Ramba Uchikura Muzivo
“Pakutenda kwenyu . . . wedzerai kuziva.”—2 PETRO 1:5.
1, 2. (a) Chii chaungagona kudzidza nokutarira kumatenga? (VaRoma 1:20) (b) Chii chiri ukuru chaihwoihwo hwewedzero yomunhu muzivo?
CHII chaungagona kudzidza kupfurikidza nokubuda kunze pausiku hwakajeka, hwakasviba uye uchitarisa kumwedzi wakajeka nenyeredzi dzisingaverengeki? Ungagona kudzidza chimwe chinhu pamusoro poUyo akasika zvose izvozvi.—Pisarema 19:1-6; 69:34.
2 Kudai waida kuwedzera zivo iyoyo, waizokwira padenga reimba yako ndokutarisa uri ipapo here? Zvimwe kwete. Albert Einstein akamboshandisa muenzanisiro wakadaro kusimbisa pfundo rokuti masayendisiti haana kuwedzera chaizvoizvo zvikuru kwazvo muzivo yechisiko chose uye zvamazvirokwazvo zvishomanene zvikuru pamusoro poUyo akachisika.a Dr. Lewis Thomas akanyora, kuti: “Chinhu chimwe chikurusa chakaitwa chesayenzi muiri ramazana amakore rinobudirira zvikurusa mune zvesayenzi kuwana kuti hatizivi zvikuru; tinoziva zvishomanene zvikuru pamusoro pechisiko uye tinonzwisisa zvinotova zvishomanene.”
3. Wedzero yezivo inowedzera marwadzo mupfungwai?
3 Kunyange kana ukapedza makore ose asara enduramo yomuzvarirwo uchitsvaka zivo yakadaro, ungangova chete anoziva chete zvikuru kuti upenyu hupfupi sei uye kuona zvakajeka zvikuru kuti kushandisa kwomunhu zivo kwakaganhurirwa nokusakwana uye no‘kukombama’ kwenyika ino. Soromoni akasimbisa pfundo iroro, achinyora, kuti: “Muuchenjeri huzhinji mune kuchema kuzhinji; uye, unowedzera zivo, unowedzera shungu.” (Muparidzi 1:15, 18) Hungu, kuwana zivo nouchenjeri zvisina batano ipi neipi namadonzo aMwari kazhinji kazhinji kunobatanidza marwadzo nokutsamwa.—Muparidzi 1:13, 14; 12:12; 1 Timotio 6:20.
4. Izivoi yatinofanira kuda kuwana?
4 Bhaibheri riri kurumbidza kuti tisafarire kuwedzera zivo yedu here? Muapostora Petro akanyora, kuti: “Asi kurai panyasha napakuziva Ishe wedu, Muponesi Jesu Kristu. Ngaave nokubwinya zvino, nokusingaperi.” (2 Petro 3:18) Tinogona uye tinofanira kugamuchira zano iroro serinoshanda kwatiri, kutikurudzira kukura muzivo. Asi rudzii rwezivo? Tinogona sei kuwedzera mairi? Uye tiri kuita saizvoizvo chaizvoizvo here?
5, 6. Petro akasimbisa sei kuti tinofanira kuwana zivo?
5 Kuwedzera muzivo yakarurama yoMusiki wechisiko chose neyaJesu yakanga iri pfungwa huru mutsamba yechipiri yaPetro. Mukuvamba kwayo akanyora, kuti: “Nyasha ngadzive nemi norugare ngaruwanzwe pakuziva Mwari naJesu, Ishe wedu; nokuti nesimba roumwari hwake takapiwa zvose zvinodikanwa paupenyu napakunamata Mwari, nenzira yokumuziva iye wakatidana nokubwinya kwake nokunaka.” (2 Petro 1:2, 3) Naizvozvo akabatanidza kuva nomutsa usakafanirwa norugare nokuwana kwedu zivo yaMwari noMwanakomana wake. Ikoko kune mufungo, sezvo Musiki, Jehovha, ari musimboti wezivo chaiyoiyo. Munhu anotya Mwari anokwanisa kuona zvinhu nomurangariro wakanaka uye kusvika kumhedziso dzakanaka.—Zvirevo 1:7.
6 Ipapo Petro akakurudzira, kuti: “Wedzerai kunaka pakutenda kwenyu, napakunaka wedzerai kuziva; napakuziva, kuzvidzora; napakuzvidzora, kutsungirira; napakutsungirira, kunamata Mwari; napakunamata Mwari, kuda vatendi, napakuda vatendi, rudo. Nokuti kana mune zvinhu izvi, zvicharamba zvichiwanzwa, zvichakuitai vanhu vasino usimbe navasingashaiwi zvibereko pakuziva Ishe wedu, Jesu Kristu.” (2 Petro 1:5-8)b Muganhuro rinotevera, tinorava kuti kuwanwa kwezivo kunobetsera vanhu kunzvenga zvinosvibisa zvenyika. (2 Petro 2:20) Nokudaro Petro akajekesa kuti avo vari kuva maKristu vanoda zivo, sezvinoita avo vava kutobatira Jehovha. Uri murimwe ramapoka iwayo here?
Dzidza, Dzokorora, Shandisa
7. Vazhinji vakawana zivo yakarurama yezvokwadi huru dzeBhaibheri munzirai?
7 Ungave uri kuva nefundo yeBhaibheri neZvapupu zvaJehovha nemhaka yokuti unoziva kunzwika kwezvokwadi mumashoko azvo. Kamwe pavhiki, kweawa rimwe kana kuti kupfuura, munorangarira musoro weBhaibheri muchishandisa yamuro yakadai saIwe Unogona Kurarama muParadhiso Pasi pano Nokusingaperi. Zvakaisvonaka! Vazhinji vakava nefundo yakadaro neZvapupu zvaJehovha vakawana zivo yakarurama. Chii, kunyanguvezvo, chaunogona kuita kuwedzera chitsama chezvauri kudzidza somunhu oga? Hezvino zvikarakadzo.c
8. Paanenge achigadzirira fundo, chii icho mudzidzi anogona kuita kuti adzidze zvakawanda?
8 Pachine nguva mberi, sezvaunogadzirira nokuda kwefundo yako, ongorora mashoko achafukidzwa. Ikoko kunoreva kunzvera musoro weganhuro, misoro miduku, uye mifanikiso ipi neipi yashandiswa kuenzanisira mashoko acho. Ipapo, sezvaunorava ndima kana kuti chikamu chechinyorwa chacho, tsvaka mifungo mikuru namagwaro anotsigira, uchiisa mutsetse pasi kana kuti kusimbisa iwaya. Kuti uone kana wadzidza zvokwadi dzafukidzwa, edza kupindura mibvunzo iri pandima dzakasiana-siana. Mukuita ikoku, edza kuumba mhinduro mumashoko ako umene. Pakupedzisira, hwirudzura chidzidzo chacho, uchiedza kuyeuka mapfundo makuru nezvibvumikiso zvinotsigira.
9. Kushandisa zvikarakadzo pamusoro pefundo kuchabetsera sei munhu kudzidza?
9 Unogona kukarira kuwedzera muzivo kana ukashandisa izvi zvikarakadzo. Nemhaka yei kwakadaro? Chikonzero chimwe ndechokuti uchave uchisvika mashoko acho nechishuvo chokudisa kudzidza, kugadzirira ivhu, sokunge zvakadaro. Kupfurikidza nokuwana murangariro wose uye ipapo kutsvaka mapfundo makuru nemitoo yokurangarira, uchaona kuti udzame hunowirirana sei nomusoro kana kuti mhedziso. Hwirudzuro yokupedzisira ichakubetsera kuyeuka zvawadzidza. Zvakadiniko gare gare, mukati mefundo yako yeBhaibheri?
10. (a) Neiko kungodzokorora zvako maidi kana kuti mashoko matsva kuri kwoukoshi hwakaganhurirwa? (b) Chii chinobatanidzwa mu“kuyeuka kunofambira mberi kwapanhambo nenhambo”? (c) Vanakomana vechiIsraeri vangave vakabetserwa sei norudzokororo?
10 Nyanzvi mune zvedzidzo dzinoziva ukoshi hworudzokororo rwakakodzera nguva norune donzo. Ikoku hakusi kudzokororwawo zvako kwamashoko, uko ungave wakaedza muchikoro pawakanga uchidzidza zita, idi, kana kuti pfungwa nomusoro. Wakawana here, kunyanguvezvo, kuti wakakurumidza kukanganwa zvawakanga wadzokorora nomusoro, kuti zvakanga zvanyangarika nokukurumidza zvichibva muyeuko? Nemhaka yeiko? Kungodzokorora chete shoko idzva kana kuti idi kunogona kuva kunofinha, uye miuyo yacho inogara nguva pfupi. Chii chinogona kuchinja ikoko? Kuda kwako zvirokwazvo kudzidza kuchabetsera. Chimwe chinokosha kudzokorora kune donzo. Maminiti akati pashure pokunge wadzidza pfundo, risati ranyangarika muyeuko, edza kuwana mauri umene zvawadzidza. Ikoku kwakanzi “kuyeuka kunofambira mberi kwapanhambo nenhambo.” Kupfurikidza nokumutsiridza yeuko yako risati ranyangarika, unotambanudza urefu hwokuchengeta. Muna Israeri, madzibaba aifanira kuroverera mirairo yaMwari muvanakomana vavo. (Dheuteronomio 6:6, 7) “Kuroverera,” (NW) kunoreva kudzidzisa kupfurikidza norudzokororo. Sezvingabvira, mazhinji amadzibaba iwayo aitanga kupa mitemo kuvanakomana vawo; gare gare aidzokorora mashoko acho; uye ipapo aibvunza vanakomana vawo mibvunzo pamusoro pechakanga chadzidzwa.
11. Chii chinogona kuitwa mukati mefundo yeBhaibheri kuwedzera kudzidza?
11 Kana Chapupu chiri kukuitisa fundo yeBhaibheri, icho chingakubetsera kudzidza kupfurikidza nokuva nokupeta kunofambira mberi panhambo nenhambo mukati mefundo. Ikoku hakusi upwere. Hunyanzvi hunovandudza kudzidza, naizvozvo nomufaro goverana muhwirudzuro dzapanhambo nenhambo. Ipapo, pamugumo wefundo, tora rutivi muhwirudzuro yokupedzisira umo unopindura kubva muyeuko. Ungatsanangura, mumashoko ako umene, mapfundo acho sezvawaizoita mukudzidzisa mumwe munhu. (1 Petro 3:15) Ikoku kuchabetsera kuita kuti izvo wadzidza zvive rutivi rweyeuko yako yenguva refu.—Enzanisa nePisarema 119:1, 2, 125; 2 Petro 3:1.
12. Mudzidzi amene anogona kuitei kuvandudza yeuko yake?
12 Imwe nhano inobetsera ichava yokuti iwe, mukati mezuva rimwe kana kuti maviri, uudze zvawakadzidza kumumwe munhuwo zvake, zvimwe wokuchikoro biyako, mushandi biyako, kana kuti muvakidzani. Ungagona kududza musoro uye ipapo kutaura kuti unongoda chete kuona kana uchigona kuyeuka mitoo inokosha yokurangarira kana kuti magwaro anotsigira anobva muBhaibheri. Ikoko kunganyandura fariro yomumwe munhu wacho. Kunyange kana kusati, muitiro umene wokudzokorora kwako mashoko matsva pashure penhambo yezuva kana kuti maviri uchaasimbisa muyeuko yako. Ipapo uchave waadzidza chaizvoizvo, uchiita izvo 2 Petro 3:18 inokurudzira.
Kudzidza Nenzira Yokushingaira
13, 14. Nei tichifanira kuda kupfuura kungowana zvako nokuyeuka mashoko?
13 Kudzidza kunopfuura kungopinzawo zvako maidi kana kuti kukwanisa kuyeuka mashoko. Vanhu vorudzidziso muzuva raJesu vakaita ikoko neminyengetero yavo yokudzokorora. (Mateo 6:5-7) Asi vakatapurwa sei namashoko acho? Vakanga vachibereka zvibereko zvakarurama here? Nyangwe. (Mateo 7:15-17; Ruka 3:7, 8) Rutivi rwechinetso rwakanga rwuri rwokuti zivo yacho haina kunyura mumwoyo yavo, ichivatapura nokuda kwezvakanaka.
14 Mukuwirirana naPetro, kunofanira kuva kwakasiana namaKristu, shure panguva iyeyo uye zvino. Anotikurudzira kugovera kukutenda kwedu zivo iyo ingatibetsera kudzivisa kuva vasingaiti basa kana kuti vasingabereki zvibereko. (2 Petro 1:5, 8) Kuti ikoku kubvumikise kuva kwechokwadi nokuda kwedu, tinofanira kuda kukura muzivo iyoyo uye kuda kuti ititapure pasi pasi, ichinyandura mukatikati medu timene. Ikoko kungasaitika nguva dzose.
15. Chinetsoi chakavamba namaKristu echiHebheru?
15 Muzuva raPauro maKristu echiHebheru aiva nechinetso muna ikoku. Achiva vaJudha, aiva nezivo yakati yaMagwaro. Aiziva nezvaJehovha nezvimwe zvezvinodikanwa zvake. Gare gare akawedzera zivo pamusoro paMesia, akashandisa kutenda, uye akabhapatidzwa samaKristu. (Mabasa 2:22, 37-41; 8:26-36) Mumwedzi namakore, anofanira kuva akapinda misangano yechiKristu, uko aigona kugoverana mukurava magwaro nomukutsinhira. Zvisinei, mamwe haana kukura muzivo. Pauro akanyora, kuti: “Nokuti, kunyange maifanira kuva vadzidzisi zvino, kana tichitarira nguva, mofanirazve kuti muve nomumwe unokudzidzisai dzidzo dzokutanga dzokuvamba kwezvirevo zvaMwari; mava vanhu vanofanira kupiwazve mukaka, vasingapiwi zvokudya zvikukutu.” (VaHebheru 5:12) Ikoko kwaigona kuva kwakadaro sei? Kungaitikawo kwatiri here?
16. Permafrost chii, uye inotapura sei miti?
16 Somuenzanisiro, rangarira permafrost, pasi pakaomeswa nechando zvechigarire muArctic uye mudzimwe nharaunda umo tembiricha yapaavhareji iri pasi pokuoma nechando. Ivhu, matombo, uye mvura yapasi pevhu zvinoomeswa nechando kuva chinhu chakaoma, pane dzimwe nguva kusvikira kuudzame hwamamita 900. Muzhizha, kunyunguduka kungaitika muvhu rapamusoro pevhu (rinonzi rukoko runoshingaira). Zvisinei, urwu rukoko rutete rwevhu ranyunguduka kazhinji kazhinji rwune matope nemhaka yokuti mwando haugoni kupinda mupermafrost iri pasi. Miti inokura murukoko rwapamusoro rutete kazhinji kazhinji miduku kana kuti yakaondoroka; midzi yayo haigoni kupinda mupermafrost. ‘Chii,’ ungashamisika, ‘icho permafrost ine chokuita nacho kana ndiri kukura muzivo yezvokwadi yeBhaibheri?’
17, 18. Permafrost norukoko rwayo rwunoshingaira zvingashandiswa sei kuenzanisira chakatanga namaKristu echiHebheru?
17 Permafrost inosanoenzanisira mugariro womunhu ane masimba endangariro asingabatanidzwi nenzira yokushingaira nokupinza, kuyeuka, uye kushandisa zivo yakarurama. (Enzanisa naMateo 13:5, 20, 21.) Munhu wacho sezvingabvira ane mano endangariro okudzidza nhau dzakasiana-siana, kubatanidza zvokwadi yeBhaibheri. Akadzidza “dzidzo dzokutanga dzokuvamba kwezvirevo zvaMwari” uye angave akakwanirisa kubhapatidzwa, sezvakaita maKristu iwayo echiHebheru. Angave, kunyanguvezvo, asina ku“pfuurira mberi pakukwaniswa,” kuzvinhu zvinopfuura zvo“kutanga kwaKristu.”—VaHebheru 5:12; 6:1.
18 Isa muchiono mamwe amaKristu iwayo ari pamisangano shure panguva iyeyo. Akanga aripo uye akamuka, asi ndangariro dzawo dzaibatanidzwa mukudzidza here? Akanga achikura nenzira yokushingaira uye nenzira yapachokwadi muzivo here? Zvichida kwete. Nokuda kwaasina kukura mumudzimu, batanidzwo ipi neipi mumisangano yaiitika murukoko rutete runoshingaira, sokunge zvakadaro, nepo pasi pakanga pari pasi pakaomeswa nechando. Midzi yezvokwadi hukutu zvikuru kana kuti dzakaoma kunzwisisa yaisagona kupinda muiyi nharaunda yepermafrost yendangariro.—Enzanisa naIsaya 40:24.
19. MuKristu ano ruzivo rwokuzviwanira nhasi angava sei akafanana namaKristu echiHebheru?
19 Kungagona kuva kwakafanana nomuKristu nhasi. Nepo aripo pamisangano angasashandisa nhambo idzodzo kukura muzivo. Zvakadiniko nokugoverana nenzira yokushingaira mairi? Kuti munhu mutsva kana kuti muduku azvipire kurava rugwaro kana kuti kupa tsinhiro mumashoko endima kungada nhamburiko yakati, kuchiratidzira kushandiswa kwakaisvonaka nokunorumbidzwa kwamano ake. Asi Pauro akaratidza kuti navamwe, nemhaka yenguva yavakanga vave vari maKristu, vanofanira kupfuurira vachipfuura mwero iwoyo wokutanga wokutora rutivi kana vachida kuramba vachikura muzivo.—VaHebheru 5:14.
20. Kuzvinzverai uko mumwe nomumwe wedu anofanira kuita?
20 Kana muKristu ano ruzivo rwokuzviwanira asina kutongoita fambiro mberi achipfuura kurava zvako ndima yeBhaibheri kana kuti kuita tsinhiro inokosha inobva zvakananga mundima, sezvingabvira kutora rutivi kwake kwakabva mu“rukoko runoshingaira” rwapamusoro rwendangariro yake. Musangano pashure pomusangano ungagona kupfuura pasi pemano ake endangariro pachiramba mumugariro wokuomeswa nechando, kupfuuridzira muenzanisiro wedu wepermafrost. Tinofanira kuzvibvunza timene, kuti: ‘Kwakadaro neni here? Ndakarega rudzi rwakati rwepermafrost yendangariro ruchitanga here? Ndakasvinurira sei mundangariro uye ndinofarira kudzidza here?’ Kunyange kana tisingafadzwi nemhinduro dzedu dzokutendeseka, tinogona kuvamba zvino kuita nhano dzokukura muzivo.
21. Inhanoi dzakurukurwa pakuvamba dzaungagona kushandisa mukugadzirira kana kuti kupinda misangano?
21 Somunhu mumwe nomumwe tinogona kushandisa zvikarakadzo zviri mundima 8. Hazvinei hazvo nokuti tave tichisonganirana neungano kwenguva yakareba sei, tinogona kusarudza kupfuurira kuukuru mumudzimu nezivo huru zvikuru. Navamwe ikoko kuchareva kugadzirira misangano nenzira yokushingaira zvikuru, zvichida kumutsidzira miitiro yaiteverwa makore akapfuura asi iyo yakapera zvishoma nezvishoma. Sezvaunogadzirira, edza kuziva ari mapfundo makuru uye kunzwisisa magwaro asina kurovedzeka anoshandiswa kukudziridza mitoo yokurangarira. Tsvaka murangariro upi noupi mutsva kana kuti rutivi rwuri mumashoko okufunda. Nomutoo wakafanana, mukati momusangano, edza kushandisa mauri umene zvikarakadzo zvadudzwa mundima 10 ne 11. Vavarira kuva akasvinurira mundangariro, sokunge kuchengeta tembiricha yendangariro yako ichipisa. Ikoko kuchadzivisa kombamiro ipi neipi yokuti “permafrost” itange mukati; iyi nhamburiko yokuziva ichanyungudutsawo mugariro upi noupi “wakaomeswa” nechando ungave wakatanga kare.—Zvirevo 8:12, 32-34.
Zivo, YamuroKukubereka Zvibereko
22. Tichabetserwa sei kana tikashanda pakuwedzera zivo yedu?
22 Tichabetserwa sei somunhu mumwe nomumwe kana tikashanda panhau iyi yokukura mumutsa usakafanirwa nezivo zvaShe wedu noMuponesi wedu Jesu Kristu? Kupfurikidza nokuita kwedu nhamburiko yokuziva yokuchengeta masimba edu endangariro akasvinurira, takagadzirira kupinza zivo, mbeu dzezvokwadi itsva dzakaoma zvikuru kunzwisisa dzichadzikisa pasi midzi yakadzama, uye nzwisiso yedu ichawedzera ndokuva yechigarire. Ichaenzaniswa neizvo Jesu akataura mumuenzanisiro wakasiana pamusoro pemwoyo. (Ruka 8:5-12) Mbeu dzinowira paivhu rakaisvonaka dzinogona kukudza midzi yakasimba yokutsigira miti inobereka zvibereko.—Mateo 13:8, 23.
23. Miuyoi inogona kuuya apo tinorangarira zvakakomba 2 Petro 3:18? (VaKorose 1:9-12)
23 Muenzanisiro waJesu wakanga wakati sianei, bva miuyo yakanaka yakanga yakafanana neizvo Petro akapikira: “Zvino nemhaka iyi muchishingaira kwazvo wedzerai kunaka pakutenda kwenyu, napakunaka wedzerai kuziva . . . Nokuti kana mune zvinhu izvi, zvichiramba zvichiwanzwa, zvichakuitai vanhu vasinousimbe navasingashaiwi zvibereko pakuziva Ishe wedu, Jesu Kristu.” (2 Petro 1:5-8) Hungu, kukura kwedu muzivo kuchatibetsera kubereka zvibereko. Tichawana kuti kupinza zivo inotova yakawanda zvikuru kuchangoramba kuchiva kunofadza zvikuru nguva dzose. (Zvirevo 2:2-5) Zvaunodzidza zvichagara newe nyore nyore zvikuru ndokuva zvinobetsera sezvaunodzidzisa vamwe kuva vadzidzi. Naizvozvo neiyi nzirawo, uchava anobereka zvibereko zvikuru uye uchaunza mbiri kuna Mwari noMwanakomana wake. Petro akapfiga tsamba yake yechipiri, achiti: “Asi kurai panyasha napakuziva Ishe wedu, Muponesi Jesu Kristu. Ngaave nokubwinya zvino, nokusingaperi.”—2 Petro 3:18.
[Mashoko Omuzasi]
a “[Iyo] yakaenzana neiyo murume, anofarira kudzidza zvakawanda pamusoro pomwedzi, anowana apo anokwira padenga reimba yake kuti asanoona chinovheneka ichocho.”
b Kutenda nokunaka, mavara maviri okutanga muichi chikamu chamashoko, akakurukurwa muchinyorwa chedu chaJuly 15, 1993.
c Izvi zvikarakadzo zvinogona kubetserawo maKristu agara nguva refu kuwana zvakawanda kubva mufundo yawo yomunhu oga nokugadzirira misangano.
Unogona Kuyeuka Here?
◻ Neiko uchifanira kufarira kuwedzera zivo yako?
◻ Mudzidzi mutsva weBhaibheri anogona sei kuwana zvakawanda mufundo yake?
◻ Ingozii yaunoda kudzivisa, sezvaenzanisirwa nepermafrost?
◻ Nei uchifanira kusarudza kuvandudza mumano ako okuwedzera zivo?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Ndine chinetso ne“permafrost” yendangariro here?