RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 4/15 pp. 2-6
  • Zvokwadi Yorudzidziso Inowanika Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvokwadi Yorudzidziso Inowanika Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Uzivi neZvokwadi
  • Kuratidzwa Kwezvokwadi Kunodikanwa Here?
  • Rudzidziso Nezvokwadi
  • ‘Zviyo Namashawi’
  • VaKristu Vanonamata Nomudzimu Nechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Kutsvakirei Zvokwadi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Kutevedzera Mwari Wechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • “Chokwadi Chichakusunungurai”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 4/15 pp. 2-6

Zvokwadi Yorudzidziso Inowanika Here?

MUMWE murume anoda kuziva zvorudzidziso muSweden mutaundi rine yunivhesiti reUppsala akasarudza kufunda zvitendero zvamarudzidziso akasiyana-siyana mutaundi rake, kunyange kushanyira nzvimbo dzawo dzokunamatira. Akateerera sezvo vafundisi vawo vakaparidza, uye akabvunzurudza mimwe mitezo. Akacherechedza kuti Zvapupu zvaJehovha bedzi zvakaratidzika kuva zvinopwiswa kuti zvakanga “zvawana zvokwadi.” Achirangarira mhatsa yepfungwa dzorudzidziso iripo, akashamisika kuti Zvapupu zvaigona sei kuita kutaura kwakadaro.

Iwe pachako unofunga kuti kunobvira here kuwana zvokwadi pamusoro porudzidziso? Kungambobvira here kusarudza iyo inganzi zvokwadi chaiyoiyo?

Uzivi neZvokwadi

Avo vakafunda uzivi vakatanga murangariro wokuti zvokwadi chaiyoiyo haiwaniki. Ungaziva kuti uzivi hwakarondedzerwa se“zivo inovavarira kutsanangura mavambo okuvapo noupenyu.” Kutaura idi, kunyanguvezvo, hauwanzosvika kure kwakadaro. MuFilosofins Historia (Nhau Youzivi), munyori weSweden Alf Ahlberg akanyora, kuti: “Mibvunzo yakawanda youzivi ndeyerudzi rwakadaro zvokuti hakubviri kupa mhinduro yakananga kwairi. . . . Vanhu vakawanda vanodavira kuti zvinetso zvose zvisinganzwisiswi [zvine chokuita nemipimo yokutanga yezvinhu] ndezveiri . . . boka.”

Somugumisiro, avo kupfurikidza nouzivi vakavavarira kuwana mhinduro yemibvunzo inokosha youpenyu vakawanzoguma nokusagutsikana kana kuti neshungu. Mubhuku rake Tankelinjer och trosformer (Mirangariro Nokutenda Kworudzidziso), munyori weSweden Gunnar Aspelin akati: “Chinhu chimwe chatinoona ndechokuti chisiko hachichafariri vanhu kupfuura furafura noutunga . . . Hatina simba, hatina simba chose, mukutarisana namasimba iwayo anoshanda muchisiko chose uye munyika yedu yomukati. Uyu ndiwo murangariro woupenyu wave uchiwanzooneka kwazvo mumabhuku pedyo nomugumo wezana ramakore umo vanhu vakaisa kutenda kwavo mufambiro mberi uye vakafungidzira nguva yemberi iri nani.”

Kuratidzwa Kwezvokwadi Kunodikanwa Here?

Kwakajeka kuti nhamburiko dzavanhu dzoga hadzina kubudirira mukuwana zvokwadi pamusoro poupenyu, uye kunoratidzika kuti havazotongodaro. Pane chikonzero chakanaka, ipapoka, chokugumisa kuti kuratidzwa kwoumwari kwakati kuri madikanwa. Icho vakawanda vanodaidza kuti bhuku rechisiko chinogovera kuratidza kwakati. Kunyange chisingapi udzame hwokupedzisira pamusoro pamavambo oupenyu, chinoratidza kuti kune chimwe chinhu chinogutsa zvikurusa kupfuura tsananguro yenyika chaiyo youpenyu. Ruswa runokura chaizvoizvo runotevera mitemo yakasiyana neiyo inodzora murwi wamabwe mugomba rakaondomoka. Zvinhu zvipenyu muchisiko zvinovaka nokuzvironga zvimene munzira iyo zvinhu zvisina upenyu zvisingaiti. Mumwe mudzidzi womutemo norudzidziso anozivikanwa nokudaro akanga ane hwaro hwokugumisa, kuti: “Kubvira pakusikwa kwenyika, izvo zvake [Mwari] zvisingaonekwi, iro simba rake risingaperi nouMwari hwake, zvinoonekwa kwazvo, zvichizikanwa pazvinhu zvakaitwa.”—VaRoma 1:20.

Asi kuti tiwane kuti ndiani akaparira uku kuvaka kwose nokuronga, tinoda kumwe kuratidzwa. Hatifaniri here kukarira kuti kuratidza kwakadaro kuripo? Kwaisazova kune mufungo here kukarira kuti Uyo akaparira upenyu pasi pano aizozvizivisa amene kuzvisikwa zvake?

Bhaibheri rinotaura kuva kuratidza kwakadaro. Mumagazini ino takawanzopa zvikonzero zvakanaka zvokugamuchira uku kutaura, uye vanhu vanofunga vakawanda vakadaro. Idi rokuti varume vakanyora Bhaibheri vakanga vachidisa kuriita kuti rive rakajeka kuti izvo vakanyora zvakanga zvisiri zvavo vamene makuri kumene kunoshamisa zvikuru. Kanopfuura ka 300, tinowana vaporofita weBhaibheri vachishandisa kutaura kwakadai sokuti, “Zvanzi naJehovha.” (Isaya 37:33; Jeremia 2:2; Nahumi 1:12) Sezvingabvira unoziva kuti varume navakadzi avo vanonyora mabhuku kana kuti nyaya vanowanzoda zvikuru kusaina mabhuku avo. Bva, avo vakanyora Bhaibheri vakaramba vamene vasinganyanyozivikanwi; mune zvimwe zviitiko kwakaoma kuziva avo vakanyora mativi akati eBhaibheri.

Rumwe rutivi rweBhaibheri urwo ungawana rwakakosha itsinhirano yaro yomukati. Ikoku kunoshamisa chaizvoizvo, tichirangarira kuti mabhuku 66 eBhaibheri akanyorwa mukati menhambo yamakore 1 600. Ngatimboti wakaenda kuraibhurari yavose ndokusarudza mabhuku 66 orudzidziso akanga anyorwa munhambo yamazana amakore 16. Ipapo wakaita kuti mabhuku mamwe namamwe iwayo abatanidzwe kuva vhoriyamu imwe. Waizokarira vhoriyamu iyoyo kuva nomusoro mumwe neshoko rinotsinhirana here? Nyangwe. Ikoku kwaizoda chishamiso. Rangarira izvi: Mabhuku eBhaibheri ane musoro mumwe wakadaro, uye anotsigirana. Ikoku kunoratidzira kuti kunofanira kuva nemhizha imwe, kana kuti munyori, uyo akatungamirira izvo vanyori veBhaibheri vakanyora.

Zvisinei, uchawana rumwe rutivi runobvumikisa mavambo oumwari eBhaibheri kupfuura chinhu chipi nechipiwo zvacho. Uporofita—mashoko akanyorwa pachine nguva mberi pamusoro pezvaizoitika chaizvoizvo munguva yemberi. Kutaura kwakadai sokuti, “Nezuva iro” uye, “Pamazuva okupedzisira zvichaitika” ndokwechienzi muBhaibheri. (Isaya 2:2; 11:10, 11; 23:15; Ezekieri 38:18; Hosea 2:21-23; Zekaria 13:2-4) Mazana amakore akawanda Jesu Kristu asati aoneka pasi pano, uporofita huri muMagwaro echiHebheru hwakapa udzame pamusoro poupenyu hwake—kubvira pakuberekwa kwake kusvikira kurufu. Hapana imwe mhedziso ine mufungo inogona kusvikwa kupfuura yokuti Bhaibheri ndiro manyuko ezvokwadi pamusoro poupenyu. Jesu amene akasimbisa ikoku namashoko, anoti: “Shoko renyu izvokwadi.”—Johane 17:17.

Rudzidziso Nezvokwadi

Kunyange vakawanda vanoti vanotenda Bhaibheri vanodavira kuti zvokwadi yakakwana haiwaniki. Mufundisi weU.S. John S. Spong akatsinhira, kuti: “Tinofanira . . . kubva pakufunga kuti tine zvokwadi uye vamwe vanofanira kuva nomurangariro wedu kukuziva kuti zvokwadi chaiyoiyo haiwaniki.” Mumwe munyori weRoma Katurike, Christopher Derrick, anopa chikonzero chimwe chemirangariro yakaipa yakadaro pamusoro pokuwana zvokwadi: “Kududzwa kupi nokupi kwe‘zvokwadi’ yorudzidziso kunoreva kutaura kwakati kwokutaura kuziva . . . Unoreva kuti mumwe munhuwo zvake angava asina kururama sezvingabvira; uye ikoku hakutongoiti.”

Somunhu anofunga, zvisinei, ungaita zvakanaka kurangarira mibvunzo yakakodzera. Kudai zvokwadi yakanga isingawaniki, neiko Jesu Kristu aizoti: “Muchaziva zvokwadi, nezvokwadi ichakusunungurai”? Uye neiko mumwe wavaapostora vaJesu aizotaura kuti kuda kwaMwari ndokwokuti “vanhu vose vaponeswe, vasvike pakuziva zvokwadi”? Neiko shoko rokuti “zvokwadi” richiwanika kanopfuura kane zana muMagwaro echiKristu echiGiriki pamusoro pokutenda? Hungu, neiko, kana zvokwadi isingawaniki?—Johane 8:32; 1 Timotio 2:3, 4.

Zvomenemene, Jesu haana kuonesa bedzi kuti zvokwadi inowanika asi akaratidza kuti kuiwana kunodikanwa kana kunamata kwedu kuchizotenderwa naMwari. Apo mukadzi weSamaria akashama pamusoro pechakanga chiri chimiro chokunamata kwechokwadi—kunamata kwaiitwa navaJudha muJerusarema kana kuti uko kwaiitwa navaSamaria paGomo reGerazimi—Jesu haana kupindura achiti zvokwadi haiwaniki. Panzvimbo pezvo, akati: “Vanonamata nezvokwadi vachanamata Baba mumweya nezvokwadi; nokuti Baba vanotsvaka vakadaro kuzomunamata. Mwari ndiMweya; vanomunamata, vanofanira kumunamata mumweya nezvokwadi.”—Johane 4:23, 24.

Vanhu vakawanda vanotaura kuti, ‘Bhaibheri rinogona kududzirwa munzira dzakasiyana-siyana, naizvozvo mumwe haagoni sezvinobvira kuva nechokwadi cheiyi zvokwadi.’ Asi Bhaibheri rakanyorwa chaizvoizvo nenzira isina kujeka yakadaro zvokuti haugoni kuva nechokwadi chokuti ringanzwisiswa sei here? Sezvinobvumwa, mutauro wakati wouporofita uye wokufananidzira ungava wakaoma kunzwisisa. Somuenzaniso, Mwari akaudza muporofita Dhanieri kuti bhuku rake, rine mutauro wouporofita wakawanda, raisazonzwisiswa zvakakwana kutozosvikira “panguva yokupedzisira.” (Dhanieri 12:9) Uye kuri pachena kuti mimwe mienzaniso nezviratidzo zvinoda kududzirwa.

Kuri pachena, kunyanguvezvo, kuti nezvedzidziso huru dzechiKristu nemipimo yetsika zvinokosha kukunamatwa kwaMwari muzvokwadi, Bhaibheri rakajeka zvikuru. Haribvumiri dudziro dzinorwisana. Mutsamba yokuvaEfeso, kutenda kwechiKristu kunotaurwa so“kumwe,” kuchiratidza kuti kwakanga kusingazovi nokutenda kunoverengeka. (VaEfeso 4:4-6) Zvichida ungashamisika kuti, ‘Kana Bhaibheri risingagoni kududzirwa nenzira yakarurama munzira dzakasiyana-siyana, neiko kune masangano e“chiKristu” akawanda zvikuru akasiyana-siyana?’ Tinowana mhinduro kana tikatarira shure kunguva pfupi pashure pokunge vaapostora vaJesu vafa uye kuramba kutenda kwechokwadi kwechiKristu kwakavamba.

‘Zviyo Namashawi’

Jesu akafanotaura uku kuramba kutenda mumuenzaniso wake wezviyo namashawi. Jesu amene akatsanangura kuti “zviyo” zvinomirira vaKristu vechokwadi; “mashawi” anomirira vaKristu venhema, kana kuti vakaramba kutenda. “Asi vanhu vavete,” Jesu akadaro, “muvengi” aizodyara mashawi mumunda wezviyo. Uku kudyara kwakavamba pashure pokunge vaapostora varara murufu. Muenzaniso wacho unoratidza kuti uku kuvhiringidzwa kwavaKristu vechokwadi nevenhema kwaizopfuurira kutozosvikira ku“kuguma kwenyika.” Nokudaro, mukati memazana amakore ose, zivikanwo yavaKristu vechokwadi yave yakadzikatidzwa nemhaka yokuti nharaunda yorudzidziso yave ichidzorwa naavo vangoriwo zvavo vaKristu vezita. Zvisinei, pa“kuguma kwenyika,” chinjo yaizoitika. “Mwanakomana womunhu” aizo“tuma vatumwa vake” kuti vaparadzanise vaKristu venhema kubva muvaKristu vechokwadi. Ikoku kwakareva kuti ungano yechiKristu ipapo yaizova nyore kuziva, ichiva nenzvimbo yayaiva nayo munguva yavaapostora.—Mateo 13:24-30, 36-43.

Hwose huri huviri uporofita hwaIsaya naMika hunofanotaura pamusoro pokuunganidzwazve kwakadaro kwavanamati vechokwadi “pamazuva okupedzisira.” Isaya, anoti: “Pamazuva okupedzisira zvichaitika kuti gomo reimba yaJehovha richasimbiswa pamusoro pamakomo, richakwiridzwa kupfuura zvikomo; marudzi ose achamhanyira kwariri. Vanhu vazhinji vachaendako vachiti; Uyai, ngatikwire kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho; iye uchatidzidzisa nzira dzake, tichafamba mumakwara ake.” Kunzverwa kwakajeka kwamaidi kunoratidza kuti uporofita hwaIsaya huri kuzadzikwa munguva yedu.—Isaya 2:2, 3; Mika 4:1-3.

Kukura kweungano yechiKristu, kunyanguvezvo, hakusati kuri kuitika kupfurikidza nenhamburiko dzomunhu. Jesu akafanotaura kuti aizo“tuma vatumwa vake” kuti vaite basa rokuunganidza. Akaratidzirawo chinangwa chaicho chikuru nokuda kwakwo: “Ipapo vakarurama vachapenya sezuva muushe hwaBaba vavo.” (Mateo 13:43) Ikoku kunoratidza kuti basa rinorayiridza, kana kuti rinodzidzisa, raizoitwa munyika yose neungano yechiKristu.

Zvapupu zvaJehovha zvinoona zadziko youhwu uporofita mubasa redzidzo iro zviri kuita munyika 232 nhasi. Kupfurikidza nokuenzanisa neBhaibheri zvitendero zveZvapupu, mipimo yomufambiro, uye kurongeka, vanhu vasina fungira mano akaipa vanogona kuona zvakajeka kuti izvi zvinotsinhirana neizvo zveungano yechiKristu yezana ramakore rokutanga. Zvapupu zvinotaura nezvokutenda kwazvo se“zvokwadi” asi kwete zvichisundwa nokufunga kwoukuru kwakati kwomunhu oga. Panzvimbo pezvo, zvinoita kudaro nemhaka yokuti zvakadzidza zvakafara Shoko raMwari, Bhaibheri, uye zvinoritevera somupimo bedzi uyo kupfurikidza nawo rudzidziso runogona kuyerwa.

VaKristu vapakuvamba vakanongedzera kukutenda kwavo se“zvokwadi.” (1 Timotio 3:15; 2 Petro 2:2; 2 Johane 1) Chakanga chiri zvokwadi kwavari chinofanirwa kuva zvokwadi kwatiri nhasi. Zvapupu zvaJehovha zvinokoka munhu ari wose kuti ave nechokwadi chaikoko nokuda kwavo vamene kupfurikidza nokufunda Bhaibheri. Tinokarira kuti kupfurikidza nokuita kudaro uchawanawo mufaro unouya kwete bedzi nokuva wawana rudzidziso runopfuura mamwe asi unobva mukuva wawana zvokwadi!

[Bhokisi riri papeji 5]

UMWE UZIVI HUNORWISANA NEZVOKWADI

POSITIVISM: Murangariro wokuti pfungwa dzose dzorudzidziso zvinhu zvisina maturo zvisingabvumisiki uye kuti vavariro youzivi ndeyokubatanidza zivo yakanaka kuti iumbe chakazara.

EXISTENTIALISM: Vatsigiri vahwo vakapesvedzerwa zvikurusa nezvinotyisa zveHondo yeNyika II uye naizvozvo vakasvika pakuva nomurangariro wokusava netariro zvikuru youpenyu. Hunosimbisa kunzvera shungu dzomunhu mukutarisana norufu nokusava namaturo kwoupenyu. Mutsigiri weexistentialism munyori Jean-Paul Sartre anotaura kuti sezvo kusina Mwari, munhu akasiyiwa uye anovapo muchisiko chose icho chisingaitiri hanya chose.

SKEPTICISM: Hunodavira kuti hakubviri kupfurikidza necherechedzo uye kurangarira kusvika vavariro ipi neipi, zivo yose—zvokwadi ipi neipi—pamusoro pokuvapo.

PRAGMATISM: Hunofungidzira ukoshi hwechokwadi hwezvitendero zvedu kupfurikidza bedzi nokukodzera kwazvo fariro dzomunhu, zvakadai somukunatsa dzidzo, tsika, uye zvamatongerwe enyika. Haurangariri kuti zvokwadi ine ukoshi hupi nohupi mairi imene.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]

Peji 3: Wechipiri kubva kuruboshwe: Courtesy of the British Museum; Kurudyi: Sung Kyun Kwan University, Seoul, Korea

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe