Mhuri yechiKristu Inobetsera Vakweguru
“Regai kundirasha panguva yokukwegura kwangu; musandisiya kana ndapera simba.”—PISAREMA 71:9.
1. Vakweguru vanobatwa sei mutsika dzakawanda?
“KUNZVERA kunoratidzira kuti vanodokuva vatanhatu muvanomwe (86%) vavakwegura vanobatwa zvisakafanira nemhuri dzavo vamene,” yakadaro The Wall Street Journal. Magazini inonzi Modern Maturity yakati: “Kubatwa zvisakafanira kwavakweguru kunongova bedzi [masimba masimba omumhuri] azvino uno kuziviswa mumapeji emapepanhau enyika.” Hungu, vakweguru mutsika dzakawanda vazova vanyajambwa vokubatwa zvisakafanira kukuru nokuregeredzwa. Yedu zvirokwazvo inguva apo vakawanda vari “vanozvida . . . vasingaongi, vasati vari vatsvene, vasina rudo chairwo.”—2 Timotio 3:1-3.
2. Mukuwirirana naMagwaro echiHebheru, Jehovha anorangarira sei vakweguru?
2 Bva, haasati ariwo mabatirwe aifanira kuitwa vakweguru muna Israeri wakare. Mutemo wakati: “Unofanira kusimukira wachena vhudzi, nokukudza mutana, uye utye Mwari wako; ndini Jehovha.” Bhuku rezvirevo zvokuchenjera zvakafuridzirwa rinotipa zano, kuti: “Teerera baba vako vakakubereka; usazvidza mai vako kana vachembera.” Rinoraira, kuti: “Mwanakomana wangu, inzwa kurairira kwababa vako; usarasha kudzidzisa kwamai vako.” Mutemo waMosesi waidzidzisa ruremekedzo nokukudza vakura vemitezo yokubereka nayo yose iri miviri. Nenzira yakajeka, Jehovha anoshuva kuti vakweguru vakudzwe.—Revhitiko 19:32; Zvirevo 1:8; 23:22, NW.
Kutarisira Vakweguru Munguva dzeBhaibheri
3. Josefa akaratidza sei tsitsi nokuda kwababa vake vakwegura?
3 Ruremekedzo rwaifanira kuratidzwa kwete chete mumashoko asiwo muzviito zvokurangarira. Josefa akaratidza tsitsi huru nokuda kwababa vake vakwegura. Aida kuti Jakobho aite rwendo kubva Kanani kuenda kuEgipita, daro ramakiromita anopfuura 300. Naizvozvo Josefa akatumira kuna Jakobho “mbongoro dzine gumi, dzakanga dzakatakura zvinhu zvakaisvonaka zveEgipita, namakadzi embongoro ane gumi akanga akatakura zviyo, nechingwa, nezvokudya zvababa vake zvorwendo.” Apo Jakobho akasvika muGosheni, Josefa akaenda kwaari ndoku“wira pamutsipa wavo, akachema pamutsipa wavo nguva huru.” Josefa akaratidzira baba vake chidakadaka chikuru. Muenzaniso unonyandura zvakadini wokuitira hanya vakweguru!—Genesi 45:23; 46:5, 29.
4. Neiko Rute ari muenzaniso wakaisvonaka wokutevera?
4 Mumwe muenzaniso wakaisvonaka wokutevera mumutsa nokuda kwavakweguru ndiRute. Kunyange zvazvo akanga ari Wamarudzi, akaramba ari pedyo navamwene vake vakwegura, chirikadzi yechiJudha, Naome. Akasiya vanhu vake amene ndokupinda mungozi yokusawana mumwe murume. Apo Naome akamukurudzira kudzokera kuvanhu vake amene, Rute akapindura namamwe amashoko akaisvonaka zvikurusa ari muBhaibheri, kuti: “Musandirwaririra kuti ndikusiyei, ndirege kukuteverai; nokuti pamunoenda, neni ndichaendapowo; pamunovata, neni ndichavatapowo; vanhu venyu vachava vanhu vangu, naMwari wenyu uchava Mwari wangu; pamunondofira, ndipo pandichandofira neniwo, ndipo pandichavigwawo; Jehovha ngaandirove, arambe achidaro, kana imi neni tikaparadzaniswa nechinhu, asi norufu bedzi.” (Rute 1:16, 17) Rute akaratidzawo mavara akaisvonaka apo akanga achidisa kuroorwa naBhoazi akwegura mugadziriro yeroorano nomuramu.—Rute, ganhuro 2 kusvikira ku 4.
5. Jesu akaratidza mavarai mukubata navanhu?
5 Jesu akagadza muenzaniso wakafanana mukubata kwake navanhu. Akanga achishivirira, ane tsitsi, ane mutsa, uye achizorodza. Akava nefariro yomunhu oga mumurombo uyo akanga ave ari chirema, asingakwanisi kufamba, kwamakore 38 ndokumurapa. Akaratidza kurangarira chirikadzi. (Ruka 7:11-15; Johane 5:1-9) Kunyange mukati mamarwadzo orufu rwake runorwadza padanda rokutambudzira, akava nechokwadi chokuti amai vake, sezvinobvira vaiva mukuvamba kwama 50, vaizotarisirwa. Kunze kwokuvavengi vake vanonyengera, Jesu akanga ari songaniro inozorodza nokuda kwomunhu ari wose. Nokudaro, aigona kuti: “Uyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndichakuzorodzai. Muise joko rangu pamusoro penyu, mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndine mwoyo unozvininipisa, kuti muwane zororo pamweya yenyu.”—Mateo 9:36; 11:28, 29; Johane 19:25-27.
Ndivanaani Vakafanirwa Nokurangarira?
6. (a) Ndivanaani vakafanirwa netarisiro chaiyo? (b) Mibvunzoi yatingazvibvunza timene?
6 Sezvo Jehovha Mwari noMwanakomana wake, Jesu Kristu, vakagadza mienzaniso yakaisvonaka yakadaro munhau yokutarisira, kunongova kwakakodzera bedzi kuti maKristu akazvitsaurira atevedzere muenzaniso wavo. Pakati pedu tine vamwe vakabishaira uye vakaremedzwa kwamakore akawanda—hama nehanzvadzi vakwegura avo vakapinda mumakore anoderera oupenyu hwavo. Vamwe vangava vabereki vedu kana kuti vanasekuru. Tinovarerutsa here? Tiri vanotsigira navanozvidukupisa kwavari here? Kana kuti tinoonga zvirokwazvo ruzivo rwavo rwokuzviwanira rukuru nouchenjeri here? Chokwadi, vamwe vangaedza shiviriro yedu nezvimiro zvendangariro nohunhu izvo zvisati zviri zvisingazivikanwi navose kuukweguru. Asi zvibvunze umene kuti, ‘Ndaizova akasiana sei mumigariro iyoyo?’
7. Chii chinoratidzira kudikanwa kwokuva netsitsi navanhu vakura?
7 Kune nhau inoorora yakabva kuMiddle East pamusoro petsitsi dzomusikana muduku nokuda kwavakweguru. Vamwe ambuya vakanga vari kubetsera mukicheni uye vakadonhedza netsaona ndokuputsa ndiro yevhu. Vakagumburwa nokusangwarira kwavo vamene; mwanasikana wavo akatotsamwiswa zvikuru. Iye ipapo akadana musikana wake amene muduku ndokumutuma kuchitoro chomunzvimbomo kundotengera ambuya vake ndiro isingaputsiki. Musikana wacho akadzoka ane ndiro mbiri. Amai vake vakabvunza, kuti: “Neiko watenga ndiro mbiri?” Muzukuru, achizengurira, akapindura, kuti: “Imwe ndeyaambuya uye imwe yacho ndeyenyu apo munenge makura.” Hungu, munyika ino tose zvedu tinotarisana nekariro yokukwegura. Hatingaongi here kubatwa neshiviriro nomutsa?—Pisarema 71:9.
8, 9. (a) Tinofanira kubata sei vanhu vakura vari pakati pedu? (b) Vamwe vaavo vakava maKristu misi ichangobva kupfuura iyi vanofanira kuyeukei?
8 Usatongokanganwa kuti vakawanda vehama dzedu nehanzvadzi vakwegura vane shure kwavo chinyorwa chirefu chomubato wokutendeka wechiKristu. Zvamazvirokwazvo vakafanirwa norukudzo rwedu nokurangarira, betsero yedu yomutsa nekurudziro. Murume akachenjera akataura nomazvo, kuti: “Vhudzi rachena ikorona yakaisvonaka, inowanikwa panzira yokururama.” Uye musoro wakachena iwoyo, womunhurume kana kuti womunhukadzi, unofanira kuremekedzwa. Vamwe vaava varume navakadzi vakura vachiri kubatira samapiona akatendeka, uye varume vakawanda vanopfuurira kubatira nokutendeka savakuru muungano; vamwe vanoita basa romuenzaniso savatariri vanofambira.—Zvirevo 16:31.
9 Pauro akapa zano Timotio, kuti: “Usatuka mukuru, asi umuraire sababa, navaduku savanun’una, navakadzi vakuru samadzimai, navaduku sehanzvadzi nokuchena kwomwoyo kwose.” (1 Timotio 5:1, 2) Avo vakapinda muungano yechiKristu misi ichangobva kupfuura iyi vachibva munyika isingaremekedzi vanofanira kufunga zvakakomba mashoko aPauro, ayo akavakirwa parudo. Vaduku, musatevedzera zvimiro zvendangariro zvakashata zvamungave makaona kuchikoro. Musatsamwira zano romutsa reZvapupu zvakura. (1 VaKorinte 13:4-8; VaHebheru 12:5, 6, 11) Zvisinei, apo vakweguru nemhaka youtano hwakashata kana kuti zvinetso zvemari vanoda betsero, ndivanaani vane mutoro mukuru wokuvabatsira?
Basa Remhuri Mukutarisira Vakweguru
10, 11. (a) Mukuwirirana neBhaibheri, ndivanaani vanofanira kutungamirira mukutarisira vakweguru? (b) Neiko kusiri nyore nguva dzose kutarisira vakweguru?
10 Muungano yechiKristu yapakuvamba, zvinetso zvakamuka pamusoro pokutarisirwa kwechirikadzi. Muapostora Pauro akaratidzira sei kuti izvi zvinodikanwa zvinofanira kutarisirwa? “Kudza chirikadzi, dziri chirikadzi chaidzo. Asi kana chirikadzi ine vana kana vazukuru, ngavatange ivo kudzidza kunamata Mwari paimba yavo, vadzosere zvakafanira kuvabereki vavo, nokuti ndizvo zvinofadza Mwari. Asi kana munhu asingachengeti vokwake, zvikuru veimba yake, warasha kutenda, wakaipa kukunda usingatendi.”—1 Timotio 5:3, 4, 8.
11 Munguva dzokushaiwa, mitezo yapedyo yemhuri inofanira kuva yokutanga kubetsera vakweguru.a Neiyi nzira, vana vakura vanogona kuratidza kuonga makore orudo, basa, uye tarisiro izvo vabereki vavo vakagovera. Ikoku kungasava nyore. Sezvo vanhu vanokura, nenzira yomuzvarirwo vanoderera, uye vamwe vanotoremara. Vamwe vangava vane udyire navanoraira, zvichida vasingakuzivi. Asi apo takanga tiri vacheche, takanga tisiriwo vane udyire navanoraira here? Uye vabereki vedu havana kudisa kutibetsera here? Zvino zvinhu zvachinja muukweguru hwavo. Naizvozvo, chii chinodikanwa? Tsitsi neshiviriro.—Enzanisa na 1 VaTesaronika 2:7, 8.
12. Mavarai anodikanwa mukutarisira vakwegura—uye vamwe vose vari muungano yechiKristu?
12 Muapostora Pauro akapa zano rinoshanda apo akanyora, kuti: “Naizvozvo, savasanangurwa vaMwari, vatsvene navanodikanwa, fukai mwoyo une tsitsi, nomwoyo munyoro, nokusazvikudza, nounyoro, nomwoyo murefu; muitirane mwoyo murefu, muchikanganwirana, kana munhu ane mhosva nomumwe; [Jehovha, NW] sezvaakakukanganwirai, muite saizvozvo nemiwo. Zvino pamusoro pezvinhu izvi zvose fukai rudo, ndicho chisungo chinokwanisa.” Kana tichifanira kuratidza rudzi urwu rwetsitsi norudo muungano, hatifaniri kururatidza zvinotova zvikuru mumhuri here?—VaKorose 3:12-14.
13. Ndivanaani, kunze kwavabereki vakwegura kana kuti vanasekuru, vangada betsero?
13 Pane dzimwe nguva rudzi urwu rwebetsero rungadikanwa kwete chete navabereki kana kuti vanasekuru asiwo nedzimwe hama dzokunyama dzakwegura. Vamwe vakura vasina vana vakabatira kwamakore akawanda mubasa roufundisi, ushumiri hwokufambira, uye mumwe mubato wenguva yakazara. Vakaisa zvapachokwadi Umambo pakutanga muupenyu hwavo hwose. (Mateo 6:33) Kungasava kwakakodzera here, ipapoka, kuvaratidza mudzimu wokuitira hanya? Zvamazvirokwazvo tine muenzaniso wakaisvonaka munzira iyo Watch Tower Society inotarisira nayo mitezo yayo yemhuri yeBheteri yakwegura. Padzimbahwe reBheteri muBrooklyn napachiverengero chakati chamapazu eSosaiti, hama nehanzvadzi dzakwegura dzinoverengeka dzinowana ngwariro yezuva nezuva kumitezo yemhuri yakarovedzwa inogoverwa kuiri basa. Inofara kutarisira ava vakura sokunge vabereki vayo vamene kana kuti vanasekuru. Panguva imwe cheteyo, inodzidza zvakawanda muruzivo rwokuzviwanira rwavakura.—Zvirevo 22:17.
Basa Reungano Mukutarisira
14. Igadziriroi yakaitwa nokuda kwavakweguru muungano yechiKristu yapakuvamba?
14 Nyika dzakawanda nhasi dzine miitiro yomudyandigere wokuchembera pamwe chete nokurapa kunogoverwa neHurumende nokuda kwavakweguru. MaKristu anogona kushandisa zvakazara idzi gadziriro uko ane maruramiro okuita saizvozvo. Zvisinei, muzana rokutanga ramakore, kwakanga kusina gadziriro dzakadaro. Naizvozvo ungano yechiKristu yaiita chiito chakananga chokubetsera chirikadzi dzinoshaiwa. Pauro akaraira, kuti: “Chirikadzi ngairege kunyorwa zita, [nokuda kweyamuro yeungano] asi kana yasvika makore makumi matanhatu, yaiva mukadzi womurume mumwe chete, inorumbidzwa pamusoro pamabasa akanaka, yakarera vana, kana yaifarira vaeni, kana yaishambidza tsoka dzavatsvene, yaibatsira vari munjodzi, kana yaishingairira mabasa ose akanaka.” Nokudaro, Pauro akaratidza kuti ungano inewo basa mukubetsera vakweguru. Vakadzi vairangarira zvinhu zvomudzimu avo vakanga vasina vana vanotenda vaikwanirisa nokuda kwebetsero yakadaro.—1 Timotio 5:9, 10.
15. Neiko betsero ingadikanwa nokuda kwokuwana yamuro yeHurumende?
15 Uko kune gadziriro dzeHurumende nokuda kwavakweguru, kazhinji kazhinji idzodzi dzinobatanidza basa rokunyora ringaratidzika kuva rinoodza mwoyo. Muzvinoitika zvakadaro kwakafanira kuti vatariri vari muungano varonge kuti betsero ipiwe zvokuti vakweguru vanogona kukumbira, kutora, kana kuti kunyange kuvandudza yamuro yakadaro. Pane dzimwe nguva chinjo dzemigariro dzinogona kuguma nomudyandigere wakawedzerwa. Asi kunewo zvimwe zvinhu zvinoshanda zvakawanda izvo vatariri vanogona kuronga kuti vakweguru vatarisirwe. Ndezvipi zviri zvimwe zvaizvozvi?
16, 17. Tingaratidza mutsa kuvakweguru vari muungano munzirai dzakasiana-siana?
16 Kuratidza mutsa itsika inotambanuka shure kusvikira kunguva dzeBhaibheri. Kusvikira kuzuva rino munyika dzakawanda dzokuMiddle East, mutsa unoratidzwa kuvaeni, kusvikira hako papfundo rokupa kapu yetii kana kuti kofi. Hakushamisi, ipapoka, kuti Pauro akanyora, kuti: “Govanai navatsvene pakushaiwa kwavo; itirai vaeni rudo.” (VaRoma 12:13) Shoko rechiGiriki nokuda kwomutsa, phi·lo·xe·niʹa, chaizvoizvo rinoreva “kuda (chidakadaka, kana kuti mutsa ku) vaeni.” Kana muKristu achifanira kuva ane mutsa kuvaeni, haafaniri kuva anotova nomutsa zvikuru kuavo vane ukama naye mukutenda here? Kokero kuzvokudya kazhinji kazhinji inopa zororo rinofadza mumuitiro womunhu akura. Kana uchida inzwi rouchenjeri noruzivo rwokuzviwanira panhandaro dzenyu, batanidza vakweguru.—Enzanisa naRuka 14:12-14.
17 Kune nzira dzakawanda idzo vanhu vakura vanogona kukurudzirwa nadzo. Kana tikaumba boka remotokari kuenda kuHoro yoUmambo kana kuti kugungano, kune vamwe vanhu vakura vangafarira kutakurwa here? Usavamirira kuti vakumbire. Karakadza kuvatora. Imwe betsero inoshanda kuvaendera kundotenga zvinhu. Kana kuti kana vachikwanisa, tingaenda navo apo tinoenda kundotenga here? Asi iva nechokwadi chokuti kune nzvimbo uko vanogona kuzorora ndokuzvizorodza vamene kana ikoko kukafanira kuva kuri madikanwa. Pasina panikiro shiviriro nomutsa zvicharairwa, asi kuonga kwapachokwadi kwomunhu akwegura kunogona kuva kunotusa zvikuru.—2 VaKorinte 1:11.
Betsero Yakaisvonaka Kuungano
18. Neiko vanhu vakura vari chikomborero kuungano?
18 Chikomborero chakadini kuona vhudzi jena neimvi (uyewo misoro ine mhanza nemhaka yezera) muungano! Kunoreva kuti pakati pesimba ravaduku, tine uchenjeri noruzivo rwokuzviwanira zvakapararira—betsero chaiyoiyo kuungano ipi neipi. Zivo yavo yakafanana nemvura inozorodza inofanira kucherwa mutsime. Kuri sokutaura kunoita Zvirevo 18:4, kuti: “Mashoko omuromo womunhu akaita semvura yakadzika; sorukova runoyerera, setsime rouchenjeri.” Kunokurudzira sei kuti vakura vanzwe kuti vanodiwa uye vanoongwa!—Enzanisa nePisarema 92:14.
19. Vamwe vakarega sei zvimwe zvinhu nokuda kwavabereki vavo vakwegura?
19 Vamwe vari mubasa renguva yakazara vakanzwa kudikanwa kwokurega ropafadzo dzavo kuti vadzokere kumusha kundotarisira vabereki vakwegura, vanorwara. Vakarega zvimwe zvinhu nokuda kwaavo vakamborega zvimwe zvinhu nokuda kwavo. Varoorani vaviri, vaichimbova vafundisi uye vachiri mubasa renguva yakazara, vakadzokera kumusha kundotarisira vabereki vavo vakwegura. Vakaita ikoku kwamakore anopfuura 20. Makore mana apfuura amai vomurume wacho vaifanira kuiswa mumusha munochengeterwa chembere. Murume wacho, zvino ava namakore ari omuma 60, anoshanyira amai vake vane makore 93 okukura zuva riri rose. Iye anotsanangura, kuti: “Ndingagona sei kuvasiya? Ndiamai vangu!” Mune zvimwe zvinoitika ungano navanhu vamwe navamwe vakazvipira ndokuzvipira kutarisira vakura kuti vana vavo vagogona kuramba vari mumigove yavo. Rudo rusina udyire rwakadaro rwakafanirwawo nerumbidzo huru. Mugariro mumwe nomumwe unofanira kutarisirwa nenzira yokungwarira nemhaka yokuti vakweguru havafaniri kuregeredzwa. Ratidza kuti unoda vabereki vako vakwegura.—Eksodho 20:12; VaEfeso 6:2, 3.
20. Muenzanisoi uyo Jehovha akatipa mukutarisira vakweguru?
20 Zvamazvirokwazvo, hama dzedu nehanzvadzi vakakura ikorona yorunako yemhuri kana kuti ungano. Jehovha akati: “Kusvikira makwegura, ndini iye, ndichakutakurai kusvikira vhudzi renyu rachena; ini ndakakuitai, ndichakutakurai, zvirokwazvo ndichakusimudzai, nokukurwirai.” Ngatiratidzei shiviriro imwe cheteyo neitiro hanya kuhama dzedu nehanzvadzi dzakura dziri mumhuri yechiKristu.—Isaya 46:4; Zvirevo 16:31.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwezvikarakadzo zvine udzame pamusoro peizvo mitezo yemhuri inogona kuita kubetsera vakweguru, ona Nharireyomurindi, June 1, 1987, mapeji 13-18.
Unoyeuka Here?
◻ Mienzanisoi yeBhaibheri yatinayo yokutarisira vakweguru?
◻ Tinofanira kubata sei vakweguru?
◻ Mitezo yemhuri inogona sei kutarisira vadiwa vayo vakwegura?
◻ Chii icho ungano inogona kuita kubetsera vakweguru?
◻ Neiko vakweguru vari chikomborero kwatiri tose zvedu?
[Mufananidzo uri papeji 23]
Rute akaratidza Naome akwegura mutsanoruremekedzo
[Mufananidzo uri papeji 24]
Vakweguru mitezoinokosheswa yeungano