Mibato Yakakudzwa Mukati Mokuvapo kwaKristu
“Zvino [mambo, NW] uchati kuna vari kurudyi: ‘Uyai imi, makaropafadzwa naBaba, mugare nhaka [umambo, NW] hwakagadzirirwemi kubva pakuvamba kwenyika.’”—MATEO 25:34.
1. Munzirai umo pa·rou·siʹa yaKristu yave yakangofanana na“mazuva aNoa”?
KUVAPO kwaKristu—chinoitika chakamirirwa kwenguva refu! Nguva yakafanana na“mazuva aNoa,” iyo Jesu akataura nezvayo pamusoro pe“mhedziso yetsika yezvinhu,” yakasvika mugore ra 1914. (Mateo 24:3, 37, NW) Asi kuvapo kwaKristu, kana kuti pa·rou·siʹa, kwaizorevei nokuda kwavakasarira vakazodzwa vo“muranda akatendeka naakachenjera”? (Mateo 24:45, NW) Chokwadi, kuti vaizofanira kuva vanoshingaira zvikuru nenzira inowedzera savatakuri vechiedza! Zvinhu zvinoshamisa zvakanga zvichizoitika! Basa risina muenzaniso rokuunganidza rakanga rodokuvamba.
2. Kuchenesai kwakaitika mukuzadzika kwaMaraki 3:1-5?
2 Kutanga, kunyanguvezvo, aya maKristu akazodzwa aida kucheneswa. Sokudeya kutaura kwakanga kwaita Maraki 3:1-5, Jehovha Mwari no“mutumwa wesungano,” wake Jesu Kristu, vakauya kuzonzvera tembere yomudzimu muchirimo cha 1918. Rutongeso rwaizovamba ne“imba yaMwari.” (1 Petro 4:17) Maraki 3:3 yakadeya kutaura, kuti: “Iye [Jehovha] uchagara pasi akafanana nomunatsi nomuchenesi wesirvheri; uchachenesa vanakomana vaRevhi, nokuvanatsa sendarama nesirvheri.” Yakanga iri nhambo yokunatsa nokuchenesa.
3. Neiko kwakanga kuchikosha kuti kuchenesa kwomudzimu kuitike?
3 Kuti vapfuure nomuurwu rutongeso, rwakaguma muna 1918, vakasarira veboka romuranda vakacheneswa musvibiso yenyika neyorudzidziso. Neiko Jehovha akavachenesa? Nemhaka yokuti tembere yake yomudzimu yaibatanidzwa. Iyi igadziriro yakafanana netembere yokunamata Jehovha pahwaro hwechibairo chokuyananisira chaJesu Kristu. Jehovha aida kuti tembere yake ive mumugariro wakachena kuitira kuti apo zviverengero zvikuru zvavanamati vane tariro dzapasi zvaizounzwa imomo, vaizowana nzvimbo umo uchangamire hwake hwapose pose hunoremekedzwa, umo zita rake roumwari rinotsveneswa, uye umo mitemo yake yakarurama inoteererwa. Nokudaro, vaizoonga Jehovha ndokukumbanira mukuzivisa madonzo ake makuru.
Ropafadzo Dzakawedzerwa
4, 5. (a) Mubvunzo wakabvunzwa naJesu Kristu unodenha sei mumwe nomumwe weboka romuranda nhasi? (b) Munzirai umo kutaura kwokuti “muranda akatendeka naakachenjera” uye “veimba yake” kunofanira kunzwisiswa? (c) Ibasai iro Jesu akapa kumuranda?
4 Muna 1919 boka romuranda rakacheneswa raigona kutarira mberi kumibato inokura nguva dzose. Shure muna 1914, Jesu Kristu, Tenzi wavo, akanga awana Umambo hwokudenga. Apo akadzokera kuvashandi veimba yake kuzonzvera “veimba” yake vose, akanga akapfeka chiremera choumambo, chaakanga asina apo akanga ari pano pasi pano. Chii chaakawana? Boka romuranda rakanga rakabatikana kutarisira fariro dzaTenzi here? Sezvakanyorwa pana Mateo 24:45-47 (NW), Jesu akabvunza mubvunzo wakadenha mudzidzi mumwe nomumwe akazodzwa kuti anzvere kuzvipira kwake kwomunhu oga kuna Mesia waJehovha: “Ndiani chaizvoizvo ari muranda akatendeka naakachenjera uyo tenzi wake akagadza paveimba yake, kuti avape zvokudya zvavo panguva yakafanira? Anofara muranda iyeyo kana tenzi wake pakusvika akamuwana achiita saizvozvo. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, Achamugadza pazvinhu zvake zvose.”
5 Sezvinooneka, rondedzero yaJesu youyu muranda akatendeka haikodzeri munhu mumwe upi noupi. Aiwa, asi inorondedzera ungano yakatendeka yakazodzwa yaKristu yose zvayo, seboka. Veimba vateveri vaKristu vakazodzwa savanhu vamwe navamwe. Jesu aiziva kuti aizotenga ava vakazodzwa neropa rake amene, naizvozvo nenzira yakafanira akanongedzera kwavari seboka somuranda wake. VaKorinte Wokutanga 7:23 (NW), inoti nezvavo: “IMI [achitaura seboka] makatengwa nomutengo; regai kuva varanda vavanhu.” Jesu akatuma boka rake romuranda kuzoita kuti chiedza chavo chipenye kuti chikwezve ndokuita vamwe vadzidzi uye kudyisa veimba yake nenzira inofambira mberi kupfurikidza nokuvapa zvokudya zvavo zvomudzimu panguva yakafanira.
6. Muranda akatuswa sei somuuyo wokunzvera kwaJesu?
6 Kuvambira panguva kuvapo kwaKristu kwakavamba uye kuburukira kuna 1918, boka romuranda, pasinei hapo nokusava nomukurumbira, chitambudzo, uye kunyange vhiringidzo yakati, rakanga rave richitsvaka kupa zvokudya zvakakodzera nguva kuna veimba. Izvi ndizvo Tenzi akawana apo kunzvera kwake kwakavamba. Ishe Jesu akafadzwa, uye muna 1919 akazivisa boka romuranda akatendeka rakatenderwa rinofara. Chii chaiva tuso inofadza yomuranda nokuda kwokuita izvo Tenzi wake akanga amugadza kuti aite? Kwidziridzo! Hungu, mitoro mikuru zvikuru yakapiwa mukufambisira mberi fariro dzaTenzi wake. Sezvo Tenzi zvino akanga ava Mambo wokudenga, chokwadi, ipapo, zvinhu zvake zvapasi zvakava zvinotokosha zvikuru.
7, 8. (a) Chii chiri ‘zvinhu zvose’ zvaTenzi? (b) Chii chinodikanwa kumuranda mukutarisira zvinhu izvi?
7 Naizvozvo, chii chiri “zvinhu zvake zvose”? Izvi ndizvo zvinhu zvose zvomudzimu zviri pasi pano izvo zvazova chinhu chaKristu pamusoro pechiremera chake saMambo wokudenga. Ikoku zvamazvirokwazvo kwakabatanidza basa rokuita vadzidzi vaKristu, neropafadzo huru yokushanda savamiriri voUmambo hwakagadzwa hwaMwari kumarudzi ose enyika.
8 Kwidziridzo yakadaro yokutarisira zvinhu zvose zvaTenzi yakaraira kuti boka romuranda ripe nguva yakawanda nengwariro kukuita kuti basa roUmambo riitwe uye, hungu, kukudziridza zvivako zvikuru nokuda kwebasa iroro. Zvino rakanga rava nomunda mukuru zvikuru webasa—pasi rose rinogarwa.
Kuunganidza Makwai
9. Chii chakava muuyo wakabva mukukura kwemibato yomuranda?
9 Nenzira yokuteerera, ipapoka, boka romuranda akatendeka naakachenjera raKristu rakakudza mibato yaro. Muuyo wacho? Vokupedzisira vavakazodzwa 144 000 vakaunganidzwa. Ipapo chiono chaJohane sechakanyorwa pana Zvakazarurwa 7:9-17 (NW), chakava chinhu chaichoicho chinonakidza, chinofadza. Zvikurukuru chifo cha 1935 boka romuranda rakafarikanya kupupurira kuwadzanyurika kwakatsiga kwokuzadzika kweichi chiono. Richibva mupasi rose, “boka guru” ramamirioni zvino rinozadza nzvimbo dzakakomberedza tembere yomudzimu yaJehovha savanamati vake. Ngirozi yaJehovha yakaudza Johane kuti hapana munhu akakwanisa kuverenga boka guru iri. Ikoko kunoreva kuti hakuna muganhu wakaiswa pachiverengero chavanhu avo boka romuranda rinofanira kuunza kutembere yomudzimu yaJehovha. Chero bedzi nzira yakazaruka, basa rokuvaunganidza richapfuurira.
10. Mumubatoi worudo umo muranda akabatanidzwa mauri nhasi?
10 Boka romuranda akatendeka rine mutoro unorema mukutarisira chiverengero chinoramba chichiwedzera cha“mamwe makwai,” richiziva kuti ava vakafanana namakwai vanobva mumarudzi ose vanodiwa zvikuru naTenzi, Jesu. Ivo iboka rake zvomenemene. (Johane 10:16; Mabasa 20:28; 1 Petro 5:2-4) Naizvozvo norudo rwaTenzi namakwai, boka romuranda rinotarisira nomufaro zvinodikanwa zvomudzimu zveboka guru.
11-13. Itsinhiroi yakakodzera iyo purezidhendi wapanguva iyeyo weWatch Tower Society akaita pamusoro pomubato womuranda?
11 Hungu, rutivi rukuru zvikuru rwebasa romuranda rokutakura chiedza runobatanidza kuunganidzwa kwaava vadzorwi vapasi voUmambo hwaMwari. Achikurukura mibato inoramba ichikura yomuranda akatendeka, F. W. Franz, panguva iyeyo purezidhendi weWatch Tower Society, akati chinguvana pamberi porufu rwake muna December 1992:
12 “Jesu Kristu akashandisa sangano nenzira inoshamisa zvikuru nguva dzose, mukuwirirana namakore angu 99 oruzivo rwokuzviwanira rwoupenyu. Haasati ari munhuwo zvake ari kutungamirira sangano, asi anofanira kuva Ishe Jesu Kristu. Nokuti rakashanda nenzira yakaisvonaka uye nenzira inoshamisa zvikuru kwazvo kupfuura zvatisina kumbofunga. Nhasi tine sangano rakura munyika yose. Riri kushanda muChikamu chokuChamhembe nomuChikamu chokuMaodzanyemba, muMabvazuva nomuMadokero. Munhu mumwe bedzi angagona kuva nomutoro weiyi futunuko inokosha—Mwanakomana waMwari, ari anotarisira boka romuranda akatendeka naakachenjera. Ave achiita mitoro yake, uye ndizvo zvinoparira iyi futunuko huru yatakapupurira.
13 “Nhau yacho haipedzwi nomunhu mumwe. Tine sangano iro riri roubati ushe hwaMwari, uye rinoshanda nomutoo woubati ushe hwaMwari, nomutoo unotungamirirwa naMwari. Hapana munhu, kwete kunyange muvambi weWatch Tower Bible and Tract Society, anogona kutaura kana kuti kupiwa mutoro nokuda kwezvakaitwa mupasi rose. Kunongova kunoshamisa.” Avo vose vari veboka guru havasati vari mubvumirano yomwoyo wose nemirangariro iyoyo yomushakabvu Hama Franz here? Hungu, zvamazvirokwazvo, vanoonga zvikuru nokuda kwemibato yakakudzwa yomuranda akatendeka.
Vadzorwi voUmambo
14, 15. (a) Jesu akaenzanisirei mumufananidzo wamatarenta (Mateo 25:14-30)? (b) Nenzira yakakodzera, chii chinotevera muna Mateo ganhuro 25?
14 Muna Mateo ganhuro 25, muenzanisiro waJesu wamakwai nembudzi unorondedzera iri basa guru rokuunganidza vadzorwi vapasi voUmambo hwaMwari. Mumufananidzo unoutangira, uya wamatarenta, Jesu anoenzanisira kuti vadzidzi vakazodzwa vanokarira kutonga naye muUmambo hwake hwokudenga vanofanira kushanda kuti vawedzere zvinhu zvake zvapasi. Nenzira yakakodzera zvikuru, ipapo, mumufananidzo unotevera, Jesu anoratidzira chinodikanwa kuna avo vanoda kuva vadzorwi voUmambo hwake hwokudenga.
15 Cherechedza tsinhiro dzake dziri pana Mateo 25:31-33: “Zvino kana Mwanakomana womunhu achiuya nokubwinya kwake, navatumwa vose vanaye, uchagara pachigaro chake choushe chinobwinya; namarudzi ose achaunganidzwa pamberi pake; uchavaraura somufudzi unoraura makwai nembudzi. Uchaisa makwai kurudyi rwake, mbudzi kuruboshwe.”
16. Marudzi anounganidzwa sei uye vanhu vachiparadzaniswa?
16 Jesu akasvika mumbiri yake muna 1914. Achitanga chiito, iye, nengirozi dzake dzose, vakadenha ndokudzinga vavengi vake vamadhemoni mudenga. Chinotevera mumufananidzo wake chinotibetsera kunzwisisa kuti kugara kwaJesu pachigaro choumambo chine mbiri kunomirira nzvimbo yorutongeso mukati mokuvapo kwake. Kuunganidzwa kwamarudzi ose pamberi pake kunoreva kuti Jesu anoita kumarudzi seboka rake rinokarirwa, kutaura nenzira yokufananidzira. Iboka rakaumbwa namakwai nembudzi. Nepo kungatora rutivi rwezuva kuparadzanisa makwai nembudzi muboka chairoiro, kuparadzaniswa mupasi rose kwavanhu avo vanozvisarudzira kunotora nguva yakareba zvikuru. Ikoku imhaka yokuti kuparadzanisa kunovakirwa panzira yechiito yomunhu mumwe nomumwe.
17. Neiko mugariro nhasi wakakomba nokuda kwavanhu vose?
17 Mumufananidzo, Mufudzi Mambo anoisa vakafanana namakwai kuruoko rwake rworudyi uye vakafanana nembudzi kuruboshwe rwake. Rutivi rworuoko rworudyi runova rutongeso rune muuyo wakanaka—upenyu husingaperi. Rutivi rworuoko rworuboshwe runomirira rutongeso rusina kunaka—rwuya rworuparadziko rusingaperi. Chisarudzo chaMambo chenhau yacho chine miuyo yakakomba.
18. Neiko kusaoneka kwaMambo kusingapembedzi munhu upi noupi?
18 Kusaoneka kwoMwanakomana anotonga womunhu mukati mokuvapo kwake, kana kuti pa·rou·siʹa, hakupembedzi munhu upi noupi. Vakawanda zvikuru vakafanana namakwai nhasi vari kukumbanira boka romuranda mukuparidzira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari munyika yose, vachiita kuti chiedza chavo chipenye. Zvirokwazvo, kupupurira kwavo kwakasvika kumativi ari kure apasi.—Mateo 24:14.
19. Mavarai eboka ramakwai anoratidzirwa mumufananidzo wamakwai nembudzi?
19 Neiko Mufudzi Mambo achitusa avo veboka ramakwai nenguva yemberi yakakomborerwa? Nemhaka yetsigiro yavo yomwoyo wose yebasa rokuparidzira Umambo uye mutsa wavanoratidza kuhama dzake dzakazodzwa, izvo Jesu anorangarira sezvinoitirwa iye amene. Naizvozvo, Mwanakomana woumambo womunhu anoti kwavari: “Uyai imi, makaropafadzwa naBaba, mugare nhaka [umambo, NW] hwakagadzirirwemi kubva pakuvamba kwenyika.”—Mateo 25:34; 28:19, 20.
Kubetsera Mambo
20, 21. Hufakazii hunopa makwai hwokuti akamira parutivi poUmambo?
20 Cherechedza kuti apo Mambo anokoka aya makwai kuzogara nhaka nzvimbo yapasi yoUmambo hwaMwari, vanoratidzira kushamisika. Vanomubvunza, kuti: ‘Ishe, takakuitirai rini izvi zvinhu zvose?’ Anopindura, kazviitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makazviitireni.” (Mateo 25:40) Apo Jesu akaoneka kuna Maria Magadharene pazuva rorumuko rwake, akataura nezvehama dzake dzomudzimu apo akati kwaari: “Enda kuhama dzangu.” (Johane 20:17) Mukati menguva yokuvapo kwake kusingaoneki, Jesu ane vakasarira vashomanene bedzi vevane 144 000 vehama dzake dzomudzimu vachiri vapenyu pasi pano.
21 Sezvo Jesu asingaoneki mumatenga, kunongova bedzi nenzira isina kunanga kuti vanhu vakafanana namakwai vanoita izvi zvinhu zvorudo kwaari. Vanomuona ari pachigaro chake choumambo namaziso avo bedzi okutenda. Jesu anoonga nhamburiko dzose dzavanoita kubatsira hama dzake dzomudzimu, avo vachava vagari nhaka pamwe chete naye vokudenga. Zvinoitwa kuhama dzake anorangarira sezvinoitwa kwaari pachake. Vanhu vakafanana namakwai vanoita zvakanaka vachiziva kuhama dzaKristu nemhaka yokuti vanodziziva kuva dzakadaro. Vanonzwisisa kuti hama dzaJesu dzomudzimu ndivo nhume dzoUmambo hwaJehovha, uye vanoda kupa ufakazi hwakajeka hwokuti vari kumira navo kurutivi rwoumambo ihwohwo.
22. Boka ramakwai rinotuswa sei? (Enzanisa naZvakazarurwa 7:14-17.)
22 Jehovha akadeya kuona kuti iri boka rakafanana namakwai raizooneka mukati meiyi nguva yokuvapo kwoMwanakomana wake, uye ane tuso inoshamisa yakavamirira! Boka guru richagara nhaka zvikomborero zvorugare pano pasi pano mukati moKutonga kweMireniyumu kunofadza kunoitwa naMambo waJehovha, Jesu Kristu.
23. Munzirai umo makwai nenzira yokuziva anobetsera hama dzaMambo?
23 Apo tinorangarira uporofita hweBhaibheri hunoshanda panguva yokuvapo kwaKristu, pamwe chete nomufananidzo waJesu wamakwai nembudzi, chii chatinoona? Ichi: Haisati iri nhau yokuitira zvakanaka nokusaziva uye netsaona mumwe wehama dzaMambo dzomudzimu kunoita munhu gwai rine chimiro chakarurama pamberi paMwari naMambo wake. Avo veboka ramakwai vanoziva zvavari kuita, kunyange zvazvo vasingaoni Mambo anotonga nameso avo chaiwoiwo. Vanovavarira kubetsera hama dzaMambo kwete bedzi munzira yokunyama asiwo munzira yomudzimu. Seiko? Kupfurikidza nokuvabatsira mukuparidzirwa kwamashoko akanaka oUmambo hwaMwari uye mukuitisa fundo dzeBhaibheri nokuda kwokuita vadzidzi vaKristu. Nokudaro, nhasi kuna vazivisi vanopfuura mamirioni mana vanotakura chiedza voUmambo hwaMwari.
Mibato Yakakudzwa
24. Mibatoi yorudo yakaita boka romuranda vanhu vanofara zvikurusa pasi pano nhasi?
24 Ngatidudzei mamwe amabasa mazhinji akaisvonaka eboka romuranda akatendeka. Rokutanga, boka romuranda rakagadzwa pazvinhu zvose zvaTenzi—fariro dzake dzoUmambo pasi pano—uye izvi zvinhu zvinoramba zvichiwedzera. Rechipiri, boka iroro riri kudyisa kwete bedzi veimba vakazodzwa asi boka guru rinoramba richikura ramamwe makwai nezvokudya zvomudzimu. Rechitatu, boka romuranda riri kutungamirira mukuparadzira chiedza choUmambo. Rechina, futunuko hurusa yaro yemibato iri mukuunganidzwa kweboka guru ramamwe makwai, kuvaunza kutembere yaJehovha yomudzimu. Rechishanu, boka romuranda, netsigiro yomwoyo wose yavakafanana namakwai, ari kugovera nzvimbo dzakakura nokuda kwegadziriro dzamapazu kupota pasi rose, pamwe chete napadzimbahwe muUnited States. Mabasa orudo akadaro akaita boka romuranda vanhu vanofara zvikurusa pasi pano nhasi, uye vakaita kuti mamirioni avamwe vanhu afarewo. Vose ivava vanopa kuonga kuna Jehovha Mwari nokuna Jesu Kristu, avo vakatungamirira mibato yakakudzwa yomuranda akachenjera!
25. Makwai angapfuurira sei kutsigira boka romuranda, nekariroi mumurangariro?
25 Boka romuranda zvino riri kushanda zvakaoma zvikuru kupfuura nakare kose pamabasa aro akagoverwa naMwari. Nguva yasara pamberi pokutanga kwe“dambudziko guru” yotodokupera! (Mateo 24:21, NW) Kunokosha sei kuti ava vari makwai aMwari varambe vari kurutivi rworudyi rwenyasha rwoMufudzi Mambo wake! Naizvozvo, ipapoka, vose ngavapfuurire kutsigira nokushingaira muranda akatendeka naakachenjera. Kuri bedzi kupfurikidza nokuita ikoku kuti rimwe zuva nokukurumidza zvikuru vanhu vose vakafanana namakwai vachakwanisa kunzwa mashoko aye anofadza, anoti: “Uyai imi, makaropafadzwa naBaba, mugare nhaka [umambo, NW] hwakagadzirirwemi kubva pakuvamba kwenyika.”
Unogona Kupindura Here?
◻ Kutongai kwapakuvamba kwakatevera kugadzwa kwaMambo pachigaro choumambo?
◻ Mateo 24:45-47 yakava sei nezadziko yomuzuva razvino uno?
◻ Pamusoro pemibato yakakudzwa, boka romuranda neboka guru vanoonga nei zvikurusa?
◻ Mateo 25:34-40 inozadzikwa sei mukati mepa·rou·siʹa?
[Mufananidzo uri papeji 16]
Tenzi anoronzesa zvose zvezvinhu zvake kumuranda akatendeka
[Mufananidzo uri papeji 18]
Jesu akatora chigaro chake choumambo chine mbiri kuti atonge rudzi rwomunhu