Mibvunzo Inobva Kuvaravi
Kungava kwakakodzera here kuti muKristu apinde mubhizimisi naasingatendi, sezvo Bhaibheri richitiudza kuti: “Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwe chete navasingatendi”?
Tinowana zano iroro pana 2 VaKorinte 6:14-16: “Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwe chete navasingatendi; nokuti kururama kungava noukama hweiko nokusarurama? Chiedza chingayanana seiko nerima? Kristu unganzwana seiko naBheriari? Unotenda ungava nomugove weiko nousingatendi? Tembere yaMwari ingatenderana seiko nezvifananidzo?”
Hapana chikonzero chokudavira kuti muapostora Pauro akapa iri zano nevavariro yokugadza zvirambidzo zvakati, zvakadai sokuva kwomuKristu mubhizimisi naasingatendi. Bva, zano rake zvamazvirokwazvo rine chokuita naikoko, pamwe chete napadzimwe nzira dzoupenyu.
Pauro akanyorera zano iroro hama dzake dzechiKristu muKorinte yekare. Zvadzaigara muguta rakanga rakashata zvikuru, zuva nezuva dzaifanira kurwisana nengozi dzetsika nedzomudzimu. Kutoti dzakanga dzichingwarira, kuratidzirwa kupesvedzero dzakaipa kwaigona zvishoma nezvishoma kunetesa kutsunga kwadzo kuva vanhu vakasiana, “rudzi rwakasanangurwa, uprista hwamambo, rudzi rutsvene, vanhu vaakazviwanira.”—1 Petro 2:9.
Asati anyora chinooneka pana 2 VaKorinte 6:14-16, Pauro akanga abata nechinetso chakakomba pakati pehama dzake dzeKorinte. Dzakanga dzabvumira chinoitika choutere hwakakomba kuvapo pakati padzo, naizvozvo Pauro akadziraira kuti dzibvise, kana kuti kudzinga, mutadzi asingapfidzi. (1 VaKorinte 5:1) Chakaipa chomurume iyeyo chakaratidza kuti songaniro yakashata kana kuti kubatikana kwokusangwarira mumhoteredzo yenyika yetsika kungagona kutapura maKristu.
MaKristu eKorinte aifanira kudzivisa songanirano nomunhu akadzingwa, asi ikoko kwakareva here kuti aifanira kuzviparadzanisa amene chose chose navasingatendi? Aifanira kudokudzivisa onano yose kana kuti kubata navaisava maKristu, achiva rudzi rwakati rwesekete ravamongi, kufanana navaJudha vakaenda kuQumran pedyo neGungwa Rakafa here? Regai Pauro apindure: “Ndakakunyorerai ne[tsamba, NW] yangu, kuti murege kufambidzana nemhombwe; handiti mhombwe dzose dzenyika ino, . . . Nokuti kana zvakadaro maifanira kubva panyika.”—1 VaKorinte 5:9, 10.
Revo yamashoko iwayo yakajeka. Pauro aiziva kuti maKristu akanga achiri panyika ino, achigara pakati uye achiva neinodokuva onano yezuva nezuva navasingatendi vaiva netsika dzakanga dzakaderera uye vaiva nemipimo yakanga yakasiana. Sezvo ikoko kwakanga kusingadzivisiki zvikuru, maKristu anofanira kusvinurira ngozi dzeonano dzakadaro.
Zvino ngatirangarirei zvakare tsamba yechipiri yaPauro kuvaKorinte. Akaonesa kuti maKristu akazodzwa akakwaniriswa savashumiri vaMwari, vamiriri vanotsiva Kristu. Akavaudza kudzivisa chisakiso chipi nechipi chokugumbuka icho chingapinza ushumiri hwavo mumugariro wakashata. (2 VaKorinte 4:1–6:3) Pauro akakurudzira zvakananga hama dzake dzeKorinte, idzo dzakanga dzakafanana navana vomudzimu, kukura muzvidakadaka zvavo. (2 VaKorinte 6:13) Pashure paikoko akakurudzira, kuti: “Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwe chete navasingatendi.” Akashandisa nhevedzano yemisiano inoorora kusimbisa pfundo iroro.
Mashoko akapoteredza anoratidza kuti Pauro akanga asiri kunangidzira ngwariro panzvimbo yakati youpenyu, yakadai sebhizimisi kana kuti basa, uye kuonesa mutemo chaiwoiwo unofanira kumanikidzirwa muna ikoko. Panzvimbo pezvo, akanga achigovera zano rakafara, rakanaka, rinobetsera kuhama dzaaida zvikuru.
Iri zano ringashanda here, somuenzaniso, kumuKristu anofarira roorano? Zvamazvirokwazvo. Mutsamba yake yokutanga, muapostora akapa zano vaKorinte vaida kuroora kuti vaite saizvozvo “munaShe bedzi.” (1 VaKorinte 7:39, NW) Akasimbisa uchenjeri hwamashoko iwayo kupfurikidza nezvaakanyora gare gare, sezvinotaurwa pana 2 VaKorinte 6:14-18. Kana muKristu akarangarira roorano nomumwe munhu asiri mubatiri waJehovha uye asiri muteveri waKristu, aizove achirangarira kubatanidzwa naasingatendi. (Enzanisa naRevhitiko 19:19; Dheuteronomio 22:10.) Nenzira yakajeka, kusawirirana kukuru kungawedzera bviro yezvinetso, kubatanidza zvomudzimu. Somuenzaniso, asingatendi panguva yacho kana kuti munguva yemberi angaronda kunamatwa kwamwari wenhema. Pauro akarangarira, kuti: “Kristu unganzwana seiko naBheriari?”
Zvakadiniko, kunyanguvezvo, nezveimwe nzira youpenyu—kupinda mubhizimisi naasingatendi? Mune zvimwe zvinoitika muKristu angarangarira kuti kuwana chokurarama nacho nokutarisira mhuri yake kunoda kupinda muukama hwebhizimisi nomumwe munhu asiri muKristu biyake. (1 Timotio 5:8) Rangarira inongova zvayo mienzaniso:
MuKristu angada kuvamba bhizimisi rokutengesa rudzi rwakati rweshavo, asi nzira bedzi yaizova yokubvuma kukutsirana nomunhu anogona kuwana zvinhu zvinodikanwa kana kuti mari. Mumwe muKristu anoda kurima (kana kuti kuchengeta rudzi rwakati rwezvipfuwo); bva hapana nzvimbo inowanika, naizvozvo angatofanira kukuita pamwe chete nomumwe munhu anodisa kumurendesa nzvimbo nokuda kwokugoverana mumhindu ipi neipi. Zvichida mumwe muKristu haakwanisi kupinda mubhizimisi rokugadzira pombi nemhaka yokuti Kesari anopa marezenisi mashomanene bedzi, uye akatotorwa; nzira bedzi yaizova yokuti akumbanire hama yokunyama isingatendi iyo yakapiwa rezenisi.—Marko 12:17.
Iyi mienzanisiro chete. Hatisi kuedza kupedza zvinobvira, uyewo hatisi kuita kutaura kupi nokupi kwokutendera kana kuti kwokusatendera. Asi uchirangarira iyi mienzaniso, haugoni here kuona chikonzero nei zano riri pana 2 VaKorinte 6:14-18 risingafaniri kufuratirwa?
MuKristu akapinda mubhizimisi naasingatendi, ingava hama yokunyama kana kuti kwete, angasanosangana nezvinetso nemiedzo zvisingakarirwi. Zvichida mukutsirani anogumisa kuti nzira yokuita nayo mhindu ine mufungo ndeyokushuma mari yakaderera inowanwa kana kuti kusachengeta zvinonyorwa zvinodikanwa zvavashandi nemari yavanotambira, kunyange kana ikoko kuchiputsa mitemo yehurumende. Angafara kubhadhara vanhu vanounza zvinhu pachivande nokuda kwezvinhu zvisina kunyorwa painivhoisi yapamutemo. MuKristu angava norutivi rwupi norwupi muna ikoko kana kuti kusatendeseka kwakafanana here? Uye chii icho muKristu angaita apo inosvika nguva yokuti vose vari vaviri vasaine mapepa omutero kana kuti zvimwe zvinonyorwa zvapamutemo pamusoro penzira yavanoita nayo bhizimisi?—Eksodho 23:1; VaRoma 13:1, 7.
Kana kuti musonganiri asingatendi webhizimisi angada kuchengeta zvinhu zvine chokuita namazororo echihedheni, kutumira makadhi ezororo muzita rekambani, uye kushongedza bhizimisi nokuda kwamazororo orudzidziso. Pauro akabvunza, kuti: “Tembere yaMwari ingatenderana seiko nezvifananidzo? Nokuti isu tiri tembere yaMwari mupenyu.” Yakafanira sei tsinhiro yokuti: “‘“Saka, budai pakati pavo, muzviraure,” [anodaro Jehovha, NW] “musabata chinhu chine tsvina”’; ‘“ini ndichakugamuchirai”’”! (2 VaKorinte 6:16, 17) Mukushandisa zano iroro rokuchenjera, maKristu akawanda akasarudza marudzi ebasa rokunyika ayo aizoaratidzira kuzvinetso zvinobvira zvishomanene zvikuru sezvinobvira.—VaHebheru 13:5, 6, 18.
Ungano hairairwi kuramba ichitarira kana kuti kunzvera zvose izvo maKristu anoita mubasa rawo rokunyika, savashandi kana kuti zvimwe varidzi vamabhizimisi. Chokwadika, kana kukazivikanwa kuti muKristu rutivi kuchakaipa, zvakadai sokusimudzira kunamata kwenhema kana kuti chimiro chakati chokureva nhema kana kuti kuba, ungano ingafanira kuita nhano dzokutsigira mipimo yaJehovha.
Pfundo guru, zvisinei, nderokuti zano rakafuridzirwa raPauro rokuti, “Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwe chete navasingatendi,” rinogona kubetsera maKristu kudzivisa zvinetso nechiito chipi nechipi chinodikanwa chokutonga. MaKristu akachenjera acharangarira zano iroro ndokusasarudza kupinda mumigariro umo achava mudzvinyiriro yakawedzerwa yokubvumiranisa nheyo dzeBhaibheri pane zvisina kufanira. Kana mumwe munhu achirangarira kuti anofanira kupinda mubhizimisi naasingatendi, vamwe havafaniri kukurumidza kumutonga kana kuti kumutsoropodza, vachiziva kuti achafanira kutakura mutoro wechisarudzo chake. Zvikurukuru, Pauro akanga asiri kuratidza mutemo chaiwoiwo, unomanikidzirwa mukupesana nokupinda mubhizimisi naasingatendi. Zvisinei, zano rake harifaniri kufuratirwa. Mwari akafuridzira zano iroro ndokuita kuti rinyorwe muBhaibheri nokuda kwokubetserwa kwedu. Takachenjera kuriteerera.