RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 8/1 pp. 4-8
  • Kurukurirano Inopfuura Kungotaura Chete

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kurukurirano Inopfuura Kungotaura Chete
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuratidza Uchenjeri
  • Kunzwisisa Nguva Yakapfuura
  • Apo Nguva Yakapfuura Yakanga Iri Yokubatwa Zvisina Kufanira
  • Kubatwa Nepfundepfunde
  • Kupindwa Muropa Kunokuvadza Kurukurirano
  • Kupedza Zvinetso
  • Zvinopfuura Tsungiriro
  • Zvinhu Zvinokosha Zvinokubatsira Kukurukurirana Nowawakaroorana Naye
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Upenyu Pashure Pezuva Remuchato
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • Muchato Wenyu Unogona Kununurwa!
    Mukai!—2001
  • Kuremekedza Wawakaroorana Naye
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 8/1 pp. 4-8

Kurukurirano Inopfuura Kungotaura Chete

FUNGIDZIRA boka ravashanyi vari kuona nzvimbo yakaisvonaka. Kunyange zvazvo boka rose richiona chiono chimwe chetecho, munhu mumwe nomumwe anochiona nenzira yakasiana. Neiko? Nemhaka yokuti munhu mumwe nomumwe ari panzvimbo yakasiana anoona zvakanaka ari paari. Hapana vanhu vaviri vakamira chaizvoizvo panzvimbo imwe cheteyo. Kupfuurirazve, haasati ari munhu ari wose anonangidzira ngwariro pachikamu chimwe chetecho chechiono chacho. Munhu mumwe nomumwe anowana rutivi rwakasiana kuva runofadza zvikuru.

Zvimwe chetezvo ndezvechokwadi mukati meroorano. Kunyange apo vanenge vachiwirirana zvikuru, hakuna vakwanyina vaviri vanogoverana chaizvoizvo murangariro mumwe chetewo panhau. Murume nomudzimai vanosiana muzvinhu zvakadai somugadzirirwo wemirangariro, ruzivo rwokuzviwanira rwouduku, uye pesvedzero yemhuri. Mirangariro yakasiana inovapo inogona kuva manyuko egakava rakakasharara. Muapostora Pauro akataura zvakajeka, kuti: “Avo vanoroora vachava namarwadzo nenhamo.”—1 VaKorinte 7:28, The New English Bible.

Kurukurirano inobatanidza nhamburiko yokubatanidza iyi misiano kuva ukama hwenyama imwe. Ikoku kunoda kuwana nguva yokutaura. (Ona bhokisi riri papeji 7.) Asi zvakawanda zvikuru zvinobatanidzwa.

Kuratidza Uchenjeri

Chimwe chirevo cheBhaibheri chinoti: “Mwoyo wowakachenjera unodzidzisa muromo wake, uchiwedzera dzidzo pamiromo yake.” (Zvirevo 16:23) Shoko rechiHebheru rinoshandurwa pano kuti ‘unoparira kuratidza njere’ zvikurukuru rinoreva kuva akangwara, kuyera nhau nokungwarira mundangariro. Naizvozvo, musimboti wekurukurirano inobudirira mwoyo, kwete muromo. Mukurukurirani akanaka anofanira kupfuura zvikuru mutauri; anofanira kuva muteereri anonzwira urombo. (Jakobho 1:19) Anofanira kunzwisisa mirangariro nenhau zviri pasi pomufambiro wapamusoro womukwanyina.—Zvirevo 20:5.

Seiko? Pane dzimwe nguva ikoku kunogona kuitwa kupfurikidza nokucherekedza migariro yakapoteredza rwisano. Mukwanyina wako ari mumarwadzo makuru omurangariro kana kuti omuviri here? Chirwere chiri kuparira chimiro chendangariro chomukwanyina wako here? “Mufaro wakadini kuwana shoko rakarurama chaizvo nokuda kwenhambo yakarurama!” rinodaro Bhaibheri. (Zvirevo 15:23, Today’s English Version) Naizvozvo kurangarira migariro kuchakubetsera kuita nenzira inowirirana.—Zvirevo 25:11.

Kazhinji kazhinji, kunyanguvezvo, chisakiso cherwisano chakadzikwa munhau dziri kunze kwemigariro yazvino.

Kunzwisisa Nguva Yakapfuura

Zvinoitika muuduku zvinoita zvakawanda kuumba kufunga kwedu muukuru. Sezvo vakwanyina veroorano vachibva mumhuri dzakasiana, mirangariro inorwisana haidzivisiki.

Chimwe chinoitika chakanyorwa muBhaibheri chinoenzanisira ikoku. Apo areka yesungano yakadzorerwa kuJerusarema, Dhavhidhi akaratidzira pachena mbavarira yake. Asi zvakadiniko nomudzimai wake Mikari? Bhaibheri rinorondedzera, kuti: “Mikari mukunda waSauro akatarira napawindi, akaona mambo Dhavhidhi achipembera nokutamba pamberi paJehovha, akamushora mumwoyo make.”—2 Samueri 6:14-16.

Mikari akaratidzira chimiro chendangariro chisina kutenda chababa vake vasina kururama, Sauro. Vatsinhiri veBhaibheri C. F. Keil naF. Delitzsch vanokarakadza kuti ichochi ndicho chikonzero nei Mikari anonongedzerwa kwaari mundima 16 so“mukunda waSauro” panzvimbo pomudzimai waDhavhidhi. Pasinei hapo nechakaitika, gakava rakavapo pakati pavo rinojekesa kuti Dhavhidhi naMikari havana kugoverana murangariro mumwe chetewo weichi chinoitika chinofadza.—2 Samueri 6:20-23.

Uyu muenzaniso unoratidzira kuti pesvedzero dzamanomano dzinobva mukurera dzinogona kuparira murume nomudzimai kurangarira nhau zvakasiana zvikuru. Ikoku ndokwechokwadi kunyange kana vose vari vaviri vari kubatira Jehovha vakabatana. Somuenzaniso, mudzimai asina kupiwa tsigiro yakakwana yemirangariro somwana angaratidzira kudikanwa kwechienzi kwetendero nenyaradzo. Ikoku kungakahadzisa murume wake. “Ndaigona kumuudza kuti ndinomuda kane zana,” angadanidzira kudaro, “uye zvakare kwaisazova kwakakwana!”

Mune ichi chinoitika, kurukurirano inobatanidza “kutarira, kwete fariro dzomunhu oga panhau dzako umene chete, asiwo fariro dzomunhu oga pamusoro peidzo dzavamwe.” (VaFiripi 2:4, NW) Kuti vakurukurirane, murume anofanira kuona mudzimai wake nomurangariro wenguva yake yakapfuura panzvimbo peyake amene. Uye, chokwadika, mudzimai anofanira kusundwa kuita zvimwe chetezvo nokuda kwomurume wake.—1 VaKorinte 10:24.

Apo Nguva Yakapfuura Yakanga Iri Yokubatwa Zvisina Kufanira

Fariro yomunhu oga inokosha zvikuru apo mukwanyina anenge akabatwa chibharo kana kuti akabatwa zvisina kufanira muvatano somwana—nenzira inosuruvarisa, chinetso chinokura nhasi. Mudzimai, somuenzaniso, angawana kuti panguva dzevatano, haagoni kuparadzanisa yazvino neyomunguva yakapfuura, mukwanyina wake nomupari wemhaka, kana kuti vatano nokubatwa zvisina kufanira muvatano. Ikoku kunogona kuva kunovhiringidza, zvikurukuru kana murume asingarangariri iyi nhau inokosha zvikuru nomurangariro womudzimai wake.—1 Petro 3:8.

Nepo usingagoni kuparadza chomunguva yakapfuura kana kuti kurapa chose chose miuyo yacho, unogona kuita zvakawanda kunyaradza mukwanyina akaora mwoyo. (Zvirevo 20:5) Seiko? “Imi varume munofanira kuedza kunzwisisa vadzimai vamunogara navo,” akanyora kudaro Petro. (1 Petro 3:7, Phillips) Kunzwisisa nguva yakapfuura yomukwanyina wako rutivi runokosha rwekurukurirano. Pasina kunzwira urombo kwetsitsi, mashoko ako achava asingashandi.

Jesu “akavanzwira tsitsi” pakusangana naavo vakanga vachirwara, kunyange zvazvo iye akanga asina kutongotambura somunhu oga nezvirwere zvavo. (Mateo 14:14) Nenzira yakafanana, ungave usina somunhu oga kutambura nokuregeredzwa kumwe cheteko kana kuti kubatwa zvisina kufanira sezvakaita mudzimai wako, asi panzvimbo pokuderedza nhamo yake, bvuma nguva yake yakapfuura, uye mupe tsigiro yako. (Zvirevo 18:13) Pauro akanyora, kuti: “Zvino isu, tine simba, tinofanira kutakura utera hwavasina simba, tisingazvifadzi.”—VaRoma 15:1.

Kubatwa Nepfundepfunde

Roorano yakafanana nomudziyo unokosha. Apo inokuvadzwa noupombwe, kuvadziko huru inoitika. (Zvirevo 6:32) Chokwadi, kana mukwanyina asina mhaka akasarudza kukanganwira, zvidimbu zvingabatanidzwa pamwe chete kupfurikidza neyananiso. Asi ndutswe dzinosara, uye mukati menharo, kungava nekombamiro yokutarira pandutswe idzodzo ndokushandisa nguva yakapfuura sechombo.

Pfundepfunde kuita kwomuzvarirwo kukusatendeka kwomukwanyina. Asi kana wakakanganwira mukwanyina wako, dzivisa kurega kutsamwa kunopfuurira kuchiparadza zvakanaka zvawakawana kupfurikidza nechiito chekanganwiro. Kana ikavira chinyararire mukati kana kuti ikasunungurwa nenzira isina ngoni, pfundepfunde inopfuurira inokuvadza vakwanyina vose vari vaviri. Neiko? Mumwe chiremba anokarakadza, kuti: “Kana uchinzwa uchikuvadzwa nomukwanyina wako, kuri nemhaka yokuti uchiri kumuitira hanya. Naizvozvo kupfurikidza nokurega kana kuti kupfurikidza nokutsvaka matsive, hausati bedzi uri kukuvadza mukwanyina wako asi kuzviparadza umene. Unoparadzazve ukama hwaunoshuva kuti kudai hwaiva hwakazara.”

Hungu, haumbogoni hako kuyananisa misiano muroorano yenyu pasina kunyaradza hasha dzako. Naizvozvo, panguva apo mirangariro inenge isina kunyandurwa, kurukura kunzwa kwako nomukwanyina wako. Tsanangura chikonzero nei uchinzwa uchikuvadzwa, chaunoda kuti unzwe wanyaradzwa, uye chauchaita kuchengeta ukama hwacho. Usatongoshandisa nguva yakapfuura sechombowo hacho chokuwana nacho chimiro chakasimba munharo.

Kupindwa Muropa Kunokuvadza Kurukurirano

Roorano inotambura nenhamo huru apo mukwanyina anoshandisa zvisina kufanira doro kana kuti mirimo. Mukwanyina asina kupindwa muropa angava ari mumugariro wakafanana nouyo waAbhigairi, sezvinoshumwa muBhaibheri. Nepo murume wake Nabhari “akanga akabatwa kwazvo,” Abhigairi akanga achiedza nesimba kuchinja miuyo yomufambiro wake wokusachenjera. (1 Samueri 25:18-31, 36) Roorano umo mukwanyina mumwe anenge ari munhamo yokupindwa muropa uye mumwe akabatanidzwa mukuedza kuchinja mufambiro womupindwi muropa kazhinji kazhinji dzakafanana neimba yaNabhari naAbhigairi.a

Nenzira inonzwisisika, kusunungurwa kukuru kunonzwiwa apo mupindwi muropa anovamba kunaya. Asi iwaya anongova mavambo chete. Fungidzira dutu rakakomba rinoparira ruparadziko rukuru zvikuru pataundi duku. Dzimba dziri kuwa, miti iri kudzurwa, tambo dzenhare dziri kuwira pasi. Pane mufaro mukuru apo dutu rinopera. Asi zvino basa guru rokugadzira rinodikanwa. Zvimwe chetezvo ndezvechokwadi apo mukwanyina anovamba kunaya. Ukama hwakaputsika hunofanira kuvakwazve. Chivimbo neperero zvinofanira kutangwazve. Mikoto yekurukurirano inofanira kuvakwazve. Nokuda kwomupindwi muropa ari kuumbikazve, uku kuvakazve kwapashoma napashoma rutivi rwo“hunhu hutsva” uhwo Bhaibheri rinoda kuti maKristu asakurire. Uhwu hunhu hutsva hunofanira kubatanidza “simba rinonyandura ndangariro yako.”—VaEfeso 4:22-24, NW.

Fundo yeBhaibheri yakagonesa Leonard naElaine kurega kushandisa mirimo zvisina kufanira, asi simba rinonyandura ndangariro rakanga risati rashanda zvakazara.b Nokukurumidza kumwe kupindwa muropa kwakaoneka. “Kwamakore 20 takaedza kushandisa nheyo dzeBhaibheri ndokuva neroorano inogutsa, asi nguva dzose yainzvenga,” anodaro Elaine. “Kupindwa muropa kwedu kwakanga kwakasimba zvikuru. Hatina kukwanisa kukudzinga kupfurikidza nefundo nomunyengetero.”

Leonard naElaine vakatsvaka zano rokunzwisisa zvisakiso zvokupindwa muropa kwavo. Mashoko akakodzera nguva akabva ku“muranda akatendeka naakachenjera” pakubatwa zvisina kufanira kwavana, udhakwa, uye kuremekedza vakadzi ave ari eyamuro chaiyo.c (Mateo 24:45-47, NW) “Takabetserwa kugadzira kuvadziko ndokudzorera ukama hwedu,” anodaro Elaine.

Kupedza Zvinetso

Rebheka akanzwa nhamo isingatsungiririki pamusoro pavadzimai vomwanakomana wake Esau. Achitya kuti mumwe mwanakomana wake, Jakobho, aizotevera muenzaniso waEsau, Rebheka akataura kuvhiringidzika kwake kupfurikidza nokutaura kumurume wake, Isaka, kuti: “[Ini, NW] ndanetswa noupenyu hwangu nokuda kwavakunda vaHeti; kana Jakobho akawanawo mukadzi kuvakunda vaHeti, wakaita saivava, kuvakunda venyika ino, upenyu hwangu hungandibatsirei?”—Genesi 27:46.

Cherekedza kuti nepo Rebheka akataura zvakasimba pamusoro pokunzwa kwake, haana kudenha Isaka somunhu oga. Haana kuti, “Imhaka yako!” kana kuti, “Unofanira kudzora zviri nane uyu mugariro!” Panzvimbo pezvo, Rebheka akashandisa shoko rinomirira zita rokuti “Ini” kurondedzera kuti chinetso chacho chakamutapura sei. Uku kusvika kwakanyandura kunzwira urombo kwaIsaka, kwete chishuvo chake chokudzivisa manyadzi. Asinganzwi adenhwa somunhu oga, mhinduro yaIsaka kuchikumbiro chaRebheka sezviri pachena yakakurumidza.—Genesi 28:1, 2.

Varume navadzimai vanogona kudzidza mumuenzaniso waRebheka. Apo rwisano inomuka, denhai chinetso panzvimbo pomumwe nomumwe. Kufanana naRebheka, ratidzira kuvhiringidzika kwako mumurangariro wokuti chinokutapura sei. “Ndavhiringidzika nemhaka yokuti . . . ” kana kuti, “Ndinonzwa ndisinganzwisiswi nemhaka yokuti . . . ” kunoshanda zvikuru kwazvo kupfuura kuti “Unondivhiringidza!” kana kuti, “Hautongondinzwisisi!”

Zvinopfuura Tsungiriro

Roorano yavaviri vokutanga vohunhu, Adhama naEvha, yakatsungirira kwamazana amakore, ichibereka mhuri yavanakomana navanasikana. (Genesi 5:3-5) Asi ikoku hakurevi kuti roorano yavo yakanga yakafanirwa nokutevedzera. Pakuvamba, mudzimu wokuzvimirira nokuzvidzwa kwemitemo yakarurama yoMusiki zvakashatisa chisungo chavo chenyama imwe.

Nenzira yakafanana, roorano nhasi ingava ichitsungirira, bva ingashaya zvinhu zvinokosha zvekurukurirano. Kurangarira kwakasimba zvikuru namavara ohunhu asina kufanira zvingafanira kudzurwa. (Enzanisa na 2 VaKorinte 10:4, 5.) Uyu muitiro unopfuurira wedzidzo. Asi nhamburiko yacho yakakodzera. Jehovha Mwari anofarira zvikuru gadziriro yeroorano, sezvo iye ari Musiki wayo. (Maraki 2:14-16; VaHebheru 13:4) Naizvozvo, kana tikaita rutivi rwedu, tinogona kuva nechivimbo chokuti achaziva nhamburiko dzedu ndokutigovera uchenjeri nesimba zviri madikanwa zvokurapa nazvo kuputsika kupi nokupi mukurukurirano yeroorano.—Enzanisa nePisarema 25:4, 5; 119:34.

[Mashoko Omuzasi]

a Betsero nokuda kwemhuri dzezvidhakwa inokurukurwa muchinyorwa chaMukai! wechiNgezi chaMay 22, 1992, mapeji 3-7.

b Mazita akachinjwa.

c Ona nyaya dzaMukai! muchiNgezi dzaOctober 8, 1991, May 22, 1992, uye July 8, 1992.

[Bhokisi riri papeji 6]

“Marara akawana nguva yakawanda!”

MUMWE murume nomudzimai avo vakanga vachitambura nezvinetso zveroorano vakakumbirwa kuti vafungidzire kuti inguva yakawanda sei yavaipedza vachirasa marara vhiki rimwe nerimwe. Mhinduro yavo yakanga iri anenge maminiti 35 pavhiki, kana kuti maminiti 5 pazuva. Ipapo vakabvunzwa kuti inguva yakawanda sei yavaipedzera mukurukurirano pamwe chete. Murume wacho akakatyamadzwa. “Marara akawana nguva yakawanda!” iye akazivisa kudaro, achiwedzera, kuti: “Tiri kuzvinyengera timene kana tichifunga kuti maminiti mashanu pazuva inguva yakakwana yokuchengeta roorano. Uye haisati iri nguva yakaringanira zvamazvirokwazvo yokuita kuti roorano ikure.”

[Bhokisi riri papeji 7]

Tangai Mitemo Mikuru

◻ Kurukurai nhau imwe panguva (1 VaKorinte 14:33, 40)

◻ Taurai mirangariro; musapomera (Genesi 27:46)

◻ Kusarova (VaEfeso 5:28, 29)

◻ Kusatukana (Zvirevo 26:20)

◻ Vavarirai kuyanana, kwete kukunda (Genesi 13:8, 9)

[Mufananidzo uri papeji 4]

Apo rwisano inomuka, denhai chinetso panzvimbo pomumwe nomumwe

[Mufananidzo uri papeji 8]

Taurai mirangariro; musapomera

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe