Unokosha Mumeso aMwari!
“Ndakakuda norudo rusingaperi, naizvozvo ndakakukweva nounyoro.”—JEREMIA 31:3.
1. Chimiro chendangariro chaJesu kuna vanhuwo zvavo vomuzuva rake chakanga chakasiyana sei neicho chavaFarise?
VAIGONA kukuona mumeso ake. Uyu murume, Jesu, akanga asina kufanana navatungamiriri vavo vorudzidziso; aiitira hanya. Akanzwira tsitsi vanhu ava nemhaka yokuti ivo “vakanga vaneta, varashwa, samakwai asina mufudzi.” (Mateo 9:36) Vatungamiriri vavo vorudzidziso vaifanira kuva vafudzi vane rudo vaimirira Mwari ane rudo, ane ngoni. Panzvimbo pezvo, vaizvidza vanhuwo zvavo samararawo zvawo—navakatukwa!a (Johane 7:47-49; enzanisa naEzekieri 34:4.) Nenzira yakajeka, murangariro wakadaro wakashatiswa, usiri wapamagwaro wakanga wakasiyana zvikuru nomurangariro waJehovha wavanhu vake. Iye akanga audza rudzi rwake, Israeri, kuti: “Ndakakuda norudo rusingaperi.”—Jeremia 31:3.
2. Shamwari nhatu dzaJobho dzakaedza sei kumupwisa kuti akanga asina maturo mumeso aMwari?
2 VaFarise, kunyanguvezvo, vaisatongova vokutanga kuedza kupwisa makwai anodiwa aJehovha kuti akanga asina maturo. Rangarira chakaitika chaJobho. Kuna Jehovha akanga akarurama neasina chaangapomerwa, asi “vanyaradzi” vatatu vakakarakadza kuti Jobho akanga ari murambi kutenda, ane unzenza akaipa uyo aizofa pasina chiratidzo chinosara chokuvapo kwake. Vakataura kuti Mwari aisazokoshesa kururama kupi nokupi kwaJobho, sezvo Mwari aisavimba kunyange ngirozi dzake amene uye airangarira denga rimene serisina kuchena!—Jobho 1:8; 4:18; 15:15, 16; 18:17-19; 22:3.
3. Satani anoshandisa mutooi nhasi kuedza kupwisa vanhu kuti havana maturo uye havadiwi?
3 Nhasi, Satani achiri kushandisa aya ‘manomano’ okuedza kupwisa vanhu kuti havadiwi uye havana maturo. (VaEfeso 6:11, NW, mashoko omuzasi) Chokwadi, anowanzonyengera vanhu kupfurikidza nokufadza kusava namaturo kwavo norudado. (2 VaKorinte 11:3) Asi anofarirawo kuderedza kuzviremekedza vamene kwavanhu vasina dziviriro. Ikoku kwakadaro zvikurukuru muano “mazuva okupedzisira” anotambudza. Vakawanda nhasi vanokurira mumhuri umo musina “rudo chairwo”; vakawanda vanofanira kugonana zuva nezuva naavo vanotyisa, vanoudyire, uye vanozvitutumadza. (2 Timotio 3:1-5) Makore okubatwa zvakaipa, urudzi, ruvengo, kana kuti kubatwa zvisina kufanira angave akapwisa vanhu vakadaro kuti havana maturo uye havadiwi. Mumwe murume akanyora, kuti: “Handinzwi rudo nokuda kwomunhu upi noupi kana kuti kunzwa ndichidiwa. Ndinokuwana kwakaoma zvikuru kudavira kuti Mwari anotombondiitira hanya.”
4, 5. (a) Neiko pfungwa yokusava namaturo kwomunhu oga ichipesana naMagwaro? (b) Ndoupi mugumisiro mumwe une ngozi wokudavira kwedu kuti hapana imwe yenhamburiko dzedu yakafanira chinhu chipi nechipi?
4 Pfungwa yokusava namaturo kwomunhu oga inobaya pamwoyo wezvokwadi yeShoko raMwari, dzidziso yorudzikinuro. (Johane 3:16) Kana Mwari aizoripa mutengo wakakwirira kudaro—upenyu hunokosha hwoMwanakomana wake amene—kuti atitengere mukana wokuti tirarame nokusingaperi, zvirokwazvo Iye anofanira kutida; zvirokwazvo tinofanira kuva vanokosha mumeso Ake!
5 Kupfuurirazve, kwaizova kunoodza mwoyo sei kunzwa kuti hatifadzi kuna Mwari, kuti hapana nhamburiko dzedu dzakafanira chinhu chipi nechipi! (Enzanisa naZvirevo 24:10.) Mumurangariro iwoyu wakaipa, kunyange kurudziro ine vavariro yakanaka, yakagadzirirwa kutibetsera kufambisira mberi basa redu kuna Mwari uko kunobvira, kuna vamwe inganzwika panzvimbo pezvo sokushurikidzwa. Ingaratidzika seinoratidzira kupwiswa kwedu timene kwomukati kuti chipi kana chipi chatinoita hachina kukwana.
6. Chii chiri mushonga wakanakisisa kumifungo yokunyanyisa yakaipa pamusoro pedu timene?
6 Kana ukanzwa mirangariro yakaipa yakadaro mauri umene, usaora mwoyo. Vakawanda vedu tinozviomesera timene nenzira isina mufungo panguva nenguva. Uye yeuka, Shoko raMwari rakagadzirirwa “kururamisa” uye nokuda kwo“kuputsa nhare.” (2 Timotio 3:16; 2 VaKorinte 10:4) Muapostora Johane akanyora, kuti: “Ndozvatichaziva nazvo kuti tiri vezvokwadi, tigosimbisa mwoyo yedu pamberi pake; nokuti kana mwoyo yedu ichitipa mhaka, Mwari mukuru kumwoyo yedu, unoziva zvose.” (1 Johane 3:19, 20) Ngatirangarirei, ipapo, nzira nhatu madziri Bhaibheri rinotidzidzisa kuti tinokosha kuna Jehovha.
Jehovha Anokukoshesa
7. Jesu akadzidzisa sei vaKristu vose pamusoro poukoshi hwavo mumeso aMwari?
7 Yokutanga, Bhaibheri rinodzidzisa zvakananga kuti mumwe nomumwe wedu ane ukoshi mumeso aMwari. Jesu akati: “Shiri duku shanu hadzitengeswi nepeni here? Hakuna imwe yadzo inokanganikwa pamberi paMwari. Asi nevhudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose. Musatya, munopfuura shiri duku zhinji.” (Ruka 12:6, 7) Mumazuva iwayo, shiri duku ndiyo yakanga iri yakachipa zvikurusa yeshiri dzaitengeswa sezvokudya, bva hapana kana imwe yadzo yaisacherekedzwa noMusiki wayo. Nokudaro hwaro hunovanzarikwa nokuda kwokusiyanisa kunoshamisa: Apo kunouya kuvanhu—avo vanokosha zvikuru, zvikurusa—Mwari anoziva udzame huri hwose. Kwakaita sokunge kuti vhudzi rimene remisoro yedu raiva rakaverengwa rimwe nerimwe!
8. Neiko kuri kwechokwadi kufunga kuti Jehovha angagona kuverenga vhudzi remisoro yedu?
8 Vhudzi richiverengwa? Kana uchifungidzira kuti urwu rutivi rwemuenzaniso waJesu harusi rwechokwadi, rangarira: Mwari anorangarira vabatiri vake vakatendeka zvakakwana kwazvo zvokuti anokwanisa kuvamutsa—kuvasikazve muudzame huri hwose, kubatanidza muumbirwo wavo wezvinogarwa nhaka zvakaoma kunzwisisa namakore avo ose okuyeuka noruzivo rwokuzviwanira. Kuverenga vhudzi redu (iro musoro wapaavhareji unomera rinenge 100 000) chaizova chiito chakapfava nokuenzanisa!—Ruka 20:37, 38.
Jehovha Anoonei Matiri?
9. (a) Ndeapi ari mamwe amavara ayo Jehovha anokoshesa? (b) Neiko uchifunga kuti mavara akadaro anokosha kwaari?
9 Yechipiri, Bhaibheri rinotidzidzisa chinokosheswa naJehovha matiri. Kukataurwa zvakapfava, anofarira mavara edu akanaka nenhamburiko dzedu. Mambo Dhavhidhi akaudza mwanakomana wake Soromoni, kuti: “Unonzvera mwoyo yose, unonzwisisa ndangariro dzose dzemifungo.” (1 Makoronike 28:9) Sezvo Mwari anonzvera mabhiriyoni emwoyo yavanhu munyika ino yamasimba masimba, yakazadzwa noruvengo, anofanira kufadzwa sei apo anowana mwoyo uyo unoda rugare, zvokwadi, uye kururama! (Enzanisa naJohane 1:47; 1 Petro 3:4.) Chii chinoitika apo Mwari anowana mwoyo uyo unofashukira nokumuda, uyo unotsvaka kudzidza pamusoro pake nokugoverana zivo yakadaro navamwe? Pana Maraki 3:16, Jehovha anotiudza kuti anoteerera avo vanotaura navamwe pamusoro pake uye anotova ne“bhuku yokurangaridza” nokuda kwavose “vanotya Jehovha, vachirangarira zita rake.” Mavara akadaro anokosha kwaari!
10, 11. (a) Vamwe vangada sei kufuratira ufakazi hwokuti Jehovha anokoshesa mavara avo akanaka? (b) Muenzaniso waAbhija unoratidza sei kuti Jehovha anokoshesa mavara akanaka mumwero yose?
10 Mwoyo unozvishurikidza umene, zvisinei, ungadzivisa ufakazi hwakadaro hwokukosha kwedu mumeso aMwari. Ungaita zevezeve nguva dzose, kuti ‘Asi kuna vamwe vakawanda kwazvo avo vari vomuenzaniso zvikuru mumavara iwayo kupfuura zvandiri. Jehovha anofanira kuva anoodzwa mwoyo sei apo anondienzanisa navo!’ Jehovha haaenzanisi, uyewo haana rumano, haakariri kukwana. (VaGaratia 6:4) Iye anonzvera mwoyo noungwaru hukuru, uye anokoshesa mavara akanaka mumwero yose.
11 Somuenzaniso, apo Jehovha akarayira kuti dzinza rose rakaramba kutenda raMambo Jerebhoami raifanira kuurawa, kubviswa kufanana ne“ndove,” Iye akarayira kuti anongova mumwe wavanakomana vamambo, Abhija, avigwe zvakanaka. Neiko? “Maari makawanikwa chinhu chakanaka chakafadza Jehovha Mwari waIsraeri.” (1 Madzimambo 14:10, 13) Ikoku kwakareva here kuti Abhija akanga ari munamati akatendeka waJehovha? Kwete hazvo, sezvo akafa, sezvakaita vasara vose veimba yake yakaipa. (Dheuteronomio 24:16) Zvisinei, Jehovha aikoshesa “chinhu chakanaka” icho akaona mumwoyo waAbhija uye akaita nenzira inowirirana. Matthew Henry’s Commentary on the Whole Bible rinoti: “Apo panongova nechimwe chinhu chakanaka chorudzi irworwo, chichawanwa: Mwari anochitsvaka, ndokuchiona, chingava chiduku kwazvo, uye anofadzwa nacho.” Uye usakanganwe kuti kana Mwari akawana kunyange mwero muduku wevara rakanaka mauri, anogona kuriita kuti rikure chero bedzi uchivavarira kumubatira nokutendeka.
12, 13. (a) Pisarema 139:3 rinoratidza sei kuti Jehovha anokoshesa nhamburiko dzedu? (b) Kunganzi Jehovha anosefa mibato yedu mumufungoi?
12 Jehovha anokoshesa nhamburiko dzedu nomutoo wakafanana. PaPisarema 139:1-3, tinorava, kuti: “Jehovha, imi makandinzvera, nokundiziva. Munoziva kugara kwangu pasi nokusimuka kwangu, munonzwisisa kufunga kwangu muri kure. Munocherekedza kufamba kwangu nokuvata kwangu pasi, munoziva nzira dzangu dzose.” Naizvozvo Jehovha anoziva zviito zvedu zvose. Asi anopfuura kuziva chete. MuchiHebheru chitsama chamashoko chokuti “munoziva nzira dzangu dzose” chingavawo nerevo yokuti “munokoshesa nzira dzangu dzose” kana kuti “munofarira nzira dzangu dzose.” (Enzanisa naMateo 6:19, 20.) Kunyanguvezvo, Jehovha angagona sei kufarira nzira dzedu zvatisina kukwana kwazvo uye vanotadza?
13 Nenzira inofadza, maererano nedzimwe nyanzvi, apo Dhavhidhi akanyora kuti Jehovha akanga a“cherekedza” nzendo dzake nenhambo dzokuzorora, chiHebheru chakareva chaizvoizvo ku“sefa” kana kuti ku“urutsa.” Rimwe bhuku renongedzero rakati: “Kunoreva . . . kuurutsa hundi yose, uye kusiya mbeu yose—kuchengeta zvose zvinokosha. Naizvozvo pano kunoreva kuti Mwari, sokunge zvakadaro, akamusefa. . . . Akaparadzira zvose zvakanga zviri hundi, kana kuti zvose zvakanga zvisingakoshi, uye akaona kuti zvakasara zvaiva chaizvozvo nezvinodikanwa.” Mwoyo unozvizvidza umene ungasefa zviito zvedu munzira inopesana, uchitipomera nenzira isina mutsa nokuda kwemhosho dzomunguva yakare uye uchidzinga zvatinoita sezvisina maturo. Asi Jehovha anokanganwira zvivi zvedu kana tikapfidza zvapachokwadi ndokuvavarira zvakaoma kusadzokorora zvikakanganiso zvedu. (Pisarema 103:10-14; Mabasa 3:19) Iye anosefa uye anoyeuka mabasa edu akanaka. Kutaura idi, anoayeuka nokusingaperi chero bedzi tikaramba takatendeka kwaari. Aizokurangarira sokusina kururama kukanganwa ava, uye haasi usakatongorurama!—VaHebheru 6:10.
14. Chii chinoratidza kuti Jehovha anokoshesa mubato wedu muushumiri hwechiKristu?
14 Ndeapi ari mamwe mabasa akanaka ayo Mwari anokoshesa? Chinodokuva chinhu chipi nechipi chatinoita mukutevedzerwa kwoMwanakomana wake, Jesu Kristu. (1 Petro 2:21) Zvirokwazvo basa rimwe rinokosha zvikuru, ipapo, kuparadzirwa kwamashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Pana VaRoma 10:15, tinorava, kuti: “Dzakanaka sei tsoka dzavanouya namashoko omufaro ezvinhu zvakanaka?” Nepo tingasafunga nguva dzose nezvetsoka dzedu dzakaderera se“dzakanaka” shoko rakashandiswa naPauro pano rakanga riri rimwe chetero rakashandiswa mushanduro yeSeptuagint yechiGiriki kurondedzera Rebheka, Rakeri, uye Josefa—vose vari vatatu vakacherekedzwa nokuda kworunako rwavo. (Genesi 26:7; 29:17; 39:6) Naizvozvo kupinda kwedu mubasa raMwari wedu, Jehovha, kwakanaka zvikuru uye kunokosha mumeso ake.—Mateo 24:14; 28:19, 20.
15, 16. Neiko Jehovha achikoshesa kutsungirira kwedu, uye mashoko aMambo Dhavhidhi ari paPisarema 56:8 anosimbisa sei iri idi?
15 Rimwe vara iro Mwari anokoshesa kutsungirira kwedu. (Mateo 24:13) Yeuka, Satani anoda kuti iwe ufuratire Jehovha. Zuva rimwe nerimwe raunoramba wakavimbika kuna Jehovha ndirimwe zuva rawabetsera kugovera mhinduro kukunyomba kwaSatani. (Zvirevo 27:11) Pane dzimwe nguva kutsungirira haisi nhau iri nyore. Zvinetso zvoutano, nhamo dzemari, nhamo dzemirangariro, uye dzimwe mhinganidzo dzinogona kuita kuti zuva rimwe nerimwe rinopfuura rive muedzo. Kutsungirira mukutarisana nemiedzo yakadaro kunotokosha zvikuru kuna Jehovha. Ndokusaka Mambo Dhavhidhi akakumbira Jehovha kuchengeta misodzi yake “mumudziyo” wokufananidzira, achikumbira nechivimbo, kuti “Haizi murugwaro rwenyu here?” (Pisarema 56:8) Hungu, Jehovha anokoshesa uye anoyeuka misodzi yose nokutambura zvatinotsungirira mukuchengeta kuvimbika kwedu kwaari. Izvowo zvinokosha zvikuru mumeso ake.
16 Mukurangarira mavara edu akaisvonaka zvikuru nenhamburiko dzedu, kwakajeka sei kuti Jehovha anowana zvakawanda zvokukoshesa mune mumwe nomumwe wedu! Pasinei zvapo nokuti nyika yaSatani yakatibata sei, Jehovha anotirangarira setinokosha uye rutivi rwe“zvinodikanwa [zve]ndudzi dzose.”—Hagai 2:7.
Icho Jehovha Akaita Kuratidzira Rudo Rwake
17. Neiko chibayiro chorudzikinuro chaKristu chichifanira kutipwisa kuti Jehovha naJesu vanotida savanhu vamwe navamwe?
17 Yechitatu, Jehovha anoita zvakawanda kubvumikisa rudo rwake nokuda kwedu. Zvirokwazvo, chibayiro chorudzikinuro chaKristu ndiyo mhinduro inokosha zvikurusa kunhema youSatani yokuti hatina maturo kana kuti hatidiwi. Hatitongofaniri kukanganwa kuti rufu runorwadza Jesu akatambura padanda rokutambudzira nokurwadza kunotova kukuru zvikuru Jehovha akatsungirira mukutarisa rufu rwoMwanakomana wake anodiwa zvakanga zviri chibvumikiso chorudo rwavo nokuda kwedu. Uyezve, rudo irworwo runoshanda kwatiri somunhu. Ndiyo nzira iyo muapostora Pauro akaruona nayo, nokuti akanyora, kuti: “Mwanakomana waMwari, wakandida, akazvipa nokuda kwangu.”—VaGaratia 2:20.
18. Jehovha anotikwevera kuna Kristu mumufungoi?
18 Jehovha akabvumikisa rudo rwake nokuda kwedu kupfurikidza nokutibetsera somunhu mumwe nomumwe wedu kushandisa betsero dzechibayiro chaKristu. Jesu akati pana Johane 6:44: “Hakuna munhu ungauya kwandiri, kana Baba, vakandituma, vasingamukwevi.” Kupfurikidza nebasa rokuparidza, iro rinotisvika somunhu mumwe nomumwe, uye kupfurikidza nomudzimu wake mutsvene, uyo Jehovha anoshandisa kutibetsera kunzwisisa nokushandisa zvokwadi dzomudzimu pasinei zvapo nemiganhu yedu nokusakwana, Jehovha somunhu oga anotikwevera kuMwanakomana wake netariro youpenyu husingagumi. Jehovha naizvozvo anogona kuti nezvedu sezvaakataura nezvaIsraeri: “Ndakakuda norudo rusingaperi, naizvozvo ndakakukweva nounyoro.”—Jeremia 31:3.
19. Neiko ropafadzo yomunyengetero ichifanira kutipwisa nezverudo rwomunhu oga rwaJehovha nokuda kwedu?
19 Zvichida kuri kupfurikidza neropafadzo yomunyengetero, kunyanguvezvo, kuti tinowana rudo rwaJehovha munzira yapedyo zvikurusa. Iye anokoka mumwe nomumwe wedu kuti “rambai muchinyengetera” kwaari. (1 VaTesaronika 5:17) Iye anoteerera! Iye anotodanwa kuti wo“Kunzwa munyengetero.” (Pisarema 65:2) Haana kugovera iyi nzvimbo kune mumwe munhu upi noupi, kwete kunyange kuMwanakomana wake amene. Chimbofunga zvako: Musiki wechisiko chose anotikurudzira kumusvika mumunyengetero, norusununguko rwokutaura. Mikumbiro yako ingatosunda Jehovha kuita zvimwe zvaangadai asina kuita.—VaHebheru 4:16; Jakobho 5:16; ona Isaya 38:1-16.
20. Neiko rudo rwaMwari nokuda kwedu rusiri pembedzo yokuzvikoshesa timene kana kuti kuzvitutumadza?
20 Hapana muKristu akadzikama angarangarira ufakazi hwakadaro hworudo rwaMwari noruremekedzo sepembedzo yokuzvirangarira amene seanokosha zvikuru kupfuura zvaari chaizvoizvo. Pauro akanyora, kuti: “Nenyasha dzandakapiwa, ndinoudza mumwe nomumwe uri pakati penyu, kuti arege kuzvifunga mukuru kupfuura paanofanira kufunga napo; asi afunge nokufunga kwakachenjera, mumwe nomumwe nechiyero chokutenda, sezvaakagoverwa naMwari.” (VaRoma 12:3) Naizvoizvo nepo tichifarikanya kudziya kworudo rwaBaba vedu vokudenga, ngative vakanaka mundangariro ndokuyeuka kuti mutsa worudo waMwari hauna kufanirwa.—Enzanisa naRuka 17:10.
21. Inhemai youSatani yatinofanira kuramba tichidzivisa, uye izvokwadii youmwari yatinofanira kufungisisa nguva dzose?
21 Mumwe nomumwe wedu ngaaite chinhu chiri chose chiri musimba redu kudzivisa pfungwa dzose idzo Satani anosimudzira munyika ino iri kufa yakare. Ikoko kunobatanidza kuramba mufungo wokuti hatina maturo kana kuti hatidiwi. Kana upenyu mutsika ino hwakakudzidzisa kuzviona umene semhinganidzo inoodza mwoyo zvikuru kunyange nokuda kwokukurirwa norudo rukuru rwaMwari, kana kuti mabasa ako akanaka seasingatombokoshi kunyange nokuda kwameso ake anoona zvose kuti acherekedze, kana kuti zvivi zvako sezvakakura zvikuru zvokusatongofukidzwa norufu rwoMwanakomana wake anokosha, wakadzidziswa nhema. Ramba nhema dzakadaro nokusemeswa kwose kwadzinofanirwa nako! Ngatirangarire nguva dzose mashoko akafuridzirwa omuapostora Pauro ari pana VaRoma 8:38, 39, anoti: “Nokuti ndinoziva kwazvo kuti kunyange rufu, kana upenyu, kana vatumwa, kana vakuru, kana zvazvino, kana zvinouya, kana masimba, kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chinhu chimwe chakasikwa, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, ruri muna Kristu Jesu, Ishe wedu.”
[Mashoko Omuzasi]
a Kutaura idi, vakadzinga varombo neshoko rinozvidza “ʽam-ha·ʼaʹrets,” kana kuti “vanhu vakaderera.” Maererano neimwe nyanzvi, vaFarise vakadzidzisa kuti munhu haafaniri kuronzesa ivava zvinokosha, kana kuvimba chipupuriro chavo, kana kuvatandadza savashanyi, kana kuva vashanyi vavo, kana kumbovatengera. Vatungamiriri vorudzidziso vakataura kuti kuti mwanasikana womumwe munhu aroorwe navanhu ivava kwaizova kwakafanana nokumuisa pamhene akasungwa uye asina chinodzivirira kumhuka.
Unofungeiko?
◻ Neiko Satani achiedza kutipwisa kuti hatina maturo uye hatidiwi?
◻ Jesu akadzidzisa sei kuti Jehovha anokoshesa mumwe nomumwe wedu?
◻ Tinoziva sei kuti Jehovha anokoshesa mavara edu akanaka?
◻ Tinogona sei kuva nechokwadi chokuti Jehovha anokoshesa nhamburiko dzedu?
◻ Jehovha akabvumikisa sei rudo rwake nokuda kwedu savanhu vamwe navamwe?
[Mufananidzo uri papeji 13]
Jehovha anocherekedza uye anoyeuka vose avo vanofunga pamusoro pezita rake