Chii Chisakarurama Norudo Rwemari?
PAUL naMary vaitarisira supamaketi munzanga ine urombo yeAfrica.a Kupfurikidza nokushanda zvakaoma usiku namasikati, ivo vakaita mari yakawanda. Pashure penguva yakati Mary aigona kuganza neimba itsva huru yakazadzwa nefanicha youmbozha. Kana ari Paul, akakwanisa kufamba-famba ari mumotokari youmbozha.
Rimwe zuva Paul akasvikwa neboka raishora hurumende. Ivo vakaraira, kuti: “Tinoda kuti bhizimisi rako ripe [$500] pamwedzi kutsigira donzo redu.” Vasati vachida kutora rutivi murwisano yezvamatongerwe enyika, Paul naMary vakaramba noushingi. Nemhaka yechimiro chavo chokusatora rutivi, ivo vakanyumwirwa kugamuchira tsigiro yezvemari kuhurumende. Kumwe kupera kwevhiki, apo Paul naMary vakanga vasiri mutaundi, chitoro chavo chakabipitirwa, uye motokari yavo nomusha wakaisvonaka zvakapiswa.
Inhauro inosuruvarisa, zvamazvirokwazvo, asi tinogona here kudzidza mairi? Vazhinji vakashanda zvakaoma kuti vapfume vangave vasina kurohwa nengwavaira iyo yakavabira pfuma yavo, bva zvakadiniko nenguva yemberi? Neiko Bhaibheri richitaura kuti “vanotsvaka kufuma, vanowira mukuidzwa nomumusungo, nomukuchiva kwoupenzi kuzhinji kunokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nokurashwa”?—1 Timotio 6:9.
Murangariro Wakadzikama Wemari
Mukuwirirana neBhaibheri, muKristu wechokwadi anofanira kugovera zvinodikanwa zvokunyama zvemitezo yemhuri yake inotsamira paari. Migariro, yakadai sokushaya basa kana kuti zvinetso zvoutano, inogona pane dzimwe nguva kuita kuti ikoku kuve kwakaoma. Pane rumwe rutivi, muKristu anoregeredza namaune kugovera mhuri yake “warasa kutenda, wakaipa kukunda usingatendi.”—1 Timotio 5:8.
Munzanga dzakati dzomumaruwa, vanhu vanorarama nomunda kupfurikidza nokurima zvokudya zvavo vamene nokuchengeta zvipfuyo. Vamwe vanoshandisa mari zvishomanene, vachiwana zvinodikanwa zvoupenyu kupfurikidza nokuchinjana zvokudya namabasa. Zvisinei, nzira inozivikanwa navose zvikurusa variritiri vanogovera nayo mhuri dzavo iri kupfurikidza nokupinda murudzi rwakati rwebasa nokuda kwemibairo. Ivo vanoshandisa mari inowanwa kuti vatenge zvokudya nezvimwe zvinhu izvo zvinogovera kugarikano nemhuri yavo. Mukuwedzera, mari inochengetedzwa nokuchenjera inogona kugovera mwero wakati wedziviriro munguva dzenhamo kana kuti ngwavaira. Somuenzaniso, ingashandiswa kubhadhara ndyiko dzokurapwa kana kuti kugadzirisa zvinokosha kumusha womunhu. Ndokusaka Bhaibheri richitaura nenzira yapachokwadi kuti “mari chitaviridzo” uye kuti “zvose zvingawanikwa nemari.”—Muparidzi 7:12; 10:19.
Nemhaka yokuti mari inoita zvakawanda kwazvo, kune ngozi yokukudziridza murangariro usiri wechokwadi wesimba rayo. MuKristu anofanira kuziva ganhuriro yayo mukuenzanisa nezvimwe zvinhu zvinokosha zvikuru. Somuenzaniso, Bhaibheri rinoenzanisa ukoshi hwemari nouchenjeri hwoumwari, richiti: “Nokuti uchenjeri chitaviridzo, mariwo chitaviridzo; asi kunakisa kwezivo ndiko, kuti uchenjeri hunochengeta upenyu hwaiye unahwo.” (Muparidzi 7:12) Uchenjeri hwoumwari hune iyi betsero kupfuura mari munzirai?
Chidzidzo Chomunguva Yakapfuura
Zvinoitika izvo zvakaitika muJerusarema mugore ra 66 N.V. zvinoratidzira betsero youchenjeri hwoumwari kupfuura mari. Pashure pokudzinga mauto anovhozhokera eRoma, vaJudha muJerusarema sezviri pachena vakadavira kuti kariro dzebhizimisi zvino dzakanga dzakanaka. Zvamazvirokwazvo, ivo vakavamba kugadzira mari yavo vamene mukuchengetwa kworusununguko rwavo rwakanga rwuchangobva kuwanwa. Mari dzavo dzakanga dzakanyorwa, muchiHebheru, kutaura kwakadai sokwokuti “Nokuda kworusununguko rweZioni” uye “Jerusarema Dzvene.” Gore idzva rimwe nerimwe, ivo vaiita mari itsva yaiva namanyoro aiizivisa seye“gore rechipiri,” “gore rechitatu,” uye “gore rechina.” Vacheri vamatongo vakafukunura kunyange mari shomanene dzechienzi dzine runyoro runoti “gore rechishanu,” kuwirirana negore ra 70 N.V. Ko maKristu echiJudha akarangarira mari itsva yechiJudha sechiratidzo chakanaka chorusununguko runogarisa here?
Aiwa. Nemhaka yokuti vakarangarira mashoko aTenzi wavo ouchenjeri. Jesu akanga adeya kutaura vhozhekero yeRoma iyo yakaitika muna 66 N.V. Iye akanga apangira vateveri vake kuti apo kwaizoitika, vaifanira ‘kubva pakati peJerusarema.’ (Ruka 21:20-22) Nhau inopupurira kuti maKristu echiJudha akaita saizvozvo chaizvo. Sezviri pachena akanga achidisa kutambura kurasikirwa nezvinhu, pfuma, uye mabanza ebhizimisi nemhaka yokusiya Jerusarema. Makore mana gare gare, hondo dzeRoma dzakadzokera ndokukomba guta racho.
“MuGuta macho makanga mune ndarama yakawanda zvikuru,” mukuwirirana nechapupu chakaona, wezvenhau Josephus. Asi zvitsama zvikuru zvemari hazvina kugona kudzivirira Jerusarema panzara, iyo nenzira yakatsiga “yakaipa zvikuru” uye “yakaparadza dzimba dzose nemhuri.” Vamwe vagari vemo vakamedza mari dzendarama ndokuedza kutiza guta. Asi vakaurawa navavengi vavo, avo vakavhura matumbu avo kuti vabvise mari. “Nokuda kwavakapfuma,” anotsanangura kudaro Josephus, “kwakanga kune ngozi zvakafanana kurambira muGuta nokubva mariri; nokuti panyengedzo yokuti akanga ari musiyi vanhu vakawanda vakaurawa nokuda kwemari yavo.”
Mumwedzi isingasviki mitanhatu kubvira pakutanga kwekomberedzo, Jerusarema rakaparadzwa, uye vanopfuura mirioni imwe yavagari varo vakafa nenzara, nhenda, uye munondo. Rudo rwemari rwakanga rwapofumadza vakawanda, ruchivapinza muruparadziko nokuparara, nepo kushandisa mashoko ouchenjeri kwakanga kwagonesa maKristu echiJudha kupukunyuka.
Ichocho chakanga chisati chiri chinoitika bedzi munhau apo mari yakabatisa vanhu dombo munguva yenjodzi. Rudo rwemari runogona kuva tenzi ane utsinye akadini! (Mateo 6:24) Uyezve, runogonawo kukubira mufarwa wazvino.
Mifarwa Mari Isingagoni Kutenga
Chishuvo chokupfuma chinogona kupofumadzira munhu kumifarwa yakawanda iyo isingadi mari yakawanda. Rangarira, somuenzaniso, ukama hunofadza hwemhuri, shamwari dzechokwadi, zvishamiso zvomusikirwo, kuvira kwezuva kunoshamisa, dutu rinoorora, matenga ane nyeredzi, kufamba kwechienzi kwemhuka, kana kuti maruva nemiti musango risina kushatiswa.
Chokwadi, vamwe vanhu vakapfuma vane nguva yakawanda yokufarikanya mifarwa iri pamusoro apa, asi vazhinjisa vavo vakabatikana zvikuru vachiedza kuchengetedza kana kuti kuwedzera pfuma yavo. Kunyange zvazvo kunganzwika kuva kwechienzi, mufarwa kazhinji kazhinji unonzvenga kunyange avo vano rusununguko. Ikoku kunoshamisa vanzveri vazvino uno. “Totsanangura sei idi rokuti chimwe chinhu chinoshuviwa nokudiswa kwazvo navanhu vakawanda kwazvo, uye chinodavirwa machiri sorudzi rwakati rwechinorapa zvose, apo chinowanwa chinofanira kuva noukuru hwemiuyo hunosiana kubva pakuodza mwoyo kusvikira pausingafadzi zvikuru?” anobvunza kudaro Thomas Wiseman mubhuku rake The Money Motive—A Study of an Obsession.
Chinhu chimwe chinogona kubira mupfumi mufarwa ndicho chitambudzo mukuziva vari shamwari dzake chaidzoidzo. Mambo akapfuma Soromoni akawana kuti “kana pfuma ichiwanda, vadyi vanowandawo.” (Muparidzi 5:11) Vapfumi vakawanda vanotamburawo funganyo mukuedza kuchengeta kana kuti kuwedzera ukoshi hwepfuma yavo. Ikoku kazhinji kazhinji kunovabira kurara kunofadza. Bhaibheri rinotsanangura, kuti: “Hope dzomunhu, unobata, dzakanaka, kana achidya zvishoma kana zvizhinji; asi kuguta kwomufumi hakumutenderi kuvata.”—Muparidzi 5:12.
Rudo rwemari runogona kukuvadza ukama pakati pemhuri neshamwari nemhaka yokuti rungaedza mumwe munhu kupinda mumabasa okusatendeseka noutsotsi. Vadi vemari kazhinji kazhinji vanotendeukira kukubhejera. Nenzira inosuruvarisa, kushuva chimwezve chinoitika chokubhejera kunosunda vakawanda kupinda muchikwereti. “Panosvika nguva yavanouya kwandiri,” akadaro muzivi wokushanda kwendangariro weSouth Africa, “[vabhejeri vakapindwa muropa] kazhinji kazhinji vanenge vasisagoni kuchinja, varasikirwa namabasa, mabhizimisi, misha, uye mhuri dzavo kazhinji kazhinji dzakavasiya.” Ndeyechokwadi sei nyevero yeBhaibheri, inoti: “Munhu wakatendeka uchava namaropafadzo mazhinji; asi unoda kufuma nokukurumidza, haangakoni kurohwa.”—Zvirevo 28:20.
“Inozviitira Mapapiro, . . . Rinobhururukira”
Chimwe chikonzero rudo rwemari rune ngozi kwazvo ndechokuti hurumende dzavanhu dzabvumikisa kuva dzisingakwanisi kubatira pamwe chete zvizere kana kuti kuvimbisa kuti mari inochengeta ukoshi hwakagadzikana mumarudzi ose; uyewo hadzina kukwanisa kudzivisa kuderera kwokutengeserana, mugariro wakashata wokutengeserana, uye kuderera kwamastock market. Nyengedzo, kuba, uye kukwira kwemitengo zvinosimbisawo zvokwadi yamashoko akafuridzirwa, anoti: “Usazvinetsa kuwana fuma; rega uchenjeri hwako. Unoda kuzvitarira nameso ako? Zvaenda! Nokuti zvirokwazvo pfuma inozviitira mapapiro, segondo rinobhururukira kudenga.”—Zvirevo 23:4, 5.
Kukwira kwemitengo. Chinetso ichocho zvamazvirokwazvo hachina kuganhurirwa kunyika dzine urombo. Pakuvamba zvikuru muzana rino ramakore, kukwira kwemitengo kunofambira mberi nokukurumidza kwakarova marudzi ane mabasa okugadzira zvinhu apakati peEurope. Somuenzaniso, pamberi peHondo yeNyika I, mark yeGermany yaidokuenzana neshereni reBritain, franc yeFrance, kana kuti lira yeItaly. Makore gumi gare gare, shereni, franc uye lira zvakanga zvodokuenzana namamark 1 00 000 000 000. Kukwira zvikuru kwemitengo kune miuyoi pavanhu vari munzanga dzakapfuma? “Kana chakaitika kuCentral Powers yakakurirwa mukuvamba kwama 1920 chiri chinhu chipi nechipi chokutevedzera,” anodaro Adam Fergusson mubhuku rake When Money Dies, “ipapo [kupunzika kwemari] kunosunungura makaro, masimba masimba, kusava nomufarwa, uye ruvengo, zvikurukuru zvinoparirwa norutyo, sezvo pasina chaunga chinogona kupukunyuka chisina kukuvadzwa uye chisina kuchinjwa.”
Muna 1923, Germany yakakoshesazve mari yayo kupfurikidza nokubvisa vanaziro 12 zvokuti mamark ekare 1 000 000 000 000 akava akaenzana nemark imwe itsva. Ichi chiito chakamisa kukwira kwemitengo asi chakava nemimwe miuyo ine ngwavaira. Fergusson anotsanangura, kuti: “Kugadzwazve kwedzikamo yemari, uko kwakaita kuti zviuru zvishaye mari, kwakabira mamirioni zvokurarama nazvo zvavo, uye kwakauraya tariro dzamamwe mamirioni, kwakaraira nenzira isina kunanga mutengo unotyisa zvikuru uyo nyika yose yaifanira kubhadhara.” Sezviri pachena, “mutengo unotyisa” uyo munyori airangarira kwakanga kuri kumuka kwechiNazi neHondo yeNyika II.
Kuti maakaundi makuru ebhangi akabatisa dombo vakawanda kwazvo munguva yakapfuura kunofanira kuuya senyevero yakakomba munguva dzino dzokusava nechokwadi kwemari munyika yose. Mwanakomana waMwari amene akanyevera kuti mari yaizokundikana, uko zvamazvirokwazvo yakaita kakawanda. (Ruka 16:9) Asi kundikano hurusa uye yakapararira zvikurusa yemari ichasvika apo Jehovha Mwari anoita rutongeso patsika ino yakaipa. “Pfuma haibatsiri chinhu nezuva rokutsamwa; asi kururama kunorwira parufu.”—Zvirevo 11:4.
Kunokosha sei, naizvozvo, kuti mumwe nomumwe wedu avavarire kuchengeta chimiro chakarurama neShamwari dzedu dzechokwadi, Jehovha Mwari naJesu Kristu!
Manyuko Omufarwa Unogarisa
Paul naMary, vadudzwa pamavambo, vakanga vari Zvapupu zvaJehovha. Kwamakore akawanda ivo vakagoverana mubasa rokuparidzira evhangeri renguva yakazara. Zvisinei, chishuvo chavo chepfuma chakavaparira kurega kupinda misangano yeungano yechiKristu, uye vakarega kugoverana kutenda kwavo muushumiri hwapachena. Asi vakamuka. “Zvino ndinogona kuona kuti kwakanga kusina mufungo sei kupedzera nguva yangu yose nesimba pachimwe chinhu chinogona kuparara mumaminiti mashomanene,” akadaro Mary pashure pokubirwa nokuparadzirwa musha wake. Nomufaro, ava varoorani vakadzidza chifundo kusati kwava kunyanyononoka. Hungu, kuvadziko hurusa rudo rwemari runogona kuparira ndiyo iya yokubira munhu ukama hunotenderwa naJehovha Mwari naJesu Kristu. Pasina idzi Shamwari, itariroi yatinogona kuva nayo yokupukunyuka mugumo wenyika ino yakaipa ndokupinda munyika itsva yakapikirwa yokururama?—Mateo 6:19-21;, 31-34; 2 Petro 3:13.
Naizvozvo pasinei zvapo nokuti unozvirangarira umene kuva akapfuma kana kuti murombo, dzivisa kukudziridza rudo rwemari. Shandira kuwana ndokuchengeta pfuma hurusa—chimiro chinotenderwa naJehovha Mwari. Unogona kuita ikoku kupfurikidza nokupa ngwariro yenguva dzose kukokero inokosha, inoti: “Mudzimu nomwenga vanoramba vachiti: ‘Uya!’ uye ani naani anonzwa ngaati: ‘Uya!’ uye ani naani anonzwa nyota ngaauye; ani naani anoda ngaatore mvura youpenyu pachena.”—Zvakazarurwa 22:17, NW.
[Mashoko Omuzasi]
a Mazita avo chaiwoiwo haashandiswi.
[Mifananidzo iri papeji 8, 9]
Mativi ose ari maviri emari yakagadzirwa mukati memukiro yechiJudha ano runyoro runoti “gore rechipiri”
[Kwazvakatorwa]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.