Rangarira Somuenzaniso Vaporofita vaMwari
“Hama, rangarirai somuenzaniso wokutambura zvakaipa nokushivira vaporofita, avo vakataura muzita raJehovha.”—JAKOBHO 5:10, NW.
1. Chii chinobetsera vabatiri vaJehovha kuva vanofara kunyange apo vanotambudzwa?
VABATIRI vaJehovha vanoratidzira mufaro pasinei zvapo nokuora mwoyo kwakapararira munyika yose muano mazuva okupedzisira. Ikoku kwakadaro nemhaka yokuti vanoziva kuti vari kufadza Mwari. Zvapupu zvaJehovha zvinotsungirirawo muchitambudzo nechishoro kuushumiri hwazvo hwapachena nemhaka yokuti zvinoziva kuti zviri kutambura nokuda kwokururama. Jesu Kristu akaudza vateveri vake, kuti: “Makaropafadzwa imi, kana vachikuzvidzai, vachikutambudzai, vachikupomerai zvakaipa zvose nenhema, nokuda kwangu. Farai, mufarise kwazvo; nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga; nokuti vakatambudza saizvozvo vaporofita vakakutangirai.” (Mateo 5:10-12) Zvamazvirokwazvo, panguva ipi kana ipi vabatiri vaMwari vanotarisana nemiedzo yokutenda, vanorangarira iyoyi kuva mufaro.—Jakobho 1:2, 3.
2. Mukuwirirana naJakobho 5:10, chii chinogona kutibetsera kushivira?
2 Mudzidzi Jakobho akanyora, kuti: “Hama, rangarirai somuenzaniso wokutambura zvakaipa nokushivira vaporofita, avo vakataura muzita raJehovha.” (Jakobho 5:10, NW) W. F. Arndt naF. W. Gingrich vanorondedzera shoko rechiGiriki pano rakashandurwa kuti “muenzaniso” (hy·poʹdeig·ma) se“gwara, mufananidzo, muenzaniso, mumufungo wakanaka sechimwe chi[nhu] chinoita kana chinofanira kunyandura munhu kuchitevedzera.” Sezvinoratidzwa pana Johane 13:15, “ichi ndichinopfuura muenzaniso. Mufananidzo chaiwoiwo.” (Theological Dictionary of the New Testament) Naizvozvo, ipapo, vabatiri vaJehovha vomuzuva razvino uno vanogona kurangarira vaporofita vake vakatendeka somuenzaniso pamusoro po‘kutambura zvakaipa’ no‘kushivira.’ Chiizve chatinogona kunzwisisa apo tinofunda upenyu hwavo? Uye ikoku kunogona sei kutibetsera mumubato wedu wokuparidza?
Ivo Vakatambura Zvakaipa
3, 4. Muporofita Amosi akaita sei kuchishoro chakabva kuna Amazia?
3 Vaporofita vaJehovha vaiwanzotambura zvakaipa kana kubatwa zvisina kufanira. Muzana ramakore rechipfumbamwe P.N.V., somuenzaniso, muprista ainamata mhuru Amazia akashora nenzira yakaipa muporofita Amosi. Amazia nenzira yokureva nhema akataura kuti Amosi akarangana kurwisa Jerobhoami II kupfurikidza nokuporofita kuti mambo akanga achizofa nomunondo uye kuti Israeri aizopinda muutapwa. Nenzira yokuzvidza, Amazia akaudza Amosi, kuti: “Iwe muoni, enda, utizire kunyika yaJudha, undodya ipapo zvokudya, uporofite ipapo; asi urege kuzoporofitazve paBheti-eri; nokuti inzvimbo tsvene yamambo, iimba yamadzimambo.” Asingadziviswi nouku kutaura kunodenha, Amosi akapindura, kuti: “Ini ndakanga ndisi muporofita, ndakanga ndisi mwanakomana womuporofita; asi ndakanga ndiri mufudzi nomurimi wemionde, Jehovha akanditora ndichitevera makwai, Jehovha akati kwandiri: Enda, undoporofita kuvanhu vangu vaIsraeri.”—Amosi 7:10-15.
4 Mudzimu waJehovha wakapa Amosi simba kuti aporofite noushingi. Chimbofungidzira kuita kwaAmazia sezvo Amosi akati: “Chinzwa shoko raJehovha: Iwe unoti: Rega kuporofita pamusoro paIsraeri, rega kudonhedza shoko pamusoro peimba yaIsaka; naizvozvo zvanzi naJehovha: Mukadzi wako uchava chifeve muguta, vanakomana vako navanasikana vako vachaparadzwa nomunondo, uye nyika yako ichaganhurwa norwonzi rwokuyera narwo; iwe umene uchafira munyika isakanaka, uye vaIsraeri vachatapwa zvirokwazvo vachibviswa panyika yavo.” Uporofita ihwohwo hwose hwakazadzika. (Amosi 7:16, 17) Amazia akawa pakutenda anofanira kuva akakatyamadzwa sei!
5. Iwiriranoi inogona kuitwa pakati pamamiriro ezvinhu avabatiri vaJehovha vomuzuva razvino uno naayo omuporofita Amosi?
5 Izvi zvakafanana namamiriro ezvinhu avanhu vaJehovha nhasi. Tinotambura zvakaipa saavo vanozivisa mashoko aMwari, uye vanhu vakawanda vanotaura nenzira yokuzvidza pamusoro pomubato wedu wokuparidza. Chokwadi, kutenderwa kwedu kuparidza hakubvi kuchikoro chavafundisi. Panzvimbo pezvo, mudzimu mutsvene waJehovha unotisunda kuzivisa mashoko akanaka oUmambo. Hatichinji kana zvimwe kurerutsa shoko raMwari. Panzvimbo pezvo, kufanana naAmosi, tinorizivisa nenzira yokuteerera pasinei zvapo nokuita kwavanzwi vedu.—2 VaKorinte 2:15-17.
Vakashivira
6, 7. (a) Chii chakaratidzira kuporofita kwaIsaya? (b) Vabatiri vaJehovha vomuzuva razvino vanoita sei saIsaya?
6 Vaporofita vaMwari vakashivira. Somuenzaniso, kushivira kwakaratidzirwa naIsaya, uyo akabatira somuporofita waJehovha muzana ramakore rechisere P.N.V. Mwari akamuudza, kuti: “Enda, unondoudza vanhu ava, uti: Rambai henyu muchinzwa, asi musanzwisisa, rambai henyu muchiona, asi musaonesesa. Kodzai mwoyo yavanhu ava, remedzai nzeve dzavo, tsinzinisai meso avo, kuti varege kuona nameso avo, kana kunzwa nenzeve dzavo, kana kunzwisisa nemwoyo yavo, vadzoke vapodzwe.” (Isaya 6:9, 10) Vanhu zvamazvirokwazvo vakaita nenzira iyoyo. Asi ikoku kwakaparira Isaya kurega here? Aiwa. Panzvimbo pezvo, iye akazivisa nokushivira uye nokushingaira mashoko enyevero aJehovha. Chimiro chechiHebheru chamashoko aMwari achangobva kunokorwa chinotsigira mufungo wo“kupfuurira kwenguva refu” kweziviso dzomuporofita, idzo vanhu vakanzwa “[vanzwazve, NW].”—Gesenius’ Hebrew Grammar.
7 Nhasi vanhu vakawanda vanoita chiito kumashoko akanaka sokungoita kwakaita vanhu kumashoko aJehovha akapiwa naIsaya. Kufanana nomuporofita iyeyo akatendeka, zvisinei, tinodzokorora “[tadzokororazve, NW]” shoko roUmambo. Tinoita saizvozvo nokushingaira uye neshiviro inopfuurira nemhaka yokuti ikoku ndiko kuda kwaJehovha.
“Vakaita Saizvozvo”
8, 9. Muporofita waJehovha Mosesi muenzaniso wakaisvonaka munzirai?
8 Muporofita Mosesi akanga ari womuenzaniso mukushivira nokuteerera. Akasarudza kumira navaIsraeri vakaitwa varanda, asi akanga achifanira kumirira nokushivira nguva yavo yokununurwa. Kwamakore 40 iye akagara muMidhiani kusvikira Mwari amushandisa kutungamirira vanhu vaIsraeri kubuda muuranda. Apo Mosesi nomukoma wake Aroni vakanga vari pamberi pomutongi weEgipita, nenzira yokuteerera vakataura nokuita izvo Mwari akarayira. Kutaura idi, “vakaita saizvozvo.”—Eksodho 7:1-6; VaHebheru 11:24-29.
9 Mosesi akatsungirira nokushivira makore 40 akaoma aIsraeri murenje. Iye akateverawo nokuteerera nhungamiro youmwari mukuvakwa kwetabhenakeri yaIsraeri uye kuitwa kwezvimwe zvinhu zvinoshandiswa mukunamatwa kwaJehovha. Muporofita akasanotevera kwazvo mirayiro yaMwari zvokuti tinorava, kuti: “Mosesi akaita saizvozvo; zvose zvaakanga arayirwa naJehovha, wakazviita saizvozvo.” (Eksodho 40:16) Mukuita ushumiri hwedu mukusonganirana nesangano raJehovha, ngatiyeukei kuteerera kwaMosesi ndokushandisa zano romuapostora Pauro rokuva vano‘teerera avo vanotungamirira pakati pedu.’—VaHebheru 13:17.
Vakanga Vane Chimiro Chendangariro Chakanaka
10, 11. (a) Chii chinoratidzira kuti muporofita Hosea akanga ane chimiro chendangariro chakanaka? (b) Tinogona sei kuchengeta chimiro chendangariro chakanaka patinosvika vanhu mundima yedu?
10 Vaporofita vaifanira kuva nechimiro chendangariro chakanaka sezvavaipa mashoko orutongeso pamwe chete nouporofita hunoratidzira kuitira hanya kworudo kwaMwari nokuda kwavanhu vakatendeka vakapararira muna Israeri. Ikoku kwakanga kuri kwechokwadi nezvaHosea, uyo akanga ari muporofita kwaasiri pasi pamakore 59. Munzira yakanaka, iye akaramba achipa mashoko orutongeso aJehovha ndokugumisa bhuku rake rouporofita namashoko, okuti: “Ndianiko wakachenjera, anzwisise zvinhu izvi, kana wakangwara, azvizive? Nokuti nzira dzaJehovha dzakarurama, vakarurama vachafamba nadzo; asi vadariki vachawa madziri.” (Hosea 14:9) Chero bedzi Jehovha achitibvumira kupa uchapupu, ngative nechimiro chendangariro chakanaka ndokuramba tichitsvaka avo vachagamuchira nokuchenjera mutsa usakafanirwa waMwari.
11 Ku‘tsvaka vanhu vakafanirwa,’ tinofanira kutsungirira uye kurangarira zvinhu zvakanaka. (Mateo 10:11) Somuenzaniso, kudai taizorasa kiyi dzedu, tingarondazve nhano dzedu ndokutsvaka munzvimbo dzakasiyana-siyana dzatanga tiri. Tingadziwana bedzi pashure pokuita taitazve ikoku. Ngatitsungirire nomutoo wakafanana mukutsvaka vakafanana namakwai. Mufaro wakadini watinawo apo vanogamuchira mashoko akanaka mundima dzinowanzoshandwa! Uye tinofara sei kuti Mwari ari kukomborera basa redu munyika umo miganhu yaimboganhura ushumiri hwedu hwapachena!—VaGaratia 6:10.
Manyuko Ekurudziro
12. Uporofitai hwaJoere huri kuva nezadziko muzana ramakore rechi 20, uye sei?
12 Mashoko avaporofita vaJehovha anogona kuva ekurudziro huru kwatiri muushumiri hwedu. Somuenzaniso, rangarira uporofita hwaJoere. Hune mashoko erutongeso akanangidzirwa kuvaIsraeri vakawa pakutenda navamwe vomuzana ramakore rechipfumbamwe P.N.V. Bva, Joere akafuridzirwawo kuporofita, kuti: “Zvino shure kwaizvozvo [ini Jehovha] ndichadurura Mweya wangu pamusoro penyama yose; vanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita, vatana venyu vacharota hope, namajaya enyu achaona zviratidzo; ndichadururawo Mweya wangu pamusoro pavaranda napamusoro pavashandiri namazuva iwayo.” (Joere 2:28, 29) Ikoku kwakabvumikisa kuva kwechokwadi nezvavateveri vaJesu kuvambira paPentekosta ya 33 N.V. zvichienda mberi. Uye izadziko huru yakadini youporofita uhwu yatinoona murino zana ramakore rechi 20! Nhasi tina mamiriyoni ano“porofita,” kana kuzivisa shoko raJehovha—pakati pawo vanosanopfuura 600 000 vari mubasa roupiyona hwenguva yakazara.
13, 14. Chii chinogona kubetsera vaKristu vaduku kuwana mufaro muushumiri hwomumunda?
13 Vazivisi voUmambo vakawanda vanhu vaduku. Hakusati kuri nyore nguva dzose kuti ivo vataure kuvanhu vakura pamusoro peBhaibheri. Pane dzimwe nguva vabatiri vaJehovha vechiduku vanoudzwa, kuti: ‘Uri kupambadza nguva yako uchiparidza,’ uye ‘unofanira kuva uchiita chimwe chinhu.’ Nenzira yokungwarira Zvapupu zviduku zvaJehovha zvingapindura kuti zvine urombo kuti munhu wacho anonzwa nenzira iyoyo. Mumwe muparidzi wechiduku wamashoko akanaka anokuwana kuchibetsera kuwedzera, kuti: “Ndinonzwa kuti ndinobetserwa chaizvoizvo nokutaura kuvanhu vakura kufanana nemi, uye ndinokufarikanya.” Chokwadika, kuparidza mashoko akanaka zvamazvirokwazvo hakusati kuri kupambadza nguva. Upenyu huri mungozi. Kupfurikidza naJoere, Mwari akazivisazve, kuti: “Zvino ani nani unodana zita raJehovha ucharwirwa.”—Joere 2:32.
14 Vana vanoperekedza vabereki vavo mumubato wokuparidza Umambo vanogamuchira betsero yavabereki mukugadza nharidzano dzomunhu oga. Nhano nenhano vaduku vakadaro vanofambira mberi kubva pakurava rugwaro kusvika pakutsanangura tariro yavo yakavakirwa paBhaibheri nokugovera bhuku rakakodzera kuvanhu vanofarira. Sezvavanoona fambiro mberi yavo vamene nechikomborero chaJehovha, vaparidzi vaduku voUmambo vanowana mufaro mukuru mukuparidza mashoko akanaka.—Pisarema 110:3; 148:12, 13.
Kushingaira Nechimiro Chendangariro Chokumirira
15. Muenzaniso waEzekieri unogona sei kutibetsera kunyandurazve shingairo yedu yebasa rokuparidza Umambo?
15 Vaporofita vaMwari vakanga vari vomuenzanisowo mukuratidzira zvose zviri zviviri kushingaira nechimiro chendangariro chokumirira—mavara atinoda muushumiri hwedu nhasi. Apo takatanga kudzidza zvokwadi muShoko raMwari, sezvingabvira takanyandurwa neshingairo iyo yakatisunda kutaura noushingi. Asi makore angava akapfuura kubvira ipapo, uye tingava takafukidza ndima yedu yokupupura kazhinji. Vanhu vashomanene zvikuru vangava zvino vari kugamuchira shoko roUmambo. Ikoku kwakaderedza shingairo yedu here? Kana zvakadaro, rangarira muporofita Ezekieri, ane zita rinoreva kuti “Mwari Anosimbisa.” Kunyange zvazvo Ezekieri akatarisana navanhu vane mwoyo yakaoma muIsraeri yakare, Mwari akamusimbisa uye nenzira yokufananidzira akaita huma yake ive yakaoma zvikuru kupfuura dombo. Nokudaro, Ezekieri akakwanisa kuita ushumiri hwake kwamakore akawanda zvikuru vanhu vangava vaiteerera kana kwete. Muenzaniso wake unoratidza kuti tinogona kuita zvimwe chetezvo, uye kunogona kutibetsera kunyandurazve shingairo yedu yebasa rokuparidza.—Ezekieri 3:8, 9; 2 Timotio 4:5.
16. Chimiroi chendangariro chaMika chatinofanira kusakurira?
16 Anocherekedzwa nokuda kwokushivira kwake akanga ari Mika, uyo akaporofita muzana ramakore rechisere P.N.V. “Asi kana ndiri ini,” iye akanyora, “ndichatarira kuna Jehovha, ndichamirira Mwari woruponeso rwangu; Mwari wangu uchandinzwa.” (Mika 7:7) Chivimbo chaMika chakanga chakasimbiswa mukutenda kwake kwakasimba. Kufanana nomuporofita Isaya, Mika aiziva kuti icho Jehovha akaronga Iye aizochiita zvirokwazvo. Tinozivawo ikoku. (Isaya 55:11) Naizvozvo ngatisakurire chimiro chendangariro chokumirira kuzadzika kwezvipikirwa zvaMwari. Uye ngatiparidze mashoko akanaka neshingairo, kunyange munharaunda umo vanhu vanoratidza fariro duku mushoko roUmambo.—Tito 2:14; Jakobho 5:7-10.
Kushivira Nhasi
17, 18. Mienzanisoi yakare neyazvino uno inogona kutibetsera kushivira?
17 Vamwe vavaporofita vaJehovha vakapfuurira nokushivira mumigove yavo kwamakore asi havana kuona kuzadzikwa kwezviporofita zvavo. Bva, kutsungirira kwavo kwokushivira, kazhinji kazhinji vachitambura kubatwa zvisina kufanira, kunotibetsera kuziva kuti tinogona kuita ushumiri hwedu. Tinogonawo kubetserwa mumuenzaniso wavakazodzwa vakatendeka mumakumi amakore apakuvamba ezana ramakore rechi 20. Kunyange zvazvo tariro dzavo dzokudenga dzisina kuzadzikwa nokukurumidza sezvavaikarira, havana kubvumira kuora mwoyo pakunoratidzika kuva kunonoka kuderedza shingairo yavo yokuita kuda kwaMwari sezvaakakuzivisa kwavari.
18 Kwamakore, vakawanda vaava vaKristu vakaparadzira nguva dzose Nharireyomurindi namagazini mubiyayo, Mukai!, (yaichimbodanwa kuti The Golden Age uye gare gare Consolation). Nokushingaira vakaita kuti izvi zvinyorwa zvinokosheswa zviwanike kuvanhu mumigwagwa napamisha yavo pane kwatinodana nhasi kuti kwakamirirwa magazini. Imwe hanzvadzi yakwegura yakapedza upenyu hwayo hwapasi yakashayikwa nokukurumidza navapfuuri vakarovedza kuiona ichipupura pamugwagwa. Uchapupu hwakadini hwayakapa mukati mamakore ayo akawanda ebasa rokutendeka, sezvinoratidzwa netsinhiro dzokuonga dzaavo vakanga vacherekedza ushumiri hwayo hwapachena! Somuzivisi woUmambo, nguva dzose uri kugovera Nharireyomurindi neMukai! here mumaoko aavo unosangana navo muushumiri hwako?
19. VaHebheru 6:10-12 inotipa kurudziroi?
19 Rangarirawo kushivira nebasa rokutendeka zvehama dzinobatira semitezo yoMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha. Vanoverengeka vadzo zvino vave mumakumi amakore mapfumbamwe kana gumi oupenyu hwavo, asi vachiri vazivisi voUmambo vanotarisira nokushingaira migove yavo yebasa yakagoverwa. (VaHebheru 13:7) Uye zvakadiniko nezvavamwe vakwegura vane tariro yokudenga uye kunyange vamwe pakati pa“mamwe makwai” vari kukwegura? (Johane 10:16) Vanogona kuva nechokwadi chokuti Mwari haasi usakarurama zvokuti unokanganwa basa ravo norudo rwavanoratidza nokuda kwezita rake. Pamwe chete navadaviri biyavo vaduku, Zvapupu zvakwegura zvaJehovha ngazvipfuurire mukuita zvazvinogona, kushandisa kutenda nokuratidza kushivira mubasa raMwari. (VaHebheru 6:10-12) Ipapo, kungava kupfurikidza norumuko, sevaporofita vakare, kana kupfurikidza nokupukunyuka ndokupfuura nomu“kutambudzika kukuru” kuri kuuya, vachawana tuso huru youpenyu husingagumi.—Mateo 24:21.
20. (a) Chii chawadzidza mu“muenzaniso” wavaporofita? (b) Kushivira kwakafanana nokwavaporofita kunogona sei kutibetsera?
20 Muenzaniso wakaisvonaka zvakadini vaporofita vaMwari vakatisiyira! Nemhaka yokuti vakatsungirira kutambura, vakashivira, uye vakaratidzira mamwe mavara oumwari, vakaropafadzwa kutaura muzita raJehovha. SeZvapupu zvake zvomuzuva razvino uno, ngative vakafanana navo uye tive vakasimba somuporofita Habhakuki, uyo akazivisa, kuti: “Ndichandomira panzvimbo yangu yokutaririra, ndichazviisa parutura rwangu, ndichatarira ndione zvaachataura [Mwari] neni.” (Habhakuki 2:1) Ngative nechisarudzo chakafanana sezvatinoshivira ndokupfuurira nokufara kuita ziviso yapachena kuzita rakakurumbira roMusiki wedu Mukuru, Jehovha!—Nehemia 8:10; VaRoma 10:10.
Wabata Mapfundo Aya Here?
◻ Muenzanisoi woushingi wakagadzwa nomuporofita Amosi?
◻ Muporofita Mosesi akanga ari womuenzaniso munzirai?
◻ Zvapupu zvaJehovha zvomuzuva razvino uno zvinogona sei kuita zvakafanana naAmosi naIsaya?
◻ Vashumiri vechiKristu vanogona kudzidzei mumufambiro waHosea naJoere?
◻ Tinogona sei kubetserwa mumienzaniso yaEzekieri naMika?
[Mufananidzo uri papeji 16]
Pasinei zvaponokushora kwokunyanyisa kwaAmazia, mudzimu waJehovha wakapa Amosi simba rokuporofitanoushingi
[Mufananidzo uri papeji 18]
Vakazodzwa vakatendeka vakagadza muenzaniso wakaisvonaka kupfurikidza nokushivira mubasa raJehovha