RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 6/1 p. 24
  • Mwari Haasaruri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Haasaruri
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Kumirira Umambo Husiri “Hwenyika Ino”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Ndinotenda Kuti Ndakashumira Jehovha, Kunyange Mumiedzo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Koneriyasi Anopiwa Mweya Mutsvene
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Jehovha “Haasaruri”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 6/1 p. 24

Vazivisi voUmambo Vanoshuma

Mwari Haasaruri

ANOPFUURA makore 1 900 apfuura, muapostora Petro akapupurira kumukuru wehondo Kornerio, achiti: “Zvirokwazvo, ndinoona kuti Mwari haazi mutsauri wavanhu; asi parudzi rupi norupi, munhu, unomutya, achiita zvakarurama, unogamuchirwa naye.” (Mabasa 10:34, 35) Kornerio akaratidzira kutya Mwari nokuda kururama. Akagamuchira uchapupu hwakapiwa naPetro ndokuva muKristu.

Nheyo imwe cheteyo ndeyechokwadi nhasi—Mwari haasaruri. Tinocherekedza ikoku muchinoitika chakabva kuGermany. Mushumo wacho unoti:

“Mundima yeungano yedu, mune rejimendi huru yeRussia. Muna 1989, chinguvana pashure pokunge Rusvingo rweBerlin rwawa, vakuru vakabvunza kana upi noupi wavaparidzi aiziva mutauro wechiRussia. Vamwe vedu vaiziva, uye takaenda kunoshanda mundima iyi, uko kwakabvumikisa kuva mufaro chaiwoiwo. Chinotevera ndichimwe chezvinoitika zvakawanda.

“Ndakanga ndine muparidzi asina kubhapatidzwa (uyo akabhapatidzwa chifo chenguva iyoyo) apo takataura kumutungamiriri wehondo. Mutungamiriri wehondo akateerera zvatakataura uye ipapo akatikoka kuti titaure kuvarwi vake. Iye akataura kuti vanofanira kunzwa pamusoro paMwari neBhaibheriwo, naizvozvo takaita rangano yokudzoka.

“Takakumbira imwe hanzvadzi inosanotaura chiRussia kuti iende nesu somuturikiri. Mukamuri rokusonganira rerejimendi, takagadzira tafura yamabhuku uye takakwanisa kutaura kuvarwi 68 ndokupindura mibvunzo yavo. Pashure vakagamuchira nomufaro mabhuku 35 namagazini anodokusvika 100. Sezvatakabuda mukamuri rokusonganira, takaona mapoka maduku achikurukura pamusoro pamabhuku.

“Takaita rangano yokudzoka pana July 4, 1992. Pakusvika kwedu pa 10:50 a.m., murindiri wepasuo rerejimendi akatiudza kuti varwi vaitikarira. Mukuru mukuru wavarwi akatipinza mukamuri rokusonganira, uye takawana kuti mumwe mukadzi, uyo akanga agamuchira kare mabhuku kwatiri eraibhurari, akanga azivisa kuuya kwedu kupfurikidza nokuisa zvikwangwani murejimendi. Hama nhatu dzakapa hurukuro pfupi pamusoro pebasa redu romunyika yose ndokuratidza chikonzero nei tichigona kuva nechivimbo muBhaibheri. Ipapo takarangarira mibvunzo yakabva kuvateereri, tichipa mhinduro dzinobva muBhaibheri. Pakati pemibvunzo paiva nowokuti, Chii chiri chimiro cheZvapupu zvaJehovha pamusoro pebasa rehondo, uye zvipi nezvipi zvazvo varwi here? Ikoku kwakapa muparidzi asina kubhapatidzwa uyo akanga andikumbanira kare banza rokuti arondedzere basa rake ramakore 25 muhondo yeEast Germany, makore okupedzisira sakaputeni wendege dzehondo. Akarondedzera kuti akanga adzidza sei pamusoro paMwari neBhaibheri uye zvino akanga achida kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Varwi vakaororwa nezvavakanzwa. Mukati memaminiti manomwe mabhuku ose atakanga taunza akanga ava mumaoko avarwi, uye vakawanda vaida maBhaibheri. Takakwanisa kuwana maBhaibheri manomwe echiRussia pachitoro chamabhuku, ayo vakaonga kugamuchira. Waiva mufaro chaiwoiwo kupa ava vanhu vane nzara yomudzimu mashoko eBhaibheri, uye tinokarira kuti vachaita chiito paari.”

Zvirokwazvo, Mwari haasaruri. Kupfurikidza neShoko rake anokumbira vanhu vane mwoyo yakatendeseka ani naani uye kupi nokupi kwavangava. Anovakoka kuti vadzidze nezvake noMwanakomana wake, Jesu Kristu, uye vakawanda vanobva mumifambiro yose youpenyu vari kuita izvozvo.—Johane 17:3.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe