RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 1/15 pp. 15-20
  • Vafudzi Namakwai Muubati Ushe hwaMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vafudzi Namakwai Muubati Ushe hwaMwari
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Tiri Voubati Ushe hwaMwari Munzirai Nhasi?
  • Ubati Ushe hwaMwari Hwazvino Uno
  • Vakuru Muubati Ushe hwaMwari
  • Kubatira Nomudzimu wechiKristu
  • Makwai Muubati Ushe hwaMwari
  • Vafudzi Namakwai Vanoshandira Pamwe chete
  • Chipupuriro Kukutenda
  • Ramba Uri Pedyo Noubati Ushe hwaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Jehovha Anotonga—Kupfurikidza Noubati Ushe hwaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Marongerwo Akaitwa Ungano
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • “Mukudze Vakadai”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 1/15 pp. 15-20

Vafudzi Namakwai Muubati Ushe hwaMwari

“Jehovha ndiye mutongi wedu, Jehovha ndiye mutemi wemirairo yedu, Jehovha ndiye mambo wedu; iye uchatiponesa.”—ISAYA 33:22.

1. Kunogona sei kutaurwa kuti maKristu omuzana rokutanga ramakore namaKristu nhasi ubati ushe hwaMwari?

UBATI ushe hwaMwari hunoreva kutonga kunoitwa naMwari. Hunobatanidza kugamuchira chiremera chaJehovha nokutevera nhungamiro dzake nemirairidzo muzvisarudzo zvikuru nezviduku zvatinoita muupenyu. Ungano yomuzana rokutanga ramakore yakanga iri ubati ushe hwaMwari hwechokwadi. MaKristu panguva iyeyo aigona nenzira yokutendeseka kuti: “Jehovha ndiye mutongi wedu, Jehovha ndiye mutemi wemirairo yedu, Jehovha ndiye mambo wedu.” (Isaya 33:22) Navakasarira vakazodzwa somusimboti waro, sangano raJehovha Mwari nhasi nenzira yakafanana ubati ushe hwaMwari chaihwoihwo.

Tiri Voubati Ushe hwaMwari Munzirai Nhasi?

2. Inzirai imwe iyo Zvapupu zvaJehovha zvinozviisa nayo pasi pokutonga kwaJehovha?

2 Tinogona sei kutaura kuti sangano raJehovha rapasi ubati ushe hwaMwari? Nemhaka yokuti avo vari varo vanozviisa pasi zvamazvirokwazvo pokutonga kwaJehovha. Uye vanotevera kutungamirira kwaJesu Kristu, uyo Jehovha akagadza pachigaro choumambo saMambo. Somuenzaniso, munguva yomugumo, uyu murairo wakananga unobva kuMubati Ushe wouMwari Mukuru unopiwa kuna Jesu, kuti: “Tumai jeko renyu mucheke; nokuti nguva yokucheka yasvika, nokuti kucheka kwenyika kwaibva.” (Zvakazarurwa 14:15) Jesu anoteerera uye anokohwa pasi. MaKristu anotsigira Mambo wawo muiri basa guru kupfurikidza nokuparidzira mashoko akanaka nokushingaira nokuita vadzidzi. (Mateo 28:19; Marko 13:10; Mabasa 1:8) Mukuita kudaro, vashandi biyavowo vaJehovha, Mubati Ushe wouMwari Mukuru.—1 VaKorinte 3:9.

3. MaKristu anozviisa pasi sei poubati ushe hwaMwari munhau dzetsika?

3 Mumufambirowo maKristu anozviisa pasi pokutonga kwaMwari. Jesu akati: “Unoita zvokwadi, unouya pachiedza, kuti mabasa ake aonekwe, kuti akaitwa muna Mwari.” (Johane 3:21) Nhasi, pane kurukurirano dzisingagumi pamusoro pemipimo yetsika, asi aya magakava haana nzvimbo pakati pamaKristu. Anorangarira soutere icho Jehovha anoti ndechoutere, uye anochidzivisa chose chose! Anotarisirawo mhuri dzawo, anoteerera vabereki vawo, uye anoramba achizviisa pasi pezviremera zvikuru. (VaEfeso 5:3-5, 22-33; 6:1-4; 1 Timotio 5:8; Tito 3:1) Nokudaro, anoita nenzira youbati ushe hwaMwari, mutsinhirano naMwari.

4. Zvimiroi zvendangariro zvakaipa zvakaratidzirwa naAdhama naEvha uye Sauro, uye maKristu anoratidza sei chimiro chendangariro chakasiana?

4 Adhama naEvha vakarasikirwa neParadhiso nemhaka yokuti vakanga vachida kuita zvisarudzo zvavo vamene pamusoro pechakanga chakarurama nechakanga chisina kururama. Jesu akanga achida zvinopesana chaizvo. Iye akati: “Handitsvaki kuda kwangu, asi kuda kwowakandituma.” MaKristu anotsvaka chinhu chimwe chetecho. (Johane 5:30; Ruka 22:42; VaRoma 12:2; VaHebheru 10:7) Sauro, mambo wokutanga waIsraeri, akateerera Jehovha—asi murutivi bedzi. Akarambwa nokuda kwaikoku. Samueri akamuudza, kuti: “Kuteerera kunokunda zvibairo, nokunzwa kunokunda mafuta amakondohwe.” (1 Samueri 15:22) Ndokwoubati ushe hwaMwari here kutevera kuda kwaJehovha kusvikira kutambanuko yakati, zvichida kupfurikidza nokuva wenguva dzose mubasa rokuparidzira kana kuti mukupinda misangano, uye ipapo kubvumirana pane zvisina kufanira munhau dzoutere kana kuti mune imwe nzira yakati? Chokwadika kwete! Tinovavarira ku‘ita kuda kwaMwari nomwoyo wose.’ (VaEfeso 6:6; 1 Petro 4:1, 2) Kusafanana naSauro, tinozviisa pasi zvizere pokutonga kwaMwari.

Ubati Ushe hwaMwari Hwazvino Uno

5, 6. Jehovha anobata sei norudzi rwomunhu nhasi, uye kubatira pamwe neiyi gadziriro kunoguma nei?

5 Munguva yakapfuura, Jehovha akatonga uye akazivisa zvokwadi kupfurikidza navanhu vamwe navamwe, vakadai savaporofita, madzimambo, uye vaapostora. Nhasi, hakusati kuchakadaro; hapana vaporofita vakafuridzirwa kana kuti vaapostora. Panzvimbo pezvo, Jesu akataura kuti mukati mokuvapo kwake kwoumambo, aizozivisa boka rakatendeka ravateveri, “muranda wakatendeka, wakangwara,” uye aizorigadza pazvinhu zvake zvose. (Mateo 24:45-47; Isaya 43:10) Muna 1919 muranda iyeyo akaziviswa savakasarira vamaKristu akazodzwa. Chifo chenguva iyoyo, serinomirirwa noMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha, rave riri nzvimbo yapakati youbati ushe hwaMwari pasi pano. Kupote nyika, Mutumbi Unodzora unomirirwa naMatare aMapazu, vatariri vanofambira, uye vakuru veungano.

6 Kubatira pamwe nesangano roubati ushe hwaMwari rutivi runokosha rwokuzviisa pasi poubati ushe hwaMwari. Kubatira pamwe kwakadaro kunoparira chinzwano nenhevedzano munyika yose mu“sangano rose rehama.” (1 Petro 2:17, NW) Uyewo, ikoku kunofadzawo Jehovha, uyo ari “Mwari, kwete wenyongano, asi worugare.”—1 VaKorinte 14:33, NW.

Vakuru Muubati Ushe hwaMwari

7. Nei kuchigona kutaurwa kuti vakuru vechiKristu vanogadzwa nenzira youbati ushe hwaMwari?

7 Varume vakuru vose vakagadzwa, ipi kana ipi iri nzvimbo yavo yechiremera, vanosvitsa zvinodikanwa zvakarongwa muBhaibheri nokuda kwenzvimbo yomutariri, kana kuti murume mukuru. (1 Timotio 3:1-7; Tito 1:5-9) Uyezve, mashoko aPauro kuvakuru veEfeso anoshanda kuvakuru vose: “Zvingwarirei mumene neboka rose, iro pakati paro mudzimu mutsvene wakakugadzai vatariri, kuti mufudze ungano yaMwari.” (Mabasa 20:28, NW) Hungu, vakuru vanogadzwa nomudzimu mutsvene, uyo unobva kuna Jehovha Mwari. (Johane 14:26) Kugadzwa kwavo ndekwoubati ushe hwaMwari. Uyezve, vanofudza boka raMwari. Boka nderaJehovha, kwete ravakuru. Iro ubati ushe hwaMwari.

8. Ndeipi iri mitoro yose yavakuru nhasi?

8 Mutsamba yake kuvaEfeso, muapostora Pauro akaronga mitoro yose yavakuru, achiti: “Zvino wakapa vamwe kuti vave vaapostora, vamwe vaporofita, vamwe vaevhangeri, vamwe vafudzi navadzidzisi; kuti vatsvene vakwanisirwe basa ravo rokushumira, nerokuvaka muviri waKristu.” (VaEfeso 4:11, 12) Vaapostora navaporofita vakapfuura noucheche hwo“muviri waKristu.” (Enzanisa na 1 VaKorinte 13:8.) Asi vakuru vachiri vakabatikana zvikuru vachiparidza evhangeri, kufudza, uye kudzidzisa.—2 Timotio 4:2; Tito 1:9.

9. Vakuru vanofanira kuzvigadzirira vamene sei kuti vamirire kuda kwaMwari muungano?

9 Sezvo ubati ushe hwaMwari kuri kutonga kwaMwari, vakuru vanobudirira vakarovedzana zvakakwana nokuda kwaMwari. Joshua akarairwa kurava Mutemo zuva nezuva. Vakuruwo vanofanira kufunda ndokunzvera Magwaro nguva dzose nokurovedzana zvakakwana namabhuku eBhaibheri anobudiswa nomuranda akatendeka naakachenjera. (2 Timotio 3:14, 15) Ikoku kunobatanidza magazini eNharireyomurindi naMukai! nezvimwe zvinyorwa zvinoratidza kuti nheyo dzeBhaibheri dzinoshanda sei kumigariro yakati.a Zvisinei, nepo kuchikosha kuti mukuru azive nokutevera nhungamiro dzinobudiswa mumabhuku eWatch Tower Society, anofanirawo kuva akarovedzana zvakakwana nenheyo dzapaMagwaro dzinodzitsigira. Ipapo achakwanisa kushandisa nhungamiro dzapaMagwaro nenzwisiso netsitsi.—Enzanisa naMika 6:8.

Kubatira Nomudzimu wechiKristu

10. Chimiroi chendangariro chakaipa icho vakuru vanofanira kudzivisa, uye sei?

10 Munenge mugore ra 55 N.V., muapostora Pauro akanyora tsamba yake yokutanga kuungano yomuKorinte. Chimwe chezvinetso chaakabata chakanga chine chokuita navarume vakati vaida kuva vakatanhamara muungano. Pauro akanyora, kuti: “Matoguta, matopfuma, mabata ushe kunze kwedu; dai maibata ushe henyu, kuti isu tibatewo pamwe chete nemi.” (1 VaKorinte 4:8) Muzana rokutanga ramakore N.V., maKristu ose akanga ane tariro yokutonga samadzimambo navaprista vokudenga naJesu. (Zvakazarurwa 20:4, 6) Sezviri pachena, kunyanguvezvo, vamwe muKorinte vakakanganwa kuti pano pasi hapana madzimambo muubati ushe hwaMwari hwechiKristu. Panzvimbo pokuita samadzimambo enyika ino, vafudzi vechiKristu vanosakurira kuzvininipisa, vara rinofadza Jehovha.—Pisarema 138:6; Ruka 22:25-27.

11. (a) Ndeipi iri mienzaniso yakatanhamara yokuzvininipisa? (b) Murangariroi wavo vamene uyo vakuru namamwe maKristu ose vanofanira kuva nawo?

11 Kuzvininipisa utera here? Kana! Jehovha amene anorondedzera seanozvininipisa. (Pisarema 18:35) Madzimambo aIsraeri akatungamirira hondo mukurwa ndokutonga rudzi ari pasi paJehovha. Bva, mumwe nomumwe aifanira kungwarira ‘kuti mwoyo wake hauna kuzvikwidza umene pamusoro pehama dzake.’ (Dheuteronomio 17:20) Jesu akamutswa ndiMambo wokudenga. Apo aiva pasi pano, zvisinei, akashambidza tsoka dzavadzidzi vake. Kuzvininipisa kwakadini! Uye achiratidza kuti aida kuti vaapostora vake vave vanozvininipisa nenzira yakafanana, akati: “Zvino kana ini, Ishe noMudzidzisi, ndakashambidza tsoka dzenyu, nemiwo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu.” (Johane 13:14; VaFiripi 2:5-8) Mbiri yose nerumbidzo zvinofanira kuenda kuna Jehovha, kwete munhu upi noupi. (Zvakazarurwa 4:11) Kana vari vakuru kana kuti kwete, maKristu ose anofanira kuzvifunga amene nebetsero yamashoko aJesu, anoti: “Tiri varanda pasina, takaita sezvataifanira kuita.” (Ruka 17:10) Mumwe murangariro upi noupi hausi woubati ushe hwaMwari.

12. Neiko rudo riri vara rinokosha kuti vakuru vechiKristu vasakurire?

12 Pamwe chete nokuzvininipisa, vakuru vechiKristu vanosakurira rudo. Muapostora Johane akaratidza ukoshi hworudo apo akati: “Usingadi, haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo.” (1 Johane 4:8) Vanhu vamwe navamwe vasina rudo havasi voubati ushe hwaMwari. Havazivi Jehovha. Pamusoro poMwanakomana waMwari, Bhaibheri rinoti: “Jesu, zvaakanga ada vake amene avo vaiva munyika, akavada kusvikira kumugumo.” (Johane 13:1, NW) Achitaura kuvarume gumi nomumwe vaizova rutivi rwomutumbi unodzora muungano yechiKristu, Jesu akati: “Uyu ndiwo murairo wangu, kuti mudane, seni ndakakudai imi.” (Johane 15:12) Rudo ndicho chiratidzo chinozivisa chechiKristu chechokwadi. Runokwezva vakaora mwoyo, vanochema, uye nhapwa dzomudzimu dzinoshuva rusununguko. (Isaya 61:1, 2; Johane 13:35) Vakuru vanofanira kuva vomuenzaniso mukururatidza.

13. Kunyange zvazvo zvinetso nhasi zvingave zvakaoma, mukuru anogona sei kuva pesvedzero inobetsera mumigariro yose?

13 Nhasi, vakuru kazhinji kazhinji vanokumbirwa kubetsera kubata zvinetso zvakaoma. Zvitambudzo zveroorano zvinogona kuva zvakasimba nezvinopfuurira. Vanhu vaduku vane zvinetso izvo vakuru vangawana zvakaoma kunzwisisa. Zvirwere zvemirangariro kazhinji kazhinji zvakaoma kunzwisisa. Mukuru atarisana nezvinhu zvakadaro angasava nechokwadi pamusoro pechokuita. Asi anogona kuva nechivimbo chokuti kana akavimba nokunyengetera nouchenjeri hwaJehovha, kana akanzvera muBhaibheri uye mumashoko akabudiswa nomuranda akatendeka naakachenjera, uye kana akabata nokuzvininipisa uye nenzira yorudo namakwai, achava pesvedzero inobetsera kunyange mumugariro wakaoma zvikurusa.

14, 15. Ndokupi kuri kumwe kutaura kunoratidza kuti Jehovha akakomborera vanhu vake navakuru vakaisvonaka vakawanda?

14 Jehovha akakomborera zvikuru sangano rake ne“zvipo muvarume.” (VaEfeso 4:8, NW) Nguva nenguva, Watch Tower Society inogamuchira tsamba dzinofadza dzinopupurira rudo rwunoratidzwa navakuru vanozvininipisa vanofudza netsitsi makwai aMwari. Somuenzaniso, mumwe mukuru weungano anonyora, kuti: “Handigoni kurangarira shanyo yomutariri wedunhu yakanditapura zvikuru kana kuti iyo ichiri kutsinhirwa pairi muungano. Mutariri wedunhu akandibetsera kuona ukoshi hwechimiro chendangariro chakanaka pakubata nehama, nesimbiso parumbidzo.”

15 Imwe hanzvadzi yaitofanira kuenda kuchipatara chiri kure kuzorapwa inonyora, kuti: “Kunonyaradza sei kukwanisa kusangana nomukuru usiku hwokutanga ihwohwo hwokufunganya muchipatara chiri kure kwazvo nokumusha! Iye nedzimwe hama vakapedza nguva yakawanda vaineni. Kunyange vanhu vari munyika vakanga vakarovedzana nezvandakanga ndichitambura vakafunga kuti ndingadai ndisina kutongopona pasina nyaradzo, tarisiro, uye minyengetero zvehama idzodzo dzine rudo nedzakazvipira.” Imwe hanzvadzi inonyora, kuti: “Ndiri mupenyu nhasi nemhaka yokuti mutumbi wavakuru wakanditungamirira nenzira yokushivirira muhondo yangu nokuora mwoyo kukuru. . . . Imwe hama nomudzimai wayo havana kuziva chokutaura kwandiri. . . . Asi chakandiorora zvikurusa chakanga chiri chokuti kunyange zvazvo vakanga vasina kunzwisisa zvizere zvandakanga ndichitambura, vakandiitira hanya nenzira yorudo.”

16. Petro anopa zanoi kuvakuru?

16 Hungu, vakuru vakawanda vari kushandisa zano romuapostora Petro, rokuti: “Fudzai boka raMwari riri pakati penyu, musingazviiti nokurovererwa, asi nomwoyo unoda nokuda kwaMwari, musingazviiti nokuda kwokukarira pfuma yakaipa; musingaiti nesimba nezvamakagoverwa, asi muve vatungamiriri veboka.” (1 Petro 5:1-3) Vakuru vakadaro chikomborero chakadini choubati ushe hwaMwari!

Makwai Muubati Ushe hwaMwari

17. Dudza mavara ayo mitezo yose yeungano inofanira kusakurira.

17 Zvisinei, ubati ushe hwaMwari hahuumbwiwo zvahwo navakuru. Kana vafudzi vachifanira kuva voubati ushe hwaMwari, ndizvo zvinofanira kuitawo makwai. Munzirai? Eya, nheyo dzimwe chetedzo dzinodzora vafudzi dzinofanira kudzora makwai. MaKristu ose, kwete vakuru bedzi, vanofanira kuzvininipisa kana vachizogamuchira zvikomborero zvaJehovha. (Jakobho 4:6) Vose vanofanira kusakurira rudo nemhaka yokuti pasina irwo zvibairo zvedu kuna Jehovha hazvifadzi kwaari. (1 VaKorinte 13:1-3) Uye tose zvedu, kwete vakuru chete, tinofanira ku“zadzisw[a] nokuziva kwazvo kuda kwa[Jehovha], pakuchenjera nokunzwisisa kwose kwo[mudzimu, NW].”—VaKorose 1:9.

18. (a) Neiko zivo yapamusoro zvayo yezvokwadi isina kukwana? (b) Tose zvedu tinogona sei kuzadzwa nezivo yakarurama?

18 Vaduku navakuru zvakafanana nguva dzose vanotarisana nezvisarudzo zvakaoma sezvavanoedza kuramba vakatendeka pasinei zvapo nokurarama munyika yaSatani. Miitiro yenyika mumipfekero, nziyo dzamarimba, mabhaisikopo, uye mabhuku zvinodenha umudzimu hwavamwe. Zivo yapamusoro yezvokwadi haina kukwana kutibetsera kuchengeta dzikamo yedu. Kuva nechokwadi chokuramba takatendeka, tinofanira kuzadzwa nezivo yakarurama. Tinoda nzwisiso nouchenjeri izvo Shoko raMwari bedzi rinogona kutipa. (Zvirevo 2:1-5) Ikoku kunoreva kusakurira tsika dzakanaka dzokufunda, kufungisisa pane zvatinodzidza, uye kuzvishandisa. (Pisarema 1:1-3; Zvakazarurwa 1:3) Pauro akanga achinyorera maKristu ose, kwete vakuru chete, apo akati: “Zvokudya zvikukutu ndezvavakuru, vanokuziva kwakadzidziswa, nenzira yokurovedzwa, kuzivisisa zvakanaka nezvakaipa.”—VaHebheru 5:14.

Vafudzi Namakwai Vanoshandira Pamwe chete

19, 20. Mazanoi anopiwa kuna vose kuti vabatire pamwe navakuru, uye nei?

19 Pakupedzisira, kunofanira kutaurwa kuti mudzimu woubati ushe hwaMwari zvirokwazvo unoratidzwa naavo vanobatira pamwe navakuru. Pauro akanyorera Timotio, kuti: “Vakuru vanobata kereke zvakanaka ngavanzi vanofanirwa nokukudzwa kaviri, zvikuru avo vanobata pashoko napakudzidzisa.” (1 Timotio 5:17; 1 Petro 5:5, 6) Kuva mukuru iropafadzo inoshamisa, asi vakuru vazhinjisa varume vane mhuri vanoenda kubasa ravo rokunyika zuva riri rose uye avo vane vadzimai navana vokutarisira. Nepo vachifara kubatira, basa ravo riri nyore zvikuru uye rinotusa apo ungano inotsigira, kwete kunyanyotsoropodza neinoraira.—VaHebheru 13:17.

20 Muapostora Pauro akati: “Rangarirai vatungamiriri venyu vaikuparidzirai shoko raMwari; cherekedzai kuguma kwokufamba kwavo, mugotevera kutenda kwavo.” (VaHebheru 13:7) Aiwa, Pauro haana kukurudzira hama kutevera vakuru. (1 VaKorinte 1:12) Kutevera munhu hakusati kuri kwoubati ushe wouMwari. Asi kuchenjera zvirokwazvo kutevedzera kutenda kwakabvumikiswa kwomukuru woubati ushe hwaMwari anoshingaira mubasa rokuparidza evhangeri, ari wenguva dzose pamisangano, uye anobata nokuzvininipisa uye norudo neungano.

Chipupuriro Kukutenda

21. MaKristu anoratidzira sei kutenda kwakasimba kwakafanana nouko kwaMosesi?

21 Zvirokwazvo, kuvapo kwesangano roubati ushe hwaMwari muino nguva yakaipa zvikurusa yenhau yomunhu chipupuriro kusimba roMubati Ushe wouMwari Mukuru. (Isaya 2:2-5) Chipupurirowo kukutenda kwavarume, vakadzi, uye vana vechiKristu vanodokusvika mamirioni mashanu, vanorwisana nezvinetso zvoupenyu hwezuva nezuva asi vasingatongokanganwi kuti Jehovha ndiye Mutongi wavo. Sezvo Mosesi akatendeka “wakatsungirira somunhu unoona iye usingaonekwi,” naizvozvo maKristu nhasi ane kutenda kwakasimba kwakafanana. (VaHebheru 11:27) Akaropafadzwa kurarama muubati ushe hwaMwari, uye anoonga Jehovha zuva nezuva nokuda kwako. (Pisarema 100:4, 5) Sezvaanowana simba rinoponesa raJehovha, anofara kuzivisa, kuti: “Jehovha ndiye mutongi wedu, Jehovha ndiye mutemi wemirairo yedu, Jehovha ndiye mambo wedu; iye uchatiponesa.”—Isaya 33:22.

[Mashoko Omuzasi]

a Pakati pezvinyorwa zvakadaro pane bhuku rinonzi “Zvingwarirei Mumene Neboka Rose,” iro rine nhungamiro dzapaMagwaro uye rinogoverwa nokuda kwavatariri veungano vakagadzwa, kana kuti vakuru.

Chii Icho Bhaibheri Rinoratidza?

◻ MaKristu anozviisa pasi poubati ushe hwaMwari munzirai?

◻ Ubati ushe hwaMwari hunorongwa sei nhasi?

◻ Vakuru vanofanira kuzvigadzirira vamene munzirai kuti vaite mitoro yavo?

◻ Mavarai echiKristu anokosha kuti vakuru vechiKristu vasakurire nokuratidzira?

◻ Muubati ushe hwaMwari, ukamai hunofanira kuvapo pakati pamakwai navafudzi?

[Mufananidzo uri papeji 16]

Adhama naEvha vakarasikirwa neParadhiso nemhaka yokuti vakanga vachida kuita zvisarudzo zvavo vamene pamusoro pechakanga chakarurama nechakanga chisina kururama

[Mufananidzo uri papeji 18]

Kana mukuru akabata nokuzvininipisa uye norudo namakwai, achava pesvedzero inobetsera nguva dzose

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe