RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 5/1 pp. 14-20
  • Vazivisi voUmambo Vanoshingaira Mupasi Rose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vazivisi voUmambo Vanoshingaira Mupasi Rose
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mukukarira Mugumo weNguva dzaVamarudzi
  • Kuzivisa Nokushingaira Umambo Hwakagadzwa
  • Kusvika Kupasi Rose Rinogarwa
  • Kusvika Munhu Ari Wose Anobvira Namashoko Akanaka
  • Rutivi 2—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Kuparidza Pachena Napaimba Neimba
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Rutivi 5—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Rutivi 4—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 5/1 pp. 14-20

Vazivisi voUmambo Vanoshingaira Mupasi Rose

“Muchava zvapupu zvangu . . . kusvikira kumugumo wenyika.”—MABASA 1:8.

1. Jesu akati vateveri vake vaizozivisa shokoi muzuva redu?

PAKURONDEDZERA basa iro Jehovha akatuma Mwanakomana wake kupasi kuzoita, Jesu akati: “Ndinofanira kuzivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari.” (Ruka 4:43, NW) Nenzira yakafanana, pakutaura nezvebasa iro vadzidzi vake vakanga vachizoita pasi pano apo akadzoka ane chiremera choumambo, Jesu akati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.”—Mateo 24:14, NW.

2. (a) Neiko kuchikosha kwazvo kuti shoko roUmambo riziviswe zvikuru? (b) Mubvunzoi uyo tose zvedu tinofanira kuzvibvunza timene?

2 Neiko mashoko pamusoro poUmambo hwaMwari achikosha kwazvo? Neiko Umambo huchida ziviswo huru yakadaro? Nemhaka yokuti ndihwo Umambo hwouMesia huchareverera uchangamire hwapose pose hwaJehovha. (1 VaKorinte 15:24-28) Kupfurikidza nahwo, Jehovha achaita rutongeso patsika iripo yaSatani yezvinhu ndokuzadzika chipikirwa chake chokukomborera mhuri dzose dzapasi. (Genesi 22:17, 18; Dhanieri 2:44) Kupfurikidza nokuita kuti uchapupu hupiwe pamusoro poUmambo, Jehovha akawana avo iye pashure paikoko akazodza kuva vadyi venhaka pamwe noMwanakomana wake. Kupfurikidza nokuziviswa kwoUmambo, basa rokuparadzanisa riri kuitwawo nhasi. (Mateo 25:31-33) Jehovha anoda vanhu vamarudzi ose kuti vaziviswe pamusoro pedonzo rake. Anoda kuti vave nebanza rokusarudza upenyu sevadzorwi voUmambo hwake. (Johane 3:16; Mabasa 13:47) Uri kuva negoverano yakazara here mukuzivisa uhwu Umambo?

Mukukarira Mugumo weNguva dzaVamarudzi

3. (a) Nenzira yakakodzera, ndeipi yakanga iri nhau iyo C. T. Russell akatanhamarisa parwendo rwapakuvamba kuti aronge mapoka efundo dzeBhaibheri? (b) Vadzidzi veBhaibheri vapakuvamba ivavo vakazivei pamusoro penzvimbo iyo Umambo hwaMwari hunofanira kuva nayo muupenyu hwavo?

3 Shure muna 1880, Charles Taze Russell, mupepeti wenhau wokutanga wemagazini yeWatch Tower, akaita rwendo nokuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweUnited States kuti akurudzire kuumbwa kwemapoka efundo yeBhaibheri. Nenzira yakakodzera, nhau yaakataura pamusoro payo yakanga iri “Zvinhu Zvine Chokuita noUmambo hwaMwari.” Sezvakaratidzirwa muzvinyorwa zvapakuvamba zveWatch Tower, Vadzidzi veBhaibheri (sokuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyeyo) vakaziva kuti kana vachizobvumikisa kuva vakafanirwa nokuva negoverano muUmambo hwaMwari, vanofanira kuita Umambo fariro yavo yokutanga, vachishandisa nomufaro upenyu hwavo, mano avo, uye pfuma yavo mubasa rahwo. Chimwe chinhu chiri chose zvacho muupenyu chaifanira kutora nzvimbo yechipiri. (Mateo 13:44-46) Mutoro wavo waibatanidza kuzivisa kuna vamwe mashoko akanaka pamusoro poUmambo hwaMwari. (Isaya 61:1, 2) Vakaita ikoko kusvika kutambanukoi pamberi pokuguma kweNguva dzaVamarudzi muna 1914?

4. Boka duku raVadzidzi veBhaibheri rakaparadzira mabhuku eBhaibheri pamberi pa 1914 kusvikira kutambanukoi?

4 Kuvambira muma 1870 kuburukira kuna 1914, Vadzidzi veBhaibheri vakanga vari vashomanene zvikuru muchiverengero. Pakasvika 1914, vanhu 5 100 bedzi vakanga vachigoverana nokushingaira mukupa uchapupu hwapachena. Asi hwaiva uchapupu hwechienzi zvakadini! Muna 1881, anongova makore maviri chete pashure pokunge Watch Tower yatanga kubudiswa, vakaita paradzirwo yechinyorwa chemapeji 162 chainzi Food for Thinking Christians. Mukati memwedzi mishomanene, vakaparadzira makopi 1 200 000. Mumakore mashomanene, makumi amamirioni amaturakiti akanga achiparadzirwa gore negore mumitauro yakawanda.

5. Ndivanaani vakanga vari vacolporteur, uye rudzii rwomudzimu rwavakaratidzira?

5 Uyewo kutanga muna 1881, vamwe vakagovera mabasa avo savacolporteur vaevhangeri. Ava vaiva vatangi vamapiyona anhasi (vaevhangeri venguva yakazara). Vamwe vavacolporteur, vachifamba netsoka kana kuti nebhasikoro, vakapupurira somunhu oga murunodokuva rutivi rwuri rwose rwenyika umo vaigara. Vamwe vakasvika kuminda yokumwe uye vakava vokutanga kuendesa mashoko akanaka kunzvimbo dzakadai seFinland, Barbados, uye Burma (iyo zvino yava Myanmar). Vakaratidzira shingairo youfundisi yakafanana neiyo yaJesu Kristu navaapostora vake.—Ruka 4:43; VaRoma 15:23-25.

6. (a) Nzendo dzaHama Russell kuti aparadzire zvokwadi yeBhaibheri dzakanga dziri huru sei? (b) Chiizve chakaitwa kupfuuridzira mberi kuparidzirwa kwamashoko akanaka muminda yokumwe pamberi pomugumo weNguva dzaVamarudzi?

6 Hama Russell amene akafamba zvikuru kuti aparadzire zvokwadi. Iye akaenda aendazve kuCanada; akataura muPanama, Jamaica, uye Cuba; akaita nzendo gumi nembiri kuEurope; uye akatenderera nyika pachakairo yokuparidzira evhangeri. Iye akatumawo vamwe varume kuti vatange ndokutungamirira mukuparidzira mashoko akanaka muminda yokumwe. Adolf Weber akatumwa kuEurope pakati pama 1890, uye ushumiri hwake hwakabva kuSwitzerland ndokupinda muFrance, Italy, Germany, uye Belgium. E. J. Coward akaendeswa kunharaunda yeCaribbean. Robert Hollister akagoverwa kuMabvazuva muna 1912. Ikoko, maturakiti chaiwo akagadzirwa mumitauro gumi, uye mamirioni amakopi aiwaya akaparadzirwa muIndia mose, China, Japan, uye Korea navaparadziri vakaberekerwamo. Kudai wakanga wararama panguva iyeyo, mwoyo wako ungadai wakakusunda here kuita nhamburiko yechokwadi yokusvika vamwe munzanga yako nokupfuura namashoko akanaka?

7. (a) Mapepanhau akashandiswa sei kuwedzera uchapupu? (b) Chii chakanga chiri “Photo-Drama of Creation,” uye vanhu vangani vakaiona mugore rimwe chete?

7 Sezvo Nguva dzaVamarudzi dzakaswedera pedyo nomugumo wadzo, mapepanhau akashandiswa kuburitsa mharidzo dzakakurukurwa naHama Russell. Simbiso yadzo huru yakanga isiri pamusoro pegore ra 1914 asi, panzvimbo pezvo, pamusoro pedonzo raMwari nechokwadi chokuzadzika kwahwo. Mapepanhau akawanda se 2 000 panguva, achisvika varavi 15 000 000, aibudisa nguva dzose idzi mharidzo. Ipapo, sezvo gore ra 1914 rakasvika, Sosaiti yakavamba kuratidza kwayo pachena “Photo-Drama of Creation.” Mukuratidza kuna kwamaawa maviri, yakapa zvokwadi dzeBhaibheri kuvambira pachisiko kusvikira muMireniyumu. Mukati megore rimwe chete, vateereri vane hwerengedzo inopfuura mamirioni mapfumbamwe muNorth America, Europe, Australia, uye New Zealand vakanga vaiona.

8. Pakasvika 1914, Vadzidzi veBhaibheri vakanga vasvika nyika ngani namashoko akanaka?

8 Mukuwirirana nezvinyorwa zvinowanika, pakasvika rutivi rwokupedzisira rwa 1914, iri boka rinoshingaira ravaevhangeri rakanga raparadzira kuzivisa kwaro Umambo hwaMwari munyika 68.a Asi iwayo akanga ari mavambo bedzi!

Kuzivisa Nokushingaira Umambo Hwakagadzwa

9. Pakokorodzano dzepaCedar Point, basa rokupupurira Umambo rakapiwa sei simba chairo?

9 Apo Vadzidzi veBhaibheri vakaungana paCedar Point, Ohio, muna 1919, J. F. Rutherford, uyo akanga ari panguva iyeyo purezidhendi weWatch Tower Society, akazivisa, kuti: “Basa redu rakanga riri uye nderekuzivisa umambo hune mbiri hunouya hwaMesia.” Pakokorodzano yechipiri yepaCedar Point, muna 1922, Hama Rutherford akatanhamarisa idi rokuti pamugumo weNguva dzaVamarudzi, muna 1914, ‘Mambo wembiri akanga azvitorera amene simba rake guru uye akanga avamba kutonga.’ Tevere, akaisa nhau yacho zvakananga kuvateereri vake, achiti: “Munodavira here kuti Mambo wembiri avamba kutonga kwake? Ipapo dzokerai kumunda, Haiwa imi vanakomana vaMwari wokumusoro-soro! . . . Zivisai shoko munharaunda huru. Nyika inofanira kuziva kuti Jehovha ndiMwari uye kuti Jesu Kristu ndiMambo wamadzimambo naShe wamadzishe. Iri izuva rinokosha. Tarirai, Mambo anotonga! Muri vazivisi vake.”

10, 11. Nhepfenyuro, motokari dzine gudzanzwi, uye zvikwangwani zvose zvakashandiswa sei zvinobudirira kusvika vanhu nezvokwadi yoUmambo?

10 Makore anopfuura 70 apfuura chifo chekokorodzano idzodzo dzeCedar Point—anodokusvika makore 80 chifo chaapo Jehovha akavamba kuratidzira uchangamire hwake kupfurikidza nokutonga kwouMesia kwoMwanakomana wake. Zvapupu zvaJehovha zvakaita zvomenemene basa rinooneswa nokuda kwazvo muShoko raMwari kusvikira kutambanukoi? Uri kuva negoverano yakadini somunhu oga mariri?

11 Pakuvamba muma 1920, nhepfenyuro yakawanika sechishandiso chaigona kushandiswa kupa kuzivisa kwakafara kushoko roUmambo. Mukati mema 1930, hurukuro dzekokorodzano dzaitanhamarisa Umambo setariro yenyika dzakatakurwa newaya dzenhepfutepfu dzenhepfenyuro kana kuti kutepfenyura pamawa munyika dzakawanda uye waya dzorunhare idzo dzakatenderera nyika. Motokari dzakashongedzerwa namagudzanzwi dzakashandiswawo kuridza hurukuro dzeBhaibheri dzakarekodhwa munzvimbo dzavose. Ipapo, muna 1936, muGlasgow, Scotland, hama dzedu dzakavamba kupfeka zvikwangwani sezvo dzaifamba mumaruwa ebhizimisi kuti dzizivise hurukuro dzavose. Yose yaiyoyi yaiva mitoo inobudirira yokupa uchapupu kuvanhu vakawanda panguva iyoyo apo zviverengero zvedu zvaiva zvishomanene.

12. Sezvinoratidza Magwaro, ndeipi iri imwe yenzira dzinobudirira zvikurusa yokuti isu somunhu mumwe nomumwe tipe uchapupu?

12 Chokwadika, Magwaro anojekesa kuti savaKristu, isu somunhu mumwe nomumwe tine mutoro wokupa uchapupu. Hatigoni zvedu kungorega nyaya dzamapepanhau kana kuti kutepfenyura kwenhepfenyuro zvichiita basa racho. Zviuru zvavaKristu vakavimbika—varume, vakadzi, uye pwere—zvakagamuchira mutoro iwoyo. Somuuyo, kuparidzira paimba neimba kwazova chiratidzo chinozivisa cheZvapupu zvaJehovha.—Mabasa 5:42; 20:20.

Kusvika Kupasi Rose Rinogarwa

13, 14. (a) Neiko zvimwe Zvapupu zvichitamira kuna mamwe maguta, kunyange kune dzimwe nyika, kuti zvipfuuridzire ushumiri hwazvo? (b) Kuitira hanya kworudo vanhu vari munyika yawakaberekerwa kwakabetsera sei kuparadzira mashoko akanaka?

13 Vachiziva kuti shoko roUmambo rinofanira kuparidzirwa mupasi rose rinogarwa, vamwe veZvapupu zvaJehovha vakarangarira zvakakomba zvavaigona kuita somunhu oga kuti vasvike kunharaunda dzinopfuura nzanga yavo vamene.

14 Vanhu vakawanda vakadzidza zvokwadi pashure pokutama vachibva munzvimbo yavakaberekerwa. Kunyange zvazvo vangave vakatama nokuda kwebetsero yokunyama, vakawana chimwe chinhu chinokosha zvikuru, uye vamwe vakanzwa vachisundwa kudzokera kunyika kana kuti nzanga yavakaberekerwa kundogoverana zvokwadi. Nokudaro, pakuvamba muzana rino ramakore kuparidzirwa kwamashoko akanaka kwakafutunuka ndokupinda muScandinavia, Greece, Italy, nyika dzeEastern Europe, uye dzimwe nharaunda dzakawanda. Kunyange zvino, muma 1990, shoko roUmambo riri kupararira nomutoo wakafanana.

15. Mukati mema 1920 nema 1930, chii chakaitwa navamwe vaiva nechimiro chendangariro chakanga chakafanana neicho chakataurwa pana Isaya 6:8?

15 Vachishandisira zano reShoko raMwari kuupenyu hwavo, vamwe vakakwanisa kuzviita vamene vanowanika nokuda kwebasa munzvimbo dzavakanga vasina kumbogara kare. W. R. Brown (anowanzonzi “Bible Brown”) akanga ari mumwe waivava. Muna 1923, kuti apfuuridzire mberi basa rokuparidza evhangeri, akatama achibva muTrinidad achienda kuWest Africa. Mukati mema 1930, Frank naGray Smith, Robert Nisbet, uye David Norman vakanga vari pakati paavo vakakwidza shoko roUmambo kumhenderekedzo yokumabvazuva yeAfrica. Vamwe vakabetsera kusakurira munda wokuSouth America. Mukuvamba kwama 1920, George Young, wokuCanada, akagoverana mubasa muArgentina, Brazil, Bolivia, Chile, uye Peru. Juan Muñiz, uyo akanga abatira muSpain, akapinda muArgentina, Chile, Paraguay, uye Uruguay. Vose vaivava vakaratidzira mudzimu wakafanana nouyo unotaurwa pana Isaya 6:8, kuti: “Ndiri pano ini, nditumei.”

16. Kunze kwenzvimbo huru dzavagari vemo ndokupi kwakanga kuchiitwa kupupurira mumakore apamberi pehondo?

16 Kuparidzirwa kwamashoko akanaka kwakanga kuchipinda kunyange munharaunda dziri kure. Magwa aishandiswa neZvapupu aishanyira zviteshi zvose zviduku zvengarava zveNewfoundland, mhenderekedzo yegungwa yeNorway kupinda muArctic, zvitsuwa zvePacific, uye zviteshi zvengarava zveSoutheast Asia.

17. (a) Pakasvika 1935, inyika ngani dzakanga dzasvikwa neZvapupu? (b) Neiko basa risina kupedzwa panguva iyoyo?

17 Nenzira inoshamisa, pakasvika gore ra 1935, Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvakabatikana zvichiparidzira munyika 115, uye zvakanga zvasvika dzimwe nyika 34 panzendo dzokuparidzira kana kuti zvimwe kupfurikidza namabhuku akapositwa. Bva, basa rakanga risina kupedzwa. Gore iroro Jehovha akazarurira maziso avo kudonzo rake rokuti aunganidze “boka guru” raizopukunyuka ndokupinda munyika yake itsva chaimo. (Zvakazarurwa 7:9, 10, 14, NW) Pakanga pachine kupupurira kukuru kwaifanira kuitwa!

18. Mubasa rokuzivisa Umambo, mabasai akaitwa neChikoro cheGilead uye neChikoro Chokurovedza Vashumiri?

18 Kunyange apo Hondo yeNyika II yakabatanidza pasi rose uye pakanga pane zvirambidzo pamabhuku kana kuti mubato weZvapupu zvaJehovha munyika dzakawanda, Watchtower Bible School of Gilead yakatanga kurovedza vafundisi vanokarirwa kuti vaite basa rinotova guru zvikuru rokuzivisa Umambo mumarudzi ose. Kusvikira pamusi uno, vakapedza kufunda veGilead vakabatira munyika dzinopfuura 200. Vakaita zvinopfuura kugovera mabhuku uye ipapo kupfuurira kuimwe nharaunda. Ivo vakaitisa fundo dzeBhaibheri, vakaronga ungano, uye vakarovedza vanhu kuita mutoro woubati ushe hwaMwari. Misi ichangobva kupfuura iyi zvikuru, vakuru navabatiri vanoshumira vakapedza Chikoro Chokurovedza Vashumiri vakabetserawo kuita zvinodikanwa zvinokosha zvine chokuita neiri basa panyika nhanhatu. Hwaro hwakasimba hwakavanzarikwa nokuda kwokukura kunopfuurira.—Enzanisa na 2 Timotio 2:2.

19. Vabatiri vaJehovha vakagamuchira kusvikira kutambanukoi kukokwa kuti vabatire munharaunda dzine kushaiwa kukuru zvikuru?

19 Vamwe vangagona here kubetsera kutarisira dzimwe dzendima dzisina kushandwa? Muna 1957, pakokorodzano munyika yose, vanhu vamwe navamwe nemhuri—Zvapupu zvaJehovha zvakakura mumudzimu—vakakurudzirwa kurangarira kutamira kunharaunda dzine kushaiwa kukuru zvikuru kuti dzigare ndokupfuuridzira ushumiri hwavo imomo. Kokero yacho yakanga yakafanana zvikuru neiyo yakapiwa naMwari kuno muapostora Pauro, uyo akaona muchiono mumwe murume aimukumbira, kuti: “Yambukira Makedhonia, utibatsire.” (Mabasa 16:9, 10) Vamwe vakatama mukati mema 1950, vamwe gare gare. Vakawanda seZvapupu zvine chiuru vakatamira kuIreland neColombia; mazana akatamira kunzvimbo dzimwe dzakawanda. Makumi ezviuru akatamira kunharaunda dzine kushaiwa kukuru zvikuru mukati menyika yavo vamene.—Pisarema 110:3.

20. (a) Chifo cha 1935, chii chakaitwa mukuzadzika kwouporofita hwaJesu huri pana Mateo 24:14? (b) Mukati memakore mashomanene apfuura, kwave kune kukurumidziswa kwebasa sei?

20 Nechikomborero chaJehovha pavanhu vake, basa rokuzivisa Umambo rinopfuurira kufambira mberi pamwero wechienzi. Chifo cha 1935 chiverengero chavaparidzi chakawedzera kanodokuva kakapetwa kasere, uye mwero wewedzero mumapoka amapiyona wave uri 60 muzana mukuru zvikuru kupfuura mwero wewedzero muchiverengero chavaparidzi. Gadziriro yefundo yeBhaibheri yapamusha yakatangwa mukati mema 1930. Zvino pane avhareji yedzinopfuura mamirioni mana nehafu dzinoitiswa mwedzi mumwe nomumwe. Chifo cha 1935 maawa anopfuura mabhirioni 15 akapiwa kubasa rokuzivisa Umambo. Kuparidzirwa kwenguva dzose kwemashoko akanaka zvino kuri kuitwa munyika 231. Sezvo ndima muEastern Europe neAfrica dzakazaruka nokuda kwokuparidzira mashoko akanaka kwakasununguka zvikuru, kokorodzano dzamarudzi ose dzakashandiswa nenzira inobudirira kuratidzira shoko roUmambo zvakatanhamara pamberi pavose. Sezvakapikira Jehovha kare kare, pana Isaya 60:22, zvirokwazvo ari ‘kukurumidzisa basa munguva yaro rimene.’ Iropafadzo yakaisvonaka zvakadini yokuti tigoverane mariri!

Kusvika Munhu Ari Wose Anobvira Namashoko Akanaka

21, 22. Chii chatinogona kuita somunhu oga kuti tive Zvapupu zvinobudirira zvikuru kuri kwose kwatinobatira?

21 Ishe achigere kutaura kuti basa rapedzwa. Zviuru zvakawanda zviri kungogamuchira kunamata kwechokwadi. Naizvozvo mubvunzo unomuka, Tiri kuita chinhu chiri chose chinobvira kuti tishandise zvakanaka nguva iyo shiviriro yaJehovha yakabvumira basa irori here?—2 Petro 3:15.

22 Haasati ari munhu ari wose anogona kutamira kundima isingawanzoshandwa. Asi uri kushandisa zvakazara mabanza akakuzarukira here? Unopupurira kuvashandi biyako here? kuvadzidzisi nevokuchikoro biyako here? Wakachinjira kumigariro inochinja iri mundima yako here? Kana, somuuyo wemiitiro yebasa inochinja, vanhu vashomanene zvikuru vari pamusha mukati mezuva, wakachinja rudungwe rwako kuitira kuti uvashanyire mumanheru here? Kana zvivako zviri kuitwa zvisingasvikiki kuvashanyi vasina kukokwa, uri kuita kupupurira norunhare here kana kuti kupupurira netsamba? Uri kutevera fariro yakaratidzwa uye uchikarakadza kuitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha here? Uri kuita zvakakwana ushumiri hwako here?—Enzanisa naMabasa 20:21; 2 Timotio 4:5.

23. Sezvo Jehovha anocherekedza zvatiri kuita mubasa rake, chii chinofanira kuva pachena kwatiri?

23 Tose zvedu ngatiite ushumiri hwedu nomutoo unoratidza zvakajeka Jehovha kuti tinoonga zvirokwazvo ropafadzo yakaisvonaka yokuva Zvapupu zvake mudzino nguva dzinokosha. Ngaive ropafadzo yedu yokuva zvapupu zvinoona sezvo Jehovha anoita rutongeso patsika yakaipa yekare uye anopinza Kutonga kweMireniyumu kune mbiri kwaJesu Kristu!

[Mashoko Omuzasi]

a Dzakaverengwa mukuwirirana nenzirayo nyika dzakanga dzakakamuraniswa nayo mukuvamba kwama 1990.

Muhwirudzuro

◻ Neiko kuparidzira shoko roUmambo kuchikosha kwazvo?

◻ Mashoko akanaka akaparidzirwa kusvikira kutambanukoi kusvikira muna 1914?

◻ Uchapupu hwakasimba zvakadini hwakapiwa chifo chokugadzwa kwoUmambo?

◻ Chii chingaita kuti goverano yedu timene muushumiri ibudirire zvikuru?

[Bhokisi riri papeji 16, 17]

Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari

Pamazana ekokorodzano dzeruwa kupote nyika mukati ma 1993-94, chiziviso chakaitwa chokubudiswa kwebhuku idzva rine musoro unoti Jehovah’s Witnesses—Proclaimers of God’s Kingdom. Iyi inhau inorairidza zvikurusa, yakazara yeZvapupu zvaJehovha. Ibhuku ramapeji 752, rine mifananidzo yakaisvonaka, nemifanikiso inopfuura chiuru yakaunganidzwa kubva munyika 96 dzakasiyana-siyana. Rakanga ratobudiswa mumitauro 25 pakasvika mugumo wama 1993, uye riri kushandurirwa muyakawanda.

Chii chinoita kuti bhuku rakadaro rikodzere nguva? Mumakore achangobva kupfuura mamirioni avanhu munyika yose akava Zvapupu zvaJehovha. Vose zvavo vanofanira kusanoziva pamusoro penhau yesangano ravanosonganirana naro. Kupfuurirazve, kuparidzira kwazvo namanamatire azvo zvakapinda mumapoka emarudzi nemadzinza munyika yose uye zvakagamuchirwa navanhu vaduku navakuru, pamwero uri wose wezvemari uye wedzidzo. Somuuyo, vakawanda vanocherekedza chiri kuitika vane mibvunzo pamusoro peZvapupu—kwete bedzi pamusoro pezvitendero zvazvo asiwo pamusoro pemavambo azvo, nhau yazvo, sangano razvo, madonzo azvo. Vamwe vakanyora pamusoro pazvo, kunyange zvazvo vachitsaura nguva dzose. Zvisinei, hapana anoziva nhau yomuzuva razvino uno yeZvapupu zvaJehovha zviri nani kupfuura zvinoita Zvapupu zvimene. Vapepeti veiri bhuku vakaedza kupa nhau iyoyo nomutoo wakarurama uye wapachokwadi. Mukuita saizvozvo, vakatsigirawo zadziko kusvikira musi parutivi runokosha zvikuru rwechiratidzo chokuvapo kwaKristu chakanyorwa pana Mateo 24:14, uye vakakuita noudzame hwaigona kugoverwa bedzi naavo vanobatanidzwa zvikuru mubasa rakadeya kutaurwa ipapo.

Bhuku racho rakakamuraniswa kuva zvikamu zvikuru zvinomwe:

Chikamu 1: Ichi chikamu chinonzvera mavambo enhau eZvapupu zvaJehovha. Chinobatanidza murangariro wose mupfupi, unorairidza wenhau yazvo yomuzuva razvino uno kubvira kuna 1870 kusvikira muna 1992.

Chikamu 2: Heino hwirudzurwo inozivisa yekukura kunofambira mberi kwezvitendero zvinotsauranisa Zvapupu zvaJehovha nemamwe mapoka orudzidziso.

Chikamu 3: Urwu rutivi rwebhuku rwunonzvera kukura kwechimiro chesangano razvo. Rwunorondedzera maidi anofadza pamusoro pemisangano yazvo yeungano nekokorodzano, pamwe chete nenzira yazvinovaka nayo Horo dzoUmambo, Horo dzaMagungano huru zvikuru, uye zvivako zvokubudisa mabhuku eBhaibheri. Runopa shingairo iyo Zvapupu zvaJehovha zvinozivisa nayo Umambo hwaMwari uye rudo runooneka sezvazvinotarisirana munguva dzenjodzi.

Chikamu 4: Muno uchawana udzame hunofadza pamusoro penzira iyo ziviswo yoUmambo hwaMwari yakasvika nayo kunyika huru nezvitsuwa zviri kure kupota nyika. Chimbofungidzira zvako—kuparidzira munyika 43 mugore ra 1914, asi munyika 229 pakasvika 1992! Zvinoitika zveavo vakagoverana muiyi futunuko yenyika yose zvinofadza zvamazvirokwazvo.

Chikamu 5: Kuita basa iri rose reziviswo yoUmambo kwakada kuvakwa kwezvivako zvamarudzi ose zvokubudisa maBhaibheri pamwe chete namabhuku eBhaibheri muinopfuura mitauro ine mazana maviri. Muno uchadzidza pamusoro porutivi irworwo rwebasa razvo.

Chikamu 6: Zvapupu zvakatarisanawo nemiedzo—mimwe nemhaka yokusakwana kwohunhu, mimwe nemhaka yehama dzenhema, uye kunyange zvikuru nemhaka yechitambudzo chachose chose. Shoko raMwari rakanyevera kuti ikoko kwaizova kwakadaro. (Ruka 17:1; 2 Timotio 3:12; 1 Petro 4:12; 2 Petro 2:1, 2) Ichi chikamu chebhuku chinorondedzera nenzira yakajeka chakaitika chaizvoizvo uye kuti kutenda kweZvapupu zvaJehovha kwakazvigonesa sei kuti zvikunde.

Chikamu 7: Mumhedziso, bhuku racho rinorangarira chikonzero nei Zvapupu zvaJehovha zvichipwiswa zvakasimba kuti sangano iro izvo zviri rutivi rwaro riri kutungamirirwa zvirokwazvo naMwari. Rinokurukurawo chikonzero nei zvichinzwa dikanwo, sesangano uye somunhu oga, yokuramba zvichirinda.

Mukuwedzera pane zviri pamusoro apa, iri vhoriyamu rakagadzirwa nomutoo unokwezva inobatanidza chikamu chamapeji 50 chakaisvonaka uye chinorairidza zvikuru chemifanikiso ine mavara, inoratidza dzimbahwe renyika pamwe chete nezvivako zvamapazu zviri kushandiswa neZvapupu zvaJehovha munyika yose.

Kana usati watoita kudaro, uchabetserwa zvirokwazvo kupfurikidza nokuwana uye kurava kopi yeichi chinyorwa chinofadza.

Tsinhiro Dzakabva Kuvamwe Vakarirava

Ndokupi kwave kuri kuita kwaavo vakatorava iri bhuku? Hekuno kushomanene:

“Ndichangobva kupedza kurava bhuku rinofadza, benyu Jehovah’s Witnesses—Proclaimers of God’s Kingdom. Sangano bedzi rakazvipira nenzira yokuvimbika uye nenzira yokuzvininipisa kuzvokwadi raigona kunyora nenzira yokutendeseka kwazvo, nenzira youshingi, uye nenzira inoorora.”

“Rinorava sebhuku raMabasa, nokutendeseka nouchokwadi zvaro.”

“Chinyorwa chitsva chinofadza zvakadini! . . . Inhau yakaisvonaka.”

Pashure pokurava inenge hafu yebhuku racho, mumwe murume akanyora, kuti: “Ndakabatwa norutyo, ndakakatyamadzwa; uye ndakadokuchema. . . . Mumakore angu ose, hapana chimwe chinyorwa chakava chinotapura mirangariro zvakadaro.”

“Mwoyo wangu unofara nguva iri yose ndinofunga nezvekusimbisa kuchaita bhuku iri kutenda kwevaduku pamwe chete navatsva vari kupinda musangano nhasi.”

“Ndakaonga zvokwadi nguva dzose, asi kurava bhuku iri kwazarura meso angu uye kwandibetsera kuziva kupfuura nakare kose kuti mudzimu waJehovha uri seri kwaizvozvo zvose.”

[Mifananidzo iri papeji 18]

Vanhu vakawanda vakasvikwa neshoko roUmambo kunyange apo Zvapupu zvaiva zvishomanene muchiverengero

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe