RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 3/1 p. 31
  • “Mwari Haazi Mutsauri Wavanhu”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Mwari Haazi Mutsauri Wavanhu”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Vaudze Kuti Unovada
    Zvakaitika
  • “Anofara Munhu Awana Uchenjeri”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Mhuri Yenyu Inogona Kufara
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 3/1 p. 31

Vazivisi voUmambo Vanoshuma

“Mwari Haazi Mutsauri Wavanhu”

MAKORE ane mazana gumi namapfumbamwe akapfuura, muapostora Petro akafuridzirwa akati: “Mwari haazi mutsauri wavanhu; asi parudzi rupi norupi, munhu, unomutya, achiita zvakarurama, unogamuchirwa naye.” (Mabasa 10:34, 35) Pakati peZvapupu zvaJehovha panofanira kuwanwa vanhu vanobva mumadzinza ose nemigariro yekare yorudzidziso. Vanoshuva kururama, uye vanotya Mwari. Jehovha anovagamuchira vose muchaunga chenyika itsva, sezvo, somuenzaniso, akaita mumwe mukadzi muChad.

Uyu mukadzi haana kugutswa norudzidziso rwake. Makore akapfuura akanga agamuchira kopi yebhuku raUpwere Hwako—Kuwana zvakaNakisisa maHuri, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha, uye akaonga zano rakaisvonaka iro bhuku racho rakanga rinaro. Fundo yeBhaibheri yakatangwa, uye akanga aripo nguva dzose nokuda kwefundo yacho. Zvisinei, apo akakurudzirwa kupinda misangano paHoro yoUmambo, haana kugamuchira. Neiko? Kunyange zvazvo murume wake akanga asingashori kufunda kwake, akamunyima mvumo yokuti apinde misangano paHoro yoUmambo.

Apo mudzimai wacho aida kupinda gungano redunhu, Chapupu chaiitisa fundo yacho chakaratidza murume wacho purogiramu, chichisimbisa zano rakaisvonaka richapiwa. Akabvuma kuti mudzimai wake aende “kamwe chete.” Akapinda ndokufarikanya zvikuru purogiramu yacho. Pashure pokunge atsanangurira murume wake zvaakanga adzidza, haana kumushora kupinda kwake mimwe misangano. Akaororwa neidi rokuti ungano yacho yakanga yakaumbwa navanhu vanobva mumapoka akasiana-siana edzinza avo vaiitirana hanya zvikuru. Gare gare akapinda kokorodzano yoruwa uye akaororwa nokuona vana vake vakagara pazvidya zveZvapupu zvakabva kudzimwe nyika. Zvapupu zvaigoverana zvokudya navana ndokuvabata semhuri. Iyoyi yakanga iri nhambo yechinjo nokuda kwake.

Asi chishoro chakatevera. Kunyange zvazvo aitya nomuzvarirwo, akavamba kutsinhira pamisangano nokudzivisa tsinhiro dzakaipa dzaiitwa nehama dzokunyama navavakidzani. Nepo akanga agara makore akawanda nomurume wake, vakanga vane bedzi roorano yegamuchidzanwa yokubvumirana. Aizotanga sei nhau yokuroorana nenzira yapamutemo? Pashure pokunyengetera zvapachokwadi kuna Jehovha, akataura kumurume wake, uyo akati aizokunzvera. Pakupedzisira akadaro, uye vaviri vakaroorana nenzira yapamutemo.

Mumwe muramu aigara navo akasakisa zvinetso zvakawanda, asi murume akatsigira mudzimai wake. Ipapo baba vomurume vakashanya. Vakaraira mwanakomana wavo kuchatanura mudzimai wake, sezvo akanga achinja rudzidziso rwake. Baba vakaudza mwanakomana wavo kuti vaizoripira roora nokuda kwo“mudzimai ari nani zvikuru.” Mhinduro yomwanakomana yakanga iri yokuti: “Aiwa, handisati ndichizoita kudaro. Iye mudzimai akanaka. Kana achida kuenda, izvozvo zvakasiana, asi handisati ndichizomuudza kuti aende.” Mudzimai wacho akanga ari akapfava zvikuru kuna tezvara vake, uye vakanyadziswa nomufambiro wavo. Zvisinei, apo vakadzokera kumusha kwavo, vakanyorera mwanakomana wavo, nguva ino vachipa murairo. Vakataura kuti kana mwanakomana wavo akaramba kudzinga mudzimai wake, akanga asisiri mwanakomana. Zvakare mwanakomana akatsigira mudzimai wake. Fungidzira mufaro womudzimai pakuona murume wake achiva nechimiro chakasimba chakadaro.

Zvino vanakomana vavo vaduku vaviri vanoda kuenda naamai vavo kuHoro yoUmambo. Vakatokumbira baba vavo tai, sezvo vakaona hama dzose dzakapa hurukuro dzakadzisunga. Nhasi uyu mukadzi ihanzvadzi yakabhapatidzwa.

Iye ndimumwe weZvapupu zvinofara zvine 345 zviri muChad zviri kuzivisa mashoko akanaka oUmambo hwaJehovha uye zvichionga kuti, zvirokwazvo, “Mwari haazi mutsauri wavanhu.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe