RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 9/15 pp. 9-14
  • Tsungiriro—Inokosha Nokuda kwamaKristu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tsungiriro—Inokosha Nokuda kwamaKristu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Tsungiriro—Chainoreva
  • Tsungiriro—Neiko?
  • Tsungirira KusvikiraKumugumo—Seiko?
  • “Kutsungirira Ngakupedze Basa Rakwo”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Ramba Uri Pedyo neSangano raJehovha
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Tsungiriro Inowana Rukundo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • ‘Vanofara Avo Vakatsungirira’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 9/15 pp. 9-14

Tsungiriro—Inokosha Nokuda kwamaKristu

“Goverai kukutenda kwenyu . . . tsungiriro.”—2 PETRO 1:5, 6, NW.

1, 2. Nei tose zvedu tichifanira kutsungirira kusvikira kumugumo?

MUTARIRI anofambira nomudzimai wake vakanga vari kushanyira muKristu biyavo aiva namakore ari muma 90. Iye akanga apedzera makumi amakore muushumiri hwenguva yakazara. Sezvo vaitaura, hama yakura yakayeuka dzimwe dzeropafadzo dzayakanga yafarikanya mumakore ose apfuura. “Asi,” yakachema kudaro sezvo misodzi yakatanga kuyerera muchiso chayo, “zvino handikwanisi kuita zvakawanda zvechinhu chipi nechipi.” Mutariri anofambira akazarura Bhaibheri rake ndokurava Mateo 24:13, apo Jesu Kristu anonokorwa mashoko seanoti: “Unotsungirira kusvikira pakuguma, uchaponeswa.” Ipapo mutariri akatarira hama inodiwa ndokuti: “Mugove wokupedzisira tose zvedu tinawo, pasinei zvapo nokuti tinogona kuita zvakawanda sei kana kuti zvishomanene sei, ndewokutsungirira kusvikira kumugumo.”

2 Hungu, samaKristu tose zvedu tinofanira kutsungirira kusvikira kumugumo wetsika ino yezvinhu kana kuti kusvikira kumugumo woupenyu hwedu. Hakuna imwe nzira yokugamuchira nayo tendero yaJehovha nokuda kworuponeso. Tiri munhangemutange youpenyu, uye tinofanira ku“mhanya nokutsungirira” kutozosvikira tapfuura mutsetse wokupedza. (VaHebheru 12:1) Muapostora Petro akasimbisa ukoshi hweiri vara apo akakurudzira maKristu biyake, kuti: “Goverai kukutenda kwenyu . . . tsungiriro.” (2 Petro 1:5, 6, NW) Asi chii zvomenemene chiri tsungiriro?

Tsungiriro—Chainoreva

3, 4. Kutsungirira kunorevei?

3 Chii chinoreva kutsungirira? Chiito chechiGiriki nokuda kwo“kutsungirira” (hy·po·meʹno) chinoreva chaizvoizvo “kuramba kana kuti kugara uri pasi pe.” Rinooneka ka 17 muBhaibheri. Mukuwirirana navanyori vamaduramashoko W. Bauer, F. W. Gingrich, uye F. Danker, chinoreva “kurambira panzvimbo pokutiza . . . , kutsinga, kuomerera.” Zita rechiGiriki nokuda kwa“tsungiriro” (hy·po·mo·neʹ) rinooneka kanopfuura ka 30. Pamusoro paro, A New Testament Wordbook, rakanyorwa naWilliam Barclay, rinoti: “Iyo chimiro chendangariro chinogona kutsungirira zvinhu, kwete chete nokurega, asi netariro yokushingaira . . . Ivara rinochengeta munhu akamira akatarisa mhepo. Ivara rinogona kushandura muedzo wakaoma zvikurusa kuva mbiri nemhaka yokuti seri kwamarwadzo rinoona nharidzano.”

4 Tsungiriro, ipapoka, inotigonesa kutsinga ndokusarasikirwa netariro mukutarisana nemhinganidzo kana kuti nhamo. (VaRoma 5:3-5) Inotarira seri kwamarwadzo aripo kusvikira kunharidzano—mubairo, kana kuti chipo, choupenyu husingagumi, mungave mudenga kana kuti pasi pano.—Jakobho 1:12.

Tsungiriro—Neiko?

5. (a) Nei maKristu ose achi“fanira kuva nokutsungirira”? (b) Miedzo yedu ingakamurwa kuva mumapokai maviri?

5 SamaKristu, tose zvedu tino“fanira kuva nokutsungirira.” (VaHebheru 10:36) Neiko? Zvikurukuru nemhaka yokuti tino“wira mumiidzo mizhinji.” Rugwaro rwechiGiriki pano pana Jakobho 1:2 runokarakadza kusangana kusingakarirwi kana kuti kusingafadzi, seapo munhu anonangana negororo. (Enzanisa naRuka 10:30.) Tinosangana nemiedzo ingakamurwa kuva mapoka maviri: iyo inozivikanwa navose kuvanhu somuuyo wechivi chakagarwa nhaka, uye iyo inotanga nemhaka yokuzvipira kwedu kwoumwari. (1 VaKorinte 10:13; 2 Timotio 3:12) Ndeipi iri mimwe yeiyi miedzo?

6. Chimwe Chapupu chakatsungirira sei apo chakanangana nechirwere chinorwadza?

6 Chirwere chakakomba. Kufanana naTimotio, mamwe maKristu anofanira kutsungirira “kurwara kuzhinji.” (1 Timotio 5:23, NW) Zvikurukuru apo tinenge tatarisana nechirwere chenguva refu, zvichida chinorwadza zvikuru, tinofanira kutsungirira, kutsinga, nebetsero yaMwari ndokusakanganwa tariro yedu yechiKristu. Rangarira muenzaniso wechimwe Chapupu chine makore ari mukuvamba kwama 50 icho chakarwa hondo yenguva refu, yakaoma mukurwisana nemota rinouraisa rinokura nokukurumidza. Mukuvhiiwa kuviri icho chakaramba chakatsiga muchisarudzo chacho chokusabvuma kuisirwa ropa. (Mabasa 15:28, 29) Asi mota racho rakaonekazve mudumbu racho ndokupfuurira kukura pedyo nomuzongoza wacho. Sezvaraidaro, chakatambura marwadzo omuviri asingafungidziriki ayo asina chitsama chomushonga chaigona kunyaradza. Bva, icho chakatarira seri kwamarwadzo aripo kusvikira kumubairo woupenyu munyika itsva. Chakapfuurira kugoverana tariro yacho yokushingaira navanachiremba, vakoti, uye vashanyi. Chakatsungirira kusvikira kumugumo chaiko—mugumo woupenyu hwacho. Chinetso chako choutano chingasava chinotyisidzira upenyu kana kuti chinorwadza seicho chakatamburwa nehama iyoyo inodiwa, asi chichiri chingangopa muedzo mukuru wetsungiriro.

7. Tsungiriro inobatanidza rudzii rwamarwadzo nokuda kwedzimwe dzehama nehanzvadzi dzedu dzomudzimu?

7 Marwadzo emirangariro. Nguva nenguva, vamwe vavanhu vaJehovha vanonangana na“marwadzo omwoyo” anoguma “nomudzimu wakaputsika.” (Zvirevo 15:13, NW) Kuora mwoyo kwakakomba hakusati kuri kusingazivikanwi navose muidzi “nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo.” (2 Timotio 3:1, NW) Science News yaDecember 5, 1992, yakashuma, kuti: “Mwero yokuora mwoyo kwakakomba, kunowanzoremadza yakawedzera muchizvarwa chimwe nechimwe chinotevera chakaberekwa chifo cha 1915.” Zvisakiso zvokuora mwoyo kwakadaro zvakasiana-siana, kubvira pazvinhu zvomundangariro kusvikira kuzvinoitika zvisingafadzi nenzira inorwadza. Nokuda kwamamwe maKristu, tsungiriro inobatanidza kurwisa kwezuva nezuva kuti atsinge mukutarisana namarwadzo emirangariro. Bva, haaneti. Anoramba akatendeka kuna Jehovha pasinei zvapo nemisodzi.—Enzanisa nePisarema 126:5, 6.

8. Muedzoi wezvemari watinganangana nawo?

8 Miedzo yakasiana-siana yatinonangana nayo ingabatanidza nhamo yakakomba yezvemari. Apo imwe hama muNew Jersey, U.S.A., yakazviwana imene kamwe kamwe isina basa, nenzira inonzwisisika yakanga ichiitira hanya pamusoro pokudyisa mhuri yayo nokusarasikirwa nomusha wayo. Zvisinei, haina kukanganwa tariro yoUmambo. Apo yakanga ichitsvaka rimwe basa, yakashandisa banza racho kubatira sapiona webetsero. Pakupedzisira, yakawana basa.—Mateo 6:25-34.

9. (a) Kurasikirwa nomudiwa murufu kungaraira sei tsungiriro? (b) Magwaroi anoratidza kuti hakuna kuipa kubudisa misodzi yenhamo?

9 Kana wakatambura kurasikirwa nomudiwa murufu, unoda tsungiriro inogara nguva refu pashure pokunge avo vakakupoteredza vadzokera kumuitiro wavo wenguva dzose. Ungatowana kuti kwakakuomera zvikuru gore rimwe nerimwe panenge panguva iyo mudiwa wako akafa. Kutsungirira kurasikirwa kwakadaro hakusati kuchireva kuti kudzikisa misodzi yenhamo kwakaipa. Ndokwomuzvarirwo kuchema rufu rwomumwe munhu wataida, uye ikoku hakusati kuchitongoratidzira kushaikwa kwokutenda tariro yorumuko. (Genesi 23:2; enzanisa naVaHebheru 11:19.) Jesu “akachema misodzi” pashure pokunge Razaro afa, kunyange zvazvo Iye akanga audza Marta nechivimbo, kuti: “Hanzvadzi yako ichamuka.” Uye Razaro akamuka!—Johane 11:23, 32-35, 41-44.

10. Nei vanhu vaJehovha vane kudikanwa chaiko kwetsungiriro?

10 Mukuwedzera kukutsungirira miedzo inozivikanwa navose kuvanhu vose, vanhu vaJehovha vane kudikanwa chaiko kwetsungiriro. “Muchavengwa namarudzi ose nokuda kwezita rangu,” akanyevera kudaro Jesu. (Mateo 24:9) Iye akatiwo: “Kana vakanditambudza ini, vachakutambudzai nemiwo.” (Johane 15:20) Neiko pane ruvengo rwose nechitambudzo? Nemhaka yokuti pasinei zvapo nokwatinogara papasi rino savabatiri vaMwari, Satani ari kuedza kuputsa perero yedu kuna Jehovha. (1 Petro 5:8; enzanisa naZvakazarurwa 12:17.) Nedonzo irori Satani kazhinji kazhinji akaparira chitambudzo, achiedza zvakakomba tsungiriro yedu.

11, 12. (a) Zvapupu zvaJehovha navana vazvo zvakatarisana nomuedzoi wetsungiriro muma 1930 nokuvamba kwama 1940? (b) Nei Zvapupu zvaJehovha zvisingakwazisi chiratidzo chorudzi?

11 Somuenzaniso, muma 1930 nokuvamba kwama 1940, Zvapupu zvaJehovha navana vazvo muUnited States neCanada zvakava vanyajambwa vechitambudzo nemhaka yokuti zvakanga zvisingakwazisi chiratidzo chorudzi nokuda kwezvikonzero zvehana. Zvapupu zvinoremekedza chiratidzo chorudzi mazvinogara marwuri, asi zvinowirirana nenheyo inoratidzwa muMutemo waMwari uri pana Eksodho 20:4, 5, inoti: “Usazviitira mufananidzo wakavezwa, kana uri mufananidzo wechinhu chiri kudenga kumusoro, kana wechiri panyika pasi, kana wechiri mumvura pasi penyika. Usafugamira izvozvo, kana kuzvishumira; nokuti ini Jehovha, Mwari wako, ndiri Mwari une godo.” Apo vana vechikoro vaiva Zvapupu vakadzingwa nemhaka yokuti vaishuva kunangidzira kunamata kwavo kuna Jehovha Mwari bedzi, Zvapupu zvakatanga Zvikoro zvoUmambo nokuda kwokurairidzwa kwavo. Ava vadzidzi vakadzokera kuzvikoro zvehurumende apo Dare Rapamusoro reUnited States rakabvuma chimiro chavo chorudzidziso, sezvinoita marudzi anonzwisisa nhasi. Zvisinei, tsungiriro youshingi yaava vaduku inobatira somuenzaniso wakaisvonaka zvikurukuru nokuda kwepwere dzechiKristu idzo zvino dzingatarisana nokusekwa nemhaka yokuti dzinovavarira kurarama mukuwirirana nemipimo yeBhaibheri.—1 Johane 5:21.

12 Miedzo yakasiana-siana yatinonangana nayo—yose iri miviri iyo inozivikanwa navose kuvanhu neiyo tinotarisana nayo nemhaka yokutenda kwedu kwechiKristu—inoratidzira chikonzero nei tichida tsungiriro. Asi tinogona sei kutsungirira?

Tsungirira KusvikiraKumugumo—Seiko?

13. Jehovha anogovera sei tsungiriro?

13 Vanhu vaMwari vane betsero chaiyoiyo kupfuura avo vasinganamati Jehovha. Nokuda kwebetsero, tinogona kukumbira kuna “Mwari wokutsungirira.” (VaRoma 15:5) Kunyanguvezvo, Jehovha anogovera sei tsungiriro? Imwe nzira yaanoita nayo kudaro iri kupfurikidza nemienzaniso yetsungiriro iri muShoko rake, Bhaibheri. (VaRoma 15:4) Sezvatinorangarira iyoyi, hatisati tichingokurudzirwa bedzi kutsungirira asi tinodzidzawo zvakawanda pamusoro penzira yokutsungirira nayo. Rangarira mienzaniso miviri yakatanhamara—tsungiriro youshingi yaJobho netsungiriro isina chikanganiso yaJesu Kristu.—VaHebheru 12:1-3; Jakobho 5:11.

14, 15. (a) Jobho akatsungirira miedzoi? (b) Jobho akakwanisa sei kutsungirira miedzo yaakatarisana nayo?

14 Migariroi yakaedza tsungiriro yaJobho? Akatambura nhamo yezvemari apo akarasikirwa nezvizhinjisa zvezvinhu zvake. (Jobho 1:14-17; enzanisa naJobho 1:3.) Jobho akanzwa marwadzo okurasikirwa apo gumi vose vavana vake vakaurawa nedutu. (Jobho 1:18-21) Iye akatambura chirwere chakakomba, chinorwadza zvikuru. (Jobho 2:7, 8; 7:4, 5) Mudzimai wake amene akamudzvinyirira kuti abve kuna Mwari. (Jobho 2:9) Shamwari dzapedyo dzakataura zvinhu zvakanga zvichikuvadza, zvisiri zvomutsa, uye zvisiri zvechokwadi. (Enzanisa Jobho 16:1-3 naJobho 42:7.) Muna ikoku kwose, zvisinei, Jobho akatsinga, achichengeta perero. (Jobho 27:5) Zvinhu zvaakatsungirira zvakafanana nemiedzo iyo vanhu vaJehovha vanosangana nayo nhasi.

15 Jobho akakwanisa sei kutsungirira miedzo yose iyoyo? Chinhu chimwe zvikuru chakatsigira Jobho yakanga iri tariro. “Kune tariro kunyange nokuda kwomuti,” iye akazivisa kudaro. “Kana ukatemwa, iwo uchatotungirazve, uye davi rawo umene hariregi kuvapo.” (Jobho 14:7, NW) Itariroi iyo Jobho aiva nayo? Sezvakanyorwa ndima shomanene gare gare, iye akati: “Kana munhu achinge afa, ungararamazve here? . . . Maizodana, ini ndikakupindurai; maishuva [kana kuti, kuda] basa ramaoko enyu.” (Jobho 14:14, 15) Hungu, Jobho akaona seri kwamarwadzo ake aivapo. Iye aiziva kuti miedzo yake yaisazogara nokusingaperi. Zvikurukuru aifanira kutsungirira kutozosvikira parufu. Kariro yake ine tariro yakanga iri yokuti Jehovha, uyo anoshuva nenzira yorudo kumutsa vakafa, aizomudzorera kuupenyu.—Mabasa 24:15.

16. (a) Chii chatinodzidza pamusoro petsungiriro mumuenzaniso waJobho? (b) Tariro yoUmambo inofanira kuva chaiyoiyo sei kwatiri, uye nei?

16 Chii chatinodzidza mutsungiriro yaJobho? Kuti titsungirire kusvikira kumugumo, hatitongofaniri kukanganwa tariro yedu. Yeukawo kuti uchokwadi hwetariro yoUmambo hunoreva kuti kutambura kupi nokupi kwatinonangana nako ndo“kwechinguvana” zvikuru. (2 VaKorinte 4:16-18, NW) Tariro yedu inokosha yakavakirwa zvakasimba pachipikirwa chaJehovha chenguva munguva yemberi iri pedyo apo “uchapisika misodzi yose pameso [edu]; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo.” (Zvakazarurwa 21:3, 4) Tariro iyoyo, iyo “isingatungamiriri kukuora mwoyo,” inofanira kurinda kufunga kwedu. (VaRoma 5:4, 5, NW; 1 VaTesaronika 5:8) Inofanira kuva chaiyoiyo kwatiri—chaiyoiyo kwazvo zvokuti kupfurikidza nameso okutenda, tinogona kuzviisa timene muchiono tiri munyika itsva—tisisiri kurwisana nechirwere nokuora mwoyo asi tichimuka zuva rimwe nerimwe tine utano hwakanaka uye nendangariro yakachena; tisisiri kunetsekazve pamusoro pedzvinyiriro dzakakomba dzezvemari asi tichirarama muchengeteko; tisisiri kuchema rufu rwavadiwa asi tichiwana mufaro wokuvaona vachimutswa. (VaHebheru 11:1) Tisina tariro yakadaro tinogona kuva vanokurirwa kwazvo nemiedzo yedu iripo zvokuti tinoneta. Tine tariro yedu, isundo huru zvakadini yatinayo yokuramba tichirwa, yokuramba tichitsungirira kusvikira kumugumo chaiko!

17. (a) Jesu akatsungirira miedzoi? (b) Kutambura kukuru uko Jesu akatsungirira sezvingabvira kungaonwa muidii? (Ona mashoko omuzasi.)

17 Bhaibheri rinotikurudzira ku“sanotarira” Jesu ndoku‘sanomurangarira.’ Miedzoi yaakatsungirira? Mimwe yayo yakabva muchivi nokusakwana zvavamwe. Jesu akatsungirira kwete bedzi “kukakavara kwakaitwa navatadzi” asiwo zvinetso zvakamuka pakati pavadzidzi vake, kubatanidza kukakavadzana kwavo vakakavadzanazve pamusoro pokuti ndiani akanga ari mukurusa. Kupfuura izvozvo, iye akanangana nomuedzo usingaenzaniswi wokutenda. Aka“tsungirira danda rokutambudzira.” (VaHebheru 12:1-3, NW; Ruka 9:46; 22:24) Kwakaoma kunyange kufungidzira kutambura mundangariro nomumuviri kwakabatanidzwa mumarwadzo okurovererwa namanyadzi okuuraiwa somutuki waMwari.a

18. Mukuwirirana nomuapostora Pauro, zvinhui zviviri zvakatsigira Jesu?

18 Chii chakagonesa Jesu kutsungirira kusvikira kumugumo? Muapostora Pauro anodudza zvinhu zviviri zvakatsigira Jesu: ‘mikumbiro neteterero’ uyewo “mufaro wakaiswa pamberi pake.” Jesu, Mwanakomana akakwana waMwari, haana kunyara kukumbira betsero. Akanyegetera “nokuchema kukuru nemisodzi.” (VaHebheru 5:7; 12:2) Akakuwana kuri madikanwa kunyengetera anyengeterazve uye zvapachokwadi nokuda kwesimba zvikurukuru apo kutongwa kwake kukurusa kwakanga kuri kusvika. (Ruka 22:39-44) Mumhinduro kumikumbiro yaJesu, Jehovha haana kubvisa muedzo wacho, asi akasimbisa Jesu kuti autsungirire. Jesu akatsungirirawo nemhaka yokuti akatarira seri kwedanda rokutambudzira kusvikira kutuso yake—mufaro waaizova nawo mukubetsera kukutsveneswa kwezita raJehovha nokudzikinurwa kwemhuri yavanhu murufu.—Mateo 6:9; 20:28.

19, 20. Muenzaniso waJesu unotibetsera sei kuva nomurangariro wechokwadi weizvo tsungiriro inobatanidza?

19 Mumuenzaniso waJesu, tinodzidza chiverengero chakati chezvinhu zvinotibetsera kuva nomurangariro wechokwadi weizvo tsungiriro inobatanidza. Kutsungirira hakusi nyore. Kana tiri kukuwana kuva kwakaoma kutsungirira muedzo wakati, mune nyaradzo mukuziva kuti zvimwe chetezvo ndizvo zvazvakanga zvakaita kunyange nezvaJesu. Kuti titsungirire kusvikira kumugumo, tinofanira kunyengeterera tanyengetererazve simba. Apo tinenge tiri mumuedzo padzimwe nguva tinganzwa tisina kufanirwa nokunyengetera. Asi Jehovha anotikoka kuti tidurure mwoyo yedu kwaari ‘nemhaka yokuti anotiitira hanya.’ (1 Petro 5:7) Uye nemhaka yeizvo Jehovha akapikira muShoko rake, akazvipa amene musengwa wokugovera “simba rinopfuura renguva dzose” kuavo vanodana paari mukutenda.—2 VaKorinte 4:7-9, NW.

20 Pane dzimwe nguva tinofanira kutsungirira nemisodzi. Nokuda kwaJesu marwadzo edanda rokutambudzira akanga asati ari maari amene chikonzero chokufara. Panzvimbo pezvo, mufaro wakanga uri mutuso yakaiswa pamberi pake. Muchinoitika chedu hakusati kuri kwechokwadi kukarira kuti nguva dzose tichanzwa tichifara uye tichifadzwa apo tinenge tiri mumuedzo. (Enzanisa naVaHebheru 12:11.) Kupfurikidza nokutarira mberi kutuso, zvisinei, tingakwanisa “kukurangarira kwose kuva mufaro” kunyange apo tinosangana nemigariro inotambudza zvikurusa. (Jakobho 1:2-4, NW; Mabasa 5:41) Chinhu chinokosha ndechokuti tirambe takatsiga—kunyange kana kuchifanira kuva nemisodzi. Pashure pokurangarira zvose, Jesu haana kuti, ‘Iye anobudisa chitsama chiduku chemisodzi uchaponeswa’ asi, “Unotsungirira kusvikira pakuguma, uchaponeswa.”—Mateo 24:13.

21. (a) Pana 2 Petro 1:5, 6, tinokurudzirwa kugovera chii kutsungiriro yedu? (b) Mibvunzoi icharangarirwa munyaya inotevera?

21 Tsungiriro nokudaro inokosha nokuda kworuponeso. Zvisinei, pana 2 Petro 1:5, 6, tinokurudzirwa kugovera kuzvipira kwoumwari kutsungiriro yedu. Chii chiri kuzvipira kwoumwari? Kune chokuita sei netsungiriro, uye unogona sei kukuwana? Iyi mibvunzo icharangarirwa munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

a Kutambura kukuru uko Jesu akatsungirira sezvinobvira kungaonwa muidi rokuti upenyu hwake hwakakwana hwakapera pashure chaipo pamaawa mashomanene ari padanda, nepo vaiti vezvakaipa vakaroverwa parutivi pake vaifanira kugurwa makumbo avo kukurumidzisa rufu. (Johane 19:31-33) Vakanga vasina kutambura mundangariro nomumuviri kwakaitwa pana Jesu mukati menhamo yousiku hwose hwokusarara yakatangira kurovererwa, zvichida kusvikira papfundo apo aisagona kunyange kutakura danda rake amene rokutambudzira.—Marko 15:15, 21.

Waizopindura Sei?

◻ Kutsungirira kunorevei?

◻ Nei vanhu vaJehovha vane kudikanwa chaiko kwetsungiriro?

◻ Chii chakagonesa Jobho kutsungirira?

◻ Muenzaniso waJesu unotibetsera sei kuva nomurangariro wechokwadi wetsungiriro?

[Mufananidzo uri papeji 10]

Zvikoro zvoUmambo zvakatangwa kuti zvidzidzise vana vechiKristu vakadzingwa muchikoro nokuda kwokunangidzira kunamata kwavo kuna Jehovha bedzi

[Mufananidzo uri papeji 12]

Akatsunga kukudza Baba vake, Jesu akanyengeterera simba rokutsungirira

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe