RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 4/15 pp. 19-24
  • Dzivisa Nziyo Dzisina Kunaka!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dzivisa Nziyo Dzisina Kunaka!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kushandiswa Zvisina Kufanira Kwenziyo
  • Dikanwo Yokungwarira
  • Nziyo Dzerap—Nziyo Dzokupanduka
  • Heavy Metal—Vatano, Masimba Masimba, uye Kunamata Satani
  • Kukohwa Zvaunodyara
  • Ramba Uchingwarira
  • Chii Chakashata Nenziyo Dzangu?
    Mukai!—1993
  • Nziyo Dzinogona Kundikuvadza Zvomenemene Here?
    Mukai!—1993
  • Ndinogona Sei Kuchengeta Nziyo Dziri Munzvimbo Yadzo?
    Mukai!—1993
  • Ndingaita Sei Kuti Ndisanyanya Kukoshesa Mimhanzi?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 4/15 pp. 19-24

Dzivisa Nziyo Dzisina Kunaka!

“Naizvozvo chenjerai kwazvo pakufamba kwenyu, kuti murege kufamba savasina kuchenjera asi savakachenjera; mungwarire nguva yenyu, nokuti mazuva akaipa.”—VAEFESO 5:15, 16.

1. Neiko nziyo dzichigona kunzi “chipo choumwari”?

“NZIYO . . . chipo choumwari.” Akanyora kudaro Lulu Rumsey Wiley mubhuku rake Bible Music. Kubva munguva dzapakuvamba zvikurusa, varume navakadzi vanotya Mwari vakaziva uyu murangariro. Kupfurikidza nenziyo, munhu akataura mirangariro yake yakadzama zvikurusa—mufaro, rusuruvaro, kutsamwa, uye rudo. Nziyo nokudaro dzakaita rutivi runokosha munguva dzeBhaibheri, dzichiva dzinodudzwa mubhuku rose iroro rinoyera.—Genesi 4:21; Zvakazarurwa 18:22.

2. Nziyo dzakashandiswa sei kurumbidza Jehovha munguva dzeBhaibheri?

2 Maiva mukunamatwa kwaJehovha umo nziyo dzakawana kuratidzirwa kwadzo kukurusa. Mamwe amashoko akakwirira zvikurusa okurumbidza ati amboitwa kuna Jehovha Mwari akaimbwa pakuvamba. “Ndicharumbidza zita raMwari norwiyo,” akanyora kudaro wezvamapisarema Dhavhidhi. (Pisarema 69:30) Nziyo dzaishandiswa muushoma sedzinoperekedza kurangarira kwokunyengetera. “Ndinozviyeudzira kuimba kwangu pakati pousiku; ndinotaurirana nomwoyo wangu; mweya wangu wakanzvera kwazvo,” akanyora kudaro Asafi. (Pisarema 77:6) Mutembere yaJehovha, nziyo dzairongwa pamwero mukuru. (1 Makoronike 23:1-5; 2 Makoronike 29:25, 26) Padzimwe nguva, mapoka makuru avaimbi airongwa, zvakadai sapakutsaurirwa kwetembere, apo varidzi vehwamanda 120 vakashandiswa. (2 Makoronike 5:12, 13) Hatina chinyorwa chokuti idzi nziyo dzakaisvonaka dzainzwika sei, asi bhuku rinonzi The Music of the Bible rinoti: “Hakusati kuchizova kwakaoma kuumba murangariro wetapuro yose zvayo yenziyo dzapaTembere panhambo dzakakomba . . . Kudai mumwe wedu aigona zvino kuiswa pakati pechiono chakadaro, pfungwa huru yorukudzo noukuru yaizova isingadzivisiki.”a

Kushandiswa Zvisina Kufanira Kwenziyo

3, 4. Chipo chenziyo chakashandiswa zvisina kufanira munzirai navanhu vaMwari navavakidzani vavo vechihedheni?

3 Nziyo dzakanga dzisingashandiswi nguva dzose zvakakwirira kudaro, zvisinei. PaGomo reSinai, nziyo dzakashandiswa kunyandura kunamatwa kwomufananidzo wemhuru yendarama. (Eksodho 32:18) Nziyo pane imwe nhambo dzakabatanidzwawo nomufambiro woudhakwa uye kunyange uhure. (Pisarema 69:12; Isaya 23:15) Vavakidzani vaIsraeri vechihedheni vakanga vane mhaka zvakafanana yokushandisa zvisina kufanira ichi chipo choumwari. “MuFenikia neSiria,” rinodaro The Interpreter’s Dictionary of the Bible, “dzinodokuva nziyo dzose dzakakurumbira dzakaratidzira kunamatwa kwaIshtar, mwarikadzi woruzvaro. Nokudaro, rwiyo rwakakurumbira kazhinji kazhinji rwaiva mavambo kumitambo youpengo yevatano.” VaGiriki vakare nenzira yakafanana vaishandisa nziyo kuperekedza “kutamba kunonyandura vatano” kwakakurumbira.

4 Hungu, nziyo dzine simba rokusunda, kufadza, uye kupesvedzera. Makumi amakore akapfuura, bhuku raJohn Stainer The Music of the Bible rakasvika kunyange pakutaura, kuti: “Hapana unyanzvi huri kushandisa pesvedzero yakasimba zvakadaro padzinza romunhu pari zvino sounyanzvi hweNziyo.” Nziyo dzinopfuurira kushandisa pesvedzero yakasimba nhasi. Nokudaro, rudzi rwusina kururama rwenziyo rwunogona kupa ngozi chaiyoiyo nokuda kwepwere dzinotya Mwari.

Dikanwo Yokungwarira

5. (a) Nziyo dzinoita rutivii rukuru muupenyu hwavechiduku vazhinji? (b) Chii chiri murangariro waMwari wokuzvifarikanya vamene kwavanhu vaduku?

5 Kana iwe uri munhu muduku, ipapo unosanoziva kuti nziyo dzinokosha sei—zvikurukuru zvimiro zvakasiana-siana zvenziyo dzepop kana kuti dzerock—kuvazhinji vezera rako. Nziyo dzakatonzi “rutivi rwezvinokosha zvavechiduku.” Kunofungidzirwa kuti mumakore ayo matanhatu okupedzisira echikoro, pwere yapaavhareji muUnited States ichateerera kuanopfuura maawa mana enziyo dzerock pazuva! Ikoko zvirokwazvo kunoratidza shaikwo yedzikamo. Hakusati kuri kuti pane chinhu chipi nechipi chisina kururama nokufarikanya chimwe chinhu chinokuita unzwe zvakanaka kana kuti anofara. Zvamazvirokwazvo Jehovha, Musiki wenziyo dzinofadza, haakariri vanhu vaduku kuva vanonzwisa urombo navanosiririsa. Kutaura idi, anoraira vanhu vake, kuti: “Farai muna Jehovha, mufarisise, imi makarurama; pururudzai nomufaro, imi mose makarurama pamwoyo.” (Pisarema 32:11) Kuvaduku Shoko rake rinoti: “Fara hako, iwe jaya, pauduku hwako, mwoyo wako ngaukufadze pamazuva oujaya hwako.”—Muparidzi 11:9.

6. (a) Neiko pwere dzichidikanirwa kuva dzinongwarira muchisarudzo chadzo chenziyo? (b) Neiko nziyo zhinji nhasi dzakaipa zvikuru kupfuura nziyo dzomuzvizvarwa zvakapfuura?

6 Kunyanguvezvo, pane chikonzero chakanaka chokuti uve anongwarira muchisarudzo chako chenziyo. Muapostora Pauro akati pana VaEfeso 5:15, 16: “Naizvozvo chenjerai kwazvo pakufamba kwenyu, kuti murege kufamba savasina kuchenjera asi savakachenjera; mungwarire nguva yenyu, nokuti mazuva akaipa.” Dzimwe pwere dzingaramba, sezvakaita mumwe musikana muduku, akati: “Vabereki vedu vakateerera nziyo dzavo apo vaiva vaduku. Neiko tisingagoni kuteerera dzedu?” Dzimwe dzenziyo vabereki vako vakafarikanya pazera rako dzingavewo dzaiva nezvakaipa zvadzo. Pakusanonzvera, yakawanda yemipimo yakakurumbira inova nechiverengero chinoshamisa chezvikarakadzo zvevatano nenongedzero dzakavanzika kuutere. Asi zvaichimbonongedzerwa kwazviri bedzi nenzira isina kunanga zvava zvino kurondedzerwa zvakajeka. Mumwe munyori anoti: “Vana zvino vanorovanywa namashoko akajeka pamwero usina kufanana nechinhu chipi nechipi tsika yedu yati yamboona.”

Nziyo Dzerap—Nziyo Dzokupanduka

7, 8. (a) Nziyo dzerap chii, uye chii chinotsanangura mukurumbira wadzo? (b) Chii chingazivisa munhu saanoomerera kumutoo woupenyu werap?

7 Rangarira, somuenzaniso, upengo hwazvino hwenziyo dzerap. Mukuwirirana namagazini inonzi Time, rap yazova “mutinhimira wokupanduka wakasimbiswa, wenyika yose” wakakurumbira zvikuru kwazvo muBrazil, Europe, Japan, Russia, uye United States. Kazhinji kazhinji usina chose chose kuimba, mashoko awo anotaurwa, kwete kuimbwa, achiperekedzwa nebhiti ine simba. Ndiyo bhiti iyoyo inosunda, kunyanguvezvo, inoratidzika kuva chakavanzika chokubudirira kukuru kwerap mukutengeserana. “Apo ndinoteerera nziyo dzerap,” inodaro imwe pwere yechiJapan, “ndinonzwa ndanyandurwa, uye apo ndinenge ndichitamba, ndinonzwa ndakasununguka.”

8 Mashoko erap—kazhinji kazhinji muvhenganiswa wokuvirima wokumhura nechibhende chomumaguta—anoratidzika kuva chimwe chikonzero nokuda kwokukurumbira kwerap. Kusafanana namashoko erock egamuchidzanwa, akawanda awo kazhinji kazhinji anotaura zvakawanda pamusoro penhau yenyengano yavechiduku, mashoko erap kazhinji kazhinji ane shoko rakakomba zvikuru. Imwe rap inorwisana nokusaruramisira, urudzi, uye utsinye hwamapurisa. Padzimwe nguva, kunyanguvezvo, korasi dzinotsinhirana dzinotaurwa mumutauro wakaipa zvikurusa, unokatyamadza unogona kufungidzirwa. Rap inoratidzikawo kuva inoumba kupandukira mipimo yomupfekero, rutsvindo, uye tsika dzevatano. Nenzira isingashamisi, rap yazova mutoo woupenyu mukururama kwayo imene. Vatsigiri vayo vanozivikanwa kupfurikidza namajangariko avo okuzviratidzira, chibhende chomumugwagwa, uye zvipfeko—majean mahombe, mazishangu akareba anopfuura zviziso zvegumbo ane tambo dzisingasungwi, ngetani dzendarama, makepisi ebaseball, uye magogorosi matema.

9, 10. (a) Zvinhui izvo pwere dzinofanira kurangarira mukusarudza kana nziyo dzerap nomutoo wadzo woupenyu “zvichigamuchirika kunaShe”? (b) Chii icho dzimwe pwere dzechiKristu dzinoratidzika kuva dzinorerutsa?

9 Pana VaEfeso 5:10 (NW), maKristu anoudzwa ku“ramba achiva nechokwadi chezvinogamuchirika kunaShe.” Uchirangarira mukurumbira uyo rap yakazviitira imene, unofunga kuti yaizova ino“gamuchirika kunaShe” here kuti iwe ubatanidzwe nayo? Pwere yechiKristu ingada kuziviswa nomutoo woupenyu uyo unorangarirwa kuva usingagamuchiriki kunyange navanhu vazhinji venyika here? Cherechedza kuti mumwe munzveri akarondedzera sei konzati yerap, achiti: “Vaimbi verap vaikwikwidzana nokuda kwokukatyamadza zvikurusa nokusembura namashoko akajeka evatano. . . . Vatambi vavanhurume navanhukadzi vaiedzesera zviito zvevatano pachikuva.” Pamusoro pomusoro wakati mukuru wechiito, mumwe wavatsigiri vekonzati akati: “Anodokuva mashoko ari ose akataurwa (anonyadzisa).”

10 Kunyange zvakadaro, nziyo dzakaimbwa madekwana iwayo dzakarangarirwa kuva rap yapaavhareji. Mutariri wehoro yekonzati akati: “Yamuri kunzwa irap yapaavhareji—imwe cheteyo neyavari kutenga muzvitoro.” Kunosuruvarisa sei kushuma kuti pakati pepwere 4 000 nedzinopfuura dzaiva muvateereri pakonzati iyoyo paiva navamwe vanotaura kuva Zvapupu zvaJehovha! Sezviri pachena vamwe vakarerutsa idi rokuti Satani ndiye “mutongi wesimba romweya.” Anotonga “mudzimu [kana kuti, chimiro chikuru chendangariro] uyo zvino unoshanda muvanakomana vokusateerera.” (VaEfeso 2:2, NW) Ifariro dzaani dzawaizobatira kana ukabatanidzwa nenziyo dzerap kana kuti mutoo woupenyu werap? Sezvinobvumwa, imwe rap ingava yakaipa zvishomanene muzviri mukati. Asi kune mufungo kusakurira chido chorudzi rupi norupi rwenziyo dzakaipa zvikuru kwazvo kumupimo yechiKristu here?

Heavy Metal—Vatano, Masimba Masimba, uye Kunamata Satani

11, 12. Chii chiri nziyo dzeheavy metal, uye mativii akaipa adzinoratidzira?

11 Chimwe chimiro chakakurumbira chenziyo iheavy metal. Heavy metal inopfuura hard rock ine ruzha zvikuru. Mushumo uri muThe Journal of the American Medical Association unoti: “Nziyo dzeheavy metal . . . dzinosimbisa mutinhimira une ruzha uye dzizere namashoko anorumbidza ruvengo, kubata zvisina kufanira, vatano isiri yomuzvarirwo, uye panhambo nenhambo kunamata Satani.” Chokwadi, mazita oga amamwe amabhendi akakurumbira zvikuru anopupurira ushati hwourwu rudzi rwerock. Anobatanidza mashoko akadai sa“poison,” “guns,” uye “death.” Bva, heavy metal inoratidzika kuva yakati pfavei mukuenzaniswa nethrash metal nedeath metal—marudzi enziyo okuwedzera anoburitswa neheavy metal. Mazita aaya mabhendi anoshandisa mashoko akadai sa“cannibal” uye “obituary.” Pwere dziri munyika dzakawanda dzingasaziva kuti aya mazita akaipa sei nemhaka yokuti ari muchiNgezi kana kuti mumwe mutauro wokumwe.

12 Nziyo dzeheavy metal dzakabatanidzwa dzabatanidzwazve nokuzviuraya kwavechiduku, kupera mwoyo, uye kushandisa mirimo. Batano yadzo nomufambiro wamasimba masimba yakaparira mumwe mupi wezano wenhepfenyuro kudzipa zita rokunemera kuti “nziyo dzokuuraya vabereki vako nadzo.” Ibatano nokunamata Satani inotyisa vabereki vazhinji—uye mapurisa. Mumwe munzveri akataura kuti dzimwe pwere dzinotamba nokunamata kwouSatani dzakapinzwa mumashiripiti acho kupfurikidza neidzi nziyo. “Havazivi mavari kupinda,” anopedzisa achidaro.

13. Chii chiri ngozi mukubatanidzwa nenziyo dzeheavy metal?

13 Pwere dzechiKristu, zvisinei, hadzifaniri kuva dzisinga“zivi mazano” aSatani. (2 VaKorinte 2:11, NW) Pashure pokurangarira zvose, “tino kurwa . . . kwokurwisana namasimba omudzimu akaipa ari munzvimbo dzokudenga.” (VaEfeso 6:12, NW) Hwaizova upenzi hwakadini, kupfurikidza nechisarudzo chomunhu chenziyo, kukoka madhemoni kupinda muupenyu hwake! (1 VaKorinte 10:20, 21) Bva, chiverengero chakati chepwere dzechiKristu sezviri pachena chinoda zvikuru nziyo idzi. Dzimwe dzakatotendeukira kumitoo yakavanzika kuti dzigutse zvishuvo zvadzo zvenziyo. Mumwe musikana muduku anobvuma, kuti: “Ndaisiteerera kuheavy metal, padzimwe nguva hunodokuva usiku hwose. Ndaitenga magazini [anotsigira] heavy metal ndokuavigira vabereki vangu mumabhokisi eshangu. Ndairevera nhema vabereki vangu. Ndinoziva kuti Jehovha haana kufadzwa neni.” Akafungiswa zvakarurama nenyaya yomumagazini yaMukai! Ndidzimwe pwere ngani dzingave dzichiri dzakasungwa nenziyo dzakadaro?

Kukohwa Zvaunodyara

14, 15. Neiko tichigona kuva nechokwadi kuti kuteerera nziyo dzisina kunaka kuchava netapuro yakaipa? Enzanisira.

14 Usadukupisa ngozi nziyo dzakadaro dzinogona kupa. Chokwadi, ungave usingadi kuuraya mumwe munhu kana kuti kuita utere hwevatano nemhaka bedzi yokuti wakateerera rwiyo. Kunyanguvezvo, VaGaratia 6:8, inoti: “Nokuti unodzvarira nyama yake, uchacheka kuora, kunobva panyama.” Kuteerera nziyo dziri dzapasi, dzoumhuka, uye kunyange dzoudhemoni kunogona bedzi kuva nomuuyo wakashata pauri. (Enzanisa naJakobho 3:15.) Purofesa wenziyo Joseph Stuessy anonokorwa mashoko saanoti: “Rudzi rupi norupi rwenziyo runotapura zvimiro zvedu, mirangariro, zvimiro zvendangariro uye mufambiro wedu unovapo somuuyo . . . Munhu upi noupi unoti, ‘Ndinogona kuteerera heavy metal, asi hadzinditapuri,’ ari kungova asina kururama. Dzinongotapura vanhu vakasiana-siana mumwero yakasiana-siana nenzira dzakasiana-siana.”

15 Imwe pwere yechiKristu inobvuma, kuti: “Ndakabatanidzwa muthrash metal zvakaipa kwazvo zvokuti hunhu hwangu hwose hwakachinja.” Nokukurumidza akavamba kuva nezvinetso namadhemoni. “Pakupedzisira ndakarasa maarabhamu angu uye ndakasunungurwa namadhemoni.” Imwe pwere inobvuma, kuti: “Nziyo dzandaiteerera dzaibata nokushandisa midzimu, mirimo, kana kuti vatano. Pwere zhinji dzinoti hadzivatapuri, asi dzinodaro chaizvoizvo. Ndakadokuva kunze kwezvokwadi.” Chirevo chinobvunza, kuti: “Ko munhu ungaisa mwoto muchipfuva chake, nguvo dzake dzikasatsva here?”—Zvirevo 6:27.

Ramba Uchingwarira

16. Chii chinogona kutaurwa nezvavanyori uye vatambi venziyo zhinji dzanhasi?

16 Pauro akanyorera maKristu omuEfeso yakare, kuti: “Naizvozvo ndinoreva nokupupura chinhu ichi munaShe, ndichiti, musaramba muchifamba savahedheni, vanofambawo noupenzi hwokurangarira kwavo, vakasvibirwa pakunzwisisa kwavo, vari vatorwa paupenyu hwaMwari nokuda kwokusaziva kuri mukati mavo, nokuda kwoukukutu hwomwoyo yavo.” (VaEfeso 4:17, 18) Ikoku hakungagoni kutaurwa nezvavanyori navatambi vedzakawanda dzenziyo dzanhasi here? Kupfuura nakare kose, nziyo dzamarudzi ose dzinoratidzira pesvedzero ya“mwari wenyika ino,” Satani Dhiabhorosi.—2 VaKorinte 4:4.

17. Pwere dzinogona sei kusarudza, kana kuti kuedza, nziyo?

17 Nezva“mazuva okupedzisira,” Bhaibheri rakadeya kutaura, kuti: “Vanhu vakaipa navanyengeri vachanyanyisa pakuipa.” (2 Timotio 3:1, 13) Kupfuura nakare kose, ipapo, unoda kusanongwarira pamusoro penziyo dzaunosarudza. Kazhinji kazhinji, zita risingafadzi richaita kuti arabhamu ive isingakwanirisi. Jobho 12:11 inobvunza, kuti: “Ko nzeve haiidzi mashoko, somukanwa unoravira zvokudya here?” Nenzira yakafanana, unogona kuedza rwiyo kupfurikidza nokuteerera chikamu nenzeve inotsoropodza. Kunzwa kworudzii uko kurira kwacho kunonyandura mauri? Inosimudzira mufambiro woupengo, wakaipa—mudzimu wokufara here? (VaGaratia 5:19-21) Zvakadiniko namashoko acho? Anosimudzira utere hwevatano here, kushandiswa kwemirimo, kana kuti zvimwe zvisina kururama izvo “zvinonyadza kana zvichirehwa”? (VaEfeso 5:12) Bhaibheri rinotaura kuti zvinhu zvakadaro “ngazvirege kurehwa” pakati pavanhu vaMwari, ndoda zvikaitwa bhiti ndokudzokororwa zvadzokororwazve. (VaEfeso 5:3) Zvakadiniko nomugadzirirwo webutiro? Rine misoro yokushandisa midzimu kana kuti mifanikiso inonyandura vatano here?

18. (a) Ichinjoi dzimwe pwere dzingafanira kuita pakunouya kunziyo? (b) Pwere dzinogona sei kusakurira chishuvo chenziyo dzakanaka zvikuru?

18 Zvichida unofanira kuita chinjo dzakati murudzi rwenziyo dzaunosarudza. Kana une marekodhi, matepi, uye madisc ane misoro youtere neyoudhemoni, unofanira kuzvirasa nokukurumidza. (Enzanisa naMabasa 19:19.) Ikoku hakurevi kuti haugoni kufarikanya nziyo; hadzisi nziyo dzose dzakakurumbira dzakaipa. Dzimwe pwere dzakadzidzawo kufutunura zvishuvo zvadzo zvenziyo uye zvino dzinofarikanya dzakanakisisa, dzefolk, dzejazz dzakanyorovera dzakati, uye zvimwe zvimiro zvenziyo. Matepi amaKingdom Melodies akabetsera pwere zhinji kukudziridza chishuvo chenziyo dzamarimba dzinonyandura.

19. Neiko kuchikosha kuchengeta nziyo dziri munzvimbo yadzo?

19 Nziyo chipo choumwari. Nokuda kwavazhinji, kunyanguvezvo, inova batikano yakashata. Ava vakafanana navaIsraeri vekare vaifarikanya kuridza “rudimbwa, nembira, nengoma, nenyere, . . . asi havane hanya nebasa raJehovha.” (Isaya 5:12) Kuite nharidzano yako kuchengeta nziyo dziri munzvimbo yadzo uye rega mubato waJehovha uve itiro hanya yako huru. Iva anosarudza naanongwarira pamusoro penziyo dzaunosarudza. Nokudaro uchakwanisa kushandisa—kwete kushandisa zvisina kufanira—ichi chipo choumwari.

[Mashoko Omuzasi]

a Rudzi rwaIsraeri sezviri pachena rwaiita zvakanaka muunyanzvi hwokuimba. Chivezwa cheAsiria chorusununguko chinowadzanyura kuti Mambo Sanheribhi akaraira vaimbi vechiIsraeri kuna Mambo Hezekia somuripo. Inodaro Grove’s Dictionary of Music and Musicians: “Kuraira vaimbi somuripo . . . kwakanga kuri kwechienzi zvamazvirokwazvo.”

Unoyeuka Here?

◻ Neiko nziyo dzichigona kunzi chipo choumwari?

◻ Nziyo dzakashandiswa zvisina kufanira sei munguva dzakare?

◻ Ingozii idzo nziyo dzerap neheavy metal dzinopa kupwere dzechiKristu?

◻ Pwere dzechiKristu dzinogona sei kushandisa kungwarira muchisarudzo chadzo chenziyo?

[Mufananidzo uri papeji 23]

Munguva dzeBhaibheri, nziyo dzaiwanzoshandiswa somutoo wokuunza rumbidzo kuna Jehovha

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe