RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 8/15 pp. 11-15
  • Aya Mashoko Akanaka Anofanira Kutanga Kuparidzwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Aya Mashoko Akanaka Anofanira Kutanga Kuparidzwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Musiyano Navafundisi vechiKristudhomu
  • Kutangirei Kuparidza Mashoko Akanaka?
  • Mashoko Akanaka Norudo rwaJehovha
  • Mashoko Akanaka Nesimba raJehovha
  • Mashoko Akanaka Nouchenjeri hwaJehovha
  • Mashoko Akanaka Neruramisiro yaMwari
  • Nyika Yafukidzwa Zvikuru Sei?
  • Chii Chinochengeta Zvapupu Zvichipfuurira?
  • “Mashoko Akanaka Anofanira Kutanga Kuparidzirwa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • “Endai Munoita Kuti Vanhu Vemarudzi Ose Vave Vadzidzi”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Kushandisa kwaJehovha “Upenzi” Kuti Aponese Avo Vanotenda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Ku“uya Namashoko Akanaka Ezvinhu Zvakanaka”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 8/15 pp. 11-15

Aya Mashoko Akanaka Anofanira Kutanga Kuparidzwa

“Evhangeri inofanira kutanga kumboparidzirwa marudzi ose.”—MARKO 13:10.

1, 2. Chii chiri chiratidzo chinozivisa cheZvapupu, uye neiko?

NEIKO Zvapupu zvaJehovha zvichipfuurira kwazvo kuparidza? Zvamazvirokwazvo tinozivikanwa munyika yose nokuda kwoushumiri hwedu hwapachena, pangava paimba neimba, mumigwagwa, kana kuti mukati mokusangana kwamasanga. Panguva iri yose yakakodzera, tinozvizivisa timene seZvapupu uye tinoedza nokungwarira kutaura kupa mashoko akanaka atinokoshesa. Kutaura idi, tingagona kutaura kuti uhwu ushumiri ndihwo chiratidzo chedu chinozivisa!—VaKorose 4:6.

2 Chimbofunga nezvako—panguva ipi kana ipi vanhu vanoona munharaunda yavo boka ravarume, vakadzi, uye vana vakapfeka zvakanaka vane mabhegi, kazhinji kazhinji chii chiri mufungo wavo wokutanga? Ndowokuti, ‘Haiwa, hevano vouya vaKaturike (kana kuti vaOrthodox) zvakare here!’ kana kuti, ‘Hevano vouya vaPentekosta (kana kuti vaBaptist) zvakare here!’ Aiwa. Vanhu vanoziva kuti marudzidziso akadaro haana mhuri dzose dzinoita ushumiri hwapaimba neimba. Zvichida mamwe mapoka orudzidziso anotumira “vafundisi” kwenhambo yamakore maviri munharaunda dzakati, asi mitezowo zvayo yesangano ravo haitori rutivi muushumiri hupi nohupi hwakadaro. Zvapupu zvaJehovha bedzi zvinozivikanwa munyika yose nokuda kwokushingaira kwazvo mukupa mashoko azvo kuna vamwe panguva iri yose yakakodzera. Uye zvinozivikanwa nokuda kwamagazini azvo, Nharireyomurindi neMukai!—Isaya 43:10-12; Mabasa 1:8.

Musiyano Navafundisi vechiKristudhomu

3, 4. Vafundisi vechiKristudhomu vanowanzoratidzirwa sei muzvinobudisa mashoko?

3 Mukusiyana kukuru, mishumo yenhau yakazivisa yazivisazve vakawanda vavafundisi mudzimwe nyika kuva vanovatana navana, vanyengeri vane utere, uye vanokorovhera. Mabasa avo enyama namararamire avo okupambadza zviri pachena kuti vose vaone. Mumwe munyori wenziyo akakurumbira akasanokutaura murwiyo rwake rune musoro unoti “Jesu Aizopfeka Here Rolex [wachi yendarama inodhura zvikuru] Mushoo Yake Yeterevhizheni?” Iye anobvunza mubvunzo, wokuti: “Jesu aizova wezvamatongerwe enyika kana Iye akadzoka kuPasi? Kuva nomusha Wake wechipiri muPalm Springs [nzanga yakapfuma yeCalifornia] ndokuedza kuvanza pfuma Yake here?” Akakodzera sei mashoko aJakobho, anoti: “Makagara zvinonaka panyika muchikarira zvinofadza; makakodza mwoyo yenyu nezuva rokubaya.”—Jakobho 5:5; VaGaratia 5:19-21.

4 Kushamwaridzana kwavafundisi navezvamatongerwe enyika uye kunyange kutora rutivi mukusarudza savasarudzwi vezvamatongerwe enyika kunovazivisa savanyori navaFarise vomuzuva razvino uno. Panguva imwe cheteyo, munyika dzakadai seUnited States neCanada, mabhokisi emari orudzidziso ari kupedzwa nemitengo yakakwirira yemhaka namarutongeso pavafundisi, zvinobva mumufambiro wavo woutere navana navakuru.—Mateo 23:1-3.

5. Neiko vafundisi vechiKristudhomu vasina kubvumikisa kuva “muranda wakatendeka, wakangwara”?

5 Nenzira yakarurama, Jesu aigona kutaura kuvafundisi vezuva rake, kuti: “Mune nhamo, imi vanyori navaFarise, vanyengeri! Nokuti makafanana namarinda akacheneswa, anoonekwa saakanaka kunze kwawo, asi mukati muzere namafupa avakafa netsvina yose. Saizvozvo nemiwo munoonekwa navanhu kunze kwenyu makaita samakarurama, asi mukati muzere nokunyengera nokuipa.” Nokudaro, Mwari haana kupa kuvafundisi vechiKristudhomu, kana veKaturike, vePurotesitendi, veOrthodox, kana kuti vasati vari vesangano ripi neripi, basa rokuparidza mashoko akanaka. Havana kubvumikisa kuva “muranda wakatendeka, wakangwara” akadeya kutaurwa.—Mateo 23:27, 28; 24:45-47.

Kutangirei Kuparidza Mashoko Akanaka?

6. Ndizvinoitikai zvichakurumidza kuitika?

6 Mushanduro yake pfupi yomurayiro waJesu wokuparidza mashoko akanaka mumarudzi ose, Marko oga anoshandisa shoko rokuti “kutanga.” (Marko 13:10; enzanisa naMateo 24:14.) Shanduro yakaitwa naJ. B. Phillips inorava, kuti: “Nokuti mugumo usati wasvika evhangeri inofanira kuziviswa kumarudzi ose.” Kushandiswa kweshoko rinotsanangura chiito ra“kutanga” kunoreva kuti zvimwe zvinoitika zvichatevera basa romunyika yose rokuparidza evhangeri. Zvinoitika izvozvo zvichabatanidza dambudziko guru rakapikirwa nokutonga kwaKristu kwakarurama munyika itsva.—Mateo 24:21-31; Zvakazarurwa 16:14-16; 21:1-4.

7. Neiko Mwari achida kuti mashoko akanaka atange aparidzwa?

7 Naizvozvo neiko Mwari achida kuti mashoko akanaka atange kuparidzwa? Chikonzero chimwe ndechokuti ndiMwari worudo, ruramisiro, uchenjeri, uye simba. Mukuzadzika kwokutaura kwaJesu kwakanyorwa pana Mateo 24:14 naMarko 13:10, tinogona kuwana ratidzirwo inoorora yaaya mavara aJehovha. Ngatianzverei nokupfupikisa rimwe nerimwe ndokuona kuti ane chokuita sei nokuparidzwa kwamashoko akanaka.

Mashoko Akanaka Norudo rwaJehovha

8. Kuparidzwa kwamashoko akanaka kuratidzirwa sei kworudo rwaMwari? (1 Johane 4:7-16)

8 Kuparidza mashoko akanaka kunoratidzira sei rudo rwaMwari? Kutanga kwazvose, nemhaka yokuti harisati riri shoko rakarongerwa chose chose dzinza rimwe kana kuti boka. Iwo mashoko akanaka a“marudzi ose.” Mwari anoda mhuri yomunhu zvikuru kwazvo zvokuti akatuma Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi kupasi kuti ave chibayiro chorudzikinuro chezvivi zvorudzi rwose rwomunhu, kwete dzinza rimwe chete. Muapostora Johane akanyora, kuti: “Mwari wakada nyika nokudaro, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa mumwe woga, kuti ani nani unotenda kwaari, arege kufa, asi ave noupenyu husingaperi. Nokuti Mwari haana kutumira Mwanakomana wake panyika, kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe naye.” (Johane 3:16, 17) Zvirokwazvo mashoko akanaka, shoko rinovimbisa nyika itsva yorugare, tsinhirano, uye ruramisiro, ufakazi hworudo rwaMwari.—2 Petro 3:13.

Mashoko Akanaka Nesimba raJehovha

9. Neiko Jehovha asina kushandisa marudzidziso ane simba echiKristudhomu kuparidza mashoko akanaka?

9 Simba raJehovha rinoratidzirwa sei nokuparidzwa kwamashoko akanaka? Rangarira, ndiani waakashandisa kuita iri basa? Ave ari masangano orudzidziso ane simba zvikurusa echiKristudhomu here, akadai seChechi yeRoma Katurike kana kuti masangano echiPurotesitendi akatanhamara here? Aiwa, kubatanidzwa kwawo muzvamatongerwe enyika hakuakwanirisi nokuda kwomugove wacho. (Johane 15:19; 17:14; Jakobho 4:4) Pfuma yawo yakawanda nebatano dzawo nepesvedzero neboka ravakanakisisa rinotonga hazvina kuorora Jehovha Mwari, uyewo dzidziso yawo youmwari yakasanobatana namagamuchidzanwa. Simba ravanhu harina kudikanwa kuita kuti kuda kwaMwari kuitwe.—Zekaria 4:6.

10. Mwari akasarudza ani kuti aparidze?

10 Kuri sokutaura kwakaita muapostora Pauro mutsamba yake kuungano yeKorinte, kuti: “Tarirai kudanwa kwenyu, hama dzangu, kuti havazi vazhinji vakachenjera panyama vakadanwa; havazi vazhinji vane simba, havazi vazhinji vanokudzwa; asi Mwari wakatsaura zvinhu zvoupenzi zvenyika, kuti anyadzise vakachenjera; Mwari wakatsaura zvinhu zvisina simba zvenyika, kuti anyadzise izvo zvine simba; Mwari wakatsaura zvinhu zvinozvidzwa zvenyika, nezvinoshorwa, nezvinhu zvisipo, kuti ashayise zviripo simba razvo, kuti kurege kuva nenyama ingazvikudza pamberi paMwari.”—1 VaKorinte 1:26-29.

11. Maidii pamusoro peZvapupu akazviita zvive zvakasiyana?

11 Zvapupu zvaJehovha zvine mitezo mishomanene yakapfuma musangano razvo uye zvamazvirokwazvo hamuna vane simba mune zvamatongerwe enyika. Kusatora rutivi kwazvo chaiko munhau dzezvamatongerwe enyika kunoreva kuti hazvigoni kushandisa pesvedzero yezvamatongerwe enyika. Mukupesana, kazhinji kazhinji zvave zviri vanyajambwa vechitambudzo chakaipa chinonyandurwa navatungamiriri vorudzidziso navezvamatongerwe enyika mukati mezana rino ramakore rechi 20. Bva, pasinei zvapo nechishoro chinotyisa chakamutswa kurwisana nazvo navatsigiri vechiNazi, vechiFascist, vechiKomonizimo, vourudzi, uye rudzidziso rwenhema, Zvapupu hazvisati zviri kuparidza bedzi mashoko akanaka munyika yose asi zvakawedzerawo zvinoshamisa muchiverengero.—Isaya 60:22.

12. Neiko Zvapupu zvave zvichibudirira?

12 Zvapupu zvinoti kubudirira kwazvo kunoparirwa nechii? Jesu akapikira vadzidzi vake, kuti: “Muchapiwa simba, kana Mweya Mutsvene wauya pamusoro penyu; ipapo muchava zvapupu zvangu paJerusarema, napaJudhea rose, napaSamaria, nokusvikira kumugumo wenyika.” Naizvozvo, chii chaizova chaizvoizvo manyuko okubudirira kwazvo? Jesu akati: “Muchapiwa simba, kana Mweya Mutsvene wauya pamusoro penyu.” Nenzira yakafanana nhasi, simba rinobva kuna Mwari, kwete mano omunhu, rave riri chinokosha kukubudirira kweZvapupu muushumiri hwazvo hwomunyika yose. Achishandisa sezviri pachena vasina simba zvikurusa vavanhu, Mwari ari kuita basa gurusa redzidzo munhau.—Mabasa 1:8; Isaya 54:13.

Mashoko Akanaka Nouchenjeri hwaJehovha

13. (a) Neiko Zvapupu zvichibatira nokuzvidira uye pasina muripo? (b) Jehovha akapindura sei kushora kwaSatani?

13 Mashoko akanaka ari kuparidzwa navazvipiri. Jesu akati: “Makangopiwa henyu, chingopai henyu.” (Mateo 10:8) Naizvozvo, hapana navamwe veZvapupu zvaJehovha vanogamuchira mubhadharo wokubatira Mwari, uyewo hazviutsvaki. Kutaura idi, izvo hazvimbounganidzi mari pamisangano yazvo. Izvo zvinofara, kupfurikidza nebasa razvo rokuzvipira risiri roudyire, kupa kuna Mwari mhinduro kumupomeri wake, Satani Dhiabhorosi. Uyu mudzivisi womudzimu waMwari chaizvoizvo akataura kuti vanhu havasati vaizobatira Mwari nevavariro isina udyire. Muuchenjeri hwake Jehovha akabudisa mhinduro isingarambiki kukushora kwaSatani—mamiriyoni eZvapupu zvechiKristu zvakavimbika anoparidza mashoko akanaka paimba neimba, mumigwagwa, uye nenzira yamasanga.—Jobho 1:8-11; 2:3-5; Zvirevo 27:11.

14. Chii chiri “uchenjeri . . . hwakavanzika” Pauro anonongedzera kwahuri?

14 Humwe ufakazi hwouchenjeri hwaMwari mukuita kuti mashoko akanaka aparidzwe ndohwokuti chipikirwa choUmambo chimene iratidzirwo youchenjeri hwaMwari. Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Zvino tinotaura uchenjeri pakati pavakakura; asi uchenjeri husati huri hwenyika ino, kana hwavabati venyika ino vanoshayiswa simba. Asi tinotaura uchenjeri hwaMwari hwakavanzika, hwakafukidzwa, hwakatemerwa kubwinya kwedu naMwari, nyika isati yavapo.” “Uchenjeri . . . hwakavanzika” ihwohwo hunonongedzera kumutoo wokuchenjera waMwari wokugumisa kupanduka kwakatangwa muEdheni. Uchenjeri hwechakavanzika chinoyera ichocho hwakaziviswa muna Jesu Kristu, uyo anokosha kumashoko akanaka oUmambo hwaMwari.a—1 VaKorinte 2:6, 7; VaKorose 1:26-28.

Mashoko Akanaka Neruramisiro yaMwari

15. Tinoziva sei kuti Jehovha ndiMwari weruramisiro? (Dheuteronomio 32:4; Pisarema 33:5)

15 Zvikurukuru pamusoro peruramisiro tinoona ukoshi hweshoko rokuti “kutanga” pana Marko 13:10. Jehovha ndiMwari weruramisiro inodzikamiswa netsitsi dzorudo. Iye anoti kupfurikidza nomuporofita wake Jeremia: “Unozvirumbidza, ngaazvirumbidze pamusoro pechinhu ichi, kuti unondinzwisisa nokundiziva ini, kuti ndini Jehovha, unoita unyoro nokururamisira, nokururama panyika; nokuti ndinofarira zvinhu izvi—ndizvo zvinotaura Jehovha.”—Jeremia 9:24.

16. Kungaenzanisirwa sei kuti ruramisiro inoda kutanga kupa nyevero?

16 Ruramisiro yaJehovha inoratidzwa sei pamusoro pokuparidza mashoko akanaka? Ngatikuenzanisirei naamai vabika keke rinonaka rechokoreti iro rinofanira kudyiwa apo vaeni vanouya gare gare mukati mezuva. Kana vakarisiya patafura yomukicheni vasingatauri shoko kuvana vavo pamusoro paapo rinofanira kudyiwa, chii chichava chishuvo chomuzvarirwo chavana? Tose zvedu takanga tiri vana pane imwe nguva! Kamunwe kachada kuravira keke iroro! Zvino kana amai vakakundikana kupa nyevero yakafanira, vachava nehwaro husina kusimba hwechirango. Pano rumwe rutivi, kana vakataura zvakajeka kuti keke racho richadyiwa gare gare apo vaeni vanouya uye naizvozvo harifaniri kubatwa, ipapo ivo vapa zvakajeka nyevero. Kana pane kusateerera, vana maruramiro okuita chiito chakasimba nechakarurama.—Zvirevo 29:15.

17. Jehovha akaratidzira sei ruramisiro munzira chaiyo chifo cha 1919?

17 Jehovha, mururamisiro yake, haasati achizounza chiito chokutonga patsika ino yakaipa yezvinhu asina kutanga kupa nyevero yakafanira. Naizvozvo, zvikurukuru chifo cha 1919, pashure pokunge hondo yenyika yokutanga yaunza “kutanga kwenhamo,” Jehovha akaita kuti Zvapupu zvake zviende mupasi rose zvichizivisa nokushingaira mashoko akanaka. (Mateo 24:7, 8, 14) Marudzi haagoni kutaura zvakarurama kusaziva nezveiyi nyevero yechienzi.

Nyika Yafukidzwa Zvikuru Sei?

18. (a) Ufakazii huripo hwomubato weZvapupu munharaunda dziri kure? (b) Ndimimwei mienzaniso yaunoziva nezvayo?

18 Chiratidzo chokubudirira kweiri basa redzidzo yomunyika yose chinogona kuonwa mubhuku rinonzi Last Places—A Journey in the North. Munyori waro anorondedzera kuti apo akanzvera machati omugungwa nokuda kwechitsuwa chiri choga cheFoula, chimwe cheShetland Islands kuchamhembe kweScotland, machati acho akaratidzira “kupote chitsuwa chose WKS (zvikepe zvakaputsika), RKS (matombo), LDGS (michinjiziri), uye OBS (zvinopinganidza).” Izvozvi “zvainyevera mufambi womugungwa anokarirwa kuramba ari kure. Mvura dzeFoula dzakanga dziri nharaunda ine zvimbambaira zvinoputika zvakavanzika zvinotyisa zvikuru, zvakaita kuti chitsuwa chacho chive chisina mutsa kuvanhu vane tugwa, vashanyi vezuva rimwe, uye kunyange boka ravashandi vavose vaMambokadzi, kunyange zvazvo kwete—ndakaziva mumazuva mashomanene—Zvapupu zvaJehovha.” Iye akapfuurira, kuti: “Sezvo izvo zvakasanotsvaka munzvimbo huru dzomuguta dzinogara varombo vakawanda uye muNyika Dzisina Kubudirira Zvakakwana vatendeuki, naizvozvo izvo zvakatendeutsa nokuda kwokutenda kwazvo paFoula iri kure.” Iye akabvuma kuti mugari womunzvimbomo, Andrew, akanga ane kopi yeNharireyomurindi yakasiyiwa pasuo rake mwedzi yakati pamberi pezvi. Ipapo iye akawedzera, kuti: “Vhiki imwe gare gare ndaiona kopi ye[Mukai! muchiDanish] muFaeroes [zvitsuwa zveNorth Sea] uye mwedzi miviri gare gare kopi ye[Nharireyomurindi muchiDanish] muNuuq, Greenland.” Chipupuriro chakajeka zvakadini kumubato wokushingaira weZvapupu zvaJehovha munharaunda idzodzo dzokuchamhembe!

Chii Chinochengeta Zvapupu Zvichipfuurira?

19, 20. (a) Chii chinosunda Zvapupu zvaJehovha kuramba zvichiparidza? (b) Mibvunzoi ichatevera kupindurwa?

19 Chokwadika, kuparidza paimba neimba kuvaeni haisi nhau iri nyore, pasinei zvapo nokuti makore mangani mumwe ave ari Chapupu. Ipapo chii chinochengeta ava vaKristu vachipfuurira? Kuzvitsaurira kwavo kwechiKristu uye pfungwa yomutoro. Pauro akanyora, kuti: “Kana ndichiparidza Evhangeri, handina chandingazvirumbidza nacho, nokuti ndinorovererwa; ndine nhamo, kana ndisingaparidzi Evhangeri.” VaKristu vechokwadi vane shoko rinoreva upenyu, naizvozvo vangagona sei sezvinobvira kurichengeta riri ravo vamene? Nheyo imene yokuva nemhaka yeropa nokuda kwokukundikana kupa nyevero munguva yengozi chikonzero chinosunda chokuparidza mashoko akanaka.—1 VaKorinte 9:16; Ezekieri 3:17-21.

20 Ipapoka, mashoko akanaka ari kuparidzwa sei? Chii chiri chinokosha kukubudirira kweZvapupu? Mativii oushumiri hwazvo nokuronga zvinobetsera kuzvizivisa sorudzidziso rwechokwadi? Nyaya yedu inotevera ichapindura mibvunzo iyoyo.

[Mashoko Omuzasi]

a Nokuda kweimwe tsananguro youchenjeri hwaMwari uye “chakavanzika chinoyera,” ona Insight on the Scriptures, Vhoriyamu II, peji 1190, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

Unoyeuka Here?

◻ Chii chinosiyanisa Zvapupu zvaJehovha navafundisi?

◻ Kuparidza kunoratidzira sei rudo, simba, uye uchenjeri zvaMwari?

◻ Kuparidza mashoko akanaka kunoratidzira sei ruramisiro yaMwari?

◻ Chii chinochengeta Zvapupu zvaJehovha zvichipfuurira muushumiri hwazvo?

[Mifananidzo iri papeji 15]

Hazvinei hazvo nokuti vanhu vangava vakaparadzana sei, Zvapupu zvaJehovha zvinoda kuvasvika

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe