RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 7/15 pp. 28-31
  • Budiriro Inogona Kuedza Kutenda Kwako

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Budiriro Inogona Kuedza Kutenda Kwako
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chimiro ChendangariroChine Ngozi chaAsafi
  • Gadziridzo Mukufunga
  • Dzivirira Kuita Kwako
  • Ramba Wakavimbika kuna Jehovha
  • Muenzaniso Wokutevedzera​—Asafi
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Kurarama Kwaungaita Uchinzwa Kuora Mwoyo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Jehovha Ndiye Mugove Wangu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Vakristu—Dadai Nezvamuri!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 7/15 pp. 28-31

Budiriro Inogona Kuedza Kutenda Kwako

BUDIRIRO inogona kuedza kutenda kwomunhu akarurama. Kuvavarira kuva anobudirira mune zvokunyama kunogona kutungamirira kukurasikirwa nokutenda. (1 Timotio 6:9, 10) Asi budiriro inogonawo kuedza kutenda mune imwe nzira. Apo mumwe munhu akarurama anocherechedza kuti vanhu vazhinji vasina kururama vari kubudirira mune zvokunyama apo iye anenge achitambura, angaedzwa kuronda nzira isiri youmwari. Chokwadi, ikoku kwakatungamirira kunyange vamwe vavabatiri vaJehovha kupanikira ukoshi hwokuronda upenyu hwakarurama!

Ikoku kwakaitika kumuimbi wechiRevhi Asafi mukati mokutonga kwamambo waIsraeri Dhavhidhi. Asafi akaronga mapisarema ayo akashandiswa mukunamata kwapachena. Pamwe chete naHemani naJedhutuni, iye akaporofitawo, achipa Jehovha Mwari rumbidzo nokuonga nezviridzwa. (1 Makoronike 25:1; 2 Makoronike 29:30) Kunyange zvazvo Asafi akanga akaropafadzwa, Pisarema 73 rinoratidza kuti budiriro yokunyama yavanhu vakaipa yakabvumikisa kuva muedzo mukuru wokutenda kwake.

Chimiro ChendangariroChine Ngozi chaAsafi

“Zvirokwazvo Mwari unoitira Israeri zvakanaka, ivo vane mwoyo yakachena. Asi kana ndirini, tsoka dzangu dzakanga dzotsauka; makumbo angu akanga otedzemuka.” (Pisarema 73:1, 2) Kupfurikidza naaya mashoko, Asafi akabvuma kuti Jehovha akanga akanaka kurudzi rwaIsraeri. Nenzira yakananga ikoko kwakanga kwakadaro kuavo “vane mwoyo yakachena,” nokuti chakanga chiri chishuvo kupa Mwari kuzvipira kwapoga ndokubetsera kukutsveneswa kwezita rake dzvene. Kana isu tine chimiro ichocho chendangariro, ticharumbidza Jehovha kupfurikidza nokutaura zvakanaka nezvake kunyange kana tikaedzwa zvakaipa nebudiriro yavakaipa kana kuti nomumwe mugariro upi noupi.—Pisarema 145:1, 2.

Kunyange zvazvo Asafi aiziva nezvorunako rwaJehovha, tsoka dzake dzakadokutsauka dzichibva munzira yakarurama. Kwakanga kwakaita sokunge dzakanga dzichitedzemuka pavhu rine aizi mukati mokumhanya kunonetesa. Neiko kutenda kwake kwakanga kwava kwakaneta kwazvo? Iye akatsanangura, kuti: “Nokuti ndakanga ndichigodora vana manyawi, pakuona kwangu kufara kwavakaipa. Nokuti havatambudziki pakufa kwavo; asi muviri wavo une simba. Havane njodzi savamwe vanhu; havatambudzwi savamwe vanhu.”—Pisarema 73:3-5.

Budiriro yokunyama yavanhu vasina kururama yakaita kuti Asafi avachochore. Vairatidzika kuva vanofarikanya rugare, kunyange zvazvo vakaunganidza pfuma nemitoo yokusatendeseka. (Enzanisa nePisarema 37:1.) Pasinei zvapo namabasa avo akaipa, muzvitarisiko zvokunze vakanga vakakotsekana. Chokwadi, upenyu hwavo hwakaratidzika kuva hunoguma pasina marwadzo orufu akaipa! Ivo pane dzimwe nguva vaifa norugare uye vane chivimbo, vasingazivi chinodikanwa chomudzimu. (Mateo 5:3) Pane rumwe rutivi, vamwe vavabatiri vaMwari vanotambura chirwere chinorwadza norufu, asi iye anovatsigira, uye ivo vane tariro inoshamisa yorumuko.—Pisarema 43:1-3; Johane 5:28, 29.

Vanhu vazhinji vakaipa havana zvinetso zvoutano zvinovadzivisa kufarikanya mugove wavo wakawanda wezvokudya. “Muviri wavo une simba,” matumbu avo anokura. Uyezve, ivo “havane njodzi savamwe vanhu,” nokuti kusafanana navanhu vorudzi rwomunhu, havafaniri kuparapatika kuti vawane zvinodikanwa zvoupenyu. Asafi akagumisa kuti vakaipa “havatambudzwi savamwe vanhu.” Zvikurukuru ivo vanonzvenga miedzo iyo vanhu voumwari vanowana nemhaka yokunamatira kumipimo yakarurama yaJehovha munyika yakaipa yaSatani.—1 Johane 5:19.

Nemhaka yokuti vakaipa vanobudirira, Asafi akapfuurira kuti nezvavo: “Saka kuzvikudza kwavo kwakafanana noruketani pamitsipa yavo; kumanikidza kunovafukidza senguvo. Meso avo anobuda nokukora; zvavanofunga pamwoyo zvinofashamira; vanoseka, vachireva pakuipa kwavo zvinomanikidza vamwe; vanotaura vachizvikudza. Vakataurira kudenga nemiromo yavo, ndimi dzavo dzinofamba-famba pasi.”—Pisarema 73:6-9.

Vaiti vezvakaipa vanopfeka kuzvikudza so“ruketani pamitsipa,” uye mabasa avo amasimba masimba akawanda kwazvo zvokuti ‘vakafukidzwa nawo sokunge nenguvo.’ Vakatsunga kuita zvinhu nenzira yavo vamene, vanotambudza vamwe. Meso avakaipa haana kunyura nokushaiwa zvokudya asi ‘anobuda nokukora,’ achitanhamara nemhaka yokukora kunobva mukudyisa. (Zvirevo 23:20) Kuronga kwavo kunobudirira kwazvo zvokuti ivo vanoto‘pfuura fungidziro dzemwoyo yavo.’ Ivo vanotaura nezvokunyengera kwavo, “vachizvikudza” nokudada. Chokwadi, ‘vanotaurira muromo wavo mumatenga, uye rurimi rwavo runofamba-famba mupasi’! Vasina ruremekedzo nokuda kwomunhu upi noupi ari mudenga kana kuti pasi pano, ivo vanotuka Mwari uye vanozvidza vanhu.

Sezviri pachena, Asafi akanga asiri oga mukutapurwa zvakaipa neizvo akaona. Iye akati: “Saka vanhu vake vanodzokera ikoko; vanosvinirwa mvura zhinji, mukombe uzere. Zvino vanoti: ‘Mwari ungaziva seiko? Wokumusoro-soro ungava nokuziva here?’” (Pisarema 73:10, 11) Rugwaro rwechiHebheru rungareva kuti nemhaka yokuti vakaipa vanoratidzika kuva vanobudirira, vamwe pakati pavanhu vaMwari vanogamuchira murangariro wakaipa uye vanosvitswa kumugariro mumwe chetewo navasingateereri mutemo, vachiti: ‘Mwari haazivi chiri kuitika uye haasati achizorwisana nokusateerera mutemo.’ Pane rumwe rutivi, kuona vanhu vakaipa vachishandisa kusateerera mutemo nokunoratidzika kuva kusarangwa kwakafanana nokufanira kunwa mugove unovava, uko kunosunda vakarurama kubvunza, kuti: ‘Mwari anogona seiko kushivirira zvinhu izvozvi? Haasati achiona chiri kuitika here?’

Achienzanisa migariro yake neiyo yavakaipa, Asafi akati: “Tarirai, ndizvo zvakaita vakaipa; vanowedzera pfuma yavo vachingogara vasingatamburi. Zvirokwazvo ndakanatsa mwoyo wangu pasina, nokushambidza maoko angu ndisine mhosva; nokuti ndakatambudzwa zuva rose, ndakarangwa mangwanani ose.” (Pisarema 73:12-14) Asafi akanzwa kuti kwakanga kusingabetseri kurarama upenyu hwakarurama. Vanhu vakaipa vakabudirira, sezvingabvira ‘vachiwedzera mutoo wavo wokuchengetedzwa’ kupfurikidza nomutoo wokusanyengera. Ivo vairatidzika kuva vanonzvenga chirango nokuda kwechakaipa chakaipisisa, asi Asafi akatambudzwa “zuva rose”—kuvambira apo akamuka kutozosvikira arara usiku. Akanzwa kuti Jehovha akanga achimururamisa mangwanani ari ose. Sezvo ikoku kusina kuratidzika kuva kwakanaka, kwakaedza kutenda kwaAsafi.

Gadziridzo Mukufunga

Pakupedzisira achiziva kuti kufunga kwake kwakanga kusina kururama, Asafi akati: “Kana ndaiti: ‘Ndichataura kudai’; tarirai, ndainyengera rudzi rwavana venyu. Zvino ndakaramba ndichifunga kuti ndizvinzwisise, asi zvakandiremera kwazvo; kusvikira ndapinda panzvimbo tsvene yaMwari, ndikatarira kuguma kwavo. Zvirokwazvo munovaisa panotedza; munovawisira pasi kuti vaparadzwe. Haiwa, vanoparadzwa kamwe kamwe! Vanopedzwa chose nezvinotyisa. Sezvakarotwa, kana munhu apepuka; saizvozvo, Ishe, muchashora mufananidzo wavo, kana muchimuka.”—Pisarema 73:15-20.

Kwakanga kwakanaka kuti Asafi haana kutaura nyunyuto, nokuti kutaura pachena kuti hakubatsiri kubatira Jehovha kungave kwakaodza mwoyo mitezo yemhuri yake yavanamati kana kuti kungave kwakasekesa kutenda kwavo. Kuri nani zvikuru sei kuramba takanyarara ndokuita izvo Asafi akaita! Kuti aone chikonzero nei vakaipa vachiratidzika kuva vasingarangwi nokuda kwechakaipa apo vakarurama vanotambura, iye akaenda kunzvimbo tsvene yaMwari. Mhoteredzo iyoyo yakabvumira Asafi kufungisisa nenzira yokuterama ari pakati pavanamati vaJehovha, uye kufunga kwake kwakagadziridzwa. Naizvozvo nhasi, tichivhiringidzwa neizvo tinoona, nenzira yakafanana ngatitsvakei mhinduro kumibvunzo yedu kupfurikidza nokusonganirana navanhu vaMwari panzvimbo pokuzviparadzanisa timene.—Zvirevo 18:1.

Asafi akasvika pakuziva kuti Mwari akanga aisa “vakaipa panotedza.” Nemhaka yokuti upenyu hwavo hwakavakirwa pazvinhu zvokunyama, vari mungozi yokuwana kuparadzwa kwakamwe kamwe. Pakupedzisira, rufu ruchavasvikira muukweguru, uye pfuma yavo yakawanwa zvakaipa haisati ichizovawanira upenyu hurefu zvikuru. (Pisarema 49:6-12) Budiriro yavo ichava yakafanana nechiroto chinopfuura nokukurumidza. Ruramisiro ingatovasvikira vasati vasvika ukweguru sezvo vanocheka chavari kudyara. (VaGaratia 6:7) Sezvo vakafuratira Uyo bedzi anogona kuvabetsera, vanosiiwa vasina betsero, vasina tariro. Apo Jehovha anorwisana navo, achaona “mufananidzo” wavo—mbiri yavo nenzvimbo—noruzvidzo.

Dzivirira Kuita Kwako

Asina kuita zvakanaka kuizvo akaona, Asafi akabvuma, kuti: “Nokuti mwoyo wangu wakachema, ndakabaiwa patsvo dzangu. Ndakanga ndiri benzi, ndisingazivi chinhu; ndakanga ndakafanana nemhuka pamberi penyu. Kunyange zvakadaro ndinoramba ndinemi; makabata ruoko rwangu rworudyi. Muchandiperekedza nezano renyu, ndokuzondigamuchira pakubwinya.”—Pisarema 73:21-24.

Kufungisisa budiriro yokunyama yavakaipa nokutambura kwavakarurama kunogona kushatisa mwoyo womunhu kana kuti kumushatirisa. Pasi mukati—muitsvo dzake—kangaidziko yaAsafi pamusoro pouyu mugariro yakamuparira marwadzo makuru. Mumurangariro waJehovha, iye akava akafanana nemhuka isingarangariri inoita pahwaro hwokunzwawo zvako. Bva, Asafi ‘nguva dzose aiva naMwari, uyo akanga abata ruoko rwake rworudyi.’ Kana tikakanganisa mukufunga kwedu asi tichitsvaka zano raJehovha sezvakaita Asafi, Mwari achatibata ruoko, kutitsigira nokutitungamirira. (Enzanisa naJeremia 10:23.) Kupfurikidza bedzi nokushandisa zano rake tinogona kutungamirirwa kupinda munguva yemberi inofadza. Tingatambura manyadzi kwenguva pfupi, asi Jehovha achaparira chinjo, ‘achitiendesa kumbiri,’ kana kuti rukudzo.

Achinzwisisa kudikanwa kwokuvimba naJehovha, Asafi akawedzera, kuti: “Ndianiko kudenga, kana musimi? Napasi hapana wandinoda kunze kwenyu. Nyama yangu nomwoyo wangu zvinopera; asi Mwari ndiye dombo romwoyo wangu nomugove wangu nokusingaperi. Nokuti tarirai, vari kure nemi vachapera; makaparadza vose vakakusiyai noupombwe hwavo. Kana ndirini, kuswedera pedyo naMwari ndizvo zvinondifadza; Ishe Mwari ndakamuita nhare yangu; kuti ndiparidze mabasa enyu ose.”—Pisarema 73:25-28.

Kufanana naAsafi, hatina mumwe kunze kwaJehovha wokuvimba naye nokuda kwechengeteko yechokwadi nenyaradzo. (2 VaKorinte 1:3, 4) Naizvozvo panzvimbo pokuchochora pfuma yapasi yomunhu upi noupi, ngatibatirei Mwari ndokuchengeta pfuma mudenga. (Mateo 6:19, 20) Kuva nechimiro chinotenderwa naJehovha kunofanira kuva mufaro wedu mukurusa. Kunyange kana muviri wedu nomwoyo zvikakundikana, iye achatisimbisa ndokupa kuterama kumweya wedu kuitira kuti tirege kurasikirwa netariro noushingi pakati penhamo. Kuva pedyo naJehovha ipfuma inokosha. Kukurega kuchienda kungareva ngwavaira nokuda kwedu pamwe chete naavo vose vanomusiya. Kufanana naAsafi, naizvozvo, ngatiswederei pedyo naMwari ndokukandira funganyo yedu yose paari. (1 Petro 5:6, 7) Ikoku kunosimudzira garikano yedu yomudzimu uye kunotisunda kuudza vamwe pamusoro pamabasa anoshamisa aJehovha.

Ramba Wakavimbika kuna Jehovha

Asafi akatambudzwa nemhaka yokuti akaona vaiti vezvakaipa vachibudirira muna Israeri, nyika yokumusha kwake. Pakati pavabatiri vakavimbika vaJehovha, pakanga pane “vanhu vakaipa” vane mhaka yokuganza, kuzvitutumadza, masimba masimba, kutuka, uye nyengedzo, uye avo vairamba kuti Mwari aiziva zvavakanga vachiita. (Pisarema 73:1-11) Inyevero yakadini! Kuti tifadze Jehovha Mwari, tinofanira kurega kuratidzira mavara akadai sorudado, masimba masimba, kutuka, uye kusatendeseka. Kufanana naAsafi, vabatiri vose vaJehovha ngava‘pinde munzvimbo tsvene huru yaMwari’ kupfurikidza nokuungana nguva dzose navanamati Vake vakavimbika. Zvamazvirokwazvo, vose vanoda Jehovha ngava‘swedere pedyo naMwari,’ vachivimba naye kuti avatsigire pakati pokutambura, pasinei zvapo neizvo vamwe vangataura kana kuti kuita.—Pisarema 73:12-28; 3 Johane 1-10.

Chokwadi, budiriro yokunyama yavaiti vezvakaipa ingaedza kutenda kwedu, sezvayaita uko kwaAsafi. Bva, tinogona kutsungirira uyu muedzo kana tikanangidzira upenyu hwedu pabasa raJehovha. Tichatuswa nokuda kwokuita ikoku nemhaka yokuti ‘Mwari haasati ari usakarurama zvokukanganwa basa redu norudo zvatinoratidza nokuda kwezita rake.’ (VaHebheru 6:10) Miedzo yedu ichava “yechinguvana neyakareruka” mukuenzanisa netuso yedu. (2 VaKorinte 4:17, NW) Kunyange makore 70 kana kuti 80 okutambura akafanana nechifemo zvacho chinopfuura napamiromo yedu mukazevezeve apo inoenzaniswa noupenyu hunofadza husingagumi Jehovha anopikira vabatiri vake vakavimbika.—Pisarema 90:9, 10.

Tisatongobvumidze budiriro yokunyama yavaiti vezvakaipa mukusiana nokutambura kwedu nokuda kwokururama kutidzivisa kuratidzira kutenda uko kuri chibereko chomudzimu mutsvene waMwari. (VaGaratia 5:22, 23; 1 Petro 3:13, 14) Satani angafadzwa kana tikatevedzera vakaipa, avo kazhinji kazhinji vanobudirira nemhaka yokuti havana kutendeseka. Panzvimbo pezvo, ngatikudzei zita raJehovha kupfurikidza nokudzivisa miedzo yokurega mipimo yake yakarurama. (Zefania 2:3) Tisatambudzike pamusoro pebudiriro yavaiti vezvakaipa, nokuti, zvikurukuru, ivo vanogona kungowana bedzi budiriro yokunyama. Uye iyoyo ndeyoukoshii? Haisati ichimbovamba kuenzana nebudiriro yomudzimu inofarikanywa naavo vanoshandisa kutenda muna Changamire Ishe Jehovha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe