Zvapupu zvaJehovha Kupota Nyika—Philippine Republic
ZVITSUWA zvomurutivi runopisa rwapasi zvakashata zvine 7 083 zvinoumba Republic of the Philippines chikamu chapamusoro chomudungwerungwe uri mumvura zvishoma.a Uye vagari vemo 62 000 000 vePhilippines vanoda kutaura painodokuva nhau ipi neipi. Uyu mudzimu woushamwari unoguma nomunda wakaibvira wokupupurira Umambo.
Kupupurira Muchikoro
Pachitsuwa cheMasbate, mumwe mudzidzi muduku wapachikoro chapamusoro akakwanisa kupupurira kumudzidzisi wake nekirasi mukati mebvunzurudzo yechokwadi nenhema. Iye anoshuma, kuti:
“Kutaura kwacho kwakanga kuri uku, ‘Kana Mwari achindida, haasati achizondipa zvinetso kana kuti kundirega ndichitambura.’ Apo mudzidzisi wangu akanzvera mapepa edu, akawana kuti vose kunze kwangu vakapindura kuti chokwadi. Mudzidzisi wangu akandibvumira kutsanangurira kirasi chikonzero nei ndakapindura kuti nhema. Ndakataura kuti akanga asiri Mwari akatipa zvinetso, kunyange zvazvo iye achibvumidza kutambura uye achitibvumira kuedzwa. Ndichishandisa Bhaibheri rangu, iro nguva dzose ndinoenda naro kuchikoro, ndakarangarira nekirasi pamashoko ari pana 1 Johane 4:8, ‘Mwari rudo.’ Pashure petsananguro yangu, mudzidzisi wangu akapwiswa, akarova chibhariro chake, ndokuti: ‘Marilou akarurama.’ Ndini bedzi ndakawana mhinduro yakarurama kuuyu mubvunzo ndokugamuchira giredhi rapamusoro zvikurusa.”
Shoko roUmambo Riri Munzvimbo Iri Yose
Achibatikana muushumiri hwapaimba neimba murumwe rutivi rwePhilippines, mumwe piona wenguva dzose (muzivisi wenguva yakazara wamashoko akanaka) akasangana naamai wavana vatatu vaduku. Mukadzi wacho akaratidza fariro huru mushoko roUmambo, uye ikoku kwakaita kuti kuve kuri nyore kutanga fundo yeBhaibheri naye. Kunyange zvazvo murume wake asina kufadzwa nokuti akanga achigamuchira zvifundo zveBhaibheri, zvikurukuru kuZvapupu zvaJehovha, fundo yacho yakapfuurira.
Murume wacho akatamisa mhuri yake kune rimwe guta, achifunga kuti ikoku kwaizogumisa songanirano yomudzimai wake neZvapupu. Hakuna kutora nguva refu, zvisinei, zvisati zvawana uyu mukadzi, uye akatangazve fundo yake yeBhaibheri. Chokwadika, murume wake akakangaidzwa zvikuru. Akaenda nokutsamwa kwake kubasa rake, uko iye akaratidzira mirangariro yake kumwene wemotokari yaakanga achigadzira. Murume wacho haana kuziva kuti mwene iyeyu akanga ari mumwe weZvapupu zvaJehovha.
Chapupu chakatsanangura kuti kwaizova kunobetsera zvikuru nokuda kwemhuri yose kana mudzimai wake akapfuuridzira zvidzidzo zvake zveBhaibheri. Iye aigona kutanga kushandisa nheyo dzeBhaibheri mumusha chaimo. Kwakakarakadzwawo kuti murume amene angagona kubetserwa nokudzidza pamusoro poUmambo hwaMwari.
Chii chakabva muiyi kurukurirano? Mudzimai womurume wacho akava norusununguko rukuru rwokufunda Bhaibheri, uye iye akasarudza kudzorera mhuri yake kumusha wavo wapakuvamba. Ikoko mukadzi akaita fambiro mberi yomudzimu kusvikira kupfundo rokuva muparidzi woUmambo asina kubhapatidzwa. Murume wake akabvumawo fundo yeBhaibheri, uye mhuri yose yakavamba kupinda misangano yechiKristu.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwamashoko okuwedzera, ona 1994 Karenda yeZvapupu zvaJehovha.
[Bhokisi riri papeji 8]
KUKAMURANISWA KWENYIKA
Gore reBasa ra 1993
CHIVERE. CHAPA. CHINOPUPURIRA: 116 576
RESHIYO Chapupu chimwe ku: 549
VAKAPINDA CHIRANGARIDZO: 357 388
AVHAREJI YAVAPARIDZI MAPIONA: 22 705
AVHAREJI YEFUNDO DZEBHAIBHERI: 94 370
CHIVERE. CHAKABHAPATIDZWA: 7 559
CHIVERENGERO CHEUNGANO: 3 332
HOFISI YEBAZU: MANILA
[Mufananidzo uri papeji 9]
Kupupurira mumusika kunounza miuyo yakaisvonaka
[Mufananidzo uri papeji 9]
Hofisi yebazu yeWatchtower Society muManila