RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 8/1 pp. 21-26
  • Kubatira Nesangano Rinofambira Mberi Zvikurusa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubatira Nesangano Rinofambira Mberi Zvikurusa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mazuva Apakuvamba
  • Upenyu Hutsva paBheteri
  • Songanirano naHama Rutherford
  • Nguva Dzakaoma Dzemari
  • Kushanda Nenhepfenyuro
  • Giramufomu
  • Basa Rinofadza Mumunda
  • Nhungamiro Youmwari
  • Upenyu Hwangu Musangano Rinotungamirirwa Nomudzimu raJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Upenyu Hwakapfuma Mubasa raJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Zivisai Mambo Noumambo! (1919-1941)
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Iri Ndiro Ringava Basa Rakanakisisa Kwauri Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 8/1 pp. 21-26

Kubatira Nesangano Rinofambira Mberi Zvikurusa

YAKATAURWA NAROBERT HATZFELD

Nhasi vanhu vakawanda zvikuru vanovhura terevhizheni nechokudzora nacho vari kure kuti vatarire nhau dzamadekwana muruvara chairwoirwo, vasingatongokurangariri kuva chinhu chipi nechipi chechienzi. Bva, kunoratidzika kuva zuro bedzi apo ndakanga ndiri mukomana ane makore 12 okukura akatuzurira panooneka mifanikiso yebhaisikopo mufananidzo mukuru zvikuru kupfuura womuzvarirwo womumwe munhu, uye akanga achitaura!

HAASATI ari mashoko anokosha chaizvoizvo, ungafunga kudaro. Asi rakaratidzika zvamazvirokwazvo kuva nenji romuzuva razvino uno kwandiri shure muna 1915, mumazuva apakuvamba efirimu isingatauri ine mifananidzo yemavara matema nemachena. Murume ane chiremera ane ndebvu akabuda panooneka mifanikiso yebhaisikopo ndokuti: “Photo-Drama of Creation inopiwa neI.B.S.A., International Bible Students Association.” Kweawa mbiri dzakatevera, nhau yeBhaibheri yakapetenuka pamberi pameso edu. Shoko rayo rapaMagwaro rakanga rakajeka uye raizorodza. Bva, yakanga iri firimu yemifananidzo inofamba, inokavaniswa namasiraidhi ane ruvara, uye kutaura kwapanguva imwe cheteyo izvo zvakabata chaizvoizvo ngwariro yangu.

Handina kukuziva panguva iyeyo, asi mbavarira yangu youpwere yoruzivo irworwo runokosha yakanga iri mavambo kubasa roupenyu hwose nesangano rinofambira mberi zvikurusa pasi pano.

Mazuva Apakuvamba

Muna 1891 baba vangu vakabva muDillenburg, Germany, vachienda kunzanga yechiGermany muAllegheny, Pennsylvania, U.S.A. Gare gare vakasangana nomumwe musikana mumhuri yechiGermany imomo, uye vakaroorana. Ndakaberekwa pana July 7, 1903, uye ndakarerwa ndichitaura zvose zviri zviviri chiGermany nechiNgezi. Hondo yeNyika I isati yatanga chaizvo muna 1914, murakatira weti-ibhi-i wakaparira rufu rwavabereki vangu vose vari vaviri ndokundisiya ndiri nherera. Sekuru vangu vakafa nesitiroko panenge panguva imwe cheteyo.

Tete vangu, Minna Boemer, vakandipinza nomutsa mumhuri mavo. “Ndine vana vashanu,” vakadaro. “Ndingava nomumwezve.” Kunyange zvazvo ndakarasikirwa navabereki vangu, Tete Minna vakandipa musha wakanaka.

Tete vangu vakanga vari mutezo wenguva refu weAllegheny Ungano yaVadzidzi veBhaibheri (seizvo Zvapupu zvaJehovha zvaidanwa mumazuva iwayo). Pamberi pa 1909, Hama C. T. Russell, panguva iyeyo purezidhendi weWatch Tower Society, vaipindawo muungano iyoyo. Tete Minna vaienda neni kumisangano. Kunyange zvazvo mhuri yedu isina kuita nhamburiko yakarongwa yokufunda kana kuti kuparidza shure panguva iyeyo, chipi kana chipi chatainzwa pamisangano, taigoverana namasanga navanhu vataiziva.

Makanga muri mukati meiyi nhambo umo “Photo-Drama” yakandizadza neshamisiko. Sezvo ndaida zvoumakanika, unyanzvi hutsva hwokuita mapikicha nokuitwa panguva imwe cheteyo kwenzwi nomufananidzo zvakandishamisa, sezvakaita kuitwa kwemifananidzo kunokurumidziswa. Kucherechedza kuzaruka kwamaruva kwakanga kuchifadza!

Muna 1916 takasuruvariswa norufu rwaHama Russell. Sezvo taigara muAllegheny chaimo, takapinda mariro ake paCarnegie Hall. Iyi ndiyo yakanga iri horo umo Hama Russell akanga aita kurukurirano naE. L. Eaton muna 1903. Ndakanga ndanzwa nhau pamusoro pouyu mufundisi weMethodist Episcopal uyo akadenha C. T. Russell kukurukurirano yamazuva matanhatu, achikarira kuzvidza kuziva Bhaibheri kwaHama Russell. Panzvimbo pezvo, kwakanzi, Russell ‘akadzima hero.’ Sara Kaelin, mumwe colporteur aisanozivikanwa muPittsburgh, aiziva vanaRussell somunhu oga. Pamariro pacho akaona Maria Russell achiisa maruva mubhokisi netsamba inoti, “Kumurume Wangu Anodiwa.” Kunyange zvazvo iye akanga aparadzana naye makore akati pakuvamba zvikuru, Maria aingomuziva somurume wake.

Sezvo makore akapfuura, ndakava namabanza akawanda okuwana mano ounyanzvi anobetsera kubasa rangu romunguva yemberi. Sekuru avo vakanga vari muchengeti wangu vakanga vari muiti wezvibvumirano zvokuvaka. Mukati mamazororo angu echikoro, vaiita kuti ndishande navagadziri vavo vamagetsi, tichibvisa gasi muzvivako zvekare zvakaisvonaka tichiisa magetsi. Muna 1918 vadzidzi vomuchikoro chedu vakaita radio-telegraph isiri younyanzvi. Taisangana mumadekwana kuzofunda ndokuedza kushanda kwamagetsi nemagineti. Muna 1926 imwe shamwari neni takasarudza kuronda chiroto choukomana—kushanda mungarava ndokufamba munyika. Takanyoresa muchikoro cheRadio Corporation of America chavashandisi veradio-telegraph.

Upenyu Hutsva paBheteri

Chikoro chenhepfenyuro chatakapinda chakanga chiri muNew York City, naizvozvo ndaiyambuka rwizi ndichienda kuBrooklyn nokuda kwemisangano yaVadzidzi veBhaibheri, yaiitirwa muhoro yairendwa yeMasonic Temple yekare. Shure panguva iyeyo, kwakanga kuchingova neungano imwe bedzi yenharaunda huru yose yeNew York. Apo hama dzaibva kuBheteri (musha wemhuri yedzimbahwe raVadzidzi veBhaibheri) dzakaziva kuti ndakanga ndichifunda nokuda kwerezinisi renhepfenyuro yezvokutengeserana, dzakati: “Kuendereiko kugungwa? Tine nhepfutepfu yenhepfenyuro pano chaipo uye tinoda mushandisi.” Dzakandikoka kudzika kuhofisi nokuda kwebvunzurudzo. Ndaisaziva chinhu pamusoro peBheteri kunze kwokuti rakanga riri dzimbahwe raVadzidzi veBhaibheri.

Hama dzakandibvunzurudza ndokurumbidza kuti ndipedze kudzidza kwangu, kuwana rezenisi, uye ipapo kuuya kuBheteri. Pakupedza kufunda, panzvimbo pokukwira ngarava yaienda kumakungwa ari kure, ndakarongedza zvipfeko zvangu zvishomanene ndokukwira chitima chinofamba napasi pevhu ndakananga kuBheteri. Kunyange zvazvo ndakanga ndakazvitsaurira kuna Jehovha uye ndakanga ndagoverana mubasa rokuparidza kwamakore, ndakanga ndisina kubhapatidzwa kutozosvikira muna December 1926, vhiki mbiri pashure pokusvika paBheteri. Ikoko kwakanga kusati kuri kwechienzi panguva iyoyo.

Nemitezo 150, Bheteri yakanga yakatsvikinyidziranwa mumazuva iwayo. Taiva navarume vana mukamuri rimwe nerimwe. Ndakakurumidza kurovedzana nevakawanda zvikurusa vayo, sezvo tose zvedu taidyira, kushandira, uye kurara muchivako chimwe chaiva namativi akawanda, uye chokwadika, tose zvedu taipinda muungano imwe bedzi muNew York City. Musha mutsva weBheteri wakapedzwa pa 124 Columbia Heights muna 1927, uye takakwanisa kugara vaviri mukamuri rimwe.

Uyewo muna 1927 fekitari itsva ku 117 Adams Street yakazarurwa. Ndakabetsera kubvisa zvinhu mufekitari yekare pa 55 Concord Street. Mukuwedzera kunhepfenyuro, pafekitari pakanga pane zvikwidzo, michina yokutsikirira, zvokugezesa zvipfeko, magwenya anoshandisa mafuta—kana raiva newaya dzamagetsi, ndaishanda pariri.

Bheteri yakanga ichipfuura fekitari, kunyanguvezvo. Raigoverana mukubudisa bhuku riri rose, magazini iri yose, turakiti riri rose, rakanga riri boka ravabatiri vanozvinipisa, vanoshanda zvakaoma. Ivo vakanga vasingadi mukurumbira munyika. Panzvimbo pezvo, vaingoda chete kuita kuti basa raShe riitwe—uye kwakanga kune zvakawanda zvokuita!

Songanirano naHama Rutherford

Ndakabetserwa zvikuru kwazvo neropafadzo yokushanda naJoseph F. Rutherford, purezidhendi wechipiri weSosaiti. Akanga ari murume akasimba, akareba masendimita anopfuura 183, asina kufuta, asi muhombe. Dzakawanda dzehama duku zvikuru paBheteri dzaiti tyiswei naye kutozosvikira dzasvika pakumuziva. Akanga achifunda nguva dzose, achigadzirira zvokunyora.

Hama Rutherford vaisetsa. Kwakanga kune hanzvadzi mbiri dzakura mumhuri yeBheteri dzakanga dzave dziripo chifo chenguva yaHama Russell. Dzakanga dzisingaseki zvikuru uye dzaidavira kuti kwakanga kusina kufanira kuseka zvinonzwika kunyange kana chimwe chinhu chakanga chichifadza. Pane dzimwe nguva patafura yezvokudya hama Rutherford vaitaura nhau yaiita kuti munhu ari wose aseke, uko kwakashatirisa idzi hanzvadzi mbiri. Zvisinei, aiwanzotungamirirawo hurukuro dzeBhaibheri dzakakomba dzapanguva yezvokudya.

Hama Rutherford vakanga vari mubiki akanaka uye vaifarikanya kugadzirira shamwari zvokudya. Imwe nguva vabiki veBheteri vakatsemura mapfupa ehuku pakucheka huku. Iye akapinda mukicheni ndokuvaratidza nzira yakarurama yokucheka nayo huku. Akanga asingadi mapfupa ehuku akatsemurwa muzvokudya zvake!

Ndaiwanzova naHama Rutherford mumigariro yamasanga, zvakadai sapanhepfetepfu yedu yenhepfenyuro, WBBR, kana kuti mukamuri ravo rokufunda paStaten Island. Vakanga vari murume ane mutsa zvikuru uye vaishandisa zvavaiparidza. Vaisakarira chinhu chipi nechipi kuvamwe icho vaisaita ivo vamene. Kusafanana navanhu vane mutoro vari mumamwe masangano akawanda orudzidziso, Hama Rutherford vakanga vari munhu womudzimu zvikurusa naane tsika. Vairaramira nenzira yakajeka Umambo hwaJehovha.

Nguva Dzakaoma Dzemari

Makore mashomanene pashure pokunge ndasvika paBheteri, nyika yakapinda muDerero Huru yeMari. Nzvimbo dzemari dzakabhuroka, sezvakaita mitengo yezvinhu. Mabasa akanga ari mashomanene, uye mari yakaganhurirwa. Bheteri yaishanda nemari yaipiwa, uye Jehovha nguva dzose aiva nechokwadi chokuti kwaiva neyakakwana kutarisira basa. Hatina kutongova vasina zvokudya, kunyange zvazvo zvingave zvaisava izvo chaizvo mumwe nomumwe aida. Takararama norutsuta sezvinobvira, uye hama dzaiva kunze kweBheteri dzakatibetsera sezvadzaikwanisa.

Muna 1932, Hama Robert Martin, mutariri akatendeka wefekitari yedu, akafa. Nathan Knorr aiva namakore makumi maviri namanomwe okukura akagadzwa munzvimbo yake. Akanga ari jaya rinokwanisa zvikuru. Handiyeuki munhu upi noupi achiva nechinetso chokumugamuchira somutariri wefekitari. Dzimwe hama dzakatendeka, pakati padzo John Kurzen, George Kelly, Doug Galbraith, Ralph Leffler, uye Ed Becker—vose vashandi biyangu vanodiwa—vakapa nokudisa unyanzvi hwavo noumhizha kubasa roUmambo.—Enzanisa naEksodho 35:34, 35.

Kushanda Nenhepfenyuro

Zvikurukuru, sangano redu rakanga rakatsaurirwa kukuparadzira mashoko akanaka nomutoo upi kana upi unowanika. Nyika yose yaifanira kuziva pamusoro poUmambo, asi takanga tichingova zviuru zvishomanene chete. Ruzivo rwenhepfenyuro rwakanga rwuchiri ruduku pashure peHondo yeNyika I. Zvisinei, hama dzinonzwisisa dzakarangarira kuti uyu mutoo wekurukurirano ndiwo uyo Jehovha akanga agovera panguva iyoyo. Naizvozvo muna 1923 dzakatanga kuvaka nhepfutepfu yenhepfenyuro yeWBBR paStaten Island, rimwe ramaguta mashanu eNew York City.

Padzimwe nguva ndakanga ndichingova mushandisi bedzi wenhepfutepfu yedu. Ndaigara ipapo paStaten Island asi ndaikwira igwa nechitima chinofamba napasi pevhu kwamaawa matatu ndichienda kufekitari muBrooklyn kundoita basa ramagetsi kana kuti roumakanika. Kuita kuti nhepfutepfu yedu yenhepfenyuro ive yakazvimirira zvikuru, takaisa nzvimbo yegwenya redhiziri. PaStaten Island taivawo namatsime edu timene emvura nebindu iro raigovera zvokudya zvavashandi vashomanene vaivapo, pamwe chete nemhuri yeBheteri muBrooklyn.

Kutozosvikira imwe betsero yauya gare gare, mitoro yebasa renhepfenyuro yakaganhurira zvikuru kwazvo kupinda kwangu misangano nebasa romumunda. Kwakanga kusitongorina nguva yemisangano yokufara kana kuti nzendo dzokupera kwevhiki kunze kwezororo redu regore negore. Mumwe munhu akambondibvunza, kuti: “Norudungwe runorayira rwakadaro, hamuna kumborangarira kubva paBheteri here?” Nenzira yokutendeseka, ndaifanira kuti: “Aiwa.” Yave iri ropafadzo uye mufaro kugara ndokushanda pamwe chete nehama nehanzvadzi dzakawanda kwazvo dzakazvipira. Uye nguva dzose kwakanga kune basa raida kuitwa, basa idzva rokuita.

Taiita ndokutepfenyura mitambo inonyandura yenhepfenyuro. Pasina marekodhi ane zvimwe zvinonzwika aiwanika, taifanira kuronga mitoo yedu timene. Takaita muchina waigona kuitazve kamuferefere kakaisvonaka kana kuti dutu rinopenga. Kurira kwehafu dzamateko ecoconut anorova mapuranga kwakava makumbo amabhiza anotsika mabwe omumigwagwa. Mutambo mumwe nomumwe wakanga uri basa rinoshamisa. Uye vanhu vaiterera. Mumazuva iwayo ezvinotsausa zvishomanene, vanhu vakawanda vaigara ndokupa ngwariro.

Muma 1920 uye mukuvamba kwama 1930, Sosaiti yakaita nhau yenhepfenyuro, ichibatanidza yabatanidzazve pamwe chete chiverengero chikurusa chenhepfutepfu nokuda kwepurogiramu imwe. Nokudaro mashoko oUmambo akasvika mamiriyoni munyika yose.

Giramufomu

Pakati pama 1930 nokuvamba kwama 1940, takagadzira ndokuita michina yokutepfenyurisa, magiramufomu, uye mamwe magudzanzwi. Nelathe chaiyo, taiita marekodhi okushandisa kuita mamwe namadisc akaserera enamo. Ipapo tainzvera rekodhi rimwe nerimwe rokushandisa kuita mamwe nokungwarira zvikuru nemicroscope kuva nechokwadi chokuti yakanga isina kuipa. Kana pakanga pane zvakaipa zvipi nezvipi, rusando rwokurekodha rwaifanira kudzokororwa uye imwe lathe kuitwa. Ipapo taitumira rekodhi rokushandisa kuita dzimwe yenamo kukambani yemarekodhi, avo vaiita marekodhi egiramufomu neokutepfenyura.

Chinoitika chimwe chinofadza chandinoyeuka zvakanaka zvikuru yakanga iri hurukuro yaHama Rutherford muna 1933 yaiva nomusoro unoti “Muuyo Wegore Dzvene Parugare Nebudiriro.” Papa akanga azivisa gore iroro kuva “gore dzvene,” uye kupfurikidza nokuparadzira munhepfenyuro negiramufomu, takarifumura ndokuratidza kuti hapana chinhu chitsvene charaizova. Sokuitika kwako, Hitler akawana simba gore iroro netsigiro yeChechi yeKaturike, naizvozvo tariro dzipi nedzipi dzorugare dzakaparara.

MuUnited States, sangano reCatholic Action rakaumbwa kuti riite icho chechi yaida. Vakaisa varume vavo vamene mumasangano okupepeta nhau dzamapepanhau makuru, magazini, uye vabudisi vamabhuku. Ivo vakapindira mumatongerwe enyika ndokutyisidzira kuramba nhepfutepfu ipi neipi inopa hurukuro dzedu dzeBhaibheri. Zvapupu zvakawanda zvakadenhwa namapoka eCatholic Action, zvikurukuru muNew Jersey yaiva pedyo. Iwayo akanga ari mazuva anofadza!

Basa Rinofadza Mumunda

Pakasvika pakati pama 1950, vaparidzi voUmambo vanowedzera vakanga vachisvika vanhu vakawanda pamasuo chaipo pemisha yavo. Ikoku kwakabvumikisa kuva kunobudirira zvikuru kwazvo kupfuura nhepfenyuro mukubetsera vanhu kunzwisisa zvokwadi yeBhaibheri. Naizvozvo muna 1957 kwakasarudzwa kutengesa WBBR ndokunangidzira pfuma yedu kubasa roufundisi rinokura mudzimwe nyika.

Muna 1955, ndakagoverwa kuBedford Ungano muBrooklyn, uko ndaiitisa nguva dzose Fundo yeNharireyomurindi. Sosaiti yakanditumirawo somutauri anofambira kuchamhembe kweNew York, Pennsylvania, Connecticut, uye New Jersey. Apo ndakagoverwa kuBedford Ungano, ndakati kwandiri ndimene, ‘Ndapfuura makore 50 okukura. Ndinofanira kugoverana zvikuru sezvandinogona mubasa romumunda iko zvino. Gare gare ndingava nelumbago ndokusarifarikanya zvikuru kwazvo.’

Pashure pokushanda makore iwayo ose parutivi rwoumakanika rwokuparadzira mbeu yoUmambo kupfurikidza nenhepfenyuro, ndakakuwana kuva mufarwa chaiwoiwo kudyara ndokudiridza mbeu dzezvokwadi yeBhaibheri zvakananga navanhu. Ndakafarikanya chaizvoizvo kushanda neungano yacho. Vakasiyana-siyana vakandigamuchira, vachindiita kuti ndinzwe ndakasununguka chaizvo. Vamwe vavana vaduku ivavo, zvino vakura, vachiri kundidana kuti sekuru. Kwamakore 30 takava nenguva dzakaisvonaka pamwe chete muushumiri hwomumunda, kutozosvikira zvinetso namakumbo angu netsoka zvandisiya ndisingakwanisi kufamba mumatano kana kuti kufamba muchitima chinofamba napasi pevhu. Muna 1985, ndakachinjira kuBrooklyn Heights Ungano, iyo inosangana paBheteri chaipo.

Sezvo sangano raJehovha rakafarikanya kukura kukuru, ndakaropafadzwa somunhu oga kuona chikomborero chake muminda yokumwe sezvo ndakapinda kokorodzano huru dzeZvapupu zvaJehovha munyika dziri kure. Ndakakwanisa kufamba munyika pashure pazvose! Kutanga muma 1950, vamwe vedu vapaBheteri vakaona zviono zveLondon, Paris, Rome, Nuremberg, uye Copenhagen. Takafamba nendege dzaichimbova dzokubhombesa, igwa, uye chitima. Nzendo dzacho dzaionesa zvinhu zvakaisvonaka, chokwadika, asi zviono zvinofadza zvikurusa zvazvose akanga ari mapoka ehama dzedu dzine ushamwari, dzinogamuchira. Makumi amakore apashure akaunza nzendo kuMabvazuva, Europe yokuMadokero zvakare, uye misi ichangobva kupfuura iyi zvikurusa Europe yokuMabvazuva. Kokorodzano dzinoshamisa muPoland, Germany, uye Czechoslovakia dzakanga dzichifadza. Mhuri yedu youbati ushe hwaMwari yakura sei chifo chaapo ndakatanga kuva rutivi rwayo!

Nhungamiro Youmwari

Dzakaratidzika kuva nhano duku dzakaitwa nesangano gare gare dzakava nhano huru. Apo takanga tichishanda pagadziriro itsva, midziyo chete yokutibetsera kuita basa rokupupura, ndiani aigona kuva akadeya kuona kukura kuhombe? Takafambira mberi mukutenda, tichigamuchira nhungamiro yaJehovha.

Iri sangano rinofambira mberi harina kutya kushandisa ruzivo rwazvino uno runowanika kana kuti kuita rwaro rimene kubetsera kutarisira munda wenyika yose. Pakati pemitoo inoshandiswa nokuda kwokufambisira mberi kuziviswa kwoUmambo kwave kuri kuparidza paimba neimba, kushandiswa kwenhepfutepfu dzenhepfenyuro, kupupura negiramufomu, uye gadziriro yokuitisa fundo dzeBhaibheri mumisha yavanhu. Kutanga kutsikirira kwedu timene mumazuva apakuvamba uye zvino kushandisa phototypesetting yekomipiyuta nokutsikirira mumitauro yakawanda hachisi chiitwa chiduku. Watchtower Bible School of Gilead, Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, uye kokorodzano dzenguva dzose zvose zvakaita rutivi mukuunza mbiri kuna Jehovha Mwari noMwanakomana wake. Yave iri ropafadzo yangu kucherechedza somunhu oga uye kutora rutivi muzvinoitika zvose izvozvi.

Kwakajeka kwandiri kuti sangano rinotungamirirwa nomudzimu raJehovha pasi pano rinogamuchira nhungamiro pachinofanira kuitwa uye sei. Sangano rake rose romuchisiko chose, rinooneka nerisingaoneki, rinoshandira pamwe chete.

Handina kutongodemba kurega gadziriro dzangu sejaya dzokufamba mumakungwa. Chokwadi, zvinoitika zvinofadza zvikurusa, zvine revo munyika zvinoitika muno chaimo mukati mesangano raJehovha! Naizvozvo rwendo rwangu munzira yoku“danidzo yokumusoro” rwakaratidzirwa nemifaro yakawanda zvikuru nezvikomborero uye pasina kuzvidemba.—VaFiripi 3:13, 14, NW.

Nguva dzose ndinoudza vanhu vaduku kuyeuka 1914—ndiko kuti, Pisarema 19:14, iro rinoti: “Mashoko omuromo wangu nokurangarira kwomwoyo wangu ngazvifadze pamberi penyu, imi Jehovha, dombo rangu, nomudzikunuri wangu.” Tinoda kufadza Jehovha muchinhu chiri chose ndokunyengetera sezvakaita Dhavhidhi, kuti: “Ndiratidzei nzira dzenyu, Jehovha; ndidzidzisei nzira dzenyu. Ndiperekedzei muzvokwadi yenyu, mundidzidzise; nokuti ndimi Mwari muponesi wangu; ndinokutarirai zuva rose.” (Pisarema 25:4, 5) Mumashoko iwayo mune revo yakawanda. Kuayeuka kunogona kubetsera kutichengeta tiri munzira yakarurama, kufamba murutivi rwakarurama, tichivambirana nesangano rinofambira mberi raJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 23]

Hama Rutherford vaifarikanya kugadzirira shamwari zvokudya

[Mufananidzo uri papeji 25]

Robert Hatzfeld pazvinodzora zvenhepfutepfu yenhepfenyuro WBBR

[Mufananidzo uri papeji 26]

Pikicha yazvino uno yaHama Hatzfeld

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe