RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 6/15 pp. 13-18
  • Ziva Jehovha Kupfurikidza Neshoko Rake

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ziva Jehovha Kupfurikidza Neshoko Rake
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mwari Anonzwa
  • “Mufananidzo Wake Chaiye”
  • Une “Rusununguko Rwokutaura” Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Jesu Kristu Ndiani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva”
    “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva”
  • Mutongi Anogara Achiita Zvakarurama
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 6/15 pp. 13-18

Ziva Jehovha Kupfurikidza Neshoko Rake

“Upenyu husingaperi ndihwo, kuti vakuzivei imi, Mwari uri woga wazvokwadi, naJesu Kristu, wamakatuma.”—JOHANE 17:3.

1, 2. (a) Chii chiri revo ya“ziva” na“zivo” sezvaanoshandiswa muMagwaro? (b) Mienzanisoi inojekesa iyi revo?

KUZIVA mumwe munhu somuzivikanwiwo zvake kana kuti kuva nezivo yechimwe chinhu nechapamusoro kunoperevedza kusvika parevo yamashoko okuti “ziva” na“zivo” sezvaanoshandiswa muMagwaro. MuBhaibheri ikoku kunobatanidza “chiito chokuziva kupfurikidza noruzivo rwokuzviwanira,” zivo inoratidzira “ukama hwechivimbo pakati pavanhu.” (The New International Dictionary of New Testament Theology) Ikoko kunobatanidza kuziva Jehovha kupfurikidza nokurangarira mabasa ake akananga, akadai sezvinoitika zvakawanda zviya zviri mubhuku raEzekieri umo Mwari akaita marutongeso pavaiti vezvakaipa, achizivisa, kuti: ‘Uye muchafanira kuziva kuti ndini Jehovha.’—Ezekieri 38:23.

2 Mhatsa yakasiana-siana umo “ziva” na“zivo” angashandiswa inogona kujekeswa nemienzaniso mishomanene. Kuvazhinji vaitaura kuva vakaita muzita rake, Jesu akati, “Handina kutongokuzivai;” akareva kuti wakanga asina kutongova nechinhu chipi nechipi chokuita navo. (Mateo 7:23) VaKorinte Wechipiri 5:21 inotaura kuti Kristu “akanga asingazivi zvivi.” Ikoko hakurevi kuti akanga asingazivi chivi asi, panzvimbo pezvo, kuti akanga asina batanidzwo yomunhu oga nacho. Nomutoo wakafanana, apo Jesu akati: “Upenyu husingaperi ndihwo, kuti vakuzivei imi, Mwari uri woga wazvokwadi, naJesu Kristu, wamakatuma,” zvakawanda zvakabatanidzwa kupfuura kungoziva chimwe chinhu pamusoro paMwari naKristu.—Enzanisa naMateo 7:21.

3. Chii chinobvumikisa kuti Jehovha anoratidzira chiratidzo chinozivisa chaMwari wechokwadi?

3 Akawanda amavara aJehovha angazivikanwa kupfurikidza neShoko rake, Bhaibheri. Rimwe rawo isimba rake rokuporofita zvakarurama. Ichi chiratidzo chaMwari wechokwadi: “Ngavauye nawo, vatiudze zvichaitwa; tiudzei zvinhu zvakare, kuti ndezvei, kuti tizvirangarire, tizive kuguma kwazvo; kana mutizivise zvichazovapo. Tiudzei zvinhu zvichazovapo pashure, tizive kuti muri vamwari.” (Isaya 41:22, 23) MuShoko rake, Jehovha anotaura zvinhu zvokutanga pamusoro pokusikwa kwapasi noupenyu huri pariri. Akataura pachine nguva mberi zvikuru zvinhu zvaizoitika gare gare uye izvo zvakaitika. Uye kunyange zvino ano“tizivisa zvichazovapo pashure,” zvikurukuru zvinhu zvichaitika muano “mazuva okupedzisira.”—2 Timotio 3:1-5, 13; Genesi 1:1-30; Isaya 53:1-12; Dhanieri 8:3-12, 20-25; Mateo 24:3-21; Zvakazarurwa 6:1-8; 11:18.

4. Jehovha akashandisa sei vara rake resimba, uye acharishandisazve sei?

4 Rimwe vara raJehovha isimba. Rinooneka mumatenga umo nyeredzi dzichishanda somubatanidzwa mukuru wezvoto dzinodurura chiedza nokupisa. Apo vanhu vanopandukira kana kuti ngirozi dzinodenha uchangamire hwaJehovha, anoshandisa simba rake so“munhu wehondo,” achidzivirira zita rake rakanaka nemipimo yakarurama. Panguva dzakadaro haazenguriri kusunungura simba nenzira inoparadza, somuMafashamo omuzuva raNoa, mukuparadzwa kweSodhoma neGomora, uye mukununurwa kwaIsraeri muGungwa Dzvuku. (Eksodho 15:3-7; Genesi 7:11, 12, 24; 19:24, 25) Nokukurumidza, Mwari achashandisa simba rake “kupwanya Satani pasi petsoka dzenyu.”—VaRoma 16:20.

5. Pamwe chete nesimba rake, ivarai iro Jehovha anarowo?

5 Bva, kunyange neiri simba rose risina kuganhurirwa, pane kuzvininipisa. Pisarema 18:35, 36 rinoti: “Uye unyoro hwenyu hwakandiita mukuru. Makandiitira nzvimbo yakafarikana pandingatsika.” Kuzvininipisa kwaMwari kunobvumira kuva “unozvidukupisa kuti aone zviri kudenga napasi. Unosimudza murombo abve muguruva, nomushaiwi unomumutsa abve padurunhuru.”—Pisarema 113:6, 7.

6. Ivarai raJehovha rinoponesa upenyu?

6 Ngoni dzaJehovha mukubata nomunhu dzinoponesa upenyu. Ingoni dzakadini dzakaratidzwa kuna Manase apo akakanganwirwa, kunyange zvazvo akanga aita utsinye hwakaipa! Jehovha anoti: “Uyezve, kana ndikati kuno wakaipa: ‘Zvirokwazvo uchafa;’ kana akatendeuka pazvivi zvake, akazoita zvakarairwa nezvakarurama; kana wakaipa akadzosazve rubatso, akadzoserazve zvaakanga apamba, akafamba nemitemo youpenyu, asingaiti zvakaipa, zvirokwazvo uchararama, haangafi. Hakuchina chimwe chake chaakaita chicharangarirwa pamusoro pake; wakaita zvakarairwa nezvakarurama, zvirokwazvo uchararama.” (Ezekieri 33:14, 16; 2 Makoronike 33:1-6, 10-13) Jesu akanga achiratidzira Jehovha apo akakurudzira kukanganwira kane 77, kunyange ka 7 muzuva rimwe chete!—Pisarema 103:8-14; Mateo 18:21, 22; Ruka 17:4.

Mwari Anonzwa

7. Jehovha akasiana sei navamwari vechiGiriki, uye iropafadzoi inokosha yakatizarukira?

7 Vazivi vechiGiriki, vakadai savaEpikuro, vaidavira muna vamwari asi vaivarangarira savari kure zvikuru napasi zvokusagona kuva nefariro ipi neipi mumunhu kana kuti kutapurwa nokunzwa kwake. Hwakasiana zvakadini ukama huri pakati paJehovha neZvapupu zvake zvakatendeka! “Nokuti Jehovha unofarira vanhu vake.” (Pisarema 149:4) Vanhu vakaipa pamberi paMafashamo vakamuita kuti anzwe kuzvidemba uye “shungu pamwoyo.” Israeri nokusatendeka kwake akaunzira Jehovha marwadzo nokukuvadzwa. MaKristu kupfurikidza nokusateerera kwawo anogona kuchemedza mudzimu waJehovha; kupfurikidza nokutendeka kwawo, zvisinei, anogona kumuunzira mufaro. Kunoshamisa sei kufunga kuti munhu muduku zvikuru ari pasi pano anogona kuita kuti Musiki wechisiko chapose pose anzwe kuvadziko kana kuti mufaro! Nemhaka yezvose zvaanotiitira, kunoshamisa sei kuti tine ropafadzo inokosha yokumupa mufarwa!—Genesi 6:6; Pisarema 78:40, 41; Zvirevo 27:11; Isaya 63:10; VaEfeso 4:30.

8. Abrahama akashandisa sei rusununguko rwake rwokutaura naJehovha?

8 Shoko raMwari rinoratidza kuti rudo rwaJehovha runotibvumira “rusununguko [rukuru] rwokutaura.” (1 Johane 4:17, NW) Cherechedza chinoitika chaAbrahama apo Jehovha akauya kuzoparadza Sodhoma. Abrahama akati kuna Jehovha: “Muchaparadza vakarurama pamwe chete navakaipa here? Zvimwe vangavapo vakarurama vana makumi mashanu muguta; muchaparadza nzvimbo iyo, mukasainzwira tsitsi nokuda kwavakarurama vana makumi mashanu varimo here? . . . ngazvive kure nemi; Mutongi wenyika yose haangaiti zvakarurama here?” Mashoko akadini okutaura kuna Mwari! Bva Jehovha akabvuma kuponesa Sodhoma kudai vanhu vakarurama 50 vaivamo. Abrahama akapfuurira ndokuita kuti chiverengero chideredzwe kubva pa 50 kusvika ku 20. Akatya kuti zvimwe angava anonyanyoomeredza. Akati: “Jehovha ngaarege hake kunditsamwira, kana ndikataurazve kamwe chete; zvimwe vane gumi rimwe chete vangawanikamo.” Zvakare Jehovha anobvuma: “Handingariparadzi nokuda kwaivavo vane gumi.”—Genesi 18:23-33.

9. Neiko Jehovha akabvumira Abrahama kutaura sezvaakaita, uye chii chatinogona kudzidza muna ikoku?

9 Neiko Jehovha akabvumira Abrahama rusununguko rwakadaro rwokutaura, kuti ataure neiyi nzira? Kutanga, Jehovha aiziva nezvokunzwa kwokutambudzika kwaAbrahama. Aiziva kuti mwanakomana womunun’una waAbrahama Roti aigara muSodhoma, uye Abrahama akanga achiitira hanya kotsekano yake. Uyewo, Abrahama akanga ari shamwari yaMwari. (Jakobho 2:23) Apo mumwe munhu anotaura nenzira yakashata kwatiri, tinoedza kunzwisisa kunzwa kuri seri kwamashoko ake ndokurangarira, zvikurukuru kana ari shamwari iri mudzvinyiriro yemirangariro yorudzi rwakati here? Haisi nyaradzo here kuona kuti Jehovha achava anonzwisisa kushandisa kwedu rusununguko rwokutaura, sezvaakanga akaita naAbrahama?

10. Rusununguko rwokutaura rwunotibetsera sei mumunyengetero?

10 Zvikurukuru apo tinomutsvaka so“Munzwi [wedu] womunyengetero” tinoshuva urwu rusununguko rwokutaura kuti tidururire mweya wedu kwaari, apo tinotambudzika zvikuru nokukangaidzika mundangariro. (Pisarema 51:17; 65:2, 3, NW) Kunyange panguva dziye apo mashoko angatikundikanisa, “[mudzimu, NW] umene unotinyengeterera nokugomera kusingataurwi,” uye Jehovha anoteerera. Anogona kuziva mifungo yedu: “Munonzwisisa kufunga kwangu muri kure. Nokuti shoko risati ravapo parurimi rwangu, tarirai, imi Jehovha, matoriziva rose.” Kunyange zvakadaro, tinofanira kuramba tichikumbira, kutsvaka, uye kugogodza.—VaRoma 8:26; Pisarema 139:2, 4; Mateo 7:7, 8.

11. Kunoratidzwa sei kuti Jehovha anotiitira hanya chaizvoizvo?

11 Jehovha anotiitira hanya. Anogovera nokuda kwoupenyu hwaakasika. “Meso avose anotarira kwamuri; munovapa zvokudya zvavo panguva yakafanira. Munotadzanura ruoko rwenyu, ndokugutisa zvipenyu zvose.” (Pisarema 145:15, 16) Tinokokwa kuti tione kudyisa kwaanoita shiri dziri mumasango. Kuona maruva ari mumunda, kuti anoapfekedza zvakaisvonaka sei. Jesu akawedzera kuti Mwari achaita zvakawanda zvakafanana uye zvinopfuura nokuda kwedu kupfuura zvaanoita nokuda kwazvo. Naizvozvo neiko tichifanira kufunganya? (Dheutoronomio 32:10; Mateo 6:26-32; 10:29-31) Petro Wokutanga 5:7 inokukoka kuti “kandirai pamusoro pake kufunganya kwenyu kwose, nokuti iye unokuchengetai.”

“Mufananidzo Wake Chaiye”

12, 13. Mukuwedzera kukuona Jehovha kupfurikidza nechisiko chake namabasa ake zvakanyorwa muBhaibheri, tinokwanisazve sei kumuona nokumunzwa?

12 Tinogona kuona Jehovha Mwari kupfurikidza nechisiko chake; tinogona kumuona kupfurikidza nokurava nezvamabasa ake muBhaibheri; tinogonawo kumuona kupfurikidza namashoko namabasa zvakanyorwa pamusoro paJesu Kristu. Jesu amene anodaro, pana Johane 12:45: “Unondiona, unoona wakandituma.” Zvakare, pana Johane 14:9: “Wandiona ini, waona Baba.” VaKorose 1:15 inoti: “[Jesu] ndiye mufananidzo waMwari usingaonekwi.” VaHebheru 1:3 inozivisa kuti: “[Jesu] chadzera chokubwinya kwa[Mwari], nomufananidzo wake chaiye.”

13 Jehovha akatumira Mwanakomana wake kwete bedzi kuti agovere rudzikinuro asiwo kuti agadze muenzaniso unofanira kutevedzerwa, mose muri muviri mushoko nomuchiito. Jesu akataura mashoko aMwari. Akati pana Johane 12:50: “Naizvozvi zvandinotaura, ndinotaura sezvandakaudzwa naBaba.” Haana kuita chinhu chake amene, asi akaita zvinhu Mwari akamuudza kuti aite. Pana Johane 5:30 akati: “Handigoni kuita chinhu ndoga.”—Johane 6:38.

14. (a) Zvionoi zvakaparira Jesu kusundwa netsitsi? (b) Neiko mutoo waJesu wokutaura wakaparira vanhu kudirana kuzomunzwa?

14 Jesu akaona vanhu vaiva namaperembudzi, vakaremara, matsi, mapofu, uye vane madhemoni naavo vaichema vakafa vavo. Asundwa netsitsi, akaporesa vanorwara ndokumutsa vakafa. Akaona mapoka akaneta uye achinetswa navakawa mumudzimu, uye akavamba kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji. Aidzidzisa kwete bedzi namashoko akarurama asiwo namashoko anofadza aibva mumwoyo make ayo akaenda zvakananga kumwoyo yavamwe, akavakwevera kwaari, akakurumidza kuvaunza kutembere kuzomunzwa, akavaparira kuramba vachimutevera, kuteerera kwaari nomufaro. Vakadirana kuti vamunzwe, vachizivisa kuti ‘hakuna mumwe munhu akanga atongotaura souyu.’ Vakashamiswa nenzira yake yokudzidzisa. (Johane 7:46; Mateo 7:28, 29; Marko 11:18; 12:37; Ruka 4:22; 19:48; 21:38) Uye apo vavengi vake vakatsvaka kumubata nemibvunzo, akachinja mugariro wacho chose chose, achivanyaradza.—Mateo 22:41-46; Marko 12:34; Ruka 20:40.

15. Chii chaiva musoro mukuru wokuparidzira kwaJesu, uye akabatanidza vamwe kusvikira kutambanukoi mukuuparadzira?

15 Akazivisa kuti “ushe hwokudenga [hwakanga] hwaswedera pedyo” uye akakurudzira vateereri kuti varambe “vachitanga kutsvaka [umambo, NW].” Akatuma vamwe kundoparidzira kuti “ushe hwokudenga [hwakanga] hwaswedera,” kuti va“dzidzise marudzi ose,” kuva zvapupu zvaKristu “kumugumo wenyika.” Nhasi Zvapupu zvinodokusvika mamirioni mana nehafu zvaJehovha zviri kufamba munhano dzake, zvichiita zvinhu izvozvo.—Mateo 4:17; 6:33; 10:7; 28:19; Mabasa 1:8.

16. Vara rorudo raJehovha rakaedzwa zvakakomba sei, asi chii charakaitira rudzi rwomunhu?

16 “Mwari rudo,” tinoudzwa kudaro pana 1 Johane 4:8. Iri vara rake rakatanhamara rakaedzwa zvinorwadza zvikurusa zvinofungidzirika apo akatuma Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi kupasi kuzofa. Marwadzo ayo uyu Mwanakomana anodiwa akatambura uye mikumbiro yaakataura kuna Baba wake wokudenga zvinofanira kuva zvakaparira marwadzo kuna Jehovha, kunyange zvazvo Jesu akabvumikisa denho yaSatani kuva yenhema yokuti Jehovha haasati aigona kuva navanhu pasi pano vaizobatisisa perero yavo kwaAri mumuedzo wakakomba. Tinofanirawo kunzwisisa ukuru hwechibairo chaJesu, nokuti Mwari akamutuma pano kuti atifire. (Johane 3:16) Ikoku kwakanga kusiri nyore, rufu rwokukurumidza. Kuti tinzwisise ndyiko kuna vose vari vaviri Mwari naJesu nomutoo iwoyo ndokuziva ukuru hwechibairo chavo nokuda kwedu, ngatinzverei chinyorwa cheBhaibheri chezvinoitika.

17-19. Jesu akarondedzera sei muedzo waiva mberi kwake?

17 Kanenge kana, Jesu akarondedzera kuvadzidzi vake chakanga chiri mberi. Mazuva mashomanene chete chisati chaitika, akati: “Tarirai tinokwira Jerusarema, Mwanakomana womunhu uchaiswa kuvaprista vakuru navanyori; vachamutongera rufu, nokumuisa kuvahedheni. Vachamuseka, nokumupfira mate, nokumurovesa, nokumuuraya.”—Marko 10:33, 34.

18 Jesu akanzwa dzvinyiriro yechakanga chiri mberi kwake, achinzwisisa kutyisa kwokurova kwavaRoma. Tambo dzeganda dzetyava yaishandiswa nokuda kwokupura dzaiva notusimbi namapfupa amakwai akaiswa madziri; naizvozvo sezvo kurova kwaipfuurira, musana namakumbo zvaiva midzonga inobuda ropa. Mwedzi yakati pamberi pezvi, Jesu akaratidzira kunetseka kwemirangariro muedzo waiva uri mberi wakanga uchimuparira, achiti, sezvatinorava pana Ruka 12:50: “Ndino rubhapatidzo rwandichabhapatidzwa narwo; ndinomanikidzwa sei kusvikira zvichiitika!”

19 Dzvinyiriro yakawedzera sezvo nguva yakaswedera pedyo zvikuru. Akataura nezvayo kuna Baba vake vokudenga, achiti: “Zvino mweya wangu unomanikidzwa; ndichatiiko? Baba ndiponesei panguva ino. Asi ndizvo zvandauyira panguva ino.” (Johane 12:27) Jehovha anofanira kuva akatapurwa sei neichi chikumbiro chaibva kuMwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi! MuGetsemani, maawa mashomanene chete pamberi porufu rwake, Jesu akava anotambudzika zvikuru kwazvo ndokuti kuna Petro, Jakobho, uye Johane: “Mweya wangu une shungu kwazvo, kusvikira pakufa.” Maminiti akati pashure pako akataura munyengetero wake wokupedzisira panhau yacho kuna Jehovha: “‘Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu kwandiri! Asi kuda kwangu kurege kuitwa, asi kwenyu.’ Zvino ari pakutambudzika kukuru, wakanyanya kunyengetera; ziya rake rikaita samadonhwe eropa, akadonhera pasi.” (Mateo 26:38; Ruka 22:42, 44) Ikoku kungave kwaiva kunozivikanwa mune zvokurapa sokubuda kweropa nomuganda. Hakuwanzoitika asi kunogona kuitika mumigariro yokutambudzika zvikuru mumirangariro yakakwira zvikuru.

20. Chii chakabetsera Jesu kupfuura mumuedzo wake?

20 Pamusoro peiyi nguva muGetsemani, VaHebheru 5:7 inoti: “Iye, pamazuva enyama yake, wakauya kuna iye wakanga achigona kumurwira parufu, neminyengetero nemikumbiro, achichema nokuchema kukuru nemisodzi, akanzwika nokuda kwokutya kwake Mwari.” Sezvo asina kudziviswa parufu “Nouyo aigona kumuponesa parufu,” mupfungwai umo munyengetero wake wakanzwiwa zvakanaka? Ruka 22:43 inopindura, kuti: “Ipapo mutumwa akaonekwa naye, wakabva kudenga, akamusimbisa.” Munyengetero wakapindurwa mukuti ngirozi iyo Mwari akatumira yakasimbisa Jesu kutsungirira mumuedzo wacho.

21. (a) Chii chinoratidza kuti Jesu akabuda mumuedzo akurira? (b) Apo miedzo yedu inokomba, tichada kuva vanokwanisa kutaura sei?

21 Ikoku kwakanga kuri pachena mumuuyo wacho. Apo kutambura kwake kwomukati kwakanga kwapera, Jesu akasimuka, akadzokera kuna Petro, Jakobho, uye Johane, uye akati: “Simukai, tiende.” (Marko 14:42) Chaizvoizvo akanga achiti, ‘Regai ndiende kundoshambadzwa nokutsvodwa, kundosungwa nenyongori, kundotongwa zvisiri pamutemo, kundoshurikidzwa nenzira isina kururama. Regai ndiende kundonyombwa, kundopfirwa, kundorohwa, uye kundorovererwa padanda rokutambudzira.’ Kwamaawa matanhatu akarembera ipapo, mumarwadzo makuru, achitsungirira kusvika kumugumo. Sezvo akafa, akadanidzira murukundo, kuti: “Zvaitwa!” (Johane 19:30) Akanga aramba akatsiga uye akanga akabvumikisa kuperera kwake mukutsigira uchangamire hwaJehovha. Chinhu chiri chose Jehovha akanga amutumira kupasi kuti aite akanga apedza. Apo tinofa kana kuti apo Armagedhoni inorovanya, tichakwanisa here kutaura pamusoro pebasa redu kuna Jehovha kuti: “Zvaitwa”?

22. Chii chinoratidza tambanuko yokupararira kwezivo yaJehovha?

22 Muchinoitika chipi nechipi, tinogona kuva nechokwadi kuti munguva yakafanira yaJehovha iri kusvika nokukurumidza, “nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.”—Isaya 11:9.

Unoyeuka Here?

◻ Kuziva nokuva nezivo zvinorevei?

◻ Tsitsi dzaJehovha nekanganwiro zvakaratidzwa sei kwatiri muShoko rake?

◻ Abrahama akashandisa sei rusununguko rwokutaura naJehovha?

◻ Nei tichigona kutarira kuna Jesu nomaari kuti tione mavara aJehovha?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe