RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 9/1 p. 26
  • “Dzivisai Dhiabhorosi, Agokutizai”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Dzivisai Dhiabhorosi, Agokutizai”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Mwari Anopindura Minyengetero
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Kusiya Zvimwe Zvinhu Kuti Nditevere Tenzi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • “Mumiromo Yavacheche”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 9/1 p. 26

Vazivisi voUmambo Vanoshuma

“Dzivisai Dhiabhorosi, Agokutizai”

MUZANA rokutanga ramakore, boka ravanyanyisi vo“un’anga” muEfeso rakagamuchira shoko rechiKristu kupfurikidza nokupisa pachena mabhuku avo amashiripiti. (Mabasa 19:19) Ukoshi hwakaverengwa hwaaya mabhuku hwakanga huri zvidimbu 50 000 zvesirivha. Kana nhauro yeBhaibheri ichinongedzera kudhenari, ndarama yesirivha yeRoma, yaizosvika kuinenge Z$296 000!

Nhasi kuna vazhinji avo pane imwe nguva vaiva namabhuku anobata namashiripiti asi vakaratidzira kutsunga kwakafanana nouko kwavaEfeso vakare. Rangarira chakaitika chinotevera chinobva kuCanada.

Anenge makore mashanu apfuura, mumwe weZvapupu zvaJehovha akanga achiparidza paimba neimba apo pane rimwe suo mukadzi anonzi Nora akamudhonzera mumba chaizvoizvo. Kwamakore mazhinji okunzvera kwomudzimu, Nora akanga aunganidza mazana amabhuku orudzidziso uye emidzimu, asi aida kuziva icho Bhaibheri raitaura pamusoro petariro yavakafa. Chapupu chakamugovera turakiti raKo Itariroi Iripo Nokuda Kwavadikani Vakafa? Mibvunzo yaNora yakapindurwa, uye akabvuma kuzvinyoresa kwamagazini eNharireyomurindi neMukai!

Gare gare akatama ndokusaona Zvapupu zvaJehovha. Zvisinei, akapfuurira kugamuchira magazini mupositi pakero yake itsva. Akaodhawo zvimwe zvinyorwa zvakavakirwa paBhaibheri zvakadudzwa mumagazini. Pashure penguva yakati, mumwe weZvapupu zvaJehovha akauya kusuo rake. Aororwa kuti Chapupu chacho chaienda zvakananga kuBhaibheri pakupindura mibvunzo, Nora akachigamuchira ndokuchikoka kudzokera nokuda kwedzimwe kurukurirano.

Chapupu chacho, zvisinei, chakakuwana kwakaoma kuona Nora zvakare. Shanyo dzinodzokororwa dzakaitwa panguva dzakasiyana-siyana dzezuva uye panguva dzakasiyana-siyana dzevhiki pasina budiriro. Pashure penguva yakati, kunyanguvezvo, kupfuurira kwacho kwakatuswa, uye akawana migumisiro yakanaka. Fundo yeBhaibheri yenguva dzose yakatangwa, iyo mukuomerera kwaNora kazhinji kazhinji yaiitwa katatu pavhiki. Zvinhu zvaakanga achidzidza zvakamusunda kutaura kushamwari uye mitezo yemhuri, kuchiguma navatatu vavo vanokumbira fundo dzeBhaibheri neZvapupu zvaJehovha.

Kupfurikidza nefundo yake Nora akasvika pakunzwisisa kuti kune marudzidziso mazhinji enhema navaporofita wenhema asi nzira imwe bedzi inotungamirira kuupenyu. Kwamakore mazhinji akanga ave achitsvaka mhinduro kumibvunzo yake mumarudzidziso enhema, asi pashure pokudzidza icho Bhaibheri rinotaura pamusoro pamadhemoni, akaita savaEfeso vakare vanodudzwa pana Mabasa 19:19. Akachenesa raibhurari yake uye, munhambo yamazuva anoverengeka, akaparadza mabhuku anopfuura chiuru anobata namashiripiti nedzidziso dzenhema dzorudzidziso. Pakati pezvinyorwa zvakaparadzwa, mamwe mabhuku mana akanga achikosha anopfuura Z$6 400!

Atsamwiswa nenzira yakajeka nezviito zvaNora, madhemoni akamunetsa kwedzinenge vhiki mbiri. Zvisinei, iyi midzimu yakaipa yakanga isingakwanisi kumutsausa pakupfuudzira fundo yake yeBhaibheri uye songanirano yake nesangano raJehovha romuzuva razvino uno.

Zvinoitika zvakadaro zvinosanoratidzira uchokwadi hwamashoko eBhaibheri, anoti: “Naizvozvo zviisei pasi paMwari: dzivisai Dhiabhorosi, agokutizai.”—Jakobho 4:7.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe