Govera Kutsungiriro Yako Kuzvipira Kwoumwari
“Goverai kukutenda kwenyu . . . tsungiriro, kutsungiriro yenyu kuzvipira kwoumwari.”—2 PETRO 1:5, 6, NW.
1, 2. (a) Kutanga muma 1930, chii chakaitika kuZvapupu zvaJehovha munyika dzaiva mukudzora kweNazi, uye nei? (b) Vanhu vaJehovha vakaita sei muuku kubatwa kwakakasharara?
YAKANGA iri nhambo isingafadzi munhau yezana ramakore rechi 20. Kutanga muma 1930, zviuru zveZvapupu zvaJehovha munyika dzaiva mukudzora kweNazi zvakasungwa nenzira isina kururama ndokukandirwa mumisasa yechibharo. Neiko? Nemhaka yokuti zvakatsunga kuramba zvisingatori rutivi ndokuramba kukudza Hitler. Zvaibatwa sei? “Hakuna rimwe boka ravasungwa . . . rakaratidzirwa kuutsinye hweboka ravarwi veSS nomutoo wakadaro sezvakaitwa Vadzidzi veBhaibheri [Zvapupu zvaJehovha]. Hwakanga huri utsinye hwairatidzirwa nenhevedzano isingagumi yokutambudzwa mumuviri nomundangariro, zvakafanana nazvo zvisina mutauro munyika unogona kutaura.”—Karl Wittig, aichimbova mukuru mukuru wehurumende yeGermany.
2 Zvapupu zvakaita sei? Mubhuku rake rinonzi The Nazi State and the New Religions: Five Case Studies in Non-Conformity, Dr. Christine E. King akati: “Hurumende haina kubudirira mukurwisana bedzi neZvapupu [mukupesana namamwe mapoka orudzidziso].” Hungu, Zvapupu zvaJehovha zvose hazvo zvakatsiga, kunyange zvazvo nokuda kwamazana azvo, ikoku kwaireva kutsungirira kusvikira papfundo rorufu.
3. Chii chakagonesa Zvapupu zvaJehovha kutsungirira miedzo yakakomba?
3 Chii chakagonesa Zvapupu zvaJehovha kutsungirira miedzo yakadaro kwete bedzi muGermany yeNazi asi munyika yose zvayo? Baba vazvo vokudenga vakazvibetsera kutsungirira nemhaka yokuzvipira kwazvo kwoumwari. “Jehovha anoziva nzira yokununura nayo vanhu vokuzvipira kwoumwari mumuedzo,” muapostora Petro anotsanangura kudaro. (2 Petro 2:9, NW) Pakuvamba zvikuru mutsamba imwe cheteyo, Petro akanga apa zano maKristu, kuti: “Goverai kukutenda kwenyu . . . tsungiriro, kutsungiriro yenyu kuzvipira kwoumwari.” (2 Petro 1:5, 6, NW) Naizvozvo tsungiriro yakasanobatana nokuzvipira kwoumwari. Kutaura idi, kuti titsungirire kusvikira kumugumo, tinofanira ‘kuronda kuzvipira kwoumwari’ ndokukuratidzira. (1 Timotio 6:11) Asi chii zvomenemene chiri kuzvipira kwoumwari?
Chiri Kuzvipira Kwoumwari
4, 5. Chii chiri kuzvipira kwoumwari?
4 Zita rechiGiriki nokuda kwo“kuzvipira kwoumwari” (eu·seʹbei·a) ringashandurwa chaizvoizvo so“kusanonamata.”a (2 Petro 1:6, Kingdom Interlinear) Rinoratidzira kunzwa kwoushamwari kwomwoyo wose kuna Mwari. Mukuwirirana naW. E. Vine, chipauro eu·se·besʹ, chichireva chaizvoizvo “anosanonamata,” chinoratidzira “simba iro, richitungamirirwa nokutyiwa kutsvene kwaMwari, rinowana kuratidzirwa mumubato wokuzvipira.”—2 Petro 2:9, Int.
5 Kutaura kwokuti “kuzvipira kwoumwari” naizvozvo kunonongedzera kururemekedzo kana kuti kuzvipira nokuda kwaJehovha uko kunotisunda kuita zvinofadza kwaari. Ikoku kunoitwa kunyange mukutarisana nemiedzo yakaoma nemhaka yokuti tinoda Mwari kubva pamwoyo. Ibatano yokuvimbika, yomunhu oga naJehovha inoratidzirwa munzira yatinorarama nayo upenyu hwedu. MaKristu echokwadi anokurudzirwa kunyengetera kuti agorarama “upenyu hwakaterama nohwakanyarara nokuzvipira kwoumwari kwakazara.” (1 Timotio 2:1, 2, NW) Mukuwirirana navanyori vamaduramashoko J. P. Louw naE. A. Nida, “muchiverengero chakati chemitauro [eu·seʹbei·a] muna 1 Tm 2.2 angashandurwa nenzira yakafanira so‘kurarama seizvo Mwari aizoita kuti tirarame’ kana kuti ‘kurarama seizvo Mwari akatiudza kuti tinofanira kurarama.’”
6. Chii chiri batano pakati petsungiriro nokuzvipira kwoumwari?
6 Tinogona zvino kunzwisisa zviri nani batano iri pakati petsungiriro nokuzvipira kwoumwari. Nemhaka yokuti tinorarama seizvo Mwari aizoita kuti tirarame—nokuzvipira kwoumwari—tinowana ruvengo rwenyika, urwo runounza nguva dzose miedzo yokutenda. (2 Timotio 3:12) Asi hakuna nzira yataizonyandurwa nayo kuti titsungirire miedzo yakadaro kudai kwakanga kusiri nokuda kwebatano yedu yomunhu oga naBaba vedu vokudenga. Uyezve, Jehovha anogamuchira kuzvipira kwakadaro kwomwoyo wose. Chimbofungidzira kuti kunofanira kuva kunomuita kuti anzwe sei kutarira pasi ari mumatenga ndokucherekedza avo, nemhaka yokuzvipira kwavo kwaari, vari kuvavarira kumufadza pasinei zvapo nomutoo wose wechishoro. Hakushamisi kuti anoda ku“nunura vanhu vokuzvipira kwoumwari mumuedzo”!
7. Nei kuzvipira kwoumwari kuchifanira kusakurirwa?
7 Zvisinei, hatiberekwi tine kuzvipira kwoumwari, uyewo hatierikani takuwana kuvabereki voumwari. (Genesi 8:21) Panzvimbo pezvo, kunofanira kusakurirwa. (1 Timotio 4:7, 10) Tinofanira kushanda kuti tigovere kuzvipira kwoumwari kutsungiriro yedu nokukutenda kwedu. Ikoku, Petro anoti, kunoda “nhamburiko yapachokwadi.” (2 Petro 1:5, NW) Ipapoka, tinogona sei kuwana kuzvipira kwoumwari?
Tinowana Sei Kuzvipira Kwoumwari?
8. Mukuwirirana nomuapostora Petro, chii chiri chinokosha kukuwana kuzvipira kwoumwari?
8 Muapostora Petro akatsanangura chinokosha kukuwana kuzvipira kwoumwari. Akati: “Mutsa usakafanirwa norugare ngazviwedzerwe kwamuri kupfurikidza nezivo yakarurama yaMwari neyaJesu Ishe wedu, sezvo simba rake roumwari rakatipa pachena zvinhu zvose zvine chokuita noupenyu nokuzvipira kwoumwari, kupfurikidza nezivo yakarurama youyo wakatidana kupfurikidza nembiri norunako.” (2 Petro 1:2, 3, NW) Naizvozvo kuti tigovere kuzvipira kwoumwari kukutenda kwedu netsungiriro, tinofanira kukura muzivo yakarurama, ndiko kuti, yakazara, kana kuti yakakwana, yaJehovha Mwari naJesu Kristu.
9. Kuti kuva nezivo yakarurama yaMwari naKristu kunobatanidza zvinopfuura kungoziva kuti ivo ndivanaani kungaenzanisirwa sei?
9 Kuva nezivo yakarurama yaMwari naKristu kunorevei? Nenzira yakajeka, kunobatanidza zvinopfuura kungoziva chete kuti ndivanaani. Kuenzanisira: Ungaziva kuti muvakidzani wako ndiani uye ungatomukwazisa nezita. Asi ungamukweretesa chitsama chikuru chemari here? Kwete kutoti waiziva chaizvoizvo kuti munhu worudzii. (Enzanisa naZvirevo 11:15.) Nenzira yakafanana, kuziva Jehovha naJesu zvakarurama, kana kuti zvizere, kunoreva zvinopfuura kungodavirawo hako kuti varipo nokuziva mazita avo. Kuti tidise kutsungirira miedzo nokuda kwavo kunyange kusvikira papfundo rorufu, tinofanira kusanovaziva chaizvoizvo. (Johane 17:3) Ikoku kunobatanidzei?
10. Kuva nezivo yakarurama yaJehovha naJesu kunobatanidza zvinhui zviviri, uye nei?
10 Kuva nezivo yakarurama, kana kuti yakakwana, yaJehovha naJesu kunobatanidza zvinhu zviviri: (1) kusvika pakuvaziva savanhu—mavara avo, mirangariro, uye nzira—uye (2) kutevedzera muenzaniso wavo. Kuzvipira kwoumwari kunobatanidza batano yomwoyo wose, yomunhu oga naJehovha uye kunoratidzirwa kupfurikidza nenzira yatinorarama nayo upenyu hwedu. Naizvozvo, kuti tikuwane tinofanira kusvika pakuziva Jehovha somunhu oga ndokusanorovedzana nokuda kwake nenzira kusvikira apo ikoku kunobvira nenzira yohunhu. Zvirokwazvo kuti tizive Jehovha, watakasikwa mumufananidzo wake, tinofanira kushandisa zivo yakadaro ndokuvavarira kuva vakafanana naye. (Genesi 1:26-28; VaKorose 3:10) Uye sezvo Jesu akatevedzera Jehovha zvakakwana mune zvaaitaura nokuita, kuziva Jesu zvakarurama iyamuro inokosha mukukudziridza kuzvipira kwoumwari.—VaHebheru 1:3.
11. (a) Tinogona sei kuwana zivo yakarurama yaMwari naKristu? (b) Nei kuchikosha kufungisisa pamusoro pezvatinorava?
11 Kunyanguvezvo, tinogona sei kuwana zivo yakarurama yakadaro yaMwari naKristu? Kupfurikidza nokufunda nokushingaira Bhaibheri nezvinyorwa zvakavakirwa paBhaibheri.b Zvisinei, kana fundo yedu yomunhu oga yeBhaibheri ichizoguma nokuwana kwedu kuzvipira kwoumwari, kunokosha kuti tive nenguva yokufungisisa, ndiko kuti, kurangarira, kana kuti kusanofunga, pamusoro pezvatinorava. (Enzanisa naJoshua 1:8.) Neiko ikoku kuchikosha? Yeuka kuti kuzvipira kwoumwari kunzwa kwoushamwari, kwomwoyo wose kuna Mwari. MuMagwaro, fungisiso inobatanidzwa yabatanidzwazve nomwoyo wokufananidzira—munhu womukati. (Pisarema 19:14; 49:3; Zvirevo 15:28) Apo tinorangarira nokuonga zvatinorava, zvinopinda mumunhu womukati, nokudaro zvichinyandura kunzwa kwedu, zvichitapura mirangariro yedu, uye zvichipesvedzera kufunga kwedu. Panguva iyeyo bedzi fundo inogona kusimbisa batano yedu yomunhu oga naJehovha ndokutisunda kurarama nenzira inofadza Mwari kunyange mukutarisana nemigariro inodenha kana kuti miedzo yakaoma.
Kushandisa Kuzvipira Kwoumwari Pamusha
12. (a) Mukuwirirana naPauro, muKristu angashandisa sei kuzvipira kwoumwari pamusha? (b) Nei maKristu echokwadi achitarisira vabereki vari kukwegura?
12 Kuzvipira kwoumwari kunofanira kutanga kushandiswa pamusha. Muapostora Pauro anoti: “Kana chirikadzi ina vana kana vazukuru, ngavatange ivo kudzidza [kuzvipira kwoumwari, NW] paimba yavo, vadzosere zvakafanira kuvabereki vavo, nokuti ndizvo zvinofadza Mwari.” (1 Timotio 5:4) Kutarisira vabereki vari kukwegura, sokutaura kunoita Pauro, kuratidzirwa kwokuzvipira kwoumwari. MaKristu echokwadi anogovera tarisiro yakadaro kwete nokudawo hako kwepfungwa yomutoro asi nemhaka yorudo nokuda kwavabereki vawo. Kupfuura izvozvo, kunyanguvezvo, anoziva ukoshi uhwo Jehovha anoisa pakutarisira mhuri yako. Anosanoziva kuti kufuratira vabereki vawo munguva yokushaiwa kwaizoenzana no‘kuramba kutenda kwechiKristu.’—1 Timotio 5:8.
13. Nei kushandisa kuzvipira kwoumwari pamusha kungava denho chaiyoiyo, asi igutsikanoi inobva mukutarisira vabereki vako?
13 Sezvinobvumwa, hakusati kuri nyore nguva dzose kushandisa kuzvipira kwoumwari pamusha. Mitezo yemhuri ingave yakaparadzaniswa namadaro akati. Vana vakura vangave vari kurera mhuri dzavo vamene uye vangave vari kutambura mune zvemari. Rudzi kana kuti mwero wetarisiro inodikanwa nomubereki zvinogona kuomera utano hwomuviri, hwendangariro, uye hwemirangariro hwaavo vanogovera tarisiro. Kunyanguvezvo, kunogona kuva negutsikano chaiyoiyo mukuziva kuti kutarisira vabereki vako hakusati bedzi kuchiguma noku“dzosera zvakafanira” asiwo kunofadza Uyo “[mhuri iri yose, NW] kudenga napanyika [i]notumidzwa nezita ravo.”—VaEfeso 3:14, 15.
14, 15. Rondedzera muenzaniso wetarisiro youmwari yavana nokuda kwomubereki.
14 Rangarira muenzaniso unoorora zvirokwazvo. Ellis neshanu dzehanzvadzi dzake navanun’una vanotarisana nedenho chaiyoiyo mukutarisira baba vavo pamusha. “Muna 1986 baba vangu vakatambura sitiroko, iyo yakavasiya vaoma mitezo chose chose,” anotsanangura kudaro Ellis. Vana vatanhatu vanogoverana mukutarisira zvinodikanwa zvababa vavo, kubvira pakuvagezesa kusvikira kukuva nechokwadi chokuti vanotenderudzwa nguva dzose kuti vasava namaronda anoparirwa nokurara. “Tinovaravira, kutaura kwavari, kuvaridzira nziyo. Hatina chokwadi kana vachiziva zvinoitika makavapoteredza, asi tinovabata sokunge vanoziva zvizere chinhu chiri chose.”
15 Neiko vana vachitarisira baba vavo sezvavanoita? Ellis anopfuurira, kuti: “Pashure porufu rwaamai vedu muna 1964, Baba vakatirera vari voga. Panguva yacho, taiva namazera anobvira pamakore 5 kusvikira ku 14. Vakanga varipo nokuda kwedu panguva iyeyo; tiripo nokuda kwavo zvino.” Nenzira yakajeka, hakusati kuri nyore kugovera tarisiro yakadaro, uye vana vanoora mwoyo padzimwe nguva. “Asi tinoziva kuti mugariro wababa vedu chinetso chechinguvana,” anodaro Ellis. “Tinotarira mberi kunguva apo baba vedu vanodzorerwa kuutano hwakanaka uye tinogona kubatanidzwazve naamai vedu.” (Isaya 33:24; Johane 5:28, 29) Zvirokwazvo, kutarisira mubereki kwakadaro kwokuzvipira kunofanira kufadza mwoyo woUyo anoraira vana kukudza vabereki vavo!c—VaEfeso 6:1, 2.
Kuzvipira Kwoumwari Noushumiri
16. Chii chinofanira kuva chikonzero chikuru chezvatinoita muushumiri?
16 Apo tinogamuchira kokero yaJesu yoku‘mutevera nguva dzose,’ tinopinda mubasa roumwari rokuparidzira mashoko akanaka oUmambo nokuita vadzidzi. (Mateo 16:24; 24:14; 28:19, 20) Nenzira yakajeka, kuva negoverano muushumiri musengwa wechiKristu muano “mazuva okupedzisira.” (2 Timotio 3:1) Zvisinei, vavariro yedu yokuparidzira nokudzidzisa inofanira kupfuura pfungwawo zvayo yebasa kana kuti musengwa. Rudo rukuru nokuda kwaJehovha runofanira kuva chikonzero chikuru chezvatinoita uye kuti tinoita zvakawanda sei muushumiri. “Muromo unotaura zvizere pamwoyo,” akadaro Jesu. (Mateo 12:34) Hungu, apo mwoyo yedu inopfachuka nokuda Jehovha, tinonzwa tichisundwa kupupurira pamusoro pake kuvamwe. Apo kuda Mwari kunenge kuri vavariro yedu, ushumiri hwedu kuratidzirwa kune revo kwokuzvipira kwedu kwoumwari.
17. Tingasakurira sei vavariro yakarurama nokuda kwoushumiri?
17 Tingasakurira sei vavariro yakarurama nokuda kwoushumiri? Rangarira nenzira yokuonga zvikonzero zvitatu izvo Jehovha akatipa zvokumuda. (1) Tinoda Jehovha nemhaka yezvaakatotiitira. Hakuna rudo rukuru zvikuru rwaaigona kuva akaratidza kupfuura mukugovera rudzikinuro. (Mateo 20:28; Johane 15:13) (2) Tinoda Jehovha nemhaka yezvaari kutiitira zvino. Tine rusununguko rwokutaura naJehovha, uyo anopindura minyengetero yedu. (Pisarema 65:2; VaHebheru 4:14-16) Sezvatinopa nzvimbo yokutanga kufariro dzoUmambo, tinofarikanya zvinodikanwa zvoupenyu. (Mateo 6:25-33) Tinogamuchira mugove wenguva dzose wezvokudya zvomudzimu uyo unotibetsera kugonana nezvinetso zvatinotarisana nazvo. (Mateo 24:45) Uye tine chikomborero chokuva rutivi rwouhama hwechiKristu hwenyika yose uhwo hunotiparadzanisa zvirokwazvo norutivi rwose rwasara rwenyika. (1 Petro 2:17) (3) Tinodawo Jehovha nemhaka yezvaachigere kutiitira. Nemhaka yorudo rwake, taka“batisis[a] upenyu chaihwo”—upenyu husingaperi munguva yemberi. (1 Timotio 6:12, 19) Apo tinorangarira rudo rwaJehovha nokuda kwedu, zvirokwazvo mwoyo yedu ichatisunda kuva negoverano yokuzvipira mukuudza vamwe pamusoro pake namadonzo ake anokosha! Vamwe havasati vachizofanira kutiudza zvokuita kana kuti tinofanira kuita zvakawanda sei muushumiri. Mwoyo yedu ichatisunda kuita zvatinogona.
18, 19. Imhinganidzoi iyo imwe hanzvadzi yakakurira kuti igoverane muushumiri?
18 Kunyange mukutarisana nemigariro inodenha, mwoyo unonyandurwa nokuzvipira kwoumwari uchasundwa kutaura. (Enzanisa naJeremia 20:9.) Ikoku kunoratidzwa nechinoitika chaStella, mukadzi wechiKristu anonyara zvikuru kwazvo. Apo akatanga kufunda Bhaibheri, iye aifunga kuti, ‘ndaisatongogona kuenda paimba neimba!’ Iye anotsanangura, kuti: “Nguva dzose ndakanga ndakanyarara zvikuru. Ndaisatongogona kusvika vamwe kuti nditange kurukurirano.” Sezvo akapfuurira kufunda, kuda kwake Jehovha kwakakura, uye akakudziridza chishuvo chikuru chokutaura kuvamwe pamusoro pake. “Ndinoyeuka ndichiudza mudzidzisi wangu weBhaibheri kuti, ‘Ndinoda zvikuru kwazvo kutaura, asi handitombogoni, uye izvozvo zvinondinetsa chaizvoizvo.’ Handisati ndichizotongokanganwa zvaakandiudza: ‘Stella, onga kuti unoda kutaura.’”
19 Pasati papera nguva refu, Stella akazviwana amene achipupurira kumuvakidzani wake. Ipapo akaita yakanga iri nokuda kwake nhano huru—akagoverana muushumiri hwapaimba neimba kwenguva yokutanga. (Mabasa 20:20, 21) Anoyeuka, kuti: “Ndaiva nemharidzo yangu yakanyorwa. Asi ndaitya kwazvo zvokuti kunyange zvazvo ndakanga ndinayo pamberi pangu, ndakanga ndichitya zvikuru zvokusagona kutarira zvinonyorwa zvangu!” Zvino, anopfuura makore 35 gare gare, Stella achiri anonyara zvikuru nomuzvarirwo. Bva, anoda ushumiri hwomumunda uye anopfuurira kuva negoverano ine revo mahuri.
20. Muenzanisoi unoratidza kuti kunyange chitambudzo kana kuti kuiswa mutorongo hazvigoni kuvhara miromo yeZvapupu zvakazvipira zvaJehovha?
20 Kunyange chitambudzo kana kuti kuiswa mutorongo hakugoni kuvhara miromo yeZvapupu zvakazvipira zvaJehovha. Rangarira muenzaniso waErnst naHildegard Seliger veGermany. Nemhaka yokutenda kwavo, pakati pavo vakapedzera makore anopfuura 40 mumisasa yechibharo yeNazi namatorongo echiKomonisiti. Kunyange mutorongo, vakapfuurira mukupupurira kuvamwe vasungwa. Hildegard akayeuka, kuti: “Vakuru vakuru vetorongo vakandironga sendine ngozi zvikuru, nemhaka yokuti, sokutaura kwakaita mumwe murindirikadzi, ndaitaura pamusoro peBhaibheri zuva rose. Naizvozvo ndakaiswa muchitokisi chapasi pevhu.” Pashure pokunge vapiwa rusununguko rwavo pakupedzisira, Hama naHanzvadzi Seliger vakapa nguva yavo yakazara kuushumiri hwechiKristu. Vose vari vaviri vakabatira nokutendeka kutozosvikira panzufu dzavo, Hama Seliger muna 1985 uye mudzimai wavo muna 1992.
21. Chii chatinofanira kuita kuti tigovere kuzvipira kwoumwari kutsungiriro yedu?
21 Kupfurikidza nokufunda nokushingaira Shoko raMwari nokuva nenguva yokufungisisa nokuonga pamusoro pezvatinodzidza, tichakura muzivo yakarurama yaJehovha Mwari naJesu Kristu. Ikokuwo kuchaguma nokuwana kwedu mwero wakazara zvikuru wevara iroro rinokosha—kuzvipira kwoumwari. Pasina kuzvipira kwoumwari hakuna nzira yokutsungirira nayo miedzo yakasiana-siana inotiwira samaKristu. Naizvozvo ngatitevere zano romuapostora Petro, tichipfuurira ku‘govera kukutenda kwedu tsungiriro nokutsungiriro yedu kuzvipira kwoumwari.’—2 Petro 1:5, 6.
[Mashoko Omuzasi]
a Pamusoro paeu·seʹbei·a, William Barclay anoti: “Rutivi rwaseb- [mavambo] rweshoko runoreva ruremekedzo kana kuti kunamata. Eu ishoko rechiGiriki nokuda kwasano; naizvozvo, eusebeia kunamata, ruremekedzo rwakanaka uye runopiwa nomazvo.”—New Testament Words.
b Nokuda kwekurukurirano yenzira yokufunda nayo kuti tikudze zivo yedu yeShoko raMwari, ona Nharireyomurindi yaAugust 15, 1993, mapeji 12-17.
c Nokuda kwekurukurirano yakazara yenzira yokushandisa nayo kuzvipira kwoumwari kuvabereki vakwegura, ona Nharireyomurindi yaJune 1, 1987, mapeji 13-18.
Chii Chiri Mhinduro Yako?
◻ Chii chiri kuzvipira kwoumwari?
◻ Chii chiri batano pakati petsungiriro nokuzvipira kwoumwari?
◻ Chii chiri chinokosha kukuwana kuzvipira kwoumwari?
◻ MuKristu angashandisa sei kuzvipira kwoumwari pamusha?
◻ Chii chinofanira kuva chikonzero chikuru chezvatinoita muushumiri?
[Mufananidzo uri papeji 18]
Tsungiriro nokuzvipira kwoumwari zvakaratidzirwa neZvapupu zvaJehovha zvakaiswa mutorongo mumusasa wechibharo weNazi kuRavensbrück