Vazivisi voUmambo Vanoshuma
Kuremekedza Utsvene Hwoupenyu
BHAIBHERI rinoratidza kuti ropa rinokosha mumeso aMwari uye kuti anoshurikidza kushandiswa kwaro zvisina kufanira. (Revhitiko 17:14; Mabasa 15:19, 20, 28, 29) Nemhaka yeiyi mirairo yeBhaibheri, Zvapupu zvaJehovha hazvibvumi kuisirwa ropa.
Kubetsera vanachiremba navashandi vapachipatara kunzwisisa chimiro chorudzidziso cheZvapupu zvaJehovha pamusoro peiyi nhau uye kunzwisisa kuti Zvapupu zvichagamuchira kurapa kwakasiana, Watch Tower Society yakaronga maHospital Liaison Committee (HLC) munyika dzakasiana-siana. Mitezo yaaya matare inoshanyira zvipatara kuti itaure navarapi. Misi ichangobva kupfuura iyi, mumaguta 12 muPoland, misangano inopfuura 200 yakaitwa, ichibatanidza vanachiremba vanopfuura 500, zvikurukuru vakuru vekiriniki kana kuti vamawadhi echipatara. Zvinotevera zvakaitika mukati meimwe shanyo yakadaro:
“Musangano paCardio-Surgical Clinic muZabrze wakanga uri chakaitwa chakabudirira zvikurusa. Chifo cha 1986 boka riri pakiriniki yacho rave richivhiya hama dzedu pasina ropa. Pari zvino, kuvhiya kwakadaro 40 kwakaitwa. Kiriniki yacho yakagadzirira kugamuchira varwere vanobva muPoland yose nokunyika dzokumwewo. Pashure pekurukurirano yamaminiti 50, mutevedzeri womukuru weimwe wadhi akasuma mitezo yeHLC kuboka ravarwere ndokuti: ‘Ava vanhu Zvapupu zvaJehovha. Vanobatira pamwe nekiriniki yedu, uye vanotibetsera. Havasati vari vatendi biyavo bedzi asiwo vamwe varwere vose vanobetserwa nebetsero yavo. Nemhaka yeZvapupu zvaJehovha, takasvika pakupwiswa kuti kuvhiya mwoyo kukuru kunogona kuitwa pasina ropa.
“‘Somuenzaniso, takavhiya uyu mukadzi [achinongedzera kumumwe wavarwere vake] pasina ropa, uye paMuvhuro ari kuenda kumusha. Ndingada kutaura kuti tinoshandisa ropa kashomanene zvikuru kwazvo kupfuura kare nemhaka yokuti rine ngozi. Rakabatanidzwa neHIV, kuzvimba chiropa, uye kunaya kwakarebeswa.
“‘Ndiri muKaturike, asi mumba medu tave tichishivirira nguva dzose mirangariro yavamwe. Ndakambofamba-famba muSlaski Stadium navana vangu. Kare, iyi nhandare yakanga yave ichiregeredzwa, asi takacherekedza kuti zvino yakanga yachinja zvokusagona kuzivikanwa. Ndakabvunza mumwe wavashandi kuti iyi chinjo yakaparirwa sei. Akataura kuti vatarisiri vakanga vodokurasikirwa netariro yokugadziridza nhandare yacho, asi yakarendeswa kuZvapupu vaJehovha, uye zvakaigadziridza.
“‘Naizvozvo ava ndivo vanhu avo tose zvedu tinogona kudzidza zvakawanda kwavari. Ndinofunga kuti muiyi wadhi tinofanira kushivirira mirangariro yavamwe.’ Ipapo, achinongedzera kuchimwe Chapupu chakanga chichifanira kuvhiyiwa mumazuva mashomanene, akati: ‘Uyu mukadzi ndimumwe weZvapupu zvaJehovha, uye achavhiyiwa pasina ropa.’”
Nepo Zvapupu zvaJehovha zvisingaedzi kumanikidzira zvitendero zvazvo pavamwe, izvo zvimene zvinotevera muenzaniso wavaapostora ndoku“teerera Mwari somutongi panzvimbo pavanhu.” (Mabasa 5:29, NW) Ikoku kunobatanidza kuremekedza ropa. Zvinoonga apo vamwe vanoremekedza zvitendero zvazvo zvorudzidziso pamusoro peiyi nhau.