RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 9/15 pp. 20-23
  • Vanofudza Netsitsi Makwai Maduku

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vanofudza Netsitsi Makwai Maduku
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kufudza Boka raMwari
  • Vafudzi Vanoitira Hanya Zvirokwazvo
  • Kufudza Kunovaka
  • Vafudzi—Itai Mitoro Yenyu
  • Kufudza Nounyoro Makwai Anokosha aJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Vafudzi, Tevedzerai Vafudzi Vakuru Vanopfuura Vose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Batsirai Makwai Anorasika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Teererai Vafudzi Vakagadzwa naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 9/15 pp. 20-23

Vanofudza Netsitsi Makwai Maduku

PAMHUKA dzose dzinopfuyiwa, hapana dzakafanana chaizvo namakwai anopfuyiwa. Mhuka zhinjisa dzine simba nesundo zvinodikanwa kutsvaka zvokudya nokunzvenga zvisikwa zvinodzidya, asi gwai rakasiana. Harina kudzivirirwa kumhuka dzinodya dzimwe mhuka, richiva nesimba shomanene rokuzvidzivirira. Pasina mufudzi, gwai rinotya uye haribetseri. Raparadzaniswa neboka, haritani kurasika. Makwai manyoro naizvozvo ane zvikonzero zvikuru zvokunzwa kubatanidzwa nomufudzi wawo. Pasina iye angava nebanza duku rokupukunyuka. Nemhaka yaaya mavara, Bhaibheri rinoshandisa makwai nenzira yokufananidzira kuratidzira vanhu vasina mhaka, vanobatwa zvisina kufanira, kana kuti vasina dziviriro.

Kutaura chokwadi, tuso dzomufudzi dzinowanwa zvakanaka. Upenyu hwake hahusati huri nyore. Anoratidzirwa kuzvose zviri zviviri kupisa nechando, uye anotambura usiku hwokusarara. Anofanira kudzivirira boka pamhuka dzinodya dzimwe mhuka, kazhinji kazhinji kukuva kwake mungozi. Sezvo mufudzi achifanira kuchengeta boka riri pamwe chete, yakawanda yenguva yake inopedzwa achitsvaka makwai anotsauka kana kuti kurasika. Iye anofanira kurapa anorwara neanokuvadzwa. Makwaiana asina simba kana kuti akaneta anofanira kutakurwa. Pane itiro hanya yenguva dzose pamusoro pokuwana mugove wakakwana wezvokudya nemvura. Hakusati kuri kusingazivikanwi navose kuti mufudzi arare usiku hwose ari kunze musango kuti ave nechokwadi chokukotsekana kweboka. Nokudaro, kufudza upenyu hwakaoma hunoda mabasa omunhu akashinga, anoshingaira, uye akachenjera. Chikurusa chazvose, anofanira kuva nesimba rokuratidza itiro hanya yapachokwadi nokuda kweboka rakaronzeswa kutarisiro yake.

Kufudza Boka raMwari

Bhaibheri rinoratidzira vanhu vaMwari samakwai manyoro naavo vanovatarisira savafudzi. Jehovha amene ndiye ‘mufudzi nomutariri wemweya yedu.’ (1 Petro 2:25) Jesu Kristu, “mufudzi akaisvonaka,” akaratidzira kuda kwake kuti makwai agamuchire tarisiro yetsitsi apo akaudza muapostora Petro, kuti: ‘Dyisa makwaiana angu, fudza makwai angu maduku, dyisa makwai angu maduku.’ (Johane 10:11; 21:15-17) Vatariri vechiKristu vakaronzeswa zvakakomba ‘kufudzwa kweungano yaMwari.’ (Mabasa 20:28) Uye basa ravo savafudzi vomudzimu rinoraira mavara omufudzi chaiyeiye akanaka—ushingi, kushingaira, kuchenjera, uye, zvikurukuru, itiro hanya yomwoyo wose nokuda kwegarikano yeboka.

Mumazuva omuporofita waMwari Ezekieri, voruzhinji vavafudzi vakagadzwa kutarisira zvinodikanwa zvavanhu vaJehovha muna Israeri vakakundikana kuita mabasa avo. Boka raMwari rakatambura zvakaipa, navazhinjisa vachisiya kunamata kwechokwadi. (Ezekieri 34:1-10) Nhasi, vafundisi vechiKristudhomu vanozviratidzira vamene savafudzi veinonzi ungano yechiKristu, asi mugariro wayo wokurwara mumudzimu unobvumikisa kuti vafundisi vakafanana navanyengeri vakaipa vakaregeredza ndokushandisa zvisina kufanira vanhu apo Jesu akanga ari pasi pano. Vatungamiriri vorudzidziso vechiKristudhomu vakafanana no“muranda” uyo “asina hanya namakwai.” (Johane 10:12, 13, NW) Havatongodisi, havakwanisi, kana kuti kukwaniriswa kufudza boka raMwari.

Vafudzi Vanoitira Hanya Zvirokwazvo

Jesu akagadza muenzaniso wakakwana nokuda kwavose vaizofudza boka raJehovha. Munzira iri yose iye akanga ari ane rudo, ane mutsa, ane tsitsi, uye anobetsera kuvadzidzi vake. Akaita nhano yokutanga yokutsvaka avo vanoshaiwa. Kunyange zvazvo Jesu akanga akabatikana uye akanga akaneta kazhinji kazhinji, nguva dzose aiva nenguva yokuteerera zvinetso zvavo nokuvapa kurudziro. Kudisa kwake kupa mweya wake nokuda kwavo kwakanga kuri kuratidzirwa kukuru kworudo.—Johane 15:13.

Nhasi, vakuru vose vakagadzwa veungano, pamwe chete navabatiri vanoshumira, vanogoverana uyu mutoro kuboka. Nokudaro, kunyange betsero dzezvokunyama dzingabvira muimwe nyika hadzipesvedzeri voruzhinjisa vaava varume vane mutoro kutama nokudaro ndokusiya ungano dzisina betsero yakakwana netarisiro. Tichirarama mu“nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo,” boka rinoda kurudziro nenhungamiro. (2 Timotio 3:1-5, NW) Kune ngozi iripo nguva dzose yokuti vamwe vachava vanyajambwa kuna Satani, uyo “akafanana neshumba, iri kutsvaka kuparadza mumwe munhu.” (1 Petro 5:8, NW) Zvino kupfuura nakare kose, kunokosha kuti vafudzi vechiKristu va“raire vasingateereri murairo, [va]simbise vanopera mwoyo, [va]tsigire vasine simba.” (1 VaTesaronika 5:14) Kusvinura kwenguva dzose kunokosha kana vachizodzivirira vasina kutsiga pakubva muboka.—1 Timotio 4:1.

Mufudzi anogona sei kuziva apo gwai rinoda betsero? Zvimwe zvezviratidzo zviri pachena zvikuru kukundikana kupinda misangano yechiKristu, kutora rutivi kusati kuri kwenguva dzose muushumiri hwomumunda, uye kombamiro yokudzivisa songaniro yapedyo navamwe. Utera hunogonawo kuzivikanwa kupfurikidza nokusanocherekedza chimiro chendangariro chamakwai nekombamiro yekurukurirano dzawo. Angave achida kuva anotsoropodza vamwe, zvichida achiratidzira mirangariro yokutsamwa. Kurukurirano dzawo dzinganyanyowanda pazvirondwa zvokudisa zvenyika panzvimbo penharidzano dzomudzimu. Kushaikwa kukuru kwembavarira, kuva netariro, uye mufaro zvingareva kuti kutenda kwawo kwaneta. Chitarisiko chechiso chokusafara chingagona kuva chiratidzo chokuti ari kudzvinyirirwa nehama dzokunyama dzinoshora kana kuti shamwari dzenyika. Achicherekedza izvi zviratidzo, mufudzi anogona kushanda akananga kukuziva kuti rudzii rwebetsero runodikanwa.

Pakushanyira kuti vabetsere mutendi biyavo, vafudzi vechiKristu vanofanira kurangarira donzo ravo guru. Haisati iri shanyo youshamwaridzani chete ine kurukurirano pamusoro pezvinhu zvisingakoshi. Nharidzano yomuapostora Pauro mukushanyira hama dzake yakanga iri yo‘kupa chipo chomudzimu kwadziri kuti dzisimbiswe uye kuti pagova netsinhano yekurudziro.’ (VaRoma 1:11, 12) Kuti vaite ikoku, gadziriro yapachine nguva mberi inodikanwa.

Kutanga, nzvera munhu wacho, uye edza kuziva uri mugariro wake womudzimu. Izvozvo zvasimbiswa, rangarira kuti rudzii rwenhungamiro, kurudziro, kana kuti zano ruchava runobetsera zvikurusa. Shoko raMwari, Bhaibheri, rinofanira kuva manyuko makuru amashoko nemhaka yokuti iro “rinoshandisa simba.” (VaHebheru 4:12) Magazini eNharireyomurindi naMukai! anogona kunzverwa nokuda kwenyaya dzinobata nezvinodikanwa chaizvoizvo zvegwai rakanangana nezvinetso chaizvo. Zvinoitika zvinofadza nezvinozorodza zvinogona kuwanwa muYearbook of Jehovah’s Witnesses. Nharidzano ndeyokupa chimwe chinhu chomudzimu icho chichava ‘chakanaka nokuda kwokuvakwa kwomunhu wacho.’—VaRoma 15:2.

Kufudza Kunovaka

Mufudzi weboka ramakwai chaiwoiwo anoziva kuti anotsamira paari nokuda kwedziviriro netarisiro. Ngozi dzinozivikanwa navose zvikurusa dzinobva mukutsauka, kurwara, kuneta, kukuvara, uye mhuka dzinodya dzimwe mhuka. Nomutoo wakafanana mufudzi womudzimu anofanira kuziva ndokubata nengozi dzakafanana idzo dzinotyisidzira garikano yeboka. Zvinotevera zvinetso chaizvoizvo nezvikarakadzo zvishomanene pamusoro pezvingataurwa kupa mashoko anovaka mumudzimu.

(1) Kufanana namakwai asina kuchenjera, mamwe maKristu anotsauka muboka raMwari nemhaka yokuti anonyengerwa nezvinokwezva zvinoratidzika kuva zvisina mhaka nezvinofadza. Angatsauswa uye angatokukurwa nemhaka yokuronda nharidzano dzakabatanidzwa nokudisa zvenyika, nhandaro, kana kuti varaidzo. (VaHebheru 2:1) Vanhu vakadaro vangagona kuyeuchidzwa nezvekurumidziro yenguva, nezvedikanwo yokurambira pedyo nesangano raJehovha, uye nezvoukoshi hwokuisa fariro dzoUmambo pakutanga muupenyu. (Mateo 6:25-33; Ruka 21:34-36; 1 Timotio 6:8-10) Zano rinobetsera rinowanwa munyaya inoti “Chengeta Dzikamo Yako—Sei?” Nharireyomurindi yaJanuary 15, 1985, mapeji 26-9.

(2) Mufudzi anofanira kurapa makwai anotera kuchirwere. Nenzira yakafanana, vafudzi vomudzimu vanofanira kubetsera maKristu ayo anova anorwara mumudzimu nemhaka yezvinhu zvakaipa muupenyu hwavo. (Jakobho 5:14, 15) Angava asiri kushanda, angava nechinetso chakakomba choutano, kana kuti angave ari kutambura zvinetso muupenyu hwavo hwemhuri. Vanhu vakadaro vangava nechishuvo chishomanene chezvokudya zvomudzimu kana kuti songanirano navanhu vaMwari. Ikokuwo kunoguma nokuzviparadzanisa nokuora mwoyo. Vanofanira kuvimbiswa kuti Jehovha anovaitira hanya uye achavatsigira munguva dzakaoma. (Pisarema 55:22; Mateo 18:12-14; 2 VaKorinte 4:16-18; 1 Petro 1:6, 7; 5:6, 7) Kungavawo kunobetsera kuhwirudzura nyaya inoti “Tarira Mberi Zvakananga somuKristu,” inowanwa muNharireyomurindi yechiNgezi yaJune 1, 1980, mapeji 12-15.

(3) Mufudzi anofanira kungwarira makwai anoneta. Mamwe akatsungirira nenzira yokutendeka mubasa raJehovha kwenhambo yakati yamakore. Akarwisa achipfuura nomumiedzo yakawanda nezviedzo. Zvino anoratidza zviratidzo zvokuneta mukuita zvakanaka uye angatotaura kupanikira pamusoro pokudikanwa kwomubato mukuru wokuparidzira. Kuri madikanwa kumutsidzira mudzimu wavo, kuvandudza kunzwisisa kwavo mufaro nezvikomborero zvinobva mubasa romwoyo wose kuna Mwari mukutevedzera Jesu Kristu. (VaGaratia 6:9, 10; VaHebheru 12:1-3) Zvichida vanogona kubetserwa kuona kuti Jehovha anoonga basa ravo rokuvimbika uye anogona kuvasimbisa nokuda kwemibato yomunguva yemberi kukurumbidzwa kwake. (Isaya 40:29, 30; VaHebheru 6:10-12) Kungava kunobetsera kugoverana mifungo yomunyaya inoti “Usaneta Mukuita Zvakaisvonaka,” inooneka muNharireyomurindi yaJuly 15, 1988, mapeji 9-14.

(4) Kufanana namakwai anokuvara, mamwe maKristu akakuvadzwa nechaanorangarira kuva mufambiro unogumbura. Bva, kana tiri vanokanganwira vamwe, Baba vedu vokudenga vachatipa kanganwiro inodikanwa. (VaKorose 3:12-14; 1 Petro 4:8) Dzimwe hama kana kuti hanzvadzi dzingave dzakagamuchira zano kana kuti chirango chadzakarangarira kuti chakanga chisina kururama. Zvisinei, tose zvedu tinogona kubetserwa nezano romudzimu nechirango, uye kunonyaradza kuziva kuti Jehovha anoranga avo anoda. (VaHebheru 12:4-11) Nemhaka yokuti havana kupiwa ropafadzo dzebasa dzavanonzwa vachikwanirisa nokuda kwadzo, vamwe vakabvumira pfundepfunde kuparira mukaha pakati pavo neungano. Asi kana tikazviparadzanisa timene nesangano raJehovha, hakungavi neimwezve nzvimbo yokuenda nokuda kworuponeso nomufaro wechokwadi. (Enzanisa naJohane 6:66-69.) Mashoko anobetsera muna ikoku anogona kuwanwa munyaya inoti “Kuchengeta Humwe Hwedu hwechiKristu,” inowanwa muNharireyomurindi yaAugust 15, 1988, mapeji 28-30.

(5) Makwai anofanira kudzivirirwa pamhuka dzinodya dzimwe mhuka. Nenzira yakaenzana, vamwe vangashorwa ndokutyisidzirwa nehama dzokunyama dzisingatendi kana kuti vashandi biyavo. Perero yavo ingadenhwa apo dzvinyiriro dzinoshandiswa kuvaita kuti vaderedze basa ravo kuna Mwari kana kuti kurega kuva negoverano muushumiri hwechiKristu. Vanosimbiswa, zvisinei, apo vanobetserwa kuziva kuti chishoro chinofanira kukarirwa uye zvomenemene ndichimwe chezvibvumikiso zvokuti tiri vadzidzi vapachokwadi vaJesu Kristu. (Mateo 5:11, 12; 10:32-39; 24:9; 2 Timotio 3:12) Kungava kunobetsera kuonesa kuti kana vakatendeka, Jehovha haasati achizotongovasiya uye achatusa tsungiriro yavo. (2 VaKorinte 4:7-9; Jakobho 1:2-4, 12; 1 Petro 5:8-10) Nyaya ine musoro unoti “Kutsungirira Nomufaro Pasinei Zvapo Nechitambudzo” iri muNharireyomurindi yaOctober 15, 1982, mapeji 19-27, inogovera kurudziro yokuwedzera.

Vafudzi—Itai Mitoro Yenyu

Zvinodikanwa zveboka raMwari zvakawanda, uye tarisiro yakafanira ibasa rinoraira. Vafudzi vechiKristu naizvozvo vanofanira kuva vane tsitsi, vanoitira hanya zvapachokwadi, uye vanofarira kuva vanobetsera. Shiviriro nenzwisiso zvinokosha. Nepo vamwe vanhu vachida zano nokuraira, vamwe vanobetserwa zvikurusa nekurudziro. Shanyo shomanene dzomunhu oga dzingakwana muzvimwe zvinoitika, nepo mune zvimwe fundo yeBhaibheri yenguva dzose ingadikanwa. Muchinoitika chiri chose nharidzano huru ndeyokupa nhungamiro inovaka mumudzimu kana kuti zano rorudo iro richasunda munhu wacho kutanga miitiro yakanaka yefundo, kuva kana kuti kupfuurira ari wenguva dzose mukupinda misangano yeungano, uye kufarikanya kutora rutivi kwokushingaira muushumiri hwechiKristu. Idzi inzira huru dzokubatsira nadzo vatendi biyedu ndokuvabetsera kuzarurira nzira kuyerera kwakasununguka kwomudzimu mutsvene waJehovha.

Vafudzi vanogovera rudzi irworwo rwetsigiro vanoita basa rinokosha zvikurusa nokuda kweboka raMwari. (Ona Nharireyomurindi yaJune 15, 1986, mapeji 23-7.) Izvo vafudzi vomudzimu vanoita zvinoongwa zvikuru neboka. Pashure pokugamuchira betsero yakadaro, mumwe musoro wemhuri wakati: ‘Pashure pokunge tave tiri muzvokwadi kwamakore 22, takakweverwa munyika nokudisa zvenyika. Taiwanzoda kupinda misangano, asi kwaingoratidzika chete kuti taisagona kubudirira. Taisakodzera chaizvoizvo mutsika yaSatani, naizvozvo takanga takaparadzana chose chose, tiri toga. Ikoku kwakatisiya tiri vakavhiringidzika navakaora mwoyo. Taida mashoko ekurudziro. Apo mumwe mukuru akatishanyira, takagamuchira nomufaro gadziriro yefundo yeBhaibheri mumusha medu. Zvino tose zvedu takadzoka musangano rakachengeteka raJehovha. Handigoni kuratidzira mufarwa wandinonzwa!’

Kune chisakiso chokufara kukuru apo hama dzedu nehanzvadzi dziri kutsauka kana kuti dzakaora mwoyo dzinomutsidzirwa mumudzimu ndokunyandurwazve. (Ruka 15:4-7) Donzo raJehovha kuvanhu vake rinozadzikwa apo vanobatana “samakwai muchirugu.” (Mika 2:12) Muiyi nzvimbo yakakotsekana, vano‘wanira mweya yavo zororo’ nebetsero yoMufudzi Akaisvonaka, Jesu Kristu. (Mateo 11:28-30) Boka rakabatana renyika yose rinogamuchira nhungamiro, nyaradzo, uye dziviriro pamwe chete nezvokudya zvomudzimu zvakawanda.

Nhasi, kupfurikidza nouyu mubato wokufudza, Jehovha ari kuita kuti basa rorudo riitwe rinotsinhirana nechipikirwa chake chakare, chinoti: “Ndicharonda makwai angu nokuatsvaka. . . . ndichaarwira panzvimbo dzose kwaakapararira . . . Ndichaafudza namafuro akanaka . . . Ndichatsvaka akarasika, . . . ndichapombera akavhunika, ndichasimbisa anorwara.” (Ezekieri 34:11-16) Mune nyaradzo yakadini mukuziva kuti Jehovha Mufudzi wedu!—Pisarema 23:1-4.

Nemhaka yegadziriro dzoumwari dzokufudza boka raMwari, savabatiri vaJehovha tinogona kugoverana mirangariro yaDhavhidhi, uyo akati: “Ndichavata pasi norugare, ndibatwe nehope; nokuti ndimi moga Jehovha munondigarisa pakasimba.” (Pisarema 4:8) Hungu, vanhu vaJehovha vanonzwa vakachengeteka mutarisiro yake yorudo uye vanoonga kuti vakuru vechiKristu vanofudza netsitsi makwai maduku.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 20, 21]

Potter’s Complete Bible Encyclopedia

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe