RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 2/1 pp. 2-4
  • Zvakanaka Zvinorwisana Nezvakaipa—Hondo Yekare Kare

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvakanaka Zvinorwisana Nezvakaipa—Hondo Yekare Kare
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Mashoko Akafanana
  • Zvakanaka Zvichazombokurira Zvakaipa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Nzira Iyo Zvakanaka Zvichakunda Nayo Zvakaipa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • “Musadzorera Chakaipa Nechakaipa Kuna Ani Naani Zvake”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Honzeri Yezvakaipa Inofumurwa!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 2/1 pp. 2-4

Zvakanaka Zvinorwisana Nezvakaipa—Hondo Yekare Kare

MUMAFIRIMU omunguva yakapfuura, “munhu akanaka” nguva dzose aikunda masimba ezvakaipa. Asi zvomene haina kutongova yakapfava kudaro. Kazhinji kazhinji zvikuru munyika chaiyoiyo, zvakaipa zvinoratidzika kuva zvakapararira.

Mishumo inotyisa pamusoro pamabasa akaipa ndichinoitika chenguva dzose munhau dzousiku huri hwose. Kuchamhembe kweUnited States, mumwe murume weMilwaukee anoponda vanhu 11 uye anochengeta zvisaririra zvemiviri yavo yakashatiswa mufiriji yake. Kumaodzanyemba, mumwe muenzi anopinda namasimba masimba mukahotera keTexas umo vanhu vanozvitorera zvokudya uye anovamba kupfura nenzira yokusasarura kwamaminiti gumi, achisiya vanhu 23 vafa, kubatanidza iye amene. Mushori ane pfundepfunde muKorea anotungidza mwoto kuHoro yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha, achiuraya vanamati 14.

Hakusati kuchingova bedzi nouku kuitika kwaapa naapo kwechakaipa asi kune chakaipa chinotyisa icho chinotapura nyika—kuuraya dzinza. Kunorangarirwa kuti vaArmenia vane mirioni imwe, vaJudha vane mamirioni matanhatu, uye vaCambodia vanopfuura mirioni imwe vakaparadzwa mukuparadza kwedzinza nokwamatongerwe enyika muzana rino ramakore roga. Kunonzi kuchenesa rudzi kwakarova vakawanda muyaichimbova Yugoslavia. Hakuna munhu anoziva kuti mamirioni mangani avanhu vasina mhaka akatambudzwa nenzira youtsinye kupota pasi.

Ngwavaira dzakadai seidzi dzinotimanikidza kunangana nomubvunzo unokangaidza unoti, Neiko vanhu vachiita nenzira yakadaro? Hatigoni kudzinga utsinye ihwohwu somuuyo wendangariro shomanene dzakavhiringidzika. Ukuru zvahwo hwezvakaipa zvinoitwa muzana redu ramakore hunoramba tsananguro yakadaro.

Chiito chakaipa chinorondedzerwa sechisina kururama mutsika. Icho chiito chinoitwa nomumwe munhu anogona kusarudza pakati pokuita zvakanaka nokuita zvakaipa. Nenzira yakati chisarudzo chake chetsika chinoshatiswa uye chakaipa chinowina. Asi ikoku kunoitika nei uye sei?

Tsananguro dzorudzidziso dzechakaipa dzinowanzova dzisingagutsi. Muzivi weKaturike Thomas Aquinas akataura kuti “zvinhu zvakanaka zvakawanda zvingatorwa kana Mwari akasabvumidza zvakaipa kuvapo.” Vazivi vePurotesitendi vakawanda vane mirangariro yakafanana. Somuenzaniso, sezvinotaurwa muThe Encyclopædia Britannica, Gottfried Leibniz akarangarira chakaipa kuva “vandudzikowo zvayo kuzvakanaka zviri munyika, izvo chinowedzera kupfurikidza nomusiano.” Namamwe mashoko, iye akadavira kuti tinoda zvakaipa kuti tigogona kunzwisisa zvakanaka. Kurangarira kwakadaro kwakafanana nokuudza murwere wekenza kuti chirwere chake ndicho chaizvo chinodikanwa kuita kuti mumwe munhuwo zvake anzwe ari mupenyu zvirokwazvo uye akasimba.

Vavariro dzakaipa dzinofanira kubva kune imwe nzvimbo. Ko Mwari anoshorwa nenzira isina kunanga here? Bhaibheri rinopindura, kuti: “Kana munhu achiidzwa, ngaarege kuti ‘ndinoidzwa naMwari;’ nokuti Mwari haangaidzwi nezvakaipa, naiye amene haangaidzi munhu.” Kana Mwari asina mutoro, ndiani anawo? Ndima dzinotevera dzinopa mhinduro: “Asi munhu mumwe nomumwe unoidzwa kana achikwehwa nokuchiva kwake achinyengerwa. Zvino kuchiva, kana kwarema, kunozvara zvivi.” (Jakobho 1:13-15) Nokudaro chiito chakaipa chinoberekwa apo chishuvo chakaipa chinosakurirwa panzvimbo pokurambwa. Zvisinei, izvozvo hazvisati zvirizvo zvoga.

Magwaro anotsanangura kuti zvishuvo zvakaipa zvinomuka nemhaka yokuti dzinza romunhu rine chikanganiso chikuru—kusakwana kwakagarwa nhaka. Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Saka, zvivi sezvazvakapinda munyika nomunhu mumwe, norufu rukapinda nezvivi; saizvozvo rufu rwakasvika kuvanhu vose, nokuti vose vakatadza.” (VaRoma 5:12) Nemhaka yechivi chakagarwa nhaka, udyire hungasanokunda mutsa mukufunga kwedu, uye utsinye hungakunda mutsa.

Chokwadika, vanhu vazhinjisa vanoziva nenzira yomuzvarirwo kuti mufambiro wakati hauna kururama. Hana yavo—kana kuti ‘mutemo wakanyorwa mumwoyo yavo’ seizvo Pauro anoudana—unovarambidza kuita chiito chakaipa. (VaRoma 2:15) Zvisinei, mhoteredzo yakaipa inogona kudzvinyirira mirangariro yakadaro, uye hana inogona kuurawa kana ikafuratirwa yafuratirwazve.a—Enzanisa na 1 Timotio 4:2.

Ko kusakwana kwomunhu kwoga kunogona kutsanangura zvakaipa zvakarongwa zvenguva yedu here? Wezvenhau Jeffrey Burton Russell akati: “Ndokwechokwadi kuti kune zvakaipa mune mumwe nomumwe wedu, asi kuwedzera pamwe chete kunyange zviverengero zvikuru zvezvakaipa zvimwe nezvimwe hakutsananguri Auschwitz . . . Zvakaipa pauyu mwero zvinoratidzika kuva zvakasiana murudzi pamwe chete nomuuwandu.” Akanga asati ari mumwe kunze kwaJesu Kristu uyo akaonesa aya manyuko akasiana murudzi ezvakaipa.

Isati iri nguva refu pamberi porufu rwake, Jesu akatsanangura kuti vanhu vakanga vachironga kumuuraya vakanga vasiri kuita chose chose nokuda kwavo vamene. Simba risingaoneki rakavatungamirira. Jesu akavaudza, kuti: “Imi muri vababa venyu Dhiabhorosi, munoda kuita kuda kwakaipa kwababa venyu. Iye wakanga ari muurayi kubva pakutanga; haamiri muzvokwadi, nokuti maari hamune zvokwadi.” (Johane 8:44) Dhiabhorosi, uyo Jesu akadana kuti “mutongi wenyika ino,” nenzira yakajeka ane rutivi rwakatanhamara mukuparira zvakaipa.—Johane 16:11; 1 Johane 5:19, NW.

Zvose zviri zviviri kusakwana kwohunhu nepesvedzero yaSatani zvakaguma nokutambura kukuru nokuda kwezviuru zvamakore. Uye hakuna chiratidzo kuti kubata kwazvo parudzi rwomunhu kuri kuva kusina kusimba. Ko zvakaipa zviri pano kuti zvigare here? Kana kuti ko masimba ezvakanaka pakupedzisira achabvisa zvakaipa here?

[Mashoko Omuzasi]

a Vanzveri misi ichangobva kupfuura iyi vakaona ukama huri pakati pamasimba masimba akajeka muterevhizheni noutsotsi hwavaduku. Nharaunda dzino utsotsi hwakapararira nemisha yakaparara zvisakisowo mumufambiro usina ushamwari. MuGermany yeNazi paradziro yourudzi yenguva dzose yakatungamirira vamwe vanhu kururamisa—uye kunyange kurumbidza—utsinye mukurwisana navaJudha naVaranda.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]

Butiro: U.S. Army photo

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

U.S. Army photo

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe