Mibvunzo Inobva Kuvaravi
Muidzi nguva dzakaoma mune zvemari, vanhu vakawanda zvikuru uye makambani vari kutendeukira kukubhuroka. Kwakafanira here paMagwaro kuti muKristu anyorese kubhuroka?
Mhinduro kumubvunzo uyu inogovera muenzanisiro wakaisvonaka wenzira iyo Shoko raMwari rinogovera nayo nhungamiro inoshanda panhau dzingava dzazvino uno nenzira yakajeka. Nyika dzakawanda dzine mitemo inodzora kubhuroka. Mitemo yacho inosiyana-siyana munyika nenyika, uye hakusati kuri kweungano yechiKristu kugovera zano rapamutemo pana ikoku. Asi ngatiwanei kupetwa kwegadziriro yapamutemo yokubhuroka.
Chikonzero chimwe nei hurumende dzichibvumira vanhu uye mabhizimisi kuzivisa kubhuroka ndechokuti kunogovera avo vanokweretesa mari kana kupa chikwereti (vakweretesi) mwero wakati wedziviriro pavanhu kana mabhizimisi avo vanokwereta mari kana vanowana chikwereti (vakwereti) asi vasingabhadhari zvavane mungava wazvo. Nokuda kwavakweretesi kungaratidzika kuti mhinduro bedzi kukwirira kumatare kundoita kuti mukwereti anzi abhuroka kuitira kuti zvinhu zvomukwereti zvigogona ipapo kuparadzirwa somuripo usina kukwana wechikwereti.
Imwe nzira kubhuroka kunoshanda nayo iri sechitaviridzo chavakwereti avo vasingagoni kugutsa nenzira yokutendeseka vakweretesi vavo. Mukwereti angabvumidzwa kunyoresa kubhuroka, apo vakweretesi vake vanogona kutora zvimwe zvezvinhu zvake. Zvakare, mutemo ungamubvumidza kuchengeta musha wake kana zvinhu zvakati zvishomanene uye ipapo kupfuurira noupenyu husina tyisidziro inopfuurira yerasikirwo kana kubvutwa navaichimbova vakweretesi vake.
Kuri pachena, ipapo, kuti iyi mitemo inoitirwa kugovera mwero wakati wedziviriro kumativi ose ari maviri mune zvemari kana zvebhizimisi. Kunyanguvezvo, ngaticherekedzei, kuti izanoi rinobetsera iro Bhaibheri rinogovera.
Kwaizova kwakaoma kuti munhu arave Bhaibheri kubva kubutiro kusvika kubutiro pasina kuziva kuti harisati richikurudzira kupinda muchikwereti. Tinowana nyevero dzakadai saZvirevo 22:7: “Mufumi unobata ushe pamusoro pomurombo; unotora chikwereti muranda wowakamupa chikwereti.”
Yeukawo muenzanisiro waJesu uri pana Mateo 18:23-34 unobatanidza mumwe muranda akanga ane chikwereti chikuru zvikuru. “Ishe wake akarayira kuti atengeswe, iye nomukadzi navana, nezvose zvaakanga anazvo,” asi ipapo ishe wacho, mambo, akapfava ndokuratidza ngoni. Apo muranda iyeyo gare gare akabvumikisa kuva asina ngoni, mambo akarayira kuti ‘apiwe kuvachengeti vetorongo, kutozosvikira aripira chaaiva nengava nacho.’ Sezvinooneka, nzira yakanakisisa, nzira inorumbidzwa, ndeyokudzivisa kukwereta mari.
Vabatiri vaMwari muna Israeri wakare vakanga vane mabhizimisi, uye pane dzimwe nguva kukwereta uye kukweretesa kwaiitika. Chii icho Jehovha akavarayiridza kuita? Kana munhu aida kukwereta mari yokupinda mubhizimisi kana kurikudza, kwakanga kuri kwapamutemo uye kwenguva dzose kuti muHebheru achaje mhindu. Mwari akakurudzira vanhu vake, zvisinei, kuva vasina udyire pakukweretesa muIsraeri anoshayiwa; vakanga vasingafaniri kuwana mhindu mumamiriro ezvinhu akaipa kupfurikidza nokuchaja mhindu. (Eksodho 22:25) Dheuteronomio 15:7, 8 inoti: “Kana kune murombo kwauri, mumwe wehama dzako . . . , umutambanudzire ruoko rwako kwazvo, umubatsire nechikwereti zvinoringana pakushayiwa kwake, sezvaanokumbira.”
Mutsa wakafanana kana kurangarira wakaratidzirwa mumirau yairayira kuti vakweretesi vaisagona kubvuta zvinodikanwa zvoupenyu kumukwereti, zvakadai seguyo remhuri kana nguo inodikanwa kuchengeta munhu wacho achidziirwa usiku.—Dheuteronomio 24:6, 10-13; Ezekieri 18:5-9.
Chokwadika, havasiri vaJudha vose vakagamuchira ndokushandisa revo yeiyi mitemo yorudo yaibva kuMutongi wavo mukuru noMupi weMirayiro. (Isaya 33:22) Vamwe vaJudha vaiva noudyire vakabata hama dzavo nehasha zvikuru. Nhasiwo vamwe vakweretesi vangava nehasha uye vasina mufungo mukurayira kwavo, kunyange kumuKristu wapachokwadi uyo panguva yacho akanga asingakwanisi kuripira nemhaka yokuti akawana zvinoitika zvisingadeyi kuonwa. (Muparidzi 9:11) Kupfurikidza nedzvinyiriro yavo isingachinjiki, inorayira, vakweretesi venyika vangamanikidzira mukwereti akadaro kupinda mumamiriro ezvinhu umo akanzwa kuti aifanira kuzvidzivirira amene. Seiko? Mune zvimwe zvinoitika chinhu bedzi vakweretesi vachaziva inhano yapamutemo yokubhuroka. Naizvozvo muKristu, uyo akanga asingavi namakaro kana anoregeredza pamusoro pezvikwereti zvake, angatendeukira kukunyoresa kubhuroka.
Tinofanira kungwarira, kunyanguvezvo, rumwe rutivi rwenhau yacho. MuKristu angava muchikwereti nemhaka yokuti haana hake kushandisa kuzvidzora muicho kana akashandisa yakawanda sei kana nemhaka yokuti haana kushandisa kudeya kuona kuno mufungo muzvisarudzo zvake zvebhizimisi. Anofanira zvake kusaitira hanya pamusoro pechikwereti ndokukurumidza kutsvaka rusununguko kupfurikidza nokubhuroka, nokudaro achikuvadza vamwe nemhaka yechisarudzo chake chakashata here? Bhaibheri haritenderi kusangwarira mune zvemari kwakadaro. Rinokurudzira mubatiri waMwari kurega hungu wake achireva hungu. (Mateo 5:37) Yeukawo tsinhiro dzaJesu pamusoro pokuverenga ndyiko usati watanga kuvaka svingo. (Ruka 14:28-30) Maererano naikoko, muKristu anofanira kurangarira nenzira yokufungisisa migumisiro isingadikanwi inobvira asati atora chikwereti chemari. Akangowana chikwereti, anofanira kunzwa mutoro wake wokuripira vanhu kana makambani ayo ane mungava nawo. Kana vamwe vakawanda vakaona muKristu saasingangwariri kana asina kuvimbika, angave ashatisa mukurumbira wakanaka uyo akanga atamburira uye nokudaro haachisinazve chipupuriro chakaisvonaka chinobva kune vokunze.—1 Timotio 3:2, 7.
Yeuka izvo Pisarema 15:4 rinotiudza pamusoro porudzi rwomunhu urwo Jehovha anogamuchira. Tinorava, kuti: “Iye [uyo Mwari anotendera] unoti kana achinge apika, haangazoshanduri shoko rake, kunyange zvikava zvakaipa kwaari.” Hungu, Mwari anokarira vaKristu kubata vakweretesi vavo sezvavaizoda kubatwa.—Mateo 7:12.
Mukupeta, ipapo, Bhaibheri haribvisi bviro yokuti mumamiriro ezvinhu akakomba, muKristu angazviyamura amene nedziviriro inogoverwa nemitemo yokubhuroka yehurumende yaKesari. Zvisinei, vaKristu vanofanira kuva vakasiyana pamusoro pokutendeseka nokuvimbika. Nokudaro, vanofanira kuva vomuenzaniso muchishuvo chavo chapachokwadi chokuita misengwa yavo yemari.