehovha. “Nokuti meso aJehovha anotarira tarira kumativi ose enyika yose, kuti aratidze simba rake kuna iye une mwoyo wakarurama kwazvo kwaari.” (2 Makoronike 16:9) Ichinongedzera nenzira youporofita kuzuva redu, Maraki 3:16 inorava, kuti: “Ipapo vaitya Jehovha vakataurirana, Jehovha akateerera, akanzwa, bhuku yokurangaridza ikanyorwa pamberi pake, nokuda kwavanotya Jehovha, vachirangarira zita rake.” Mwoyo yedu ngaibatanidzwe mukutyiwa ikoko kwakanaka kwaJehovha!

Ngoni dzaJehovha

11. Ngoni dzaJehovha dzicharatidzirwa sei kuna vakavimbika?

11 Une simba sei munyengetero waDhavhidhi! Anopfuurira, kuti: “Ndichakurumbidzai, [Haiwa Jehovha, NW], nomwoyo wangu wose, ndicharumbidza zita renyu nokusingaperi. Nokuti ngoni dzenyu ihuru kwandiri; makarwira mweya wangu pagomba rakadzika-dzika.” (Pisarema 86:12, 13) Kechipiri mune iri pisarema, Dhavhidhi anorumbidza Jehovha nokuda kwengoni Dzake—rudo Rwake rwokuvimbika. Urwu rudo rukuru kwazvo zvokuti runogona kuponesa mumigariro inoratidzika kuva isingabviri. Apo Sauro aimuvhima murenje, Dhavhidhi angave akanzwa saanokambaira achipinda mukona kuti afe. Kwakanga kwakaita sokutarisana neSheori yakaderera zvikurusa—pasi peguva. Asi Jehovha akamununura! Nomutoo wakafanana, Jehovha anowanzounza rusununguko kuvabatiri vake vomuzuva razvino munzira dzinoshamisa, uye akatsigirawo vachengeti veperero vakatsungirira nokutendeka kunyange kusvikira kurufu. Vakavimbika vose vachava netuso yavo, kunyange kupfurikidza norumuko kana kuri madikanwa.—Enzanisa naJobho 1:6-12; 2:1-6, 9, 10; 27:5; 42:10; Zvirevo 27:11; Mateo 24:9, 13; Zvakazarurwa 2:10.b

12. Vafundisi vave vachizvikudza nokudzvinyirira sei, uye chii chichava tuso yavo?

12 Nezvavatambudzi Dhavhidhi anodanidzira, achiti: “Mwari, vanozvikudza vakandimukira, ungano yavanhu, vanomanikidza, vakatsvaka mweya wangu, havana kukuisai pamberi pavo.” (Pisarema 86:14) Nhasi, vatambudzi vakabatanidza vafundisi vechiKristudhomu. Ivava vanofunga kuti vanonamata Mwari asi vanotsiva zita rake dzvene nezita rokuremekedza rokuti “Ishe” uye vanomuratidzira soUtatu hwakavanzika uhwo husingadudzwi zvomenemene panzvimbo ipi neipi muBhaibheri. Kuzvikudza sei! Kunowedzerwa kuna ikoku, vanoedza kupesvedzera masimba ezvamatongerwe enyika kuti arambidze nokupinza mutorongo Zvapupu zvaJehovha, sezvichiri kuitwa muchiverengero chikuru chinoshamisa chenyika kupota pasi. Ava vamhuri vanopfeka nguvo vezita raMwari vachawana tuso yavo, pamwe nezvikamu zvose zvakafanana nemhombwe zveBhabhironi Guru.—Zvakazarurwa 17:1, 2, 15-18; 19:1-3.

13. Mavarai ayo Jehovha anoratidza mukuzivisa runako rwake?

13 Mumusiano unofadza munyengetero waDhavhidhi unopfuurira, kuti: “Asi imi, [Haiwa Jehovha, NW], muri Mwari une tsitsi nenyasha, hamukurumidzi kutsamwa, mune ngoni zhinji nezvokwadi.” (Pisarema 86:15) Makurusa, zvamazvirokwazvo, mavara akadaro aMwari wedu. Mashoko aya anotidzosera shure kuGomo reSinai apo Mosesi akakumbira kuona mbiri yaJehovha. Jehovha akapindura, kuti: “Ndichapfuudza kunaka kwangu kwose pamberi pako, nokudana zita raJehovha pamberi pako.” Asi akanyevera Mosesi, kuti: “Haungaoni chiso changu, nokuti hakuna munhu ungandiona, akazorarama.” Pashure paikoko, Jehovha akaburuka ari mugore, achizivisa, kuti: “Jehovha, Jehovha, Mwari uzere nyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru nezvokwadi.” (Eksodho 33:18-20; 34:5, 6) Dhavhidhi akanokora aya mashoko mumunyengetero wake. Mavara akadaro aJehovha anoreva zvakawanda zvikuru kwatiri kupfuura chitarisiko chipi nechipi chomuviri! Kubva muruzivo rwedu timene rwokuzviwanira, hationgi runako rwaJehovha sezvinoratidzirwa mumavara aya akaisvonaka here?

“Chiratidzo Chinoreva Runako”

14, 15. Jehovha anoita sei nokuda kwavabatiri vake “chiratidzo chinoreva runako”?

14 Dhavhidhi anokumbirazve chikomborero chaJehovha, achiti: “Ringirai kwandiri, mundinzwire ngoni; ipai muranda wenyu simba renyu, muponese mwanakomana womurandakadzi wenyu. Ndiratidzei chiratidzo [chinoreva runako, NW]; kuti vanondivenga vazvione, vanyadziswe; nokuti imi [Haiwa Jehovha, NW], makandibatsira nokundinyaradza.” (Pisarema 86:16, 17) Dhavhidhi anoziva kuti so‘mwanakomana womurandasikana waJehovha,’ iyewo aifanira kuva waJehovha. Ndikumwe chetewo nesu tose nhasi takatsaurira upenyu hwedu kuna Jehovha uye tinoshanda mubasa rake. Tinoda simba rinoponesa raJehovha kupfurikidza nomudzimu mutsvene wake. Nokudaro, tinokumbira Mwari wedu kuita nesu “chiratidzo chinoreva runako.” Runako rwaJehovha runobatanidza mavara akaisvonaka atichangobva kukurukura. Pahwaro ihwohwu, chiratidzoi, kana kuti chioneso, chatinogona kukarira Jehovha kutipa?

15 Jehovha ndiye Mupi we“zvipo zvose zvakanaka nezvipiwa zvose zvakakwana” uye ane rupo, seizvo Jesu anotivimbisa, mukupa “mudzimu mutsvene kuna avo vanomukumbira.” (Jakobho 1:17; Ruka 11:13, NW) Mudzimu mutsvene—chipo chinokosha zvakadini chinobva kuna Jehovha! Kupfurikidza nomudzimu mutsvene, Jehovha anogovera mufaro womwoyo, kunyange munguva yechitambudzo. Nokudaro, vaapostora vaJesu, pavaitongwa nokuda kwoupenyu hwavo, vaigona kuzivisa nokufara kuti Mwari anopa mudzimu mutsvene kuna avo vanomuteerera somutongi. (Mabasa 5:27-32) Mufaro womudzimu mutsvene wakapfuurira kuita navo “chiratidzo chinoreva runako.”—VaRoma 14:17, 18.

16, 17. (a) Chiratidzoi chorunako rwake Jehovha akapa kuna Pauro naBharnabhasi? (b) Chiratidzoi chakapiwa vaTesaronika vakatambudzwa?

16 Mukati morwendo rwavo rwoufundisi muAsia Minor, Pauro naBharnabhasi vakasangana nenhamo, kunyange chitambudzo chakakomba. Apo vakaparidzira muAntiokia yePisidhia, vaJudha vakaramba shoko ravo. Nokudaro, vakatendeukira kuvanhu vamarudzi. Chii chakava muuyo? “Zvino vahedheni vakati vachinzwa izvozvo, vakafara, vakakudza shoko ra[Jehovha, NW]; navose vakanga vatarirwa upenyu husingaperi vakatenda.” Asi vaJudha vakaparira nyonganyonga, zvokuti vafundisi ivavo vakakandwa kunze kwenyika. Ivo navatendi vatsva vakaora mwoyo naikoku here? Nyangwe! Panzvimbo pako, “Vadzidzi vakaramba vachizadzwa nomufaro no[mudzimu, NW] mutsvene.” (Mabasa 13:48, 52) Jehovha akavapa chiratidzo ichocho chorunako rwake.

17 Gare gare, ungano itsva muTesaronika yakatambudzwa. Ikoku kwakatungamirira muapostora Pauro kunyora tsamba yenyaradzo, achirumbidza kutsungirira kwavo mudambudziko. Vakanga va“gamuchira shoko mumadambudziko mazhinji nomufaro wo[mudzimu, NW] mutsvene.” (1 VaTesaronika 1:6) “Mufaro wo[mudzimu, NW] mutsvene” wakapfuurira kuvasimbisa sechiratidzo chiri pachena chinobva kuna Mwari uyo ane tsitsi uye ane ngoni, anononoka kutsamwa, uye ane ngoni huru nouchokwadi.

18. Hama dzedu muEastern Europe dzakaratidza sei kuonga nokuda kworunako rwaJehovha?

18 Munguva dzazvino, Jehovha akaratidzira runako rwake kune hama dzedu dzakatendeka muEastern Europe, achinyadzisa avo vakadzivenga—vaichimbova vatambudzi vadzo. Kunyange zvazvo misi ichangobva kupfuura iyi dzakasunungurwa mumakumi amakore edzvinyiriro, idzi hama dzinodiwa dzichiri dzinofanira kutsungirira, nokuti vazhinji vakatarisana nenhamo dzakakomba dzezvemari. Zvisinei, “mufaro [wadzo] wo[mudzimu, NW] mutsvene” unodzinyaradza. Mufaro mukuru zvikuru wakadini wadzingagona kuva nawo unopfuura mukushandisa rusununguko rwadzo ruchangobva kuwanwa mukufutunura uchapupu? Vanhu vakawanda vari kudziteerera, sezvinoratidzira mishumo pakokorodzano uye rubhapatidzo.—Enzanisa naMabasa 9:31.

19. Tingaita sei mashoko aPisarema 86:11 edu timene zvikuru?

19 Zvose zvakurukurwa munyaya ino uye yakapfuura zvinodzokorora munyengetero une simba waDhavhidhi kuna Jehovha, unoti: “Ndiraidzei, Haiwa Jehovha . . . Batanidzai mwoyo wangu kuti nditye zita renyu.” (Pisarema 86:11, NW) Ngatiitei mashoko iwayo orugwaro rwedu rwegore rwa 1993 edu timene zvikuru sezvatinoshanda nomwoyo wose mukutsigira fariro dzoUmambo uye mukuonga runako rusingaperi rwaMwari wedu mumwe, Changamire Ishe Jehovha.

[Mashoko Omuzasi]

a Se“mbeu” yakadeya kutaurwa, Jesu aiva mugari wenhaka kuumambo hwaDhavhidhi uye nokudaro aiva “Mwanakomana waDhavhidhi” mose muri muviri mupfungwa chaiyoiyo uye yomudzimu.—Genesi 3:15, NW; Pisarema 89:29, 34-37.

b Nokuda kwemienzaniso yomuzuva razvino uno ona Yearbook of Jehovah’s Witnesses, zvinyorwa zva 1974, mapeji 113-212; 1985, mapeji 194-7; 1986, mapeji 237-8; 1988, mapeji 182-5; 1990, mapeji 171-2; 1992, mapeji 174-81.

Waizopindura Sei?

◻ Chii chatinoratidzira kupfurikidza nokunyengetera, tichiti, “Ndiraidzei, Haiwa Jehovha”?

◻ Chii chinorehwa nokubatanidzwa kwemwoyo yedu kuti titye zita raJehovha?

◻ Jehovha acharatidza sei ngoni dzake kuna vose vakavimbika?

◻ Jehovha anoita sei nesu “chiratidzo chinoreva runako”?

[Bhokisi riri papeji 16]

Rugwaro rwegore rwa 1993: “Ndiraidzei, Haiwa Jehovha . . . Batanidzai mwoyo wangu kuti nditye zita renyu.”—Pisarema 86:11, NW.

[Mufananidzo uri papeji 15]

Jehovha idombo nenhare kuna avo vanofamba zvakanaka muzvokwadi

[Mufananidzo uri papeji 18]

Pa“Vatakuri Vechiedza” Kokorodzano Yamarudzi Ose yeZvapupu zvaJehovha muSt. Petersburg, Russia, muna June, 46 214 vakapinda uye 3 256 vakabhapatidzwa. Ivava vari kuzviyamura vamene nenzira inoshamisa sei norunako rwaJehovha, no“mufaro womudzimu mutsvene”!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe