RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 5/1 p. 27
  • Kutendeseka Kunorumbidza Ushumiri Hwedu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutendeseka Kunorumbidza Ushumiri Hwedu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Mashoko Akafanana
  • Iva Akatendeseka Muzvinhu Zvose
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Kutendeseka Kunorevei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Iva Akatendeseka Pazvinhu Zvese
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • Pane Chinokosha Kupfuura Madhaimondi Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 5/1 p. 27

Vazivisi voUmambo Vanoshuma

Kutendeseka Kunorumbidza Ushumiri Hwedu

KUTENDESEKA ndichinodikanwa chikuru chamaKristu. Muapostora Pauro akanyora pana VaHebheru 13:18 (NW), kuti: “Tinovimba kuti tine hana yakatendeseka, sezvatinoshuva kuzvibata timene nokutendeseka muzvinhu zvose.” Kushandisa kwedu kutendeseka ‘kunoshongedza dzidziso yoMuponesi wedu, Mwari, muzvinhu zvose.’ (Tito 2:10) Kutendeseka, pamwe chete nokuparidzira Umambo, zvamaKristu maviri muumambo hweSouth Pacific hweTonga kuri kupa uchapupu hune simba. Hofisi yebazu yeWatch Tower Society muWestern Samoa inorondedzera, kuti:

“Kwamakore varoorani vaviri vari Zvapupu vakataura pamusoro poUmambo hwaMwari kuvanhu mumisha mina iri pachitsuwa chavo asi pasina miuyo inooneka. Ipapo, apo murume wake akanga achirwara, mudzimai aifanira kutarisira munda wavo wemiti ndokuomesa copra, manyuko avo bedzi emari. Apo nguva yakasvika yokuti copra inzverwe navatengi, bhegi romumwe munhuwo zvake rakavhengana namabhegi ake mashanu. Vagari vomumisha vakamukurudzira kuchengeta bhegi romuraudzo ndokukurangarira sechikomborero chinobva kuna Mwari. Hanzvadzi, kunyanguvezvo, yakaramba uye, kunyange apo yakabhadharwa nokuda kwamabhegi matanhatu, yaizogamuchira bedzi chitsama chayo nenzira yakarurama. Kutendeseka kwayo kwakacherechedzwa.

“Gare gare, apo murume aifanira kuita rwendo rwokuchimwe chitsuwa, mutengesi womuchitoro akamukumbira kumutengera zvinhu. Chapupu chakaita sezvakakumbirwa ndokudzorera chenji kumurume wacho. Murume wacho akashamiswa. Iye akataura kuti yakanga iri nguva yokutanga munhu akanga adzorera chenji. Vamwe avo akanga akumbira kutenga zvinhu nguva dzose vaichengeta chenji. Imwe nguva, apo Chapupu chakada chimwe chinhu muchitoro chouyu murume, murume wacho akamupa kiyi yokupinda muchitoro, achichiraidza kutora zvaaida ndokusiya mubhadharo muchitoro. Vamwe vaivapo vakabvunza mutengesi womuchitoro chikonzero nei iye akapa kiyi yechitoro kuChapupu ndizvo kwete kwavari. Muridzi akatsanangura kuti Chapupu ndicho chaiva munhu bedzi mumusha waaigona kuvimba.

“Mufambiro wakaisvonaka waava varoorani vaviri uri kukurukurwa pakati pavagari vomumisha. Zvapupu zvinozivikanwa nokuda kwokutendeseka kwazvo, chimiro chazvo chokusatora rutivi mune zvamatongerwe enyika, uye kupupurira kwazvo pamusoro poUmambo hwaMwari, izvo zvinoratidza musiano pakati pezvitendero zvavagari vomumisha nedzidziso dzeBhaibheri. Zvino apo mibvunzo inomuka pamusoro peBhaibheri, vanhu kazhinji kazhinji vanosvika Zvapupu nokuda kwemhinduro. Murume akatomuka usiku, akaenda kumusangano womusha, uye akapindura mibvunzo yakanga yamutswa pamusoro penhau yeBhaibheri. Pakupinda mariro mumusha, iye kazhinji kazhinji akakumbirwa kuratidza chinotaura Bhaibheri pamusoro porufu, uye tsinhiro dzake dzakagamuchirwa.”

Naizvozvo kutendeseka kwaava varoorani vaviri vari Zvapupu nokuparidzira kwavo Umambo zviri kupa uchapupu hwakanaka paichi chitsuwa chakaisvonaka cheSouth Pacific. Ivo vanokarira kuti vamwe vachafunda Bhaibheri ndokutsigira zvokwadi. Kana vakadaro, Jehovha Mwari zvirokwazvo achavakomborera.—Johane 8:32.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe