RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 8/1 pp. 9-14
  • Jehovha Ane Mufungo!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Ane Mufungo!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha—Munhu Anochinjika Zvikurusa Muchisiko Chose
  • Kuva Nomufungo Chiratidzo Chouchenjeri Hwoumwari
  • Ano“farira Kukanganwira”
  • Kuchinja Nzira Yechiito SezvoMigariro Mitsva Inomuka
  • Kuva Nomufungo Mukushandiswa Kwechiremera
  • “Ane Mwoyo Wakachenjera” Asi Anozvininipisa
    Swedera Pedyo naJehovha
  • Sakurira Kuva Nomufungo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Tevedzera Jehovha—Iva Munhu Anonzwisisa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Koshesa Rupo Uye Kunzwisisa Kunoita Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 8/1 pp. 9-14

Jehovha Ane Mufungo!

“Uchenjeri, hunobva kumusoro . . . hune mufungo.”—JAKOBHO 3:17, NW.

1. Vamwe vakaratidzira sei Mwari seasina mufungo, uye iwe unonzwa sei pamusoro pomurangariro wakadaro waMwari?

UNONAMATA Mwari worudzii? Unomudavira kuva Mwari weruramisiro isingachinjiki, yorumano, mukukutu naakaoma muhunhu hwake here? Kumuchinji wechiPurotestendi John Calvin, Mwari anofanira kuva akaratidzika zvakadaro. Calvin akataura kuti Mwari ane “gadziriro isingagumi neisingachinjiki” pamusoro pomunhu mumwe nomumwe, achideya kusarudzira munhu mumwe nomumwe kana achizorarama nokusingaperi mumufarwa kana kuti kutambudzwa nokusingagumi muhero yomwoto. Fungidzira: Kudai ikoku kwaiva chokwadi, hapana chinhu chawaigona kutomboita, pasinei zvapo nokuti unoedza zvakaoma sei, chaizochinja gadziriro yaMwari yenguva refu, yakaoma pamusoro pako nenguva yako yemberi. Waizokweverwa kuna Mwari asina mufungo akadaro here?—Enzanisa naJakobho 4:8.

2, 3. (a) Tingaenzanisira sei kusava nomufungo kwezvaunga zvavanhu namasangano? (b) Chiono chaEzekieri chengoro yaJehovha yokudenga chinozivisa sei kuchinjika Kwake?

2 Tinonyaradzwa sei nokuziva kuti Mwari weBhaibheri ane mufungo nenzira yakatanhamara! Haasati ari Mwari asi vanhu vanova vakaoma navasingachinjiki, vanosungwa nokusakwana kwavo vamene. Masangano avanhu anogona kuva asingadzoreki sezvitima zvinotakura zvinhu. Apo chitima chikuru chinotakura zvinhu chinenge chichimhanya chakananga chinopinga munjanji, kukona hakubviri, uye kumira hakusi nyore zvikuru. Zvimwe zvitima zvine simba rinosundira mberi guru kwazvo zvokuti zvinotora inopfuura kiromita imwe kuti zvimire pashure pokunge mabhureki abopwa! Nomutoo wakafanana, ngarava huru inotakura mafuta ingapfuurira kufamba kwamamwe makiromita masere pashure pokunge injini dzadzimwa. Kunyange kana dzikaiswa muruvhesi, ingapfuurira kufamba kwamakiromita matatu! Asi zvino rangarira ngoro inotyisa zvikuru kwazvo kupfuura idzi mbiri, iyo inomirira sangano raMwari.

3 Anopfuura makore 2 600 akapfuura, Jehovha akapa muporofita Ezekieri chiono chakafananidzira sangano Rake rokudenga rezvisikwa zvomudzimu. Yakanga iri ngoro youkuru hunotyisa, “ngoro” yaJehovha amene inodzorwa naye nguva dzose. Yaifadza zvikurusa yakanga iri nzira yayaifamba nayo. Mavhiri makuru akanga ana mativi mana uye akazara namaziso, naizvozvo aigona kuona nzvimbo iri yose uye aigona kuchinja nzira pakarepo, pasina kumira kana kuti kukona. Uye iyi ngoro huru yakanga isingafaniri kukunguruka kufanana nengarava inotakura mafuta kana kuti chitima chinotakura zvinhu. Yaigona kufamba nokumhanya kwemheni, kunyange kukona! (Ezekieri 1:1, 14-28) Jehovha akasiyana naMwari uyo Calvin akaparidza sezvakaita ngoro yake nemichina isina kugadzirwa zvakanaka inoitwa nomunhu. Anochinjika zvakakwana. Kunzwisisa urwu rutivi rwohunhu hwaJehovha kunofanira kutibetsera kuramba tichichinjika ndokudzivisa musungo wokusava nomufungo.

Jehovha—Munhu Anochinjika Zvikurusa Muchisiko Chose

4. (a) Zita raJehovha rimene rinomuzivisa munzirai kuva Mwari anochinjika? (b) Ndeapi ari mamwe amazita okuremekedza anoshandiswa kuna Jehovha Mwari, uye neiko akakodzera?

4 Zita rimene raJehovha rinoreva kuchinjika kwake. “Jehovha” rinoreva chaizvoizvo “Anoparira Kuvapo.” Ikoku sezvinooneka kunoreva kuti Jehovha anozviparira amene kuva Muzadziki wezvipikirwa zvake zvose. Apo Mosesi akabvunza Mwari zita rake, Jehovha akatsanangura pamusoro perevo yaro nenzira iyi: “NDICHAVA IYE WANDICHAVA.” (Eksodho 3:14) Shanduro yaRotherham nenzira yakananga inoti: “Ndichava chipi kana chipi chandinoda.” Jehovha anobvumikisa kuva, kana kuti anosarudza kuva, chipi kana chipi chinodikanwa kuzadzika madonzo ake akarurama nezvipikirwa. Nokudaro, iye ana mazita okuremekedza akawanda, akadai soMusiki, Baba, Changamire Ishe, Mufudzi, Jehovha wehondo, Munzwi womunyengetero, Mutongi, Murayiridzi Mukuru, Mudzikinuri. Akazviparira amene kuva zvose izvozvi nezvinopfuura kuti aite madonzo ake orudo.—Isaya 8:13; 30:20; 40:28; 41:14; Pisarema 23:1; 65:2; 73:28; 89:26; Vatongi 11:27; onawo New World Translation, Appendix 1J.

5. Neiko tisingafaniri kugumisa kuti kuchinjika kwaJehovha kunoreva kuti hunhu hwake kana kuti mipimo zvinochinja?

5 Ikoku kunoreva here, ipapoka, kuti rudzi rwaMwari kana kuti mipimo inochinja? Aiwa; sokutaura kunoita Jakobho 1:17, “uyo usina kupinduka kana mumvuri wokushanduka.” Pane kupokanidza here pano? Nyangwe napaduku pose. Somuenzaniso, mubereki upi anorudo asingachinji mabasa kuti abetsere vana? Muzuva rimwe, mubereki angava mupi wezano, mubiki, muchengeti wemba, mudzidzisi, murangi, shamwari, makanika, mukoti—ndaza yacho inongopfuurira. Mubereki haachinji hunhu pakutora aya mabasa; iye anongochinjira zvinodikanwa zvazvino. Ndozvakwakaita naJehovha asi pamwero mukuru zvikuru. Hapana muganhu kune zvaanogona kuzviparira amene kuva kuti abetsere zvisikwa zvake. Ukuru hwouchenjeri hwake hunoshamisa zvamazvirokwazvo!—VaRoma 11:33.

Kuva Nomufungo Chiratidzo Chouchenjeri Hwoumwari

6. Chii chiri revo chaiyoiyo nezvinobatanidzwa neshoko rechiGiriki iro Jakobho akashandisa mukurondedzera uchenjeri hwoumwari?

6 Mudzidzi Jakobho akashandisa shoko rinofadza kurondedzera uchenjeri hwouyu Mwari anozvichinja zvikurusa. Akanyora, kuti: “Uchenjeri, hunobva kumusoro . . . hune mufungo.” (Jakobho 3:17, NW) Shoko rechiGiriki iro iye akashandisa pano (e·pi·ei·kesʹ) rakaoma kushandura. Vashanduri vakashandisa mashoko akadai so“hunyoro,” “hune tsitsi,” “hunoshivira,” uye “hunorangarira.” New World Translation inorishandura kuti “hune mufungo,” namashoko omuzasi anoratidzira kuti revo chaiyoiyo ndi“hunotera.”a Shoko racho rinopawo mufungo wokusaomerera pachakanyorwa, kusava ane rumano zvisakafanira kana kuti kuoma. Nyanzvi William Barclay inotsinhira muNew Testament Words, kuti: “Chinhu chinokosha uye chikuru pamusoro peepieikeia ndechokuti inovamba naMwari. Kudai Mwari akaomerera pamaruramiro ake, kudai Mwari asina kutishandisira chinhu chipi nechipi kunze kwemipimo yakaoma yomutemo, taizova tiri kupi? Mwari ndiye muenzaniso mukurusa womunhu ari epieikēs uye anobata navamwe neepieikeia.”

7. Jehovha akaratidzira sei kuva nomufungo mubindu reEdheni?

7 Rangarira nguva apo rudzi rwomunhu rwakapandukira uchangamire hwaJehovha. Kungadai kwakava kuri nyore sei kuti Mwari auraye vapanduki vatatu ivavo vasingaongi—Adhama, Evha, uye Satani! Kurwadziwa kukuru sei kwaangadai akazvidzivisira amene nomutoo iwoyo! Uye ndiani aigona kuva akaita nharo kuti akanga asina maruramiro okuita ruramisiro yorumano yakadaro? Kunyanguvezvo, Jehovha haatongoiti kuti sangano rake rokudenga rakafanana nengoro rikiyirwe mumupimo wakati wakaoma, usingachinjiki weruramisiro. Naizvozvo ngoro iyoyo haina kupwanya noutsinye mhuri yomunhu nekariro dzose dzenguva yemberi inofadza yorudzi rwomunhu. Mukupesana, Jehovha akafambisa ngoro yake nokumhanya kwakafanana nemheni. Nokukurumidza pashure pokupanduka, Jehovha Mwari akaonesa donzo renguva refu iro rakapa ngoni netariro kuvose vavazukuru vaAdhama.—Genesi 3:15.

8. (a) Murangariro wakaipa wechiKristudhomu wokuva nomufungo unopesana sei nokuva nomufungo kwechokwadi kwaJehovha? (b) Neiko tichigona kutaura kuti kuva nomufungo kwaJehovha hakurevi kuti angabvumiranisa nheyo dzoumwari pane zvisina kufanira?

8 Kuva nomufungo kwaJehovha hakurevi, zvisinei, kuti iye angabvumiranisa nheyo dzoumwari pane zvisina kufanira. Chechi dzanhasi dzechiKristudhomu dzingafunga kuti dziri kuva nomufungo apo dzinofuratira utere kuti dzingotsvakawo chizivano kumapoka adzo akasindimara. (Enzanisa na 2 Timotio 4:3.) Jehovha haatongoputsi mitemo yake amene, uyewo haabvumiranisi nheyo dzake pane zvisina kufanira. Panzvimbo pezvo, anoratidza kudisa kutera, kuchinjira kumigariro, kuitira kuti nheyo idzodzo dzigoshandiswa zvose zviri zviviri zvakarurama uye nengoni. Iye anorangarira nguva dzose kudzikamisa kushandisa kwake ruramisiro nesimba norudo rwake nouchenjeri hune mufungo. Ngatirangarirei nzira nhatu umo Jehovha anoratidzira kuva nomufungo.

Ano“farira Kukanganwira”

9, 10. (a) Kuva ano“farira kukanganwira” kune chokuitai nokuva nomufungo? (b) Dhavhidhi akabetserwa sei nokudisa kukanganwira kwaJehovha, uye nei?

9 Dhavhidhi akanyora, kuti: “Nokuti imi, Ishe, makanaka, munofarira kukanganwira, mune ngoni zhinji kuna vose vanodana kwamuri.” (Pisarema 86:5) Apo Magwaro echiHebheru akashandurirwa muchiGiriki, shoko ra“farira kukanganwira” rakashandurwa kuti e·pi·ei·kesʹ, kana kuti “kuva nomufungo.” Zvamazvirokwazvo, kuva akagadzirira kukanganwira ndokuratidza ngoni zvichida ndiyo nzira inokosha yokuratidzira nayo kuva nomufungo.

10 Dhavhidhi amene aisanoziva kuti Jehovha ane mufungo sei muna ikoku. Apo Dhavhidhi akaita upombwe naBhati-shebha ndokuronga kuita kuti murume wake aurawe, vose vari vaviri iye naBhati-shebha vaifanirwa nechirango chorufu. (Dheuteronomio 22:22; 2 Samueri 11:2-27) Kudai vatongi vohunhu vane rumano vakanga vabata nhau yacho, vose vari vaviri vangadai vakarasikirwa noupenyu hwavo. Asi Jehovha akaratidza kuva nomufungo (e·pi·ei·keiʹa), uko, sokutaura kunoita Vine’s Expository Dictionary of Biblical Words, “kunoratidzira kurangarira kuya kunotarisika kuva ‘kwomutsa uye nenzira ine mufungo pamaidi enhau,’” Maidi akapesvedzera chisarudzo chengoni chaJehovha sezvingabvira akabatanidza rupfidzo rwapachokwadi rwavaiti vechakaipa uye ngoni idzo Dhavhidhi amene akanga aratidza vamwe kare. (1 Samueri 24:4-6; 25:32-35; 26:7-11; Mateo 5:7; Jakobho 2:13) Zvisinei, mukuwirirana nerondedzero yaJehovha yake amene pana Eksodho 34:4-7, kwakanga kune mufungo kuti Jehovha aizopa Dhavhidhi ruramiso. Akatuma muporofita Natani kuna Dhavhidhi neshoko rakasimba, achiroverera Dhavhidhi neidi rokuti akanga azvidza shoko raJehovha. Dhavhidhi akapfidza uye naizvozvo haana kufira chivi chake.—2 Samueri 12:1-14.

11. Jehovha akaratidza sei kudisa kukanganwira muchinoitika chaManase?

11 Muenzaniso waMambo Manase waJudha unoshamisa zvikuru muna ikoku, sezvo Manase, kusafanana naDhavhidhi, akanga akaipa chose chose kwenguva refu. Manase akasimudzira miitiro yorudzidziso inonyangadza munyika, kubatanidza kubaira vanhu. Angavewo akava nomutoro woku“temwa-temwa nejeko” kwomuporofita Isaya. (VaHebheru 11:37) Kuti arange Manase, Jehovha akamubvumira kuti atakurwe somuranda kuenda Bhabhironi. Zvisinei, Manase akapfidza ari mutorongo ndokutetererera ngoni. Mukupindura uku kupfidza kwechokwadi, Jehovha aka“farira kukanganwira”—kunyange muiyi nhau yakanyanyisa.—2 Makoronike 33:9-13.

Kuchinja Nzira Yechiito SezvoMigariro Mitsva Inomuka

12, 13. (a) Muchinoitika cheNinevhe, ichinjoi yomugariro yakasunda Jehovha kuchinja nzira? (b) Jona akabvumikisa sei kuva ane mufungo zvishomanene kupfuura Jehovha Mwari?

12 Kuva nomufungo kwaJehovha kunoonekawo mukudisa kwake kuchinja nzira yakarangarirwa yechiito sezvo migariro mitsva inomuka. Somuenzaniso, apo muporofita Jona akafamba mumigwagwa yeNinevhe yakare, shoko rake rakafuridzirwa rakanga rakapfava zvikuru: Guta rine simba raizoparadzwa mumazuva 40. Zvisinei, migariro yakachinja—nenzira inoshamisa! VaNinevhe vakapfidza.—Jona, ganhuro 3.

13 Kunoraidza kusiyanisa kuti Jehovha naJona vakaita sei kuiyi chinjo yezvinoitika. Jehovha chaizvoizvo akachinja nzira yengoro yake yokudenga. Mune ichi chinoitika akachinja, achizviparira amene kuva mukanganwiri wezvivi panzvimbo pokuva “munhu wokurwa.” (Eksodho 15:3) Jona, pano rumwe rutivi, akanga asingachinjiki zvikuru. Panzvimbo pokuvambirana nengoro yaJehovha, akaita zvikuru sechitima chinotakura zvinhu kana kuti ngarava huru inotakura mafuta zvadudzwa pakuvamba. Akanga azivisa shurikidzo, naizvozvo yaifanira kuva shurikidzo! Zvichida akanzwa kuti chinjo ipi neipi munzira yaizomuita kuti anyare mumaziso avaNinevhe. Nokushivira, kunyanguvezvo, Jehovha akadzidzisa muporofita wake ane musoro wakaoma chidzidzo chinokosha mukuva nomufungo nengoni.—Jona, ganhuro 4.

14. Neiko Jehovha akachinja nzira yake yechiito pamusoro pomuporofita wake Ezekieri?

14 Jehovha akachinja nzira padzimwe nhambo—kunyange pamusoro penhau duku zvikuru. Somuenzaniso, pane imwe nguva apo akatuma muporofita Ezekieri kuzoita mutambo wouporofita, mirairidzo yaJehovha yakabatanidza murayiro wokuti Ezekieri abike zvokudya zvake pamwoto unopfuta nendove yomunhu. Ikoku kwakanga kwakanyanya zvikuru nokuda kwomuporofita, uyo akachema kuti, “Haiwa, Ishe Jehovha!” ndokukumbira kuti asaitwe kuti aite chimwe chinhu chinosemesa kwaari. Jehovha haana kufuratira kunzwa kwomuporofita sokusina mufungo; panzvimbo pezvo, Iye akabvumira Ezekieri kushandisa ndove yemombe, manyuko anozivikanwa ehuni munyika dzakawanda kusvikira kuzuva rino.—Ezekieri 4:12-15.

15. (a) Mienzanisoi inoratidza kuti Jehovha ave achidisa kuteerera ndokupindura vanhu? (b) Ikoku kungatidzidzisa chidzidzoi?

15 Hakusati kuchifadza here kurangarira kuzvininipisa kwaMwari wedu Jehovha? (Pisarema 18:35) Iye akakwirira zvikuru kwazvo kupfuura zvatiri; bva iye anoteerera nokushivira vanhu vasina kukwana uye anotochinja nzira yake nenzira inowirirana padzimwe nguva. Iye akabvumira Abrahama kumuteterera kwenguva refu pamusoro poruparadziko rweSodhoma neGomora. (Genesi 18:23-33) Uye Iye akarega Mosesi achimutsa zvirambidzo kuchikarakadzo Chake chokuparadza vaIsraeri vanopandukira uye panzvimbo pezvo kuita rudzi rukuru kubva kuna Mosesi. (Eksodho 32:7-14; Dheuteronomio 9:14, 19; enzanisa naAmosi 7:1-6.) Iye nomutoo iwoyo akagadzira muenzaniso wakakwana vabatiri vake vavanhu, avo vanofanira kuratidza kudisa kwakafanana kuteerera vamwe apo kunenge kune mufungo nokunobvira kuita saizvozvo.—Enzanisa naJakobho 1:19.

Kuva Nomufungo Mukushandiswa Kwechiremera

16. Jehovha anosiyana sei navanhu vakawanda munzira iyo anoshandisa nayo chiremera chake?

16 Wati wambocherekedza kuti sezvo vanhu vamwe navamwe vanowana chiremera chikuru, vakawanda vanoratidzika kuva vanova vane mufungo zvishomanene? Jehovha, mukupesana, ane nzvimbo yakakwirira zvikurusa yechiremera muchisiko chose, bva ndiye muenzaniso mukurusa wokuva nomufungo. Anoshandisa chiremera chake nenzira ine mufungo zvisingakundikani. Kusafanana navanhu vakawanda, Jehovha haasi asina kuchengeteka pamusoro pechiremera chake, naizvozvo haanzwi achimanikidzirwa kuchidzivirira negodo—sokunge kuti kupa mwero wakati wechiremera kuna vamwe kungatyisidzira nenzira yakati chake amene. Kutaura idi, apo kwakanga kune mumwe munhu mumwe bedzi muchisiko chose, Jehovha akapa chiremera chikuru pana iyeyo. Iye akaita Logos “mhizha” yake, kuvambira ipapo zvichienda mberi achiita kuti zvinhu zvose zvivepo kupfurikidza nouyu Mwanakomana anodiwa. (Zvirevo 8:22, 29-31; Johane 1:1-3, 14; VaKorose 1:15-17) Gare gare Iye akapa kwaari “simba rose kudenga napanyika.”—Mateo 28:18; Johane 5:22.

17, 18. (a) Neiko Jehovha akatuma ngirozi kuSodhoma neGomora? (b) Neiko Jehovha akakumbira ngirozi zvikarakadzo pamusoro penzira yokunyengera nayo Ahabhi?

17 Nomutoo wakafanana, Jehovha anoronzesa zvakawanda zvezvisikwa zvake mabasa ayo iye amene aigona kuita zvinotova zviri nani. Somuenzaniso, apo akaudza Abrahama kuti, “Ndichaburuka zvino [kuSodhoma neGomora] kuti ndione izvo zvavaita, kana zvakafanana nokudanidzira kwavo kwakasvika kwandiri,” iye haana kureva kuti aizoenda ikoko pachake. Panzvimbo pezvo, Jehovha akasarudza kupa chiremera, achigadza ngirozi kumuunganidzira mashoko akadaro. Iye akadzipa chiremera chokutungamirira iri basa rokuwana maidi nokushuma kwaari.—Genesi 18:1-3, 20-22.

18 Pane imwe nhambo, apo Jehovha akasarudza kuita rutongeso pana Mambo akaipa Ahabhi, Iye akakoka ngirozi pamusangano wokudenga kuti dzipe zvikarakadzo pamusoro penzira yoku“nyengera” nayo mambo iyeyo akawa pakutenda kupinda mukukumbanira muhondo yaizogumisa upenyu hwake. Zvirokwazvo, Jehovha, Manyuko ouchenjeri hwose, aisada betsero yokukarakadza nzira yakanakisisa yechiito! Bva, akaremekedza ngirozi neropafadzo yokukarakadza mhinduro nechiremera chokuita chiito paicho iye akasarudza.—1 Madzimambo 22:19-22.

19. (a) Neiko Jehovha achiganhurira chiverengero chemitemo iyo iye anoita? (b) Jehovha anozviratidza amene sei kuva ane mufungo apo kunouya kune zvaanokarira kwatiri?

19 Jehovha haashandisi chiremera chake kuti ashandise kudzora kusina kufanira pana vamwe. Muna ikokuwo anoratidza kuva nomufungo usingaenzaniswi. Iye anoganhurira nokungwarira chiverengero chemitemo yaanoita uye anodzivisa vabatiri vake ‘kupfuura zvinhu zvakanyorwa’ kupfurikidza nokuwedzera mitemo inorema yavanoita ivo vamene. (1 VaKorinte 4:6; Mabasa 15:28; siyanisa naMateo 23:4.) Iye haatongodi teerero isina mufungo yezvisikwa zvake, asi kazhinji kazhinji anogovera mashoko akakwana kuti azvitungamirire uye anoisa chisarudzo pamberi pazvo, achizviita kuti zvizive betsero dzokuteerera nemiuyo yokusateerera. (Dheuteronomio 30:19, 20) Panzvimbo pokumanikidza vanhu kupfurikidza nokuva nemhaka, manyadzi, kana kuti rutyo, anotsvaka kusvika mwoyo; anoda kuti vanhu vamubatire norudo rwechokwadi panzvimbo pokumanikidzwa. (2 VaKorinte 9:7) Basa rose romweya wose rakadaro rinoita kuti mwoyo waMwari ufare, naizvozvo haasati ari “asakarurama” nenzira isina mufungo.—1 Petro 2:18; Zvirevo 27:11; Enzanisa naMika 6:8.

20. Kuva nomufungo kwaJehovha kunokutapura sei?

20 Hakusati kuchishamisa here kuti Jehovha Mwari, ane simba guru kupfuura munhu upi noupi muchisiko, haatongoshandisi simba iroro nenzira isina mufungo, haatongorishandisi kushusha vamwe? Zvisinei, vanhu, vaduku kwazvo mukuenzanisa, vane nhau yokudzvinyirirana. (Muparidzi 8:9) Nenzira yakajeka, kuva nomufungo ivara rinokosha, iro rinotisunda kuda Jehovha zvikuru. Ikokowo kungatisunda kusakurira iri vara isu timene. Tinogona sei kuita saizvozvo? Nyaya inotevera ichakurukura nhau iyoyi.

[Mashoko Omuzasi]

a Shure muna 1769, munyori weduramashoko John Parkhurst akarondedzera shoko racho so“kutera, wechimiro chendangariro chokutera, chinyoro, chakapfava, chinoshivira.” Dzimwe nyanzviwo dzakapa “kutera” serondedzero.

Waizopindura Sei?

◻ Zita raJehovha nechiono chengoro yake yokudenga zvinosimbisa sei kuchinjika kwake?

◻ Kuva nomufungo chii, uye neiko kuri chiratidzo chouchenjeri hwoumwari?

◻ Jehovha akaratidza kuti ano“farira kukanganwira” munzirai?

◻ Neiko Jehovha akasarudza kuchinja nzira yakarangarirwa yechiito mune zvinoitika zvakati?

◻ Jehovha anoratidzira sei kuva nomufungo munzira yaanoshandisa nayo chiremera?

[Mufananidzo uri papeji 10]

Neiko Jehovha akakanganwira Mambo akaipa Manase?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe