RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 4/1 pp. 4-7
  • Unofanira Kubhapatidzwa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unofanira Kubhapatidzwa Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nomutooi?
  • Nokuda Kwedonzoi?
  • Chii Chauchaita?
  • Nei Tichifanira Kubhabhatidzwa?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Chii Chinonzi Kubhabhatidzwa?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Revo Yorubhapatidzo Rwako
    Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi
  • Kuita Zvinodiwa Kuti Ukwanise Kubhabhatidzwa somuKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 4/1 pp. 4-7

Unofanira Kubhapatidzwa Here?

VANHU vanodokusvika mirioni imwe vakabhapatidzwa neZvapupu zvaJehovha mumakore matatu apfuura. Ikoku kunosvika kuavhareji yavane 824 pazuva, kana kuti vanhu vana vanobhapatidzwa maminiti manomwe ari ose. Ikoku kunongova zvako kutevedzerwa kweshingairo yorudzidziso yamazana amakore rechi 15 nerechi 16 here?

Aiwa, ava vanhu havana kubhapatidzwa nesimba, sorutivi rwokutendeuka kwavazhinji, kana kuti somuuyo wechikumbiro chokushingaira chakaitwa nomukurukuri worudzidziso. Ivo vakabhapatidzwa nemhaka yokuti Jesu Kristu, Tenzi noMutungamiriri wamaKristu, akaraira kuti ikoku kuitwe. Ivo vakanga vatevera nhano nemiitiro izvo Jesu akaronga uye izvo zvakashandiswa navaapostora avo iye amene akanga asarudza ndokurovedza.

Pashure porumuko rwaJesu uye pamberi pokukwira kwake kudenga, akapa vateveri vake iri basa reonekano: “Endai naizvozvo muite vadzidzi vavanhu vamarudzi ose, muchivabhapatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurairai. Uye, tarirai! Ndinemi mazuva ose kutozosvikira pamhedziso yetsika yezvinhu.” (Mateo 28:19, 20, NW) Kuvambira panguva iyoyo zvichienda mberi, urwu ndirwo rwakanga rwuri rubhapatidzo rwomumvura bedzi rune tendero yaMwari.

Nenzira inowirirana, Bhaibheri rinotiudza kuti vateveri vapakuvamba ivavo vaKristu vakava “zvapupu zva[Jesu] mose muri muviri muJerusarema nomuJudhea rose neSamaria kusvikira kurutivi rwuri kuresa rwapasi.” (Mabasa 1:8, NW) Sezvo Jesu akanga adeya kutaura, basa ravo rokuparidzira nokudzidzisa raizoguma norubhapatidzo rwavatendi vaizovawo vateveri vaKristu.

Muenzaniso wokutanga wakanyorwa waikoku wakaitika muJerusarema pazuva rePentekosta 33 N.V. Panguva iyoyo muapostora Petro “akamira navane gumi nomumwe” ndokutaura kuboka rakaungana pamusoro paJesu Mesia. Nhauro yacho inotiudza kuti hurukuro yake ‘yakavabaya kusvikira pamwoyo,’ uye ivo vakabvunza chavaifanira kuita. “Pfidzai, uye mumwe nomumwe wenyu ngaabhapatidzwe muzita raJesu Kristu nokuda kwekanganwirwo yezvivi zvenyu,” akadaro Petro. Muuyo wacho wakanga uri wokuti “avo vakagamuchira shoko rake nomwoyo wose vakabhapatidzwa, uye pazuva iroro mweya inenge zviuru zvitatu yakawedzerwa.” (Mabasa 2:14-41, NW) Nhauro dzapashure dzinosimbisa kuti rubhapatidzo rwavadzidzi rwaitangirwa nokunzwa kwavo shoko rechiKristu, kudavira mashoko akanaka, uye kupfidza.—Mabasa 8:12, 13, 34-38; 10:34-48; 16:30-34; 18:5, 8; 19:1-5.

Nomutooi?

Asi ava vadzidzi vatsva vaifanira kubhapatidzwa sei mumvura? Kwaifanira kuva kupfurikidza nokusasa, kudurura mvura pamusoro, kana kuti kunyudza here? Chiiko chinoratidza chinyorwa cheBhaibheri? Sezvo Jesu akatisiira muenzaniso wokuti ti“tevere makwara ake,” akabhapatidzwa nomutooi?—1 Petro 2:21.

Bhaibheri rinoratidza kuti Jesu akabhapatidzwa muna Joridhani, rwizi rukuru. Pashure pokubhapatidzwa, iye aka“buda mumvura.” (Marko 1:10; Mateo 3:13, 16) Naizvozvo Jesu akanga anyudzwa zvomenemene muRwizi rwaJoridhani. Akabhapatidzwa naJohane, uyo, mukutsvaka nzvimbo yakakodzera yokuitira rubhapatidzo, akasarudza nzvimbo muMupata waJoridhani pedyo neSarimi “nokuti kwaiva nemvura zhinji ipapo.” (Johane 3:23) Idi rokuti kunyudzwa kwakakwana mumvura kwakanga kuri mupimo muitiro worubhapatidzo pakati pavateveri vaJesu unoonwa namashoko engomwa yeEtiopia. Ichipindura kukudzidzisa kwaFiripo, iyo yakakuwa, kuti: “Heyi mvura; chinyiko chingadzivisa ndirege kubhapatidzwa?” Ipapo tinocherechedza kuti “vakaburukira vose mumvura” uye pashure vaka“buda mumvura.”—Mabasa 8:36-39.

Nhau yenyika inonongedzerawo here kumuitiro worubhapatidzo kupfurikidza nokunyudza pakati pamaKristu? Zvamazvirokwazvo inodaro. Uye kunofadza kucherechedza kuti madziva makuru orubhapatidzo akakodzera kunyudza achiripo muchiverengero chakati chenyika. “Ufakazi hwokuchera matongo hunopupurira zvikuru kunyudza somutoo wenguva dzose worubhapatidzo mukati mamazana amakore gumi kusvikira kugumi namana okutanga,” inodaro magazini inonzi Ministry. Inowedzera, kuti: “Pakati pamatongo ezvivako zvechiKristu zvapakuvamba, uyewo muchechi dzakare dzichiri kushandiswa, nhau yorubhapatidzo rwechiKristu inogona kurondwa. Mifananidzo iri mumapako apasi pevhu nechechi, mifananidzo yapauriri, madziro, uye matenga, mifananidzo yakavezwa, uye mifananidzo yakanyorwa iri mumanyoro akare eTestamente Itsva zvinowedzera udzame kuiyi nhau . . . Ikoku kuri muwedzero kuufakazi hunowanwa mumanyoro ose avanyori vapakuvamba vechechi kuti kunyudza wakanga uri mutoo wapakuvamba unozivikanwa navose worubhapatidzo.”

New Catholic Encyclopedia inobvuma, kuti: “Kuri pachena kuti Rubhapatidzo muChechi yapakuvamba rwakanga rwuri kupfurikidza nokunyudza.” Nenzira isingashamisi, ipapoka, tinowana misoro yenhau yamapepanhau yakafanana neiyi: “VaKaturike Vanodzorera Rubhapatidzo Rwokunyudza” (The Edmonton Journal, Canada, September 24, 1983), “Rubhapatidzo kupfurikidza Nokunyudza Rwunosvikira vaKaturike Muno” (St. Louis Post-Dispatch, April 7, 1985), “VaKaturike Vazhinji Vanosarudza Rubhapatidzo kupfurikidza Nokunyudzwa” (The New York Times, March 25, 1989), uye “Rubhapatidzo Nokunyudza Rwuri Kufarikanya Kumutsidzirwa” (The Houston Chronicle, August 24, 1991).

Nokuda Kwedonzoi?

Neiko Jesu akada kuti vadzidzi vake vabhapatidzwe? Eya, icho chakanga chiri chiratidzo chakakodzera chetsauriro yavo yomwoyo wose kuna Mwari. “Mashoko akanaka” aifanira kuparidzirwa mupasi rose, uye vadzidzi vaifanira kuitwa va“vanhu vamarudzi ose.” (Mateo 24:14; 28:19, NW) Ikoku kwakareva kuti Mwari akanga achasiri kubata chose chose norudzi rwechiJudha, rwakaumbwa navanhu vakanga vakazvitsaurira kwaari kubva pakuberekwa. Kornerio nemhuri yake vakanga vari Vamarudzi vokutanga, kana kuti vasati vaiva vaJudha, kugamuchira zvokwadi pamusoro paJesu Kristu ndokubhapatidzwa.

Kunyudzwa mumvura kwakaratidza kuti avo vaibhapatidzwa vakanga vafa kunzira youpenyu yakanga yananga pavari vamene. Kubudiswa kwavo mumvura kwakaratidzira kuti ivo zvino vakanga vari vapenyu kukuitwa kwokuda kwaMwari uye vaikuisa pakutanga muupenyu hwavo, seizvo Jesu akanga aita. (Mateo 16:24) Kubhapatidzwa “muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene” kwakaratidzira kuti ivo vakanga vadzidza ndokugamuchira zvokwadi pamusoro pomumwe nomumwe waivava ndokuvaziva nokuda kwezvavari. (Mateo 28:19, NW; enzanisa naMabasa 13:48.) Rubhapatidzo yaingova zvayo nhano yokutanga yeteerero kuna Mwari nokuzviisa pasi pokuda kwake.

Magwaro haatsigiri murangariro worudzidziso unodavirwa zvikuru wokuti rubhapatidzo isakaramende, ndiko kuti, chinoitika chorudzidziso chinopa runako—nyasha, utsvene, kana kuti betsero yomudzimu—kumunhu anobhapatidzwa. Somuenzaniso, murairo waPope Eugenius IV wanokorwa mashoko munyaya yapfuura wakapfuurira kuti pamusoro porubhapatidzo: “Muuyo weiri sakaramende ikanganwirwo yechivi chose, chapakuvamba nechazvino; nenzira yakafanana yechirango chose chiri nokuda kwechivi. Somuuyo, hapana kubhadharwa kwezvivi zvomunguva yakapfuura kunorairwa paavo vanobhapatidzwa; uye kana vakafa vasati vaita chipi nechipi, ivo vanosvika kamwe kamwe kuumambo hwedenga nechiono chaMwari.”

Zvisinei, Jesu akabhapatidzwa kunyange zvazvo iye “asina kuita chivi.” (1 Petro 2:22, NW) Uyezve, mukuwirirana naMagwaro, kanganwirwo yezvivi inouya bedzi kupfurikidza nechibairo chorudzikinuro chaJesu Kristu. Ananiasi akakurudzira Sauro weTarso, kuti: “Simuka, ubhapatidzwe, usukwe zvivi zvako, udane zita ra[Jesu].” (Mabasa 22:12-16) Hungu, ruponeso runobvira bedzi kupfurikidza neropa rakadeurwa raJesu uye kupfurikidza no“kudana pazita rake” nokutenda.—VaHebheru 9:22; 1 Johane 1:7.

Zvakadiniko, ipapoka, nezvamashoko aPetro ari pana 1 Petro 3:21? Ipapo iye anoti: “Naiwo mufananidzo worubhapatidzo, runokuponesai zvino, rusingarevi kubviswa kwetsvina yenyama, asi kutsvaka hana yakanaka kuna Mwari nokumuka kwaJesu Kristu.” Petro akanga achienzanisa rubhapatidzo nechinoitika chaNoa chokupfuura nomumvura dzaMafashamo. (1 Pet. 3Ndima 20) Noa, achiratidza kutenda kwakazara muna Mwari, akavaka areka yokuponeswa kwemhuri yake. (VaHebheru 11:7) Nenzira yakafanana, kupfurikidza nokushandisa kutenda muna Jehovha Mwari negadziriro yake yoruponeso kupfurikidza naKristu Jesu, vanhu nhasi vanogona kuponeswa muiyi nyika yazvino yakaipa. Ivo vanofanira kuitawo chimwe chinhu pamusoro pokutenda ikoko. Kupfurikidza nokupfidza zvivi, kubva panzira yakaipa, uye kuita tsauriro yakakwana kuna Jehovha Mwari mumunyengetero, chikumbiro chinoitwa kuna Mwari nokuda kwehana yakanaka. Asi zvivi zvinokanganwirwa uye ruponeso runobvira pahwaro hwechibairo chaJesu, uye rumuko rwake kupfurikidza narwo akapa ukoshi hwechibairo ichocho kuna Mwari mudenga.—1 Petro 3:22.

Chii Chauchaita?

Ko iwe uri munhu ave achisonganirana neZvapupu zvaJehovha kwenguva yakati here? Zvichida iwe wakatoita chinjo dziri madikanwa muupenyu hwako mukuwirirana nenheyo dzeBhaibheri asi hausati waita nhano dzetsauriro norubhapatidzo. Ungada kuita kuda kwaMwari, bva ungatya kuti rubhapatidzo ruchakupa musengwa. Somuuyo, ungada zvako kudzivisa mutoro wakadaro nokuzvidavirira kwenguva yakati. Vanhu vanodokusvika mamirioni 11,5 vakapinda kuchengetwa kweChirairo chaShe gore rapera. Zvisinei, chiverengero chapamusoro chaavo vanogoverana mubasa rokuparidzirwa kwamashoko akanaka mugore rose chakanga chiri pasi pamamirioni 4,5. Ikoku kunoreva kuti vanhu vanenge mamirioni manomwe vari kuratidza nzwisiso yakati yezvokwadi yaMwari, kunyange zvazvo vasati vari Zvapupu zvaJehovha zvakabhapatidzwa. Chokwadika, vamwe vaivava vana vaduku navanhu vachangobva kufarira. Asi vamwe vaavo vanogoverana mubasa rokuparidzira havasatiwo vabhapatidzwa. Kuna vanhu vazhinji vakapinza zivo yakarurama yeBhaibheri asi vachigere kuzviyamura vamene zvizere negadziriro yaMwari yoruponeso kupfurikidza nokubhapatidzwa.

Pfundo rinokosha rokuyeuka nderokuti ndiyo zivo yeizvo Mwari anoda kwauri inounza kuzvidavirira. “Uyo, unoziva kuita zvakanaka, akasazviita, iye une zvivi,” inodaro Jakobho 4:17. Ezekieri 33:7-9 inoratidza kuti munhu anoudzwa mirairo yaMwari nemiraidzo ane mutoro wokuiita. Naizvozvo mubvunzo ndowokuti munhu ane rudo rwapachokwadi nokuda kwaMwari nechishuvo chaichoicho chokumufadza here. Munhu ane zvirokwazvo rudo rwakadaro uye anoda ukama chaihwo naJehovha Mwari haasati aizorega kutsaurira upenyu hwake kwaari norusununguko. Rubhapatidzo runongova zvarwo chiratidzo chokunze chetsauriro iyoyo. Inhano iri madikanwa kuruponeso. Vatendi vapachokwadi vanobhapatidzwa.—Mabasa 8:12.

Kariro dzakaisvonaka idzo Mwari anopa vanhu vakatendeka, vakazvitsaurira munyika itsva iri kuuya dzinokurira zvikuru betsero dzipi nedzipi dzechinguvana mutsika ino yezvinhu yakaipa ingaratidzika kuva inopa. Kutya vanhu biyako kunonyangarika apo tinorangarira ruoko rune simba rwaMwari. (1 VaKorinte 10:22; 1 Petro 5:6, 7) Zvirokwazvo, iyi ndiyo nguva yokuzvibvunza umene, seizvo ngomwa yeEtiopia yakabvunza Firipo, kuti: “Chinyiko chingadzivisa ndirege kubhapatidzwa?”

[Mufananidzo uri papeji 7]

Kufanana nengomwa yeEtiopia, unozvibvunza umene here, kuti: “Chinyiko chingadzivisa ndirege kubhapatidzwa?”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe