RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 10/1 pp. 22-25
  • Iva Nomurangariro Wakarurama Wengoni dzaMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Iva Nomurangariro Wakarurama Wengoni dzaMwari
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Tinomborangarira Saizvozvi Here?
  • Chii Chiri Murangariro Wakarurama?
  • Murangariro waJesu
  • Akarovedzwa Netsungiriro
  • Perero Yakakwana
  • ‘Baba Venyu Vane Ngoni’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Tinoshumira Mwari “Ane Ngoni Huru”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Takanunurwa “Neropa Rinokosha”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Tingaratidza Sei Kuti Tine Ngoni?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 10/1 pp. 22-25

Iva Nomurangariro Wakarurama Wengoni dzaMwari

CHIREMBA akanga ane mutsa uye aiitira hanya zvikuru. Mukuwirirana nechisarudzo chake chakanakisisa, murwere wake aida zvakakomba zvikuru kuvhiya kuti aponese upenyu hwake. Apo akazengurira ndokumutsa nhau yokuisirwa ropa, akashamiswa. Apo akatsanangura kuti nokuda kwezvikonzero zvorudzidziso aisagona kubvuma kuvhiya kwaibatanidza kuisirwa ropa, akashamiswa zvikuru. Akaedza zvakaoma kufunga nezvenzira yokumubetsera nayo. Pakupedzisira, akafunga kuti akanga aiwana. Akati: “Unoziva, kana ukasabvuma kuisirwa ropa, uchafa. Haudi izvozvo, unoda here?”

“Chokwadika kwete,” akataura kudaro murwere wake.

“Asi, nenzira yakafanira, kana ukakubvuma, ucharwisana nezvitendero zvako zvorudzidziso, izvo zvinokoshawo kwauri. Eya, hechino chikarakadzo changu. Kuregerereiko kubvuma kuisirwa ropa uye nokudaro uchiponesa upenyu hwako. Ipapo reurura kuna Mwari kuti watadza, uye pfidza. Nenzira iyoyo, uchadzorerwawo murudzidziso rwako.”

Chiremba aiva nevavariro dzakanaka akafunga kuti akanga awana mhinduro yakakwana. Akanga achiziva kuti murwere wake aitenda muna Mwari ane ngoni. Zvirokwazvo, iyoyi yakanga iri nhambo yakafanira yokushandisa ngoni dzaMwari! Asi chikarakadzo chake chakanga chine mufungo sezvachainzwika here?

Tinomborangarira Saizvozvi Here?

Pane dzimwe nguva tingazviwana timene tichirangarira nenzira iyo chiremba akaita nayo. Zvichida tinotyisidzirwa nokumuka kusingakarirwi kwechishoro kuchikoro kana kuti kubasa. Kana kuti tingazviwana timene tiri mumugariro unokwenudza umo tinenge tiri mudzvinyiriro yokuita chimwe chinhu chinogumbura hana yedu. Tisingakariri, tingada nzira iri nyore zvikurusa ndokuita chatinoziva kuti hachina kururama, tichirangarira kukumbira kanganwiro gare gare.

Kana kuti vanhu vamwe navamwe vangaedzwa nekombamiro dzavo vamene dzisina kururama. Somuenzaniso, murume muduku angazviwana amene ari mumugariro umo anoedzwa zvakasimba kuita utere. Panzvimbo pokurwisa chishuvo chisina kururama, angatera, achirangarira kururamisa zvinhu naMwari gare gare. Vamwe vakatosvika pakuita chivi chakakomba pasinei hapo nokuziva kuti zvimwe vangadzingwa muungano yechiKristu. Sezviri pachena vakarangarira kuti, ‘Ndichamirira nguva pfupi kuti ipfuure. Ipapo ndichapfidza ndokudzorerwa.’

Migariro iyi yose ine zvinhu zviviri zvakafanana. Chokutanga, vanhu vamwe navamwe vanotera panzvimbo pokurwisa kuita chiri chakarurama. Chechipiri, vanorangarira kuti pashure pokunge vaita chisina kururama, Mwari achangoerekana akanganwira kana vakakumbira chete.

Chii Chiri Murangariro Wakarurama?

Ikoku kunoratidza kunzwisiswa kwakafanira kwengoni dzaMwari here? Eya, funga pamusoro pengoni idzodzo kwechinguvana. Jesu akati: “Mwari akada nyika nokudaro, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa mumwe woga, kuti ani nani unotenda kwaari, arege kufa, asi ave noupenyu husingaperi.” (Johane 3:16) Muapostora Johane akatsanangura kuti ngoni idzodzo dzinoshanda sei apo akati: “Ndinokunyorerai zvinhu izvi, kuti, murege kutadza. Kana munhu achitadza tine Murevereri kuna Baba, iye Jesu Kristu wakarurama.” (1 Johane 2:1) Nokudaro, kana nemhaka yokusakwana tikawira muchivi, tinogona kuuya kuna Mwari mumunyengetero ndokukumbira kukanganwirwa pahwaro hwechibairo chaJesu.

Ikoku kunoreva here, kunyanguvezvo, kuti hazvinei hazvo kana tikatadza kana kuti kwete, chero bedzi tikakumbira kukanganwirwa pashure? Nyangwe. Yeuka mashoko okutanga okunokora mashoko ikoko: “Ndinokunyorerai zvinhu izvi, kuti, murege kutadza.” Mamwe mashoko aJohane mundima iyoyo anoratidza gadziriro yorudo yaJehovha yokubata nokusakwana kwedu. Kunyanguvezvo, tinofanira kuedza zvakaoma sezvatinogona kudzivisa kutadza. Tikasadaro tinoratidza kuzvidzwa kunosiririsa kworudo rwaMwari, zvakati fananei naavo vakanongedzerwa kwavari naJudhasi avo vakashandisa mutsa usakafanirwa waMwari sepembedzo yomufambiro wakashata.—Judhasi 4.

Kurangarira ngoni dzaMwari sorudzi rwakati rwomumbure unodzivirira uyo nguva dzose uchatibata pasinei hapo nechatinoita kunoita kuti ngoni dzaMwari dzisakoshe ndokuita kuti kuratidzike kuti chivi hachina kutongoipa zvakadaro. Ikoku hakutongori zvokwadi. Muapostora Pauro akaudza Tito, kuti: “Nyasha dzaMwari dzakaonekwa, dzinovigira vanhu vose kuponeswa, dzichitidzidzisa isu kuti tirambe kusanamata Mwari nokuchiva zvenyika, tirarame nokungwara, nokururama, nokunamata Mwari panguva ino.”—Tito 2:11, 12.

Pauro akaratidza kunzwisisa kwake ngoni dzaMwari munzira yaakarwisana nayo nokusakwana kwake amene. Akati: “Ndinorwadzisa muviri wangu, ndichiuita muranda; kuti zvimwe ini, ndamboparidzira vamwe, ndirege kuva wakarashwa ndimene.” (1 VaKorinte 9:27) Pauro haana kungorerutsawo hake kuti aisungirwa kutadza panguva nenguva. Tinofanira kudaro here?

Murangariro waJesu

Pane imwe nhambo, Jesu akaratidza kuti airangarira sei mufungo wokubvumirana pane zvisina kufanira pane chakarurama nokutora nzira iri nyore zvikuru kuti adzivise kutambura. Apo akatanga kuudza vadzidzi vake nezvorufu rwake runouya rwechibairo, Petro akaedza kumuodza mwoyo, achiti: “Mwari ngaakunzwirei ngoni, Ishe! hamungaitirwi izvozvo.” Jesu akaitei? “Ibva shure kwangu, Satani! Uri chigumbuso kwandiri, nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvavanhu.”—Mateo 16:22, 23.

Kutsiura Petro kwakasimba kwaJesu kwakaratidza nenzira inoshamisa zvikuru kuti Jesu akaramba kutora nzira iri nyore yaibatanidza kurwisana nokuda kwaMwari. Chinyorwa chinoratidza kuti akatevera nenzira isingazununguki nzira yakarurama, achitambura kunetswa kwenguva dzose musimba raSatani. Pakupedzisira akatukwa, akarohwa zvakakomba, uye akatambura rufu rwunorwadza. Kunyanguvezvo, haana kubvumirana pane zvisina kufanira, uye nemhaka yaikoku akakwanisa kupa upenyu hwake sorudzikinuro nokuda kwedu. Zvirokwazvo haana kutsungirira zvose izvozvo kuitira kuti isu tive ‘vane mutsa kwatiri timene’ apo zvitambudzo kana kuti miedzo zvinomuka!

NezvaJesu kunotaurwa, kuti: “Makada kururama, uye makavenga kusateerera mutemo.” (VaHebheru 1:9, NW) Kutora nzira iri nyore yokubuda nayo kazhinji kazhinji kunobatanidza kusateerera mutemo. Nokudaro, kana tikavenga zvirokwazvo ikoku—sezvakaita Jesu—nguva dzose ticharamba kubvumirana pane zvisina kufanira. Mubhuku raZvirevo, Jehovha anoti: “Mwanakomana wangu, iva wakachenjera, ufadze mwoyo wangu; kuti ndigone kupindura unondishora.” (Zvirevo 27:11) Kururama kwaJesu kwakadzikama asi kusingabvumirani pane zvisina kufanira kwakaunza kufara kukuru kumwoyo waJehovha. Tinogona kupa Jehovha mufarwa wakafanana kana tikatevera nzira yaJesu yeperero.—1 Petro 2:23.

Akarovedzwa Netsungiriro

Muapostora Petro akanyora, kuti: “Iyo yamunofarira zvikuru, kunyange zvino, kana zvichifanira, muchichemedzwa nguva duku nemiidzo mizhinji; kuti kuidzwa kwokutenda kwenyu kunokosha zvikuru kupfuura ndarama inopera hayo, kunyange inoidzwa nomwoto, kuwanikwe kuchibereka kurumbidzwa, nokubwinya, nokukudzwa pakuonekwa kwaJesu Kristu.” (1 Petro 1:6, 7) Nemhaka yokuti hatina kukwana uye tiri kugara pakati penyika yaSatani, nguva dzose tichatarisana nemiedzo nezviedzo. Sokuratidza kunoita Petro, iyoyi inogona kubatira donzo rakanaka. Inoedza kutenda kwedu, inoratidza kana kwakaneta kana kuti kwakasimba.

Inobatirawo kutirovedza. Jesu “akadzidza kuteerera muzvinhu zvaakatambura.” (VaHebheru 5:8, NW) Isuwo tinogona kudzidza kuteerera, pamwe chete nokutsamira pana Jehovha, kana tikatsungirira mumuedzo. Uye uyu muitiro wokudzidza uchapfuurira kusvikira wapera, sokutaura kwakaita Petro, kuti: “Mwari . . . iye amene achapedzisa kurovedzwa kwenyu, achakumisai, achakusimbisai.”—1 Petro 5:10, NW.

Kana, kunyanguvezvo, tikabvumirana pane zvisina kufanira mumuedzo, tinozviratidza timene kuva mbwende kana kuti vane utera, vasingadi Jehovha zvakasimba nokururama kana kuti vasina kuzvidzora. Utera hupi nohupi hwakadaro hunoisa mungozi zvakakomba ukama hwedu naMwari. Zvamazvirokwazvo, nyevero yaPauro ingava yechokwadi kwatiri: “Nokuti kana tichitadza noune, kana tambogamuchira zivo yechokwadi, hakuna chibairo pamusoro pezvivi.” (VaHebheru 10:26) Kuri nani zvikuru sei kusatadza pakutanga panzvimbo pokutera kuutera ndokupinda mungozi yokurasikirwa nekariro yose youpenyu!

Perero Yakakwana

Mumazuva omuporofita Dhanieri, vaHebheru vatatu vakatyisidzirwa norufu rwomwoto kana vaisazonamata chidhori. Mhinduro yavo? “Kana zvikaitika hazvo, Mwari wedu watinoshumira ungagona kutirwira pachoto chomwoto unopfuta kwazvo; iye uchatirwira paruoko rwenyu, imi mambo. Asi kana zvikasaitika, zivai imi mambo, kuti hatingashumiri vamwe vamwari venyu kana kunamata chifananidzo chendarama chamakamisa imi.”—Dhanieri 3:17, 18.

Vakaita chimiro ichocho nemhaka yokuti vaida kuita chakanga chakarurama. Kana kwakatungamirira kurufu rwavo, vakanga vachidisa kufa. Chivimbo chavo chakanga chiri murumuko. Kana, zvisinei, Mwari akavanunura, ikoko kwaizova kwakanaka. Asi chimiro chavo chakasimba chakanga chakakwana. Naizvozvo kunofanira kuva kwakadaro nguva dzose navabatiri vaMwari.

Muzuva redu vamwe vakaramba kubvumirana pane zvisina kufanira vakapinzwa mutorongo, vakatambudzwa, kunyange kuurawa. Vamwe vakarega zvinhu zvokunyama, vachida kuramba vari varombo panzvimbo pokupfuma vachirasikirwa nemipimo yakarurama. Chii chakaitika kumukadzi wechiKristu adudzwa pakuvamba penyaya ino? Akaonga vavariro yomutsa yakanga isina kururama yachiremba, asi haana kubvumiranisa kutenda kwake pane zvisina kufanira. Panzvimbo pezvo, kuremekedza kwake mutemo waJehovha kwakamutungamirira kuramba kuvhiya. Nomufaro, akanaya zvisinei uye akapfuurira kubatira Jehovha nokushingaira. Zvisinei, apo akaita chimiro chake, haana kuziva waizova muuyo, asi akanga akagadzirira kusiira nhau yose musimba raJehovha.

Chii chakamubetsera kuramba akasimba zvakadaro mudzvinyiriro? Haana kuedza kutsamira pasimba rake amene, uye mubatiri upi noupi waMwari haafaniri kudaro. Yeuka, “Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu, ndiye mubatsiri uri pedyo pedyo panguva dzokumanikidzwa.” (Pisarema 46:1) Kuri nani zvikuru sei kutendeukira kuna Mwari nokuda kwebetsero patinenge tiri mumuedzo panzvimbo pokutadza uye ipapo kufanira kutendeukira kwaari nokuda kwengoni!

Hungu, tisatongorerutse ngoni huru dzaMwari. Panzvimbo pezvo, ngatikudziridzei chishuvo chapachokwadi chokuita chakarurama, kunyange mukutarisana nezvitambudzo. Ikoku kuchakudza ukama hwedu naJehovha, kutipa rovedzo yatinoda nokuda kwoupenyu husingaperi, uye kuratidzira kuremekedzwa kwakafanira kwengoni dzaMwari. Mufambiro wokuchenjera wakadaro uchaunza mufaro kumwoyo waBaba vedu vari kudenga.

[Mufananidzo uri papeji 24]

Chivimbo chakakwana murumuko chakabetsera vaHebheru vatatu kuchengeta perero

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe