RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 8/1 pp. 15-20
  • Usarega Munhu Achishatisa Tsika Dzako Dzinobetsera

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Usarega Munhu Achishatisa Tsika Dzako Dzinobetsera
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zano nokuda Kwavo uye nokuda Kwedu
  • Dzivisa Kutsauswa
  • Tsika Dzoupwerewo
  • Nhano Dzakananga DzokudziviriraNadzo Tsika Dzedu
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 46—1 VaKorinte
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 47—2 VaKorinte
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Ngwarira Shamwari Dzakaipa Mumazuva Ano Okupedzisira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • “Itai Zvinhu Zvose Nokuda Kwembiri yaMwari”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 8/1 pp. 15-20

Usarega Munhu Achishatisa Tsika Dzako Dzinobetsera

“Musanyengerwa; ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka.”—1 VAKORINTE 15:33.

1, 2. (a) Muapostora Pauro akanzwa sei kumaKristu eKorinte, uye nemhaka yei? (b) Izanoi chairo raticharangarira?

RUDO rwavabereki murangariro une simba zvakadini! Runosunda vabereki kuzvibaira nokuda kwavana vavo, kuvadzidzisa nokuvapa zano. Muapostora Pauro angave akanga asiri baba wokunyama, asi akanyorera maKristu muKorinte, kuti: “Nokuti kunyange maiva navadzidzisi vane zviuru zvine gumi muna Kristu, hamuna madzibaba mazhinji; nokuti muna Jesu Kristu ini ndakakuberekai neevhangeri.”—1 VaKorinte 4:15.

2 Pakuvamba, Pauro akanga afamba achienda kuKorinte, uko akaparidzira kuvaJudha navaGiriki. Akabetsera kuumba ungano muKorinte. Mune imwe tsamba Pauro akafananidzira tarisiro yake neiyo yaamai vanoyamwisa, asi akanga akafanana nababa kuvaKorinte. (1 VaTesaronika 2:7) Sezvinoita baba ane rudo wokunyama, Pauro akaraira vana vake vomudzimu. Ungabetserwa nezano rake roubaba kumaKristu omuKorinte: “Musanyengerwa; ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka.” (1 VaKorinte 15:33) Neiko Pauro akanyora izvozvo kuvaKorinte? Tinogona sei kushandisa zano racho?

Zano nokuda Kwavo uye nokuda Kwedu

3, 4. Chii chatinoziva nezveKorinte yomuzana rokutanga ramakore nechiverengero chayo chavagari vemo?

3 Muzana rokutanga ramakore, nyanzvi yechiGiriki yomugariro wapasi Strabo yakanyora, kuti: “Korinte inonzi ‘yakapfuma’ nemhaka yokutengeserana kwayo, sezvo iri paIsthmus uye iri huru yezviteshi zviviri zvengarava, chimwe chazvo chinonanga kuAsia, uye chimwe kuItaly; uye chinoita kuti kuve nyore kuchinjana shavo dzinobva kunyika dzose dziri mbiri.” Makore maviri ari ose Mitambo yeIsthmus yakakurumbira yaiunza mapoka makuru kuKorinte.

4 Zvakadiniko nezvavanhu vaiva mune iri guta raiva musimboti wazvose zviri zviviri chiremera chehurumende uye wokunamatwa kwoutere kwaAphrodite? Purofesa T. S. Evans akatsanangura, kuti: “Chiverengero chavagari vemo [chakanga chiri] zvimwe vanenge 400 000. Chaunga [chakanga] chine hunhu zvikuru, asi mutsika chisingazvibati, kunyange kuipa. . . . Vagari vechiGiriki veAkaya vairatidzirwa nokushingaira muungwaru nechishuvo chokudisa zvinhu zvitsva. . . . Udyire hwavo hwaigona nyore nyore kunyandura kuva namapoka.”

5. Ingozii iyo hama dzeKorinte dzakatarisana nayo?

5 Pashure penguva yakati kunyange ungano yakakamuraniswa navamwe vakanga vachiri kuda fungidziro yorudado. (1 VaKorinte 1:10-31; 3:2-9) Chinetso chikuru chakanga chiri chokuti vamwe vakanga vachiti: “Hakuna kumuka kwavakafa.” (1 VaKorinte 15:12; 2 Timotio 2:16-18) Chipi kana chipi chingave chaiva chitendero chavo chaichoicho (kana kuti chaisava chitendero), Pauro aifanira kuvaruramisa nechibvumikiso chakajeka kuti Kristu akanga “amutswa kuvakafa.” Nokudaro, maKristu aigona kuvimba kuti Mwari aizoapa “kukunda naShe wedu, Jesu Kristu.” (1 VaKorinte 15:20, 51-57) Kudai waiva ikoko, ungadai wakava mungozi here?

6. Zano raPauro riri pana 1 VaKorinte 15:33 raishanda zvikurukuru kuna vanaani?

6 Achigovera ufakazi hwakasimba hwokuti vakafa vanofanira kumutswa, Pauro akavaudza kuti: “Musanyengerwa; ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka.” Donzo reiri zano raiva nechokuita naavo vaisonganirana neungano vaisabvumirana padzidziso yorumuko. Vaingova zvavo vasina chokwadi pamusoro pepfundo ravakanga vasina kunzwisisa here? (Enzanisa naRuka 24:38.) Aiwa. Pauro akanyora kuti “vamwe pakati penyu vanoreva seiko, kuti hakuna kumuka kwavakafa,” naizvozvo avo vaibatanidzwa vaitaura kusabvumirana, vachida kuwa pakutenda. Pauro aisanoziva kuti vaigona kushatisa tsika nokufunga kwakanaka zvavamwe.—Mabasa 20:30; 2 Petro 2:1.

7. Ndoupi uri mugariro mumwe matingagona kushandisa 1 VaKorinte 15:33?

7 Tinogona sei kushandisa nyevero yaPauro pamusoro pesonganiro? Haana kureva kuti tinofanira kuramba kubetsera mumwe munhu ari muungano akanga achikuwana kwakaoma kunzwisisa ndima yeBhaibheri kana kuti dzidziso. Zvamazvirokwazvo, Judhasi 22, 23 inotikurudzira kupa betsero yengoni kuvanhu vapachokwadi vane panikiro dzakadaro. (Jakobho 5:19, 20) Zano raPauro roubaba, zvisinei, zvamazvirokwazvo rinofanira kushanda kana mumwe munhu achiramba yatinoziva kuva zvokwadi yeBhaibheri kana kuti achiramba achiita tsinhiro dzorudzi rwokupanikira kana kuti dzakaipa. Tinofanira kungwarira songaniro norudzi irworwo rwomunhu. Chokwadika, kana mumwe munhu akava muwi pakutenda chaizvoizvo, vafudzi vomudzimu vaizoita chiito kudzivirira boka.—2 Timotio 2:16-18; Tito 3:10, 11.

8. Tingaita sei nenzwisiso apo mumwe munhu anenge asingabvumirani padzidziso yeBhaibheri?

8 Tinogonawo kushandisa mashoko aPauro oubaba ari pana 1 VaKorinte 15:33 pakunouya kuavo vari kunze kweungano vanosimudzira dzidziso dzenhema. Tingakweverwa sei musonganirano navo? Kungagona kuitika kana tikasatsauranisa pakati paavo vangabetserwa kudzidza zvokwadi naavo vari kungomutsa chete denho kuti vasimudzire dzidziso yenhema. Somuenzaniso, mubasa redu rokupupurira, tingasangana nomunhu asingabvumirani pane pfundo rakati asi anodisa kurikurukurazve. (Mabasa 17:32-34) Ikoko kumene hakufaniri kupa chinetso, nokuti tinotsanangura nomufaro zvokwadi yeBhaibheri kuna ani naani anoda zvapachokwadi kuziva yakadaro, kunyange kudzokera kuzopa ufakazi hunopwisa. (1 Petro 3:15) Bva, vamwe vangasava vanofarira chaizvoizvo kuwana zvokwadi yeBhaibheri.

9. Tinofanira kuita sei kudenho kuzvitendero zvedu?

9 Vanhu vakawanda vachakurukura kwamaawa, vhiki pashure pevhiki, asi kwete nemhaka yokuti vari kutsvaka zvokwadi. Vanongoda chete kunetesa kutenda kwomumwe apo vanenge vachiratidzira dzidzo yavo vamene inofungidzirwa musayenzi yechiHebheru, chiGiriki, kana kuti yemhindumupindu. Pakusangana navo, zvimwe Zvapupu zvakanzwa zvichidenhwa uye zvakaguma zvava nesonganiro refu yakanangidzirwa pachitendero chorudzidziso rwenhema, uzivi, kana kuti chikanganiso chesayenzi. Kunokosha kuti Jesu haana kurega ikoko kuchiitika kwaari, kunyange zvazvo aigona kuva akakunda kurukurirano navakuru vorudzidziso vakanga vakadzidza muchiHebheru kana kuti chiGiriki. Apo akadenhwa, Jesu akapindura nokupfupikisa uye ipapo akatendeudzira ngwariro yake zvakare kuvanozvininipisa, makwai chaiwoiwo.—Mateo 22:41-46; 1 VaKorinte 1:23–2:2.

10. Neiko ngwariro iri madikanwa nokuda kwamaKristu ane komupiyuta uye anogona kuwana mashoko kwaanochengetwa kupfurikidza nekomupiyuta norunhare?

10 Komupiyuta dzazvino uno dzakavhura dzimwe nzira kusonganiro yakashata. Mamwe mafemu ezvokutengeserana anogonesa vazvinyoresi vanoshandisa komupiyuta norunhare kutumira mashoko kwaanochengetwa ndokuwanwa navanhu vakawanda kupfurikidza nekomupiyuta norunhare; mumwe munhu anogona nokudaro kutumira mashoko kwaanochengetwa akazaruka kuvazvinyoresi vose. Ikoku kwakatungamirira kudzinonzi kurukurirano dzamagetsi panhau dzorudzidziso. MuKristu angakweverwa mukurukurirano dzakadaro uye angapedza maawa akawanda nomufungi akawa pakutenda uyo angave akadzingwa muungano. Nhungamiro iri pana 2 Johane 9-11 inosimbisa zano raPauro roubaba pamusoro pokudzivisa songaniro dzakashata.a

Dzivisa Kutsauswa

11. Mugariro wezvokutengeserana muKorinte waigovera banzai?

11 Sezvataurwa, Korinte yakanga iri musimboti wezvokutengeserana, namashopu uye namabhizimisi zvakawanda. (1 VaKorinte 10:25) Vakawanda vaiuya nokuda kweMitambo yeIsthmus vaigara mutende, uye mukati mechinoitika ichocho vashambadzi vaitengesera mumatumba anotakurika kana kuti zvitumba zvakafukidzwa. (Enzanisa naMabasa 18:1-3.) Ikoku kwakaita kuti kubvirire Pauro kuwana basa ipapo rokugadzira matende. Uye aigona kushandisa nzvimbo yebasa kupfuuridzira mberi mashoko akanaka. Purofesa J. Murphy-O’Connor anonyora, kuti: “Ari mushopu iri mumusika une basa rakawanda . . . yakatarisa kumugwagwa wakatsvikinyidzirana vanhu Pauro aigona kusvika, kwete bedzi vashandi biyake navatengi, asiwo boka raiva kunze. Munhambo dzebasa shomanene aigona kumira pasuo ndokubata ngwariro yaavo aifunga kuti vangateerera . . . Kwakaoma kufungidzira kuti hunhu hwake hwakasimba nokupwisa kukuru hakuna kumuita nokukurumidza ‘munhu akatanhamara’ wenharaunda, uye ikoku kwaizova kwakakweva vanoda kuziva, kwete vakanga vasina zvavo chokuita asiwo avo vaitsvaka zvapachokwadi. . . . Vakadzi vakaroorwa navabatiri vavo, vakanga vanzwa nezvake, vaigona kushanya sokunge vaiuya kuzotenga. Munguva dzakaoma, apo chitambudzo kana kuti kunetswa kwakapfava zvaityisidzira, vatendi vaigona kusangana naye savatengi. Shopu yacho yakamuita kuti aonane navakuru vakuru vemanisiparati.”

12, 13. Ko 1 VaKorinte 15:33 inogona sei nenzira yakakodzera kushanda kunzvimbo yebasa?

12 Pauro angave akaziva, kunyanguvezvo, bviro yo“ushamwari hwakaipa” munzvimbo yebasa. Tinofanirawo. Nenzira inokosha, Pauro akanokora mashoko chimiro chendangariro chakanga chakatekeshera pakati pavamwe: “Ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tinofa.” (1 VaKorinte 15:32) Akatevera nokukurumidza ikoko nezano rake roubaba, rokuti: “Musanyengerwa; ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka.” Nzvimbo yebasa nokutsvakwa kwefarikanyo zvingabatanidzwa sei nokutanga ngozi inobvira?

13 MaKristu anoda kuva ane ushamwari navashandi biyawo, uye zvinoitika zvakawanda zvinoratidzira kuti ikoku kunogona kubudirira sei mukuzarura nzira yokupa uchapupu. Mushandi biyako angagona kusanzwisisa kuva noushamwari, zvisinei, sohunokoka songaniro nokuda kwokuva nenguva yakanaka pamwe chete. Iye angatambanudzira kokero isina kurongwa kuzvokudya zvamasikati, kukumira kupfupi pashure pebasa nokuda kwezvokunwa, kana kuti kunhandaro pakupera kwevhiki. Uyu munhu angaratidzika kuva ane mutsa uye akanaka, uye kokero yacho ingaratidzika kuva isina mhaka. Bva, Pauro anotinyevera, kuti: “Musanyengerwa.”

14. Mamwe maKristu akatsauswa sei kupfurikidza nesonganiro?

14 Mamwe maKristu akatsauswa. Zvishoma nezvishoma akakudziridza chimiro chendangariro chokurerutsa songaniro navashandi biyawo. Zvimwe chakakura chichibva mufariro yavose mumutambo kana kuti mubasa rokuzvifadza. Kana kuti asiri muKristu ari pabasa angava ane mutsa zvikuru naanorangarira, uko kwakatungamirira kukupedza zvitsama zvenguva zvakawedzerwa nomunhu iyeyo, kunyange kuda songaniro yakadaro kupfuura iyo yavamwe vari muungano. Ipapo songaniro yacho ingatungamirira kukupotsa musangano mumwe chete. Ingagona kureva kusvibirwa zvikuru madekwana mamwe nokupotsa muitiro wokugoverana muushumiri hwomumunda mumangwanani. Ingaguma nokutarisa bhaisikopo kana kuti vhidhiyo yorudzi urwo muKristu aizoramba kazhinji kazhinji. ‘Haiwa, ikoko kungasatongoitika kwandiri,’ tingafunga kudaro. Asi vazhinjisa vaavo vakatsauswa pakutanga vangave vakapindura nenzira iyoyo. Tinofanira kuzvibvunza timene kuti, ‘Ndakatsunga sei chaizvo kushandisa zano raPauro?’

15. Chimiroi chendangariro chakadzikama chatinofanira kuva nacho kuvavakidzani?

15 Zvatichangobva kurangarira pamusoro penzvimbo yebasa zvinoshandawo kusonganirano yedu navavakidzani. Zvamazvirokwazvo, maKristu aiva muKorinte yakare aiva navavakidzani. Mune dzimwe nzanga ndokwenguva dzose kuva noushamwari zvikuru nokutsigira vavakidzani. Munharaunda dzomumaruwa vavakidzani vangavimbana nemhaka yokuva voga. Zvisungo zvemhuri zvakasimba zvikuru mune dzimwe tsika, kuchimutsa kokero dzakawanda kuzvokudya. Sezvinooneka, murangariro wakadzikama unokosha, souyo Jesu akaratidzira. (Ruka 8:20, 21; Johane 2:21) Mukubata kwedu navavakidzani kana kuti hama dzokunyama, tinodisa kupfuurira kuita sezvataiita tisati tava maKristu here? Panzvimbo pezvo, hatifaniri here zvino kuhwirudzura kubata kwakadaro uye nenzira yokungwarira kusarudza dziri ganhuriro dzakakodzera?

16. Mashoko aJesu ari pana Mateo 13:3, 4 anofanira kunzwisiswa sei?

16 Jesu pane imwe nguva akafananidza shoko roUmambo nembeu “dzakawira panzira, shiri dzikasvika dzikadzidya.” (Mateo 13:3, 4, 19) Shure panguva iyeyo, ivhu romunzira rakava rakaoma sezvo tsoka dzakawanda dzaifamba kuenda nokudzoka pariri. Kwakadaro navanhu vakawanda. Upenyu hwavo hwakazadzwa navavakidzani, hama dzokunyama, uye vamwe vanouya nokuenda, vachivachengeta vakabatikana. Ikoku, sokunge zvakadaro, kunotsika-tsika ivhu remwoyo yavo, kuchikuita kwakaomera mbeu dzezvokwadi kudzika midzi. Kusagamuchira kwakafanana kungagona kutanga mumunhu anotova muKristu.

17. Songanirano navavakidzani navamwe dzingagona sei kutitapura?

17 Vamwe vavakidzani nehama dzokunyama vangava vane ushamwari navanobetsera, kunyange zvazvo nguva dzose vasina kuratidza fariro muzvinhu zvomudzimu kana kuti rudo nokuda kwokururama. (Marko 10:21, 22; 2 VaKorinte 6:14) Kuva kwedu maKristu hakufaniri kureva kuti tinova vasina ushamwari, vasina mutsa. Jesu akatipa zano kuratidzira fariro yapachokwadi muvamwe. (Ruka 10:29-37) Asi rakafuridzirwa nenzira yakaenzana uye riri madikanwa izano raPauro rokuva vanongwarira pamusoro pesonganiro dzedu. Sezvatinoshandisa zano rapakutanga, hatifaniri kukanganwa rapashure. Kana tisingachegeti nheyo dzose dziri mbiri mundangariro, tsika dzedu dzinogona kutapurwa. Tsika dzako dzinoenzana sei nedzedzo dzavavakidzani vako kana kuti hama dzokunyama pamusoro pokutendeseka kana kuti kuteerera mutemo waKesari? Somuenzaniso, vanganzwa kuti panguva yomutero, kushuma mari inogamuchirwa yakaderera kana kuti mhindu dzebhizimisi kunoruramiswa, kunyange kuva kuri madikanwa nokuda kwokupona. Vangataura nenzira yokunyengetedza pamusoro pemirangariro yavo muri kunwa zvenyu kofi kana kuti mukati meshanyo pfupi. Ikoko kungagona sei kutapura kufunga kwako uye tsika dzokutendeseka? (Marko 12:17; VaRoma 12:2) “Musanyengerwa; ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka.”

Tsika Dzoupwerewo

18. Neiko 1 VaKorinte 15:33 ichishandawo kupwere?

18 Vanhu vaduku vanotapurwa zvikuru nezvavanoona nokunzwa. Hausati wacherechedza here vana vane majangariko kana kuti miitiro zvakafanana zvikuru neizvo zvavabereki vavo kana kuti vana vababa namai vamwe chetevo? Hatifaniri kushamiswa, ipapo, kuti vana vangapesvedzerwa zvikuru navatambi biyavo kana kuti vokuchikoro biyavo. (Enzanisa naMateo 11:16, 17.) Kana mwanakomana wako kana kuti mwanasikana ane pwere dzinotaura nenzira yokusaremekedza nezvavabereki vadzo, kufungidzireiko kuti ikoku hakusati kuchizotapura vana vako? Zvakadini kana ivo kazhinji kazhinji vachinzwa dzimwe pwere dzichishandisa mutauro wakashata? Zvakadiniko kana vaenzani vavo kuchikoro kana kuti munharaunda vakanyandurwa nesitaera itsva yeshangu kana kuti fashoni mumabwe anokosha? Tinofanira here kufunga kuti maKristu maduku achava asingatapurwi nepesvedzero yakadaro? Pauro akataura kuti 1 VaKorinte 15:33 ine ganhuriro yezera duku here?

19. Murangariroi vabereki vanofanira kuedza kuroverera muvana vavo?

19 Kana uri mubereki, unoziva nezvezano iroro sezvaunorangarira uye unoita zvisarudzo pamusoro pavana vako here? Sezvinobvira kuchabetsera kana ukabvuma kuti ikoku hakurevi kuti dzimwe pwere dzose idzo vana vako vanadzo munharaunda kana kuti kuchikoro hadzina kunaka. Vamwe vadzo vangafadza uye vakanaka, sezvakaita vamwe vavavakidzani vako, hama dzokunyama, uye vashandi biyako. Edza kubetsera vana vako kuona ikoku uye kunzwisisa kuti wakadzikama mukushandisa kwako zano raPauro rokuchenjera, roubaba kuvaKorinte. Sezvavanonzwisisa nzira yaunodzikamisa nayo zvinhu, kunogona kuvabetsera kukutevedzera.—Ruka 6:40; 2 Timotio 2:22.

20. Pwere, idenhoi yamunotarisana nayo?

20 Imi muchiri vaduku, edzai kunzwisisa kuti mungashandisa sei zano raPauro, muchiziva kuti rinokosha kumuKristu ari wose, muduku kana kuti mukuru. Ikoku kuchava kunodenha, asi huregerereiko kuva anoda kusangana nedenho yacho? Zivai kuti nemhaka chete yokuti makaziva vamwe vedzimwe pwere idzodzo kubva pahuduku hakurevi kuti hadzigoni kutapura tsika dzenyu dzamuri kuumba sepwere dzechiKristu.—Zvirevo 2:1, 10-15.

Nhano Dzakananga DzokudziviriraNadzo Tsika Dzedu

21. (a) Idikanwoi yatinayo pamusoro pesonganiro? (b) Neiko tichigona kuva nechokwadi kuti dzimwe songaniro dzinogona kuva dzine ngozi?

21 Tose zvedu tinoda songaniro. Tinofanira kusvinurira, kunyanguvezvo, idi rokuti vasonganiri vedu vanogona kutitapura, nokuda kwezvakanaka kana kuti nokuda kwezvakaipa. Ikoko kwakabvumikisa kuva kwechokwadi naAdhama uye nomunhu ari wose mumazana amakore akapfuura chifo chenguva iyeyo. Somuenzaniso, Jehoshafati, mambo akanaka waJudha, akafarikanya nyasha dzaJehovha nechikomborero. Asi pashure pokunge abvumidza mwanakomana wake kuroora mwanasikana waMambo Ahabhi waIsraeri, Jehoshafati akavamba kusonganirana naAhabhi. Songaniro iyoyo yakashata yakadokuuraisa Jehoshafati. (2 Madzimambo 8:16-18; 2 Makoronike 18:1-3, 29-31) Kana tikaita zvisarudzo zvokusachenjera pamusoro pesonganiro dzedu, kunogona kuva kune ngozi zvakafanana.

22. Chii chatinofanira kurangarira zvakakomba, uye nei?

22 Ipapo, ngatifungei zvakakomba zano rorudo iro Pauro anotipa pana 1 VaKorinte 15:33. Iwayo haasati ari mashoko zvawo atingave takanzwa kazhinji kazhinji kwazvo zvokuti tinogona kuadzokorora nomusoro. Anoratidzira chidakadaka choubaba Pauro aiva nacho nokuda kwehama nehanzvadzi dzake dzeKorinte, uye, kupfurikidza nokutambanudzira, nokuda kwedu. Uye pasina panikiro ane zano iro Baba wedu wokudenga anogovera nemhaka yokuti anoda kuti nhamburiko dzedu dzibudirire.—1 VaKorinte 15:58.

[Mashoko Omuzasi]

a Imwe ngozi iri munochengetwa mashoko akadaro muedzo wokuisa mukomupiyuta dzavo vamene mapurogiramu kana kuti zvinyorwa zvakadzivirirwa nomutemo kutsikirirwa navamwe pasina mvumo yavaridzi vapakuvamba kana kuti vanyori, uko kungarwisana nemitemo yamarudzi ose yokudzivirira nomutemo kutsikirirwa navamwe.—VaRoma 13:1.

Unoyeuka Here?

◻ Pauro akanyora 1 VaKorinte 15:33 nokuda kwechikonzeroi chaicho?

◻ Tinogona sei kushandisa zano raPauro munzvimbo yebasa?

◻ Murangariroi wakadzikama wavavakidzani watinofanira kuva nawo?

◻ Neiko 1 VaKorinte 15:33 riri zano rakakodzera zvikuru nokuda kwepwere?

[Mufananidzo uri papeji 17]

Pauro akashandisa nzvimbo yebasa kupfuuridzira mberi mashoko akanaka

[Mufananidzo uri papeji 18]

Dzimwe pwere dzinogona kushatisatsika dzako dzechiKristu

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe