RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 12/15 pp. 21-23
  • Neiko Kuri Nyore Kwazvo Kureva Nhema?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Neiko Kuri Nyore Kwazvo Kureva Nhema?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvikonzero Zvokureva Nhema
  • Rangarira Miuyo Yacho
  • Chikonzero Nei Kuri Nyore Kureva Nhema
  • Kuvireiko Wapachokwadi?
  • Kureva Nhema—Kunombopembedzwa Here?
    Mukai!—2000
  • Chokwadi Pamusoro Pokureva Nhema
    Mukai!—1997
  • Kutaura Chokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Chokwadi Chichiri Kukosha Here?
    Dzimwe Nyaya
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 12/15 pp. 21-23

Neiko Kuri Nyore Kwazvo Kureva Nhema?

HAKUNA munhu anoda kureverwa nhema. Bva, vanhu munyika yose vanoreverana nhema nokuda kwezvikonzero zvakasiana-siana. Imwe nzvero yakaoneka mubhuku rinonzi The Day America Told the Truth, rakanyorwa naJames Patterson naPeter Kim, rakazivisa kuti 91 muzana yavaAmerica inoreva nhema nguva dzose. Vanyori vacho vanoti: “Voruzhinji vedu tinokuwana kwakaoma kupedza vhiki rose tisingarevi nhema. Mumwe muvashanu haagoni kupedza zuva rimwe—uye tinoreva nhema dzokuziva, dzakarongwa pachine nguva mberi.”

Kureva nhema muitiro unozivikanwa navose muanodokuva mativi ose oupenyu hwomuzuva razvino uno. Vatungamiriri vezvamatongerwe enyika vanoreva nhema kuvanhu vavo nokune mumwe nomumwe. Nguva nenguva, vakaoneka muterevhizheni vachiramba batano ipi neipi nezvirongwa zvinonyadzisa umo vakabatanidzwa zvikuru zvomenemene. Sissela Bok, mubhuku rake rinonzi Lying—Moral Choice in Public and Private Life, anoti: “Mumutemo nomukunyora nhau, muhurumende nomudzidzo yamagariro avanhu, nyengedzo inorerutswa painonzwika kuva inopembedzeka naavo vanoreva nhema uye vanokombamirawo kuita mitemo.”

Ichinongedzera kukureva nhema kwezvamatongerwe enyika muUnited States, Common Cause Magazine yaMay/June 1989 yakati: “Watergate neVietnam zvirokwazvo zvakakwikwidza kutengeswa kwapachivande kwezvombo zveU.S. kuIran nokushandiswa kwemhindu kutsigira vapandukiri veNicaragua vaizivikanwa se“contras” pamusoro penyengedzo yehurumende nokusavimba kwavanhu. Naizvozvo chii chakaita kuti makore Reagan akava purezidhendi ave nguva yechinjo yakadaro? Vazhinji vakareva nhema, asi vashomanene vakanzwa urombo.” Kuri nechikonzero chakanaka, naizvozvo, kuti vanhu venhando havavimbi navatungamiriri vavo vezvamatongerwe enyika.

Muukama hwamarudzi ose vatungamiriri vakadaro vanokuwana kwakaoma kuvimbana. Muzivi wechiGiriki Plato akati: “Vatongi veHurumende . . . vangabvumirwa kureva nhema nokuda kwenakirwo yeHurumende.” Muukama hwamarudzi ose kuri sokutaura kunoita uporofita hweBhaibheri pana Dhanieri 11:27, kuti: “Vachareva nhema vari patafura rimwe.”

Munyika yezvebhizimisi, kureva nhema pamusoro pezvigadzirwa namabasa muitiro wavose. Vatengi vanofanira kupinda muzvibvumirano nokungwarira, vachiva nechokwadi chokurava mashoko asina kujeka. Dzimwe nyika dzine masangano anodzora muhurumende kuti adzivirire vanhu pakuzivisa kwenhema, pashavo dzinokuvadza idzo dzinoratidzirwa sedzinobetsera kana kuti dzisingakuvadzi, uye pakunyengedzwa. Pasinei hapo neidzi nhamburiko, vanhu vanopfuurira kutambura mune zvemari kuvatengesi vanoreva nhema.

Nokuda kwavamwe vanhu, kureva nhema kuri nyore kwazvo zvokuti kunova kwomuitiro. Vamwe ndevapachokwadi kazhinji kazhinji, asi vaiswa mumugariro wakaoma, vachareva nhema. Vashomanene vanoramba kureva nhema mumigariro ipi neipi.

Nhema dzinorondedzerwa so“1. kutaura kwenhema kana kuti chiito, zvikurukuru icho chinoitwa nevavariro yokunyengedza . . . 2. chinhu chipi nechipi chinopa kana kuti chinorehwa kupa mufungo wenhema.” Vavariro yacho ndeyokuparira vamwe kudavira chimwe chinhu icho murevi wenhema anoziva kuti hachisati chiri zvokwadi. Kupfurikidza nenhema kana kuti zvokwadi dzisina kuzara, iye anoedza kunyengedza avo vane maruramiro okuziva zvokwadi.

Zvikonzero Zvokureva Nhema

Vanhu vanoreva nhema nokuda kwezvikonzero zvizhinji. Vamwe vanofunga kuti vanosungirwa nenhema pamusoro pamano avo kuti vagobudirira munyika ino yamakwikwi. Vamwe vanoedza kufukidza zvikanganiso kana kuti mhaka nenhema. Vamwezve vanochinja nenzira yokureva nhema mishumo kuti vape mufungo wokuti vaita basa ravasina kuita. Ipapo pane avo vanoreva nhema kuti vakuvadze mukurumbira womumwe, kudzivisa kukwenudzwa, kururamisa kureva nhema kwakapfuura, kana kuti kukorovhera vanhu mari yavo.

Ruramiso yavose nokuda kwenhema ndeyokuti inodzivirira mumwe munhu. Vamwe vanorangarira ikoku kuva nhema isingakuvadzi nemhaka yokuti vanofunga kuti haikuvadzi munhu upi noupi. Asi idzi dzinonzi nhema dzisingakuvadzi hadzisiyi chaizvoizvo miuyo yakashata here?

Rangarira Miuyo Yacho

Nhema dzisingakuvadzi dzinogona kugadza muenzaniso uyo unogona kutungamirira kumuitiro wokureva nhema uyo ungabatanidza nhau dzakakomba zvikuru. Sissela Bok anotsinhira, kuti: “Nhema dzose dzinodzivirirwa se‘dzisingakuvadzi’ hadzigoni kurambwa nenzira iri nyore kwazvo. Kutanga, kusakuvadza kwenhema kunopanikirwa zvakaipa. Icho murevi wenhema anonzwisisa sechisingakuvadzi kana kuti kunyange chinobetsera chingava chisina kudaro mumeso omunyengedzwi.”

Nhema, pasinei hapo nokuti dzingaratidzika sedzisina mhaka sei, dzinoparadza kuukama hwakanaka hwavanhu. Kutendeseka kwomurevi wenhema kunoparadzwa, uye pangasanova nokuputsika kwechigarire kwechivimbo. Munyori wenhauro akakurumbira Ralph Waldo Emerson akanyora, kuti: “Kuputswa kuri kwose kwezvokwadi hakusati kuri bedzi rudzi rwakati rwokuzviuraya mumurevi wenhema, asi ikuvadziko pautano hwechaunga chavanhu.”

Kuri nyore kuti murevi wenhema aite kutaura kwenhema pamusoro pomumwe munhu. Kunyange zvazvo asingapi chibvumikiso, nhema yake inoparira panikiro, uye vazhinji vanomudavira vasinganzveri kutaura kwake. Nokudaro mukurumbira womunhu asina mhaka unokuvadzwa, uye iye anotakura mutwaro wokubvumikisa kusava nemhaka kwake. Naizvozvo, kunovhiringidza apo vanhu vanodavira murevi wenhema panzvimbo pomunhu asina mhaka, uye kunoparadza ukama hwomunhu asina mhaka nomurevi wenhema.

Murevi wenhema anogona kutanga nyore nyore muitiro wokureva nhema. Nhema imwe kazhinji kazhinji inotungamirira kune imwe. Thomas Jefferson, imwe nyanzvi munhau dzehurumende yapakuvamba yeAmerica, akati: “Hakuna chakaipa chakashata kwazvo, chinonzwisa urombo kwazvo, chinozvidzika kwazvo; uye uyo anozvibvumidza amene kureva nhema kamwe, anokuwana kuri nyore zvikuru kukuita kechipiri nekechitatu, kusvikira pakupedzisira kwomuitiro.” Inzira inoenda kukuputsika kwetsika.

Chikonzero Nei Kuri Nyore Kureva Nhema

Kureva nhema kwakavamba apo ngirozi inopandukira yakareva nhema kumukadzi wokutanga, ichimuudza kuti aisazofa kana akasateerera Musiki wake. Kwakaguma nekuvadziko huru kurudzi rwose rwomunhu, kuchiunza kusakwana, chirwere, uye rufu kuvose.—Genesi 3:1-4; VaRoma 5:12.

Kuvambira panguva yaAdhama naEvha vasingateereri, pesvedzero inonyengera yaava baba venhema yakaparira mugariro munyika yorudzi rwomunhu uyo unonyandura kureva nhema. (Johane 8:44) Inyika yakaipa umo zvokwadi iri ine mwero bedzi. The Saturday Evening Post yaSeptember 1986 yakataura kuti chinetso chokureva nhema “chinotapura bhizimisi, hurumende, dzidzo, varaidzo, uye ukama hwakapfava hwezuva nezuva pakati pavagari vemo biyedu navavakidzani. . . . Takagamuchira rondedzero youbhururu, nhema imwe huru iyo inotaura kuti hakuna zvokwadi dzakakwana.”

Wakadaro murangariro wavarevi venhema vomuitiro, avo vasina kunzwira urombo kupi nokupi nokuda kwaavo vanonyengedza. Kureva nhema kunouya nyore nokuda kwavo. Inzira yavo youpenyu. Asi vamwe avo vasati vari varevi venhema vomuitiro vangareva nhema vasingazenguriri nemhaka yorutyo—rutyo rwokufumura, rutyo rwechirango, uye zvichingodaro. Utera hwenyama isina kukwana. Iyi kombamiro inogona sei kutsiviwa nokutsunga kutaura zvokwadi?

Kuvireiko Wapachokwadi?

Zvokwadi mupimo uyo Musiki wedu mukuru akagadzira vose. Shoko rake rakanyorwa, Bhaibheri, rinotaura pana VaHebheru 6:18 (NW), kuti “hakubviriri Mwari kureva nhema.” Mupimo mumwe cheteyu wakatsigirwa noMwanakomana wake, Jesu Kristu, uyo akanga ari mumiriri wohunhu waMwari pasi pano. Kuvatungamiriri vorudzidziso vechiJudha avo vakatsvaka kumuuraya, Jesu akati: “Asi zvino munotsvaka kundiuraya, ini munhu wakakuudzai zvokwadi, yandakanzwa kuna Mwari. . . . Kana ini ndikati handivazivi, ndava murevi wenhema semi.” (Johane 8:40, 55) Akatigadzira muenzaniso mukuti “[haana] kuita zvivi, nokunyengera hakuna kuonekwa mumuromo make.”—1 Petro 2:21, 22.

Musiki wedu, ane zita rinonzi Jehovha, anovenga kureva nhema, sokutaura zvakajeka kunoita Zvirevo 6:16-19, kuti: “Zvinhu zvitanhatu zviriko zvinovengwa naJehovha; zvirokwazvo, tingati kune zvinomwe, zvinomunyangadza, zvinoti: meso ounozvikudza, rurimi runoreva nhema, maoko anodurura ropa risina mhaka; mwoyo unofunga mano akaipa, tsoka dzinokurumidza kuvangira zvakashata; chapupu chinonyengera chinoreva nhema, uye unokusha kupesana pakati pehama.”

Uyu Mwari wapachokwadi anoda kuti tirarame mukuwirirana nemipimo yake kuti tigogamuchira tendero yake. Shoko rake rakafuridzirwa rinotiraira, kuti: “Regai kureverana nhema, zvamabvisa munhu wekare namabasa ake.” (VaKorose 3:9) Vanhu vanoramba kurega muitiro wokureva nhema havagamuchiriki kwaari; havasati vachizogamuchira chipo chake choupenyu. Kutaura idi, Pisarema 5:6 rinotaura zvakajeka kuti Mwari “achaparadza vanoreva nhema.” Zvakazarurwa 21:8 inotaurazve kuti chikamu cha“vanoreva nhema” “rufu rwechipiri,” urwo rwuri ruparadziko rwusingagumi. Naizvozvo kugamuchira kwedu murangariro waMwari wokureva nhema kunotipa chikonzero chakasimba chokutaura zvokwadi.

Asi chii chinofanira kuitwa mumugariro umo zvokwadi ingaparira mugariro unokwenudza kana kuti kunzwa kwakashata? Kureva nhema hakusati kuchitongova mhinduro, asi kusataura chinhu pane dzimwe nguva ndiko. Kutaurireiko nhema idzo dzinogona bedzi kuparadza kutendeseka kwako ndokukuita kuti usawane tendero youmwari?

Nemhaka yorutyo noutera hwohunhu, munhu angaedzwa kutsvaka utiziro munhema. Iyoyo ndiyo nzira iri nyore zvikuru yokuita kana kuti mutsa wakaipa. Muapostora Petro akatera kumuedzo wakadaro apo iye katatu akaramba kuti aiziva Jesu Kristu. Pashure, akarwadziwa mwoyo nokuda kwokuva akareva nhema. (Ruka 22:54-62) Kupfidza kwake kwapachokwadi kwakasunda Mwari kumukanganwira, sezviri pachena mukukomborerwa kwake gare gare neropafadzo dzakawanda dzebasa. Kupfidza nechisarudzo chakasimba chokurega kureva nhema inzira inounza kanganwiro youmwari nokuda kwokuita izvo Mwari anovenga.

Asi panzvimbo pokutsvaka kanganwiro pashure penhema, chengeta ukama hwakanaka noMusiki wako ndokuchengeta kutendeseka kwako navamwe kupfurikidza nokutaura zvokwadi. Yeuka izvo Pisarema 15:1, 2 rinotaura: “Jehovha, ndianiko ungatsaukira mutente renyu? Ndianiko ungagara pagomo renyu dzvene? Uyo, unofamba, asine mhosva, unoita zvakarurama, unotaura zvokwadi mumwoyo make.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe