RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 4/15 pp. 19-21
  • Umbavha Chaizvoizvo Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Umbavha Chaizvoizvo Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Imari Yaani?
  • Kukwereta kana kuti Umbavha Here?
  • Kuvimba naMwari
  • Usambofa Wakava Mbavha!
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • Kuona Mari Neziso Rakanaka
    Mukai!—2015
  • Mari Ndiyo Mudzi Wezvinhu Zvese Zvakaipa Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Mari
    Mukai!—2014
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 4/15 pp. 19-21

Umbavha Chaizvoizvo Here?

ABIODUN akanga ari weta mukuru muimwe hotera huru muNigeria. Achikiya horo yamadyo mamwe madekwana, akawana homwe yemari yaiva neyakaenzana neZ$12 789. Pasina kunonoka akaendesa mari yacho kuvane chiremera, iyo gare gare yakakumbirwa nomwene wayo, muenzi pahotera yacho. Vanotarisira hotera yacho vakatusa Abiodun nokusimudzirwa kuviri ndokumupa tuso yavo yo“mushandi akanakisisa wegore.” Mwene wemari akamutusawo.

Quality, imwe magazini yenhau yomunzvimbomo, yakatanhamarisa nhau yacho, ichidana Abiodun kuti “muSamaria Akanaka.” Paakabvunzwa neQuality kana akaedzwa kuzvichengetera amene mari yacho, Abiodun akati: ‘Ini ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha. Naizvozvo kana ndikawana chinhu chipi nechipi chisati chiri changu, ndinochidzorera kumwene.’

Vakawanda vomunzanga yacho vakashamiswa nokuratidzira kwaAbiodun kutendeseka. Zvapupu biyake zvaAbiodun zvakafadzwa nezvakaitika, asi hazvina kushamiswa. Mupasi rose Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa nokuda kwenheyo dzazvo dzakakwirira. Pakati pazvo kutendeseka hakusati kuri kwechienzi; ndokwenguva dzose, rutivi runokosha rwechiKristu chechokwadi.

Panhambo nenhambo, zvisinei, migariro ingaratidzika kuva inokuita kwakaoma kusianisa chiri kutendeseka nechisati chiri. Rangarira uyu mugariro. Festus, uyo aitarisira mipiro neakaunzi muimwe ungano yeZvapupu zvaJehovha muWest Africa, aida mari zvikuru.a Mudzimai wake aida kuvhiyiwa kwakakomba uko vanachiremba vake vakataura kuti hakufaniri kunonotswa. Chipatara chakada hafu yemari yacho pachine nguva mberi.

Festus akashaiwa mari yacho. Apo akasvika vanhu vanoverengeka nokuda kwechikwereti, akanyimwa. Ipapo akafunga nezvemari yaaitarisira ndokurangarira kuti, ‘Kwakarurama here kuti ndirege mudzimai wangu achipinda mungozi yorufu apo ndinogona kuita chimwe chinhu kuidzivisa? Kuregerereiko “kukwereta” mari yeungano? Ndinogona kuidzorera apo vamwe vanhu vanondibhadhara yavane chikwereti neni.’

Festus akashandisa mari iyoyo iyo yakanga isiri yake kuti abhadhare chipatara. Kurangarira kwake kwakanga kwakarurama here? Chiito chake chairuramiswa nemhaka yomugariro une ngozi waakatarisana nawo here?

Imari Yaani?

Mukukamuranisa iyi mibvunzo, ngatihwirudzurei nokupfupikisa mapfundo mashomanene pamusoro pamanyuko nedonzo zvemari yakadai seiyo Festus akatora. Mari yacho inouya kupfurikidza nemipiro yokuzvidira inoitwa nemitezo yeungano inoda kufambisira mberi kunamatwa kwakachena kwaJehovha. (2 VaKorinte 9:7) Haisati ichishandiswa kubhadhara mibairo, sezvo kusina munhu anobhadharwa nokuda kwezvavanoita muungano. Mukupesana, mari inopiwa inoshandiswa zvikurukuru kuwana ndokuchengeta nzvimbo yemisangano, kazhinji kazhinji Horo yoUmambo. Iyoyi inogovera nzvimbo yakakodzera neyakanaka apo vanhu—vaduku navakuru, vapfumi navarombo—vanogona kusangana nokuda kwomurairidzo weBhaibheri.

Imari yaani? Ndeyeungano yose. Hakuna mutezo mumwe unosarudza kuti mari yacho inofanira kushandiswa sei. Nepo mutumbi wavakuru uchiraira kubhadharwa kwendyiko dzenguva dzose dzeungano, apo kubhadhara kwechienzi kunorairwa, vakuru vanopa nhau yacho kuungano yose nokuda kwetendero.

Kukwereta kana kuti Umbavha Here?

Nemhaka yegadziriro yake yokutsiva mari yacho nokukurumidza sezvinobvira, Festus akarangarira chiito chake sokukwereta. Zvisinei, Webster’s New Dictionary of Synonyms inoshandisa mamwe mashoko pamusoro po“kutorwa nokubviswa kwechinhu chomunhu kazhinji kazhinji nokuba kana kuti pasina kuziva kwake uye nguva dzose pasina bvumiro yake.” Mashoko acho ndi“umbavha” uye “mbavha.” Pasina mvumo kana kuti tendero, Festus akatora mari yaiva yeungano. Naizvozvo, hungu, iye akanga ane mhaka youmbavha. Akanga ari mbavha.

Chokwadika, kune mwero yokuva nemhaka musundo iri seri kwoumbavha. Tinogona kuona ikoko mumuenzaniso waJudhasi Iskarioti, uyo akaronzeswa kutarisira mari yaichengetwa naJesu navaapostora vakatendeka. Bhaibheri rinoti: “[Judhasi] aiva mbavha; waigara nechikwama, achisiba zvaiiswamo.” (Johane 12:6) Asundwa nomwoyo wakaipa namakaro chaiwo, Judhasi akabva pakuipa kusvika pakuipa zvikuru. Pakupedzisira akasvika pakushambadza Mwanakomana waMwari—nezvidimbu 30 zvesirivha.—Mateo 26:14-16.

Festus, zvisinei, akasundwa nokuitira hanya mudzimai wake anorwara. Ikoku kunoreva here kuti akanga asina mhaka? Nyangwe. Rangarira izvo Bhaibheri rinotaura pamusoro poumbavha mumumwe mugariro wairatidzika kuva wengozi: “Vanhu havangazvidzi mubi kana achiba kuti agute kana achinge ane nzara. Asi kana akabatwa unofanira kudzosera zvava zvinomwe; unofanira kuripa nepfuma yose yeimba yake.” (Zvirevo 6:30, 31) Namamwe mashoko, apo inobatwa, mbavha inofanira kutarisana nechirangao chakazara chomutemo. Mukuwirirana noMutemo waMosesi, mbavha yaifanira kuripira mhaka yayo. Naizvozvo panzvimbo pokukurudzira kana kuti kupembedza umbavha, Bhaibheri rinonyevera kuti kunyange mumigariro yengozi, kuba kunogona kuguma nokurasikirwa nemari, manyadzi, uye chakakomba zvikurusa, kurasikirwa netendero yaMwari.

SeZvapupu zvaJehovha, vaKristu vose vechokwadi, zvikurukuru avo vanoronzeswa mitoro mukati meungano, vanofanira kuva vomuenzaniso, “vasina chavangapomerwa.” (1 Timotio 3:10) Festus haana kugamuchira mari yaakanga achikarira, uye nokudaro haana kukwanisa kutsiva mari yakanga atora. Chaakanga aita chakazivikanwa. Chii chakaitika kwaari? Kudai akanga ave ari mbavha isingapfidzi, angadai akadzingwa muungano yechiKristu yakachena. (1 Petro 4:15) Asi akanzwa urombo uye akapfidza. Nokudaro, aigona kuramba ari muungano, kunyange zvazvo akarasikirwa neropafadzo dzake dzebasa.

Kuvimba naMwari

Muapostora Pauro akanyevera kuti kuba kunoitwa nomunhu anoti anobatira Jehovha kunogona kuunza ruzvidzo pazita raMwari navanhu vezita Rake. Pauro akanyora, kuti: “Iwe, unodzidzisa mumwe, unoregereiko kuzvidzidzisa? Iwe unoparidza kuti munhu arege kuba, unobireiko iwe? Zita raMwari rinomhurwa pakati pavahedheni nokuda kwenyu.”—VaRoma 2:21, 24.

Aguri, murume akachenjera wenguva dzakare, akasimbisa pfundo rimwe chetero. Mumunyengetero wake iye akakumbira kuti ago“rega kusvika paurombo uye . . . [abe] zvomenemene ndokuzvidza zita raMwari” wake. (Zvirevo 30:9, NW) Cherechedza kuti munhu akachenjera akabvuma kuti urombo hunogona kuparira migariro ingaedza kunyange munhu akarurama kuti abe. Hungu, nguva dzakaoma dzinogona kuedza kutenda kwomuKristu mumano aJehovha okutarisira zvinodikanwa zvavanhu vake.

Bva, Zvapupu zvakavimbika zvaJehovha, kubatanidza izvo zviri varombo, zvinotenda kuti Mwari “anova mutusi waavo vanomutsvakisisa.” (VaHebheru 11:6, NW) Zvinoziva kuti Jehovha anotusa vakatendeka vake kupfurikidza nokuvabetsera kutarisira zvinodikanwa zvavo. Jesu akajekesa ikoko muMharidzo yake yapaGomo, achiti: “Musafunganya muchiti: Tichadyei? Kana: Tichanwei? Kana: Tichafukeiko? . . . nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoshaiwa izvozvi zvose. Asi tangai kutsvaka ushe hwaMwari, nokururama kwake izvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.”—Mateo 6:31-33.

Mwari anogovera sei vanoshaiwa vari muungano yechiKristu? Munzira dzakawanda. Imwe iri kupfurikidza navatendi biyavo. Vanhu vaMwari vanoratidzirana rudo rwapachokwadi. Vanorangarira zvakakomba zano reBhaibheri rinoti: “Kana munhu ane pfuma yenyika, akaona hama yake ichishaiwa, akamupfigira tsitsi dzake, rudo rwaMwari runogara seiko maari? Vana vaduku ngatirege kuda neshoko kana norurimi, asi nebasa nezvokwadi.”—1 Johane 3:17, 18.

Munyika yose, muungano dzinopfuura 73 000, Zvapupu zvaJehovha zvinopfuura mamirioni mana nehafu zvinovavarira nokushingaira kubatira Mwari mukuwirirana nenheyo dzake dzakarurama. Zvinoziva kuti Mwari haasati achizotongosiya vakavimbika vake. Avo vakabatira Jehovha kwamakore akawanda vanosimudza manzwi avo mubvumirano naMambo Dhavhidhi, uyo akanyora, kuti: “Ndakanga ndiri muduku, zvino ndakwegura; kunyange zvakadaro handina kutongoona wakarurama achisiiwa, kana vana vake vachipemha zvokudya.”—Pisarema 37:25.

Kuri nani zvikuru sei kuisa kutenda muna Mwari uyo akafuridzira mashoko iwayo, panzvimbo pokumbozvibvumira umene kuedzwa kuba uye sezvinobvira kurasikirwa nenyasha dzaMwari nokusingaperi!—1 VaKorinte 6:9, 10.

[Mashoko Omuzasi]

a Zita rakachinjwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe