Kutsaurirwa—Kuna Ani?
“Zvose zvarehwa naJehovha tichazviita, tichateerera.” —EKSODHO 24:7.
1, 2. (a) Vamwe vanhu vakazvipira kune chii? (b) Tsauriro yakagunhurirwa kune avo vane batano dzorudzidziso here?
MUNA February 1945, vatyairi veZero-fighter yeYatabe Flying Corps yeJapan vakaunganidzwa muhoro. Mumwe nomumwe akagamuchidzwa chidimbu chepepa chokunyora pachiri kana aizozvipira kuva mutezo weuto rinodenha rekamikaze. “Ndakafunga kuti rakanga riri basa rangu kuti ndizvibayire ndimene panguva yenjodzi yorudzi,” anodaro mumwe mukuru mukuru akanga aripo panguva iyeyo. “Ndasundwa mumurangariro kuti ndizviite ndimene anowanika, ndakazvipa ndimene nokuda kwebasa racho.” Akarovedzwa kushandisa nokutyaira Ohka (ndege yechitundu musere musere chokuzviuraya nacho) nokuchirovera pangarava yehondo yomuvengi. Zvisinei, hondo yacho yakaguma asati awana mukana wokuita kudaro nokudaro ndokufira nyika yake namambo wake. Apo Japan yakakundwa muhondo, kutenda kwake muna mambo kwakaparadzwa.
2 Pane imwe nguva, vakawanda muJapan vakanga vakazvipira kuna mambo, uyo vaidavira kuva mwari mupenyu. Mune dzimwe nyika, kwave kune uye kuchine zvimwe zvinhu zvokuzvipira. Mamiriyoni akazvipira kuna Maria, Buddha, kana kuti vamwe vamwari—vanowanzomirirwa nezvidhori. Vapesvedzerwa nedekudzo yamanyemwe, vamwe vanodira mari yavo yakawanwa kupfurikidza nokushanda zvakaoma muhomwe dzavaparidzi veevhangeri vomuTV mukutsigira kwemwoyo wose uko kwakaenzana nokuzvipira. Pashure pehondo, vaJapan vakaora mwoyo vakatsvaka chinhu chitsva kwachiri vaigona kutsaurira upenyu hwavo. Nokuda kwavamwe, basa rakava chinhu ichocho. Kumabvazuva kana kuti kuMadokero, vakawanda vanozvitsaurira vamene kukuunganidzwa kwepfuma. Vanhu vaduku vanonangidzira upenyu hwavo pavaimbi, vane muraramire wavanotevedzera. Nhamba huru nhasi yazova inozvinamata imene, ichiita zvishuvo zvayo imene chinhu chokuzvipira kwavo. (VaFiripi 3:19; 2 Timotio 3:2) Asi zvinhu zvakadaro kana kuti vanhu zvakafanirwa chaizvoizvo nokuzvipira kwomunhu kwomwoyo wose here?
3. Zvimwe zvinhu zvokuzvipira kwazviri zvakabvumikisa sei kuva zvisina maturo?
3 Apo vanotarisana neidi, vanamati vezvidhori vanowanzoodzwa mwoyo. Kuzvipira kuzvidhori kunoguma nokuvhiringidzwa apo vanamati vanoziva kuti zvidhori zvavo zvinongova hazvo “basa ramaoko avanhu.” (Pisarema 115:4) Apo mishumo yakaipa inobatanidza vaparidzi veevhangeri vakatanhamara inofumurwa, vanhu vapachokwadi vanonzwa vaodzwa mwoyo. Apo mamiriro ezvemari “asina kutsarukana” akaputika, vashandi vakatambura kudzongonyedzeka kwendangariro sezvavakazviwana vamene vava pandaza yaavo vari kuburitswa. Kuderera kweupfumi kwemisi ichangobva kupfuura iyi kwakaparira ngwavaira yakakomba pavanamati vePfuma. Zvikwereti zvakapindwa mazviri mukukarira kuita mari yakawanda zvakava mutoro paine kariro shomanene yokuva zvinobhadharwa. (Mateo 6:24, NW, mashoko omuzasi) Apo nyanzvi dzerock navamwe vavaraidzi vanonamatwa vanofa kana kuti kupera mbiri, vanamati vavo vanosiyiwa. Uye avo vakafamba munzira yokuzvigutsa vamene vanowanzokohwa zvibereko zvinovava.—VaGaratia 6:7.
4. Chii chinosunda vanhu kutsaurira upenyu hwavo kuzvinhu zvisina maturo?
4 Chii chinosunda vanhu kuti vazvitsaurire vamene kuzvisina maturo zvakadaro? Kutambanuko huru, mudzimu wenyika inodzorwa naSatani Dhiyabhorosi. (VaEfeso 2:2, 3) Pesvedzero youyu mudzimu inoonekwa munzira dzakasiyana-siyana. Munhu mumwe angadzorwa negamuchidzanwa remhuri rakapfuudzirwa kwaari navakare vake. Dzidzo nokurerwa zvingapesvedzera zvakasimba kufunga. Mhoteredzo yenzvimbo yokubasa ingasunda “vatungamiriri vebhizimisi” kukuva vashandi vanoshanda zvikuru uko kungava kunotyisidzira upenyu. Chishuvo chezvakawanda chinoparirwa nechimiro chendangariro chokudisa zvokunyama zvenyika. Mwoyo yavakawanda inoshatiswa, ichivasunda kuzvipira vamene kuzvishuvo zvavo vamene zvoudyire. Vanokundikana kunzvera kana izvi zvinhu zvinorondwa zvakafanirwa nokuzvipira kwakadaro.
Rudzi Rwakazvitsaurira
5. Itsauriroi kuna Jehovha yakaitwa anopfuura makore 3 500 akapfuura?
5 Anopfuura makore 3 500 apfuura, rudzi rumwe rwavanhu rwakawana chinhu chinokosha zvikuru chokuzvipira. Vakazvitsaurira vamene kuna changamire Mwari, Jehovha. Seboka, rudzi rwaIsraeri rwakazivisa tsauriro yarwo kuna Mwari murenje reSinai.
6. Chii chakanga chichifanira kuva revo yezita raMwari kuvaIsraeri?
6 Chii chakasunda vaIsraeri kuita neiyi nzira? Apo vaiva muuranda muEgipita, Jehovha akatuma Mosesi kuvatungamirira kurusununguko. Mosesi akabvunza nzira yaaifanira kuzivisa nayo Mwari akanga amutuma, uye Mwari akazvizivisa amene sa“Ndichava iye wandichava.” Akarayira Mosesi kutaura kuvanakomana vaIsraeri, kuti: “Ndichava ndiye wakandituma kwamuri.” (Eksodho 3:13, 14) Uku kutaura kwakaratidzira kuti Jehovha anova chipi nechipi chinodikanwa kuti aite zvinangwa zvake. Aizozvizivisa amene soMuzadziki wezvipikirwa munzira iyo madzibaba akare echiIsraeri akanga asina kutongoziva.—Eksodho 6:2, 3.
7, 8. VaIsraeri vaiva noufakazii hwokuti Jehovha akanga ari Mwari akafanirwa nokuzvipira kwavo?
7 VaIsraeri vakapupurira kutambudzika kwenyika yeEgipita navanhu vayo kwakaitwa naMatambudziko Gumi. (Pisarema 78:44-51) Ipapo, sezvinobvira anopfuura mamiriyoni matatu avo, kubatanidza vakadzi navana, vakarongedza vakabuda munyika yeGosheni muusiku humwe, uko makuri kumene kwakanga kuri chiito chinoshamisa. (Eksodho 12:37, 38) Tevere, paGungwa Dzvuku, Jehovha akazvizivisa amene so“munhu wokurwa” apo akaponesa vanhu vake pahondo yeuto raFarao nokukamura gungwa kuti arege vaIsraeri vachipfuura uye gare gare kurivhara kuti anyudze vaEgipita vaironda. Somugumisiro, “vaIsraeri vakaona basa guru rakanga raitirwa vaEgipita naJehovha, vanhu vakatya Jehovha, vakatenda Jehovha naMosesi muranda wake.”—Eksodho 14:31; 15:3; Pisarema 136:10-15.
8 Sokunge kuti vakanga vachiri kushaya ufakazi hwechinoreva zita raMwari, vaIsraeri vakanyunyutira Jehovha nomumiriri wake Mosesi pamusoro pokuperevedza kwezvokudya nemvura. Jehovha akatuma zvihuta, akanayisa mana, uye akaparira mvura kubuda mudombo paMeribha. (Eksodho 16:2-5, 12-15, 31; 17:2-7) Jehovha akanunurawo vaIsraeri padenho yavaAmareki. (Eksodho 17:8-13) VaIsraeri vaisagona kuramba nenzira ipi neipi icho Jehovha gare gare akazivisa kuna Mosesi, kuti: “Jehovha, Jehovha, Mwari uzere nyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru nezvokwadi, unochengetera vane zvuru zvamazana nyasha dzake, unovakanganwira zvakaipa zvavo nokudarika kwavo nezvivi zvavo.” (Eksodho 34:6, 7) Zvirokwazvo, Jehovha akazvibvumikisa amene kuva chinhu chakafanirwa nokuzvipira kwavo.
9. Neiko Jehovha akapa vaIsraeri mukana wokuti vataure tsauriro yavo yokumubatira, uye vakapindura sei?
9 Kunyange zvazvo Jehovha akanga ane kodzero kuuridzi hwavaIsraeri nemhaka yokuti akanga avadzikinura kubuda muEgipita, iye, saMwari ane mutsa naane ngoni, akavapa mukana kuti nokuzvidira vataure chishuvo chavo chokumubatira. (Dheuteronomio 7:7, 8; 30:15-20) Iye akaitawo zvinodikanwa zvinodzora sungano pakati pake navaIsraeri. (Eksodho 19:3-8; 20:1–23:33) Apo izvi zvinodikanwa zvakarondedzerwa naMosesi, vaIsraeri vakazivisa, kuti: “Mashoko ose akarehwa naJehovha tichaaita.” (Eksodho 24:3-7) Nokuzvidira kwavo vamene, vakava rudzi rwakazvitsaurira kuna Changamire Ishe Jehovha.
Kunzwisisa Kunotungamirira Kutsauriro
10. Tsauriro yedu kuna Jehovha inofanira kuvakirwa pachii?
10 Jehovha, Musiki, anopfuurira kuva akafanirwa nokuzvipira kwedu kwomweya wose. (Maraki 3:6; Mateo 22:37; Zvakazarurwa 4:11) Zvisinei, tsauriro yedu haifaniri kuvakirwa panhendedzero, mirangariro yechinguvana, kana kuti kumanikidza kunobva kuvamwe—kunyange vabereki. Inofanira kuvakirwa pazivo yakarurama yezvokwadi pamusoro paJehovha nokunzwisisa izvo Jehovha akatiitira. (VaRoma 10:2; VaKorose 1:9, 10; 1 Timotio 2:4) Sezvo Jehovha akapa vaIsraeri mukana wokuratidza tsauriro yavo nokuzvidira, naizvozvo anotipa mukana wokuti tizvitsaurire timene nokuzvidira uye kuita tsauriro iyoyo pachena.—1 Petro 3:21.
11. Kufunda kwedu Bhaibheri kwakazivisei pamusoro paJehovha?
11 Kupfurikidza nefundo yeBhaibheri, tinosvika pakuziva Mwari somunhu. Shoko rake rinotibetsera kunzwisisa mavara ake saanoratidzirwa muchisiko. (Pisarema 19:1-4) Tinogona kuona muShoko rake kuti haasi Utatu hwakavanzika uyo asingagoni kunzwisiswa. Haakundwi muhondo nokudaro haasati achifanira kuramba uMwari hwake. (Eksodho 15:11; 1 VaKorinte 8:5, 6; Zvakazarurwa 11:17, 18) Nemhaka yokuti akazadzika zvipikirwa zvake, tinoyeuchidzwa nezvechinomirira zita rake rakaisvonaka, Jehovha. Ndiye muiti weChinangwa Mukuru. (Genesi 2:4, NW, mashoko omuzasi; Pisarema 83:18; Isaya 46:9-11) Kupfurikidza nokufunda Bhaibheri, tinosvika pakunzwisisa zvakajeka kuti iye akatendeka uye akavimbika sei.—Dheuteronomio 7:9; Pisarema 19:7, 9; 111:7.
12. (a) Chii chinotikwevera kuna Jehovha? (b) Zvakaitika chaizvoizvo zvakanyorwa muBhaibheri zvinosunda sei munhu kuti ade kubatira Jehovha? (c) Unorangarira sei pamusoro pokubatira Jehovha?
12 Chinotikwevera zvikurukuru kuna Jehovha unhu hwake hworudo. Bhaibheri rinoratidzira kuti ane rudo, anokanganwira, uye ane ngoni sei mukubata navanhu. Chimbofunga kuti akabudiririsa Jobho sei pashure pokunge Jobho nenzira yokutendeka achengeta kuperera kwake. Chakaitika chaJobho chinosimbisa kuti “Ishe une mwoyo munyoro kwazvo, une tsitsi.” (Jakobho 5:11; Jobho 42:12-17) Chimbofunga kuti Jehovha akabata sei naDhavhidhi apo akaita upombwe nokuponda. Hungu, Jehovha akagadzirira kukanganwira kunyange zvivi zvakakomba apo mutadzi anomusvika no“mwoyo wakaputsika nowakapwanyika.” (Pisarema 51:3-11, 17) Chimbofunga nezvenzira iyo Jehovha akabata nayo naSauro weTarso, uyo pakutanga akanga ari mutambudzi akatsunga wavanhu vaMwari. Iyi mienzaniso inosimbisa ngoni dzaMwari uye kudisa kworupo kushandisa vanhu vanopfidza. (1 VaKorinte 15:9; 1 Timotio 1:15, 16) Pauro akarangarira kuti aigona kuisa upenyu hwake amene pakubatira uyu Mwari ane rudo. (VaRoma 14:8) Unorangarira nenzira imwe cheteyo here?
13. Iratidziroi huru yorudo yaJehovha inosunda vane mwoyo yakarurama kuzvitsaurira vamene kwaari?
13 Nokuda kwavaIsraeri, Jehovha akagovera ruponeso kubva muusungwa muEgipita, uye akagadzirira mutoo wokutiponesa nawo muusungwa kuchivi norufu—chibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu. (Johane 3:16) Pauro anoti: “Mwari unoratidza rudo rwake kwatiri pakuti Kristu wakatifira, tichiri vatadzi.” (VaRoma 5:8) Iyi gadziriro yorudo inosunda vane mwoyo yakarurama kuzvitsaurira vamene kuna Jehovha kupfurikidza naJesu Kristu. “Nokuti rudo rwaKristu runotimanikidza; zvatinoziva chinhu ichi kuti mumwe wakafira vose, zvino vose vakafa; zvino iye wakafira vose, kuti avo vanorarama varege kuzozviraramira ivo, asi uyo wakafa nokumutswa nokuda kwavo.”—2 VaKorinte 5:14, 15; VaRoma 8:35-39.
14. Zivo chete yokubata kwaJehovha yakakwana here kuti itisunde kutsaurira upenyu hwedu kwaari? Tsanangura.
14 Zvisinei, kuva nezivo younhu hwaJehovha nokubata kwake norudzi rwomunhu hakuna kukwana. Kunzwisisa Jehovha kwomunhu oga kunofanira kusakurirwa. Ikoko kunogona sei kuitwa? Kupfurikidza nokushandisa Shoko raMwari muupenyu hwedu nokuzvionera timene kuti nheyo dzinowanikwa mariri dzinoshanda chaizvoizvo. (Isaya 48:17) Tinofanira kunzwa kuti Jehovha akatiponesa mumatope enyika ino yakaipa inotongwa naSatani. (Enzanisa na 1 VaKorinte 6:11.) Mukuparapatika kwedu kuita chiri chakarurama, tinodzidza kutsamira pana Jehovha, uye tinozviwanira timene kuti Jehovha ndiye Mwari mupenyu, uno“nzwa munyengetero.” (Pisarema 62:8; 65:2) Nokukurumidza tinonzwa tava pedyo zvikuru naye uye tinokwanisa kumuudza mirangariro yedu yomukatikati. Murangariro woushamwari nokuda Jehovha unokura matiri. Pasina kupokana ikoku kuchatitungamirira kutsaurira upenyu hwedu kwaari.
15. Chii chakasunda mumwe murume, aichimbova akazvitsaurira kubasa rokunyika, kubatira Jehovha?
15 Vakawanda vakasvika pakuziva uyu Mwari ane rudo, Jehovha, uye vakatsaurira upenyu hwavo kuti vamubatire. Rangarira somuenzaniso mugadziri wamagetsi akanga ane bhizimisi raibudirira. Pakanga pane nguva apo aitanga kushanda mangwanani ndokushanda muswere wose wezuva uye kusvikira usiku, achiuya kumba na 5 kiroko mangwanani aitevera. Pashure pokuzorora kweinenge awa, aienda kubasa rinotevera. “Ndakanga ndakazvitsaurira kubasa rangu,” anoyeuka kudaro. Apo mudzimai wake akatanga kufunda Bhaibheri, akamukumbanira. Iye anoti: “VaMwari vose vandakange ndaziva kusvikira panguva iyeyo vakanga vakamirira chete kubatirwa, vasingaiti chinhu chipi nechipi kutibetsera isu. Asi Jehovha akatanga ndokutuma Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi kupasi pakuzvibayira kwomunhu oga kukuru.” (1 Johane 4:10, 19) Mukati memwedzi gumi, uyu murume akazvitsaurira kuna Jehovha. Pashure paikoko, akanangidzira ngwariro pakubatira Mwari mupenyu. Akatora ushumiri hwenguva yakazara ndokutamira kuti anobatira kwaiva nokushayiwa kukuru zvikuru. Iye, savaapostora, ‘akasiya zvinhu zvose ndokutevera Jesu.’ (Mateo 19:27) Pashure pemwedzi miviri, iye nomudzimai wake vakadanwa kuti vabatire pahofisi yebazu yeWatch Tower Bible and Tract Society munyika umo vaigara, kuitira kuti agogona kubetsera nebasa ramagetsi. Kwaanopfuura makore 20, ave achishanda pabazu, achiita basa raanoda—kwete nokuda kwake amene asi nokuda kwaJehovha.
Zivisa Tsauriro Yako
16. Ndedzipi dzimwe nhanho munhu angatora mukuita tsauriro kuna Jehovha?
16 Pashure pokufunda Bhaibheri kwenguva yakati, vaduku navakuru zvakafanana vachasvika pakunzwisisa Jehovha nezvaakavaitira. Ikoku kunofanira kuvasunda kuzvipa vamene kuna Mwari. Ungava mumwe waivava. Unogona kuzvitsaurira sei kuna Jehovha? Pashure pokupinza zivo yakarurama inobva muBhaibheri, unofanira kuita chimwe chinhu pazivo iyoyo ndokutenda muna Jehovha naJesu Kristu. (Johane 17:3) Pfidza ndokutendeuka panzira ipi neipi yakare yokutadza. (Mabasa 3:19) Ipapo uchasvika panhano yetsauriro, uchiitaura mumashoko akakomba omunyengetero kuna Jehovha. Uyu munyengetero pasina kupokana uchasiya kuorora kusingagumi pandangariro yako, nokuti uchava mavambo oukama hutsva naJehovha.
17. (a) Neiko vakuru vachihwirudzura mibvunzo yakagadzirirwa navanhu vachangobva kuzvitsaurira? (b) Inhanhoi inokosha inofanira kutorwa nokukurumidza pashure petsauriro yomunhu, uye nokuda kwechinangwai?
17 Seizvo chaizvo Mosesi akatsanangura kuvaIsraeri zvinodikanwa zvokupinda muukama hwesungano naJehovha, vakuru vari muungano dzeZvapupu zvaJehovha vanobetsera avo vakaita tsauriro yavo misi ichangobva kupfuura iyi kunzvera chaizvo zvinobatanidzwa. Vanoshandisa mibvunzo yakagadzirirwa kusimbisa kuti mumwe nomumwe anonzwisisa zvizere dzidziso huru dzeBhaibheri uye anoziva chinobatanidzwa mukuva Chapupu chaJehovha. Ipapo, chiitiko chokuzivisa tsauriro chakafanira zvikurusa. Nomuzvarirwo, munhu achangobva kuzvitsaurira anodisa kuzivisa vamwe kuti apinda muuhwu ukama hwakaropafadzwa naJehovha. (Enzanisa naJeremia 9:24.) Ikoku kunoitwa zvakafanira kupfurikidza norubhapatidzo rwomumvura mukuratidzirwa kwetsauriro. Kunyudzwa mumvura uye ipapo kusimudzwa kunoratidzira kuti iye anofa kumararamire ake ekare oudyire uye anomutsirwa kumararamire matsva, aye okuita kuda kwaMwari. Hakusi sakaramende, uyewo hakusi tsika setsika yechiShinto yemisogi umo munhu anofungidzirwa kuva anocheneswa nemvura.a Panzvimbo pezvo, rubhapatidzo iziviso yapachena yetsauriro yakatoitwa mumunyengetero.
18. Neiko tichigona kuva nechivimbo chokuti tsauriro yedu haizovi isina maturo?
18 Iyi nhambo yakakomba chiitiko chisingakanganwiki, chinoyeuchidza mubatiri mutsva waMwari ukama hunogarisa hwaave nahwo naJehovha. Kusafanana netsauriro iyo mutyairi wekamikaze akaita kunyika yake namambo, iyi tsauriro kuna Jehovha haisati ichizova isina maturo, nokuti iye ndiye Mwari wamasimba ose asingagumi uyo anoita zvose izvo anotanga kuita. Iye, uye iye oga, ndiye akafanirwa nokuzvipira kwedu kwomweya wose.—Isaya 55:9-11.
19. Chii chichakurukurwa munyaya inotevera?
19 Zvisinei, zvakawanda zvinobatanidzwa mutsauriro. Somuenzaniso, tsauriro inotapura sei upenyu hwedu hwezuva nezuva? Ikoku kuchakurukurwa munyaya inotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona Mankind’s Search for God, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., mapeji 194-5.
Unoyeuka Here?
◻ Neiko tsauriro seinoonekwa munyika yakaguma nokuodzwa mwoyo?
◻ Chii chakasunda vaIsraeri kuti vazvitsaurire vamene kuna Jehovha?
◻ Chii chinotisunda kuti tizvitsaurire timene kuna Jehovha nhasi?
◻ Tinozvitsaurira timene sei kuna Mwari?
◻ Chii chiri revo yorubhapatidzo rwomumvura?
[Mufananidzo uri papeji 10]
Israeri muSinai anozvitsaurira amene kuna Jehovha