Nzira Iyo VaKristu Vanogonana Nayo Noruzvidzo Rwavose
UNONZWA sei apo mumwe munhu anokuzvidza kana kuti anoparadzira nhema pamusoro pako? Nenzira yomuzvarirwo unokuvadzwa zvikuru. Zvapupu zvaJehovha zvinotambura chimwe chinhu chakafanana nguva ipi neipi apo zvinova chipfuro chamashoko asina kururama kana kuti akamonyaniswa muzvinobudisa nhau. Asi seizvo Jesu akataura pana Mateo 5:11, 12, zvichiri zvine chikonzero chokuva zvinofara.
Somuenzaniso, chimwe chinyorwa cheKaturike muGermany chakataura kuti “Chapupu chimwe nechimwe chine musengwa wokupa pakati pe 17 ne 28 muzana yemari yacho kudzimbahwe resekete racho.” Zvapupu zvaJehovha, zvisinei, hazviumbi sekete, uye basa razvo rinowanirwa mari chose chose nemipiro yokuzvidira. Varavi vakawanda vakatsauswa naaya mashoko enhema, ayo Zvapupu zvaJehovha zvinowana kuva akakodzera kudemba. Asi vaKristu vechokwadi vanofanira kuita sei kuruzvidzo ruri muzvinobudisa nhau?
Muenzaniso Wokuti vaKristu Vatevere
Mateo ganhuro 23 rinorondedzera zvakajeka nzira iyo Jesu akashurikidza nayo vashori vake vorudzidziso nokuda kwounyengeri hwavo nounhavatava. Ikoku kunogovera vaKristu nhasi muenzaniso pamusoro penzira yokubata nayo navatsoropodzi here? Kwete chaizvoizvo. Mwanakomana waMwari akashurikidza vashori vake vorudzidziso nemhaka yechiremera nenzwisiso zvechienzi zvaaiva nazvo, achiita kudaro nokuda kwokubetserwa kwamapoka akanga achiteerera.
Mateo 15:1-11 rinorondzera kuti Jesu akatsoropodzwa nemhaka yokuti vadzidzi vake vakataurwa kuva vakadarika gamuchidzanwa rechiJudha. Jesu akaita sei? Akatsiga. Pane nhambo dzakati, Jesu akaitirana nharo nenzira yakajeka navatsoropodzi vake, achiramba mirangariro yavo isina kururama. Kazhinji kazhinji, vaKristu nhasi havasati vari vasina kururama mukuedza kururamisa kukwenengerwa kwebasa ravo kana kuti dzidziso, kuedza kujekesa mamiriro ezvinhu nomutoo wechokwadi uye une mufungo. Vanoita ikoku kuti vabetsere vanhu vapachokwadi kuti vazive kuti kutsoropodzwa kweZvapupu zvaJehovha hakuna kururama uye kunokuvadza mukurumbira.
Asi cherechedza nzira iyo Jesu akaita nayo nguva pfupi gare gare apo vadzidzi vake vakaonesa, kuti: “Munoziva kuti vaFarise vakagumburwa vachinzwa shoko iri here?” Ava vaFarise vakanga va“gumburwa”—vakanga vasina kungotsamwiswawo zvavo asi vakava vashori vasingavandudziki avo Jesu akaramba. Nokudaro akapindura, kuti: “Varegei; mapofu anotungamirira mapofu.” Imwe kurukurirano navavengi vane utsinye vakadaro yakanga iri isina maturo, yaisabetsera munhu, uye yaizotungamirira bedzi kunharo dzisina basa. (Mateo 7:6; 15:12-14; enzanisa na 27:11-14.) Mhinduro idzo Jesu akapa dzinoratidza kuti pane “nguva yokunyarara nenguva yokutaura.”—Muparidzi 3:7.
Zvapupu zvaJehovha hazvikariri kuti munhu ari wose ataure zvakanaka pamusoro pazvo. Zvinorangarira mashoko aJesu, anoti: “Mune nhamo kana vanhu vose vachitaura zvakanaka pamusoro penyu, nokuti madzibaba avo akaitira vaporofita venhema zvakadaro.” (Ruka 6:26) C. T. Russell, purezidhendi wokutanga weWatch Tower Society, akambobvunzwa chikonzero nei aisazvidzivirira amene paruzvidzo. Akapindura, kuti: “Kuzvidzivirira umene pachinyunyuto chiri chose kunopinganidza vavariro dzakanaka.”
Naizvozvo hatifaniri kurega tsinhiro dzavashori vakasimba dzichititsausa pabasa redu kuna Mwari. (Pisarema 119:69) Ngatiisei ngwariro pabasa ravaKristu vechokwadi, ndiko kuti, kuparidza evhangeri. Somugumisiro womuzvarirwo, tichava nemikana yokupindura mibvunzo uye yokutsanangura rudzi rwebasa redu, serinonatsa tsika dzomunhu uye rinomurayiridza Shoko raMwari.—Mateo 24:14; 28:19, 20.
Unofanira Kupindura Tsoropodzo Here?
Jesu akati nezvevateveri vake: “Zvamusati muri venyika . . . Saka nyika inokuvengai.” (Johane 15:19) Mishumo yakawanda yezvinobudisa nhau iyo inotutira ruzvidzo paZvapupu zvaJehovha iratidzirwo yourwu ruvengo, uye yakadaro inofanira kufuratirwa. Zvisinei, zvinobudisa nhau padzimwe nguva zvinopa mashoko anoratidzira kushayikwa kwezivo pamusoro peZvapupu kana kuti anomonyanisa uye anokwenengera maidi akati. Vamwe vanyori venhau vangawana mashoko kumanyuko ane fungira mano yakaipa. Kana tichifuratira mashoko enhema ari muzvinobudisa nhau kana kuti tichidzivirira zvokwadi kupfurikidza nemitoo yakafanira kunotsamira pamamiriro ezvinhu, muvambi wokutsoropodza, uye vavariro yake.
Pane dzimwe nguva maidi anogona kururamiswa kupfurikidza netsamba inonyorerwa zvakafanira mupepeti wenhau kana tsamba yacho ichibudiswa zvakazara. Asi tsamba yakadaro ingagona kuwana mhesano chaiyoiyo yezvinovavarirwa. Seiko? Chisiri chokwadi chapakuvamba nokudaro chingatoziviswa zvikuru, kana kuti vashori vangapiwa mumwe mukana wokuita kuti nhema kana kuti tsinhiro dzenhema zvidhindwe. Muzviitiko zvakawanda zvikurusa kuchenjera kusiyira nhau yetsamba kumupepeti wenhau kuvakuru vanobatanidzwa. Kana mushumo usina kururama wezvinobudisa nhau ukanyandura fungira mano akaipa, hofisi yebazu reWatch Tower Society inogona kuzivisa ungano munyika iyoyo nezvamaidi, nokudaro kuchigonesa vaparidzi vose kupa tsananguro inogutsa kuvabvunzi.
Iwe somunhu oga unofanira kutongobatanidzwa nepomero dzakamonyaniswa dzakadaro here? Zano raJesu roku“vareg[a],” kuvafuratira, rinoshanda zvakajeka kuiri boka ravavengi. VaKristu vakavimbika vane zvikonzero zveBhaibheri zvokudzivisa vakaramba kutenda nemirangariro yavo. (1 VaKorinte 5:11-13; Tito 3:10, 11; 1 Johane 2:19; 2 Johane 10, 11) Kana mumwe munhu achifarira zvapachokwadi kuziva kana kutsoropodzwa kweZvapupu zvaJehovha kwakavakirwa paidi kana kuti fungidziro, zivo yako umene yakasimba zvikuru inowanzova yakakwana kugovera mhinduro.—Ona Nharireyomurindi yechiNgezi yaMarch 15, 1986, mapeji 13 ne 14.
Kana ukanangana namashoko akamonyaniswa muzvinobudisa nhau, teerera zano raZvirevo 14:15: “Usina mano unotenda mashoko ose; asi wakangwara unongwarira mafambiro ake.” MuSwitzerland vanhu vakawanda vakashatirwa apo mushumo unonyandura mirangariro wepepanhau wakataura kuti mumwe mukadzi muduku Chapupu akafa nemhaka yokuti hama dzake dzokunyama dzakaramba kubvumidza varapi kuisira ropa. Iwayo kunyanguvezvo akanga ari maidi acho here? Aiwa. Murwere wacho akaramba kuisirwa ropa pazvikonzero zvorudzidziso, asi akabvuma kumwe kurapa kusingashandisi ropa. Ikoku kungagona kuve kwakatangwa pasina kumwe kupambadza nguva uye sezvingabvira kwaizodai kwakaponesa upenyu hwake. Zvisinei, chipatara chakanonotsa zvinhu nenzira isiri madikanwa kutozosvikira kwava kunyanyononoka. Mushumo wepepanhau hauna kududza aya maidi.
Nokudaro, yera nokungwaririra kuti izvokwadi yakawanda sei ine mishumo yakadaro. Tinogona kutsanangura kuvabvunzi kuti vakuru vomunzvimbomo vatarisire nhau dzakadaro nomutoo worudo uye maererano nenhungamiro dzeBhaibheri. Kunamatira kunheyo pakupindura kunotidzivisa kumhanyira kumhedziso.—Zvirevo 18:13.
Mashoko Anobva Kumanyuko Okutanga Anokosha
Muzana ramakore rokutanga, vanhu vakaparadzira nhema pamusoro paJesu Kristu kuti vakuvadze mukurumbira wake, vamwe vachitomuratidzira somumukiri. (Ruka 7:34; 23:2; enzanisa naMateo 22:21.) Gare gare, ungano duku yechiKristu yakasangana nechishoro chakapararira chakabva kuose ari maviri sangano rorudzidziso nesangano renyika. Sezvo “Mwari wakatsaura zvinhu zvoupenzi zvenyika,” vakazvidza vabatiri vake. (1 VaKorinte 1:22-29) VaKristu vechokwadi nhasi vanofanira kurangarira ruzvidzo, urwo ruri chimiro chechitambudzo.—Johane 15:20.
Zvapupu zvaJehovha zvinoonga, zvisinei, apo munhu wazvinenge zvichikurukura naye ari asina kwaakarerekera uye achiratidzira chimiro chendangariro chimwe chetecho savamwe vavashanyi vaPauro muRoma, avo vakazivisa, kuti: “Tinoda kunzwa kwauri zvaunofunga; nokuti kana iri dzidziso iyi, tinoziva kuti inorambwa kwose kwose.”—Mabasa 28:22.
Ipa vanhu vakaudzwa zvisina kururama tsananguro, uchiita kudaro nounyoro. (VaRoma 12:14; enzanisa na 2 Timotio 2:25.) Vakumbire kuwana mashoko anobva kumanyuko okutanga pamusoro peZvapupu zvaJehovha, ayo anovagonesa kusanyengerwa nepomero dzenhema. Ungagonawo kushandisa tsananguro dzakabudiswa neWatch Tower Society idzo dzinopa udzame pamusoro pesangano racho, nhau yaro, uye dzidziso dzaro.a Firipo akambopindura Natanaeri kupfurikidza nokungoti: “Uya, uone.” (Johane 1:46) Tinogona kuita zvakafanana. Munhu upi noupi anoda anogamuchirwa noushamwari kuti ashanyire Horo yoUmambo yomunzvimbomo kuti azvicherechedzere amene rudzi rwavanhu urwo Zvapupu zvaJehovha zviri uye zvazvinodavira.
Usatyisidzirwa naVashori
Kunokurudzira sei kuziva kuti ruzvidzo harudzivisi vanhu kuva Zvapupu! Mukati mechirongwa chehurukuro muTV muGermany, vakaramba kutenda vakapa nhema dzakawanda pamusoro peZvapupu. Mumwe muoni akaziva kukatutsira kwavakaramba kutenda sokwokufungidzira uye akasundwa kutangazve Fundo yake yeBhaibheri neZvapupu. Hungu, ruzvidzo rwavose pane dzimwe nguva runotungamirira kumigumisiro yakanaka!—Enzanisa naVaFiripi 1:12, 13.
Muapostora Pauro akaziva kuti vamwe vaizopa ngwariro huru ku“ngano” kupfuura kuzvokwadi. Naizvozvo akanyora, kuti: “Svinura pazvinhu zvose, tambudzika, bata basa romuevhangeri, upedzise basa kwazvo.” (2 Timotio 4:3-5) Naizvozvo usazvibvumira umene kutsauswa, uye ‘usatongotyisidzirwa’ navashori vako. (VaFiripi 1:28) Ramba wakaterama uye wakadzikama uye paridza mashoko akanaka nomufaro, uye uchagonana nenzira yakatsiga noruzvidzo rwavose. Hungu, yeuka mhiko yaJesu: “Makaropafadzwa imi, kana vachikuzvidzai, vachikutambudzai, vachikupomerai zvakaipa zvose nenhema, nokuda kwangu. Farai, mufarise kwazvo; nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga; nokuti vakatambudza saizvozvo vaporofita vakakutangirai.”—Mateo 5:11, 12.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona zvinyorwa zvaZvapupu zvaJehovha—Zvinoita Kuda kwaMwari Mukubatana Munyika Yose, Zvapupu zvaJehovha Muzana Ramakore Rechimakumi Maviri, Jehovah’s Witnesses—Proclaimers of God’s Kingdom.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 27]
Anangana navashori, Jesu akaudza vadzidzi vake, kuti: “Varegei.” Chii chaakareva?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 29]
“Makaropafadzwa imi, kana vachikuzvidzai, vachikutambudzai, vachikupomerai zvakaipa zvose zvenhema, nokuda kwangu.”—Mateo 5:11