Nokukurumidza—Nyika Isina Hondo!
PANA DECEMBER 24, 1914, mumwe murwi muduku weBritain ainzi Jim Prince akafamba achigura nyika isiri yomunhu achienda kundotaura nomurwi anofamba netsoka weGermany. “Ini ndiri muSaxon. Iwe uri muAnglo-Saxon. Tinorwirei?” muGermany akamubvunza kudaro. Makore gare gare, Prince akabvuma, kuti: “Ndichiri asingazivi mhinduro kumubvunzo iwoyo.”
Kwevhiki rimwe rechienzi muna 1914, varwi vehondo dzeBritain neGermany vakasonganirana noushamwari, vakatamba nhabvu, uye vakatotsinhana zvipo zveKrisimisi. Chibvumirano ichocho, chokwadika, chakanga chisiri chapamutemo. Vatungamiriri vehondo vakanga vasingadi kuti mauto avo awane kuti “muvengi” akanga asati ari chikara chinotyisa chakaratidzirwa neparadziro yehondo. Murwi weBritain Albert Moren gare gare akayeuka, kuti: “Kudai kurega kurwa kwakanga kwapfuurira kwerimwe vhiki, kungadai kwakaoma zvikuru kuita kuti hondo itangwezve.”
Kurega kurwa ikoko kwokuzvidira kunokarakadza kuti kunyange varwi vakawanda vakarovedzwa vanoshuva rugare panzvimbo pehondo. Varwi vazhinjisa avo vakaziva zvinotyisa zvehondo vaizotsigira chirevo chechiSpain, chinoti: “Uyo asingazivi chiri hondo ngaaende kuhondo.” Pasina panikiro, imwe nzvero yomunyika yose inoitwa pakati pavanhu vose yaizozivisa kuti voruzhinji zvikuru vanoda rugare kupfuura hondo. Asi ichi chishuvo chapose pose chorugare chinogona sei kushandurwa kuva nyika isina hondo?
Hondo isati yagona kuparadzwa, zvimiro zvendangariro zvinofanira kuchinja. Bumbiro remitemo reUN Educational, Scientific, and Cultural Organization rinoti: “Sezvo hondo dzichivamba mundangariro dzavanhu, ndimo mundangariro dzavanhu umo kudzivirirwa kworugare kunofanira kuvakwa.” Bva chaunga chomuzuva razvino, umo kusavimba noruvengo zvakapararira, chiri kuva chamasimba masimba zvikuru, kwete chine rugare zvikuru.
Kunyanguvezvo, Mwari amene akapikira kuti rimwe zuva rugare rwaizorovererwa pandangariro dzavanhu vanoda zvakarurama. Kupfurikidza nomuporofita wake Isaya, iye akati: “Iye [Mwari] uchatonga pakati pamarudzi, nokururamisira vanhu vazhinji; vachapfura minondo yavo vachiiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.”—Isaya 2:4.
Kusimudzira Rugare Mundangariro
Ko chinjo inoshamisa yakadaro mukufunga inogona kuitika here? Ko vanhu vachazombodzidza kutaviridza rugare panzvimbo pokurumbidza hondo here? Rangarira muenzaniso waWolfgang Kusserow. Muna 1942 vaNazi vakagura musoro uyu muGermany aiva namakore 20 okukura nemhaka yokuti iye ‘haasati aizodzidza hondo.’ Neiko iye akasarudza kufa? Mukutaura kwakanyorwa, iye akanokora nheyo dzapaMagwaro dzakadai, “Ida wokwako, sezvaunozvida iwe” uye, “Vose vanobata munondo vachafa nomunondo.” (Mateo 22:39; 26:52) Iye ipapo akabvunza nomutoo wakananga, kuti: “Ko Musiki wedu akaita kuti kwose ikoku kunyorerwe miti here?”
Shoko raMwari, rakanyorwa muBhaibheri, “rinoshandisa simba” uye rakasunda ichi Chapupu chiduku chaJehovha kuronda rugare, pasinei zvapo nemiuyo yacho. (VaHebheru 4:12; 1 Petro 3:11) Asi Wolfgang Kusserow akanga asati ari iye bedzi uyo akadarozvo kuronda rugare. Mubhuku rinonzi The Nazi Persecution of the Churches 1933-45, J. S. Conway anodudza zvinyorwa zvehurumende zveNazi zvinopupurira kuti Zvapupu zvaJehovha seboka zvairamba kurwa. Sokuonesa kunoita Conway, chimiro choushingi chakadaro chakadokureva kusaina rugwaro rwazvo zvimene rworufu.
Zvapupu zvaJehovha nhasi zvinopfuurira kuronda rugare, pasinei zvapo nedzinza razvo kana kuti rudzi. Neiko? Nemhaka yokuti zvakadzidza muBhaibheri kuti vabatiri vechokwadi vaMwari vanofanira kupfura minondo yavo kuva miromo yamapadza. Alejandro, mumwe murume muduku weArgentina uyo akatamira kuIsraeri muna 1987, anogona somunhu oga kupupurira iri idi.
Kwamakore matatu Alejandro akagara munharaunda yakati achifunda payunivhesiti uye achishanda muhotera notumahotera zvakasiana-siana. Mukati meiyi nguva, iye akavamba kurava Bhaibheri uye akanga achitsvaka donzo muupenyu. Kupfuura zvose, akashuva kuona nyika umo vanhu vaigona kufarikanya rugare neruramisiro. Alejandro—muJudha—akashanda pamwe chete navaJudha navaArabhu asi akasarudza kusada rutivi rupi norupi.
Muna 1990 imwe shamwari yakanga ichifunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha yakakoka Alejandro kugungano rezuva rimwe muHaifa. Akatyamadzwa nokuwana vaJudha navaArabhu 600 vachivhengana nomufarwa pagungano racho, akafunga kwaari amene kuti, ‘Iyi ndiyo nzira yakarurama yokuti vanhu vararame nayo.’ Mukati memwedzi mitanhatu, iye amene akava Chapupu uye zvino anopa zhinjisa yenguva yake mukuparidzira shoko reBhaibheri rorugare.
Kuunza Kuchaita Mwari Rugare
Kunyange zvazvo iyi mienzaniso ichiorora, iyo mugariro wezvinhu unozivikanwa navose munyika yanhasi. Kunyange zvazvo tsika yazvino ichingotaura chete nezvorugare, inodiridza mbeu dzehondo. Waizoda here kugara mumugwagwa umo vagari vanopedzera pakati pe 7 ne 16 muzana yemari yavo pazvombo nokudzivirirwa kweimba? Chaizvoizvo, izvozvo ndizvo izvo marudzi ave achiita kupfurikidza nendyiko dzehondo mumakore achangobva kupfuura. Nenzira isingashamisi, uporofita hwaIsaya hunozivisa kuti rudzi rwomunhu rwose zvarwo harusati ruchizotongopfura minondo yarwo kuva miromo yamapadza kutozosvikira Mwari ‘aruramisa zvinhu pamusoro pamarudzi mazhinji.’ Iye achaita sei ikoko?
Mutoo mukuru wokururamisa nawo zvinhu ndihwo Umambo hwaJehovha Mwari. Muporofita Dhanieri akadeya kutaura kuti ‘Mwari wedenga aizogadza umambo husati hwaizotongoparadzwa.’ Umambo ihwohwu, iye anowedzera, “huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose [hurumende dzenyika], ihwo huchamira nokusingaperi.” (Dhanieri 2:44) Aya mashoko anozivisa kuti Umambo hwaMwari huchasimbisa zvakasimba udzori hwahwo pamusoro papasi rose. Kupfurikidza nokubvisa miganhu yorudzi, Umambo huchaita kuti makwikwi ave ekare. Kupfuurirazve, sezvo vadzorwi vahwo vachava “vanhu vanodzidziswa naJehovha,” rugare rwavo “ruchawanda.” (Isaya 54:13, NW) Hakushamisi kuti Jesu akatiudza kunyengetera kuna Mwari, kuti: “Umambo hwenyu ngahuuye”!—Mateo 6:10, NW.
Kubvisa Mhinganidzo Dzorudzidziso
Mwari achabvisawo mhinganidzo dzorudzidziso kurugare. Rudzidziso rwakaparira rwisano yehondo refu zvikurusa munhau—Hondo dzamaKristu, kana kuti “Hondo Tsvene,” dzakatangwa naPope Urban II muna 1095 N.V.a Muzana redu ramakore vafundisi vave vakatanhamara mukunyandura nokuwana tsigiro yakakurumbira yehondo, kunyange idzo dzorudzi rwenyika chose chose.
Achinongedzera kubasa rechechi nezita dzechiKristu mukati meHondo yeNyika I, wezvenhau Paul Johnson akanyora, kuti: “Vafundisi vakanga vasingakwanisi, uye kworutivi rukurusa vasingadisi, kuisa kutenda kwechiKristu pamberi porudzi. Vazhinjisa vakatora nzira iri nyore yokubuda nayo ndokuenzanisa chiKristu nokuvimbika kunyika yako. Varwi vechiKristu vamarudzidziso ose vakarairwa kuurayana muzita roMuponesi wavo.”
Rudzidziso rwakaita zvakawanda kunyandura hondo kupfuura kutarisira rugare. Kutaura idi, Bhaibheri rinoratidzira rudzidziso rwenhema se“hure” rinogutsa zvishuvo zvakaipa zvavatongi venyika. (Zvakazarurwa 17:1, 2) Mwari anoruzivisa kuti ndinyajambwa mukuru ane mutoro wokudeura ropa raavo vose vakaurawa pasi pano. (Zvakazarurwa 18:24) Somuuyo, Jehovha Mwari achabvisa iyi mhinganidzo kurugare nokusingaperi.—Zvakazarurwa 18:4, 5, 8.
Kunyange nokunyangarika kwamasangano anokamuranisa akadai samatongerwe enyika norudzidziso rwenhema, rugare harusati rwaizotongova rwakachengeteka pasina kubviswa kwomupariri mukurusa wehondo wavose—Satani Dhiabhorosi. Iroro ndiro basa rokupedzisira iro Umambo hwaMwari huchaita mugadziriro yahwo yokuunza rugare rwakakwana kupasi. Bhuku reBhaibheri raZvakazarurwa rinotsanangura kuti Satani acha“batwa” ndoku“sungwa” ndoku“kandirwa . . . mugomba rakadzika-dzika” kuitira kuti “agorega kutsausazve marudzi.” Pashure paikoko achaparadzwa chose chose.—Zvakazarurwa 20:2, 3, 10, NW.
Chipikirwa cheBhaibheri chomugumo kuhondo hachisati chiri chirotowo zvacho. Gadziriro yaJehovha Mwari yorugare yakatotangwa. Umambo hwake hwakagadzwa mumatenga uye hwakagadzirira kuita zvimwe zviito kuvimbisa rugare rwenyika yose. Munguva ino, mamirioni eZvapupu zvaJehovha, ayo anotsigira iyi hurumende yokudenga, akadzidza kugara murugare.
Nenzira yakajeka, ipapoka, tine zvikonzero zvakanaka zvokudavira kuti hondo hadzisati dziri dzisingadzivisiki. Kuri nani zvikuru, tinogona kutarira mberi kuzuva rava pedyo apo Jehovha achaita kuti hondo dzimire nokusingaperi. (Pisarema 46:9) Achava nechokwadi chokuti kuchakurumidza kuva nenyika isina hondo.
[Mashoko Omuzasi]
a Pane dzimwe nguva vatungamiriri vorudzidziso vamene vakava varwi. PaBattle of Hastings (1066), bishopi weKaturike Odo akaruramisa kubatanidzwa kwake kwokushingaira kupfurikidza nokushandisa muti panzvimbo pomunondo. Iye akataura kuti kana ropa risina kudeurwa, munhu waMwari aigona kuuraya nenzira yapamutemo. Mazana amakore mashanu gare gare, Cardinal Ximenes somunhu oga akatungamirira vhozhokero yeSpain yeNorth Africa.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Unogona kurarama munyika itsva isina hondo